Quantcast
Channel: Denhe Reruzivo – Kwayedza
Viewing all articles
Browse latest Browse all 921

Gunduza abura bhuku idzva

$
0
0

Tafadzwa Mutsotso

MUNYORI wemabhuku ane mukurumbira, Munyaradzi Gunduza, akabura rimwezve bhuku idzva renhetembo iro raakapepeta rinonzi Hodzeko Yenduri riine nhetembo dzake nedzevamwe vananyanduri gumi nevana.Muhurukuro neKwayedza, Gunduza anoti bhuku iri rine nhetembo dzine madingindira anosanganisira huwori, nzara, upenyu hwevanhukadzi, rufu nerudo.

“Hodzeko Yenduri ibhuku rangu rechinomwe, zvisinei apa ndiri mupepeti nechikonzero chekuti nhetembo dzirimo dzina vananyanduri vadzo. Asi ndine mamwe mabhuku andakanyora anosanganisira Mhinduro Yeuvaranomwe Form 1 kusvika Form 3 uye Ongororo Yenhetembo Shona O-Level,” anodaro.

Anoti bhuku renhetembo idzva iri rine donzvo rekufundisa vana vechikoro nevaverengi vanofarira nduri dzerurimi rwaamai.

“Mubhuku iri vananyanduri vari kuedza kuburitsa hudzvanyiri huri kuitwa kuvanhukadzi zvakare kuti vazive kodzero dzavo vasadzvanyirirwe mudzimba nekumabasa.

“Nhetembo inonzi Kukumbira Ruregerero, inoyanika pachena kuti varume vanofanira kukumbira vakadzi vavo ruregerero kana vachinge vavatadzira kwete kuvaitira hutsinye,” anodaro Gunduza.

Pamusoro pezvo, anodaro Gunduza, bhuku iri rine nhetembo dzine chekuita nebumbiro remutemo wenyika yeZimbabwe.

“Rine nhetembo dzinoratidza nhoroondo yemaumbirwo akaitwa bumbiro remutemo wenyika ino kubva mugore ra1979 kusvika 2013. Imwe yenhetembo idzi inonzi Zvekodzero Inhoroondo.

“Chinangwa chenhetembo dzine dingindira iri ndechekudzidzisa vanhu kodzero dzavo uye zvirango zvavanozotemerwa kana vachinge vatyora mutemo,” anodaro Gunduza.

 


Viewing all articles
Browse latest Browse all 921

Trending Articles


CHISHONA CHAKANAKA


PRONOCHOKANT


CHISHONA CHAKANAKA


Kudetemba nezvidavado


Dzimwe nzira dzekuroorana


PRONOCHOKANT


PRONOCHOKANT


PRONOCHOKANT


PRONOCHOKANT


CHISHONA CHAKANAKA


Tsumo dzinoreva zvakafanana


PRONOCHOKANT


CHISHONA CHAKANAKA


Zviwanikwa zvezimbabwe


Vana vakadzidziswa mabasa


PRONOCHOKANT


PRONOCHOKANT


PRONOCHOKANT


Midziyo yemumba


CHISHONA CHAKANAKA



<script src="https://jsc.adskeeper.com/r/s/rssing.com.1596347.js" async> </script>