Quantcast
Channel: Denhe Reruzivo – Kwayedza
Viewing all 921 articles
Browse latest View live

Ziva

$
0
0

MHINDURO yemufananidzo wesvondo rapera ndeinoti dandemutande, kumonyoroka, kupiringana, kumonerana, kupiringishana kana kuti kumonana monana.

Hedzinoi dzimwe dzemhinduro dzakabva kuvamwe vaverengi:

Hochekoche kana kumonerana – Munyaradzi Kushamba Matsvitsi, Murombedzi, Zvimba.

Zvakapiringana – Panganai Tome, Mutoko.

Kumonerana/kupiringishana – Mabhema Special, Dora Dombo, Mutare.

Kupiringishana – Smart Chanetsa, Firhill Estates, Trelawney.

Hochekoche – T. Chidzana, Pixie Combi, Kadoma.

Kukatana katana – A.C Sisk, Masvingo.

Zvakakochekarana – Mai Sheldon Chiname, Epworth.

Zvakapfekerana – Naison Kumirai, Byo.

Zvakarukana – Mudhara Gonyeti, Emerald West, Headlands.

Piringana – Gilbert, Murewa.

Kupingana – S. Mtiza, Bikita, Masvingo.

Hochekoche – Godfrey Kapepa, Tynwald.

Kupesana – Yvonne Chimombe, Kuwadzana 4, Harare.

Rukato – Noel Matsiya, Mutare.

Piringana – Gilbert, Murewa.

Kupiringana – R. Sibanda, Mkoba V9, Gweru.

Zvakapingirishana – Nyashadzamwari, Kawere, Mutoko.

Kukatana – A.C Sisk, Masvingo.

Hochekoche – Baba Luke, Stoneridge Park, Harare.

Katana katana – Michael Muzembi, Masvingo.

Kupesana – Yvonne Chimombe, Kuwadzana 4, Harare.

Rukato – Emmanuel Takaedza, Machipisa.

Kupfekana pfekana – Maxwell Zindova, Chiwara, Gutu.

Hochekoche/kupiyanapiyana – S.store 17649, k/5, Hre.

Katana – Idyre Makumbani, Warren Park 1 (God with us).

Mhiringanwa – Atipaishe Simenti, Murewa.

Mhiringanwa – Willom Simenti, Waterfalls, Hre.

Mhiringanwa – Moses Simenti, Manyame Park, Chi-town.

Kupingana pingana – Cuthbert Pikiston, paKotaz.

Kuzhuwika – Mbuya Agamu, 4 Roads, Dora Pindo.

Kupiringishana – G. Tsandukwa.

Dandemutande –  Madzibaba Petros, Hauna.

Shinda dzinorukwa nebuwe kana kuti buwebuwe dzinonzi chii?

* * *

Onai mhinduro svondo rinouya.

. Tumira mhinduro panhare dzinoti 0714 200 007.


Midzimu yaipirwa

$
0
0

Munyaradzi Gunduza—

  1. Tsanangura pfungwa huru dzinobuda munhetembo dzinotevera dzekupira midzimu; Doro remukwerera, Kuteketera kwavadzimba, Nhaka, Kutuka midzimu, Kusuma midzimu. [25]

Tinoenderera mberi nekupedzisa mhinduro yemubvunzo uyu svondo rino.

Nhaka, p.50 – munobuda pfungwa yokuti zita romufi harirovi nokudaro pane chivanhu chaitoitwa chekugadza nhaka yezita kana pafiwa. Zita romufi rinopiwa kumwana wemushakabvu nezvirango zvakafanira. Munobuda pfungwa yokuti mukadzi aigona kusarudza zvake kungogarira vana vake asingachadi zvokuwanikwazve sepanonzi,

“Haranga yedu igere zvayo zvakanaka,

Yati handina kwandinoenda,

Ndakura – ndinogarira vana vangu.”

Munobudawo pfungwa yokuti midzimu yaitokumbirwa kuti isavhiringidza vana vemushakabvu vainge vasara. Mudetembo iri munodomwa zita remushakabvu Mudzanadzo, uye mwana wake Runesu. Panobuda pfungwa yokuti hama dzomufi dzairemekedza nhaka yomushakabvu kuratidza kusava nemakaro epfuma yake, asi kuti irere vana vake panonzi,

“Pfuma yose kunyange iri mumaoko edu,

Muridzi wayo ndiye.

Isu chedu kuchengeta chete.

Chakakosha kuona kuchengetwa zvakanaka kwevana vakasiyiwa nemushakabvu.”

Kutuka midzimu, p.49 – nyanduri ari kutuka midzimu yake yamukanganwa nokurega mhuri yake ichingogarorwara paanoti, “Mhuri yangu yazonga kugara iri pahukwe.” Munobuda pfungwa yokuti midzimu inogona kukanganwa vana vayo zvekuti munhu anotoibvunza kana pane chaanenge akaitadzira. Kutukirira midzimu itsika yakagara iri muVaShona kana munhu achinge awirwa nedambudziko serekurwarirwa kana rufu. Kutukirira kwaiita sechitsvambe kwairi kuti izive basa rayo sepanonzi, “Mudzimu weipi imba wondirova dzamatumburira?” Pamwe panonzi, “Ndadungana nemi midzimu yangu nokuti ndashaya andinopumha uroyi.” Nekuita uku midzimu yaipomerwa pane zvose zvaiwira mhuri yayo iyo iripo.

Kusuma midzimu, p.49 – idetembo rinotaura nezvemhuri yava kuda kutama nekuda kwemuvengi uyo ari kunzi, “. . . mhunzamusha” aita kuti mhuri ipere kufa panonzi, “Mhuri yapera kumokoteka.” Munobuda pfungwa yokuti pane zvose zvinenge zvarongwa navapenyu vaitanga vaudza midzimu. Yaiva mhosva kungotama midzimu isina kusumwa, uye kupirwa netwudoro. Nyaya huru yaiva pakuzivisa madzitateguru mafambiro ose avaizoita sepanonzi, “Nokunge tasvika tinenge tichikuzivisai mafambiro atinenge taita nemhuri.” Uku kuratidza kukosha kwekusumwa kwemidzimu navapenyu muzvirongwa zvavo. Munobudawo kuwanda kwemadzitateguru ayo aizobatsirana kuchengeta mhuri mukufamba kwayo kuenda kunomisa bango kumwe panonzi, “Muudzanewo mese mese kuti ndozviri kureva macheche.” Munobudawo nyaya yekuzvidukupisa kwevapenyu sekuti, “. . . macheche” kuratidza kuzvininipisa kuti vabatsirwe.

