Quantcast
Channel: Denhe Reruzivo – Kwayedza
Viewing all 921 articles
Browse latest View live

Zvingangouya pabvunzo

$
0
0

Munyaradzi Gunduza —
SVONDO rino tinopedzisa kukupai ongororo yezvidavado zvinoshandiswa nemunyori waMavanga Orudo pamwe chete nemibvunzo yamungangoshandise pakuita gadziriro dzenyu dzebvunzo takanangana nebhuku irori.

Zitadunhurirwa:

Mapurisa aidaidzira achiti, “Jean Claude van Dem! Jean Claude van Dem!” p.144 Zvinoburitsa kurwa kwakanyanyisa kwaiitwa naStanley zvinoita kuti apihwe zita iri rinofanana nenyanzvi yezvibhakera yemumafirimu.

Monya – aive nezimuviri rakakurisa achiratidza kuti akasimba.

KK – zita iri rinoenderana nemabasa aaiita ekuda vanhukadzi vemumabhawa.

Mutauro wekutuka:

Vheremu anotuka Stanley kuti, “Pfutseki!” p.174

Hope/zviroto:

Stanley anenge achirota chinhu chaiuya pedyo naye chichiti akacheuka kuti achiongorore chobva chamhanyira kure chichidzika chakananga kurwizi chopinda mugwindingwi rakati tsva. Pachakadzoka rwepiri, akaedza kuchimhanyisazve asi chakangodzokera kunopinda mugwindingwi muya. Akabva atanga kutiza achienda kumba ndokuedza kuchema achida rubatsiro asi anokundikana kuburitsa mazwi. Akazogona kuridza mhere, pakarepo ndokupepuka p.36.

Pamwe pacho anorota achivingwa kuhope naBeaula asi achiuya seshiri. Beaula anoshanduka kuita shiri otanga kudana Stanley kuti amutevere mumuti maaive asi Stanley wacho achikundikana sezvo aibva aporomoka. Hope idzi dzakamutambudza kusvika ave kuchema.

Fungiramumwoyo:

Stanley anotanga kuita fungiramumwoyo paanoona missed call yaibva kuna Beaula p.1. Stanley anoita fungiramumwoyo paanofonerwa naBeaula achiziviswa nezveshamwari dzake dzainge dzaita tsaona mumugwagwa. Anobva kuGweru achingoita fungiramumwoyo yekudzima kwenhare yaBeaula pamwe chete netsaona yeshamwari dzaBeaula.

Mibvunzo:

  1. Buritsa zvinogutsa, kuwirirana kunoita musoro webhuku nerunyaya rwurimo.
  2. Tsanangura zvinogutsa matanho anotorwa nembavha dzinoba mari paC and T Private Limited kuti dzisabatwe nemaodhita pamwe chete nemapurisa.
  3. Buritsa matambudziko anosangana naStanley mukutsvaga Beaula ugojekesa kuti anokunda sei matambudziko acho.
  4. Tsanangura matanho anotorwa naStanley mukutsvaga Beaula uyo ainge apambwa nemhondi ugoyanika pachena kuti danho rega rega rakamubatsira nenzira dzipi.
  5. Buritsa ugoyanika pachena matambudziko anowira vanhukadzi munyaya iyi.
  6. Rondedzera kupindirana kunoita nzvimbo, nguva nerunyaya kuti zvizoumba nyaya inotendeseka.
  7. Wakatarisa nyaya iyi ndedzipi dzaungati ndidzo ngwavaira dziri kutambudza vanhu muzuva ranhasi?
  8. Tsanangura zvinogutsa mitoo yakashandiswa nemunyori kuburitsa mhangwa dzake pachena.
  9. Uchinyatsotsanangudza zvinogutsa uye uchipa tsigiro dzinogutsa, ipa zvaunoona zvakatokonya munyori uyu kunyora runyaya rwakadai.
  10. Sarudza madingindira matanhatu kubva munyaya iyi ugotsanangura kuti anopindirana zvakadii nehupenyu hwanhasi uno.
  11. Zviito zvevanhurume ndizvo zvinovhiringidza nokushungurudza upenyu hwevanhukadzi. Unotii nepfungwa iyi? Tsigira zvizere.
  12. Sarudza madingindira matanhatu anobuda mubhuku iri ugoburitsa dzidziso dzemunyori kubva mumadingindira acho.
  13. Ndezvipi zvinhu zvinosuwisa zviri kuburitswa munyaya iyi?

Aya ndiwo magumo aMavanga Orudo. Svondo rinouya tinotanga ongororo yerimwe bhuku renganonyorwa ramuri kudzidza gore rino.


Pfungwa huru

$
0
0

Munyaradzi Gunduza —
ZVEKUITA:

1. Ndeipi pfungwa huru inobuda muna Pfuma Ndeyamaoko? Tsigira mafungiro ako nezvinowanikwa murungano urwu. [25]

Pfungwa huru iri murungano urwu ndeyekupambana nekutapana.

Hondo dzese nekutambudziko kuri murungano urwu kunokonzerwa nehupambwa hwaiitwa naShe Chivhimaushe vachitsvaga pfuma mumamwe matunhu. Muchidimbu tingangoti ndiro dingindira guru rinowanikwa mubhuku iri.

2. Buritsa pachena zvidzidzo zvishanu zvawakadzidza maererano nemagariro echinyakare muna Pfuma Ndeyamaoko. [25]

Mumwe anokwanisa kuti ndakadzidza kuti; Vanhu vairarama nekutapana pasichigare, vaienda kunovhima usavi kumasango, kwaipfekwa zvipfeko zvaigadzirwa nematehwe emhuka, kwaifambwa nzendo refu netsoka, mukadzi airoorwa nebadza; zvichingodaro.

3. Tsanangura matambudziko anowira vatambi vanotevera vari murungano Pfuma Ndeyamaoko: (a) Kufakunesu (b) Tsitsi (c) Kufahakupere (d) VaChinhamo (e) Ishe Chivhimaushe.

4. Ndezvipi zvinoitika muna Pfuma Ndeyamaoko zvaungati hazvitendeseki? Tsigira mhinduro yako zvizere. [25]

5. Tsanangura zvidzidzo zvisere zvemhangwa zvawakawana muna Pfuma Ndeyamaoko. [25]

6. Mazita evatambi vanotevera anodudzirwa sei muna Pfuma Ndeyamaoko?

(a) Ishe Marwei

(b) Kufakunesu

(c) Kufahakupere

(d) VaChinhamo

(e) VaZvauyanepi

(f) Tsitsi [25]

Pakupindura mubvunzo wakadai, unofanira kutsanangura zvinoreva zita remutambi apiwa asi usingashandise tsumo, madimikira kana mienzaniso yezvaanoita murungano.

Chepiri kutsigira zita rake nezvinhu zvaanoita murungano.

Zivai kuti zita remutambi rinogona kududzwa nezvinoitwa nevamwe vatambi vari mubhuku sekuti Kufahakupere, izita rinotsinhira zvinhu zvaiitika mumhuri yavo.

Tarisai muenzaniso uyu: “Kufahakupere zvinoreva kuti rufu rwucharamba rwuri muvanhu. Zita iri rinozadziswa nekufa kwaVaZvauyanepi vaive baba vaKufahakupere vanouraiwa nemauto aShe Chivhimaushe pahondo yeupambwa.

Chimwe chinodudza zita iri rufu rwaamai vake, VaChinhamo vanouraiwa naShe Chivhimaushe nebakatwa uye kuuraiwa kwake neuto raShe Chakandida muhondo yeupambwa vachirwisana.”

Zita rinofanira kududzwa netsigiro dzinopfuura mbiri kana zvichigoneka.

Kupendera zvewanano

$
0
0

Ticha Danga —
“SARURA wako kadeyadeya ane ndoro chena, wangu mutsvuku kadeyadeya ane ndoro chena, asina zvimbi kadeyadeya ane ndoro chena, anozora dovi kadeyadeya ane ndoro chena.”

Aka kambo kaiimbwa pamitambo yechinyakare iyo yaidzidzisa vanasikana nevakomana kutsvaga tsvarakadenga yaanenge achida kuzogara nayo muupenyu. Vamwe vaibva vatodanana zvekuzotorana kumitambo iyoyo dzamara vatomisa dzimba nekuvaka mhuri.

Chikamu chapfuura chakapedzesera nekutarisa maroorerwo aiitwa makarekare. Zvasiyana nezvava kuitwa mazuva ano, kuti hakuchina kadeyadeya kachaitwa nekuti vanhu vava kutsvetsvana panharembozha vasina kana kumboonana uye kana voda kuroorana vanoisa pepa chete rine mari iri kudiwa nevakarahwa kubva kumukuwasha wavo.

Hapachina ana makandinzwanani kana tsvakiraikuno, mapfukudzadumbu chero matekenyandebvu.

Nekudaro vana vadiki, kunyanya vezera regwaro rechinomwe, kana vobvunzwa izvi pabvunzo dzavo, vanobva vaomerwa nechikoro.

Ndokusaka tichitora mukana iwoyu kudzidzisa vana nezvaitika makarekare. Chikamu chino tiri kupendera nenyaya dzerudo tichibata zvakasaririra kuti gudza redu rerudo rigopendereka zvakanaka.

Ndakapedzisira nenyaya yepwanyazhowa kana kuti matyorwa ndichitsanangura kuti imari inobvisiswa mukuwasha kana akaitisa mwana wevanhu pamuviri iye asti aroora.

Mukuwasha kana apedza nhongwa dzevakarahwa, anozonzi ape vana atezvara zvekudya nezvekunwira nekudaro anobvisiswa anonzi mapasuro ayo anodaidzwawo kunzi mafidyongo.

Vanhu vanochidya zvino vachiwadzana nemukuwasha wavo. Ndakambotaura kuti mukuwasha anobvisiswa mombe dzinotsika dzedanga nekudaro anotarisirwa kuti agonoratidza vana atezvara mombe dziya.

Kuti vakarahwa vasumuke kubva kumusha kwavo kuenda kumukuwasha kunoona mombe idzodzo dzavakapihwa vanototanga vapihwa mari inonzi rusumudzo.

Vasvika ikoko, vanopihwa zvakare mari inonzi yemaziso kana kuti munongedzo kuti vagozogona kunongedzerwa mombe dzavo.

Kana vapihwa mombe dzavo, vanopihwa zvakare mari yekuti vagodzitinha voenda nadzo kwavo. Mari yavanopihwa ipapo inonzi mari yerushamhu kuti vagosvusvudzira mombe dzavo voenda kumana kwavo.

Kana muroora otanga kupinda mumusha maakaroorwa anogara kure neruvanze akafugidzwa uso nejira. Anozosimuka ipapo kana abvisirwa mari yeshonongoro. Kana ashonongorwa, anozopururudzirwa achipinda mumusha.

Mukuwashawo kana ari mutsva, anobikirwa doro iro anopihwa kuti anwe agoratidza ndido dzake kuvakarahwa vake. Doro iroro rinozi mhamba yomukwambo.

Kana murume asisadi mukadzi waakaroora anomupa gupuro inova mari shomashoma yokuratidza vanatezvara kuti haachada zvemwana wavo.

