Quantcast
Channel: Denhe Reruzivo – Kwayedza
Viewing all 921 articles
Browse latest View live

Kereke vanhu

$
0
0

. . . kushaikwa kwavo inofa


Munyaradzi  Gunduza —
1. MUSORO wekuti Kereke Inofa unodudzirwa sei mumutambo uyu? Tsigira mhinduro yako nezviitiko zvishanu. [25]

Kereke inofa zvinoreva kuti pakaitika zvinhu zvinoita kuti vatendi vemuchechi vave nekusagutsikana nezvinenge zvichiitikamo, vanogona kuisiya kunove kuparara kwayo nekuti kereke vanhu.

Musoro wemutambo uyu wekuti “Kereke Inofa” unotsigirwa naPastor Gift Mwenje vanoramba kuti pave nemunhu anozviuraya kana kuuraiwa. Zvinobuda pavanenge vari mumotokari yavo kuMufakose naSarah. Vanoudzwa naSarah kuti aikwanisa kuudza Zebra murume wake kuti aive nepamuviri pavo zvaizoita kuti azvipfure kana kupfura mumwe wavo nepfuti asi Pastor Mwenje vanomurambidza vachiti zvaizoputsa kereke yavo.

Musoro webhuku iri unoenderana naBeauty anovimbisa kusungisa kereke yese. Tinozviona panoshaikwa amai vake, Sarah kwemasvondo matatu vabva kuUK naPastor Mwenje. Izvi zvinoita kuti Beauty azobatikana nekutsakatika kwamai vake kusvika pakuti vakasaonekwa aizosungisa kereke yacho yese yobva yangofa. Zvichireva kuti vanhu vekereke vakasungwa hakuna aizononamatako kunova kufa kwayo.

Kuti Kereke Inofa kunofambirana naMary anovimbisa kuzivisa kereke nezvekusazvibata kwaPastor Mwenje naSarah. Izvi zvinobuda pavanenge vari muchipatara cheWest End, achivaudza kuti vakamupa mukana wekuparidza Svondo yezuva raitevera, mharidzo yake yaizonangana nekusazvibata kwavo. Anoti aizovareururira nekuti vega havaizvigona. Pastor vaiti vaizomuitira chese chaaida kuti asaite izvi zvaizouraya kereke yavo.

Musoro webhuku unozadziswa naMary anovimbisa kuzivisa vemapepanhau nezvekusazvibata kwaPastor Mwenje naSarah. Izvi zvinojekeswa pavanenge vari kuchipatara cheWest End, paanovaudza kuti aizotanga kufumura nyaya yavo yekupa Sarah mwana kuburikidza nevebepanhau reH-Metro kana reKwayedza. Pastor Mwenje vanomukumbira kuti asadaro nekuti zvaizovaputsira kereke yavo. Musoro wemutambo unoti “Kereke Inofa” unoburitswa pachena naZebra anotsigira kuti kereke ife. Tinozviona paanomuka pamubhedha muchipatara cheWest End mushure mekunge afenda, anoshevedzera kuna Pastor Mwenje kuti kereke yavo ngaife, kwese kwaive kufa nekuti yakanga yaparadzawo imba yake.

2. “Rina manyanga hariputirwe mumushunje.” Tsanangura kuti tsumo iyi inozadziswa sei nezviitiko zvishanu zviri mumutambo Kereke Inofa. [25]

Tsumo yekuti rina manyanga hariputirwe mumushunje inoreva kuti kunyangwe chinhu chakaipa chikaedza kuvanzwa zvakaita sei, chinozongobuda pachena chete.

Tsumo iyi inodudzirwa nekubuda pachena kunoita nyaya yekudanana kwaSusan naDance Manyukunyuku. Tinozviona Susan paanotora chikomba chaBeauty chainzi Dance vachidanana muchivande. Beauty anozosvika pakuzviziva zvinoonekwa nekurwa kwavanenge vave kuita vari mumupanda wavairara kumba kwaZebra kuGlen View 7.

Tsumo iyi inozadziswa nekubuda pachena kwenhumbu yaSarah. Izvi zvinoonekwa Sarah naPastor Mwenje pavanotiza muZimbabwe vachienda kuUK vachiedza kuvanza pamuviri paSarah. Pavanosvika kuUK, Mary mudzimai waPastor Mwenje anoona Sarah asina kupfeka zvakaita kuti azonyumwa kuti akanga ave nepamuviri uye aifanira kuenda kunovhenekwa kwachiremba. Mary akanga atozviona kare kuti Sarah akazvitakura kunyangwe zvazvo Pastor Mwenje vaiedza kuramba vachizvivanziridza.

Tsumo iyi inojekeswa nekubuda pachena kwemwana waSarah naPastor Mwenje. Tinozviona Sarah paanoudza mukoti Lydia kuti vadzivise vanhu vese vaida kumuona ari muchipatara cheWest End. Izvi zvinoita kuti mukoti Lydia vazonetsana naZebra akanga achida kuenda muWadhi X1950 kunoona Sarah. Vanokikiritsana kusvika Zebra apinda muwadhi yaive naSarah zvechisimba ndokumuwana abatsirwa nemwana.

Kubuda pachena kwenyaya yekuti mari yakapedzisa kuvaka imba yaZebra yaive yaPastor Mwenje kunotsigira tsumo iyi. Izvi tinozvijekeserwa naZebra paanoda kudzinga Sarah pamba pavo kuGlen View 7 ndokurambidzwa naRose achinzi imba iyoyo yaive yavo vese sezvo Sarah akanga atumirawo imwe mari yekuti ipedzise kuvakwa achiri kuUK, inove yaaipiwa naPastor Mwenje.

Kubuda pachena kwechokwadi chekuti Sarah naPastor Mwenje vaidanana kunoenderana netsumo iyi. Zvinobuda Mary paanoona Sarah naPastor Mwenje vari muchipatara cheWest End vatove nemwana zvinoita kuti azoziva chokwadi chekuti vaviri ava vakanga vachidanana kubvira kare asi asingazvizive.


Zvakanangana nerufu

$
0
0

Ticha Danga —
NZVIMBO nenzvimbo dzinogona kuita zvakasiyana-siyana kana dziri nyaya dzerufu zvichienderana netsika dzinotevedzwa mumatunhu iwayo.

Tinoda kugara tajekesa kuti munhu akashaya kana asati avigwa anenge achinzi chitunha kana mutumbi asi kana avigwa anenge ava kunzi mushakabvu. Kazhinji tinoziva kuti munhu kana ashaya zvinotora mazuva maviri kana matatu obva atovigwa kana kuraswa. Uyu anenge ari munhu nje hake asina chinzvimbo chinoera mudunhu imomo.

Zvino kana ari mambo, hazviite kuti aziviswe kuruzhinji kuti ashaya zuva iroro. Shoko rerufu rwamambo rinogona kutora kana mwedzi chaiwo risati raburitswa.

Vatana vemufi nevamwe vemudzinde remba iyoyo yehumambo vanenge vari mushishi kutevedza tsika dzinosanganisira kuomeswa kwemutumbi. Munguva iyoyi chero vana vadiki vemumba imomo havatomboziviswe.

Ndiyo nguva zvekare inenge ichikumikidzwa mutumbi kumidzimu yake.

Panguva iyoyi zvakare, muninga maanenge achanovigwa munofanirwa kucheneswa nekushonongorwa kuti mufi agozogona kugara nevamwe vashakabvu.

Kana zvese izvi zvapera mhere, yochiridzwa hayo. Madzimambo anovigwa muninga kana kuti mugwindingwi.

Zvinotevera iye zvino zvinoitwa kwakawanda kune chero mufi.

Tinopepa varwere vari muzvipatara kana mudzimba asi pane pamwe panokomba urwere zvekuti tinenge tangomirira zuva rekuti nyama nemweya zvichipesana.

Murwere uyu anenge opeperwa panzvimbo yaanovakirwa unonzi musasa. Kana zvino nyama nemweya zvapesana, kune mari inobviswa kusuma vana tezvara nezvekufa kwemwana wavo iyo inoiswa pashizha inonzi mhere.

Kana vanhu vanzwa shoko rerufu, vanokotonoka nouwandu hwavo vachienda kunobata maoko. Kubata maoko itsika yevanhu vatema apo tinokumbura vawirwa nedambudziko tichivanyaradza nemashoko. Kana tabata maoko tinobva tazadzisa nekubvisa mari inonzi yechema kubatsiridza parufu ipapo.

Mufi anounganirwa nehama neshamwari nokudaro panodiwa husavi hwakawanda. Panobva pauraiwa mombe inonzi yenhevedzo. Kune dzimwe nzvimbo panhevedzo iyoyo panobviswa nhengo yenyama inopisirwa mufi utsi huchipfungaira mudenga iyo inodaidzwa kuti pfungdaidzo.

Munhu mukuru anovigwa muguva kana kuti murinda. Vamwe vanodaidza guva kuti bwiro.

Vana vadiki vanovigwa mujinga morukova, pasi pomukute kana mutsamvi. Vamwe vanoviga vana kubani uko kune hunyoro. Kana ari mwana akazvarwa akafa kana kuti gavamwedzi anonovigwa panzvimbo ine mahapa murwizi.

Kana munhu ashaya, baba vake vanonzi vatare pachacherwa guva remwana wavo. Kakomba ikako kanotanga kucherwa nehama yemufi pachaenda guva rake kanonzi rukarwa.

Chitunha kana chichienda kunovigwa chinotakurirwa padara kana kuti pabanda.

Kana munhu ashaya vohukama vane tsika yavanoita yekutsvaga kuti chii chakadya mudikani wavo nokudaro vanoenda kun’anga kunobvunza. Mashopeshope iwaya ekutsvaga chakauraya mufi anonzi kurova gata.

Itsika yavatema yekuti havapesane nemushakabvu zvachose nekudaro kune twakawanda twaanoramba achiitirwa sekurova guva.

Kurova guva kubika hwahwa hwekudzosa mufi mumusha kuzochengeta vapenyu. Vamwewo vanobika doro rendongamahwe kana kuti doro rehonye iro rinobikirwa kunyaradza vakafirwa.

Vamwe vanoiti nyaradzo. Kana guva ragadzirwa, kunozobikwa doro regunere kana kuti renyota.

Nyaya yekusavimbika

$
0
0

Munyaradzi Gunduza —
2. TSANANGURA madingindira anowanikwa mumutambo Kereke Inofa. [25]

Muna Kereke Inofa mune dingindira rechitendero chechiKristu. Dingindira iri rinozadziswa naPastor Gift Mwenje vaitungamirira chechi yeRevelations, zvinoita kuti vazowana mukana wekupa Sarah avova nhengo yemuchechi pamuviri vaendesa murume wake, Zebra kune imwe chechi yavo kuUK. Dingindira iri rinojekeswa naPastor Mwenje vakanga vachivanziridza nekutya kuti chokwadi chekupa Sarah mwana kwavakaita chikazobuda pachena chaizovaparadzira kereke yavo yavakanga vazvitangira vega.

Rimwe dingindira riri mubhuku Kereke Inofa nderekusazvibata. Rinotsigirwa naPastor Mwenje naSarah vakanga vatadza kuzvibata kusvika pakudanana vari vanamati vekereke imwe chete uye vaine dzimba dzavo. Nyaya yekusazvibata iyi inoonekwa kuna Susan akanga atadza kuzvibata kusvika pakutorera Beauty mwana wemukoma wake, Sarah chikomba chainzi Dance Manyukunyuku.

