Quantcast
Channel: Denhe Reruzivo – Kwayedza
Viewing all 921 articles
Browse latest View live

Dzidzo ngaiumbe vana – Kateera

$
0
0

Malven Mugadzikwa —
MUKURU wedzidzo muHarare Metropolitan Province, VaChristopher Kateera, vanoti mubatanidzwa wezvidzidzo zveScience, Technology, Engineering, Arts neMathematics (STEAM) unofanirwa kusimbaradzwa pamwe nekuvandudzwa sezvo iri iyo nzira inoita kuti vana vakwanise kuwana mabasa mune ramangwana uye kuzvitangira mabhindauko voga.

VaKateera vakapa kurudziro iyi pamhemberero dzekupihwa mibairo kuvana vakabudirira muzvidzidzo, dzeHighglen District Merit Awards idzo dzakaitirwa paGlen Norah 2 High School, muHarare svondo rapfuura.

“Ndinoda kukorokotedza vana vawana mibairo yezvekudzidza, mitambo nezvetsika nemagariro ndichiti varambe vachishingirira mune ramangwana ravo. Avo vasina kuwana mibairo ndotiwo vashande nesimba. Mibairo iyi inoratidza kushanda nesimba kuri kuita nedunhu reHighglen mukuvandudza dzidzo yevana, kusimudzira pamwe nekuvandudza zvipo zvavo.

“Vadzidzisi vane basa guru mukuita zvose izvi pamwe nevabereki,” vanodaro VaKateera.

Vanoenderera mberi vachiti: “Ndinofarawo kuziva kuti dunhu reHighglen riri kuvandudzawo dzidzo yevana kuburikidza nezvidzidzo zveSTEAM. Pazvidzidzo izvi pachine basa guru muzvikoro nekuti kuzvigona kwevana idanho guru pakusimudzira dzidzo yedu senyika sezvo riri iro dzinde rekuti mwana kana apedza chikoro azove nehunyanzvi pamwe neruzivo kuti basa raachada kuita rinobatwa sei.

“Zvidzidzo izvi ndizvo zvinoumba hwaro hweramangwana remwana munyaya dzemabasa ekuzvishandira nekuti azokwanisa kufarirwa nemakambani apo achazotsvaga basa. Zvidzidzo izvi zvinobatawo mabandiko akawanda ehurongwa hutsva hweNew Curriculum uho hunokurudzira mwana kuti abve kuchikoro ava nehunyanzvi uye kugona kubata mabasa emaoko.”

VaKateera vanoti vanofara kuti dunhu reHighglen rakabura vana vakawanda avo vakapasa zvinodadisa pabvunzo dzeGrade 7, O- neA-Level dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) dzegore rapera.

Mashoko avo anotsinhirwa naDistrict Schools Inspector wekuHighglen District, Dr Tendai Mavhundutse, vachiti dunhu ravo richaramba richisimudzira zvidzidzo zveSTEAM.

“Zvidzidzo zveSTEAM pamwe nemitambo inoitwa pasi peNew Curriculum zvinoda kuti vadzidzisi, vabereki nevana vechikoro vabatane kuti zvibudirire. Tichakurudzirawo zvikoro kuti zvivandudze pekudzidzira pamwe nezvekushandisa pakudzidzwa kwezvidzidzo zveSTEAM kuitira kuti zvive nyore uye vana vakwanise kuita zvidzidzo izvi nezvakakwana. Tinodaro nekuti zvidzidzo izvi zvimwe zvacho zvinoda ruzivo nemidziyo yechizvino-zvino yakafanana nemakombiyuta pamwe nekuti vana vapote vachishandisa dandemutande pakudzidza,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Ndinodawo kutenda vakuru vezvikoro zvemuHighglen, vadzidzisi, vabereki pamwe nevana mukushanda pamwe chete munyaya dzedzidzo pamwe nekuumba hunhu hwevana hwakanaka sezvo zvichiita kuti dunhu redu riyemurwe.”


Zvisingatendeseki

$
0
0

Munyaradzi Gunduza —

3. NDEZVIPI zviitiko zvisere zvaungati hazvitendeseki zvinowanikwa muna Museve Usingapotse? Tsigira mhinduro yako zvizere. [25]

Zvinhu zvisingatendeseki hazvina chokwadi maererano neupenyu hungararamwe nevanhu, inokwanisa kuve wedzeredzo yesimba nemaitiro emunhu kana zvimwe zvinhu sekuzivikanwa kwazvo upenyu.

Kunzwa mutinhimira wehosho, ngoma nekuimba asi varidzi nevaimbi vasingaonekwe hakutendeseki. Tinozviona panoenda Mambo Chakaingesu, VaMatose naKaringe kuninga yedzinza ravo zuva rekutanga. Karinge anonzwa kudzivirwa nzeve nemaungira engoma, hosho nenziyo asi chakamushamisa ndechekuti paaicheuka haana kuona vanhu vairidza ngoma, hosho nekuimba ava.

Hazvitendeseki kuti munhu agotakura gate renyuchi dzegonera. Izvi zvinoonekwa kuna Mambo Chakaingesu vanotakura gate renyuchi dzegonera raive muninga yairadzikwa madzimambo edzinza ravo vachinorikanda panze peninga ndokutanga kuruma mauto aMambo Mupambi asi vasingarumwiwo.

Chinhu chisingatendeseki kuti nyoka ibatsire munhu kurwa hondo. Tinozviona kuna Mambo Chakaingesu vanotakura zigate raive nemhungu huru kwazvo yaigara muninga yairadzikwa madzimambo avo. Vakanorikanda kunze kweninga ndokubva rasvada Murambiwa aive mumwe wemauto aMambo Mupambi vaida kupamba umambo hwavo.

Hazvitendeseki kuti munhu ave neunyanzvi hwakapfurikidza pakurwa hondo. Tinozvijekeserwa naMambo Chakaingesu vanonzi vakarova Mhosva aive uto raMambo Mupambi nemuseve pahuma achienda mudenga sechamupupuri achidzoka ndokumugamhazve netsvimbo pahuma achibva angofa.

Munhu kubata nyoka nepadumbu hazvitendeseki. Izvi zvinojekeswa naKaringe paanenge ari musango neshamwari dzake vachivhima. Pavanoona zinyoka huri usiku, Karinge anoribata nepadumbu achirizvuva rakamutarisa rakangobuditsa rurimi asi hapana zvarinomuita.

Chimwe chisingatendeseki kuti munhu mumwe chete agorwisa mbada achiiuraya. Zvinobuda kuna Karinge paanenge ari musango neshamwari dzake vachivhima apo anenge achitenderera pedyo nemusasa wavo. Anosangana nembada yakanga yave kutomukachikira ichida kumuuraya asi anoibaya nemuseve pamwoyo ichinorovera pamuruvare ichibva yangofa.

Hazvitendeseki kuti munhu arwisane nechipembere. Tinozviona pana Karinge anosangana nechipembere nevamwe vake vari munzira kunopotera kwaMambo Tineshungu ndokuchibata nyanga huru nekuchitasva chikazonorovera pamuti ndokubva changonyarara.

Chisingatendeseki kuti munhu agogara pasi pemvura kwenguva refu. Izvi tinozviona panobikwa doro rekuvigwa kwaMambo Chakaingesu zviri pamutemo. VaMatose vainge vapoterwa nemudzimu vakapinda mudziva reNjuzu ndokugara pasi pemvura kwenguva refu kwazvo zvekuti vakasara kunze kwedziva vakanga vototya kuti zvimwe vany’ura asi vakazobudamo vakamonera mapfupa amambo padehwe rembada.

4. Tsanangura zvimhingamupinyi zvishanu zvinosangana naPondai muchinangwa chake chekutsvaga rubatsiro rwemauto kwaMambo Mupambi uchiratidza kukunda kwaanoita chibingamupinyi chega chega kubva muna Museve Usingapotse. [25]

Pondai anosangana nechibingamupinyi chekurumwa nechinyavada. Izvi zvinobuda paanenge ari parwendo rwake rwekuenda kwaMambo Mupambi kunotsvaga rubatsiro rwemauto. Tinomuona akarara pakati pesango asingakwanise kufamba, arumwa nechinyavada pedyo nemukangato. Anopona nekuramba akarara kwechinguva kusvika ave kunzwa zviri nani.

Chibingamupinyi chepiri chinosangana naPondai ndechekuneta. Izvi zvinoonekwa paanosvika pamuzinda waMambo Mupambi ndokudonhera pamakumbo pavo vakagara navanyachide vavo pasi pehozi, achidikitira muviri wese. Anopona nekumbovharirwa kwaanoitwa naNyamaropa naNhemamusasa muimba yevasungwa achiwana kuzorora.

Pondai anowirwa nechibingamupinyi chekusungwa. Tinozviona Mambo Mupambi pavanenge vagere muberevere mehozi ndokushevedza machinda avo maviri, Nyamaropa naNhemamusasa kuti vaende kunovharira Pondai muimba yevasungwa. Anopona nekuzotaura chinangwa chaaive afambira chekuti aida rubatsiro rwemauto ekurwisa Mambo Chakaingesu ndokuzosunungurwa.

Chimwe chibingamupinyi chinowira Pondai inyota. Chibingamupinyi ichi chinojekeswa nemhere yaanoridza ari muimba yevasungwa achikumbira mvura yekunwa ndokudirwa masvisvinwa edoro kumeso naNhemamusasa. Pondai anozopona nekupiwa mvura yekunwa nemachinda aMambo Mupambi kuti akwanise kutaura nyaya yaakanga afambira pamberi pedare ravo.

Pondai anowirwa nechibingamupinyi chenzara. Izvi zvinoonekwa panoenda Nyamaropa kuna Mambo Mupambi achinovakumbira kuti vanzwe mashoko aPondai nekuti akanga ave kubvunda nenzara seachafira mumaoko avo. Pondai anopona nekutaura chokwadi chekuti aida rubatsiro rwemauto mushure mazvo ndokuzopiwa zvekudya.