CHISHONA CHAKANAKA

$
0
0

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: kwayedza@zimpapers.co.zwkana patrick.shamba@zimpapers.co.zw. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

* * *

MHINDURO DZESVONDO RAPERA:

  1. Mukati meruoko munonzi chii? (chanza)
  2. Nzira inofamba nemhuka inonzi chii? (gwara)
  3. Huswa hunenge hwatsva hwosara hwave hutema hunonzi chii? (rutsva)
  4. Twunhu twuchena twunoita kumicheto kwemaziso anorwadza kana emunhu achangobva kumuka twunonzi chii? (maranga/mabori)
  5. Nzira dzinofamba nembeva dzinonzi chii? (mwenza/mwezha)

* * *

ZVAKABVA KUVANA:

Tendai Mukute, Grade 7, New Vision Academy, Budiriro 5 – nhumbu kana kuzvitakura.

* * *

Anotida Manhimanzi, 4 White, Prospect Primary School, Waterfalls – 1. nhumbu; 2. kuzvitakura.

* * *

Sheldon Chiname, Epworth – Nhumbu kana kuti pamuviri.

* * *

0773 249 634 – 1. muchanza; 2. murongo; 3. rutsito; 4. mabori; 5. kupfumba.

* * *

Jefrey Mapuranga, Muchinjike Primary, Murehwa – nhumbu kana dumbu.

* * *

Peegal, Nharira, Madzivire High, Chivhu – 1. vana; 2. mwene; 3. mweni; 4. tenzi; 5. madzishe.

* * *

Anita Nyanzira, Knowe, Norton – 1. vana; 2. vanamwene; 3. vanamweni; 4. vanatenzi; 5. madzishe.

* * *

0715 857 774 – 1. nhumbu; 2. kuzvitakura

* * *

0736 300 524 – Tupukanana tuviri twunobuda pachuru kana mvura yanaya ndetwunoti ishwa nemajuru.

* * *

0772 983 648 – Tupukanana tuviri tunobuda kana kwanaya – ishwa netsambarafuta.

* * *

0777 420 331 – Kuzvitakura nhumbu.

* * *

0774 794 865 – Mamwe Mazita emimba ndeanoti nhumbu nepamuviri.

* * *

0777 240 545 – 1. chanza; 2. ronga; 3. rutsva; 4. maranga/mabori; 5. mwezva.

* * *

0777 240 545 – nhumbu/pamuviri.

* * *

Milton Tsandukwa, Tasimukira Primary – 1. chanza; 2. gwara; 3. rutsva; 4. mabori; 5. mwanza.

* * *

0775 893 734 – Tupuka tunobuda pachuru kana kwanaya ishwa nemajuru.

* * *

ZVEKUITA SVONDO RINO:

Ipa mazita ezvinhu zvinotevera:

  1. Chimuti chinofamba chakabatwa nechembere kuti dzisadonhe.
  2. Vhudzi rakachena rinowanikwa mumusoro mechembere.
  3. Tsvina yegonzo yakaita kunge tutsanga twemupunga
  4. Chidende chine mubato chinochereswa mvura muchirongo
  5. Tambo inosvuurwa kubva pagwati remuti inoshandiswa kusunga huni.
  6. Imba inovakwa neshiri ichishandisa huswa, minhenga kana tumiti
  7. Kanhu kanosara kakabaya paganda remunhu arumwa nenyuchi
  8. Rimwe zita reguva

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Runga mutauro netsumo nemadimikira

$
0
0

Ticha Danga—

TAKABATA twese twakanangana nekunyora kwakanaka zvekuti kana tese takabata ipapo, hatifanirwi kusangana nedambudziko ringatisvetera goho redu. Chotoita iye zvino dakara tinyore bvunzo muna Gumiguru kutarisa zvakanangana nedzokorodzo apo tichatarisa nzira dzakawanda dzekukodza nadzo mutauro wedu.

Tinoda kuramba tichishandisa zvirungamutauro zvemhando yepamusoro kuitira kuti uyo nouyo achabata basa redu agoyemura hutsanzi hwedu.

Tinoda tibatane netsumo muchikamu chino tigone kudzitsanangura nekudzishandisa muzvirevo zvizere. Ndichaedza kutsvaga tsumo dzakadzama ndigodzitsanangudza kuitira kuti tigodzishandisa kukodza mutauro wedu.

Zvinonzi navakuru, Chaita chikoo chapembedzera. Iyi tsumo inotaura pamusoro pevanhu vaya vane hundini vanoda kungotorera vamwe zvinhu zvavo nekuti vanovakurira. Havadi kushanda asi kuti vanonyinda nezvibhakera.

Rushambwa kana kuti munyama zvikabata pamunhu anoitwa chiseko chenyika. Munhu wese chero kana nepwere vanotora munhu iyeye seasiri munhu. Anobva adadirwa nevose kuita seasina kubarwawo kana kufanana nevamwe. Ndivo vanorehwa netsumo inoti, Chimene chamadima kupakurirwa nenzara mugwaku uripo.

Tiri parushambwa ipapo tinoona zvakare tsumo inopinda inoti, Chimene chezizi parafamba ranzi muroyi. Iyi tsumo inotaura kuti pese panoitika chinhu pane vanotonenerwa chero vasiri ivo vazviita. Vanonenerwa ava vanhu vaya vanongoshorwa kana vane rushambwa. Chese chaitika vanongonzi ndivo.

Kune vanhu vanozivikanwa pamusana pezvinhu zvavanofarira zvikurusa kusvika pakusada kusiyana nazvo

Kana vanhu ivavo vakazosiya chinhu ichocho, vabatana nezvitsva vanogona kutosema kana kushora zvavaifarira voti namanama nezvitsva. Vanhu vachiona zvakadai vanotaura vachiti, Rabva ngedera denhe kupinda gaya.

Kune tsumo inozivikanwa zvikuru inoti, Ihuku yazvidyira mazai ayo. Tsumo iyi inofananidzwa neinoti, Idikiti razvitirwa ichireva kuti munhu anenge azviparadzira chinhu chake chaanodisisa pachake kana kuzvikuvadzira mwana wake.

Kune zvimwe zvinhu zvinoitwa navakuru chete vaduku vasingabvumidzwe. Kungava kuenda kumapira kana kunzveura. Kunongoenda vakuru chete avo vanobva varaira vana kuti, Ngezvehurura doko dzinonyika miswe.

Vamwe vanhu ndivana mukumba zvose zvekuti vanogona kupedzera simba pazvinhu zvisina namaturo kana kuti zvaasingazombofi akashandisa. Anofondokera mahara pedzezvo ongosiya zvakadaro asina chaazviitisa zvaapedzera simba zvacho. Ndipo panonzi, Isimba redzara kutsvaga mhatso yarisingagari.

Nyadenga vakasika vanhu vese nezvipo zvakasiyana-siyana. Munhu ane zvakewo zvaanogona zvaanopira shavi uye achiita nemazvo. Tanga tichiona mabhora eWorld Cup anga achitambwa nana mazvikokota kuRussia nekuti ndizvo zvavanogona. Ndizvozvo zvavanonzwisisa ndokusaka vakuru vachiti, Ndizvo zvarinoda dokoriro kuripa sadza negusha. Dokoriro igurokuro uye gusha iderere nekudaro sadza nederere kungosvada uchimhanya uye zvinobva zvareruka.