Muna Kereke Inofa mune dingindira rekusavimbika. Rinozadziswa naBeauty akanga achidzidza paUZ asi achiita misikanzwa yekugara nechikomba chake Dance, baba vake, Zebra Nyundo vachifunga kuti aigara kuchikoro. Dingindira iri rinoburitswazve nachiremba Ayub Kanu vaishanda kuUK asi vasina kuvimbika pabasa ravo. Vanobatsira Pastor Mwenje kunyepera Mary kuti Sarah haana nhumbu nekuvanyorera matsamba ekuti vadzokere naye kuZimbabwe.

Imwe pfungwa yatinowana mumutambo uyu ndeyeruchiva. Pfungwa iyi inozadziswa naPastor Mwenje vakanga vashandisa chinzvimbo chavo chekutungamira kereke zvakaita kuti vazotanga kudanana naSarah aivachivawo. Nyaya yeruchiva inoonekwa kuna Beauty naSusan. Beauty anodanana naDance nekuti aive nemari yakawanda zvekuti paanotengerwa furati anobva abvuma kurara naye achiziva kuti aive nemukadzi wake zvakaita kuti azoguma atapurirwa chirwere cheshuramatongo. Susan amainini vaBeauty vanochivazve mari yaDance ndokudanana naye muchivande zvinoita kuti vazotapurirwawo chirwere cheshuramatongo.

Mubhuku iri munowanikwa dingindira rerudo rwechivande. Dingindira iri rinojekeswa naPastor Mwenje naSarah vanenge vachidanana zvekubiridzira vachitya kuzivikanwa naZebra murume waSarah, Mary mudzimai waPastor Mwenje uye nhengo dzekereke yeRevelations. Rinozadziswazve naBeauty anenge achidanana naDance asi asingade kuti amai nababa vake vazvizive kuti ndizvo zvaaiita. Zvimwe chete zvinoitwa naSusan anodanana naDance muchivande achida kuti Beauty asazvizive sezvo aive amutorera chikomba chake.

3. Tsanangura matambudziko mashanu anowira vatambi muna Kereke Inofa. [25]

Vatambi vanosangana nematambudziko ekutapurirwa chirwere cheshuramatongo. Izvi zvinobuda kuna Beauty naSusan pavanenge vari muchipatara cheWest End vasiri kuwirirana nezvechikomba chaBeauty chainzi Dance chaakanga atorerwa naSusan. Beauty anoudza Dance pafoni kuti aida kumusungisa nekuti akanga amuzadza chirwere cheshuramatongo. Susan anozoudzwa naBeauty kuti aive azadzwawo chirwere ichi naDance.

Mubhuku iri vatambi vanowirwa nematambudziko ekutukwa. Tinozviona kuna Peter Chimumumu anonyombwa naRose vagere mumba maZebra kuGlen View 7, zuva ratongwa nyaya yaSarah yekupiwa mwana naPastor Mwenje kunze kwemusha. Rose anomubvunza kuti akanga ari ani aida kugadzirisa matare epamba paZebra, achibva anzi zvimumumu zvaitaurawo chii chaaida kuvabatsira panyaya iyi, anobva abudamo atsamwa asina kana nekuzooneka.

Vatambi vanowanikwa mubhuku Kereke Inofa vanowirwa nematambudziko ekuparadzirwa dzimba. Izvi zvinoonekwa kuna Mary naZebra pavanoona Sarah mudzimai waZebra apiwa mwana naPastor Mwenje murume waMary vari muchipatara cheWest End muHarare. Zebra anobva abuda pachena kuti akanga asingachadi zvekuramba achigara naSarah saka aifanira kuenda kumba kwaPastor Mwenje vakanga vamupa mwana murudo rwechivande.

Mubhuku iri vatambi vanosangana nematambudziko ekufenda. Tinozviona kuna Zebra paanoenda kuchipatara cheWest End ndokuona Sarah ave nemwana waPastor Mwenje. Anonzwa kupera simba ndokupedzisira ave kuita seapererwa nemweya wekufema angofizuka nezvaaive aona. Anotora nguva refu akadaro opiwa mubhedha muchipatara chimwe chete ichi.

Vatambi vari mumutambo uyu vanosangana nematambudziko ekutorerwa chikomba. Izvi tinozviona kuna Beauty anoshungurudzika zvikuru ari mumupanda wairara vasikana kumba kwaZebra kuGlen View 7, atorerwa chikomba chake, Dance namainini vake, Susan zvinoita kuti vazotanga kurwa.

Kudetemba nezverudo

$
0
0

Munyaradzi Gunduza —
2. BURITSA pachena zviri kutaurwa navananyanduri pamusoro perudo munhetembo shanu dzinobva mubhuku iri. [25]

Mudetembo rinonzi, “Zvinoda Moyo” rakanyorwa naSharon Ngomani munobuda dingindira rerudo uye nyanduri anotsanangura rudo rwaanotarisira kumudiwa wake.

Nyanduri anotsanangura kuti anoda kuti mudiwa wake amubate zvinyoronyoro zvinoita kuti hana yake idzikame seapo anoti, “Ndopondonzwa kunzwa kuda anotsvanzvadzira, anonyatsondikwenya zvinyoronyoro achinyatsodzikamisa muviri wangu.”

Mudetembi anotsanangurawo kuti anoda kuti mudiwa wake amugumbatire, uye kumuimbira sekacheche kusvikira hope dzake dzabata. Mudetembo iri zvakare nyanduri anoburitsa pfungwa yekuti anoda kugara nemudiwa wake ari pedyo, uye achinzwa inzwi rake sepaanoti, “Mwoyo wangu unokuda pedo neni zuva nezuva, unoda kuti ndigare ndichinzwa inzwi rako.”

Rimwe detembo rine dingindira rerudo nderokuti, Enda nerugare rakanyorwa naMildred Jaricha. Nyanduri ari kurwadziwa nekurasiswa kwaakaitwa nemudiwa wake murudo apo ainge aine tariro yokuti vachawanana, saka pari zvino ainge azvijaira zvevanhu vanonyengedza murudo.

Nyanduri anorwadziwa kuti aive nerudo rwechokwadi kumudiwa wake, kwete rwokuda pfuma kana mari yemunhu asi mudiwa wake haana kuzvitarisa zvose izvi, asi akangomuramba zvisinei nerudo rwechokwadi urwu sepaanoti, “Makaro emari kana pfuma yako ndakatsvairira kure, asi iwe wakandibhadhara nounyengeri.”

Mudetembi anoburitsa kuti aiedza nepose paanogona kuchengetedza rudo rwake nomudiwa wake kuti rusabvutwa navamwe vanhu, asi zvose izvi mudiwa wake haana kuzvikoshesa sezvo akangomuramba zvakadaro, sepaanoti, “Wakazvidzura pakati pemwoyo pandaive ndaviga rudo rwedu, rwandairinda mangwanani nousiku kubva kumbavha.”

Mudetembo iri nyanduri anoburitsa kuti ainge adzidza kubva pakunyengedzwa kwaainge amboitwa kumashure, saka ainge asingachabvumi zvekunyengedzwa zvakare murudo, seapo anoti, “Chakatanga ndicho chakachenjedza, ndinotenda zvose zvawakaita kwandiri.”

Rimwe detembo rine dingindira rerudo nderokuti, “Wakandijaidza” rakanyorwa naSharon Ngomani.

Nyanduri ari kuudza mudiwa wake kuti ndiye akamuregeredza achirarama upenyu hwekudya nenyama, kugeza nesipo inonhuhwirira uye kufamba vakakochekerana muchiuno semucherechedzo werudo saka aisafanira kushandura upenyu hwaainge ajairira nokuti ndiye akamujaidza maitiro aya.

Nyanduri anozivisa mudiwa wake kuti ndiye akamujaidza kumufonera kana zuva rangonyura saka kana richinge ranyura anenge ototarisira kunzwa mudiwa wake achifona seapo anoti, “Parinonyura muna mai varo, ziso jii kudzvokora kumbozhanhare nekutoinzwa kuhope ichirira.”

Rarama somudavadi

$
0
0

ZITA remunhu chii? Kune rimwe boka ravanhu rinoti zita remunhu rinotodzana nehunhu hwake kana nehunhu hwevanhu vakamborarama zuro vane zita rinenge rake.

Kunoitawo rimwe boka rinoti zita harina kana chekuita neupenyu hwemunhu nekuti chingori chipauro chinovagonesa kupatsanura zvinhu kubva pane zvimwe kana vanhu kubva pane vamwe.

Vanhu vari muboka rinoti mazita ane chekuita neraramo yemunhu vanoonekwa vachisarudza mazita ekupa vana ane jekero mune ramangwana.

Vanhu ava vanopa vana mazita emadzimambo, mambokadzi, vatungamiri vematonganyika, vafundisi, nevakakurumbira mune zvemabhizimusi.

Nyaya yemazita iyi yaunzwa mundangariro nekuda kwemunyori David Mungoshi, munyori wemuunganidzwa wenduri wandiri kusekenyedzwa nawo uye wandinovimba kuti uchasekenyedza vaverengi venduri vakati wandei. Muunganidzwa wenduri uyu wati sandukei pakuti Mungoshi ari kuuya nechidobi chinosiya muravi akati tuzu ashamiswa.

“Live Like an Artist” inoburitsa unyanzvi hwaDavid pachena hwekuva sarungano, muimbi, nyanduri, mhengenuri yeuvaranomwe uye munyori wenhoroondo. Nhetembo dzaDavid hadzigoni kuperera mukurava muchinyararire asi kurava uchidudza mazwi kuti uwane kutapirirwa nemutinhimira werunyoro rwake.

Izvi zvabva zvandifungisa David mwanakomana waJese uyo akava munyori wenduri idzo dzinodaidzwa kuti Mapisarema dzinovawo dzisingagoni kuraviwa chinyararire, asi kuti dzinoda kuimbwa kana kudetemba nezwi rinodudza mutinhimira nemaungira akatsepetera.

Kana muBhaibheri nduri idzi imwe neimwe inenge ichinzi rwiyo rwaDavid. Mubhuku rino David akadarika kungova munduri wenduri ndokusvika pakuwedzera nyaya, nhoroondo, nduri, nziyo, ngano nemhenenguro dzeuvaranomwe.

Mamwe mazita aanonzi anogona kunamira hunhu nezviito zvevakamboapiwa zuro, zvichida ndiko saka vamwe vachizoramba kupa vana vavo chero zita vachitanga vapenengura kuti zita racho rinomborevei.

Musoro wemuunganidzwa wenduri uno, Rarama soMudavadi unenge kurova shiri mbiri nedombo rimwe chete panguva imwe.

David munhu uya watingati ava pamudyandigere zvokuti hakuna achamunetsa achiti muka ugeze uende kubasa nenguva yakatarwa.

Kana achiita mabasa ava kuaita kazhinji nenguva yaanozvirongera iye.

Zviri kwaari kushanda masikati, kana manheru. Zvava kwaari kufuga kana kuwarira.

Nguva yekunyora yava kwaari yese izvo zvava kumupa mukana nenguva yekudzoka kure kure kuupenyu hwake achiri mudiki achinotora dzikiso nehudzamu hunoshamisa panduri dzake.

Pane imwe nguva Rarama soMudavadi zvinogona kureva kuti nyora usingatarisiri mari asi kusvitsa shoko semudzimu wemumusha unobikirwa doro rausingamwi woga.

