Quantcast
Channel: Denhe Reruzivo – Kwayedza
Viewing all 921 articles
Browse latest View live

Tsindira nhava

$
0
0

KANA totsindira nhava zvinoreva kuti hatisi kupa mukana wekusiya hwangwadza kwete, asi kuti tiri kutotsokera pose pane nzvimbo kana mukana wekuti nhava itakure zvakawanda izvo tichazoshandisa mberi kwatichaenda.Mumashure, takambotaura nezvemazwi anoreva zvakafanana. Takangoti mverengu pamusoro zvekuti hatina kuzowana mukana wekudzika kunobata ipo pamwoyo. Ndati titore iwoyu mukana chero zvazvo bvunzo dzakapera kuti titarise mazwi anoreva zvakafanana kuti tigoashandise.

Kana tichitsvaira marara pachivanze, tinoahorera tichishandisa zengwete kana kuti gwati. Zengwete iroro kana kuti gwati rinodaidzwa kuti chidhengesero.

Tinovhara mapoto kana zvigubhu zvemvura nezvivharo. Zvivharo izvozvo zvinonzi zviduumidzo. Churu inzvimbo inowanikwa makuru nemwena yemajuru. Rimwe zita rinoreva churu ndichidzere.

Mazuva ano vanhu voremara pakuti vabatsire munhu vanotoda “chebasa”. Chebasa kureva kuti vanenge vachida kuripwa pakukubatsira kwavanenge vaita. Muripo iwoyo unonzi chifufuriro kana kuti chiokomuhomwe.

Vanhu vakaungana pahumwe kana kuti hoka vanenge vachinwa hwahwa nemapara. Hwahwa nemapara aya zvinouya nenguva dzakasiyana dzezuva. Zvavanomwa pekupedzisira zvinonzi mharadzamusasa apo vanoti vapedza kuhukakaira, waziva kwake aziva kwake. Mharadzamusasa inodaidzwa zvekare kuti chidzungudza.

Kune mhanho yechidzvinyu chiya chinorovera musoro pasi kana chakamira. Vazhinji vanochideedza kuti chidhambakura. Vamwewo vanoti chiguyakuya.

Pekupedzisira padenga remba panonzi pachisuvi kana kuti pachiruvi. Rimwe zita rechisuvi kana chiruvi ndichidunzwa.

Vanhukadzi vanopfeka mhete idzo dzine zita ramadunhurirwa rekuti madhikauzi. Madhikauizi harisi zita reShona asi kuti rimwe zita rinoreva mhete rinonzi chichi.

Mbeva dzinogadzira padzinodheka kana kutiza napo kana dzocherwa. Panodheka kana kubuda napo nembeva panonzi pambudo kana kuti mbudyo. Rimwe zita rinoreva izvi ndichide.

Chitsitsinho chepagumbo chinodaidzwa zvakare kuti chidodoma.

Kana tichida kutaura zvakavanzika tinoshandisa madimikira. Rimwe zita rinoreva madimikira ndichidzvengu.

Imbwa dzisingabayiwi majekiseni dzinopedzisira dzobatwa nechirwere chinonzi chimbwamupengo. Chimbwamupengo chinodaidzwa kuti chikangiri. Nhekwe inochengeterwa fodya yemumhuno. Rimwe zita renhekwe inonzi chiguba.

Chibage kana chokohwewa chinotsvokonyorwa chichibva padara kana pandyanga. Kana chozochengetwa chinoiswa mushonga unouraya zvipfukuto. Chipfuto kana chipfukuto chinodaidzwa kuti chikundu. Chipfuva chemunhu ndiro diti. Gudo guru rinofamba rega rinonzi mberera. Rimwe racho rinonzi hombiro. Beta ndiro dova uye bikiro ndiro gate. Muriwo wenyevhe unonzi bangara. Doro rebumhe rinodaidzwa zvakare kuti bikakamwe.

Mubani munofudzirwa mombe munonzi mubomho. Muguri wechibage unonzi bonore. Mombe tsiru inonzi borombe. Muriwo kana uchikura unoita mhaswa. Mhaswa ndiwo masakatire kana kuti bukwa.

Sadza mbodza rinonzi bure. Manwiwa anonzi mabvembe. Bwairani mwana wehwiza. Rimwe zita rinoreva mwana wehwiza ndiuyani.


