Quantcast
Channel: Denhe Reruzivo – Kwayedza
Viewing all articles
Browse latest Browse all 921

‘Maths dzinoda rurimi rwaamai’

$
0
0

MUNYORI mukuru mubazi redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Slyvia Utete-Masango, vanoti zvakosha kuti vana vepuraimari vadzidziswe zvidzidzo zvakaita seMathematics neScience pachishandiswa mitauro yerurimi rwaamai sezvo izvi zvichiita kuti vanzwisise nyore zvavanenge vachifundiswa.

Vakataura mashoko aya svondo rapera paCollen Bawn High, kuGwanda, pakupihwa kwemubairo kuchikoro ichi weMinistry of Primary and Secondary Education Secretary’s Merit Award.

Dr Utete-Masango vanoti vadzidzisi vanofanira kuve neruzivo rwemitauro yemuno kuitira kuti pasave nematambudziko pakudzidzisa vana.

“Zvakakosha kuti vana vafundiswe zvidzidzo zvakaita seMathematics neScience nemitauro yavanonzwisisa. Dunhu reMatebeleland rinogarosangana nematambudziko ekudzikira kwevana vanobudirira mubvunzo nekuda kwekuti mitauro inoshandiswa ikoko vadzidzisi vashoma vanoigona.

“Naizvozvo tiri kuti chirongwa cheTeacher Capacity Development programme chinofanirwa kukosheswa sezvo chichivandudza dzidzo munyika. Izvi zvinoita nyore kuvadzidzisi mukuita basa zvakare vana vanokwanisa kunzwisisa zvavanodzidziswa,” vanodaro.

Vanotizve gwario idzva redzidzo, reNew Education Curriculum, rinokoshesawo kudzidziswa kwemabasa emawoko muzvikoro sezvo zvichibatsira vana mune remangwana.

“Donzvo redu nderekuti vana vechikoro vakwanise kunge vachiita mabasa emawoko ayo anovapa chouviri mune remangwana ravo. New Education Curriculum iyi inobata zvose zvinosanganisira kuverengwa kwemabhuku, zvemitambo nemabasa emawoko saka mwana mumwe nemumwe anowana pane tarenda rake,” vanodaro Dr Utete-Masango.

Chikoro cheCollen Bawn School chakatora mubairo weSecretary’s Merit Award ndokuwana $5 000 kubudikidza nekushanda nesimba.

Mubairo uyu unopihwa chikoro chinenge chakwanisa kubura nyanzvi munyaya dzinosanganisira kutevedzwa kwemitemo yechikoro, kutsvinda kwevadzidzi pamwe nekuve nenharaunda inosimudzira dzidzo.

 


Viewing all articles
Browse latest Browse all 921

Trending Articles


CHISHONA CHAKANAKA


PRONOCHOKANT


CHISHONA CHAKANAKA


Kudetemba nezvidavado


Dzimwe nzira dzekuroorana


PRONOCHOKANT


PRONOCHOKANT


PRONOCHOKANT


PRONOCHOKANT


CHISHONA CHAKANAKA


Tsumo dzinoreva zvakafanana


PRONOCHOKANT


CHISHONA CHAKANAKA


Zviwanikwa zvezimbabwe


Vana vakadzidziswa mabasa


PRONOCHOKANT


PRONOCHOKANT


PRONOCHOKANT


Midziyo yemumba


CHISHONA CHAKANAKA



<script src="https://jsc.adskeeper.com/r/s/rssing.com.1596347.js" async> </script>