Chikoro chakavandudzwa

$
0
0

Daphne Machiri —
MUTEVEDZERI wegurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima vanoti Hurumende iri kuvandudza zvikoro zviri kumapurazi uko kwakagariswa vanhu patsva nedonzvo rekuti vana veko vawane mukana wekudzidza sevamwe.

Vakataura mashoko aya nguva pfupi yadarika pakuparurwa zviri pamutemo kwemakamuri ekudzidzira akavakwa pachikoro cheBatanai Primary School chiri kuHeadlands mudunhu reMakoni North.

Chikoro ichi chakavakwa nerubatsiro rwemari yakabva kuhomwe yeDistrict Development Fund (DDF).

Prof Mavima vakapawo chipo chemakombiyuta 100 kuchikoro ichi kuitira kuti vana vepo vabatsirikane mudzidzo yavo vachifambiranawo nenguva kuburikidza neE-learning.

“Kuvakwa kwezvikoro neHurumende kune chinangwa chekuti mwana wose ave nemukana wekuwana fundo. Naizvozvo Hurumende iri kuvandudza zvikoro zviri munzvimbo dzakagariswa vanhu patsva.

“Tinotenda zvakare DDF nekushanda kwairi kuita nesimba mukuvandudza zvikoro,” vanodaro Prof Mavima.

Vanoenderera mberi vachiti, “Vamwe vana kare vaidzidzira mudzimba dzemumapurazi, pasi pemiti nemumadhirihora efodya uye vamwewo vachinaiwa nemvura, asi zvakapera nekuti zvikoro izvi zviri kuvandudzwa,” vanodaro Prof Mavima.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, gurukota remhando dzemoto, Dr Samuel Undenge vanoti bazi ravo riri kuenderera mberi nekuisa magetsi muzvikoro nedonzvo rekutsigira E-Learning.

“Kuti chirongwa cheE learning chifambe, chinoda magetsi kuitira kuti vana vadzidze vachifambirana neruzivo rwechimanje-manje,” vanodaro Dr Undenge.

Makharani ngemuchiNdau

$
0
0

NDAUWE ndauwe! Takumanahe muchirongwa chedu chetinoreketa ngetsika neunhu hwedu hwechiNdau. Nyamashi tinode kureketa teikumuchire gama rinoti “makharani”.

Makharani mazuwa akatarwa asikatenderwi kuoneka weishanda kana kwafa mambo, hama yeumambo kana kuti azukuru ekutanga eumambo. Baba angu aiya muzukuru mukuru wekwaMambo Muusha nangokudaro paakafa akagarwe makharani asi inini andichagarwi makharani.

Makharani anokone kudaidzirwe mazuwa mairi kana kuti marongomuna. Mazuwa mashomani kazhinji ngeeana adoko. Mazuwa marongomuna ngeeasharuka aanhu. Kana kune makharani zviyana, apana munhu unotenderwe kushanda neivhu ramambo. Akuna unokanye dhaka kuforome zvidhina. Apana unorima ngemwombe kumunda kwake kana kusakure mumunda. Apana unoteme muti muishi. Kudiridzire mumunda nekucheke mwenje zvinotenderwa.

Chinyini chinoitika kana wabatwa weishanda nemakharani zviyana. Mambo unokuripisa kana waonekwa weishanda nemakharani. Inokone kuite mbudzi imwe kana mbiri. Mutongo uri kunamambo, zvaanonga awona kuti zvakakodzera ngezvaanoita newe. Mutunhu umwe naumwe une mitemo yawo yemakharani.

Apa ndati badubadu ndeireketa ngezvinoizwe kwaMambo Muusha mudunhu reChimanimani. Mutunhu umwe ngaumwe une mapurisa amambo anoringire kuti apana ere anodarikire chitsidzo ichi chemakharani. Mwedu munyika yaMambo Muusha tinaana sekuru Itai Muusha. Ndiwo anaoona ngemuganga weeshe eiringire kuti apana ere anogure chisungo chamambo. Saka watoite misikazwa yako yekude kushanda nemakharani, wotoone kuti sekuru Itai haasiri mudhuze mwakomwo ere.

Rekerekezvo, unotoibata huku nembudzi weikweye kwenda nazvo kwamambo. Ndakazozwe umweni oreketa echiti sekuru nyamashi andigezi ngekuti kune makharani. Tingade kujekeserane apapo, kugeza ngatisambe ngesimba yaamho. Makharani haana chekuita nekugezwa kwemuiri wako hai. Kana mambo wacho unotogeza maningi mazuwawo emakharani

Kuti tipete kukumuchira kwedu kwegama redu rinoti makharani, chinyini chinoizwa kana makharani apera kana kuti tinopendera ngenyi makharani edu aya. Mupendero uripo pamakharani. Ngezuwa rekugumisira remakharani, chimangwani chacho anhu anoende koopishe mapadza kwamambo. Koopishe mapadza kuti tichione kookhururwa kubve kumakharani ayana. Munhu weeshe, tingati muzi ngemuzi unofanire kwendese mutanda kwamambo wekoopishe mapadza. Kanyi kweduyo unoona anhu akati mbiriiri mupato nemutanda kwende kwambuya Mwaringiseni. Mbuya Mwaringiseni aiya mukadzi waMutape Muusha wekutamika. Saka sechiremera, kunyazwi mutape apachina, anhu anoendese huni dzekupishe mapadza kwambuya Mwaringiseni. Kana huni dzekupishe mapadza dzaenda zviya, pemunopetuka paya, mwatokhururwa kubve kumakharani. Munozoswera yaa nzekanzeka nemwombe nemagejo kurime mumunda.

Runoshakura ngerunoshakura, runoteme basha rezvidhina kwaakutotema akhiti. Apa tingati ndipo panoperere makharani edu nyamashi.

 

Ishmail Chemusina Penyai akabhare mabhuku anoti Nhekwe Dziri Kanyi, Tsvura Ngoko naScarlet Memories. Angade kureketa naye ngechiNdau ngatidhibane panumber dzinoti 0772 332 645/0172 948 959 kana paEmail: napenyai@gmail.com

Dzimwe mhando dzerondedzero

$
0
0

Ticha Danga —
KUNE mhando dzakasiyana-siyana dzerondedzero idzo tinogona kunyora kana kusangana nadzo mubvunzo nokudaro tinofanirwa kuva neruzivo rwakakwana rwemhando idzi kuti ndyaringo dzedu dzigobuda zvakanaka apo tinenge tonyora. Kune mhando dzinokwana shanu kana kupfuura dzerondedzero.

Kune mhando dzinoti yenhoroondo, yetsanangudzo, yekushandisa pfungwa dzechokwadi kozotiwo rondedzero yefungidziro. Kunezve rondedzero yekushandisa pfungwa dzakapiwa kotiwo yehurukuro. Kunewo bandiko rerondedzero retsamba iro rine mipatsa miviri inoti tsamba yebasa kuchizoti tsamba yeushamwari.

Muchikamu chino tinoda kutarisa dzimwe mhando dzose asi tichimbosiya tsamba nekuti tsamba dzine mukaha wakakura.

Mhando yenhoroondo imhando yerondedzero inoda kuti munyori atsanangudze zvakaitika aripo kana kuti zvaakasangana nazvo. Zvinoda kuti munyori adzamise pfungwa dzake zvekugona kuburitsa chinyorwa chinosiya muverengi aonawo zvawakasangana nazvo zvekuti anopedzisira ava kuita sekunge anga aripo.

Nyaya yacho ngaive inonakidza uye ichikwezva kuitira kuti muverengi akwanise kufamba newe. Pamhando iyi ndipo panopinda misoro yenyaya inoti zuva randisingakanganwi, zuva rangu rekutanga kusvika pachikoro, tsaona yandakaona kana kuti rwendo rwandakafamba nebhazi. Rangarira zvatakataura kumashure nenyaya yekunyora chinyorwa chine hudzamu.

Mhando yechipiri imhando yetsanangudzo iyo inoda kuti munyori atsanangudze nemazvo chinhu chaanoziva kana kunzwisisa. Tsanangudzo inodeedza goho rakakura inofanirwa kuti muverengi aone chinhu chauri kutsanangudza mupfungwa dzake agogutsikana. Shandisa zvirungamutauro zvinodakadza uye ronga pfungwa dzako dzichierera.

Tsanangudzo inobuda nepaviri apo munyori anogona kutsanangudza achibva kumusoro achidzika kana kuti achibva kuzasi achikwidza. Pamhando iyi ndipo panopinda misoro inoti mhuka yandinofarira, mudzidzisi wangu kana kuti chikoro chedu. Kubudikidza netsanangudza yemunyori inozadza mukombe, muverengi ngaabva aona chokwadi manakiro akaita mhuka yaunofarira kana kuti chikoro chako.

Kunyora mhando yerondedzero yekushandisa pfungwa dzechokwadi hakudi munhu asina ruzivo rwakakwana nechinhu chacho. Hazvidi zvakare munhu anofoya kana kunyepa nekuti uchatsanangudza chinhu chinogona kunge chichizivikanwa nemuverengi kana mukwenyi webasa rako obva atoona kuti aya manyepo dzokono wotouraya basa rako.

Mukukwenywa kwebasa mune inonzi “impression” yekuti wafadza mukwenyi webasa rako zvakadini, zvino kana wamunyepera zviri pachena anogokupei? Funga zvakadzama pamusoro wepfungwa iwoyo ugova neruzivo rwakakunda rwavamwe wobva wawedzera nekukanga mutauro wako nezvirunga mutauro zvakaringana kuti ubva wazipa semuto wetsimba.

Mhando dzemisoro yenyaya inowanikwa apa ndeinoti, “kukosha kwemiti, mabikirwo erupiza kana kubika ndari.”

Rondedzero yefungidziro inopa munhu mukana wekuzviona ari pane chimwe chinzvimbo chisiri chaanogara ari. Munyori anogona kutsananangudza izvo aigona kuita dai anga ari pachinzvimbo ichocho sekuti dai anga ari mambo.