CHISHONA CHAKANAKA

$
0
0

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: kwayedza@zimpapers.co.zw kana patrick.shamba@zimpapers.co.zw. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.
* * *
MHINDURO DZESVONDO RAPERA:
Tipewo rimwe izwi rinoreva zvakafanana neriri pazasi. Kuvharira – kupfigira
Kuvhaira – kudada
Kutendera – kubvumira
Kufashaira – kuvira
Kudoka – kuvira
Kuchema – kurira
Kutyoka – kuvhunika
Kushamba – kugeza
Kutuhwina – kushambira
Godo – bvupa
* * *
ZVAKABVA KUVANA:
Rukudzo Kaocha wepaMalbelreign Primary School anozadzisa tsumo achiti:
1. Rume rimwe harikombi churu; 2. Nzou hairemerwi nenyanga dzayo; 3. Mviro-mviro dzemhanza mapfeka; 4. Mhembwe rudzi inozvara mwana ane kazhumwi; 5. Mandikurumidzire akazvara mandinonoke.
* * *
Baprince wekuAvondale anoti: 1. churu; 2. nenyanga; 3. mapfeka; 4. kazhumu; 5. mandinonoke.
* * *
0783 706 252 – 1. Churu; 2. Nenyanga; 3. Mapfeka; 4. Kazumu; 5. Mandinonoke.
* * *
Mkai kuCrowhill – 1. Churu; 2. Nenyanga; 3. Mapfeka; 4. Kazhumwi; 5. Mandinonoke.
* * *
0778 348 908 – 1. Rume rimwe harikombe churu; 2. Nzou hairemerwe nenyanga dzayo; 3. Mviro-mviro dzemhanza mapfeka; 4. Mhembwe rudzi inozvara mwana ane kazhumu; 5. Mandikurumidze akazvara mandinonoke.
* * *
Mandinonoke – 1. Churu; 2. Nenyanga; 3. Mapfeka; 4. Kazhumwi.
* * *
Priviledge Saravenga wekuMufakose – 1. Churu; 2. Nenyanga; 3. Mapfeka; 4. Kazhumu; 5. Mandinonokera.
* * *
0712 376 818 – 1. Churu; 2. Nenyanga; 3. Mapfeka; 4. Kazhumu; 5. Mandinonoke.
* * *
0771 413 686 – 1. Churu; 2. Nenyanga; 3. Mapfeka; 4. Kazhumu; 5. Pasina.
* * *
Marcel kuZaka – 1. Churu; 2. Nenyanga; 3. Mapfeka; 4. Kazhumwi; 5. Mandinonoke.
* * *
0774 267 515 – 1. Churu; 2. Nenyangal; 3. Mapfeka; 4. Mapfeka; 5. Mandinonokera.
* * *
0774 064 899 – 1. Rumwe rimwe harikombi churu; 2. Nzou hairemerwi nenyanga dzayo; 3. Mviro-mviro dzemhanza mapfeka; 4 Mhembwe rudzi inozvara mwana ane karuzhumwu; 5. Mandikurumidzire akazvara mandinonoke.
* * *
0784 500 694 – 1. Rume rimwe harikombi churu; 2. Nzou hairemerwi nenyanga dzayo; 3. Mviro-mviro dzemhanza mapfeka; 4. Mhembwe rudzi inozvara mwana ane kazhumu; 5. Mandikurukidze akazvara mandinonoke.
* * *
Panyere Victor wekuSouthlea Park anopa mazwi akafanana – Kuvharira (kupfigira); Kuvhaira (kudada); Kutendera (kubvumira); Kufashaira (kuvira/kufazha); Kudoka (kuvira); Kuchema (kusvimha); Kutyoka (kuvhunika); Kushamba (kugeza); Kutuhwinha (kudhidha); Godo (shanje).
* * *
l Endai kuPeji 16
l Kubva kuPeji 11
Rukudzo Kaocha wepaMabereign Primary School anotiwo: 1. Kupfigira; 2. Kudada; 3. Kubvumidza; 4. Kuvira; 5. Kuvira; 6. Kuunganidza; 7. Kudzikama; 8. Kugeza; 9. Kudhidha; 10. Shanje.
* * *
0773 770 630 – 1. Kupfigira; 2. Kudada; 3. Kubvumira; 4. Kuvira; 5. Kuvira; 6. Kuungudza; 7. Kudambuka; 8. Kugeza; 9. Kubhaguja; 10. Ruchiva.
* * *
Marcel, Zaka Jerera – Kupfigira, kuonererwa, kubvumidza, kuvira, kusvimha, kuvhunika, kugeza, kudhidha, shanje.
* * *
0778 348 908 – Kuvharira (kuzarira); Kuvhaira (kudada); Kutendera (kubvuma); Kufashaira (kuvira); Kuchema (kuzhamba); Kudoka (kuvira); Kutyoka (kudimbuka); Kuzhamba (kugeza); Kutuhwinha (kushambira); Godo (shanje).
* * *
Malvo Mupah, Epaton Park – Kukwidibira, kudada , kubvumira, kukwata, kusviba, kubowa, kudambuka, kugeza, kubhaguja, shanje.
* * *
ZVEKUITA SVONDO RINO:
Kune dzimwe nzvimbo, mvura yekuratidza kuuya kweZhizha yakanaya. Nyenze dzanga dzichirira nekuda kwekupisa dzanyarara. Pane tupuka twave kutanga kubuda nekuonekwa mushure mekunaya. Nyora mazita matanhatu etupuka tunobuda kana kwanaya.
* * *
Mhinduro svondo rinouya.
. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Vida naSimon vapihwa imba