Kana kuri kufa kwemudzimai akaroorwa vachigarisana zvakanaka nomurume wake, murume anopihwa mumwe mukadzi uyo anodaidzwa kuti bondwe kana kuti chigadza mapfiwa.

Kana mukwasha aiine tsika dzakanaka achigara nemukadzi wake zvakanaka anopihwazve mumwe mudiki anodaidzwa kunzi chitsaramvi.

Kana murume aine barika, mukadzi mukuru anonzi vahosi wepakati onzi murongo, wekupedzisira anonzi mukaranga. Mukadzi anonyanya kudiwa pabarika anonzi svovi kana kuti nyachide.

Uya anongoti chaanzwa kuse nacho kumurume anonzi kadidiya.

Kashoma chose kuti mukwasha agopedza kuroora nezuva rimwe chete asi kuti zvimwe anoita zvekubatira achiitira kuzopedzesa kana twunhu twake twaringana.

Mari inosaririra sechikwereti pakuroora inonzi jeredzwa.

Vanhu vane ukama havabvumidzwi kuroorana kana kudanana.

Kana izvi zvikaitika, ndiwo anonzi makunakuna. Kana vakaenda mberi newanano ivo vaine ukama vanobvisiswa mombe chena yecheka ukama.

Kunhonga vhunze nemuromo kudini?

$
0
0

Munyaradzi Gunduza —
UYU mutambo wakanyorwa uri mururimi rwechiShona naBright Chimedza Mashayamombe ndokutsikiswa neveZPH mugore ra2015. Bhuku iri rine mapeji 84.

Kupindirana kwemusoro webhuku nemutambo:

Musoro webhuku iri uri kubuda zvine hungwaru uye zvinoda hudzamu hwendangariro kuti muverengi atange aunzwisisa asati averenga mutambo. Kunhonga vhunze nemuromo kunogona kunge kuri kuita zvinhu zvinoguma zvapinza munhu mumatambudziko kana muzvinhu zvinomushungurudza. Kunhonga vhunze nemuromo kunogona kunge kuri kupopota zvekuti munhu anosvika pakutaura mashoko anorwadza nyakuudzwa wacho. Izvi zvinoratidza kuti musoro webhuku iri unoburitswa nenzira dzakasiyana-siyana. Hezvinoi zvimwe zvinotsigira musoro webhuku:

Cindy anonhonga vhunze nemuromo paanoudzwa naRuvengo kuti vabatsirane kuchengeta Mbuya Haruna naMaggie. Tinonzwa achiudza Ruvengo kuti usandirambidze kuti ndinofurwa nemhepo kana kutarisa mubatiro wandinoita amai vako naMaggie. Anoti haasiriye akagomera Maggie uye haana kugomerwa naVaHaruna mushure memashoko aya anobva aridza zvake chikwe-e. Kupopota kunoita Cindy apa achitaura nemurume wake kunoratidza kuti anga anhonga vhunze nemuromo nekuti mazwi aakataura anoshaisa Ruvengo mufaro.

Cindy anonhonga vhunze nemuromo paanodavirirwa nhare yake naRuvengo achigeza. Anobuda muimba yekurara achienda mune yekutandarira maive naRuvengo ainge abva kudaira foni yake ndokusvika achiridza tsamwa nekupopotera murume. Tinonzwa achiti foni yangu usatombodaira iwe mbiti yemunhu apa anenge ashatirwa zvikuru. Anoti Ruvengo asambobata foni yake nyangwe irire zvemhando ipi.

Kupera kwehuMember of Parliament hwaRuvengo kunoita kuti agare achinhongerwa vhunze nemuromo naCindy. Tinonzwa paanotaura naCindy achiti, “Chii chandakutadzira chinguri wabvira kudya nhundurwa? Chiiko chinokupa kutaura neni wakamira kudaro? Ndinodaro nekuti pandaiva Member of Parliament waisadaro, waindipa ruremekedzo rwese, Cindy.” p.18.

Izvi zvinoratidza kuti Ruvengo akanga ave kunhongerwa vhunze nemuromo naCindy sezvo aive asisina mari.

Laiza anonhonga vhunze nemuromo paanoudzwa naZariro kuti upenyu idungamunhu achidudza chimiro chakanga chiri kuna Cindy. Laiza anobva angonhonga vhunze nemuromo pakarepo achiti, “Usapindire isiri yako, unofira yomumwe. Zvekuti upenyu idungamunhu ndezvekupenga izvozvo. Handidi kuti mwana wangu ashushwe uye ziva kuti muvengi waCindy ndivamwene vake.” Laiza anonhongera murume wake, Zariro vhunze nemuromo zvekusvika pakumuudza kuti ainge arutsa kutaura.

Cindy anonhonga vhunze nemuromo paanoshevedza Tsitsi achimuudza kuti haasi kuchenesa muimba yake yekurara. Ruvengo paanoda kupindira nyaya yacho anobva anhongerwa vhunze nemuromo achinzi, “Sunga chiromo chako, handisi kutaura newe. Davira yawasumwa usapindire nedzisiri dzako. Nyaya iyi ichiri kuvanhu, haisati yasvika kumapfeni.” p.24.

Cindy anonhonga vhunze paanoramba kuteerera murume wake, Ruvengo achiti akanga ave kupfeka zvaanoda, kuenda kwaanoda nekuita zvaanoda pasina aimuudzira zvekuita nekuti akanga ave nemari yekuzviitira zvinhu zvake ega. Izvi zvinoita kuti azogumisire arambwa naRuvengo.

Tsitsi anonhonga vhunze nemuromo nekurega kutsvaira pamwe chete nekuchenesa chimbuzi chemuimba yekurara yaCindy naRuvengo asina chikonzero chaigutsa Cindy. Tinonzwa achipopoterwa naCindy nekuti akanga asiri kuchenesa muimba iyi uye zvinopotsa zvamutemesa nechiringiro.

Cindy anonhonga vhunze nemuromo paanoramba kuteerera dzidziso neyambiro yaanopihwa naRegina kuti agare navamwene vake zvakanaka. Kuramba kuteerera kwake kunozoguma kwamurambisa naRuvengo pamwe chete nekumusungisa nemapurisa.

Cindy anonhonga vhunze nemuromo paanotanga kuramba kugara navamwene vake achiti ngavadzokere kumusha kuDharuweni nekuti vairoya. Kuvapumha huroyi kwaaiita kwakazoguma kwamunhongesa vhunze nemuromo paanorambwa naRuvengo.

Tinopedzisa musoro webhuku svondo rinouya.

Kukodza mutauro

$
0
0

Ticha Danga —
“ZVIRO kwazvo ndakange ndaibopa nekumuswe ndakaita zvekuzvinzwira pamuviri tsvimbo yarova dapi. Wekuchema naye pakange pasisina nokuti ndomene haichemedzi. Ndakazongozvisimbisa nerokuti nhamo ndeye vanhu suka maoko. Inini zanondega ndakazenge ndapisa jira zvino ndachinaiwa sehuku iyo misodzi ichingomokoteka namatama. Hwitakwi yerume yakange yandishakadza nembovorera yechibhakare chiya chinosiya munhu kwamupfiga nebwe, yakange yandiunganidza namatanda ayo emazioko uku ndongobvunda serutsanga ruri mumvura iro ziso rakatsvuka sechiropa rakaudyurirwa mumabori mangu twukumbo twangu zvino twarembera setwekachongwe kakasumudzwa nemapapiro.”

Kana ukatanga chinyorwa chako zvine mutsindo unoita kuti uya anokwenya basa rako abva aziva kuti paita mwana ane hutsanzi uye anokwezwa kuti agoda kuzonzwa zvakaitika mberi.

Anenge atova wako wava kuita zvaunoda naye mukugovera zvibodzwa. Godzamutauro rinoitwa chete kana munhu achinge achinyatsoziva zvacho zvinodiwa kuti aumbe chidokohori chechinyorwa.

Mubiki weusavi anoziva chose zvaanoda kuti usavi ihoho hugogona kutiza nesadza zvakanaka nekuti akateya hadyana ine munjonjo sadza rinosara riri mikatakata pasina adya.

Panodawo tumafuta, twumapuno, twuhanyanisi netwunovavirira kuti gango rigotapira. Gango remutauro rinoda kuziva nekunzwisisa tsumo, madimikira, nyaudzosingwi, zvipauro, fananidzo nefananidzosiri.

Mukuziva tsumo tinotarisira kuti mwane agone kudzipedzisa kudzitsanangudza nekudzishandisa muzvirevo zvizere. Anofanirwa zvakare kugona kupa tsumo dzinoreva zvakafanana nedzakapiwa uye dzinopesana nedzakapiwa.

Chikamu chino tinoda kuita dambe netsumo. Vakuru vanoti nyuchi dzinoruma ndoodzine uchi. Zvinoreva izvo kuti zvinhu zvinokosha hazvingowanikwe mhangamhanga asi kuti zvinotowanikwa mushure mekuzvitambudzikira nekurwadziwa.

Ndiko kusaka zvichinzi Mvura inoshinyira ndeiri pazambuko. Zvinotoda ushingi kuti usvike panoda mwoyo kana kuti pane twunonaka. Hazvina kuipa kuita, kana dambe nevakuru asi kuti zvinoda kuitwa zvine mwero nekuti wakapfurikidza unoti tindindi munataisireva.

Zvinonzi usafarise kusvika pakukanganwa kuremekedza vakuru nekuti kana ivo vakazoshatirwa nokufarisa kwako zvinobva zvakuipira iwe. Ndokusaka kuine tsumo inoti, Iti fare fare tindike, vakuru igomo”.

Wegudza ndewe gudza kufuga gumbeze rinotsva tsumo inoreva zvakafanana nekuti nhamo ine dzimba dzayo. Izvi zvinoreva kuti munhu agara ari wekutambudzika achangogara ari wekutambudzika. Nhamo nerujambwa zvinogara zvakamumomotera misi nenguva.

Chero zvinake sei iye mwero wake wekukupuka unenge wakatosiyana nevamwe nekuti anenge angori pasi chete pevamwe,wemujecha ndewe mujecha chete. Munguva ino yatiri tiri mubishi rekugadzirira bvunzo kupera kwegore asi kune vamwe vachiri mudambe vachiti nguva ichiripo.

Vamwewo zviro kwazvo vari kushingaira nekugadzirira. Kana nguva yebvunzo yasvika ndipo pavanoda kuchishewezheka asi zvinenge zvisisabatsiri.

Ndipo panonzi navakuru usaruka nhava sora ratsva.

Zvemunda wezunde tenda wakohwa kana kuti tenda wakohwa chemumunda wezunde.

Iyi tsumo inotidzidzisa kuti zvinhu zvese zvinoitwa paruzhinji hazvina mwero wekuringana kwete. Unotozofarawo kana uine chawazowanawo ipapo.

Munogona kushanda basa makawanda mumwe agogona kushaya mubairo asi ashanda pamwe nevamwe.

Munhu wese wese hake, angava ishe kana munhu njee ane zvinogona kumutadzisa kuita zvimwe zvinhu zvaangade kuita muupenyu hwake nekudaro vakuru vanoti rwomuranda rwakoneswa nerwashe, rwashe rwakoneswa nemvura kunaya.

Anonhonga vhunze nemuromo ndiani?

