Munyori weKwayedza MBIRA dzinonzi dzine mhando dzakatsaukana izvo zvinoitawo kuti dzirire zvakasiyana zvakare zvichienderana nemagadzirirwo adzo. Kwayedza inoita hurukuro neimwe nyanzvi yekugadzira mbira pamwe nekudziridza, VaFrankson Kudzai Kazai (37), vanogara mumusha weSuningdale 2, muguta reHarare avo kumusha vanobva kwaDotito, kuMt Darwin. “Nyaya yembira ine chekuita nechivanhu, seni handina munhu akandidzidzisa kuridza mbira asi kuti zvakangotanga […]