Nhetembo dzinonzi hadzina mari nekuti hadzitengwi. Kudai ari umwe nyanduri angadai akaburitsa mabhuku maviri munduri zana dziri muna “Live Like an Artist” izvo zvaizomupawo kuwana mari. Asi iye akatakura shoko ravachenjeri vakare rekuti nyanduri murindi wemusha kuti usapindirwa namatibura nekudaro mufaro mukuru unobva mukuona kuti musha wakarindika kudarika mukuripwa.

Ndivananyanduri vashoma chose vanogona kuzvipira kutsikisa nduri zana panguva imwe chete.

Vazhinji vanowanzoita nduri makumi mashanu dzatokwanisa bhuku.

Kunyangwe imwe miunganidzwa yenduri yavananyanduri vakawanda inotadza kusvika nduri zana kana kupfuura zvishoma zvichinzi nduri hadzina mari.

Zvakadaro, nduri idzi dzakasarudzwa kubva kuzhinji.

David munyori wenduri, nyaya pfupi, novhero uye mutambi wemumafirimu pamwe nemadhirama izvo zvinodura hudavadi hwake. Mudavadi haaisi mazai mutswanda imwe.

Nduri inonzi “Stories from My Picture Album” inodonongodza nhoroondo yemutambi munduri kubvira ari mucheche kusvika ava nemakore makumi matanhatu namakore matatu achishandisa mifananidzo gumi neumwe.

“Twelve Bar Blues Story” indurinyaya inotaura nezvematambudziko anosanganikwa nemunhu anenge ashanyira bhawa rimwe nerimwe remabhawa gumi namaviri.

Kuzoti “A Different School of Romance” inoburitsa husarungano hwaDavid pachena zvekuti munhu unoramba uchida kuti dai aramba achingotaura rungano rwacho ataurazve kusvika wave kuziva kuti kuva murudo kudzosa nyemwerero nekuseka kwake (Being romantic means bringing back those smiles and laughter).

Zvino David wedu anenge oshandisa izwi rachipangamazano, izwi rachipangamazano rinonzwikazve munduri inonzi, In our Time (For young people everywhere) iyo ingangoturikirwa kuti, Pamazuva Edu (kumudiki wese kwese kwauri) apo anoyambira vadiki kuti vazive kusiyana kwenguva yavari neiyo yakararama izwi rachipangamazano.

Bang! Bang! Bang! inokusiya uchifunga chidobi cheizwi remudzimai anotora bonde sekupfurwa nepfuti iyo mabara ayo anongonyura mumunyepfu wanyakupfurwa ichimuodza asi iye asina chaanoburapo chouviri kusvika pakushuva kuti dai azowana hake murume chaiye asingakoki nekupfura nepfuti inomusiira marwadzo asi anogona kumufadza.

Zvinovava zvinoda kuzvionera pamhino sefodya.

Ini ndangototota zvinotapirira, kunhuwirira, kusekenyedza, kusekesa, nekuibva kwazvo. Semuravi chisharawo twako twekupedzesa havi yendangariro usazoti ndakapedzerwa, yakati yaareva ndaidawo kutoti ndiiti.

Mazwi anoreva zvakafanana

$
0
0

Ticha Danga —
MUKUEDZA kubhedhenura gumbeze redu rechiShona kuti ribate uriri hwese, tinofanira kubatawo mazwi anoreva zvakafanana kuti tisazowanikwa tichikundikana apo tinotaurirwa mamwe mazwi atisingawanzoshandisa. Tichaedza kubata ndimi dzine mukurumbira muno munyika yedu.

Tinoziva kuti izwi rekuti kuneta rinonyanyoshandiswa kumaZezuru asi ukazoenda kumaKaranga vanenge voti kunyara.

Ndiro vende ratiri kuda kuedza kubatanidza kuti kana tose totaura tigobatana pamwe chete.

Kune vanhu vanoti kana varara vakotsira havagoni kurara panzvimbo imwe asi kuti vanongoumburuka vachibva pavanofanirwa kunge vari. Vachinge vakarara pamubhedha vanogona kutodonha. Vanhu ivavo vanonzi vane mavato kana kuti mararo asi kune mawe mativi enyika vanonzi vane mapfundo.

Shamwari yako yepamoyo unogona kuidaidza kuti sahwira kana kuti vaganda. Munhu ane usimbe anonzi nyope kana kuti shomvu.

Tinoziva kuti shanje zvinoreva godo kana kuti rukodo asiwo vamwe vanoti tima vachireva shanje.

Shuku izhanje remusango asi izwi rokuti shuku rinogona kusareva muchero wemusango asi kuti dambudziko rekushaya chekupfeka.

Hari yatinobikira sadza inonzi tsambakodzi kana kuti tsaiya kotiwo vamwe vanoidaidza kuti mukate kana kuti mhendekari. Zviyo ndirwo rukweza kana kuti njera. Kune mamwe matunhu vanodaidza zviyo kuti mungoza.

Muriwo uya watinofarira chaizvo munguva yeZhizha unonzi nyevhe kana kuti nyovhi.

Vamwewo vanoudaidza kuti rudhe, bangara kana kuti runi. Kana tichibika sadza kana muriwo pamoto wehuni tinogadzika mapfihwa ayo anogona kunge ari ematombo achibatsira kutsigira hari. Mapfihwa iwaya anonzi dego.

Kana achiri mangwanani uswa hunenge hwakanyorova nedova.

Dova rinonzi zvakare veta. Nyaya dzinosetsa chaizvo dzinonzi ny’ambo kana kuti madu.

Kune vanhu vanoda zvokudya zvakapfuura mwero. Ndivo vaya vanonzi vane nhafu kana madyo. Vanonzizve vane makaro kana mukaha.

Nhenjana mwana wemombe achangoberekwa. Nhenjana iyoyo inodaidzwa kunzi munava.

Kune vamwe vedu vanoti kana vakarara vanodhuruma samabhazi ari kukwidza mukata. Kudhuruma ikoko kunonzi kuridza ngonono kana kuita magwiriri.

Vavhimi kana vachipinda mumasango kunoshava vanotakura mhando nemhando dzetsvimbo. Kune imwe tsvimbo inoshandiswa kurova makwenzi ine musoro wakatenderera inonzi ndonga.

Mamwe matunhu anoidaidza kuti nduni kana kuti ndowa.

Mhuka inonzi mvuu ndiyo inodaidzwa kuti ngwindi.

Vanhu vasingadi zveutsvina vanogara vakashambidzika vanonzi vane utsanana kana kuti undere.

Tsono yatinosonesa zviremo kana zvigamba pakabvaruka inodaidzwa zvakare kuti nariti. Mukurumbira zvinoreva mbiri, gurumbira, mbirikiro kana kuti guhu.

Nguruvewo inonzi hochi kana kuti humba. Mamwe matunhu inonzi fondo. Mhashu ndidzo hwiza kana kuti ndongwe.

Mwanasikana akabika sadza mbodza tinoti abika mbwizhu kana kuti bure. Vana vadiki vanoda kutamba vachibika mahumbwe pavanotevedzera vakuru.

Mahumbwe anonzi matakanana kana kuti matumba. Anodaidzwa zvakare kunzi mamhuza kana kuti mabindikito.

Mahwekwe ndiwo masanga kana kuti mambunga. Mahwekwe anonzi zvakare magurwa.

Kudetemba nezverudo

$
0
0

Munyaradzi Gunduza —
MUDETEMBI anobudisa zvakare kuti akajairira kudya nenyama saka mimwe miriwo yakaita semufushwa nemuboora isinawo kana futa inomurutsisa zvakanyanya seapo anoti, “Mifushwa, muboora, michacha isinawo kana futa inondirutsisa chitaka ini zvangu.”

Nyanduri anobudisa zvakare kuti mudiwa wake ainge amujaidza kuti kufamba vakabatana ndiko kwaitaridza kuti vane rudo rwakadzama seapo anoti, “Wakandijaidza ndikajairirawo kuti kufamba takavhumbamirana mucherechedzo werudo runodziya.”

Ndoenda hangu nderimwe detembo rakanyorwa naRabison Shumba rine dingindira rerudo. Nyanduri ari kutambudzika nekuda kwemudiwa wake uyo asina rudo kumhuri yake anopedzera mari kuvakadzi vokunze asi mhuri ichifa nenzara.

Nyanduri anoburitsa kuti anoshungurudzika nokurohwa kwaanoitwa nemurume wake apo anoti, “Zvazondigombera ndapihwa muchiso, honai mavanga ezvibhakera pachiso.”

Nyanduri anoshunguridzika kuti anosemwa nemurume wake uyo anomuona seanonhuhwa sepaanoti, “Ndosemwa naye sendine chidembo mukanwa.”

Nyanduri anoburitsa kuti rudo rwavo rwazosvika kumagumo, uye haachisina tarisiro yekugarisana nemurume wake apo anoti, “Ndakashingirira kwemakore mazhinji asi tazosvika kwamvurayachekamakumbo zvino.”

3. Tsanangura zvinoshungurudza vananyanduri munhetembo dzavo shanu uchitsigira nedzine madingindira akapihwa pazasi. (i) Rufu (ii) Rudo (iii) Zvirwere (iv) Kodzero (v) Kufambiswa kwemashoko. [25]

(i) Rufu

Mudetembo rinonzi Ndadzimbikana rakanyorwa naEvidence Makuni rinotaura pamusoro perufu. Nyanduri ari kushungurudzika nekufa kwaDanai uyo aive munhu ane unhu hunoyemurika kuvazhinji.

Nyanduri anoshushikana neruchiva runoita varume kuvanhukadzi vachiyemura runako rwekunze nyamba nedzimwe nguva munhu wacho anenge achitozvirwarira zvake sepaanoti, “Kusaziva guyu kutsvukira kunze izvo mukati mune masvosve.”

Mudetembi anoshungurudzika nekuchiva varume kunoitwa navakadzi avo vanoda kuungana vose pamurume ane hunhu hwakaipa kumagumo vozopihwa zvirwere sepaanoti, “Vakadzi ndivo vokungochiva chisina guru neura, vakangoona murume ane udanzvu udanzvu ivo vose momote.”

Nyanduri anoshungurudzika nekufa kwaita mumwe wake waakakura naye achisiya vana vake vari vega sepaanoti, “Vana sarei dzava nhiyo dzatorerwa amai sezvaita Danai, wandakakura naye.” Nyanduri ari kurwadziwa nokuti Danai haana kuchengetedza hupenyu hwake nemazvo sepaanoti, “Kuzvibata nekuvimbana ndiwo mapfumo makuru . . . tikatevedza nzira’dzi, hatizoiti samushakabvu Danai.”

Kuvanza mimba yaSarah

$
0
0

Munyaradzi Gunduza —
4. TSANANGURA zvinhu zvishanu zvinoitwa naPastor Gift Mwenje mukuedza kuvanza mhosva yavo yekupa Sarah pamuviri muna Kereke Inofa. [25]

Pastor Mwenje vanozama kuvanza pamuviri paSarah pavanoti vaive vakuda kuenda nemunhu mumwe chete kuUK pakati pake naZebra. Tinozviona mushure mesvondo yavanosara muchechi naZebra naSarah vamwe vanhu vaenda kudzimba. Vanovaudza kuti vakanga vakuda kuenda kuUK nemunhu mumwe chete pakati pavo. Izvi zvinoita kuti Sarah azokwanisa kunge achienda navo kuUK nekuti Zebra akanga asina mazuva akawanda abvako.