$
0
0

Munyaradzi Gunduza —
SVONDO rino tinoenderera mberi nekupedzisa musoro webhuku nenyaya.

Maggie anonhonga vhunze nemuromo paanosvika muimba yekutandarira achisimudza Mbuya Haruna kuti vagare mumasofa mavairambidzwa naCindy aiti vaizadza fodya yebute. Pasina nguva, anobva ashevedzwa naCindy muimba yekurara maaive ndokusvika achipopoterwa achinzi akapusa chaizvo uye azive kuti haasi amai vemba. Tinozoona Maggie ave kuchema. Cindy anobva ati regai acheme ndamugadza mbama yegudo nemuromo.

Cindy anonhonga vhunze nemuromo paanoudzwa naRuvengo kuti motokari yake yapera mafuta ari paRoadport. Anomupopotera achiti murume zvake asi dai aive pedyo naye aida kumupfekedza marokwe. Anomusvotesa chaizvo asati adimbura nhare yake. Regina anoshamisika kunzwa Cindy achinhongera murume wake vhunze nemuromo zvakadaro.

Cindy anonhonga vhunze nemuromo paanopopotera Maggie achiti haachengeteki, uye zimwana rausina kugomera rinotambudza kurera. Cindy anoti haambofa akavimba naMaggie zvachose uye ngaasamunetse sezvo mai vake vakatoora karekare.

Kumbie anonhonga vhunze nemuromo paanoenda muimba yekubikira ndokusvika achinhonga keke raive risina kunyorwa ndokutanga kudya. Keke raanonhonga iri rimwe reakanga arungwa mushonga unokuvadza naLaiza. Keke iri rinoita kuti atange kurwadziwa nemudumbu zvikuru zvinove zvinoita kuti azotakurwa neamburenzi achiendeswa kuchipatara.

Laiza anonhonga vhunze nemuromo paanopa Cindy keke rine mushonga wemakonzo kuti azope vamwene vake, VaHaruna asi tsoro yacho inobva yaramba kubudirira zvinoita kuti izobude pachena. Laiza anobva afumurwa maitiro ake aya kuvanhu vese naCindy zvinomusiya ave kumapurisa.

Cindy anonhonga vhunze nemuromo paanoedza kupa mapurisa mari yechiokomuhomwe achida kuedza kuti nyaya yake yekurova Regina nekuda kuuraya VaHaruna iraswe.

Cindy anonhonga vhunze nemuromo paanotambira makeke ane mushonga wemakonzo achida kuuraya vamwene vake. Zano iri rinobva raramba kubudirira zvinove zvinozomusiya arambwa nemurume pamwe chete nekusungwa nemapurisa anoenda kunoshevedzwa naMaggie.

Cindy anonhonga vhunze nemuromo paanotaura ega kuti aive nemwana kurutivi waakanga asina kumboudza Ruvengo murume wake. Izvi zvinoita kuti Ruvengo aore mwoyo naye.

Regina anonhonga vhunze nemuromo paanorohwa pamhanza chaipo netsvimbo yaMbuya Haruna naCindy ndokubva asvika achiwira pasi nemuromo. Ropa rinobva rangotanga kujuja pakarepo.

Musoro webhuku unobuda panonzi naRuvengo, “Ndakambokuudza kuti ukarebesa chirimi chako chichazokuparira, iwe nharo puti. Tarisa nhasi wazonhonga vhunze nemuromo wega. Hapana akumanikidza kutaura huipi hwako Cindy. Wega wadura pachena. p.82.

NB: Mudzidzi ngaazive kuti kunhonga vhunze kuri kutaurwa mubhuku iri hakusi kuburitswa nenzira imwe chete. Kunhonga vhunze nemuromo kunogona kunge kuri kupopota zvekuti nyakupopoterwa anosara achirwadziwa zvakanyanyisa. Saka tingangoti muromo (mashoko anotaurwa nemunhu) unogona kunhongesa munhu vhunze (kuudza vamwe zvinhu zvinovarwadza). Dzimwe nguva unoona kuti kunhonga vhunze kuita chinhu chinozopinza munhu mumatambudziko pakupera kwacho semaonero azvinoitwa nevazhinji.

Naizvozvo tsvagai zvimwe zvinhu zvamunoona zvinoenderana nemusoro webhuku irori sekududzwa kwazvo mumutambo.

Tariro yaTandi

$
0
0

Munyaradzi Gunduza —
1. MUSORO webhuku wekuti Dare Retariro unowirirana zvakadii nezviitiko zviri munyaya? Tsigira mhinduro yako nezviitiko zvishanu. [25]

Dare vanhu vane chinangwa.

Tariro chivimbo chekuti zvinhu zvinofamba zvakanaka semaonero avo. Dare retariro munhu kana vanhu vane chinangwa chekuvimbisana kuti vanokunda matambudziko avari kusangana nawo vozosvika pakugara zvakanaka muupenyu.

Musoro wenyaya unozadziswa nekutambirwa kwaTandiwe paanotizira. Izvi tinozviona zuva rinogarwa dare pamba paVaTigere, VaMandionei naZvidzai muridzi wepamuviri vanenge vachiramba kuti Tandiwe agare pamusha pavo. Zvidzai anoramba nhumbu yaive naTandi achiti haisi yake asi Moses mukoma wake, Mashama muzukuru wake naSabhuku Sango vanovimbisa Tandi kuti aizogara pamusha apa sezvo zvaive pachena kuti nhumbu iyi ndeyaZvidzai.

Musoro wenyaya unotsigirwa nekunonyoresa pamuviri kwaTandi kuchipatara. Izvi zvinobuda Moses paanopa amainini vake, Tandi tariro yekuti vaizozvarira mumusha mavo semuroora. Anoenda kumba kwamai vake, VaMandionei kwaigara Tandi achiti aperekedzwe kukiriniki kunonyoresa pamuviri naHazvinei mudzimai wake. Izvi zvinomupa tariro yekuti aizozvarira pamusha pemurume wake, Zvidzai zvinove zvaisadiwa navamwene vake, VaMandionei.

Musoro wekuti Dare Retariro unoenderana nedzidziso inopiwa Tandi namukoti Sibanda kuti mwana wake haaizorarama neutachiona hweHIV.

Zvinoonekwa paanotorwa ropa kukiriniki rowanikwa rine utachiona hweHIV, anofunga kuti ndipo painge paperera upenyu hwake nehwemwana waaizozvara asi mukoti Sibanda vanomutsanangurira vachimupa tariro yekuti mwana aizorarama zvakanaka asina utachiona hweHIV nekuti aidzivirirwa pakuzvarwa.

Izvi zvinopa Tandi tariro yekuti araramire kuzvichengetera mwana wake.

Musoro webhuku unofambirana nekudzidziswa kunoitwa Tandi kuti haaizofa neutachiona hweHIV. Izvi zvinojekeswa paanoonekwa kukiriniki kuti ropa rake rakanga rine utachiona hweHIV.

Anoridza mhere achiti akanga aine chirwere cheAIDS.

Mukoti Sibanda vanomupa chivimbo chekuti akanga asati ave kufa nekuti aive neutachiona hweHIV husiri chirwere cheAIDS uye akatevedzera zvese zvaaizodzidziswa navanachiremba aizorarama kwenguva refu.

Izvi zvinoita kuti Tandi azvionere ega kuti aive nemukana wakakura wekurarama.

Kuti Dare Retariro kunozadziswa neyeuchidzo inopiwa Tandi kuti aive nekodzero yekurarama.

Tinozviona pavanenge vari mumba maiva naZvidzai, Muchaneta naHazvinei anenge achivimbisa Tandi kuti akanga aine kodzero yekurarama saka hapana chaaifira nekuti utachiona hweHIV hunorera munhu, zvinove zvinombodzikamisa pfungwa nendangariro dzaaive nadzo.

2. Ndeapi madingindira anobuda muna Dare Retariro? Tsigira dingindira rega rega rawasarudza kubva munyaya iyi. [25]

Muna Dare Retariro mune dingindira rechirwere cheshuramatongo.

Dingindira iri rinojekeswa naZvidzai akanga arara naTandiwe aive mhandara mushure mekunge anyeperwa nen’anga yainzi Zinorengwe kuti zvaizomubatsira kupedza utachiona hweHIV hwaive muropa rake asi zvakaramba.

Rimwe dingindira nderechitendero chechiKristu.

Nyaya yechitendero chechiKristu inojekeswa naBaba Madzore vakaedza kubatsira Tandi kuti agare zvakanaka kuburikidza nekumutsvagira rubatsiro rwechikafu, mari nembatya kuchechi uye kumuyananisa nemhuri yemurume wake nekuzomutsvagira mikana yekudzidzisa vanhu nezveutachiona hweHIV nechirwere cheAIDS.

Muna Dare Retariro mune dingindira rebopoto. Rinozadziswa naVaMandionei vanopopotera muroora wavo, Tandi usiku vakamira pamusiwo wehozi yaairara vachimutuka kuti ipfambi yaida kunenera mwana wavo, Zvidzai pamuviri pasiri pake zvinoita kuti vazoguma vava kutukwawo naMoses vachinzi vapise mabhachi ekuchechi kwavo kuRoma.

Matambudziko evanhukadzi rimwe dingindira riri muna Dare Retariro. Pfungwa iyi inozadziswa naTandi aigara achingochema kunyanya mazuva aanoudzwa kukiriniki kuti ropa rake raive neutachiona hweHIV hwaakanga azadzwa naZvidzai uyo airambazve pamuviri pake.

Rimwe dingindira rinowanikwa munyaya iyi ndereukama hwavamwene nemuroora. ingindira iri rinoburitswa riri pakati paTandi navamwene vake, VaMandionei.

Tinoona VaMandionei vanenge vasingadi kugara nemuroora wavo vachida kuti adzokere kumusha kwavo zvinoonekwa nekumushungurudza kwavaiita kuburikidza nekumutuka kuti ipfambi.

Vana 22 000 vobatsirwa

$
0
0

Daphne Machiri —
SANGANO rinosimudzira zvidzidzo zvezvigadzirwa zvesainzi muzvikoro, reZimbabwe Science Fair rinoti rakasarudza vana vanosvika 22 000 kubva muzvikoro zviri kumatunhu akasiyana enyika avo riri kusimudzira matarenda avo.

Mukuru wesangano iri, Knowledge Chikundi, anoti donzvo ravo nderekubatsira vana vane zvipo zvemabasa emawoko anoenderana nezvigadzirwa zvesainzi.

“Kubva mwedzi waMbudzi gore rapera kusvika Kukadzi gore rino, takwanisa kusarudza vana vechikoro vanosvika 22 000 kubva muzvikoro zviri kumatunhu akasiyana enyika. Izvi zvinoratidza kuti tine matarenda evana vanosanganisira mascientist, vanachiremba, engineers, pharmacist nevamwe,” anodaro.

Anoti mwedzi wadarika, sangano ravo rakaenda nezvikoro zvesekondari zvitatu zvemunyika muno kuBotswana uko kwaive nezviratidzwa zvesainzi.