Chapera chii hwedza ndinhasi husiku hauriri shiri. Iyi tsumo inotaura kuti kana munhu achinge atadza kuita chinhu chaange akafanira kuita muzuva rimwe chete, haafanirwi kuti anetseke nekuti anongona kuzongochiita muzuva rinotevera. Kushingirira kuita chinhu kwakakosha muupenyu nokudaro vanowanzotsungirira vaya vanowanzobudirira muzvinhu zvavo nekuti Imbwa hora haifunidzi nhando. Tambogumira pano muchikamu chino.

 

 

 

Haaitambwa guva

$
0
0

Munyaradzi  Gunduza—

SVONDO rino tinopedzisa ongororo yetsika nemagariro evanhu muchinyakare.

Tsika yebarika. Tinonzwa kuti Rufuse akanga aine vakadzi vatatu vaiti; Shayamano, Nyadziso naNdakasemwa. Mambo Njeremavhu vaivewo nemadzimai akawanda anosanganisira Bhavheya.

Munhu akafa achiita zvokuzvisungirira haaitambwa guva.

Tinonzwa panotukwa Nyadziso naNdakasemwa achinzi unhu hwake hwaisazadza mukombe nekuti baba vake vakanga vasina kutambwa guva pamusana pokuti vakaita zvokuzvisungirira pamubvamaropa.

Pasichigare kwaipfekwa nhumbi dzaigadzirwa nematehwe emhuka. Tinonzwa nezwi remunyori kuti Bhavheya paaifamba nhembe yake yekumashure yaisimuka kunoti pfupikei pane mhapa.

Pasichigare mukanwa maigezwa netutanda twemiti. Tinonzwa Ndakasemwa achiraira manyambiri ake achiti, “Mukanwa munoda kugarocheneswa. Munhu ndewokutora chiguni chomuhacha achikwenga mumuromo kwete zvokutadzisa vanhu kusununguka nokukapirwa nomweya wemukanwa.”

Pasi pemusoro uyu unogonawo kubvunzwa nezvetsika dzaunovenga kana dzaunoona sekuti dzinoda kuramba dzichichengetedzwa.

Mumwe anogona kuvenga tsika dzakafanana neidzi; kuzvarira vana, kuuraya manyambiri, barika, nedzimwewo.

Tsika dzingangoda kuchengetedzwa ndeidzi; kuroorana vematongo, kukoshesa midzimu, humambo, nedzimwewo.

Tsumo nemadimikira namukanya

$
0
0

Mhinduro yesvondo rapera:
Zvikoni zvikoni mimba haibvi negosoro.
Tsumo iyi inoreva kuti hazvisi zvinhu zvese zvinoitika ny’ore ny’ore. Izwi rekuti zvikoni rinobva pane rekuti kukona richireva kukundikana. Saka zvimwe zvinhu zvakaita semimba hazvibve kubudikidza nekukosora.
Zvekuita: Taura mamwe mazita maviri emimba.

. Mhinduro: pamuviri, nhumbu
* * *
Svondo rino:
Kuzeza chati kwata hunge une katurike. Tsumo iyi inoreva kuti kana ukaratidza kuvhunduka pane zvinenge zvichitaurwa, unogona kunge uine zvinhu zvauri kuvanza.
Mubvunzo: “Katurike” zvinorevei?
* * *
Mhinduro svondo rinouya.
. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Chinotimba ovaka zvikoro, makiriniki

$
0
0

MUMIRIRI weBuhera South mudare reNational Assembly, Cde Joseph Chinotimba, vanoti vari mushishi kuvandudza zvikoro nemakiriniki mudunhu ravo nedonzvo rekusimudzira budiriro.

Zvimwe zvezvikoro zvakatovandudzwa kuburikidza nekupendwa zvinosanganisira mapuraimari nemasekondari anoti Mushongwi, Zvekare, Zvenyika, Bhegedhe neMatsakanure.

Cde Chinotimba vanoti chikoro cheZvenyika Secondary chakatotanga kuiswa hwaro hwekuvakwa apo vabereki vari kukanya zvidhinha, ivo vachibatsira nesimende nezvimwe zvinodiwa.

“Chikoro cheZvenyika Secondary chakatotangwa uye vabereki vari kukanya zvidhinha. Tine St Joseph Chinotimba Pre-School yakatopera kuvakwa neMuchemwa Pre-School iyo yave padanho rekupera ndichibatsirana nevabereki,” vanodaro.

Vanoti pari zvino Birchenough Primary iri kupendwa uye paNemadziva Secondary pari kuvakwa dzimwe dzimba dzekudzidzira.

“Tine Gunura Secondary neChiunga Primary zvose zviri kuvakwa dzimba dzekudzidzira nekupendwa kuchiti Mutendamambo primary nesekondari zvakatopera.”

Pamusoro pazvo, Cde Chinotimba vanoti kune vana vechikoro vane vabereki vanoshaya vavari kubatsira nemari dzemafizi.

“Mabasa ose atinoita anoda vanhu tiine utano. Saka tiri kuvakisa makiriniki nekuvandudza mamwe aripo kare.

“Kune Murove Clinic, Gunura Clinic itsva, Mupandamidzi Clinic nemamwe akare ayo tiri kuvandudza kuisa dzimba dzekumirira madzimai anenge akazvitakura,” vanodaro.

Vanoti kiriniki yeGunura iri kubatsira vanhu zvikuru sezvo kunzvimbo iyi kwanga kusina kiriniki izvo zvaimanikidza varwere kufamba nzendo refu vachinorapwa.

bumbiro idzva redzidzo – Pfungwa dzakatakura hwaro hwebumbiro idzva redzidzo 1

$
0
0

naChiremba

ZVAKAKOSHA kuziva pfungwa huru dzinosunda kudzumbunurwa kwebumbiro idzva redzidzo.

Bumbiro idzva rakagukuchira zvizhinji izvo vanhu vakuru vemuZimbabwe vanoshuwira kuti dai zvagamuchidzwa vadiki vedu kuitira kuti rudzi rwedu nenyika yedu zvigoenderera mberi zvakarurama. Mbuva yemusiiranwa nemutambidzanwa iyi inosanganisira zivo yepfungwa, ruzivo rwemabasa emaoko uye zivo yezvinhu zvinonzi nevanhu ndizvo chaizvo zvakanaka uye zvinofanirwa kuitwa muupenyu nemunhu wese.

Chimwe chinhu chitsva chakafanira kuitwa nedzidzo itsva kurodza unyanzvi uye njere dzevana pakudzidza kwavo uyewo kuvandudza zvinhu zvingafarirwe nevana pakudzidza kwavo.