Munyori apa anobvumirwa kurotomoka twose twaanoshuvira dai anga ari mambo izvo zvingadai zviri kutadzwa namadzimambo aripo. Mumhando iyi ndimo munowanikwa misoro inoti, “Dai ndiri mukuru wechikoro. Dai ndiri mufundisi wechechi, Hupenyu hwangu semombe.”

Imwe yemhando dzinowanzouya pabvunzo imhando yehurukuro. Hurukuro imhando yekunyora inenge iine vanhu vaviri kana kupfuura. Kana uchinyora hurukuro hazvidi kuti uise nyora (opening and closing inverted commas) kuratidza mazwi anyakutaura asi kuti unonyora mazita avo nezvavanotaura kumberi kwemazita avo.

Traffic Safety Club paEllis Robins

$
0
0

Malven Mugadzikwa —
CHIKORO cheEllis Robins chiri muHarare chakaparura chirongwa cheTrafic Safety Club icho chakanangana nekudzidzisa vana mitemo nenzira dzakanaka dzekushandisa migwagwa.

Vana 24 vepachikoro ichi vakaumba chikwata chavo vachibatsirwa neTraffic Safety Council of Zimbabwe (TSCZ) yakabatana nemapurisa eZimbabwe Republic Police.

Vachitaura pakuparurwa kwechirongwa ichi svondo rapera pachikoro ichi, regional manager kuTSCZ, VaErnest Muchena vakarumbidza kubatana kwavari kuita nemapurisa eZRP pamwe chete nevezvikoro muzvirongwa zvakadai.

“Kutanga kudzidzisa vana nezvemigwagwa vachiri kuzvikoro kunobatsira zvakanyanya nekuti zvinoita kuti pavanozopedza chikoro vanenge vava kuziva nezvemumugwagwa zvakanyanya. Vana ivava vari mukirabhu yepachikoro pano vane mabasa akawanda ayo anobatsira chero vamwe vari pano nezvikoro zvakavapoteredza.

“Vari kubatsira kuona nzvimbo dzemumigwagwa dzinoda kugadziriswa dzine zvimwe zviratidzo (signs) zvisinganyatsoonekwa kana zvisina kutarwa zvakanaka, kunyanya panodarika nevana vechikoro,” vanodaro VaMuchena.

Vanoenderera mberi vachiti, “Izvi zvinoita kuti kanzuru igadzirise nzvimbo dzinenge dzisina kumira zvakanaka idzi. Vana ava vari kubatsirawo vamwe vavo vekupuraimari pavanenge vachidarika migwagwa. Ruzivo urwu vari kurwuwana kuburikidza nekudzidza kwavari kuita nezvemigwagwa mukirabhu yavo nerubatsiro rwemapurisa.”

VaMuchena vanoti vana ava kana vapedza zvidzidzo zvavo zvemumugwa pamwe nekutyaira, vachanyora bvunzo dzekuti vawaniswe marezinesi.

“Kudzidza kuri kuita vana ava nezvemumigwagwa pamwe nekutyaira kunovapa mukana wekuti vakwanise kupa ruzivo urwu kune vamwe. Chimwe chinangwa chikuru ndechekuti vana ivava vazokwanisa kunyora bvunzo dzekuti vawaniswe marezinesi ekudzidzira kutyaira nekuti muchikwata chavo vose vane makore gumi nematanhatu zvichikwira. Vachanyoreswa bvunzo neveVID pano pachikoro uye vanenge vapasa vobva vatowaniswa maProvisional Driver’s Licence.”

VaMuchena vanoti vamwe vana vasiri muchikwata ichi vane makore gumi nematanhatu zvichikwira vakasununguka kuvamba zvavo zvikwata uye vane mukana wekunyora bvunzo kuti vazowaniswa marezenesi aya.

Pondai ihonzeri

$
0
0

Munyaradzi Gunduza —

5. TSANANGURA zvizere matambudziko anosangana nevatambi vari murungano rwunonzi Museve Usingapotse. [25]

Murungano urwu vatambi vanowirwa nematambudziko ekufirwa. Izvi zvinoonekwa kumhuri yaMambo Chakaingesu yaisanganisa VaTeyendere, Karinge, VaMatose nevamwewo vedunhu vanosangana nematambudziko ekufirwa naMambo Chakaingesu mushure mekunge vauraiwa nemiseve gumi neumwe naPondai kuti agosara achipamba umambo hwavo.

Vatambi vari murungano urwu vanosangana nematambudziko ekurohwa. Izvi zvinobuda Pondai paanenge akabata ndarira dzaive muhuro maKaringe achimubvunza kwaaive aisa mwanakomana wake, Tafirenyika. Apa anenge achimukwatura mambama. Chikwaikwai paanoda kuedza kupindura Pondai, anobva atsokerwa mudzonga wenyama mukanwa ndokurohwazve mbama.

Mubhuku iri vatambi vanowirwa nematambudziko ekutapirwa hama dzavo. Izvi zvinoonekwa kuna Karinge anotapirwa hanzvadzi dzake naMambo Mupambi mushure mekukunda muchinangwa chavo chekubatsira Pondai kupamba umambo hwaMambo Chakaingesu. Pondai anopa Nyamaropa akanga akamirira Mambo Mupambi mhandara gumi dzaisanganisa hanzvadzi dzaKaringe.

Vatambi vanowanikwa muna Museve Usingapotse vanowirwa nematambudziko ekuparadzirwa misha. Izvi zvinoitika kuna Mambo Mushoshoma panguva yavanenge vachirwara vari kudzimbahwe ravo kwavairapirwa. Mauto aMambo Mupambi anopamba musha wavo ndokusiya vauparadza, izvo zvitunha zvangoti kata kata nemusha wose.

Vatambi vari murungano urwu vanosangana nematambudziko eurwere. Matambudziko aya anowira Mambo Mushoshoma. Tinonzwa nezwi remunyori kuti harahwa dzemumusha waMambo Mushoshoma dzakanga dzakasuruvara mushure mekunge vangodonha paruvanze pavo mangwanani vachangomuka. Vakazotakurwa nedzimwe harahwa vachiendeswa kuninga yedzimbahwe ravo kwavakazonorwara zvakanyanyisa zvekutadza kutaura.

Muna Museve Usingapotse vatambi vanosangana nematambudziko ekusungwa. Tinozviona kuna Pondai paanosvika achidonhera pamakumbo aMambo Mupambi nekuneta mushure mekupoterako achitsvaga rubatsiro rwekupamba Mambo Chakaingesu. Izvi zvinoita kuti vazomushevedzera machinda avo, Nyamaropa naNhemamusasa vakazonomupfigira muimba yevasungwa.

Vatambi vari murungano urwu vanowirwa nematambudziko ekuparadzirwa mhuri. Matambudziko aya anobuda achiwira Nyamaropa. Tinozviona paanoudzwa naZvione mudzimai waGoritoto kuti mhuri yake yaakanga achibvunza yaive yagurwa misoro vakatarisa. Achinzwa izvi, anotanga kuchema achifunga mhuri yake yaive yaparadzwa naMambo Mupambi.

6. Pondai ndiye honzeri yematambudziko anowira vatambi murungano Museve Usingapotse. Tsigira pfungwa iyi nezvinhu zvishanu zvaanoita. [25]

Pondai anonokoka hondo yaMambo Mupambi kuti izorwisa Mambo Chakaingesu. Izvi zvinobuda patinomuona akarara pakati pesango arumwa nechinyavada achienda kwaMambo Mupambi kunotsvaga rubatsiro rwemauto ekuti arwise Mambo Chakaingesu kuti agovatorera umambo nechisimba. Izvi zvakazoguma zvakonzera matambudziko ekupambwa kwevanasikana vaMambo Chakaingesu nemombe dzavo zana naMambo Mupambi.

Pondai anouraya Mambo Chakaingesu. Tinozviona paanokoka hondo yaMambo Mupambi kuti imubatsire kurwisa Mambo Chakaingesu. Anovabaya nemiseve gumi neumwe vachibva vafa. Zvinoitika panguva yavanobva kuninga vachimhanyira kunorwisa mamwe mauto aMambo Mupambi aive pedyo nemuzinda. Pondai anobva asara achibvuta umambo hwavo. Izvi zvinokonzera matambudziko ekuti vanhu vemhuri yamambo nevedunhu varasikirwe neupenyu hwaMambo Chakaingesu.

Pondai anofurira Tafirenyika mwanakomana wake, kuti azouraya Karinge vaenda kunovhima. Zvinoonekwa Tafirenyika paanenge ari musango achivhima nevamwe vake. Anombozvikakavadza kuti aite zvaakaudzwa nababa vake ndokuzotanga kunyahwaira shure kwaKaringe achivavarira kumuuraya nemuseve kuti agosara ave mwanakomana wamambo. Izvi zvinoita kuti Karinge azobviswa nzeve nemuseve waive wakandwa naTafirenyika achida kumuuraya.

Honzeri yematambudziko ndiPondai nekuti anobva netsori dzehondo kwaMambo Mupambi. Tinozviona paanobva kwaMambo Mupambi aine tsori dzinoti Marizani naKunjerekunjere ndokuvasiya mugomo raMadetswa kuti vazoongorora mafambiro aMambo Chakaingesu vachienda kuninga yavo. Izvi zvakazokonzera matambudziko ekurumwa nenyoka kwaKunjerekunjere ari munzira kudzokera kumusha ndokufa, mudzimai wake akasara ave shirikadzi. Pondai anovimbisa kuuraya Karinge. Izvi zvinojekeswa paanosunga Karinge mbiradzakondo nemadandadzi zuva raabva kusango kunovhima usiku achiti aida kuzomuuraya pamwe chete neshamwari dzake dzaaive nadzo sezvo vaive vaurayawo mwanakomana wake. Izvi zvakaita kuti Karinge azotiza pamusha achinopinda muusungwa kwaMambo Tineshungu kwaaive apotera.

Kunyora tsamba

$
0
0

Ticha Danga —
TSAMBA dziriko kubandiko rerondedzero uye kazhinji hapashaikwe tsamba pabvunzo regore rechinomwe. Bvunzo rega rega gore negore rinotouya rakapa rondedzero yetsamba.