“Mwedzi wapfuura takaenda kuBotswana nezvikoro zvitatu zvesekondari zvinoti Dominican Convent High, Irene Christian High neSt Anthony’s High uko takakokwa kuBotswana International University of Science and Technology Festival,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti: “Takawana ruzivo rwuchatibatsira kuitawo zvirongwa zvakadai muZimbabwe. Kupera kwegore rino tichaita Zimbabwe Science Fair apo tichakoka dzimwe nyika dzemuAfrica.”

Zvakadai, Chikundi anoti akawana mukana wekuenda kunovandudza ruzivo rwake kunyika yeAustralia apo achange ari pakati pedzimwe shasha dzezvesainzi dzemuAfrica.

Chikundi — uyo akasimuka muZimbabwe svondo rapera — anoti ari kunoita zvidzidzo zveScience Communication uye akawana mukana uyu zvichitevera basa guru riri kuitwa nesangano ravo rekusimudzira zvidzidzo zvesainzi muno kubvira pagwaro reECD kusvika kumayunivhesiti .

“Mukana uyu ndakaupiwa neAustralian Embassy pasi pechirongwa chavo cheAustralian Awards Fellowship. Ndichanoita zvidzidzo zveScience Communication paAustralia National University uye kuchange kuine vedzimwe nyika dzemuAfrica apo tichapana ruzivo rwezvidzidzo zvesainzi,” anodaro Chikundi.

Anoti ruzivo rwaari kunowana kuAustralia rwakakosha sezvo zvichaita kuti sangano ravo rivandudzewo zvidzidzo zveSTEM muzvikoro zvemuno.


Kurunga mutauro nenyaudzosingwi

$
0
0

Ticha Danga —
“MUWEWE wemupeni wakanzi vhovhono ndokubva wanzi tindindi napahudyu pavaMandinenera. VaMandigona vakabva vaiti mhere kwetsu vakabata gotsi ravo. Mujubheki akanga zvino achiti udyu maziziso matsvuku mushure mekudzipura banga kubva muhudyu yavaMandinenera. Ropa rakati odzvo kunge raibva mudhiramu, nenguva isipi VaMandinenera vakange vati vhuvhuva muguvi reropa. Nenguva isipi, musha wose wakanga wati unga unga vamwe riri bararamhanya kuedza kutsvaga kubatsira VaMandinenera vainge vongoomba sehandira nekugomera-gomera. Hapana akati bufu naMujubheki nekutya kutibvurwa nebanga rakanga rakanzi kwii nebango reruoko. Ndunda yakabva yati kakanya kakanya ichiswetaira kubva panzvimbo vanhu vachiita mirakatira vachiridiguka vachiivhurira nzira. Vanhu vakasara vakati kanha nazvo iyo miromo yakati bamama kushama nhunzi dzichiita bira rakamba.”

Chinyorwa chiri pamusoro chakati tundu kuzara nenyaudzosingwi rinova ndiro dingindira rechikamu chino. Nyaudzosingwi ndidzo dzimwe dzezvirungamutauro zvinogona kunyatsokodza mutauro kuti utapire.

Nyaudzosingwi dzinoburitsa maitikiro chaiwo akaita zvinhu. Dzinopa muverengi mufananidzo mumusoro make wemafambiro chaiwo akaita nyaya kubvira painotangira kusvika painoperera.

Muchikamu chino tinoda chose kuongorora mashandisirwo enyaudzosingwi.

Kana tichida kutaura nezvemafambiro tinotora nyaudzosingwi dzakaita sana razvu razvu. Apa tinenge tichitaura mafambiro ekukanda nhanho kubudikidza nekureba.

Mafambiro iwayo anotwa zvakare nevaya vanenge vakazvishongedza zvemhando yepamusoro.

Pane kufamba kwekuti kwashu kwashu uko kunoitwa nezvigwindiri. Vamwewo ndivo vanoti kakanya kakanya semapikoko vachiratidza zvakare kuzvida nekuzvitutumadza nekunanisira pane vamwe. Kunoitawo vanorwara kana vanotonhorwa vasingakwanisi kuti kwashu kwashu, ndivo vanoti nonova nonova.

Kana kwava kufamba kwemhuka dzakaita semahachi tava kuti tyaka tyaka.

Kana totaura zvekuchema tinopinza nyaudzosingwi dzakaita sana kukwetsura mhere, kubongomora, kubararadza. Uku kuchema kune ruzha rukurusa runoitwa kunyanya nevaya vanenge vachangotambira shoko rerufu kana vari kuzvindikitwa kurohwa.

Pakuchemapo vamwewo vanopfikura pfikura vasinganyatsoburitsa ruzha rwese. Vamwewo vanochema chimhukutira apo misodzi yega ndiyo inoonekwa ichiti mokoto mokoto namatama. Kune vamwe vanoungudza avo vanorambochema zvinyoronyoro asi vachidudza zvavari kuchemera kunyanya kana riri dambudziko rinenge raramba rakanamirira.

Kana kuri kugara chaiko kunobuda nepakawanda.

Kana vanhu vakawanda vanga vari panhimbe vogara pasi kuti vapuwe kudya kuya kunonzi mufairo, vanoti mboya mboya. Vanoti zvakare mboya mboya kana vapwere vonwa mapara pahumwe apo vakuru vanenge vonwa chikurura mabhachi.

Mboya mboya inonyanyoshanda kana vanhu vari pamwepo. Kana vari vanhu vakawanda vakangogarawo havo pano neapo tinoti vakati ware ware. Kazhinji zvinotwa nevanenge vakamirira chimwe chinhu chakakosha.

Kana ari mukadzi akasimba zvikuru akagara tinoti akati pwashasha. Kugara chaiko kwakarurama kunonzi tende.Kana kwava kutsamwa toti akati shutu kana kuti kwindi. Kutarisa tinoti akamuti ndee kana kuti baa.

Tinogona zvakare kuti dzvututu kutarisa. Kurumwa nemago tinoti ndure uye kana tava kutaura zvekurova nembamba tinoti watsu.Kudya kwekukasika tinoti kabu kabu kana kuti kachu kachu ndokunge tichikasika.

Cindy akavenga vamwene vake

$
0
0

Munyaradzi Gunduza —
MADINGINDIRA anobuda mumutambo uyu:-

Hukama:

Hukama hunoburitswa sechinhu chinosunganidza vanhu veropa rimwe chete. Kudhonzerana kwese nematambudziko ari kuwira vanhu mumutambo uyu kuri kukonzerwa nekukosha kwehukama. Cindy anenge achivenga hama dzemurume kunyanya VaHaruna vanova amai vemurume wake achiti ngavadzokere kumusha nekuti vanoroya. Cindy anovenga Maggie, mwanasikana waRuvengo waakanga aita nemudzimai wake akafa achiti aive asiri mwana wake. Cindy anorwadziwa nekuchengeta hama dzemurume wake achiti aisadzishandira uye aive asina mari yekutambisa nekudzichengeta.

Laiza aive amai vaCindy – anofurira mwana wake kuti arambe kuchengeta vamwene vake achiti ngavadzokere kumusha. Laiza naCindy vanowirirana kuti vauraye VaHaruna ndokuvaisira muchetura wemakonzo mukeke. Cindy anenge achifarira hama dzake, izvi tinozviona paanoenda kuchikoro kwemunin’ina wake, Kumbie kunomusiira mari yekuti abatsirikane. Maggie, Ruvengo naVaHaruna vanenge vasina rusarura naKumbie kunyangwe zvazvo aive hama yekumukadzi waRuvengo. Zvese izvi zvinoratidza kuti pakati pemukadzi nemurume vakaroorana panowanzoita makakatanwa pamabatirwo ehama.

Vamwene nemuroora:

Cindy anenge ari muroora waVaHaruna asi anoratidza kuvenga vamwene vake zvikuru kuburikidza nekuvapomera huroyi pamwe chete nekuvadzinga mumasofa akanaka achiti vagare mumasofa matsaru.

VaHaruna vanoshungurudzika nekurambidzwa kuona chivhitivhiti chepamba apa chikuru vachinzi vaone chinoburitsa mifananidzo mitema nemichena. Cindy anoudza murume wake, Ruvengo kuti ainge asina kugomerwa navamwene vake, VaHaruna ndosaka ainge asina hanya nekuvachengeta.

Cindy anoronga zano naLaiza rekuti ape vamwene vake keke rakanga rakarungwa nemuchetura wekuuraya makonzo.

VaHaruna vanoshungurudzika zvikuru pavanonzwa kuti vakanga vaisirwa muchetura mukeke vachida kuuraiwa. Izvi zvinoita kuti vazofunge zvekutakura twunhu twavo vachiti vave kuenda kunogara kumusha nekuti muroora wavo haaida kuvaona vari vapenyu.

Cindy anenge achinetsana naRuvengo waaimanikidza kuti adzinge vamwene vake kuti vaende kumusha kuDharuweni.

Hurovha:

Ruvengo anenge apererwa nebasa rake rehuMP zvinove zvinoita kuti azotanga kuriritirwa nemukadzi wake, Cindy uyo anenge ave kumukonorera mari yaaishanda. Cindy anenge ava kuramba kuchengeta hama dzemurume nemari yaaishanda achiti haadi kuchengeta vanhu vanongoswera vakagara vachingomirira kudya.

Kusashanda kunoitwa naRuvengo kunoita kuti ashaye simba rekuchengetedza musha wake sezvo mukadzi anenge ava kuramba kuudzwa mapfekero nemafambiro ake ese achiti ndini ndinokuchengeta.

Cindy paanotanga kuchengeta mhuri apo Ruvengo anenge asisashande anobva atanga kukarira murume nguva zhinji achiti akanga ave pamusoro pake sezvo nguva yake yainge yasvikawo yekumbotonga nekuita zvaanoda.

Ruvengo paanodzoserwa basa rake remuhurumende tinoona kuti Cindy akanga ave kumupa rudo rwakapetwa nekuti hurovha hwake hwakanga hwapera.

Vanhukadzi:

Munyori wemutambo uyu ari kuburitsa vanhukadzi nenzira dzakasiyana-siyana.

Anoburitsa vanhukadzi vari vanhu vasingawirirane pachavo. Tinoona Cindy achivenga vamwene vake, VaHaruna, Maggie pamwe chete nekupopotera musikana webasa, Tsitsi. Cindy anovenga vamwene vake achiti vanoroya.

Vanhukadzi vanoburitswa vachishandisa kodzero dzavo zvakaipa sezvinoitwa naCindy anenge ave kuzvitutumadza kuti ndiye anochengeta murume saka haachafanire kubvunzwa zvaanopfeka, vanhu vaanotaura navo, nguva dzaanopinda mumba nezvaanoita.

Vanhukadzi vanobuda vachiita mapoka mapoka anochengetedza kodzero dzavo kubva kuhudzvanyiriri pamwe chete nekudzidzisana zvakatsaukana sezvaiitwa naRegina aitungamira chikwata cheWomen Affairs.

Vanhukadzi vanoburitswa vachiita mabasa epamusoro sezvatinoona zvichiitwa naCindy uyo aishanda segweta ari magisitiriti kumatare edzimhosva. Vanhukadzi vanoburitswa vachipanana dzidziso yekuti vagare zvakanaka – tinonzwa Regina achirayira Cindy kuti agarisane navamwene vake nekuchengetedza imba yake zvakanaka.

. Tinopedzisa madingindira svondo rinotevera.