$
0
0

CHITSAUKO 4 (Ongororo: Enderero mberi)

Ndipo patinonzwa vachidimikira vachiti, “Handiti imari iri kuenda ichichema iyoyo?” (27). Jane ane zvakewo zviri kumunetsa. Anoda kupa mufananidzo wekutsvinya maererano nezvaanoti Simon apera basa, akashandiswa nemumwe mukadzi saka angada zvakadarozvo?

Tinomunzwa achidimikira achiita sekutsvinya asi munyori ari kunyatsa kuziva zviri kutsi kwemoyo wake apo anoti, “Ndichida daunha, daunha zvaro rakasukwa nevamwe? Ndashayei?” (29).

Mutauro unoshandiswa naJane zvakare wakasimba uyezve wakazara nekutsvinya. Ngatinzwe zvaanotaura kana achitsanangura amai vaSimon. Zvinonzi paanobvunzwa kuti vakange vamudanira chii, “Ripiwo zijembere rine muhau, rakafumuka sebere . . . Hunzi ndinoda kuti uroorwe naSimon, Vida imhanje, haana basa, anopedza mari yomwana wangu” (29).

Munyori anombopota achisiya gwara renyaya ombotora musambo uya wokudzidzisa (didactic tone). Simon apo anosvika pamba, anosvikowana Vida achichema. Anombomusiya achichema kwekanguva kuti shungu dzake dzipomhoke. Tinomunzwa munyori achiti, “Kumanikidza munhu kutaura iye achine shungu hazvibatsiri kwete” (23).

Enzaniso shoma kwazvo tinodziona dzichishandiswawo. Vida apo anopinda mumba muna mai vaSimon naJane anobva anyatsa kuona kuti kuvepo kwake hakusi kufarirwa zvinotsanangurwa zvichinzi akatozviona “somunhu akanga achikanganisa vaviri vakanga vachifara zvavo” (23).

Muenzaniso wepiri weenzaniso tinouona apo Simon anopinda mumba muna Vida oudzwa zvakanga zvataurwa naJane uyo ainge auya kuzokanga nzungu dzaamai.

Paanonzwa izvi, chiso chake chinobva chaita somunhu akanga achifungisisa”(26).

CHITSAUKO 5 (Nyaya yacho):

Parinodoka zuva, Vida naSimon vachiri mumba vachikurukura, baba vaSimon, VaTigere vanosvika pamusha ndokusvikoswedzana nemudzimai wavo. Pavanovabvunza kuti muroora aswera sei, vanongoti aswera akapfigirana mumba naSimon zvinoita sevava kuda kupopotedzana.

Mudzimai anozoti havasi kuona here kuti muroora haana chinhu, ngaadzorerwe kumusha kwake vanomugadzira, kana zvaramba, Simon oroora zvake mumwe mukadzi.