Kune vana vanonyatsoziva kuti kana paita zvetsamba, zvibodzwa kana goho rakanaka zvauya zvega.

Tsamba iri nyore nekuti haina nhongwa dzakawanda sedzinodiwa kune dzimwe mhando dzerondedzero. Chinongoda kutanga kuzivikanwa inyaya yekuti kune mhando mbiri dzetsamba. Kune mhando yetsamba yeushamwari kozoita tsamba yebasa.

Pane musiyano mukuru pakunyorwa kwetsamba. Zvinotangira kusiyana kukero chaiko nekuti tsamba yebasa inonyorwa kero mbiri. Kero yekutanga inogona kunyorwa ichitangirwa pakati pepepa tichienda kurudyi todzika zviri mumutsetse kusvika kero yapera pasina zvimiso zvaiswa pobva pacharikwa mutsetse ponyorwa zuva ranyorwa tsamba.

Kana wadarika mutsetse kubva paperera zvinoenderana nekero yekutanga, wobva waenda kuruboshwe panotangira kunyorwa wonyora kero yekwauri kunyorera tsamba. Kana wapedza kero yepiri unobva waisa nhuriro. Nhuriro zvinodudza chaiko chaiko kuri kunomharwa netsamba iyoyo. Mamiriro chaiwo anenge akaita tsanangudzo yepamusoro ndeaya:

 

Shingirayi Primary School

Post office box 9058

Mbare

Harare

 

21 July 2017

 

Mukuru wechikoro

St Augustine college

Box 2024

Penhalonga

 

Manyorerwo echipiri ekero anosiyana neataratidza pamusoro pakuti kero dzose dziri mbiri dzinotangira kuruboshwe asi dzichitevedzera muronga wemanyorerwo adzo aya akatarwa.

Tsamba yebasa inoti kana tabva munhuriro tinochinyora donzvo kana chinangwa chatanyorera tsamba iyoyo apo tinogona kunyora namavara makuru torega kutara mutsetse pasi kana kuti tinonyora donzvo nemavara maduku tozoisa mutsetse pasi.

Tapedza izvozvo, tinochiisa mutumbi wetsamba yedu uyo unonyorwa uri muzvikamu zvikamu zvinopatsanurwa nekudarikwa kwemutsetse. Ngaticherechedzei kuti kana tanyora donzvo kana kuti dingindira namavara madiki izwi roga roga ngaritange nevara guru.

Mumutumbi wetsamba yebasa hamupe munyori mukana wekutaura zvisinei nezvanyorerwa tsamba kana zvekumhoresana.

Mutumbi uyu unotakura chete zvine chekuita nedonzvo ranyorerwa tsamba.

Mhedziso yetsamba iyoyo inofanirwa zvakare kurerekera kudonzvo retsamba. Tapedza mhedziso, tinozofanirwa kunyora zita redu zvizere. Kana ndichitaura nyaya yezita rizere ndinenge ndichireva remudumba (first name) nere dzinza (surname).

Tsamba yechipiri itsamba yeushamwari iyo tinonyora kuhama neshamwari dzedu. Tsamba yeushamwari haina nhongwa dzakawanda asi kuti ine mwero wayo unongodawo kuti utevedzerwe.

Inosiyana netsamba yebasa kubvira kukero chaiko kusvikira kumagumo. Panze pekero mbiri dzinoitwa kutsamba yebasa, tsamba yeushamwari inoita kero imwe chete iyo inogona kunyorwa tichitangira pakati pepepa tichienda kurudyi kana kuti kutangira kuruboshwe tichidzika zvakanaka.

Tinofanira kucherechedza kuti mukunyora kero hatiise zvimiso kana kunyora mazwi muchidimbu.

Mwero ndiwo ndiwo wekucharika mutsetse kana tonyora zuva ranyorwa tsamba.

Panhuriro tinogona kuita madanha nemazwi zvichienderana nekuti tsamba iri kunyorerwa ani. Kana ari mudikani tinonyorawo nhuriro yekurezvawo zvichingodaro.

Mutumbiwo wetsamba yeushamwari hauna mwero wekutevedzera nekuti zvakawanda zvinenge zvichida kutauriranwa paushamwari kana pahukama nekudaro munobuda twakasiyana-siyana twunganyorwa kusanganisira kubvunzana upenyu chaiko.

Kana yava mhedziso panongonyorwa zita remudumba chete nekuti vaviri ava vanenge vachizivana.


Zvidzidzo zviri murungano

$
0
0

Munyaradzi Gunduza —
MUMWE anokwanisa kuti akadzidza zvinhu zvakafanana nezvinotevera:

Ndakadzidza kuti vachena vaive nerusarura – vanhu vatema vaibatwa zvakasiyana nevamwe verudzi rwechichena. Vatema vainzi vagare munzvimbo dzaiwanikwa tsvina yakanyanyisa uye dzine vanhu vakawanda sezvaiitika muMbare neHighfields. Vanhu vatema vaifoiriswa chikoro nevachena vachinzi vaigara munzvimbo dzisina materevhizheni nemawairesi.

Ndakadzidza kuti mukuru wezvematongerwo enyika, VaChitepo vakauraiwa nebhomba rainge raiswa mumotokari yavo vachibva kunze kwenyika.

Vanhu vatema vaisabvumirwa kufamba vasina zvitupa — tinoona vakomana vanosangana naKuda muchitima mufourth class vachiburutswa nemapurisa nemasoja vakasungwa nekuti vainge vasina zvitupa.

Vachena vaisunga vanhu vatema zvisina tsarukano — tinonzwa kuti munhu mutema aiti akasungwa aibva angoendwa naye pasina aiziva kuti aendeswa kupi uye nyaya yacho yaisapinda mudare redzimhosva kuti itongwe.

Chidzidzo ndechekuti panguva yehupambepfumi vanhu vaisabvumirwa kuungana kana kutanga misangano yezvematongerwo enyika – vanaKuda nevamwe vaidzidza payunivhesiti vanoenda kunoratidzira kunzvimbo yeHighfields zvinove zvinoita kuti vazotanga kumhanyiswa nemasoja nemapurisa vachisairirwa imbwa. Vabereki vaKomuredhi Kadiki vainge vatanga zvematongerwo enyika ndokuzobva muZimbabwe varambidzwa izvi nevachena vachienda kuZambia.

Mapurisa aigarira vanhu munzira achivatorera chikafu — tinoona panoenda Kuda kuChipinge achibva kuchikoro vamwe vaaive navo mubhazi vanotorerwa chikafu chavainge vatenga nemapurisa zvichinzi vaida kunopa magamba ehondo.

Ndakadzidza kuti masoja airova vanhu vasina mhosva nekuvapisira dzimba nematura – tinonzwa kuti masoja ane nguva yaaipinda mupovho achitanga kungorova vanhu. Tinoona masoja achipisa dzimba dzepamba pana Kuda kuChipinge pamwe chete nematura aiiswa zvekudya.

Ndakadzidza kuti Zanu yaifarirwa nekuti yaishandisa donzvo regutsaruzhinji — tinoona kuti vanhu vaidzidzira hondo yechimurenga vaidzidziswawo zvematongerwo enyika zvaiita kuti vagarisane nepovho zvakanaka pamwe chete nekuidzidzisa gwara remusangano uyu. Izvi zvinoratidza kuti musangano weZanu wakanga wakategwa panheyo yekubatanidza vanhu (socialism).

Magamba aienda kunopotera kunze kwenyika kwavaidzidziswa zvehondo — vanaKuda vanoenda kunze kwenyika kuMozambique uko vanonodzidziswa kurwa hondo vari mukamba 2.

Kuda nevamwe vake vanozoendawo kuTanzania kwavanonogara kwemwedzi mina vachiwedzera ruzivo rwavo rwehondo.

Muhondo yeChimurenga vanhu vaisimudzirwa zvichienderana nekugona kwavo — tinoona kuti Kuda anosarudzwa kuti ange ari mumwe wevanhu vaizoenda kuChina kunowedzera zivo yezvehondo nekuti akanga akunda vese vaibva muchikwata chake.

Kuwanda kweruzivo rwaKuda kunoita kuti azoitwa Detachment Commander wemagamba aienda kuZimbabwe kunorwira muBuhera.

Vatengesi vaiurayiwa — tinonzwa kuti Samason akanga aurayiwa muhondo nemagandanga nekuda kwekutengesa hondo yeChimurenga kwaainge aita kuvachena.

Hondo yevatema yaihwanda mumakomo – tinoona kuti panobva Kuda kuMozambique achienda kuBuhera anosangana nemagamba munzvimbo dzakawanda kusanganisira muBocha.

Magamba ese aive munzvimbo idzi ainge achishandisa mabhesi emumakomo. VanaKuda pavanosvika kuBuhera vanokemba pabhesi raive nemakomo mana.

‘Siyanai nemakireshi emukoto’

$
0
0

HURUMENDE inoti kutanga gore rinouya, vana vanenge vasina kuwana dzidzo yeEarly Childhood Development (ECD) muzvikoro zvemakireshi zvanyoreswa zviri pamutemo havazotenderwa kutanga Grade 1.

Izvi zvinotevera kunyuka kuri kuita zvikoro zvekireshi zvemikoto mumaguta nemadhorobha akawanda.

Vachitaura svondo rapera pachikoro cheMpumelelo Primary School kuMpopoma, kuBulawayo mushure mekuchipa mubairo weSecretary’s Bell Merit Award wegore rino, munyori mukuru wedzidzo yepuraimari nesekondari – Dr Sylvia Utete-Masango – vanoti vabereki vanoendesa vana vavo kunoita zvidzidzo zveECD kuzvikoro zvisina kunyoreswa vari kupedza nguva yavo.