Zvidzai ihonzeri

$
0
0

3. NDEAPI matambudziko mashanu anoshungurudza Tandiwe muupenyu hwake muna Dare Retariro? Tsigira mhinduro yako zvizere. [25]

Kutukwa mamwe matambudziko anosangana naTandi. Matambudziko aya anoonekwa paanenge achangobva kusundirwa pasi naZvidzai achinodonha negotsi. VaMandionei vanotanga kumutuka vachiti ipfambi yaida kunenera mwanakomana wavo mhosva yenhumbu isiri yake.

Muna Dare Retariro, Tandi anowirwa nematambudziko ekutapurirwa utachiona hweHIV. Izvi zvinoonekwa paanoperekedzwa kukiriniki yepaMutapi namaiguru vake, Hazvinei kuti anonyoresa pamuviri.

Anovhenekwa chirwere cheshuramatongo namukoti Sibanda ndokuonekwa kuti ropa rake raive neutachiona hweHIV zvinove zvinomurwadza chose ndokutanga kuzvirovera pasi achichema nekuti akanga azadzwa utachiona uhu naZvidzai asingazvizive.

Mamwe matambudziko anoshungurudza Tandi muupenyu hwake ndeekusemwa.

Izvi tinozviona paanopihwa midziyo ine rupau naVaMandionei yekuti atange kuzvibikira oga nekuti akanga aine utachiona hweHIV hwavaiti maperembudzi avaitya kuzadzwa kana vakabika pamwe chete naye.

Mubhuku Dare Retariro, Tandi anosangana nematambudziko enzara. Matambudziko aya anoonekwa paanosvika achidonhera pamusiwo wehofisi yaBaba Madzore vekuchechi yeRoma achiratidzika kupera simba. Pavanomubvunza kuti chii chaimunetsa, anovaudza kuti akanga anzwa nenzara.

Tandi anoshungurudzwa nematambudziko ekurohwa. Tinozviona panoenda Baba Madzore kumusha kwaVaMandionei vachida kunovarayira kuti vagare naTandi zvakanaka asi vanozoshamisika kumuona achirohwa mbama naVaMandionei achinzi ndiye akanga anovakoka kuchechi yeRoma kuti vazosvika pamba pavo.

4. Zvidzai ndiye honzeri yematambudziko anowira vatambi vari muna Dare Retariro. Tsigira pfungwa iyi nezvinhu zvishanu zvaanoita. [25]

Honzeri yematambudziko anowira vamwe vatambi ndiZvidzai anopa Tandiwe pamuviri. Tinonzwa naTandi achiudza dare raiva pamba paVaTigere paitongwa nyaya yake yekutizira Zvidzai achiti vakanga vatanga kuita zvekurara vese vari kuChipinge. Apa ndipo paanozogumisira abatira pamuviri paZvidzai.

Izvi zvinoita kuti Tandi azosangana nematambudziko ekushaya kwekuenda, Zvidzai ave kumuramba achiti nhumbu haisi yake ukuwo kumusha kwavo vabereki vake vakanga vasingachamudi vachiti akavanyadzisa nekutizira asati apedza chikoro.

Muna Dare Retariro honzeri yematambudziko anowira vamwe vatambi ndiZvidzai anonyepera amai vake, VaMandionei kuti pamuviri paive naTandi paisave pake.

Izvi zvinoonekwa manheru ezuva ratizira Tandi kuna Zvidzai uyo anonyepera amai vake kuti aipomerwa nhema naTandi nekuti akanga asina kumupa pamuviri.

Izvi zvinoita kuti Tandi agare achiwirwa nematambudziko ekutukwa naVaMandionei kuti ipfambi yaida kupa mwana wavo nhumbu isiri yake, vachivavarira kuti adzokere kumusha kwavo kuChipinge.

Zvidzai anosandudzira Tandi achibva adonhera pasi negotsi. Zvinobuda Tandi paanoenda paigadzirwa chizumbu chehuku naZvidzai achida kunotaura naye. Zvidzai anotanga kumusvotesa achiti haasi murume wake uye ipfambi, ndokuzoguma nekumusandudzira zvine masimba achinodonhera pasi negotsi. Izvi zvinoita kuti Muchaneta azosangana nematambudziko ekurohwa mbama naZvidzai mushure mekunge amubvunza kuti sei asandudzira Tandi achibva adonhera pasi negotsi.

Zvidzai anorara naTandi aive mhandara achifunga kuti utachiona hweHIV hwaive muropa rake huchapera. Tinonzwa nezwi remunyori kuti Zvidzai anorara naTandi aive mhandara vari kuChipinge achifunga kuti utachiona hwaaive naho hweHIV hwaizopera sezvaakanga audzwa nen’anga yainzi Zinorengwe.

Izvi zvinoita kuti Tandi azowirwa nematambudziko ekubatirawo utachiona hweHIV mushure mekunge arara naZvidzai aive naho.

Tandi anoshungurudzika zvikuru paanoudzwa kukiriniki kuti aive neutachiona uhu.Honzeri yematambudziko ndiZvidzai anotiza pamusha. Tinozviona paanotiza Tandi pamusha achisiya aoneka amai vake chete achibva aenda kuDangamvura kunoita chihwindi kumakombi. Aifunga kuti Tandi achasara achidzokera kumusha kwavo.

Izvi zvinoita kuti VaMandionei vazorwara nebhiipii mushure mekunge vava kugara vachirwadziwa nemusoro vapererwa nemazano sezvo vaive vaedza zvese zvavaigona kuti Tandi adzokere kumusha kwavo asi zvichiramba.

Mhuka isingazive toilet kana tishu

$
0
0

naIgnatius Mabasa —
NHAI ndimbokubvunzawo. Iwe umbori waani chaizvo? Handisi kureva vabereki vako vakakuzvara vakakurera, asi ndinobvunza kuti anotonga, kana kuti chinotungamirira, kana kuti chakabata hupenyu hwako chii?

Chii chinozivikanwa nevanhu kuti chakakuita muranda wacho zvekuti vanhu vanokuziva nekuda kwechinhu ichocho?

Ndiri kubvunza kuti ndeipi yako? Ndeipi yako imbwa inokutevera kana nepamwe paunoti dai yambondisiya ndiri ndega?

Ndinadzo hama dzangu dzandinogona kukuudza ndisina kumbonetseka kuti, mukoma wangu Joramu ndewedoro. Anoridisisa zvekuti kana akarara anoshaya hope nekurifunga.

Anenge achinzwa chimbo chehondo yedoro chichiimbwa mumusoro make. Chimbo chinoti: “Doro, ndiri kushuwa kukuona. Doro ndiri kuda kukubata. Ndiri kuda kukunhuhwidza. Ndiri kuda kukuvhura. Ndigokunanzva ndichidedera. Ndiri kuda kukuteerera uchikwenya rurimi rwangu, uchisekenyedza matadza angu, uchimitisa pfungwa dzangu. Doro. Hwahwa. Njera. Musungwa. Ndiri kuda kukunwa serwizi runonwa mvura yanaya. Ndiri kuda kuguta newe kusvika tsinga dzangu dzatushuka, dzaita mafashamu anotakura zvese zvakandikomberedza achindisekenyedza.”

Handizive chinokushaisa hope, asi ndinaye mwanasikana akadiwa naJoe. Kwaari kurarama kwakabva kwaita Joe. Kurara, aingorota Joe, kumuka achitsvaga Joe. Hurukuro dzake dzichingori Joe chino, Joe icho. Akaramba ongojobora vamwe nezvaJoe.

Hapana chamaitaura naye nezvaJoe chakaipa. Kutsinzinya kwaimunetsa pakunamata, asi kana otaura zita raJoe, maziso ake aivharika sepeji yekupedzisira yebhuku, obva ataura zita remudiwa wake zvekuti kana iye Joe haana kumbobvira ataura zita rake zvinoyera nekuyerera huchi saizvozvo. Neniwo ndave kutya kuita muranda munyika muno. Ndave kutya kuita muranda wezvinhu zvakawanda zvandiri kuona kuti zviri kuda hupenyu hwangu kuti huve hupenyu hwazvo. Kwandiri nguva yakakosha kwazvo, uye mashandisiro andinoita nguva yangu anonditambudza kana ndichinge ndave kunorara.

Pane pandinoona kuti ndatambisa nguva yangu ndichitamba dhirafuti muswere wese wezuva — ndichingoshevedzera kuti, “Sunga hwani, sunga dhazeni. Bhobho!” Asi panguva yandiri kudaro tsoro haisakure munda. Kuvaraidza nguva? Unoda kuvaraidza kuti nguva iri kuchema here?

Ini handidi kuti mugonditi ndiri wekubasa kwandinoshanda, nyangwe zvangu ndichishanda nesimba rangu rese nemwoyo wangu wese. Handisi munhu wekambani nekuti ukapinda basa, chasara kubuda.

Handisi munhu weDeMbare. Kutoita nharo dzekupedzisira ndarwa nekuda kwetimu yebhora yandisingazive kuti nezuro vatambi vayo vakanga vachinwei kuti vagokwanisa kunwisa.

Handidi kuve munhu wemari iri mubhegi kana mubhengi mangu. Handidi kuverengwa mumapepanhau ndichipihwa mazita emadunhurirwa ekundipembedza asi nyika ichindimedza.

Ndine mota dzakawanda, asi handifambe mumba nemota. Ndine dzimba dzakawanda, asi handigare kana kurara madziri dzese panguva imwe chete. Handidi kutongwa nenyama yangu nekuti ndinozviziva kuti inoora. Handidi kutongwa nebonde nekuti kurishaya hakusi kufa, asi kushaya Jesu kufa.

Nyama inokuvara, asi mweya haukuvare. Nyama inokamhina, inozvimba, inotyoka, inodambuka, inobviswa dzimwe nhengo ukasara uchirarama usisina ziso, usisina gumbo, zamu, chigunwe, ruoko nezvimwewo.

Izvozvo imharidzo yekuti nyama inofa, asi mweya haufe. Ndinogona kurarama, asi ini ndatapudzwa nekuti mweya waMwari uri mandiri hautapudzike.

Saka iye Mwari anopa hupenyu nekuti akaisa mweya wake matiri, ndiye wandinoda kuti atonge mandiri.

Handidi kutongwa nesimba nechinzvimbo, hembe kana kudzidza nekuti Mambo Nebhukadhineza vakati vachizviverenga pamamonya, Mwari akavaita mhuka isingazive toilet kana tishu.

Kuti mutambo uendeke

$
0
0

Munyaradzi Gunduza
. KUPERA kunoita basa raRuvengo kunoita kuti azove rovha otanga kuchengetwa naCindy.

. Kuramba kuteerera kunoitwa naRuvengo kuti adzinge amai vake, VaHaruna vadzokere kumusha kuDharuweni.

. Kupomerwa huroyi kunoitwa VaHaruna naCindy achida kuti vadzokere kumusha kwavo kuDharuweni.

. Kusatsvairwa kunoitwa mumba yekurara yaCindy naRuvengo nemusikana webasa, Tsitsi pamwe chete nekusageza chimbuzi chemumba umu.

. Kurambidzwa kugara mumasofa nekuona chivhitivhiti chakanaka kunoitwa VaHaruna naCindy achiti vanozadza masofa bute.