Baba vanoti hazvinzarwo, vanhu ndevekutanga vambofamba-famba kuti vangaona kuti pane chavangaitawo here kuti zvinhu zvigadzirike ndokubva vabvumirana kuti mangwana acho VaTigere, mudzimai wavo, Simon naVida vaende kwaMugandani imwe n’anga.

Baba vashatiriswa nekutaura kwemudzimai wavo, vanoenda padare kwava kutuma Vida kuti adane Simon.

Vapedza kukwazisana, baba vanotaurira Simon kuti yasvika nguva yokuti muroora apiwewo imba yake kumusha ikoko, Simon ndokuti zvakanaka. Pambonzi nyararwei kwekanguva, baba vanozopinza nyaya yavo yepiri, iyo yainge iri maererano yekusabata pamuviri kwemuroora, Simon ndokuti kana vazodzokera ndipo pavachaenda kundoona chiremba. Baba havagutsikani nevana chiremba vechiRungu, vanozoti vachazotaurirawo mudzimai wavo, Simon akati achanoudzawo Vida.

Vida anofara chaizvo kuve nemba yake zvekuti anobva afunga kunoudza Mai Mashumba avo aiziva kuti vachanoudza Mai Zipfende zvozosvika munzeve dzaJane uyo aida kuti asvotwe. Zvechokwadi izvi ndizvo zvinobva zvaitika pozomuka kunyomba Jane naamai vaSimon.

Zvaanotaurirwa zvinotsamwisa zvikuru asi anozviita kunge zvisina nebasa rose. Apo Jane anosvika kumba, mazwi aainge audzwa anomugumbura zvikuru amai vake ndokuzviona.

Vamubvunza vanoti mai vaSimon vangadai vakavaudzawo kuti ndizvo zvavaida kuita. Vida zvose zviri kuitika izvi ari kuzviona, munhu ndokufara kuti Jane asvotwa.

(Enderero mberi svondo rinouya.)

 

Duramazwi

$
0
0

Ziva

Dambakurimwa — Iyi inzvimbo inoyereswa zvikuru isingadyarwi mbesa nokuti inenge ichinzi ndeyemudzimu.

MHINDURO yemufananidzo wesvondo rapera ndeinoti vhinga.

Hedzinoi dzimwe dzemhinduro dzakabva kuvaverengi:

Mavhinga – Bonface Bango, Waterfalls.

Mavhinga/mvinga – Peter Jongwe, Mayambara, Chi-town.

Mavhinga – 0775 247 036.

Mavhurungwa – Collen Ndiripo, Mabvengwa.

Vhinga/mavhinga – 0779 888 453.

Vhinga – Brenda Ncube, Mutoko.

Mavhinga – 0773 770 630.

Mavhinga – Simba, Hatfield.

Vhingwa/mavhingwa – Calisto Gwidzima.

Mavhinga – Simbarashe Musokeri, 13 Airport Rd, Hatfield.

Kupwa – Tinevimbo Mapfumo, Ngundu.

Mavhinga/magadhi – Gift Chawasarira, Tafara, Harare.

Vhiringa – Emmanuel, Redcliff.

Vhinga – Amai Farai Simango, Machipisa.

Vhinga – Charity Utete, Jerusarem, Machipisa.

Vhinga – Paul Simango, Jerusarem, Highfield, Harare.

Mavhingwa – Mai Bomba, Epworth.

Mavhengwa – Ronald Simiyawo.

Mavhingwa – Mahowa.

Vhinga/mavhinga – 0775 997 381.

Rukangarabwe – Mahachi 4 Mahachi, Budiriro 5B.

Mavhinga – Kuziva Kusosa, Mhondoro-Mubaira.

Mavhinga – Mai Lolo, Budiriro 5B.

Maviringwa – 0735 431 291.

Magadhi – Misheck Chakala, Msasa, Harare.

Mavhinga – Casper Mangwiro, Warren Park D.

Vhinga – Wayne Mapfumo, Tynwald North.

Mavhinga/magadhi – Kudakwashe Muwamba, Glen View 3.

IMavhinga/magadhi – Patrice Taziveyi.

Vhinga – Brando, Grade 5 Dzivarasekwa.