Pastor Mwenje vanoedza kuvanza pamuviri paSarah nekumuudza kuti vaifanira kuenda vese kuUK. Izvi zvinoonekwa pavanenge vari kuMufakose mumotokari yavo manheru vachimuudza kuti vaifanira kuenda vese kuUK kunonyatsoronga nezvenhumbu yake pasina zvizhinji zvaizovakanganisa. Izvi zvinoita kuti Sarah arambe akashinga kuudza Zebra kuti aida kuendawo kuUK.

Imwe nzira inoshandiswa naPastor Mwenje kuedza kuvanza pamuviri paSarah kurambidza Mary kuenda naSarah kwachiremba. Tinozviona pavanenge vari mumba mavo kuna Coventry kuUK, vachimurambidza kuti aende naSarah kwachiremba kunovhenekwa pamuviri vachiti Sarah aisave mwana mudiki uye vaisafanira kuzvinetsa nezvake. Izvi zvinoita kuti vazokwanisa kupiwa mukana wekuperekedza Sarah kuchipatara ndokuruka zano rekushandisa chiremba Ayub Kanu kunyepera Mary kuti Sarah aisave nenhumbu.

Muna Kereke Inofa Pastor Mwenje vanoronga naSarah kuti anyepedzere kurwara kuri kuvanza pamuviri pavakanga vamupa. Izvi tinozviona pavanoenda kubasa kwake kunoronga zano rekuti agonyepera kurwara zvakanyanyisa paaizoonekwa nachiremba Ayub Kanu. Tinozomuona achigomera nekuchema akarara pamubhedha akabata mudumbu ari kumba kwaMary naPastor Mwenje kuUK. Izvi zvinoita kuti chiremba Kanu vazokwanisa kuudza Mary kuti Sarah akanga asina nhumbu asi yaive mweya yekumusha kwake yaiita kuti adaro.

Pastor Mwenje vanoedza kuvanza pamuviri pavakanga vapa Sarah kuburikidza nekuronga nachiremba Ayub Kanu kuti vanyepere Mary. Izvi zvinojekeswa Pastor Mwenje pavanoenda kunoona chiremba Kanu vofanoronga zano rekunyepera Mary sepatinonzwa chiremba vave kumuudza kuti Sarah akanga asina nhumbu asi aitambudzwa nemhepo dzekumusha kwake. Izvi zvinoita kuti Sarah azokwanisa kuzvarira kuZimbabwe sezvo chiremba vakanga vati ngaadzokere kumusha kwaaigona kurapwa nemumwe chiremba wavaiziva aigara muHarare.

6. Buritsa zvinhu zvishanu zvinojekesa kuti Pastor Gift Mwenje vaishandisa kereke zvisina kunaka muna Kereke Inofa. [25]

Pastor Mwenje vaivanda mabasa avo echipfambi nekereke. Tinozviona pavanosara vachidanana naSarah mudzimai waZebra, iye vamuendesa kuUK kwaivewo nemudzimai wavo, Mary vachiti anoita basa raMwari. Zebra paanozodzoka kuUK kwapera mwedzi mitanhatu Sarah akanga atove nenhumbu yaPastor Mwenje yakanga yave nemwedzi mina.

Pastor Mwenje vanoputsa imba yenhengo yekereke yavo. Izvi zvinoonekwa pavanodanana naSarah aive nhengo yavainamata nayo kuRevelations Church vachishandisa chigaro chavo chehufundisi chakaitawo kuti avachive. Vanozogumisira vamupa mwana zvinokonzera kuti Zebra ave nepfungwa yekumuramba achiti aifanira kunogara naPastor Mwenje.

Pastor Mwenje vanoshandisa kereke yekuUK kuti ichengete Zebra. Izvi zvinojekeswa nezwi remunyori pavanonzi vakamutengera tikiti rekuti akwire ndenge kuenda kuUK asingazivi. Paanosvikako vanoita kuti apiwe zvekudya nepekurara mahara naMary aiona nezvechechi yekuUK vachiitira kusara vachiwana mukana wekudanana naSarah.

Pastor Mwenje vanoenda naSarah mhiri kwemakungwa vachisandisa zita rekereke. Izvi zvinoburitswa pavanoenda naye kuUK vachiedza kuvanza pamuviri pavainge vamupa. Vanobudirira nekuti Zebra haana kutya kuti vaende nemudzimai wake sezvo vainamata vese uye vaive mufundisi wavo.

Pastor Mwenje vanoba mari dzekereke vachishandisa chidanho cheufundisi. Tinozviona pavanenge vari pamba pavo, mumusha weCoventry kuUK, vachiudza Sarah kuti Mary aisaziva kuti vakanga vazvomora mamwe mayusa anosvika gumi rezviuru akabva muhomwe yekereke aifanira kunobatsira vanotambura vachimupa kuti atumire Zebra kuZimbabwe.


Rudo kuita kufashaira

$
0
0

Munyaradzi Gunduza —
MUDETEMBO rinonzi, Asatye zvake rakanyorwa naMildred Jaricha rine dingindira rerudo. Nyanduri ari kushungurudzika nerudo rwakadzama rwaainarwo kumudiwa wake.

Nyanduri ari kuti anoshungurudzika nerudo rwakawandisa mumwoyo make zvekuti rwunoita sekunge rwuchamutumbura sepaanoti, “Rwunofashaira mumwoyo rudo kuita semapudzi ari muhari.” Nyanduri anoti ari kunetseka kuratidza mukomana akamutora mwoyo kuti anomuda sepanonzi, “Kuri kutsvaka pekubuda napo kuti aone ndinomuda mukomana.”

Rudo rwunotambudza nyanduri nokuti pese paanoona mukomana waanoda haazogadzikani mumwoyo make sepaanoti, “Kumuona hana inorova, rinomhanya-mhanya ropa mandiri.”

(iii) Zvirwere

Mudetembo rinonzi, Handineiwo nemi rakanyorwa naRodwell Harinangoni rine dingindira rezvirwere. Nyanduri anoshungurudzika nokuti vanhu vanotuka chirwere cheshuramatongo kuti chiri kuvaparadza, asi varivo vane mhosva yekuita chipfambi chinozoita kuti vabatwe nechirwere ichi.

Nyanduri anotsutsumwa nekutadza kugutsikana kunoita vanhu kuvadiwa vavo apo anoti, “Dai maizvibata musinganetseki neni zvino moyo yenyu yakarembera seyepwere dzaona zvihwitsi.”

Mudetembi anoshungurudzika nekupihwa mazita akaipa kunoitwa chirwere nevanhu, asi icho chisina mhosva sezvo vanhu varivo vanochitsvaga voga sepaanoti, “Iko kuzondidaidza kuti shuramatongo zvichireva pandasvika musha unosara rave dongo.”

Nyanduri anoshungurudzika zvakare nenyaya yokuti vanhu vanoita chirwere chekutsvaga sepaanoti, “Makambondiona ndichigogodza kwenyu kumba? Hamusimi here munotondivinga kwangu kumba?”

(iv) Kodzero

Mudetembo rinonzi, Ndoda mukoho wangu rakanyorwa naRabison Shumba rine dingindira rekodzero. Nyanduri anoshungurudzika pamusoro pekushandiswa asingapihwi mubhadharo wakakwana nevanhu vaanoshandira.

Nyanduri anoshungurudzika pakuti anoshanda zvinorwadza, asi hapana mari yaanozopihwa panopera mwedzi, sepaanoti, “Ziya radeuka zhinji mose munondipupurira, asi hazvina mubhadharo kana zukwa zvaro.”

Nyanduri anoshungurudzika zvakare nokuti aneta nekutendwa chete kuti agona asi izvo zvisingaunze chikafu kumhuri yake sepaanoti, “Ndaneta nekudetemberwa kuti ndagona, mashoko chete handiwo anodyiwa nemhuri kumba kwangu.”

Mudetembo iri nyanduri anotsutsumwa zvakare kuti anoita basa rose pakambani, asi pakuzodya nekukohwa vashandirwi vake vanotora zvose osara asina chinhu sepaanoti, “Yangu ndima ndasakura ndazunza, imi makohwa modyorera mune dzenyu homwe.”

N’anga haizvirapi

$
0
0

Munyaradzi Gunduza —

7. NYORA zvidzidzo, zvishanu zveupenyu zvawakawana mumutambo Kereke Inofa uchitsigira nezvinoitika mumutambo uyu. [25]

Chidzidzo chekutanga chandakawana muna Kereke Inofa ndechekuti rina manyanga hariputirwe mumushunje. Izvi zvinojekeswa naPastor Mwenje vakanga vachiedza kuvanza pamuviri pavakapa Sarah nekuenda naye kuUK asi zvinozobuda pachena kuna Zebra murume waSarah naMary mudzimai wavo, pavanoonekwa vari muchipatara cheWest End naSarah abatsirwa nemwana.

Muna Kereke Inofa ndakadzidza kuti n’anga haizvirape. Izvi ndakazviwana kuna Pastor Mwenje vakanga vachinamatira vamwe vanhu vaida mbereko vachidziwana asi ivo vaitadza kunamatira mudzimai wavo, Mary kuti abatirewo pamuviri sezvo ainetseka nedambudziko rekushaya mbereko.

Chimwe chidzidzo chandakawana mubhuku Kereke Inofa ndechekuti ukarera imbwa nemukaka mangwana inofuma yokuruma. Chidzidzo ichi chinozadziswa naSarah akanga achisiiwa naMary pamba pake achimubatsira basa repamusha ozopiwawo mari. Kumagumo azvo Mary anozorwadziwa aputsirwa imba naSarah akanga apiwa mwana nemurume wake, Pastor Mwenje.

Imwe dzidzo yandakawana muna Kereke Inofa ndeyekuti pafesibhuku hapadi kuitwa shamwari dzakawanda. Dzidzo iyi inoburitswa naBeauty paanenge achirayira hanzvadzi yake, Charles kuti fesibhuku inonyanya kuda kungwarirwa nekusaita shamwari dzakawanda nekuti dzimwe dzacho dzinozopedzisira dzamufurira.

Nyaya iri mubhuku Kereke Inofa yakandidzidzisa kuti ruchiva rwakaipa. Izvi ndakazvidzidza kuna Susan akaita ruchiva rwemari yechikomba chaBeauty chainzi Dance. Anotanga kudanana naDance muchivande asi mhedziso yacho anozoguma atapurirwa chirwere cheshuramatongo.

8. Ndezvipi zvinoitwa nevatambi vanotevera zvinoita kuti mutambo Kereke Inofa ufambire mberi? (a) Gift Mwenje (b) Mary (c) Beauty (d) Joram (e) Susan. [25]

Zivai kuti mazita evatambi ava anogona kushandurwa. Munotsanangura zvinoitwa nevatambi zvakakosha (cause) zvinozokonzera zvimwe zvinhu kuti zviitwe chiriporipotyo (immediate effect), mutambo uchibva waenderera mberi. Tangai nekuratidza kuti mutambi ndiani mumutambo (identification), sekuti:

(a) Gift Mwenje aiva mufundisi weRevelations Church

Anotengera Zebra tikiti rekuti aende kuUK zvinoita kuti azosara achidanana naSarah mudzimai waZebra nekumupa pamuviri.