Bumbiro idzva redzidzo rinopa mukana wekugadzirisa nekutseketudza zvinenge zvaonekwa kuti hazvina kunyatsa kuti guga guga nedonzo redzidzo iyi uye vavariro yenyika.

Chiiko chakasunda kuvepo kwedzidzo itsva iyi?

Pane zvinhu zvingani zvakasunda kuvepo kweurongwa hutsva hwedzidzo iyi. Chekutanga muono wakaitwa nevanogadzira mitemo yemafambisirwo edzidzo uye magodobori ezvedzidzo kuti vana veZimbabwe vaifanirwa kuwana dzidzo inovagadzirira zvakakwana kuti vatarisane vagokunda muupenyu hwemakore emazuva ano.

Nekune rimwe divi jekerere reZimbabwe rakaitawo muono mumwe chete: mhando yedzidzo yedu yakanga yasara shure asi upenyu hwevanhu hwava mberi mune zvakasiyana-siyana. Pakanga pave nefaniro yekuti dzidzo yedu ivandudzwe kuti iti kweche kweche nechokwadi chinoitika muupenyu, mumaindhasitiri edu uye mukutengeserana.

Pedzisire, dzidzo yedu yanga yasara shure kana ichienzaniswa nedzidzo zhinji pasi rino.

Dare raVaNziramasanga (CIET 1999) rakaona kuti dzidzo yeZimbabwe kubvira nguva yevaRungu yanga yakanangana nekungoti mwana angove neruzivo rushoma chete mumusoro make rwekuti angoshandire mumwe. Dzidzo itsva iyi inotora zvaive mune yekare, yowedzera zvizhinji uye yopa mudzidzi mukana wekudzidza kushandisa zvaadzidza muupenyu hwake nekuitawo tunhu twake.

Muchikamu chinotevera tichatarisa dzimwe pfungwa dzakatakura hwaro hwedzidzo itsva.


Kudetemba nezverudo

$
0
0

Munyaradzi Gunduza

  1. TSANANGURA zvinobuda mumadetembedzo okupfimbana kubva mubhuku iri. [25]

Nhetembo dzokupfimbana yaiva nzira yokuradanura nayo mazwi orudo yaiitwa nevakomana vachinyenga vasikana, votodanana kana kuti vatoroorana.

Vasikanawo vanodetembera vakomana vavo sokuvafunga kwavanoita kana chimiro chavo.

Munobuda tsananguro yechimiro neunhu hwemusikana ari kudetembwa nezvake, semudetembo rinonzi Tsvarakadenga apo nyanduri anoyemura runako rwemusikana nekushandisa mazitaumbiridzwa sepanonzi, “Mwana aiva ari shongarunako ruva rebani, Riri dzveteramatadza nzungu dzechinanzvirwa” kureva runako rwemusikana uyu waakapfimba nokugona kumurovera nyn’ambo netsome, matandi nenhorimbo kuti adiwe.

Munoshandiswa zvirungamutauro senzira yokujekesa runako nechimiro chemusikana ari kudetembwa nanyanduri sepaanoti, “Uso hwake riri guvi rakarimwe mupunga”.

Enzaniso iyi inoburitsa kuenzanirana kwekumeso kwemusikana akanaka. Nyanduri anoshandisawo fananidzo sepaanoti, “Chiuno chake chaitinginika somukonikoni” kureva kutetepa kwechiuno chemusikana ari kudetemberwa.

Munobudawo pfungwa yokuzvikuza semudetembo rinonzi Mhezi yomumwe wangu, apo nyanduri anodonongodza chimiro chomudiwa wake Mandireva achizvikuza sepaanoti, “Ini ndinonzi sakunaka – muuyauya asina kanango.” Uku kuzvirumbidza kuti vanhu vagoti anokodzerana nerunako rwaMandireva.

Munoshandiswawo gudziramukanwa/wedzeredzo semudetembo rinonzi, Mhezi yomumwe wangu sepanonzi, “Musoro uchinge nhanga rokumambure” zvichireva kuti musoro wake wakakurisa. Uku kushonongora kunoratidza kudemwezeka kwanyanduri achitsanangura chimiro chomusikana wake chinomufadza zvokuti anozviita achiwedzeredza.

Tinopedzisa mhinduro yemubvunzo uyu svondo rinotevera.

Mazita nezvaanoreva

$
0
0

Munyaradzi  Gunduza
KUPINDIRANA kwemazita evatambi nezviito kana unhu hwavo:

Kana wasangana nemubvunzo unoda kuti uongorore kupindirana kwemazita nezviito kana unhu hwevatambi, pane chinhu chimwe chete chaunofanira kuita nguva dzose. Tanga nekutsanangura zvinoreva zita sekunzwisisa kwako asi usingape mienzaniso inobva munyaya, zvirungamutauro zvakaita setsumo, nyaudzosingwi, fananidzo kana madimikira.

Tsananguro yaunopa maererano nezita inoratidza zvaunonzwisisa iwe pachako usati watanga kuita ongororo dzakadzama. Semuenzaniso, ukaona zita rekuti Munyaradzi ndezvipi zvinhu zvaunonzwisisa pazita iri?

Zvisinei nemabasa kana unhu hwemuridzi waro – zita iri rinoreva kunyaradza kana kuti munhu anoburitsa vamwe vanhu kubva panguva inorwadza. Kunyaradza kunogona kuve kuunza runyararo muvanhu vanenge vasiri kuwirirana. Izvi ndizvo zvimwe chete zvaunosungirwa kuita mutsananguro dzako dzemazita evatambi usati watanga kudoma zvavanoita zvinoenderana nemazita avo.

Pari zvino tichatarisa mamwe emazita ari muna Manyambiri tichishandisa nzira yatsanangurwa pamusoro apo. Mazita asarudza kuti aongororwe ndeaya; Paidokwairiramwoyo, Rufuse, Ndakasemwa, Shayamano naNyadziso

Tonoenderera mberi neongororo iyi svondo rinouya.

CHISHONA CHAKANAKA

$
0
0

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: kwayedza@zimpapers.co.zw kana patrick.shamba@zimpapers.co.zw. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

* * *

MHINDURO DZESVONDO RAPERA:

Ipa mazita ezvinhu zvinotevera:

  1. Chimuti chinofamba chakabatwa nechembere kuti dzisadonhe. (mudonzvo)
  2. Vhudzi rakachena rinowanikwa mumusoro mechembere. (imvi)
  3. Tsvina yegonzo yakaita kunge tutsanga twemupunga (nhoko)
  4. Chidende chine mubato chinochereswa mvura muchirongo (mukombe)
  5. Tambo inosvuurwa kubva pagwati remuti inoshandiswa kusunga huni. (gavi)
  6. Imba inovakwa neshiri ichishandisa huswa, minhenga kana tumiti (dendere)
  7. Kanhu kanosara kakabaya paganda remunhu arumwa nenyuchi (mborera)
  8. Rimwe zita reguva (rinda kana bwiro)

* * *

ZVAKABVA KUVANA:

Pfachapfacha, Karoi, 0783 132 018 – 1. Mudonzvo; 2. imvi; 3. nhoko; 4. mukombe; 5. gavi kana kuti rwodzi; 6. dendere; 7. mborera; 8. rinda kana kuti bwiro

* * *

Charity Bingwani, Grade 5B Jonas Primary School, Chitungwiza – 1. mudonzvo; 2. imvi; 3. nhoko; 4. mukombe; 5. makavi; 6. dendere; 7. kasome; 8. rinda.