Mavhinga – Brain Marera, Chitungwiza.

Mavhiringa – Elsie Zifa, Eastview.

Vhungwa/vhingwa – Weddlove Madziwa, Gweru.

Mavhinga – Mai Eslpeth, Phase 6 Ext.

Magadhi/mavhinga – Lameck, Gweru.

Mavhinga – Baprince, Avondale.

Mavhinga – Evidence Nhede, Mutoko.

Mavhiringwa – Panyere Victor.

Vhinga – 0778 535 462.

Mavhinga – Malvo Mupah, Epaton Park.

Mavhungwa – Ambrose Muchenje, Rusape.

Vhinga/mavhinga – S. Store, Harare.

Mavhinga – Sir Garise, Mutoko.

Mavhinga – Baba Madhora, Harare.

Mavhunga/mavinga – Shamiso Semu Chibanzu, Mudzi.

Magadhi – Abuza Ba Ash, Chigovanyika, Chi-town.

Magadhi/mavhinga – Angela Siamtshaka.

Magadhi – Bantu, Mbare, Harare.

Vhinga – Ernest Shayamuranda, Budiriro 5B.

Mavhinga/vhinga – 0772 266 764.

Mavhinga – Mai Sharon Fote Nechavana, Buhera.

Vhinga – 0774 174 121.

Vhingwa – Mahowa, Mutare.

Vhingwa/mavhingwa – Mai Nenyasha Clyde, Mutare.

Mavhinga – 0783 141 029.

Mavhinga/mavhiringa – Daidzoyashe T.

Gadhi – Dianisa Kudzai Tsuro, Lomagundi Primary, Chinhoyi.

Vhinga – Brenda Ncube, Mutoko.

Magadhi/mavhinga – NdiAllen (‘Dr’ Almost), Damafalls Park.

Gadhi. – Ostew Munuhwa, Lomagundi Primary, Chinhoyi.

Mavhinga – Masiku, Marondera.

* * *

Kapembenene aka kanowanzofarira kutambira munzvimbo dzine mvura. Kane mapapiro mana, uye kanobhururuka zvinoshamisa sekubhururuka kari panzvimbo imwe chete uye kasingafambe. Mapapiro ako matete zvikuru. Tiudze zita rako.

* * *

Onai mhinduro svondo rinouya.

. Tumira mhinduro panhare dzinoti 0714 200 007.

Kereke inofa nei?

$
0
0

Munyaradzi Gunduza

Musoro wekuti Kereke Inofa unojekeswa naZebra akanga asingachaite zvekunamata. Izvi zvinoonekwa paanenge ari kumba kwake kuGlen View 7, achinwa doro nasekuru vake Joram, asisina hanya nekunamata semadudzirwo azvo naCharles mwana wake, paanoti akanga ave kudya asina kutanga anamata sezvaaisimboita zvinoratidza kuti kereke yaive yakufa nekudzokera kwake shure.

Musoro webhuku unotsigirwa naPastor Mwenje vanokumbira rutsigiro rwaMary kuti kereke isaparara. Izvi tinozviona pavanenge vari kumba kwavo kuMarimba Park manheru.

Pastor Mwenje vanenge vachikumbira Mary kuti avakanganwire kumutadzira kwavakaita kuburikidza nekusazvibata pavanopa Sarah mwana. Vanoti vaifanira kuita muonerapamwe naMary senzira yekudzivirira kereke yavo kuti isaparara. Musoro webhuku iri unotsigirwa naSarah naPastor Mwenje vanobvuma kuti kusazvibata kwavo kwaizoparadza kereke yeRevelations.

Izvi zvinobuda kuMarimba Park manheru, pavanobvunzwa naMary kuti nhengo dzekereke dzikaziva nezvekusazvibata kwavo kunoita kuti vapanane mwana murudo rwechivande chii chaizotevera, vese vari vaviri vanomupindura vachiti kereke yaizofa.

Tinoenderera mberi svondo rinouya.

Zvinyorwa izvi zviri mubhuku rakanzi Ongororo yeNhetembo neMabhuku Shona O-Level.