Anopa Sarah gumi rezviuru zvemayusa vari kuUK kuti atumire kuZimbabwe zvinoita kuti Zebra azopedzisa kuvaka imba yavo yekuGlen View 7 uye kuudza Mary mudzimai waPastor Mwenje kuti akanga atumirwa mari yakawanda kwazvo naSarah.

(b) Mary aiva mudzimai waMufundisi Gift Mwenje

Anoudza Zebra kuti Sarah naPastor Mwenje vakanga vadzoka kuZimbabwe pamasvondo matatu aive adarika zvinoita kuti Zebra nemhuri yake vashushikane zvikuru nekunonoka kusvika kumba kwaSarah. Anoita kuti Sarah avhenekwe pamuviri nachiremba. Izvi zvinoita kuti murume wake, Pastor Mwenje vazoronga zano nachiremba Ayub Kanu rekumunyepera kuti Sarah akanga asina pamuviri asi aitambudzwa nemhepo dzekumusha kwake.

(c) Beauty aiva mwanasikana waZebra naSarah Nyundo

Anokoka amainini vake Susan kuti vazoona furati raakanga atengerwa nechikomba chake Dance. Izvi zvinoita kuti Susan azochiva mari yaiva naDance ndokutanga kudanana naye Beauty asingazive. Anodanana naDance murume wemunhu zvinoita kuti azotapurirwa chirwere cheshuramatongo achiri kuchikoro kuUZ.

(d) Joram aiva sekuru vaZebra

Anorambidza Sarah kuti aende kuUK zvinoita kuti azogumbuka ndokubuda mumba make asina kuoneka achinoona Pastor Mwenje uye kusara achipopoterwa naZebra achinzi aida kumuparadzira imba. Anotsigira Zebra kuti arambe Sarah achiti ngaabve pamba pake aende kunogara naPastor Mwenje vakanga vamupa mwana muchivande.

Izvi zvinoita kuti Rose mukoma waSarah ange achipikisana nazvo achiti aizovaendesa kumatare edzimhosva nekuti imba iyi yaive yavo vese, Zebra naSarah.

(e) Ayub Kanu aiva chiremba ari kuUK

Anonyepera Mary kuti Sarah aive asina nhumbu asi aitambudzwa nemhepo dzekumusha kwake zvinoita kuti Sarah akwanise kubva kuUK achidzokera kuZimbabwe asati azvara.

Anonyora matsamba ekuti Pastor Mwenje vakwanise kufamba naSarah mundege vachiti airwara zvinoita kuti ange achikasika kusvika kuZimbabwe ndokuzobatsirwa nemwana.

Speciss College: Shasha pazvidzidzo zvemawoko

$
0
0

Muchaneta Chimuka —
SPECISS College iri kusimukira zvikuru munyaya dzefundo kuburikidza nezvidzidzo zvemabasa emawoko izvo zvinofambirana nechirongwa cheHurumende chekuvandudza upfumi, cheZim-Asset.

Kwayedza nguva pfupi yadarika yakakurukura naVaJohn Chinzvende vanova director of studies – business – pakoreji iyi avo vanoti chinangwa chavo ndechekupa vadzidzi fundo inovawanisa pundutso mune ramangwana.

“KuTechnical School tine zvidzidzo zvakadai sezvekugadzira mota, kugadzira mafiriji, magetsi, zvekufambiswa kwemashoko, kuveza, kukanya zvidhinha, kuweredha, kupenda nekuchengetedzwa kwemidziyo,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Tine zvakare mimwe mibato yemawoko apo tinofundisa mabasa ekusona mbatya dzakasiyana sedzemichato, mabiko, kugadzirisa nyaya dzerunako uye kugadzira nzvimbo dzinoitirwa mitambo kuti dzinge dzichiyevedza.”

VaChinzvende vanoti makoreji eSpeciss akatekeshera nenyika yose.

“Tinofundisa zvakare nyaya dzekufambiswa kwakanaka kwemabhizimusi, nyaya dzekushanya nekushambadza, mitauro yakasiyana, kuchengetedza mari nezvimwe zvakawanda.

“Pamusoro peizvi, tine zvidzidzo zveO- neA-Level apo vadzidzi vanouya kuchikoro masikati uye tine mamwe makirasi emanheru neenguva dzepazororo nekuti kudzidza hakuperi.

“Tinofundisa zvidzidzo zvinofambirana nechirongwa cheHurumende cheSTEM apo vadzidzi vanotsvunha masvomhu, sainzi nechiRungu zvisina tsvete,” vanodaro.

Manyorero akanaka

$
0
0

Ticha Danga —
IYE zvino chiringazuva chedu chatsvuka chava kukwata. Izvi zvinodudza zvirokwazvo kuti nguva dziya dzapera. Kune vaya vasina kuzvipa nguva yakakwana yekugadzirira vave kuzosangana nematambudziko makukutu apo vanenge vonyora bvunzo ravo iro richavarumura kubva muupenyu hwedzidzo yepasi vachinotora yepamusoro.

Iri bvunzo ndiro rinovaka remangwana nekuti ndiro rinonongedzera kuchikoro chepamusoro kuchaendwa kubudikidza negoho raunenge watakura.

Gore rino rakasiyana nemamwe makore akapfuura nekuti kuri kunyorwa mapepa mashanu nekuda kwepepa rezvekurima nezvezvipfuyo (agriculture). Izvi zvinoreva kuti mutoro wavakuti remei nekudaro kwava kudiwa hamburamakaka dzinokakata chero pamukwidza wakarema sei.

Ndinoda tishandise mukana uno kuti tiite gadziriro yakanaka kubudikidza nekugona kunyora kwakanaka.

Vana vazhinji vanosvika pakukundikana kukohwa pakuru nekuda kwekusatevedzera mitemo chaiyo inofanira kutevedzerwa pakunyora ndima dzavo.

Mitemo yekunyora inobata zvakawanda kusanganisira shongedzo kana kuti pfekedzo (punctuation), patsanuro nebatanidzo yemazwi, kouya kushandiswa kwamavara makuru.

Regai titange nemashandisirwo emavara makuru (capital letters).

Tinoshandisa vara guru pakati wandei muzvinyorwa zvedu.

Tinoshandisa vara guru pese pantinotanga kunyora chirevo chitvsa. Vara guru rinodiwa zvakare pakunyora mazita. Ringava zita remunhu kana zita renzvimbo kana nyika sekuti, Rutendo, Zimbabwe, Charuveki kana Zambezi.

Zvinoreva izvo kuti kana munyori akashandisa mavara madiki panzvimbo dzandataura anodonhedza zvibodzwa kana vakwenyi voita basa ravo. Mavara makuru anoshandiswa zvakare paya panonyorwa mazwi chaiwo anyakutaura ndokunge tichiisa nyora dzinoratidza mazwi chaiwo anyakutaura (direct speech).

Tinofanirwa kuziva zvakare kuti pese patinonyora zvinhu sekunge munhu tinofanirwa kushandisa varaguru sekuti; Vana Tsuro naGudo vaigadzira musha wavo. Vara guru rinoshandiswa zvakare pose patinonyora chivakashure chokuremekedza sokuti, “VaDanga kana kuti Sahomwe.

Chimwe chakakosha kuziva kuti vara guru rinoshandiswa zvakare pose panonyorwa mazita aMwari sokuti Nyadenga. Samasimba kana Samatenga.

Kana tave nyanzvi dzekushandisa mavara makuru panokodzera, tochiongorora zvine chekuita nepfekedzo (punctuation). Kana tatanga chirevo nevara guru tinofanirwa kuratidza kuti chakwana chirevo ichocho nekuisa chidonhwe kana kuti chindaguma. Chindaguma ndiyo (full stop).

Imwe pfekedzo yakakosha muzvinyorwa zvedu ipfekedzo yechifemo (comma).

Chifemo chinoshandiswa pakawanda uye pakasiyana-siyana. Chifemo chinodiwa pakupatsanura panotaurwa zvinhu zvakawanda panguva imwe chete. Hatigoni kuti, “Chipo akatenga chingwa mukaka tsvigiri nemasamba” tisina kushandisa chifemo kupatsanura zvinhu zvakatengwa naChipo. Kunyora kwakanaka kunoti, “Chipo akatenga chingwa, mukaka, tsvigiri nemasamba.”

Chifemo chinoshanda zvakare pose panonyorwa taridzamutauri sekudai. Nokutenda wakati, “Ko nhai baba, mandivigira chii?” Pesewo panobatanidzwa pfungwa panotoda chifemo kuti zviendeke sekuti, Achingopedza kudya, akabva ati tsvimbo dzake nonge akananga mugwindingwi.

Chifemo hachigumi ipapo pega asi kuti chinotandavara kusvika pakunobata paya panoda kubatanidzwa zvidimbu zvezvirevo (clauses).

Tingatora muenzaniso wekuti, Muroora waVaKunaka, uyo anobva Goromonzi, akabatsirwa nemapatya.

Pokupedzisira panopinda chifemo ndepaya panoda kutaridzwa mazwi etsanangudzo sezvizvi, Chimbobata nepapa muzukuru, ndipo pandambowanawo muzuva ranhasi.

Nyaya yepfekedzo inoenderera mberi apo tichabata chibvunzo, chikuwo, zvitaridzamutauri nezvidonhwe muchikamu chinotevera.

Tiri kutenga mabhuku: Mavima

$
0
0

Tandayi Motsi —
HURUMENDE iri kushanda nesimba kuti muzvikoro zvepuraimari nesekondari munyika yose muve nemabhuku ekuverenga pamwe nezvimwe zvinodiwa mudzidzo zvinokwanirana nevana.

Mashoko aya akataurwa nemutevedzeri wegurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima mudare reNational Assembly apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weMberengwa North mudare iri, Cde Tafanana Zhou.

Cde Zhou vaida kuziva matanho ari kutorwa nebazi iri kuitira kuti zvikoro zvekumaruwa seMposi High School chiri kuMberengwa, zvive nemabhuku ekuverenga anokwanirana.

“Ndinoda kuziva kuti bazi iri richaita kuti zvikoro zvakadai seMposi High School, kuMberengwa North, zvinge zvave nemabhuku ekuverenga anokwanirana nevadzidzi rinhi? Ndinoda zvakare kuziva kuti Vumukwana Secondary School iri kuWard 16, kuMberengwa North zvakare, ichavakwa rinhi?” vanodaro Cde Zhou. Prof Mavima vanoti bazi ravo riri kuziva matambudziko akatarisana nezvimwe zvikoro munyika ekushomeka kwemabhuku ekuverenga nezvimwe zvinodiwa pakudzidza.

“Patakawana kuzvitonga kuzere muna 1980, munyika maive nezvikoro zvesekondari 157 chete. Asi nekusimukira kuri kuita chikamu chedzidzo, huwandu hwezvikoro zvesekondari hwasvika pa2 775. Saka nekudaro zvakaomera bazi redu kuti ripe zvekudzidzisa kuzvikoro zvose.

“Makomiti emaSchool Development Committes akapihwa simba rekuti asimudzire zvikoro pamwe nekuona kuti zvine zvekushandisa zvakakwana,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Asi izvi hazvirevi kuti bazi redu harina hanya nekuti muzvikoro muve nezvekushandisa pafundo zvinokwanirana nevadzidzi sezvo tiri kuedza nepose patinokwanisa. Mugore ra2011, bazi redu — kuburikidza nehomwe yeEducation Development Fund — rakapa zvikoro zvose zvepuraimari nesekondari zvekushandisa mufundo kusanganisira mabhuku ekuverenga nemidziyo yekushandisa uye Mposi Secondary yaive pakati pezvikoro izvi.”