* * *

Tanatswa Machila, Takunda Primary School, Norton – 1. mudodzvo; 2. ibvi; 3. nhoko; 4. mukombe; 5. gavi; 6. dendere; 7. mborera; 8. rinda

* * *

Nelson Sireu, Chitungwiza – 1. mudonzvo; 2. imvi; 3. nhoko; 4. mukombe; 5. gavi; 6. dendere; 7. kahorera; 8. rinda

* * *

Tendai Mukute, Grade 7 Blue, New Vision Academy, Budiriro 5b – 1. mudodzvo; 2. imvi; 3. nhoko; 4. mukombe; 5. gavi; 6. dendere; 7. kamborera; 8 rinda

* * *

Providence Ziki, Grade 6, Ziki School, Bikita – 1. mudonzvo; 2. imbvi; 3. nhoko; 4. mukombe; 5. gavi; 6. dendere; 7. mborera; 8. rinda

* * *

Daniel Tinashe Nyaruwata – 1. mudonzvo; 2. imvi; 3. nhoko; 4. komichi; 5. rwodzi/makavi; 6. chitsaki/dendere; 7. mborera/tsomo; 8. rinda

* * *

0713 961 813 – 1. mudonzvo; 2. ibvi; 3. nhoko; 4. mukombe; 5. gavi; 6. dendere; 7. muromo; 8. rinda

* * *

Mary Hlekiso, 0734812997, Mt Pleasant – 1.  mudonzvo; 2. imvi; 3. nhoko; 4. mukombe; 5. gavi; 6. dendere; 7. muworera; 8. rinda

* * *

Tawananyasha Mukaka, Glen View 8 Primary School – 1. mudonzvo; 2. imvi; 3?

* * *

Gaineth Zariro – 1. mudonzvo; 2. imvi; 3. nhoko; 4. mukombe; 5. gavi; 6. dendere; 7. rumborera; 8. rinda

* * *

Tonderai Dasi, Kabhachi (Nhoro) – Katurike zvinoreva zvakavanzika.

* * *

0733 764 502 – Katurike zvinoreva zvakavanzika.

* * *

Costa Dasi, Kabhachi (Zora) – 1. mudonzvo; 2. imvi; 3. nhoko; 4. mukombe; 5. gavi; 6. dendere; 7. mborera; 8. rinda

* * *

Trevor Mutero, Mandevhana Primary, Murombedzi – 1. mudonzvo; 2. ibvi; 3. nhoko; 4. mukombe; 5. gavi/rwonzi; 6. dendere; 7. rumborera; 8. rinda

* * *

Dzakire, paWaterfalls – 1. mudonzoo; 2. imvii; 3. nhoko; 4. mukombe; 5. gavi; 6. dendere; 7. rumborira; 8. ronda

* * *

0775 314 439 – 1. mudondoro; 2. imwi; 3. nhoko; 4. mukombe; 5. gawi; 6. dendere; 7. rumborera; 8. rinda

* * *

Tawanda Chitare, Dangamvura, Mutare – 1. mudonzvo; 2. imvi; 3. nhoko; 4. mukombe; 5. gavi; 6. bote; 7. dendere; 8. mborera; 9. rinda

* * *

ZVEKUITA SVONDO RINO:

Tipe mazita ezvinhu izvi:

  1. Sadza rinenge ramedurwa kuti ridyiwe . . .
  2. Dzihwa rinenge riri pahuro rinonzi . . .
  3. Nzira inofamba nemhuka musango . . .
  4. Mvura inobuda mumuviri nekushanda kana kuneta . . .
  5. Shiri inoboora miti nemuromo wayo . . .

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Kurunga chiShona netsumo dzakadzama

$
0
0

Ticha Danga

NARWO narwo rwiyo rwedu rwekukodza mutauro wedu kuitira kuzadza matura edu pakupera kwegore. Tinoda kugara takazara neruzivo kuitira kana rwodiwa tinenge tongoita kuodzvora nekuti tinenge tiinazvo.

Ngaave manenji kuwana mwana anotadza kupasa chiShona iye akakomberedzwa nezvese zvakafanira kumupasisa sekuti tine vadzidzisi vakaringana muzvikoro, kotiwo bepanhau renyu reKwayedza rinomira mira nekwaro, vabereki, madzikoma, hama neshamwari vachibatsirawo nekwavo. Tese pamwechete tiri kuita mukomberanwa kuti bvunzo rireruke uye kuti tive nyanzvi dzinosimudzira kutaurwa kwerurimi rwedu zvemandorokwati.

Vakuru vanoti kari pako ikonje rinofunda neChirimo. Kutaura uku kunodudza kuti kana vanhu vakazvigarira pamisha kana panzanga dzavo, vanenge vakatokwana. Chero vakasvikirwa nedambudziko rakakura sei, havanyanyovhunduka nekuti vanoziva kuti vanogona kuzvinunura.

Kune vanhu vanongogara vakakwindimara kana kuti vakatsamwa. Vamwewo vanozivikanwa nekugara vachingopopota. Vanhu vanoziva hunhu hwevanhu ava havafaniri kukahadzika kana kunetseka kana vonzwa vanhu ivava vopopota nekuti ndiwo muririro weshiriri idzodzo. Ndipo panonzi nevagoni havo, Ngezvemo zvimbutu zvamaonde. Vanongotarisawo vaya vachingojedebura nekupaumba nekuti vava kuvaziva kuti ndiwo magariro avo.

Tine mamwe mabasa atinosangana nawo muupenyu atinenge tisati tamboita ekuti anogona kuva ari akaoma chose. Tinogona kuvavarira kuaita asi topedzisira takundikana. Vaya vanoona takundikana vanogona kutimhura vachifunga kuti ivo ndivo vana gone. Pakunoti tiringindi kupinda mubasa riya, vanogona kukundikana naivowo asi ivo vambotiseka. Ndipo patinozosekera mudundundu tichiti, Kuita mandirini asiri pamunhu.