Nhare: 0772 610 360

Email: munyagunduza@gmail.com

 

Sirabhasi itsva yavepo: Mavima

$
0
0

MUTEVEDZERI wegurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima, vanoti bazi ravo rakapedza kugadzira sirabhasi yegwaro idzva refundo reNew Education Cirriculum iro richatanga kushandiswa nezvikoro gore rinouya.Prof Mavima vakataura mashoko aya mudare reParamende nguva yadarika apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weHurungwe Central mudare reNational Assembly, VaGodfrey Beremauro.

VaBeremauro vaida kuziva kana zvikoro zvakatanga kufundisa vadzidzi pamusoro pebumbiro remutemo wenyika sezviri mubumbiro iri pachikamu cheChapter 1 Section 7(b).

Prof Mavima vanoti gwaro idzva redzidzo iri richange richishandiswa kubvira padanho reECD, Grade 1 ne3, Form 1, Form 3 ne5.

“Ndinovimba dare rino rinoyeuka kuti takaita chirongwa chekuvandudza dzidzo (cirriculum review) icho chakapera. Parizvino tapedza zvakare kugadzira sirabhasi itsva. Kubvira kupuraimari kusvika kusekondari, kuchange kuchidzidziswa zvidzidzo zveHeritage Studies izvo zvinosanganisira ruzivo pamusoro pebumbiro remutemo wenyika. Saka izvi zvichatanga kudzidziswa kubvira 2017,” vanodaro.

Zvakadaro, Prof Mavima vanoti zvikoro zviri kudzidzisawo zvakare rwiyo rwenyika (national athem) neNational Schools Pledge nedonzvo rekuti vadzidzi vave vanozvipira kushandira nyika yavo.

Vakataura mashoko aya apo vaipindura mumwe mubvunzo wemumiriri weChegutu West mudare iri, Cde Dextor Nduna avo vaida kuziva kana muzvikoro muri kudzidziswa rwiyo rwenyika.

“Dzimwe nguva unoona rwiyo rwenyika rwuchiimbwa apo vamwe vanhu vakuru nevana vechikoro vanenge vachitsenga bubble gum, vamwe vachiita zvimwewo sezvinonzi havazive mazwi erwiyo rwenyika.  Vamwe vanenge vakamira vabata zvipfuva zvavo, apowo vamwe vakamira makumbo akaita sekapu yetsvutugadzike, zvichingodaro. Saka mukudzidziswa rwiyo rwenyika urwu vanofundiswawo here zvinotarisirwa panguva yekurwuimba?” vanodaro Cde Nduna.

Vachipindura, Prof Mavima vanoti muzvikoro vana vachange vachidzidziswa zvinotarisirwa panguva iyo rwiyo rwenyika rwunenge rwuchiimbwa.

“Ndanzwa zvamataura kuitira kuti tidzidzise vana nzira kwayo yekuimba rwiyo urwu uye kana tadaro tinenge tichifundisa veruzhinji zvakare maimbirwo erwiyo rwedu rwenyika. Ichi chikamu chezvidzidzo zvedu zveHeritage Studies,” vanodaro Prof Mavima.

 

St Angela Academy: Tiri chikoro chemarudzi ose

$
0
0

CHIKORO cheSt Angela Academy icho chiri kuBorrowdale, muHarare, chosimudzira kudyidzana kwemarudzi akasiyana sezvo chiine vadzidzi vanosanganisira vechitema, vachena nevechiIndia.Mutungumiriri wechikoro ichi, Mai Margaret Bhowa, vanoti kuve nevadzidzi vendudzi dzakasiyana kuri kubatsira kuti vadzidzewo tsika nemagariro akasiyana.

“Isu pano paSt Angela Academy tinotambira vana kubva kundudzi dzakasiyana uye tinotoda kuti vadzidze vose izvo zvatakaona kuti zvinobatsira mukuvadzidzisa tsika nemagariro zvemamwe marudzi.

“Tine vana vechitema, vechichena, zvizvarwa zvekuIndia neSweden,” vanodaro.

Vanoti pachikoro pavo Shona inodzidzwa kusvika pagwaro reForm 2.

 

 

 

‘Mwana akaguta haadofore’

$
0
0

MUKURU wedzidzo mudunhu reHarare, VaChristopher Chamunorwa Kateera, vari kurumbidza chirongwa chekupa vana zvekudya muzvikoro, cheHome Grown School Feeding Programme (HGSFP), vachiti chiri kubatsira kuti vadzidze zvakanaka uye kuti vasarovhe kuchikoro.