Vachipindura pamusoro pekuvakwa kwechikoro cheVumukwana Secondary, Prof Mavima vanoti pamagwaro ari kumahofisi avo, chikoro ichi hachizi pakati pezvinoda kuvakwa uye havana ruzivo nezvacho.

Vanoti bazi ravo haringovaka zvikoro zvitsva munharaunda dzakasiyana pasina zvikumbiro zvinenge zvabva kuvagari veko kana vatungamiriri vematunhu.

“Saka zviri kuvagari venzvimbo dzakasiyana kuti kana vaona vachida kuvakirwa zvikoro vanofanira kutevedza gwara voendesa zvichemo zvavo kubazi redzidzo kuburikidza nemahofisi ari kumatunhu avo edzidzo. Vari kumahofisi ari kumatunhu aya vanozoita ongororo pamwe nekubvunzurudza zvakadzama pamusoro penyaya iyi kuti vaone kuti chikoro ichi chinofanirwa kunge chichivakwa here uye chinovakwa kana zvaonekwa zvakakodzera,” vanodaro Prof Mavima.

Zvakaipira fesibhuku

$
0
0

Munyaradzi Gunduza

(v) Kufambiswa kwemashoko

Mudetembo rakanzi “Fesibhuku” rakanyorwa naEvidence Makuni rine dingindira rekufambiswa kwamashoko. Nyanduri ari kushungurudzika nekuipa kwefesibhuku iyo yaita kuti vamwe vanhu vaite chipfambi, uye kupedza nguva zhinji vasingaiti basa vachingoita zvefesibhuku.

Nyanduri anoshungurudzika nenyaya yokuti nzenza dzave kutsvaga varume pafesibhuku seapo anoti, “Vachitandadzana kubva Matevere kusvika Nyanyadzi, nenzenza dzoti tawana pokuvhimira.”

Nyanduri anoshungurudzika kuti vanyarikani vave kutaurirana zvinyadzi nokuda kwefesibhuku seapo anoti, “Kuradzikana kwakadzama newe, ambuya nemukwambo vobhuya zvinyadzi.”

Mudetembo iri nyanduri anoshungurudzika zvakare nenyaya yokuti vamwe vanhu vave kuita chipfambi kuburikidza nefesibhuku seapo anoti, “Hezvo vamwe vokusvibisa zita vachiita chipfambi kubudikidza newe.”

4. Tsanangura maitiro avanhu ari kujekeswa naRabison Shumba munhetembo dzake shanu dziri mubhuku iri. [25]

Rabison Shumba anoburitsa maitiro avanhu akasiyana-siyana anobuda munhetembo dzinoti Nyakutumbura, Ndinoda mukoho wangu, Ndoenda hangu, Ndazozvidzora naNhaurwa muchizarira.

Mudetembo Nyakutumbura, nyanduri anojekesa kurwadziwa kunoita mubereki nekuda kwemwana asingakoshesi kwaakabva paanoti, “Kuuya kwako pano panyika pane akaita hanya nako hauna kudonha mudenga semvura.”

Nyanduri anoburitsa kuti vana vanotadza kukoshesa vabereki vavo vachidya mari dzavo vasingarangarire vabereki vavo sepaanoti, “Wakanganwa akarera neakapfekedza, wodya hako iyo nyika rutivi sewagarwa neshavi!”

Nyanduri anoburitsa kurwadziwa kunoita mubereki nemashoko aanoudzwa nemwana paanoti, “Nhasi worotomoka newako muromo, uchikanganwa akakudzidzisa kutaura.”

Nyanduri anojekesa kushingirira kunoita mubereki mukuchengetedza utano hwemwana paanoti, “Waiti ukakosora, nyakutumbura haarari, kutsvaga kupedza zvinopodza ako ose marwadzo.”

Mitemo yebvunzo

$
0
0

Ticha Danga —
ZVOTOENDA kwamvura yacheka makumbo tati regai tipinde mukunonyora bvunzo tiine mitemo chaiyo iyo tinofanirwa kutevedzera kuti tibvutire vakwenyi vebasa zvibodzwa nezadzamatura yegoho. Tingange togona chose kurudunura madimikira kana tsengesarurimi dzetsumo asi isu tisina hwaro hwemanyorero emandorokwati.

Kana tisina hwaro hwemitemo inofanirwa kutevedzerwa, zvinoreva kuti gadziriro yedu haina maturo. Apa tati tionesane nekupana chenjedzo kuitira kuti tivakirire ruzhowa pagadziriro yatakaita pamakore manomwe ose aya.

Chakaipira bvunzo ndechekuti rakafanana nemimba isati yazvarwa, hapana anoziva kuti muchabudei mudumbu imomo. Zvichida muchabuda dusvura kademo chaiye anoponda vanhu kana kuti muchabuda muvhangeri nokudaro gadziriro yekupona inoitwa chete kuchinhongwa zvakasiyana-siyana.

Ndizvo zvatinoita munyaya dzakanangana nebvunzo. Tinonhanhira nekukumba zvose hezvi chikamu chino nechapfuura tiri kumhanyisana nepfekedzo.

Chikamu chakapfuura ndakabata nyaya yemhando dzepfekedzo dzandakati tichadzirudunura muchikamu chino. Tine mhando yepfekedzo yechibvunzo (question mark). Chibvunzo chinoshandiswa pese patinonyora chirevo chemubvunzo sekuti, Uri mugwaro rechingani?

Vana vazhinji vanorasika pakuzoda kupfekera chibvunzo pamubvunzosiri. Mubvunzosiri haudi chebvunzo pekupedzisira asi kuti panotopinda chindaguma.

Mukuita kwedu pfekedzo muzvirevo nezvinyorwa tinoshandisa chinonzi chikuwo (exclamation mark). Chikuwo tinochishandisa pese patinonyora zvirevo kana mazwi anoratidza kushamisika. Chinoshandiswa zvakare panenge panyorwa mazwi anotaridza kuvhunduka kana kudeedzera. Mazwi kana zvirevo zvine chekuita nekukanuka zvinoisirwa chikuwo kumberi.

Tinogona kutaura tichiburitsa mazwi chaiwo akataurwa nemunhu kana kuti tinogona kuzotaurawo napapfupi nemamwe mazwi asi zvisingauraye dingindira renyaya yakataurwa. Paya patinoburitsa mazwi chaiwo anyakutaura tinofanirwa kuakomberedza nezviratidza mutauri (quotation marks kana kuti inverted commas).

Ngatitorei chirevo chinotevera semuenzaniso, Chidyamatehwe akati, “Ndisvitse pfumo rangu nemiseve ndipinde musango.” Zviratidzamutauri zvinokomberedza mazwi chaiwo akataurwa semataurirwo aakaitwa.

Kana toda kuratidza zvinhu zviri kuda kudomwa tinobva tashandisa zvidonhwe (colon)(:). Zvidonhwe zvinoshandiswa zvakare kana mazwi achatevera achada kuzonyorwa. Semuenzaniso, Ratidzai akaona mhuka dzinoti: tsoko, nhoro, ngwarati nemakudo.

Kubva muzvidonhwe zvepfekedzo tinowana zvidonhwegasva (;) (semi-colon). Chidonhwegasva chinoshanda panzvimbo mbiri muzvinyorwa. Tinochishandisa paya panonyorwa pfungwa mbiri dzinoenderana sekuti, Sekuru vakasvikoti zete kugara mumumvuri; ambuya ndokuvaigira komichi yemvura.

Tinopfekera zvakare chidonhwegasva pese panonyorwa pfungwa dzichitevedzana muzvirevo zvirefu zvine zviturabefu mukati mazvo.

Zvatabata muchikamu chino nechakapfuura ndizvo zvinogona kuvaka kana kupunza goho redu kana takatarisana nebvunzo redu regwaro rechinomwe nekuzoenda mberi kuzvikoro zvepamusoro. Vakwenyi vebasa havangoerekana vakanda goho pachinyorwa asi kuti pane ongororo inotanga yaitwa pachipiwa mwero wegoho unoringana nechinyorwa nemanyorerwo. Chinyorwa chega chega chinotungamirirwa nemunyori wacho nokudaro mutungamiri ngaave neruzivo rwakakwana kubvira kumapatsanurirwo emazwi nemabatanidzirwo acho. Zvinoda zvakare kuziva mutauro wacho chaiwo kuti sungawirirano igonyatsobuda uye mutauro ugorungwa nezvirungamutauro zvakaringana.

Chikamu chinotevera tinoda kubata zviri maererano nekubatanidza nekupatsanura mazwi. Vavariro ndeyekuti kana tonyora basa, mhosho dzigoita shoma uye tisvitse mukwenyi webasa mukukutura dengu regoho pazvinyorwa zvedu.


Mutambi mukuru

$
0
0

9. Ndiani waungati mutambi mukuru muna Kereke Inofa? Tsigira nezvinhu zvisere zvaanoita mumutambo uyu. [25]

Mutambi mukuru ndiPastor Mwenje vanoendesa Zebra kuUK. Zvinobuda pavanomutengera tikiti rekukwira ndege asingazive ndokuzoerekana vava kumuti ave kutoenda kuUK vachiitira kusara vachidanana nemudzimai wake, Sarah.

Pastor Mwenje vanodanana nenhengo yekereke yavo. Izvi zvinoonekwa zuva ravanosara vakagara muchechi vari vatatu, Zebra, Sarah naPastor Mwenje vachikurukura nezverwendo rwekuUK. Zebra paanosuduruka pavaive achienda kunodairira foni yake panze, Pastor Mwenje naSarah vanosara vachitsvodana zvakadzama vokasika kuregedzana.

Mutambi mukuru ndiPastor Mwenje vanoba mari dzekereke. Izvi zvinobuda pavanenge vari kuUK naSarah. Vanobvisa gumi rezviuru zvemayusa pamari yekereke yaienda kunobatsira vanhu vanotambura vachiipa Sarah nhengo yekereke yavo, yavaidanana nayo muchivande, achibva aitumira murume wake, Zebra kuZimbabwe.

Kugadzirira marisiti ekunyepa kunoitwa naPastor Mwenje kunoita kuti vave mutambi mukuru. Tinozviona pavanobvisa gumi rezviuru zvemayusa aifanira kuenda kunobatsira vanotambura vachipa Sarah. Vanogadzirisa marisiti aisafambirana nemari yavakabvisa aizoita kuti vasabatwe kuti vaive vambokamura chimwe chidimbu chemayusa.

Pastor Mwenje vanopa nhengo yekereke yavo pamuviri. Izvi zvinoonekwa zuva ravanosara vakagara muchechi naZebra naSarah. Zebra paanoenda panze kunodaira foni. Vanoudzwa naSarah kuti akanga ave nepamuviri pavo paive nemwedzi mina zvinoita kuti vazoronga zano rekutiza naye vachienda kuUK kuri kuedza kuvanziridza pamuviri pavakanga vamupa.

Muna Kereke Inofa mutambi mukuru ndiPastor Mwenje vanonyepera mudzimai wavo, Mary. Izvi zvinojekeswa pavanoudza Mary vari kuUK kuti vakanga vabva naSarah kuZimbabwe nekuti aida kuzvishandira achitsvaga raramo asi chokwadi chiri chekuti vaida kuvanziridza pamuviri pavaive vamupa.