. Tsamba inonyorerwa Ruvengo nemukuru wenyika achimushevedza kuti adzokere pabasa.

. Kushanya kwaRegina kumba kwaCindy kuBraeside achida kunomuona.

. Zano raCindy naLaiza rekuti vauraye VaHaruna nekeke rine muchetura wemakonzo.

. Kunhongwa kwekeke naKumbie achidya asina kumirira kupihwa.

. Kurwara kunoita Kumbie nemudumbu achingogomera mushure mekudya keke.

. Kurohwa netsvimbo kunoitwa Regina naCindy achiedza kurova amai vake, Laiza.

. Kumhanya kunoshevedza mapurisa kunoitwa naMaggie.

. Kusungwa kwaCindy naLaiza nemapurisa.

 Matambudziko anowira vatambi:

. Mbuya Haruna vanosangana nedambudziko rekupomerwa huroyi.

. Mbuya Haruna vanowirwa nedambudziko rekurambidzwa kugara pamasofa akanaka nekuona chivhitivhiti chakanaka nekuti vanoputa bute (rusarura).

. Kumbie anosangana nedambudziko reurwere hwemudumbu.

. Ruvengo anowirwa nedambudziko rekupererwa nebasa zvinoita kuti ave rovha.

. Laiza naCindy vanosangana nematambudziko ekusungwa.

. Regina anosangana nedambudziko rekurohwa pamhanza netsvimbo naCindy.

. Maggie anowirwa nedambudziko rekufirwa naamai vake zvinoita kuti azotange kugara naCindy achishungurudzwa.

. Tsitsi anosangana nedambudziko rekutukwa naCindy nenyaya yekusatsvaira muimba yake yekurara pamwe chete nekugeza chimbuzi.

. Laiza anosangana nedambudziko rekushorwa pamwe chete nekutukwa nemwana.

. VaHaruna vanosangana nematambudziko ekurera vanaRuvengo naRozi kuti vakure mushure mekunge murume wavo afa vachisiiwa vave shirikadzi.

Zvidzidzo zvinobuda mumutambo:

Mumwe anokwanisa kuti akadzidza zvidzidzo zvinotevera:

Ane marengenya haachariki moto – kubva kuna Cindy anoshungurudza vamwe vanhu asi kumagumo anozopinda mumaoko emapurisa nekuda kweunhu nemabasa ake.

Rina manyanga hariputirwe mumushunje – Cindy anovanzira Ruvengo kuti aive nemwana kunze asi anozongomuudza – anotaura kuti aisada kuzvara achitya kuchembera ndosaka aishandisa dhepo.

Hukama haugezwi nesipo – Ruvengo anoramba kudzinga amai vake, VaHaruna pamba pake nekuti vakatambura kumuchengeta kukura kwake kwese.

Mhandu yemukadzi mukadzi – Cindy anenge achishungurudza vamwe vanhukadzi sezvaanoita paanenge achirambidza VaHaruna kuti vagara mumasofa akanaka pamwe chete nekuronga zano rekuvaisira muchetura mukeke achida kuvauraya.

Kudzidza kwakanaka – izvi zvinobuda kuna Cindy anodzidzira basa reugweta oshanda basa rakanaka chaizvo ave majisitiriti.

Hutsinye hwakaipa – zvinobuda kuna Cindy aipomera VaHaruna huroyi hwaainge asina kuona pamwe chete nekuvatutisa zvinhu zvavo kubva muimba yavairara achiti vaende kukoteji nekuti aida kupa imba iyoyo kushamwari dzake padzaiuya kuzomuona. Kumagumo tinoona achizowira mumatambudziko akaita sekusungwa nekurambwa nekuda kwehutsinye.

Kuteerera kwakanaka nguva dzese – kubva kuna Cindy anoramba kuteerera mashoko aanoudzwa neshamwari yake, Regina pamwe chete nababa vake, Zariro kuti agarisane navamwene vake zvakanaka. Kusateerera mashoko evaviri ava kunoguma kwamusungisa nemapurisa.

Ndambakuudzwa akaonekwa nembonje pahuma – Cindy anoramba kuteerera dzidziso yaanopihwa naRegina naZariro ozogumisira azvirambisa nemurume wake, Ruvengo mushure mekunge aita zvinhu zvaaigara achirambidzwa nevaviri vane mazita atanga kudomwa ayo.

Mhando dzezvekudya

$
0
0

Ticha Danga —
NHAURWA yekudya nekunwa ndiyo inovaka munhu. Kushingaira kunoitwa mumatunhu nemumadhorobha kuvavarira kuisa chokudya patafura.

Makare kare zvekudya zvakange zvichiitwa namapoka maviri muupenyu hwacho. Vanhurume vaienda musango kunovhima mhuka kuti vagowana nyama ukuwo vakadzi vaienda musango kunochera midzi nekunhonga michero nokudaro kudya kwaiva mavhu namarara.

Kudya uku zvakare kwaivaka muviri nekugwinyisa kudarika kudya kwavako mazuva ano. Zvikomana nezvisikana zvaiva zvigwindiri kudarika zvamazuva ano.

Husavi hwakare hwaisada mafuta sehwamazuva ano. Kwaiwanikwa derere. hohwa, ishwa, hwiza kana majuru. Kwadyiwa zvakare madora, mandere nembeva.

Mhando dzekudya dzakawedzera kuwanda pakawana vanhu ruzivo rwekurima nekupfuya zvipfuyo. Hwaro hwemhando dzezvekudya hwakabva hwawedzera uye vanhu vakange vogarisana pedyo nepedyo vachibatsirana mabasa. Izvi zvakazoita kuti husavi huchitekeshera.

Vaigadzira bota raibikwa nemuto wamatamba rainzi munhandabota kana kuti mudzamba. Kune zvakare bota ravaigadzira nekukanya muto wemazhanje rainzi dondore.

Vanhu vaiva nehuchenjeri hwekugadzira huchi kuita muto wainzi musvi.

Vavhimi vaiti vakauraya tsoko kana gudo, vaibva vavhiya vogadzira nyama yehusavi yaidaidzwa kunzi nhongoruware. Vaigona zvakare kubata gwavava kana gweshadombo vogadzira husavi hwavaipa zita rekuti hukurutombo.

Mukuvhima vanhu vakatanga kupfuya nekushandisa imbwa. Vakazosvika pakuchiva imbwa zvekuti vaibata mbwanana vouraya, vogadzira husavi hwavakapa zita rekuti mbudziruonje.

Vakadzi vaiunganidzawo nokutswa runinga urwo rwaizogadziriswa usavi hwainzi dovi roruninga.

Nemhaka yekuti nyama yainge isingazivani, imwe yaizoomeswa yoitwa chimukuyu apo vanhu vaizongopota vachidambura vachidzandabvura zvavo pavadira.

Kuuya kwembesa kwakaunzawo shanduko muupenyu hwevanhu nekuti chibage chakabva chatangawo kutora nzvimbo huru mukurarama kwavanhu. Kwakatangawo kuwanikwa jena muponesi rinova sadza.

Sadza risina muriwo rakabva rapihwa zita rekunzi nhemurwa. Sadza rakasara manheru rakabva ranzi munya, muradza kana kuti mukucha.

Kurimwa kwenzungu kwakabara dovi iro rakazogadziriswa mhando dzehusavi dzisingaperi. Kune husavi hunoitwa mushure mekukwatisa dovi risina chimwe chinhu mukati maro uhwo hunonzi gwatakwata kana kuti nhakara.

Vamwewo vanogona kumaranza nzungu vasingadzitsetsi kusvika kuzoita dovi. Kana dzamaranzwa kudaro dzinonzi chidokohori kana kuti chinanzvirwa.

Dovi rakakorerera rikaiswa nekukwatiswa mumbeva kana majuru rinonzi rujin’ini.

Nyemba nyoro dzakabikwa nemakanda adzo dzinonzi mahove kana kuti mukove. Manhanga anogona kubikwa osanganiswa netsanga dzechibage obva adaidzwa kunzi mukan’a.

Mapfundewo anogona kutswiwa odyiwa akadaro achidaidzwa zita rekuti mashagada. Mhodzi zvakare dzinogona kukuyiwa dzoumbwa zvimabhora dzobikwa. Kana zvaibva zvinonzi mabumbe kana kuti undu.

Chibage chakadzvurwa nekubikwa chinonzi mashazhare kana kuna manhuchu. Nekuda kwekutambudzika kukuru, vamwe vanhu vanosvika pakushaya husavi hwekudyisa sadza ihwo hupfu huripo.

Vanozongobika sadza votora mvura ine munyu vanhu votosevesa. Mvura iyoyo ine munyu inonzi mutowavhumbu kana nhanhamuto.

Musiyano weHIV neAIDS

$
0
0

7. VATAMBI vazhinji vari muna Dare Retariro havana ruzivo pamusoro pechirwere cheshuramatongo. Tsigira pfungwa iyi nezvinhu zvishanu. [25]

Vatambi vari muna Dare Retariro vanoratidza kusaziva musiyano weutachiona hweHIV nechirwere cheAIDS. Izvi zvinobuda pachena zuva rinoperekedzwa Tandi kukiriniki yepaMutapi kunonyoresa pamuviri namaiguru vake, Hazvinei. Anoudzwa namukoti Sibanda kuti aive neutachiona hweHIV ndokutanga kuchema achiti ndanzi ndine AIDS. Izvi zvinoratidza kuti aisaziva musiyano weutachiona hweHIV nechirwere cheAIDS.

Munyaya iyi vatambi vanoburitswa pachena kuti havazive nezvechirwere cheshuramatongo pavanotevedzera zano rekunyepa ravanoudzwa nen’anga kuti raipedza utachiona hweHIV. Tinojekeserwa nemunyori kuti Zvidzai akanga anyeperwa nen’anga yainzi Zinorengwe kuti akarara nemhandara utachiona hweHIV hwaaive naho hwaibva hwapera muropa rake asi paanozviita arara naTandi aive mhandara, anoona utachiona uhu husina kupera.

Mubhuku iri vatambi vanoratidza kusaziva maparariro eutachiona hweHIV. Izvi tinozviona kuna VaMandionei vanoti kuna Tandi akanga achirarama neutachiona hweHIV, aisafanira kushandisa midziyo imwe chete neyavaishandisa nekuti aizovatapurirawo utachiona uhu. Apa vanoratidza kushaya zivo yekuti utachiona hweHIV hunobatira huchitevera kutapurirana ropa kwete kudyidzana nevanhu vanaho.

Muna Dare Retariro vatambi vanoratidza kusaziva nezvechirwere cheshuramatongo pavanofunga kuti munhu akabatwa neutachiona hweHIV ave kutofa. Izvi zvinoonekwa kuna Muchaneta anonzwa kuti maiguru vake, Tandi vakanga vaonekwa kukiriniki kuti vaive neutachiona hweHIV, anomhanyira kuridza mhere ndokutotanga kuona rufu rwaTandi, Zvidzai nemwana wavo. Haana kuziva kuti Zvidzai, Tandi nemwana wavo vaikwanisa kutorarama kwenguva refu, kana vatevedzera zvese zvavaizenge vachiudzwa nanachiremba.