Vachitaura nevakuru vari kuona nemafambisirwo eHGSFP kumadistricts akasiyana muHarare nguva yadarika, VaKateera vanoti chirongwa ichi chiri kubatsira zvakanyanya sezvo vamwe vana vasingawane zvekudya zvakakwana kudzimba dzavo.

Vanoti vana vakadai vanogona kudzokera kumashure mufundo yavo kana pachinge pasina zvirongwa zvekuvapa zvekudya muzvikoro.

“Chirongwa ichi chiri kutibatsira zvakanyanya kuti vana vakwanise kuuya kuchikoro. Zvakare, vana vanoita shungu dzekudzidza sezvo vanenge vakaguta. Nzara inokanganisa mwana wechikoro sezvo vazhinji vanenge vaine nzara vanopedzisira vokotsira vari pakati pekudzidza,” vanodaro VaKateera.

Vanoti chirongwa ichi chauya panguva yakafanira sezvo dzimwe mhuri dzakatarisana nekushomeka kwezvekudya nekuda kwemvura isina kunaya zvakanaka mwaka wadarika.

“Vana vakadzidza vakaguta vanokwanisa kubata zvavanodzidziswa nenguva uye pasina dambudziko.”

VaKateera vanoti chishuwo chavo chekuti chirongwa ichi chirambe chichienderera mberi.

Vanotiwo zvakakosha kuti avo vari kutungamirira chirongwa ichi kumadistricts vaone kuti zvekudya zviri kupihwa vana izvi zvabikirwa munzvimbo dzakashambidzika kuitira kudzivirira kunyuka kwezvirwere zvakaita semanyoka.

Chirongwa chekupa vana zvekudya mudunhu reHarare chakaparurwa mwedzi wadarika nemunyori mukuru mubazi redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Sylvia Utete-Masango, pachikoro cheTashinga Primary School, kuMabvuku.

Pasi pechirongwa ichi, vana vepuraimari vanopihwa zvekudya zvinovaka muviri kamwe chete pazuva.

Chinotarisirwa kuzosvikawo kuvana vesekondari nekufamba kwenguva.


CHISHONA CHAKANAKA

$
0
0

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: kwayedza@zimpapers.co.zw kana patrick.shamba@zimpapers.co.zw. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

* * *

MHINDURO DZESVONDO RAPERA:

Kune dzimwe nzvimbo, mvura yekuratidza kuuya kweZhizha yakanaya. Nyenze dzanga dzichirira nekuda kwekupisa dzanyarara. Pane tupuka twave kutanga kubuda nekuonekwa mushure mekunaya. Nyora mazita matanhatu etupuka tunobuda kana kwanaya.

1.               ishwa            2.                     mazongororo

3.               ndororo     4.                     makurwe

5.               masvosve 6.                      mandere

7.               matatya 8.  majuru

* * *

ZVAKABVA KUVANA:

Kocherani Koochie Makaza – Kuzadzisa tsumo: 1.      Chenga ose manhanga hapana risina mhodzi; 2. Imbwa nyoro ndidzo tsengi dzamatoo; 3. Kakara kununa hudya kamwe; 4. Kuzeza chati kwata hunge uine katurike; 5. Matakadya kare haanyaradzi mwana.

* * *

Malisa kuEpworth – Tsumo: 1. Mhodzi; 2. Dzematohwe; 3. Kamwe; 4. Katurike; 5.        Mwana.

* * *

P Mavhnunga kuAvondale – 1. Mhodzi; 2. Dzematohwe; 3. Kamwe; 4. Katurike; 5. Mwana.

* * *

Linah Mudzingwa, Seke – 1. Mhodzi; 2. Dzamatowo; 3. Kamwe; 4. Katurike; 5. Mwana.

* * *

0774 818 407 – 1. Mhodzi; 2. Dzamatowo; 3. Kamwe; 4. Katurikwa; 5. Mwana.

* * *

Baprince, Avondale – 1.               Mhodzi; 2. Dzematowe; 3. Kamwe; 4. Katurike; 5. Mwana.