Mutambi mukuru ndiPastor Mwenje vanoita kuti nhengo dzekereke yavo dzitengese imba nemotokari. Tinozviona pavanoudza Sarah naZebra kuti vaida kuenda navo kuUK asi vaifanira kuzvitengera matikiti vega. Izvi zvinoita kuti Sarah naZebra vazotengesa imba yavo yaive kuBudiriro nemotokari senzira yekuunganidza mari yerwendo.

10. Tsanangura zvinhu zvaungati ndizvo zviri kushoropodzwa nemunyori maererano neupenyu hwemazuva ano muna Kereke Inofa. [25]

Munyori ari kushoropodza vanhu vari kuenda mhiri kwemakungwa kunotsvaga mari nenzira yechipfambi. Izvi tinozvinzwa naSarah paanenge akagara naMary naPastor Mwenje kumba kwavo kuUK mumupanda wekudyira ari mangwanani. Anoti akanzwa naMary kuti kune vanhurume nevanhukadzi vaibva kuZimbabwe vachiendako kunotsvaga mari kana raramo nenzira yechipfambi.

Munyori ari kushoropodza vanhu vasiri kugona kushandisa fesibhuku. Izvi zvinobuda kuna Charles anenge achitsiurwa nehanzvadzi dzake, Judith naBeauty kuti asanyanye kuita zvefesibhuku achishaya mukana wekuverenga mabhuku. Charles anenge ave kudofora muchikoro nekuti aishaiswa mukana wekuverenga nefesibhuku.

Munyori ari kushoropodza vanhu vanoshandisa indaneti zvisirizvo. Izvi tinozviona panonzi naBeauty indaneti yakanaka zvikuru nekuti ruzivo rwese rwakanyorwa rwunowanikwapo asi akaipa munhu anoishandisa. Anoti indaneti inoshatira kuti haitarise rudzi nezera remunhu inongoita zvayaudzwa kuti iburitse zvisinei nehunaku kana huipi hwazvo.

Chimwe chinoshoropodzwa nemunyori webhuku iri vanhu vasingagoni kushandisa watsiapu. Zvinobuda panonzi naBeauty watsiapu inodyira munhu nguva kupinda fesibhuku nezvimwe kana akatadza kuzvibata zvinoita kuti azokundikana kuita chinhu chinobatika muupenyu.

Munyori anoshoropodza huori huri kuitwa nevatungamiri vemachechi. Tinozviona kuna Pastor Mwenje vanoba mari gumi rezviuru zvemayusa ekereke aifanira kunobatsira varombo vachiapa Sarah nhengo yechechi yavaidanana nayo ndokuzogadzirisa marisiti ekunyepera kuti vasabatwe kuti vakanga vambobvisa chimwe chidimbu chemari iyi.

Chinonyanya kushorwa nemunyori kutadza kuzvibata kunoitwa nevakuru vemachechi. Munyori anojekesa izvi naPastor Mwenje vaitungamira Revelations Church ndokutadza kuzvibata vachibva vatanga kudanana nenhengo yemukereke mavo, Sarah mudzimai waZebra. Kusazvibata kwaPastor Mwenje kunoita kuti vazoguma vapa Sarah mwana muchivande zvinoita kuti Zebra asazoda zveku- namata.

Batanidzo nepatsanuro yemazwi

$
0
0

Ticha Danga —
NYAYA yekunyora kwakanaka haingogumiri panoperera kunyorwa kwebvunzo dzegwaro rechinomwe kwete, asi kuti inhaurwa yatinofanira kubata nekutakura muupenyu hwedu nekuti tichagara tichinyora kana kuverenga. Hazvinei kuti mhando dzekunyora nadzo dzava kushanduka.

Kunyora nezvinyoreso kuri kuenda kuchipera zvishoma nezvishoma kubudikidza nekuuya kwemakombiyuta. Izvi hazvibvise mitemo yepatsanuro nebatanidzo yemazwi naizvozvo hunyanzvi ihoho hunotakurwa kusvika muzviwanikwa zvanhasi.

Tinoda kutora uno mukana kuti tidzidzisane nzira chaidzo dzinobatanidzwa nekudamburwa nadzo mazwi.

Tine mazwi ayo anotarisirwa kuti haafe akapatsanurwa mukunyorwa kwawo. Mazita ose anonyorwa akabatanidzwa seshoko rimwe chete. Angava mazita avanhu kana enzvimbo kusanganisira amadunhurirwa chaiwo. Muenzaniso wekunyorwa kwemazita ndeunoti Mabvuku, Chihota, Sarudzai kana kuti Zimbabwe. Mutemo iwoyo unobata chero mazita emadunhurirwa sekuti mukorakwafamombe, gamburandakaugata kana kuti chinzvengamutsvairo.

Zvino tinoona vana vazhinhi vachipatsanura mazwi iwaya kunyanya amadunhurirwa. Unoona achinyorwa akadai; Chinzvenga mutsvairo, mukora kwafa mombe zvoita sokuti mazwi maviri kana matatu. Kuita kwakadai kunorerutsa nekudzikisira goho.

Kana ari mazita kana mazwi anodzokorodzwa sezita rese pasina kuumbwa kwezita idzwa panenge pachifanirwa kupatsanurwa. Izita rimwechete radzokorodzwa pasina kuvakwa rimwe idzva. Mubandiko remazita aya ndimo munopinda mazwi anoti gare gare, padoko padoko, rega rega kana kuti vakuru vakuru.

Rikanyorwa richinzi garegare kana kuti vakuruvakuru yatova hosha yepatsanuro yemazwi inenge yapinda.

Mazwi kana mazita anonyorwa kubva mumadzitsi (stem) nenyaudzira (syllables), nekudaro tinofanirwa kungwarira pakunobatanidza mazwi asingafanirwi kubatanidzwa. Kana zita richidzokorodzwa dzitsi chete rinonyorwa seizwi; rimwechete ndokunge riine nyaudzira dzisingapfuuri mbiri. Mubandiko iri ndimo munopinda mazwi akafanana nanapamusorosoro,mutetetete kana kuti rungwanangwana.

Vamwe ndipo paunoona vachipatsanura mazwi vachianyora sezvizvi; pamusoro soro, mutete tete kana kuti rungwana ngwana. Vakwenyi vezvinyorwa zvedu vanoziva mhosho dzinoitwa navana nekudaro vanenge vakaburitsa ziso kuti vadzure zvibodzwa.

Mukuvakwa kwemazita kana mazwi tinosangana nemamwe ane nyaudzira dzedzitsi rezita rakadzokorodzwa dzinopfuura mbiri. Kana zvadai zvoreva kuti iri zita rinodimburwa ronyorwa muzvidimbu zvinenge zvakaparadzaniswa nekasungaizwi (hyphen). Mazwi anokwana mumukaha uyu ndiwo akafanana nana chamutswinye-mutswinye, mangwanani-ngwanani kana kuti zvitema-tema. Aya mazwi haafanirwi kubatanidzwa kana kupatsanurwa pasina kasungazwi.

Mitemo iyoyi ndiyo inoongororwa nevakwenyi vebasa ndipo pamunozonzwa zvonzi chiShona chakaoma dzokono vanhu vototadza kuwana goho repamusorosoro.

Zvino kune mamwe mazwi anonyorwa achidzokorodzwa sezwi rese, asi kudzokorodzwa uku kuchizounza izwi idzva. Izwi idzva iri rinenge risingarevi zvanga zvichirehwa nezwi radzokorodzwa riri rega. Mazwi kana mazita aya anonyorwa sezita rimwechete sekudai; mheremhere, kachekache, chimbichimbi kana kuti mesomeso. Ndipo unoona mune zvimwe zvinyorwa akapatsanurwa sokudai; meso meso, mhere mhere kana kuti chimbi chimbi.

Paya patinogadzira zvinyorwa zvedu zvakaita serondedzero ndipo panonyanyokuonekwa kuposha kwedu munyaya dzemitemo inobata kupatsanurwa kana kubatanidzwa kwamazwi. Hutsanzi hwekuronga chinyorwa kuti chive chemhando yepamusoro hunodaidza hunyanzvi hwekuziva patsanuro yakakodzera yemazwi.

Muchikamu chinotevera ndimo matichapendera nemitemo yasara iri maererano nekupatsanurwa nekubatanidzwa kwemazwi.

Nhetembo dzetsika nemagariro akare

$
0
0

Munyaradzi Gunduza —

UGO hwamadzinza aVaShona ibhuku rine nduri dzechinyakare. Mubhuku iri nhetembo zhinji dzirimo dziripo pakusimudzira tsika namagariro aVaShona pasichigare. Munobudiswa tsika dzemutambidzanwa dzaikosheswa navakuru vedu dzinosanganisira kuvhima, kusuma doro, kupira midzimu, wanano nezvimwewo.

Bhuku iri rinopa muono kuvana kuti vakwanise kuona kuti manyepo chete aibudiswa nembongorori dzechichena dzaitsanangura kuti vanhu vatema havana nhoroondo yeupenyu, mutauro, dzidzo, chitendero pamwe netsika namagariro zvakajeka.

Nhetembo dzirimo dzinosimudzira tsika namagariro echitema zvinove zvinobudisa kuti vanhu vatema vakagara vaine maitiro avo akajeka, uye aienderana nemararamiro avo.

Madingindira mazhinji anobudiswa munhetembo dziri mubhuku iri ndeanoti:

Mhiramudzimu

Kusuma doro

Rairo/kuraya

Bembera

Ndyaringo

Rufu

Mibvunzo nemhinduro

1. Kubva munhetembo dzechinyakare tinodzidza zvakawanda pamusoro peupenyu netsika dzechinyakare. Tsigira pfungwa iyi zvizere uchishandisa nhetembo shanu kubva muzvikwata zvishanu zvakasiyana. [25]

Kutambira hombarume — Mufakose, p.17; kubva muchikwata chenhetembo dzemadzinza. Munhetembo iyi nyanduri anotenda muvhimi auya neusavi kubva mumasango. Tinodzidza kuti vanhu vaitendwa kana vaita basa guru pachishandiswa mazita emadzinza nezvidawo zvavo sokuti, “. . . Shava,” “. . . mwana waShirichirima.”

Kana munhu aita zvakanaka mbiri nokutendwa zvaipiwa vedzinza nokuti ndivo nhungamiri pakuita mabasa akasiyana.

Kuraya, p.45; kubva muchikwata chenhango dzapadare kana mudumba apo tinoona mbuya vachirayira muzukuru wavo, Raviro ava kunoroorwa kuti agone kubata murume wake zvakanaka sezvo uriwo mupfuhwira mukuru. Anoudzwawo zvokusaita mukugarisana nehama dzemurume zvakaita semakuhwa, kuba neunzenza.

Tinodzidziswa kuti pasichigare vanambuya vaiva nebasa rokuraya vazukurusikana sezvo varivo vaikwanisa kutaura zvinorema kuvanasikana.

Tinodzidzawo kuti rudo harwutengwi nemushonga werudo unonzi mupfuhwira, asi rudo rwechokwadi ndiwo mushonga wekuti mukadzi adiwe nemurume wake zvakanyanya.

Kutura chimutsa’mvi, p.48; kubva muchikamu chinonzi Kupira midzimu apo nyanduri anopira vadzimu kuti akanotora mumwe mukadzi nokuti waainaye achembera kuburikidza nokudira doro kumidzimu yake kuti ione kuti anoteerera zvirango zvetsika.