“Nekuda kwekuti pano pane vabereki vauya vakawanda, ndinoda kutaura zvakajeka kuitira kuti pasazowana vanoti ‘ndakanga ndisingazvizive’ senzira yekuhwanda nayo. Musaendese vana venyu kuzvikoro zvemikoto zveECD. Izvo zvamunoona zvakawanda zviri kungonyuka mumaguta nemadhorobha hazvina kunyoreswa zviri pamutemo uye zviri kukonzera matambudziko,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Vana vanobva nekuzvikoro zvakadai havakwanise kuenderera mberi kuGrade 1. Vanotoenda kuzvikoro zveHurumende, votanga patsva kubva kuECD sevamwe vose.

“Zvifungei kuti mwana wako ane makore 7 kana 8 ekuberekwa achidzidza pamwe chete nevane makore 4 mukirasi yeECD A nekuda kwekuita kwevabereki!”

Vanorumbidza vabereki vepachikoro ichi nekutsigira zvirongwa zvepo kuburikidza nekuungana kwavakaita musi uyu.

“Ndinofara kuti vabereki vauya vakawanda kuzotsigira vana vavo, zvakasiyana nezvandakaona kune zvimwe zvikoro uko kwawaisaona kana mubereki mumwe anenge ari pagungano rakadai,” vanodaro Dr Utete-Masango.

Vanokurudzira vakuru vezvikoro pamwe nemakomiti emaSchool Development Committees kuti vakoshese kuvandudza zvivakwa zveECD, vachiti zviri muzvikoro zvakawanda hazvisati zvasvika padanho rinotarisirwa.

Mpumelelo Primary School yakavambwa muna 1961 uye aka ndekekutanga kuwana mubairo weSecretary’s Bell Merit Award.

Mubairo uyu unosanganisira malaptop 45 ezvidzidzo zveE-Learning, projector neinteractive board, izvo zvose zvinokosha $10 000. Mubairo uyu wakatsigirwa nebhanga reFBC Bank. – The Herald.

‘Dzidzisai vana tsika nehunhu’

$
0
0

Malven Mugadzikwa —
MAMBO Seke, VaStanely Chimanikire, vanoti zvakakosha kuti zvikoro zvibatsire mukudzoreredza vana kuburikidza nekuvadzidzisa hunhu, tsika nemagariro anoyemurika.

Vakataura mashoko aya nguva pfupi yadarika pamhemberero dzekupihwa mibairo kuvana, dzeChitungwiza District Merit Awards idzo dzakaitirwa paAquatic Complex, kuChitungwiza.

“Hunhu hwedu huri kuyeredzwa nechizvino-zvino zvakanyanya. Vezvikoro basa guru rava kwamuri, kuti mudzoreredze tsika dzayerera idzi kuburikidza nezvidzidzo zvakanangana netsika nemagariro echivanhu chedu. Vana vanotoda kuti vazive tsika dzacho vachiri kuyaruka,” vanodaro Mambo Seke.

Vanoenderera mberi vachiti: “Kuzvikoro ndiko vana kwavanopedzera nguva yavo zhinji vari, saka ndiko kwavanofanira kuwanawo dzidziso iyi zvakare. Ndinodawo kutenda Hurumende nekupa kurudziro kwairi kuita kuti vana vadzidziswe tsika nehunhu hwakanaka.

“Izvi zvakanaka nekuti zvinoderedza makororo mune ramangwana. Kana huwori chaihwo hunoderedzwa nekuti hunhu hwakanaka hunodzidzisa mwana kuti huwori chinhu chakashata.”

Mashoko avo anotsinhirwa nemukuru wedzidzo mudunhu reHarare Metropolitan Province, VaChristopher Kateera vachiti vana vanofanira kuramba vachidzidziswa hunhu hwakanaka sezvo chiri icho chimwe chezvinangwa zvikuru zvegwaro idzva rekuvandudza dzidzo, reNew Curriculum.

“Ndinofara zvikuru pakuti zvikoro zvese zvemuChitungwiza zviri kuita mitambo pamwe chete nekukurudzira zvechivanhu kuburikidza nemakwikwi akasiyana-siyana. Zvose izvi zviri kuzadzikisa zviri muhurongwa hweNew Curriculum.

“Ndinoti hunhu hwedu hunoumbwa nekuratidzwa kuburikidza nezvese izvi zvinenge zvichiitwa mumakwikwi aya nevana uye zvakanangana nekuchengetedza chivanhu chedu,” vanodaro VaKateera.

Vanotiwo kubatana kwevabereki, vadzidzisi nevakuru vezvikoro ndiyo chete nzira inosimudzira dzidzo munyika.

“Ndinoda kukurudzira kubatana kwakanyanya pakati pevabereki, varairidzi pamwe nevakuru vezvikoro mukusimudzira dzidzo muzvikoro. Panofanira kuva nesungawirirano muzvirongwa zvakanangana nekusimudzira dzidzo muzvikoro pakati pemapoka ose aya. Kubatana uku kunoita kuti kana paine matambudziko ari kusanganikwa nawo mudzidzo yevana, akasike kuonekwa,” vanodaro.

Distrcit Schools Inspector (DSI) vekuChitungwiza, Mai Anatoria Ncube, vanoti vanotarisira kuti dunhu ravo richavandudza hunhu hwevana kuburikidza nedzidzo inokoshesa tsika nemagariro echivanhu.

Vanotendawo vadzidzisi mukushanda kwavari kuita nesimba.

Madzinza nemitupo

$
0
0

Ticha Danga —
“MAITA Mbuya Chikonamombe chigumbu chineunye, vari Gohombwe, vai Rare. Hekani Dzete, Gusho Manyuka yangu yiyi. Zvaitwa zviHota vana vaMaromo vakabuda murenje. Makanyaya churu namate chikava murove. Maita vari Gangarahwe, vasina mhezi vakazadzwa navaranda. VekwaSadzadete gobvu rinokonza. Chigumbe chineunye, chinotodenhwa usiku nekuti kuchidenha masikati chinovava. Zvaonekwa Munyame mhara inobhururuka.”

Ava vaera mhara vanenge vachidetemberwa nekukudzwa kubudikidza nemitupo nemadzinza avo. Mitupo rupawo runoratidza vanhu vedzinza rimwe chete uye vakabva padzinde rimwe chete.

Mitupo yakatanga kare, chero nemubhaibheri chaimo munotaurwa zverudzi rwaDhavhidhi uye nedzinza rake. Zvine zvazvaiitirwa kuti vanhu vagozivikanwa nerupawo urwo rwaibatsira mumabandiko akasiyana ehupenyu.

Chainyanya kuda kudzivirirwa kuti vanhu veropa rimwe vasaroorana. Tsvagurudzo inoburitsa kuti zvainzi vanhu vakaroorana veropa rimwe, vaizvara vana ndonda, pamwe pacho kutozvara zvirema. Vanhu veropa rimwe vane hukama uye dzinde ravo rimwe chete, nekudaro mhodzi inobuda mumbeu iyi inenge isina kugwinya.

Chikonamombe haafanire kuroora vanaMaromo. VanaMaromo ndivo vanhukadzi vedzinza revaera mhara. Vanhu vemutupo vakadanana ndiwo anonzi makunakuna. Kana vashingirira nemakunakuna iwayo kusvika musvitsa kana wanano, vanopedzisira vabvisiswa mbudzi kana mombe chena isina ruvara inonzi chekaukama.

Kare vanhu vaifungidzirwa kuti zvose zvavaiita zvaikonzereswa nekashavi kainge kakatakurwa naiye nyakuita zvikukutu. Zvino shavi iroro raizopembedzwa nekutunhidzwa kubudikidza nekudetemberwa kwemutupo. Kudetemberwa nemutupo kwaiita kuti shavi riya rigoita zvakawedzerwa. Vamwe vaizivikanwa nemashavi ekuvhima, vamwe ekurwa chaiwo saka kana aizenge adaidzwa nemutupo aibva amera zenze, obva awedzera masimba mukuita ikoko.

Kudanwa nemutupo zvinongoratidza chiremerera. Unenge wapiwa rukudzo rukuru.

Mitupo yose yakanyanya kurerekera kumhuka nekudaro muera mhara haafanirwi kudya mhara. Ukadya mutupo wako zvinonzi unodonha mazino ose. Izvi zvaiitirwa kuti vanhu vakoshese mitupo yavo uye kana uri soko ukadyawo tsoko unenge wazvidya iwe pachako.

Kare mitupo yakanga isina mipatsa asi nemhaka dzekuda ushe newanano, vanhu vakatanga kudunhurira mitupo yavo vachida kungoti siyanisei nedzinde rekutanga kuti kutonga kwavo newananano zvigova namaturo. Kubudikidza nemitupo, vamwe vanhu vane zvavanoeresa mukurarama kwavo. Tingatora muenzaniso wevaRemba kana kuti vaMwenyi. Vanhu ava vane mararamiro avo akasiyana neruzhinji. Havangodye chero nyama asi kuti vanodya nyama yakadonhedzwa ropa rose mushure mekuchekwa. Nokudaro chose chauraiwa vanochirembedza kuti chirase ropa rose.

Vanoti ropa rose rine zvirwere saka havafaniri kudya nyama ine ropa nekuti haina utano.

Nhaurwa yekuchecheudzwa vanoikoshesa zvikuru kusvika pokuti mukomana asina kuchecheudzwa, chero akura sei, haabvumidzwi kugara padare nevamwe uye chero chaanouraya hachidyiwi nevakachecheudzwa. Zvoreva kuti vose vemutupo uyu vanokoshesa nekutevedzera tsika iyoyi.

Ukazoonawo vana Sinyoro nanaMusiyamwa votevedzera tsika yevaRemba, vanenge varasa rupawo rwavo. VaRemba havadyi nyama yenguruve nemhaka yekuti mhuka iyi vanoifananidza nehutadzi hukuru.

Mazita ehondo nezvaanoreva

$
0
0

Munyaradzi Gunduza —
TINOPEDZISA zvidzidzo zvinobva muna Kuda Muhondo svondo rino.

Chinhu chinonzi kuterera murawo chaikosha zvikuru muhondo — vanhu pavaienda kunopotera kuMozambique vanoudzwa naKomuredhi Pedzi kuti vafambe vakaita mudungwe vachiti patsika mumwe ivo votsikawo vachangobva pabhodha asi vamwe vanotadza kutevedzera chimiso ichi. Izvi zvinoita kuti vasere vasina kutevera murawo uyu varasikirwe nehupenyu vaputikirwa nezvimbambaira vave kuita zvavo voga.