Mafungiro evatambi vari muna Dare Retariro ekuti mwana anozvarwa namai vane utachiona hweHIV anahowo anojekesa kushaya kwavo zivo maererano nezvekupararira kweutachiona uhu.

Tinozvijekeserwa nemunyori VaMandionei pavanobvunza Tandi kuti ko, mwana wake waaizozvara aisazobatirawo utachiona hweHIV here kuburikidza nezvaaidya saamai.

Izvi zvinoratidza kusaziva kuti ropa remwana rinenge risina utachiona uye aizodzivirirwa pakuzvarwa kuti ropa rake neraTandi risasangane.

8. “Amai munonyadzisa. Chokwadi, bhachi renyu rokuchechi pisai!” p.58. Mutsara uyu wakatorwa muna Dare Retariro. (i) Ndiani akataura mashoko aya? (ii) Aitaura nani? (iii) Tsanangura zvinhu zvinojekesa mashoko aya kubva munyaya. [25]

(i) NdiMoses akataura mashoko aya.

(ii) Moses aitaura naamai vake, VaMandionei.

(iii) Mashoko aya anozadziswa nemabasa akaipa aiitwa naVaMandionei asi vari mutungamiri wemamwe madzimai eruwadzano kuchechi yeRoma. Kubva munyaya iyi chinoitwa naVaMandionei chinopikisana nechiKristu kurova. Tinozviona pavanorova muroora wavo Tandiwe mbama. Apa vaimurovera kuti akanga anotora mufundisi wavo Baba Madzore kuchechi yeRoma achida kuti vavayananise vagare vese zvakanaka.

Kutuka ndiko kumwe kunoita kuti VaMandionei vazoudzwa mashoko aya naMoses.

Izvi zvinobuda pachena pavanotuka Tandi zuva raasandudzirwa naZvidzai achidonhera pasi negotsi. Vanotanga kumutuka vachiti ipfambi yaida kunenera mwanakomana wavo Zvidzai mhosva yenhumbu isiri yake.

Chinoita kuti VaMandionei vazotaurirwa mashoko aya naMoses rusarura rwavaiita. Zvinoonekwa pavanopa Tandi midziyo ine rupau yekuti atange kuzvibikira ega nekuti aive neutachiona hweHIV hwavaitya kuti aizovazadza kana vakaramba vachishandisa midziyo mimwe chete naye.

Chinoitwa naVaMandionei chinofambirana nemashoko aya kubva munyaya kunyepa. Izvi zvinonyatsobuda pavanoenda muberevere mehozi yairara Tandi muna Moses naMuchaneta.

Vanenge vachitaura naTandi ndokutanga kuridza mhere vachiti Zvidzai anenge atofa nekuda kwake asi vachiziva zvavo kuti aive kuDangamvura kwaaiita zvechihwindi kumakombi.

Unhu hwaVaMandionei hunoenderana nemashoko aya nekuti vaivenga muroora wavo, Tandi.

Tinonzwa nezwi remunyori kuti vakanga vachiti vakaona Tandi vainzwa hasha dzakanyanya nekuti vaiti akanga aputsa musha wavo. Chaipa kuti vadaro kutiza kwakanga kwaita Zvidzai pamusha achienda kwaMutare.


‘Vana ngavadzidze mabasa emawoko’

$
0
0

Daphne Machiri —
MUKURU wedzidzo kudunhu reMashonaland West, VaSylvester Mashayamombe, vanoti zvakakosha kuti vana vechikoro vapihwe mazano pamusoro pemabasa avanogona kuita kana vapedza fundo zvichienderana nezvipo zvavo.

Vakataura mashoko aya svondo rapera pachikoro cheMsengezi High School, kwaZvimba, pavaiparura zviri pamutemo chirongwa chekupa vana mazano emabasa avanogona kuita mune remangwana, cheCarrier Guidance Day.

“Tinokurudzira vechidiki kuti vadzidzire mabasa emawoko uye tichitsigira chirongwa cheZim-Asset nekuti mabasa aya anobatsira mukuvandudzwa kweupfumi hwenyika,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Vechidiki ndivo vatungamiri vemangwana naizvozvo zvakakosha kuti tivatsigire nekuvaumba.

“Donzvo reCarrier Guidance Day ndere kuvandudza mazano ayo anosimudzira vana vechikoro mune remangwana zvinova zvichavandudza upfumi hwenyika.”

Vanoti vana vanofanirwa kukurudzirwa zvakare kuita zvidzidzo zveScience Technology Engineering neMathematics (STEM). “Zvidzidzo zveSTEM zvinofanira kukurudzirwa nekuti zvinoenderana nemabasa emawoko. Donzvo redu nderekuti vana vechikoro vasawanikwa vachigara pavanopedza zvidzidzo,” vanodaro VaMashayamombe.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, mukuru wechikoro cheMsengezi High, VaGeorge Rambanapasi, vanoti zvidzidzo zvemabasa emawoko zvakakosha kuvana vechikoro.

“Vana vanofanirwa kuziva mabasa emawoko vachiri kuyaruka nekudaro vanofanirwa kusimudzirwa matarenda avo,” vanodaro VaRambanepasi.

Pachikoro apa panochengetwa zvipfuyo zvinosanganisira mombe uye vana vepo vanorima zvirimwa zvakaita sechibage nematomatisi, izvo zvinotengeswa mari yacho ichishandiswa mukuchisumudzira.

Bhadharai mari nenguva: Kateera

$
0
0

Malven Mugadzikwa —
VABEREKI vokurudzirwa kuti vadhadhare mari dzevana dzechikoro nenguva sezvo kunonoka kuibhadhara kuchikanganisa budiriro yedzidzo.

Kurudziro iyi yakaitwa svondo rapera nemukuru wedzidzo mudunhu reHarare, VaChristopher Kateera, apo vaive muenzi anoremekedzwa pamhemberero dzekupihwa mibairo kuvana vakabudirira muzvidzidzo zvakasiyana, eGlen View-Mufakose Merit Awards.

“Vabereki ndinovatenda zvakanyanya nebasa ravanoita rekutitsigira nekuunza kwavanoita vana kuzvikoro pamwe chete nekupa mazano mukuvandudzwa kwezvikoro kuburikidza nemaSchool Developments Committees (SDC). Zvisinei, kune vamwe vabereki vanononoka kubhadharira vana mari dzechikoro.

“Ndinopa yambiro kuvabereki vakadai kuti vanofanira kubhadhara nekuti kusabhadhara kwavo kana kunonoka kunoita kuti zvirongwa zvinenge zvichida kuitwa nezvikoro zvekuvandudza magariro nemadzidziro evana zvidzokere kumashure. Mubereki anofanira kuziva kukosha kwedzidzo yemwana wake,” vanodaro VaKateera. VaKateera vanoenderera mberi vachiti zvikoro zvinofanira kudzidzisa vana zvidzidzo zvinofambirana nenguva zvinoita kuti vazova nehunyanzvi hwezvakasiyana-siyana.

“Nguva yatiri kurarama haichangodi kuti munhu aendere kuchikoro kuva neruzivo chete, asi nekugona kurwushandisa. Vana ndavadzidziswe zvekuti vanokwanisa kukasira kushandisa ruzivo rwavo kana vawirwa nematambudziko kana mazano anoita kuti nyika isimukire,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naVaCloud Nyambuya, avo vanova District Schools Inspector (DSI) kudunhu reGlen View-Mufakose vachiti vari kufara nekufambira mberi kwechirongwa cheNew Curriculum.

“Vadzidzisi vemudunhu rangu vari kuratidza kufarira New Curriculum kuburikidza nekudzidzisa kwavari kuita zvidzidzo zvakanangana nechirongwa ichi. Vana muzvikoro vava kupinda mumitambo yakasiyana vachiratidza zvipo zvavo rinova danho rakanangana nekutevedzera hurongwa uhu,” vanodaro.

Zimpapers yakabatsira…Vana vechikoro ‘votuka’ chando neshangu itsva

$
0
0

Muchaneta Chimuka
KAMBANI huru mune zvenhau munyika muno, yeZimpapers – iyo inodhinda mapepanhau anosanganisira Kwayedza – svondo rapera yakabatsira vana vanobva kumhuri dzinotambura vepachikoro cheKakora Primary School, kuGlendale nemabhuku, zvekunyoresa neshangu izvo zvinokosha $2 000.

Vachitenda rubatsiro urwu, mukuru wechikoro ichi VaDaniel Chigwada vanoti vanofara zvikuru nerudo rwakaratidzwa neZimpapers mukurangarira vana vanobva kumhuri dzinoshaya kuburikidza nekusimudzira dzidzo yavo.

“Kuti tinge tichikudza vana ava vaine mufaro wakafanana newevamwe, zvinoda mushandirapamwe. Izvi zvinoda varairidzi, vabereki nemi vatsigiri nekuti tiri toga hatingazvigoni. “Tinofara kuti Zimpapers yasarudza chikoro chedu pakati pezvikoro zviri munyika yose,” vanodaro.

Zvimwe zvakapihwa neZimpapers kuchikoro cheKakora Primary School.

VaAlexandar Mutema, avo vanova District Schools Inspector weMazowe, vanoti vana vakabatsirwa neZimpapers vakasarudzwa nenhengo dzeSchools Selection Committee uye vamwe vacho vari muchirongwa cheBasic Education Assistance Module (BEAM).

“Hatidi kuti vana vari muchirongwa cheBEAM vasangane nerusarura zvichitevera kumhuri kwavanobva asi kuti tinoda kuti vatsigirwe zvakanyanya kuitira kuti vafanane nevanobva kumhuri dziri nani mukuwana. Kana vana ava vakasarurwa, zvinoita kuti vakundikane mudzidzo uye vamwe vanobva vatoramba chikoro chacho nekuti vanenge vachisekwa nepamusaka pekushaya zvipfeko zvakanaka kana zvimwe zvinhu zvinowanikwa nevamwe vana mukurarama,” vanodaro.

Vanotenda chikwata cheSchools Selection Committee, icho chinosanganisira vabereki vemunharaunda nevamwe vana mukugona kuongorora vana vanotambura kuti vabatsirwe. “Kazhinji kacho rubatsiro rwerudzi urwu rwunowanzoendeswa kuvanhu vanowana nekuda kwehuwori hunoitwa mune zvimwe zvikoro, asi pano nhasi vana vanotambura chaivo ndivo vatambidzwa shangu nemabhuku. Saka tinoda kuona vachiuya kuchikoro vakapfeka shangu idzi kwete kuti vabereki vavatorere kana kudzitengesa,” vanodaro.

Daniel Chigwada

VaGodfrey Chari, vanovazve District Schools Inspector munzvimbo iyi, vanoti vazhinji vevana ava vanobva mumhuri dzinoshaya zvichitevera kurasikirwa nevabereki nepamusaka peutachiona hweHIV, kurambana kwevabereki, nzara, kumitiswa nezvimwe.

Anoona nezvekudyidzana neveruzhinji nekukushwa kwemashoko kuZimpapers, Beatrice Tonhodzayi, anoti vakatsvaga rubatsiro urwu kuvatsigiri vakasiyana.