Tinodzidza kuti vanhu vaitendera muchitendero chekuti chose chaiitwa chaifanirwa kuziviswa vadzimu kuti vagotungamirira. Tinodzidziswa nyaya yebarika raiunzwa nekuda kwekuwana mukadzi anonzi chimutsa’mvi aiva mwana wehanzvadzi yavahosi.

Kurumwa nechokuchera, p.60 – chikwata, Kurova bembera – tinoona nyanduri achirova bembera kumunhu aizvikudza nekushandisa mishonga zvino yava kumudzokera sepanonzi, “Wakati uri muzivi, nhasi uzivi hwako hwakupindukira.” Izvi zvinoreva kuti mudetemberwi akafunga kuzvigadzirira zvinhu zvokuzvidzivirira nazvo asi zvazomudzokera.

Tinodzidza kuti kare vamwe vanhu vaitsvaga makona nezvitsinga zvokuzvidzivirira nazvo, asi kumagumo zvaizovakuvadzisa kana kupinzisa mhuri dzavo mumatambudziko.

Mabasa eruchiva

$
0
0

Munyaradzi Gunduza
13. Buritsa kusawirirana kwakasiyana-siyana kunokonzerwa neruchiva kubva mumutambo Kereke Inofa. [25]

Ruchiva rwunokonzera bopoto riri pakati paMary naSarah. Tinozviona kuna Mary anenge achipopotera Sarah vari kuMarimba Park nekuti akanga adanana nemurume wake Pastor Mwenje zvichikonzerwa neruchiva rwakaita kuti vazotadza kuzvibata kubva pamazuva aaimusiya kumba kwake achiti agomubatsira basa repamba.

Ruchiva rwunokonzera kurwa kwaSusan naBeauty. Izvi zvinoonekwa pavanorwa zuva raipembererwa imba itsva yaZebra kuGlen View 7, vari mumupanda wavairara. Vairwira Dance chikomba chaBeauty chaakanga atorerwa namainini vake, Susan. Chakapa kudaro ndechekuti Susan akanga achiva mari zhinji yaiva naDance ndokutanga kudanana naye muchivande.

Ruchiva rwunoita kuti Pastor Mwenje vachemedzwe naMary aivavimbisa kuuraya kereke yavo. Izvi zvinojekeswa Mary paanoudza Pastor Mwenje kuti aida kunozivisa vepepanhau reH-Metro nereKwayedza kuti vashambadze nezvekusazvibata kwavo kwaikonzerwa neruchiva rwunoita kuti vazopa mwana kunhengo yemukereke mavo, Sarah. Mufundisi Mwenje vanotanga kuchema vachiuchira kuna Mary nekumukumbira ruregerero vachiti asaita zvinhu izvi nekuti zvaizoputsa kereke yavo asi airamba kuvateerera.

Ruchiva rwunokonzera kusanzwanana kwaMary nachiremba Ayub Kanu nezvenyaya yenhumbu yaSarah. Tinozviona Pastor Mwenje pavanoronga zano nachiremba Kanu kuti vanyepere mudzimai wavo, Mary kuti Sarah akanga asina pamuviri. Izvi zvinoita kuti chiremba vatadze kuwirirana naMary pavanoti Sarah haana nhumbu asi achiiona nekuti yakanga yakura zvekutoda kuzvarwa. Izvi zvakakonzerwa neruchiva rwaPastor Mwenje vakadanana naSarah nhengo yemukereke yavo ndokumupa nhumbu yavakanga vava kuedza kuvanzira Mary.

Ruchiva rwunoita kuti Rose atadze kuwirirana nezvaiitwa naPeter Chimumumu aida kubatsira Zebra kutonga nyaya yaSarah akanga apiwa mwana wekunze kwemusha naPastor Mwenje. Zvinoonekwa zuva ratongwa nyaya yaSarah naPastor Mwenje vakanga vaita ruchiva ndokupanana mwana wekunze kwemusha.

Peter aibatsira Zebra kutonga nyaya iyi anozoguma ave kutukwa naRose mukoma waSarah achinzi haaive nekodzero yekupindira paukama hwavo sezvo aive mutorwa. Izvi zvinoita kuti azoshatirwa nemashoko aRose ekuti zvimumumu zvakutaurawo ndokubuda mumba maZebra asina kuoneka.

Ruchiva rwunokonzera kukikiritsana kwamukoti Lydia naZebra. Izvi zvinoonekwa Sarah paanenge ari muchipatara cheWest End abatsirwa nemwana waakanga apiwa naPastor Mwenje murudo rwechivande. Anokumbira mukoti Lydia kuti vadzivise vanhu vese vaida kupindamo vachimuona sezvo aive ava kutya kuti chokwadi chaizobuda pachena kumurume wake, Zebra naMary mudzimai waPastor Mwenje.

Izvi zvinoita kuti Zebra paanosvika pachipatara ichi achida kuona Sarah aive muWadhi X1950 azotanga kurambidzwa namukoti Lydia vokikiritsana kusvika Zebra azopindamo zvechisimba. Ruchiva rwunoita kuti Beauty asaremekedza amainini vake, Susan. Izvi tinozviona Beauty naSusan pavanenge vari muchipatara cheWest End vaenda kunoona Sarah.

Vanenge vasiri kuwirirana nenyaya yekuti Susan akanga aita ruchiva nemari yaDance, chikomba chaBeauty, mwana wemukoma wake, Sarah. Beauty paanozozvibata kuti Susan naDance vakanga vachidanana muchivande, anopedzisira asingacharemekedzi Susan ave kumupopotera nekumushevedza nezita.

ZVEKUITA:

1. Ndeapi matambudziko anosangana nevanhu vari kuenda mhiri kwemakungwa anoburitswa muna Kereke Inofa? Tsigira zvizere. [25]

2. Gift Mwenje ndiye honzeri yematambudziko anowira vatambi vari muna Kereke Inofa. Tsigira pfungwa iyi nezvinhu zvishanu zvaanoita. [25]

3. Kuenda kwaSarah naPastor Mwenje kuUK kunosundidzira sei rongetedzo yenyaya iri muna Kereke Inofa? Tsigira mhinduro yako zvizere. [25]

4. Ndezvipi zvinoitika muna Kereke Inofa zvinotaridza kuti mutambo uyu wakanangana nezviri kuitika muupenyu hwemazuva ano? Tsigira zvizere. [25]

5. Buritsa matambudziko anowira vanhukadzi muna Kereke Inofa. [25]

6. Ndezvipi zviitiko zvisere zvaungati ndizvo zvinoita kuti mutambo Kereke Inofa ufambire mberi sezvawakaita? Tsigira zvizere. [25]

7. Ndezvipi zvinhu zvisere zvinotendeseka mumutambo Kereke Inofa? Tsigira mhinduro yako zvizere. [25]

Rufu murawo waMwari

$
0
0

Munyaradzi Gunduza —
KUVERENGA nokutsinhira, p.89 — chikwata Zvidobi — tinoona mushauri achishaura manhamba vadaviri vachidavira vachitsinhira zvinorehwa nokuverenga kwemushauri, sokuti, M: Piri, V: Kupira midzimu. Tinodzidza pamusoro pemitambo yaiitwa kare navapwere nokuti imwe yacho yaivadzidzisa kurodza njere nokukasika kufunga kuti vagone kuronda nokuverenga. Zvakare zvinoratidzazve kuti pasichigare mazwi kana mazita aipiwa zvinhu aienderana nezvaanoreva zvine chekuita nenharaunda iyoyo.

Cherechedzo: Wakasununguka kusarudzawo dzimwe nhetembo muzvikamu zvaunoda pamwe chete nekuwedzerawo dzimwe pfungwa dzinobuda munhetembo dzacho. Chakakosha apa kupa tsigiro dzinogutsa.

2. Tinodzidzei pamusoro perufu kubva munhetembo dzerufu dziri mubhuku iri? [25]

Nhetembo dzerufu dzinojekesa mazwi namatama anotaurwa nomunhu kana vanhu vafirwa vachidemba nhamo inenge yavawira, uye vanenge vofunga kutambura kwavachaita nokusiiwa kwavanenge vaitwa naamai, baba, mumwewo wemumhuri yavo kana shamwari.

Kwairidzwa mhere kana pafiwa sezvatinoona munhetembo Kudemba baba apo tinoona nyanduri achichema achiti, “Ho, baba we-e! Ho, baba we-e!”

Kushandiswa kwezvikuwo kuzhambatata kwemunhu anenge achichema kufirwa kwaaitwa.

Kare vanhu vainyaradzana kana mumwe afirwa nehama yake sezvatinoona mudetembo rinonzi Kunyaradza afirwa apo tinoona nyanduri achinyaradza mwana weshamwari yake afirwa nababa vake paanoti, “Chinyarara zvako Mukara vaenda baba vako shamwari.”

Mukunyaradzana umu munobuda kuti vananyanduri vaishandisa mazwi asingaremi nekudzimba mwoyo sepanonzi mudetembo iri, “Akusiya nhasi apurura,” achireva kufa. Izvi zvaiitirwa kuderedza kutyisa nekukahadzisa kwechiitiko cherufu. Vainyaradza ava vaitaura chokwadi chezvinowanikwa muupenyu sepanonzi, “Wasiyiwa pachena semazai edahwa,” zvichireva kuti kufirwa nemubereki sababa kwaiita kuti vana vasare vava voga vasisina muriritiri. Izvi zvaiita kuti vafirwa vatarisane nezvazviri.

VaShona vaitendera kuti rufu rwaiunzwa sekuda kwaNyadenga, kwete nemunhu nokuti kufa murawo waMwari sezvinobuda mudetembo rinonzi Kunyaradza afirwa panonzi, “Denga iri ndiMapa, pamwe ndiMabvuta” zvichireva kuti rufu rwaiuya zvisina anoziva kana kuda, uyezve hapana anoramba rufu, rwunongotora madiro.

Pasichigare kana kwafiwa paiva netsika yokubata maoko kunova kudembedzana nevafirwa kuitira kurerutsa kufunganya kwavo mudambudziko rinenge ravawira sezvinobuda mudetembo rinonzi Kubata maoko apo nyanduri B anova sekuru vakafirwa nemukadzi wavo vanoudza muzukuru wavo ari kubata A maoko kuti, “Zvakapera zviye, muzukuru” kureva kurasikirwa kukuru nekufirwa.

Parufu panobudawo nhoroondo yeurwere hwemunhu sezvinoburitswa navatauri mudetembo Kubata maoko zvakare apo muzukuru A anobvunza sekuru vake B mafambiro efiro yambuya vake. Saka tinodzidza kuti pakuchema afa tinogona kunzwa nhoroondo yefiro yemushakabvu.

Nyaya yemitupo nezvidawo inowanikwawo munhetembo dzerufu semudetembo rinonzi, Kunyaradza afirwa apo nyanduri anoti, “Chinyarara zvako Soko.” Mutupo unoratidza dzinza remunhu afirwa, uye mazwi aya anodzora hama yemufirwi nokuti akudzwa nekudaidzwa nemutupo wake.

Cherechedzo: Vadzidzi makasununguka kutsvaga dzimwe nhetembo dzamunoziva dziri muna, Ugo Hwamadzinza AVaShona dzinotaura pamusoro perufu muchitsanangura zvidzidzo zvinobuda madziri pamwe chete nekupa tsigiro dzacho.

Viewing all 921 articles
Browse latest View live


<script src="https://jsc.adskeeper.com/r/s/rssing.com.1596347.js" async> </script>