Chinangwa chehondo chaive chekuti vazukuru venyika yeZimbabwe vazogare zvakasununguka — zvinonzi, “Umbwende hunoshoresa, munhu haangasiye nhaka yeumbwende.” Magamba akatsidza kuti zvaive nani kuti vapere vese kufa pane kuti vazoshorwa nevazukuru vavo vachinzi dzaive mbwende.

Hondo yaive isina mugoni – tinonzwa kuti mukuru mukuru akanga aine humbirimi hwekugona kurwa hondo chaizvo ainzi Kandege akaparara muhondo achirwa nemabhunu. Kuda aive Detachment Commander akabviswa gumbo nebara nemabhunu vachirwisana kuBuhera. Hondo yaisada vanhu vanocheuka vachitarisa mamwe mativi — tinonzwa Komuredhi Nhamo Mutema vachiudza Kuda kuti mamwe magamba anopanduka achinotengesa hondo kuvachena kana achinge asisade hondo. Zvino magamba ainge akadaro aifanira kuzouraiwa pakarepo nekuti aidzosera hondo yeChimurenga kumashure.

Kuhondo munhu wose aive hama yako – vanhu pavanosvika kukamba 1 tinonzwa zvichinzi pakanga pasisina zvekuti ndinozivana nangana nekuti munhu wose aiwanikwa munzvimbo yehondo uye wose weganda dema aive hama yemagandanga. Zvekuitana hama nehama kuhondo hazvaitenderwa.

Mazita emagamba nezvaanoreva:

Iyi itsika yeVaShona yekuti zita rinotumidzwa munhu kazhinji rine zvarinoreva, kungave kumuridzi waro, kuvatumidzi vezita, kumhuri yemutumidzwi wezita, kunharaunda igere mutumidzi wezita, chitendero chemutumidzwi wezita, zvichingodaro. Mazita aishandiswa muhondo yeChimurenga nemagandanga aive nezvaaireva takanangana nedonzvo rehondo pamwe chete nezvinangwa zvavo zvekusunungura nyika yeZimbabwe. Mazita aya aishandiswa asiri echokwadi. Izvi zvaiitirwa kuti hama kana mhuri dzavo dzavaisiya kumamisha vachienda kuhondo dzisazoteverwa dzichishungurudzwa nemasoja. Zvino mazita ari pazasi apa anoshandiswa nemagamba achipindirana nezviito neunhu hwavo pamwe chete nemamiriro avo munguva yehondo yeChimurenga chekusunungura Zimbabwe.

Komuredhi Kadiki Muhondo — kadiki zvinoreva kuti chinhu chacho chinenge chakanyanya kuita chidikidiki. Komuredhi Kadiki vakanga vapinda muhondo vachiri vadiki kwazvo zvinove zvinoenderana nezita ravo. Hunyanzvi hwekurwa hondo hwaive naKadiki hwairatidza kuti akanga akura munyaya dzehondo. Muviri wake waive mudiki asi ari munhu akanga akasimbira mukati ukuwo pameso pake pachiratidza kuti atsenga. Kuda paanotarisa Komuredhi Kadiki kekutanga anotiudza mashoko anotevera, “Ndakatarisa vaya vainzi Komuredhi Kadiki Muhondo. Zvechokwadiwo, vaiva vadiki chaizvo. Sokuona kwangu ndingati vaiva namakore gumi namana chete . . . asati ambokura akanga ave kutoziva pfuti.” P.40 Komuredhi Kandege — ndege inozivikanwa nekumhanya chaizvo. Zvino zita rakomuredhi ava rinoratidza kuti munhu akanga achiziva zvekumhanya zvakanyanya. Ndivo vainge vachitungamirira vanhu vaidzidziswa hondo pakamba 2 kuita zvidzidzo zvekumhanya.

Duramazwi idzva rakaburwa

$
0
0

BHUKU idzva reDuramazwi Guru ReChishona rakanyorwa nemushandirapamwe weCollege Press Publishers nebazi reAfrican Languages Research Institute zvichisanganisira vanamazvikokota vemitauro nemupepeti Professor Herbert Chimhindu nedzimwewo nyanzvi dzemutauro wechiShona.

Duramazwi guru rine mazwi akapenengurwa nekutsanangurwa anosvika 38 000 kubva kumapazi akasiyana-siyana anowanikwa munyika yeZimbabwe anova chiKaranga, chiNdau, chiManyika, chiZezuru neChikorekore.

Duramazwi iri rinotsanangura mazwi akasiyana-siyana anosanganisira mipanda yemazita newirirano, bumbiro rezviperengo (varamwana nenzvanyira), donzo rechiito, rebeso dzezvivanduriro zvechiito, zvidimbu zvemazwi akashandiswa uye marudzi ose ezvirungamutauro (tsumo, madimikira, nyaudzosingwi, zvirevamwene, zvindori, zvirevauwandu uye zviratidzi).

Duramazwi idura romutauro wose wakadaro uye rinoedza kutsanangura wose wakadaro. Basa raro harisi rokungopa dudziro dzemazwi chete. Pane zvimwe zvinhu zvakawanda chaizvo zvisingawanzotariswa navanhu vazhinji muDuramazwi asi zvamunogona kudzidzamo. Zvinhu izvi zvinosanganisira mataurirwo emazwi, kuburitsa mazwi akafanana nekunongedza mhando yezwi.

Duramazwi rakagadzirirwa kushandiswa nevanhu vose, kubva pane vari kudzidzira chiShona, vana vechikoro vekupuraimari, sekondari kana vezvidzidzo zvepamusoro uye vanamazvikokota vemutauro.

Duramazwi Guru Rechishona rine zvikamu zviviri zvinoti chikamu chokutanga chinova iro Duramazwi rine mazwi akarongwa achitevedza arifabheti nechikamu chepiri chine zvirungamutauro. Kumagumo kweDuramazwi iri kune mhendero sere dzinodura nyika dzemuAfrica, mazwi anoshandiswa kureva zvipimo, ndudzi dzezvipimo, mazita anotaura zveutongi, matare nemutemo, mavara, nguva, madzishe nemitupo nezvidao zvavo kumatunhu anotaurwa chiShona uye mazwi anoshandiswa kutsanangura zvemaumbirwo emutauro nezveuvaranomwe: tichibva kumutauro wechiShona tichienda kune wechiRungu.

*****

Mudhuri DDK Z 3. 1.— Mudhuri chidziro chemba kana chimwewo chivakwa.

FAN chidziro 7. 2. (manje) Mudhuri kamuchina kanovakirirwa kumadziro ebhangi, kanotokonywa munhu apinza kadhi rake, obaya nhamba dzake, okwanisa kudhirowa mari pakari.

Mudhuri — Izwi riri kutsanangurwa

DDK — Mataurirwo ezwi

Z — mhando yezwi

3 — mupanda

1 — tsananguro yekutanga

FAN — mamwe akafanana

(manje) — Chimanjemarimanje

Unyanzvi hunoburitswa neDuramazwi Guru Rechishona hunova chikonzero chinoita rive duramazwi rinoshandiswa nenyika yose rinovimbwa naro vevarairidzi, vadzidzi vacho uye vabereki kwemakore anopfuura gumi nematanhatu.

Ongororo yebhuku iri yakaitwa naTonderai Mpofu naKeith Chiyanike vekuNational University of Science and Technology.

‘mbavha muzvikoro bodo!’

$
0
0

Daphne Machiri —
VAKURU vezvikoro nevemakomiti anomirira vabereki, maSchool Development Committee, vari kukurudzirwa kuti vashandise mari dzinobhadharirwa vana nemazvo nedonzvo rekusimudzira dzidzo.

Kurudziro iyi yakaitwa nemukuru wezvedzidzo mudunhu reManicaland, VaEdward Shumba, apo vaitaura pamusangano wavakaita nevakuru vezvikoro pamwe nevemakomiti emaSDC kuMakoni District, nguva pfupi yadarika.

“Misangano iyi tinoiita kamwe chete pagore, yakakosha zvikuru kuvakuru vechikoro uye nekumaSDC nekuda kwekuti gore negore nhengo dzemakomiti aya dzinosarudzwa itsva. Naizvozvo vanofanirwa kunge vaine ruzivo rwemashandisirwo emari dzechikoro,” vanodaro VaShumba.

Vanoenderera mberi: “Misangano iyi inoenderana nezviri mugwaro remashandisirwo emari yechikoro, reAdministration Finance Circular Number 6 of 1994, iro rinokurudzira kushandiswa zvakanaka kwemari dzechikoro.”

Vanoti vabereki nevamwe vanenge vachida kuzivisa nezvekusashandiswa zvakanaka kwemari dzechikoro vanokwanisa kunyora tutsamba vokanda muma”suggestion boxes” anowanikwa kumahufosi edzidzo kumatunhu kwavo.

“Mari yechikoro ngaishandiswe nezvinangwa zvinosimudzira chikoro pamwe nedzidzo ,” vanodaro VaShumba.

Vanoti zvakakosha kuti zvikoro zvirambe zvichivandudza zvivakwa zvazvo.

“Vana vanofanirwa kudzidzira mumakirasi akanaka uye mune midziyo yekushandisa yakakwana,” vanodaro.


Mabasa emidzimu

$
0
0

Munyaradzi Gunduza —
7. TSANANGURA zviitiko zvisere zviri muna Museve Usingapotse zvinoratidza kukosheswa kwen’anga muupenyu hwechinyakare. [25]

N’anga dzaikokwawo padare. Tinozviona panoshevedzwa machinda padare naMambo Chakaingesu vachida kuvazivisa nezvekuenda kunoratidza Karinge ninga yairadzikwa madzimambo avo, Mapfumo naKandishaya vaive n’anga vakakokwawo padare racho.