Urombo hwamatede kunaiwa nemvura makurwe ari mumhatso. Apa tinoreva kuti tinosiyana muzvipo zvekushandisa pfungwa nekudaro mabatiro kana maitiro atinoita zvinhu anototi asiyane. Zvichidai izvi kune vanhu vadiki vanenge vachitarisirwa pasi uye kuti vanepfungwa shoma dzisingagone kukwikwidzana nedzevakuru. Vanhu ivavo vanogona kuzoita zvishamiso vagogona kuita chinhu chikuru chichitadzikwa nemunhu anenge achifungidzirwa kuti ndiye anochigona.

Kushaya murimo kutsengera matuwo embwa. Izvi zvinoreva kuparadza nguva namasimba pachinhu chisingabatsiri. Munhu anogona kuparadza nokupambadza njere kana pfungwa pazvinhu zvisina maturo. Munhu ane tsika dzake dzaanozivikanwa nadzo zvekuti zvinoshamisa vanhu kana ava kutaramuka kubva mutsika dzake dzamazuva ose otora itsva.

Kana munhu azoshanduka zvinokatyamadza vanhu ndipo pavanozoti, Indura munhanga mutengeni kubara mbura. Zvinonzi navanaSorojena mhanza chironda inotevera wakura. Apa vakuru vanenge vachireva kuti zvimwe zvinhu zvinoenda nemazera. Humambo kana hutungamiri hahungapiwi kupwere ivo vabva zera varipo. Ruremekedzo rwunopiwa vanhu vakuru kutanga.

Vana vadiki havatarisirwi kupomerwa mhosva kana vachinge vaparadza zvinhu kana kusvibisa nokuti havasati voziva zvinofanirwa kunge zvichiitwa. Kwavari havazivi kuti vari kutadza, hunenge huri husiku zvaho. Ndiko kusaka tichiti chatorwa nemucheche chatorwa nashe.

Usatarisire chidzidzo cheShona pasi

$
0
0

Ticha Danga

REGAI tirambe takabata ipapo dzamara tagutsikana kuti zvirokwazvo tsumo dzapinda mumbariro dzepfungwa.

Bvunzo riri kuswedera zuva nezuva uye gadziriro dziri kufamba zvakanyanya nekuti tiri kuona vana vachikumuka muzvikoro kana zuva ropinda muna amai varo. Vanenge vaine varairidzi vavo vachiedza kusona pese pakasaririra kuti vasawane anozochema munaGumiguru.

Nguva yekutora goho rebvunzo inguva inotambudzika vana nevabereki kunyanya kana vana vasina kubuda zvakanaka mubvunzo. Vanodzivaira nezvikoro vachiedza kuwanira vana nzvimbo.

Hazvirevi kuti nzvimbo dzinenge dzisipo asi kuti goho racho rinenge risingakodzeri. Chimwe chinorasa goho revana chidzidzo cheShona icho vana vanoita chekubatira padumbu sebhotoro rechinwiwa asi chichizovakandira kure kure.

Mukurarama tinowirwa nematambudziko akasiyana siyana. Mamwe anenge akakomba zvekuti tinogona kushaya pekutangira kuti tiapedze kana kuti tiwane maanzvengero. Ndipo panodaira tsumo inoti, Ava mangongomera mupasha wapfura musoro. Panenge pasina zvekuita asi kutony’ura mudambudziko racho.

Waita womutowa kuti kumwe kwakaoma kumwe kunyoro. Iyi itsumo inotaurwa panenge paparadzwa pfuma imwe ichisiiwa kana kuchengeterwa mangwana. Inogona zvakare kushanda paya panowirwa munhu nematambudziko maviri panguva imwechete iye omira mira dzamara abudirira mune rimwechete okundikana rimwe.

Nyaya iya yekugona kuona chakaipa kana chakanaka uri wega inosvika pakuti munhu adzidzire zvakare kuona panodiwa kupiwa mazano navamwe kana kuzvifungirawo. Zvino kunowanikwawo vamwe vanongomirira kuudzwa zvese vasingamboisawo pfungwa dzavo. Ndiko kusaka vakuru vakati, Muto wekupungurirwa haupedzi sadza.

Muroyi munhu kubaiwa anochema. Apa takanangana nekugarisana kwatinoita mumamana edu. Vanhu vanoitirana zvinhu zvakasiyana, zvimwe zvakanaka zvimwe zvakaipa nokudaro vamwe vanhu vanozivikanwa nohupi hwavo. Chero vanhu ivavo vakaita zvakanaka sei, vanhu havavape mukana vanongovazora chakaipa. Ndiko kusaka vanhu vachitsiura vachitaura tsumo iyoyi.

Mhosva dzinoparwa zvakasiyana uye vanhu vanotongerwa mhosva dzavanenge vapara asi munhu anofanirwa kupiwa nguva yakakwana yokuzvidzivirira kubva mune zvaanenge achipomerwa. Anofanirwa kuzvipindurira kwete kupiwa mutongo asipo kana asina kumbobvunzwawo. Ndiko kusaka zvichinzi muranda haatongerwi mhosva asipo.

Kuroorera mukarahwa muchena wapinza udyi mumba.

Zvinoreva kuti kana mukuwasha akaroora kubva mumba yavatezvara varombo haana zororo rekushava. Hupenyu hwake hwese anosunzira imba yake pamwechete neyavatezvara vake.

Chinhu chaunodisisa zvikuru hauchiwane nyore nyore. Zvaunoshuvira nemwoyo wako kazhinji hauzviwane nokudaro vanogona kutaura vanoti, Panoda mwoyo gwanzi harisvike.

Tsumo nemadimikira namukanya

$
0
0

Mhinduro yesvondo rapera:

Tsapata rukukwe hazvienzani nokuvata pasi.

Tsumo iyi inoreva kuti chinhu nyangwe chichishoreka, asi kana chiripo zviri nani pane kunge usina chekushandisa zvachose.

Mubvunzo: Chii chinonzi tsapata?

 

. Mhinduro: Tsapata rukukwe/bonde/rupasa rwakasakara zvekuti harwunyatsovhara pasi zvakanaka.

* * *

Svondo rino:

Mviromviro yemhanza mapfeka.

Munhu ane mhanza haana kungomuka ave nemhanza. Zvimwechetewo nezvimwe zvinhu zvidiki zvinogona kupedzisira zvave chinhu chikuru, zvinenge zvakatanga zviri zvidiki.

Tsumo iyi yakafanana neyekuti, “Kamoto kamberevere kakapisa matanda mberi.”

Mubvunzo: Izwi rekuti “mhanza” idimikira rinoreva kuti chii?

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Mazita nezviito

$
0
0

Munyaradzi Gunduza

TINOENDERERA mberi neongororo yezvinoreva mamwe mazita evatambi nezviito zvavo.

Paidokwairiramwoyo zvinoreva chinhu chekuti munhu anenge achiita kuchifarira zvikuru kuti achiwane muupenyu hwake. Zita iri rinofambirana nekuzvarwa kunoitwa Paido naNdakasemwa naRufuse mushure mekunge vaita nguva huru kwazvo vasina kubatsirwa nevana.

