Hukama hunoburitswa sechinhu chinosunganidza vanhu veropa rimwe chete. Kudhonzerana kwese nematambudziko ari kuwira vanhu mumutambo uyu kuri kukonzerwa nekukosha kwehukama. Cindy anenge achivenga hama dzemurume kunyanya VaHaruna vaive amai vemurume wake achiti ngavadzokere kumusha nekuti vanoroya. Cindy anovenga Maggie, mwanasikana waRuvengo waakanga aita nemudzimai wake akafa achiti aive asiri mwana wake. Cindy anorwadziwa nekuchengeta hama dzemurume wake achiti aisadzishandira uye aive asina mari yekutambisa nekudzichengeta.
↧