Pasichigare n’anga dzaiteererwa. Izvi zvinoonekwa padare rakaitwa naMambo Chakaingesu pamuzinda pavo rekuti vaende naKaringe kunomudzidzisa nezvekuninga yemadzimambo avo. Pondai anoramba asi mamwe machinda nen’anga dzinoti Kandishaya naMapfumo vanobvumirana namambo zvinoita kuti vazotanga kuenda naye ikoko zuva rakatevera.

Pasichigare vanhu vaibvunzira kun’anga kana munhu akatsakatika. Tinozviona panoenda Mambo Chakaingesu kunobvunzira kun’anga dzinoti Mapfumo naKandishaya nezvekutsakatika kwaPondai mazuva aaive apotera kwaMambo Mupambi asi dzakati hapana chakaipa chaive chaitika kwaari sezvo zvaive muhurongwa hwevari kunyikadzimu. N’anga dzaibvunzirwa zvinetswa pasati parohwa guva. Tinonzwa nezwi remunyori kuti mudunhu raMambo Mupambi maive netsika yekuti kana guva risati rarohwa vanhu vaitanga vambozvifambira kun’anga vachinzwa kuti mufi aive ava kukwanisa here kurohwa guva, kana asati vaipiwa zvikonzero zvacho.

Pasichigare n’anga dzaibvunzirwa pakafa munhu zvisinganzwisisiki. Tinonzwa nezwi remunyori kuti munyika yaMambo Mupambi vaiti munhu akafa masikati machena vaienda kunobvunzira kun’anga kuti sei midzimu yavo yavapira gotsi.

N’anga dzaibatsira kutungamira hondo. Tinozviona Mambo Mupambi pavanoronga varwi vehondo yaienda kunobatsira Pondai kurwisa Mambo Chakaingesu. Pachikwata chemauto aya paive nen’anga shanu dzaizovapa mazano pahondo yavainorwa.

Pasichigare n’anga dzairapa vanhu. Izvi zvinoonekwa mudunhu raMambo Chakaingesu munonzi vemumuzinda wamambo vaingoti mwana akapisa muviri vaimhanya kunorovesa hakata kun’anga dzaisanganisa Kandishaya naMapfumo.

Kare n’anga dzaive nebasa rekuchengetedza misha. Tinonzwa nezwi remunyori kuti n’anga inonzi Kandishaya yemudunhu raMambo Chakaingesu yaigadzira ruzhowa rwekupinga varoyi pamusha.

Kare kare n’anga dzaigara pedyo namambo. Izvi zvinoonekwa mumuzinda waMambo Chakaingesu vaigara nen’anga dzaisanganisa Mapfumo naKandishaya dzaivabatsira pakutonga kwavo.

8. Vadzimu ndivo vaive vakabata upenyu hwaVaShona makare kare. Tsigira pfungwa iyi nezvinowanikwa murungano Museve Usingapotse. [25]

Pasichigare madzimambo aisuma midzimu asati apa munhu pekugara. Izvi zvinobuda munyika yaMambo Chakaingesu vaiti vaona nzvimbo yakakodzera kuti munhu avake musha mutsva, vaisuma danho iri kumidzimu voikurukurira zvikonzero zvekusarudza nzvimbo iyi.

Muupenyu hwechinyakare midzimu yaikumbirwa kuti ichengete musha mutsva. Tinonzwa kuti mudunhu raMambo Chakaingesu, vaikumbira nekunyengetedza vadzimu vedzinza kuti varinge nekuchengeta vagari vemusha mutsva pamwe neminda nezvipfuyo zvavo kuti zvigokura zvakanaka.

Pasichigare vechidiki vaikura vachidzidziswa kuremekedza midzimu. Izvi zvinoonekwa mudunhu raMambo Chakaingesu umo vana vadiki vaidzidziswa nejinda ramambo rainzi Nyahwedekwe kuremekedza midzimu pamwe chete namambo vainzi ijinda guru remidzimu yavo.

Muupenyu hwepasichigare vanhu vayaruka vaidzidziswa kudeketera midzimu. Zvinojekeswa naMambo Chakaingesu naVaMatose vanoenda naKaringe akanga ave nemakore makumi maviri nemashanu kuninga yaidetemberwa midzimu yavo kunomudzidzisa kuti yaideketerwa sei vachiitira kuti asazonetseka kutaurirana nayo zvaizonetsa kana ave mambo.

Kare vanhu vaiteura kuvadzimu. Tinozviona kuna VaMatose vanorayira Karinge kuti hama ine mutupo wedzinza ndiyo inoteurira midzimu kwete mutorwa uye muteuro wacho unenge uzere mutauro unodzamisa tsika nemagariro avo sezvakazoitwa naMambo Chakaingesu voteurira midzimu vari muninga yairadzikwa madzimambo avo.

Muupenyu hwepasichigare midzimu hayaiteurirwa nemhombwe kana varoyi. Izvi zvinobuda VaMatose pavanodzidzisa Karinge vari kuninga yairadzikwa madzimambo avo vachiti midzimu haiteurirwe nemunhu abva kunopomba kana muroyi nekuti aigona kuzopedzisira ave kutetereka nemasango.

Muchinyakare vanhu vaikumbira mvura kumidzimu. Tinonzwa nezwi remunyori kuti munyika yaMambo Mupambi vaiti mvura ikanonoka kunaya, zvairatidza kuti kwaigona kuzoita nzara naizvozvo vaizonodetemba kumidzimu yavo vachikumbira mvura yobva yanaya zvekuzadza nzizi.

‘Vanobhinya firai mumajeri’

$
0
0

Kingstone Mapupu —
MUKURU wevanasikana pachikoro cheChemhondoro High School, icho chiri kwaMangwende, kwaMurewa — uyo akambova mumiriri weMurewa West mudare reParamende yevechidiki pamwe chete nekuva kanzura munzvimbo iyi — anoshora zvikuru varume vanobata chibharo.

Tendai Kaniso (18), uyo ari kuita Form 6, anoti vanasikana vanobatwa chibharo vanoshungurudzika kweupenyu hwavo hwose.

“Zvinondirwadza zvikuru semwana wechikoro kunzwa kuti vamwe varume vari kubata vanasikana chibharo. Vanenge vashayeiko kusvika pakadaro iyo nyika yakazara madzimai kudai? Kudai zvaikwanisika, vanhu ava ngavafire mumajeri.

“Nguva yandaiva Junior MP muno, ndakaita kuti vamwe baba vaiva vabata mwana wepaChemhondoro Primary chibharo vasungwe vakatopihwa mutongo wavo, vari kujeri izvozvi,” anodaro.

Musikana uyu ari kuita zvidzidzo zveHistory, Divinity neLiterature uye anoti anoda kuzoita gweta kana apedza chikoro.

“Ndinoda kuenderera mberi nezvidzidzo zvemitemo kusvika kudhigirii rekugumisira reLaw. Ndinokurudzira kuti vabereki vachengetedze vana, vangava vasikana kana vakomana, nekuti kune zvakawanda zvakaipa zviri kuitika mazuva ano mukurarama,” anodaro Kaniso.

Anoenderera mberi achiti: “Uyewo vabereki tinovakurudzira kuti vabate vanasikana zvakaenzana nevanakomana nekuti mwana mwana chete.

‘‘Hazvitifadze isu sevanasikana kuona mwanakomana achinzi ndiye anoenda kuchikoro asi mwanasikana onzi ashairwa mari.”

Chemhondoro High yotsvunha

$
0
0

Kingstone Mapupu —
CHIKORO cheChemhondoro High School, icho chiri kwaMurehwa, chodadisa nekuva nevana vanotsvunha mumazamanishoni pamwe nekubudirira mumitambo yakasiyana.

Izvi zvaita kuti chikoro ichi chive pakati pezvikoro zviri pamusoro munyaya dzefundo mudunhu reMashonaland East.

Mukuru wechikoro ichi, VaTendayi Madyauta, vanoti vanonzwa manyuku-nyuku nekubudirira kuri kuita vana vavo.

“Panyaya yedzidzo, tinowanikwa tiri pakati pezvikoro zvisere zvepamusoro mukugona muchikoro nemumitambo. Munyika yose mumakwikwi tiri kuwanikwawo tirimo, zvakaita sekuhandball, volley ball nezvimwe,” vanodaro.

Vanoti padzidzo, vanokwikwidzana nezvikoro zvemabhodhingi zvinosanganisira St Pauls Musami neNhowe Mission kuMashonaland East.

Vana veA-Level vepachikoro ichi vari kubudirira zvikuru.

Mugore ra2011, vakanyora bvunzo dzeA-Level vakapasa nechikamu che92%, 2012 (94%), 2013 (95%), 2014 (96%), 2015 (94%) uye gore rapera vakapasa nechikamu che98,5%.

PaO-Level, vana vepachikoro ichi vanonzi vari kubudirira mubvunzo dzavo zviri pakati nepakati.

Chikoro ichi chinonziwo chiri pamusoro munyaya yenhaurirano (public debate) sezvo vana vepo vachikwikwidza kusvika padanho rekupurovhinzi pamwe nenyika yose.

“Vana vanotorwa pano hakuna anonzi idofo, kune vanouya vaine ma18 Units paGrade 7 asi vachizobuda zvakanaka paForm 4 neA-Level,” vanodaro.

Zvidimbu zvezuva

$
0
0

 Ticha Danga —
APO Nyadenga vakasika denga nenyika vakabva vatigonera nekutipa mucherechedzo wenguva kuti tigoziva misi nenguva yekuita zvinhu. Vakabva vatigadzirira zvidimbu zvenguva apo tinowana nguva yekushanda, nguva yekudya nenguva yezorora. Takagadzirirwa nguva yekuti tigorara apo tinorota nekuzorodza nyama dzedu dzinenge dzaswera dzichishanda.

Kana tichitaura nyaya dzenguva tinobvira panguva dzatinotarisa pachiringiriro kana kuti wachi, kouya nguva dzekupera kwezuva kana kwesvondo. Nguva zvakare dzinobuda patinotaura zvekufamba kwemwedzi kana kwegore.