Pavanozozvara mapatya avo, mumwe wacho vanomupa zita rokuti Paidokwairiramwoyo kududza kuti kugara kwavo kwose ndizvo zvakanga zvichidiwa nemwoyo yavo.

Nduramo anoroora Paido nekuti ndipo pakanga pachidokwairira mwoyo wake kuti agare naye.

Rufuse — aya madota anopisa zvikuru asi anoita sekunge asina moto. Ukamabata usina kuziva ndipo paunopiswa chaizvo nerufuse. Saka muchidimbu tingangoti rufuse anogona kuve matambudziko anowira vanhu.

Izvi zvinoenderana neupenyu hwairaramwa naRufuse sezvo tichiona achitambudzika zvikuru nekushaiwa mbereko. Anopinda munguva yakaomarara apo mwanasikana wake Paida paanoisira mhuri yaMambo Njeremavhu muchetura muchikafu kusvikira ave kuda kudzingwa mudunhu iri.

Kudzoka kumusha kunoita Paido achibva kumurume kunomushungudza zvakare sezvo zvichizopedzisira zvava kumunetsesa nevanhu vemuimba youmambo.

Tinopedzisa ongororo iyi svondo rinouya.

 


Kudetemba uchipfimba

$
0
0

Munyaradzi Gunduza

TINOPEDZISA mhinduro yemubvunzo watakatanga kuita unoti:

  1. Tsanangura zvinobuda mumadetembedzo okupfimbana kubva mubhuku iri. [25]

Vanababamukuru vaigonawo kupfimba varamu vavo kuti vazotora zvinzvimbo zvavanamukoma vavo semudetembo, Rutendo muramu apo babamukuru vanodetembera muramu wavo, Rutendo kuti avade agovapodza marwadzo emupfungwa pamwe nokuvavaraidza.

Nyanduri anoshandisa mibvunzonhando kuti anzwirwe urombo nemuramu wake sepaanoti, “Chandakatadza kwauri chiiko muramu chinokupa kundikanganwa serengeny’a?” Izvi zvinotaridza kupererwa kwanyanduri nokushayiwa zvikonzero zvokurambwa nomuramu wake.

Munhetembo idzi munobudawo pfungwa yokuti rudo rwunogona kurwadza chose kana munhu akasarupiwa nemunhu waanenge akatarisira semudetembo rinonzi, Mudiwa wangu warova apo nyanduri anodemba mazuva ekare mudiwa wake achiri mupenyu achimupa rudo rwose panonzi, “Nhasi ndozvionepi, iwe wava kutsi kwevhu?”

Munobudawo kushungurudzika kwekufirwa nemudiwa wake uyo arova zvekuti nyanduri anorwadziwa nokusauya kwemudiwa wake paanoti, “Anokudzivisa kuuya kwandiri ndiani?” Mudetembo iri munobudawo shungu dzevanhu vanosiiwa nevadiwa vavo zvinovarwadza sepanonzi, “Shungu dzorudo dzondin’en’enura mwoyo” kuratidza kurwadziwa kwake nokufirwa nomudiwa wake.

Vananyanduri vaigona kurovawo nheketerwa dzokutadza kwavo kugara voga, saka vanenge vachirayira kana kupanga vadiwa vavo maererano nerudo chairwo rwunozadzikiswa mukuroorana sezvinobuda mudetembo rinonzi, Rudo rusina magova magova sepanonzi nanyanduri kumudiwa wake Mationesa, “Mationesa! Uya ugare neni” kureva kuti ava kuda kuti rudo rwavo ruchizadzikiswa nokugara vose kana varoorana.

Nyanduri anoshandisa zitadunhurirwa rokuti Mationesa nokuti amuonesa nhamo huru yorudo paanoti, “Mationesa! Wandionesa nhamo huru yondidya mwoyo” kureva kuti ava kutambudzika kuti vachizogara vose, achisiyana nekuita zvemesomeso.

Tinoenderera mberi nemibvunzo nemhinduro yenhetembo dziri muna Ugo Hwamadzinza svondo rinouya.

ziva

$
0
0

MHINDURO yemufananidzo wesvondo rapera ndeinoti kutsemuka.

Hedzinoi dzimwe dzemhinduro dzakabva kuvamwe vaverengi:

Gakata – Mabhena Special, Dora Dombo, Mutare.

Kutsemukatsemuka – 0775 888 546.

Mitswe kana kumupwe – Mashoko Chikuku, Chidyamakono School, Dhumhe village, Chivi.

Kuparuka – Michael Muzembi, Mucheke, Masvingo.

Nhope – R. Sibanda, Mkoba V9, Gweru.

Kutsemukira – Natsai Magidhi, Siapi Village, Zvishavane.

Kuparuka – Calisto Gwidzima, Mutare.

Kutsemuka-tsemuka – Joyce, Glen View, Harare.

Mharuparu – Kuwana Thomas G, Mbare National.

Kutsemuka/mitswi – S. Store 17649, K/5, Harare.

Kutsemuka – Douglas Chigondo, Chisipite.

* * *

 

Kapuka aka kanowanzowanikwa pamhuka, kunyanya dzine mvere semombe, imbwa nezvimwe. Kanosveta ropa. Tiudze zita rako.

* * *

Onai mhinduro svondo rinouya.

. Tumira mhinduro panhare dzinoti 0714 200 007.

bumbiro idzva redzidzo…Basa remudzidzisi rashanduka

$
0
0

naChiremba

NOKUDA kweshanduko huru yave muupenyu hwevanhu muZimbabwe uye pasi rose zvaro maererano neruzivo rwezvemichina nekugadzirwa kwayo uye zvekufambiswa kwemashoko, ruzivo rwawandisa zvakare haruperi. Tsvagurudzo dzeruzivo rutsva maererano nemagariro evanhu muzvikamu zveupenyu zvakatsaukana muupenyu hadzichaperi.

Ruzivo rwuri kukura zuva nezuva. Magariro evanhu ari kushanduka nekukasika zvikuru. Shanduko iyoyi inoreva kuti vanhu vanofanirwa kutsvaga ruzivo rwunoenderana nemuraramiro nezvavanoda kuita panguva iyoyo. Naizvozvo ndima yeruzivo iyi yakosha nekukura zvekuti yatove indhasitiri hombe yave kutopa vanhu mabasa mazhinji vamwe vachiita mari dzakawanda.

Izvi zvinoreva kuti dzidzo inofanirwa kugara ichivandudzwa kuti iwirirane nekarikiriki keshanduko kave muupenyu hwedu. Panosvika gore ra2022 dzidzo itsva iyi inokarira kuongororwa zvizere ichionekwa kana zvakaringana kana kupesana nevavariro yedu.

Ipapo ichagadzurudzwa kuti inyatsoti nwee nechokwadi cheupenyu hunenge hworarama vanhu panguva iyoyo. Mushurezve memamwe makore dzidzo iyi ichienderera mberi inozoongororwazve kana ichinge ichiri kuzadzikidza zvido nevavariro yenyika yedu.