“Dzidzo inokosha zvikuru nekuti inosandura upenyu hwemunhu. Saka tauya nemabhuku kuti munge muchikwanisa kunyora nekurava. Tinoda kuti muzadzikise zviroto zvenyu uye takuunzirai zvakare shangu dzechikoro kuti mukwanise kudzivirira chando muchidzidza. Bhutsu idzi takadziwaniswa nemuimbi Oliver Mtukudzi,” anodaro Tonhodzayi.

Beatrice Tonhodzayi akabata imwe yeshangu dzakapihwa vana.

Mai Evelyn Karima, avo vanove amai vaNgonidzashe Chibika – mumwe wevana vakabatsirwa neshangu – vanotenda rubatsiro urwu.

“Ndiri mudzimai akatizwa nemurume saka ndinonetseka pakuchengeta vana. Naizvozvo ndinotenda kambani yeZimpapers nerubatsiro urwu,” vanodaro.

Mhando dzezvirimwa

$
0
0

Ticha Danga —
ICHOKWADI kuti tiri zvatiri nekuda kwezvatinodya zuva nezuva. Vamwe tiri ndonda vamwe vari zvigwindiri. Vamwe vedu havatozivi musiwo wechipatara nekuda kwezvaanodya zuva nezuva.

Makarekare vanhu vaigara vakagwinya pasina nhaurwa yekuenda kuzvipatara pese pese nokuti vaidya kudya kwaivapa utano uye kwavairima nekugadzira vega vasingasvuuri zvotoona mazuva ano.

Nekuuya kweruzivo rwembesa, vanhu vakatanga kurima mhando dzezviyo dzakasiyana. Kune mhando dzezviyo kana kuti rukweza dzinokwana shanu kana kuraudzira.

Kune zviyo zvinonzi matangatsapi inova mhando isingatani kusvika kana kuibva nokudaro ndirwo rwunotanga kuiswa mutsapi kana mudura.

Muduura imwe mhando yerukweza urwo rwunoti kana rwaibva rwunopfumbata sechibhakera. Rukweza urwu rwune hundi yakawandisa kupfuura dzimwe mhando dzose dzezviyo. Garinhi kana kuti gwezere zviyo zvinowanda uye zvine huro dzinosunga serusero.

Kunozoita kamwe kazviyo kaduku katsvuku kasingaite hundi yakawanda kana dzinde guru. Kazviyo aka kanonzi nhuri.

Nyiminya kazviyo kadiki zvakare kanobikiswa biti kana kuti doro rinotapira zvikuru. Biti rekanyiminya rinoita furo rinonyiminya nekutubhwira zvinova zvakaita kuti katumidzwe zita iri.

Zviyo zvakanakira kubikiswa bota rinovaka muviri zvakare zvinobikiswa sadza rinonaka samare. Ruzivo rwembeu rwakaramba rwuchikura kudzamara vanhu vorima mupunga mumatimbwa kana kuti mumatoro.

Nanhasi uno mupunga uyu unorimwa munzvimbo dzinonaya mvura yakawanda.

Munorimwa mupunga hamusi nyore kushandira nekuti munoita madhaka anony’udza uye munoita majekacheka anocheka senhavhaya.

Mupunga unowanikwa mumhando ina. Kune mupunga unonzi mutirigu uyo unogona kunge uri mutema kana muchena. Mutirigu unozivikanwa nekuti unoti kana waibva unomira kuti twii.

Dembaremba mupunga une dzinde dete uye unokotamisa hura hwaho kana waibva kana kusvika. Kune mumwe mupunga usingatani kusvika kana kuibva. Uyu mupunga unotyora mutsipa kana kukotamisa hura kana waibva sedembaremba asi dzinde racho rakati simbei.

Mupunga uyu unonzi kapangure kana kuti chidamare. Mupunga uoitwa zvekutswiwa muduri wozobikwa uchimonwa nedovi. Unonyanyonyoita tsuro ndisunge nenyama yehuku yechibhoyi. Mupunga wekugumisira unonzi munyai.

Uyu mupunga unosiyana nemimwe yose nekuti une minzwa. Hautane kukuhumuka padzinde rawo uye unokurumidza kuibva.

Mapfundewo ane mipanda. Tine mhando yemapfunde inonzi monga. Monga mapfunde ane kunze kwetsanga kuchena uye anoita hupfu huchena.

Mapfunde iwaya anozivikanwa nezigunde zirefu. Mapfunde monga anosiyana netsveta iyo ine kunze kwetsanga kutsvuku uye hupfu hwacho hutsvuku.

Kunewo mapfunde anonzi mukadzidzoka. Aya mapfunde asingatani kuibva. Ane gunde pfupi, tsanga pfupi uye anoita hupfu hutsvuku.

Chigwadara mapfunde ane gunde pfupi, tsanga nhema nehupfu hwakatsvukuruka. Kumhunga tine karuja, mhongora nemurambatsvina.

Kunzungu kune chiboko, chimhandara, kasawaira nemurambatsvina. Nzungu dzechimhandara ndidzo dzinonzi tumbe. Kana dzava nyimo tava netumbemberete nekapofu.

Panotizira Tandi . . .

$
0
0

Munyaradzi  Gunduza —
9. TSANANGURA shanduko inoitika pamusha paVaTigere kubva panotizira Tandiwe muna Dare Retariro. [25]

Tandi paanotizira Zvidzai, pamusha paVaTigere panenge pave neruvengo. Tinonzwa nezwi remunyori kuti VaMandionei vakanga vachiti vakaona Tandi vainzwa hasha dzakanyanya nekuti vaiti aive aputsa musha wavo. Chaipa kuti vadaro kuvengana kwavaive vaita naMoses aimutsigira kuti agare pamusha pavo asi ivo vachiti aifanira kudzokera kumusha kwevabereki vake.

Panotizira Tandi pamusha paVaTigere panenge pave kugara pachiitika bopoto. Izvi zvinoonekwa VaMandionei pavanopopotedzana naMoses zuva raaive muhozi mairara Tandi. Vaipopotedzana nenyaya yekuti VaMandionei vakanga vapa Tandi midziyo ine rupau kuti azvibikire pake ega vachiti vaitya kuzadzwa utachiona hweHIV hwaaive naho. Pavanoita izvi Moses anovapopotera achiti vapise mabhachi avo ekuchechi asi vachitiwo haasi Jeso aivaudza izvozvo.

Kutizira kwaTandi paVaTigere kunoita kuti Zvidzai atize pamusha. Tinozviona Zvidzai paanooneka amai vake achivaudza kuti akanga ava kuenda kuDangamvura kunoita zvechihwindi kumakombi. Aifungidzira kuti aizodzoka Tandi akanga amutizira adzokera kumusha kwavo kuChipinge.

Panotizira Tandi pamusha paVaTigere panenge pave kuitwa matare asingaperi. Izvi tinozviona zuva ratevera patizira Tandi pamusha paVaTigere, VaMandionei vanokoka Mashama namai vake, Moses naSabhuku Sango kuti vavabatsirewo kutonga nyaya yaTandi akanga atizira Zvidzai. Baba Madzore, Sabhuku Sango, Moses naMuchaneta vanozogarazve rimwe dare naVaMandionei vachida kuti vagare naTandi zvakanaka semuroora wavo.

Urwere idambudziko rinowanikwa pamusha paVaTigere kubva panotizira Tandi. Izvi zvinobuda VaMandionei pavanenge vave kugara vachirwadziwa nemusoro vapererwa nemazano ekuti voita sei kuti Tandi adzokere kumusha kwavo sezvo zvese zvavakanga vaedza kuita zvaive zvashaya mubatsiro. Izvi zvinoita kuti vazorwara nechirwere chebhiipii ndokusitiroka rutivi rwekurudyi uye kuzotanga kunwa mapiritsi ebhiipii kweupenyu hwavo hwese.

10. Muna Dare Retariro munyori anoburitsa nzira dzakasiyana dzinogona kushandiswa kuderedza kupararira kwechirwere cheshuramatongo. Tsanangura dzimwe dzacho dzawakawana munyaya iyi. [25]

Munyori anoburitsa mapoka akazvimirira ega achibatsira kuderedza chirwere cheshuramatongo. Izvi tinozvijekeserwa nezwi remunyori paanoti kune veAIDS Awareness Society vaiita zvekufamba vachidzidzisa vanhu muzvikoro nemudzinharaunda maererano nezvechirwere cheshuramatongo.

Munyori anoburitsa machechi achibatsirawo kuderedza utachiona hweHIV nechirwere cheAIDS. Tinozviona panoenda Tandi kuchechi yeRoma yaive munharaunda yaigara vamwene vake, VaMandionei. Mufundisi Madzore vanounganidza vanhu vaiti vechidiki, vatendi nevenharaunda kuti vagare pasi vagonzwa dzidziso yavaida kupiwa naTandi maererano nezvechirwere cheshuramatongo.

Munyori anoburitsa vatungamiri venharaunda vachibatsirawo kuderedza chirwere cheshuramatongo. Izvi zvinoonekwa kuburikidza naSabhuku Sango vanotumira mupurisa wavo kuti afambe munharaunda yavo achiudza vanhu kuti vaizofanira kuenda kuchechi yeRoma Svondo yaitevera kunodzidziswa nezvechirwere cheshuramatongo naTandi.

Hurumende iri kutorawo matanho ekuderedza kupararira kweutachiona hweHIV nechirwere cheAIDS. Tinonzwa namukoti Sibanda pavanenge vachiudza Zvidzai naTandi vari kukiriniki kuti hurumende yaikurudzira zvavaida kuita zvekuzvipira kufamba vachidzidzisa vanhu maererano nezvechirwere cheshuramatongo chavakanga vave kurarama nacho.

Munyori anotiratidza vatungamiri vemachechi vachibatsirawo kuderedza kupararira kwechirwere cheshuramatongo. Izvi zvinojekeswa naMufundisi Madzore vaitungamirira chechi yeRoma. Vanopa Tandi mukana wekuti adzidzise vanhu vemuchechi yavo pamusoro pechirwere cheshuramatongo pamwe chete nekuzonomutsvagira mikana muzvikoro yekuti afambe achidzidzisa vana vechikoro nezvechirwere chimwe chete ichochi.

Vanhu vanorarama neutachiona hweHIV vari kutorawo matanho pakuedza kuderedza kupararira kweutachiona uhu. Tinozviona kuna Tandi akanga achidzidzisa vana muzvikoro sepaMutema High nemumakereke sezvaakaita kuRoma kwaaidzidzisa vanhu pamusoro pechirwere cheshuramatongo chaairarama nacho.

Izvi aizviita achivapa yambiro kunyanya kuvana vechikoro achiti vaifanira kuzvibata kusvika vapinda musvitsa tsvene. Munyori anoburitsa maredhiyo nemapepanhau senzira iri kushandiswa kuderedza kupararira kwechirwere cheshuramatongo.

Tinonzwa natete vaTandi amai Mutema pavanomubvunza usiku hwezuva ravarara muhozi pamusha paVaMandionei vachiti aive asinawo kumbonzwa nezveutachiona hweHIV nechirwere cheAIDS here chaigara chichidaidzirwa mumapepanhau nemumaredhiyo, zvaakanga atadza kuzvibata achiri kuchikoro kusvika pakupiwa pamuviri naZvidzai.

Viewing all 921 articles
Browse latest View live


<script src="https://jsc.adskeeper.com/r/s/rssing.com.1596347.js" async> </script>