Mukati memikana yose iyoyi ndimo munobuda zvidimbu zvenguva izvo vanhu vazhinji vanonetseka nekuzvidudza kana kuzvideedza. Tinoda kutora mukana uno kuti tijekese zvose zviri maererano nezvidimbu zvezuva, kubvira richibuda mupaka rivire rigobudazve.

Regai titange nekutarisa mangwanani patinomuka. Pane nguva idzo hope dzakadzama kana kuti dzedanda padzinopera kunze koda kuedza, kubvira nguva dzeina kusvika panguva dzenhanhatu (4-6am). Ipapa pane zvidimbu zvitatu zvenguva.

Kubva nenguva dzeina inenge yava nguva yemashambanzou. Mashambanzou anotisesedza kusvika panguva dzeshanu (5am) apo runyanhiriri runotanga. Mashambanzou ndiwo mambakwedza. Zita iri rakabva mukuonekwa kuti ndiyo nguva apo nzou dzinozvishamba.

Vanahombarume chaivo ndidzo nguva dzavanobva pamba vachienda musango kunokwasha. Runyanhiriri izita rakabva mukuti zvakaonekwa kuti ndiyo nguva inodyiwa huku nenhiriri zvakanyanya.

Kubvawo nguva dzinopera runyanhiriri rufuramhembwe rwunobva rwati pfacha. Kunze kunenge kwachena uye ndiyowo nguva inofura mhembwe. Rufuramhembwe rwunowanikwa kaviri pazuva sezvatichaona.

Kubvawo panguva dzenhanhatu kusvika panguva dzegumi (6am-10am) ndidzo dzatinoti nguva dzemadziyamushana. Madziyamushana anonzi rudziyakamwe nerimwe zita. Anenge achiri mangwanani.

Mangwanani aya anotandavara kusvika nguva dzegumi nembiri (12). Panongokwana nguva dzegumi nembiri, rwava rurovanhongonya.

Dzinoramba dzichitekaira nguva kusvika dzabata atinoti masikati. Masikati zuva rinenge ropisa zvikuru riri pamusoro pedu dzamara roda kunorerekera. Nguva dzemasikati dzinotangira pane dzegumi nembiri idzodzo dzotatamuka kusvika pane dzegumi nenhanhatu.

Padzinongojobora pagumi nenhanhati atova madeukira. Kubva murudeukira zvichienda mberi zuva rinenge rava kunopinda muna amai varo apo vajana vemombe vanenge vonopfigira zvipfuyo zvavo. Kana zvino dzabata panguva dzegumi nenomwe rwava rukunzvikunzvi. Denga rinenge rakaita kakutsvukuruka, kunyanya kumavirira. Dzinoramba dzichitekaira nguva dakara godi panguva dzegumi netsere apo rufuramhembwe rwepiri rwunotanga.

Mwembwe dzinenge dzaswera dzakati kwandavata muzvuru nemumakwenzi dzichihwanda vavhimi dzinobva dzabuda kunofura. Dzinozotseketuka nguva dzamara vhu panguva yegumi nepfumbamwe. Ndiyo nguva yerubvunzavaeni. Ruvhunzavaeni ndirwo rukunguvira.

Ndiyo nguva inenge yangoti zuva nyurei kwave kuti tsvaa kusviba. Kazhinji vanhu vanenge vachishanya vanenge vobvunza pavanoda kuenda sezvo vanenge vasisaoni nekusviba kwekunze.

Kana ruvhunzavaeni rwapfuura, vanhu vanenge vati ware ware mudzimba vachidya zvirariro nekuita ngano. Iyi inenge yava nguva yehusiku. Husiku ihoho hunokura kusvika hwasvika pakati pousiku pokuti rudhende rwevanhu rwunenge rwati rororo kurara.

Dzinozoramba dzofamba nguva dakara dzateremuka kudzokera pakare paya patambotangira pamashambanzou. Ndiwo mamiriro akaita zvidimbu zvedu zvezuva maererano nenguva.

Maitiro aPondai

$
0
0

Munyaradzi Gunduza —
9. NDEAPI matanho mashanu anotorwa naPondai pakupamba umambo hwaMambo Chakaingesu muna Museve Usingapotse? Tsigira mhinduro yako uchiratidza kuti danho rega rega rinomubatsira sei. [25]

Danho rekutanga rinoshandiswa naPondai kunyepa. Rinoonekwa paanonyepera Mambo Mupambi kuti Mambo Chakaingesu vakanga vapamba umambo hwababa vake asi ari iye aitoda kubvuta umambo husiri hwake. Izvi zvakaita kuti Mambo Mupambi vazomupa tsori dzavo dzehondo, Marizani naKunjerekunjere vaakadzokera navo kumusha kuti vanosora dunhu raMambo Chakaingesu.

Pondai anotora danho rekutsvaga hondo yaizomubatsira kurwa. Izvi zvinoonekwa paanosvika achidonhera pamakumbo paMambo Mupambi. Akanga apoterako nekuti aida kupiwa rubatsiro rwemauto ekurwisa Mambo Chakaingesu kuti agovapamba umambo hwavo. Hondo iyi yakazomubatsira kuti akwanise kuuraya Mambo Chakaingesu pavakanga vava kurwisana nemauto aMambo Mupambi.

Imwe nzira inoshandiswa naPondai kufurira Tafirenyika mwanakomana wake kuti auraye Karinge.

Tinozviona paanomuudza asati aenda kusango kunovhima nevamwe vakomana achimuti azouraya Karinge mwanakomana waMambo Chakaingesu nemuseve nekuti aida kubvuta umambo hwababa vake. Izvi zvinomubatsira kuti azowana chipomero chekuda kuuraisa Karinge achiti akanga auraya mwana wake.

Rimwe danho rinoshandiswa naPondai kuuraya Mambo Chakaingesu. Danho iri rinobuda paanovabaya pabendekete nemuseve vari pakati pekurwisa hondo yaMambo Mupambi, ndokuzovapedzisa nemimwe gumi vachibva vafa. Zvinomubatsira kuti asare achipamba umambo nemadzimai aMambo Chakaingesu mushure mekunge atanga kugara pachisuwi.

Danho rekupedzisira rinotorwa naPondai kukanda chitunha chaMambo Chakaingesu mudziva. Izvi zvinoonekwa paanochitakura aina Tapera ndokuchisungirira matombo vachibva vachikanda mudziva. Izvi zvakamubatsira kuti pasaitwe chivanhu chaizogona kumubatisa nanagodobori kuti ainge auraya mambo ouraiwawo.

10. Ndezvipi zvinoitwa nevatambi vanotevera zvinoita kuti rungano rwuri muna Museve Usingapotse rwufambire mberi? (a) Pondai, (b) Mambo Mupambi, (c) Tapera, (d) VaMatose, (e) Chivhere [25]

Zivai kuti mazita evatambi anokwanisa kushandurwa pachiiswa mamwe.

(a) Pondai aiva jinda guru raMambo Chakaingesu

Anopotera kwaMambo Mupambi asina kuoneka VaMasariranhamo, mudzimai wake. Izvi zvinoita kuti VaMasariranhamo vasare vachinetseka nekusadzoka kumba kwake ndokuzoudzawo Mambo Chakaingesu vanozonozvibvunzira kun’anga. Anokumbira Mambo Mupambi kuti vamubatsire nemauto ekurwisa Mambo Chakaingesu.

Izvi zvinokonzera rufu rwaMambo Chakaingesu nevamwewo vaisanganisa makurukota avo, Nyahwedekwe uye kupambirwa mombe zana nevanasikana vavo naMambo Mupambi.

(b) Mambo Mupambi vaiva shamwari yaMambo Chikwirandaombera

Vanopa Pondai tsori dzekuenda nadzo kunosora dunhu raMambo Chakaingesu. Izvi zvinoita kuti Kunjerekunjere azorumwa nenyoka ndokufa vari munzira kudzokera kumusha kwavo kwaMambo Mupambi vachibva kunosora dunhu raMambo Chakaingesu. Vanobatsira Pondai kurwisa nekuuraya Mambo Chakaingesu zvakakonzera kuti azovapa mombe zana nemhandara gumi dzaisanganisa hanzvadzi dzaKaringe.

(c) Tapera aiva jinda guru raMambo Chikwirandaombera

Anorandutsira Mambo Chikwirandaombera kuti vasarambe vachirova Karinge. Ndizvo zvinoita kuti Karinge azosungwa mbiradzakondo nemadandadzi padanda raive nemasvosve naPondai. Anorarisa paakanga akachengeta Karinge neshamwari dzake vaive muimba yevasungwa vaMambo Chikwirandaombera. Izvi zvinoita kuti Karinge neshamwari dzake vatize vachinopotera kwaMambo Tineshungu uye atizewo achizopotera kwaMambo Mushoshoma ave kutya kuuraiwa naMambo Chikwirandaombera.

(d) VaMatose vaiva hanzvadzi yaMambo Chakaingesu

Vanodzidzisa muzukuru wavo, Karinge kudeketera midzimu yedzinza ravo. Izvi zvinoita kuti asazonetseka kusuma midzimu yavo paaida kurwisa Pondai akanga apamba umambo hwavo. Vanochengeta Karinge neshamwari dzake kwemazuva mashanu vabva kunopotera kwaMambo Tineshungu zvinoita kuti vakwanise kupota vachiongorora shanduko dzese dzaive dzaitwa naPondai mudunhu ravo, vasati vatanga kumurwisa.

(e) Chivhere aiva mukuru wemauto aMambo Tineshungu

Anokanda Karinge muchidziva chaive negarwe, zvinoita kuti Karinge azouraya garwe raMambo Tineshungu mushure mekunge arwisana naro zvakaomarara. Anorambidza Karinge kuti apinde mumuzinda waMambo

Tineshungu kuti anotora hanzvadzi dzake dzavaive vatapa. Izvi zvinoita kuti Karinge azoronga hondo yekurwisa Mambo Tineshungu nekuvaparadza ndokutora hanzvadzi dzake.

Viewing all 921 articles
Browse latest View live


<script src="https://jsc.adskeeper.com/r/s/rssing.com.1596347.js" async> </script>