Sekuti upenyu hunoramba huchingoshanduka zuva nezuva, zvinotarisirwa kuti dzidzo iyi icharamba ichiongororwa nekugadziriswa kuti iwirirane neupenyu hunenge hwaveko nguva nenguva.

Mudzidzo yedu yekare, vadzidzisi ndivo vaive misimboti uye matenhe eruzivo panyaya dzekudzidzisa vana asika bindurazvinhu muupenyu randataura nezvazvo rasandura chimiro ichi zvikuru. Kare mudzidzisi ndiye aive muzvinadzidzo kusina vamwe, asi nhasi zvinhu zvasanduka.

Sekutaura kwandaita, ruzivo rwawanda. Hakuna munhu mumwe angachanzi anoziva zvose mudzidzo sekuti mundima imwe neimwe mune gungwa reruzivo rwunoda kudzidzwa. Munhu akada kuedza kuziva zvose musoro wake ungatoputike.

Mudzidzo itsva vadzidzi vari muzvikoro vave kukwanisa kudzidza voga vaine rubatsiro rwushomashoma kubva kumudzidzisi uyewo vana vanokwanisawo kudzidza voga vari kumba zviri nyorenyore. Izvi zvinokwanisika kuburikidza nekushandisa indaneti nezvimwewo zvirongwa zvedzidzo zvatekeshera.

Nokudaro basa revadzidzisi rave kushanduka mudzidzo itsva iyi. Pachinzvimbo chekudururira vana ruzivo vadzidzisi vave vananyamukuta vanobatsira vana kuzvara Dzidzo.

Muchikamu chinotevera tichatarisa madzidzisiro matsva mudzidzo itsva.

CHISHONA CHAKANAKA

$
0
0

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: kwayedza@zimpapers.co.zw kana patrick.shamba@zimpapers.co.zw. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

* * *

MHINDURO DZESVONDO RAPERA:

Tipe mazita ezvinhu izvi:

  1. Sadza rinenge ramedurwa kuti ridyiwe . . . (musuva)
  2. Dzihwa rinenge riri pahuro rinonzi . . . (gararwa)
  3. Nzira inofamba nemhuka musango . . . (gwara/mwenza)
  4. Mvura inobuda mumuviri nekushanda kana kuneta . . . (dikita/ziya)
  5. Shiri inoboora miti nemuromo wayo . . . (hohodza)

* * *

ZVAKABVA KUVANA:

0714 738 33, Form 3, Nembudzia High School – 1. musuva; 2. garabwa; 3. dikita/ziya; 5. hoto

* * *

Luke Madhanda, Grade 3 Red, Tafadzwa Primary School, Stoneridge Park – 1. musuva; 2. gararwa; 3. gwara; 4. dikita; 5. hohodza

* * *

Tinotenda Maramba, Muchenje Sec School – 1. musuwa; 2. gararwa; 3. gwara; 4. dikita; 5. hoto

* * *

Tawananyasha Mukaka, Glen View 8 Primary School, Harare – 1. musuva; 2. gararwa; 3. gwara; 4. dikita/ziya; 5. hoto

* * *

Rangarirai Zangirai, Rubweruchena Sec School, PO Box 169 Zvishavane – 1. musuva; 2 -; 3. gwara; 4. dikita; 5. chigogodza.

* * *

Moreblessing Bomba, Muguta Secondary School – 1. musuwa; 2. gararwa; 3. muhwezva; 4. dikita; 5. hohodza

* * *

Mary Hlekiso, 0734812997, Mt Pleasant – 1. musuva; 2. gararwa; 3. gwara; 4. dikita/ziya; 5. hohodza

* * *

0734 812 997 – 1. musuva; 2. gararwa; 3. gwara; 4. dikita/ziya; 5. hohodza

* * *

Smart Chanetsa, Firhill Estes, Trelawney – Tsapata zvinoreva rukukwe rwakasakara.

* * *

0717 031 429 – Nzou hairemerwe nenyanga dzayo zvorevei?

ZVEKUITA SVONDO RINO:

Tipe mazita ezvinhu izvi:

  1. Musoro wakagerwa vhudzi rese . . .
  2. Rimwe zita remvere . . .
  3. Pakabva zino panonzi pane . . .
  4. Kuve pamusoro pemvura kwechinhu . . .
  5. Zvihutsi zvichena zvinoonekwa mangwanani mumapani nemunzizi . . .

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Zvinoreva mazita

$
0
0

Munyaradzi  Gunduza
TINOPEDZISA ongororo yekupindirana kwemazita nezviito kana unhu hwevatambi.

Ndakasemwa — kusemwa kuratidza kusafarirwa kana kusarurwa kunogona kuitwa chinhu. Kazhinji chinhu chinosemwa chinoonekwa sechisina kukodzera kana kuti chisina basa.

Tinoona izvi zvichienderana neupenyu hwaNdakasemwa zvikuru kuburikidza nekusemwa nedenga kuti ange achiwanawo mbereko zvinove zvinoita kuti Rufuse azotora mamwe madzimai mushure make.

Ndakasemwa anozvara mapatya kunove kusemwa kukuru chaiko kwaakanga aitwa nemidzimu yake sezvo zvaive zvinhu zvaisatarisirwa.

Shayamano – munhu anenge asina nyadzi kana kuti asinganyare. Tinonzwa kuti Shayamano aigara akatuka Ndakasemwa pamwe nekumunyomba zvisinei nekuti ndiye akanga amushevedza pamurume. Anotaura naPaida naPaido achiratidza kushungurudzika pamusoro pevana ava nyangwe zvazvo vanenge vasina kumuitira chakaipa.

Shayamano aisemwa nemurume kuburikidza neunhu hwake hwakaipa uye utsinye hwaaiita.

Nyadziso – kunyadzisa kuita chinhu chinoshoreka pakati pevanhu. Nyadziso anogarovenga vahosi vaRufuse achiti vaimuroya zvisinei nekuti Ndakasemwa ndiye akanga amushevedza kuti agare pamurume. Zviito zvaNyadziso zvekusada kugeza zvinoenderana nezita rake. Tinonzwa paanotukwa naNdakasemwa achinzi mipimbira yake yaigara yakacheneruka sekunge yakaumburudzwa murufuse.

Zvino chizviitiraiwo ongororo yezvinoreva mazita evatambi vanotevera: Ngwaru, Njeremavhu, Nduramo.

Pano ndipo paperera ongororo yebhuku Manyambiri. Svondo rinouya tichatanga kuongorora bhuku renhetembo ramuri kuita padanho rino rinonzi Rukuvhute rakanyorwa naChirikure Chirikure.

Viewing all 921 articles
Browse latest View live


<script src="https://jsc.adskeeper.com/r/s/rssing.com.1596347.js" async> </script>