* * *

0773 984 104 – 1. Mhodzi; 2. Dzematoo; 3. Kamwe; 4.                        Katurike; 5. Mwana.

* * *

0772 258 248 – 1. Mhodzi; 2. Dzamatoo; 3. Kamwe; 4. Katurike; 5. Mwana.

* * *

0784 468 594 – 1. Mhodzi; 2. Dzamatowo; 3. Kamwe; 4. Katurike; 5. Mwana.

* * *

Anna Bocha Mafararikwa, St Noah College – 1. Mhodzi; 2. Matowo; 3. Kamwe; 4. Katurika; 5. Mwana.

* * *

0776 991 413 – 1. Chenga ose manhanga hapana risina mhodzi; 2. Imbwa nyoro ndidzo tsengi dzamatowo; 3. Kakara kununa hudya kamwe; 4. Kuzeza chati kwata hunge uine katurike; 5. Matakadya kare haanyaradze mwana.

* * *

0771 890 605 – 1. Mhodzi; 2. Dzamatowo; 3. Hudya kamwe; 4. Katurike; 5. Mwana.

* * *

Tawanda, Chinhoyi – 1. Chenga ose manhanga hapana risina mhodzi; 2. Imbwa nyoro ndidzo tsengi dzematowo; 3. Kakara kununa hudya kamwe; 4. Kuzeza chati kwata hunge uine katurike; 5. Matakadya kare haanyaradzi mwana.

* * *

0779 447 157 – 1. Mhodzi; 2. Dzamatowo; 3. Kamwe; 4. Katurikwa; 5. Mwana.

* * *

0773 616 858 – 1. Mhodzi; 2. Dzamatoo; 3. Kamwe; 4. Katurikwa; 5. Mwana.

* * *

0735 224 043 – 1. Mhodzi; 2. Dzematoo; 3. Kamwe; 4. Katurike; 5. Mwana.

* * *

ZVEKUITA SVONDO RINO:

Tsvaga dudziro kana kuti zvinoreva madimikira aya:

1. Hari yofanzirofa.

2. Kushaya ganda kumeso.

3. Kungwarira paduri sehuku.

4. Kutsenga mvura.

5. Kuyeuka bako wanaiwa.

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Kutsindira nhava

$
0
0

PARI zvino nhava yedu yava kuremawo zvine mwero asi haisati yazara. Tiri kuenderera tichitsokera kudzamara yanyatsotsindirana tozotora dumbo tobva tasona tichimirira ramangwana apo tichazoivhura tapinda muchikoro chepamusoro.Tinoenderera mberi tichitarisa mazwi anoreva zvakafanana kuitira kuti tisazorega kukahadzika kana tonzwa zvotaurwa neimwe nzira. Mukurarama kwedu tichaenda nzvimbo dzakasiyana, saka kana tiine hwaro hwakakwana hatizonetseki kana kukahadzika.

Vazhinji vanoziva kuti chatinorunga mumuriwo chinonzi munyu asi kune dzimwe nzvimbo munyu unonzi chai. Chibage chatinobika chiri pamuguri tochiyanika chinonzi mumhare asiwo rimwe divi chinonzi chagwanda.

Kana tichifudza mombe tinoruka chinonzi chiwepu kana kuti chamboko. Chamboko ichocho chinodaidzwa kuti chikoti kana kuti tyava.

Tikadya zvimwe zvidyiwa tinopedzisira tobatwa nedambudziko rinonzi chirungurira.

Chirungurira nerimwe zita chinonzi tsvana.  Rimwe zita rinoreva tsvana ndichimera.

Muchero wemusango unonzi damba unodaidzwa zvakare kuti chidyahumba.

Paminwe yedu yeruwoko pane watinoshandisa kunongedzera. Munwe iwoyo unonzi munongedzo. Munongedzo ndiwo mukokotamugoti.

Kune shiri inonzi gwenhuru kana kuti chigweture. Iyi shiri inodaidzwazve kunzi chimukombiro.

Pamombe kana yaurayiwa vavhiyi vanodambura kanyama kesusu vodya kari kambishi. Kanyama ikaka kanonzi kasusuvarisi kana kuti chiridzamheterwa.

Munogara mbudzi munonzi muzumbu kana kuti muchirugu.

Musikana anoshayawo kana mukomana anombomushanyirawo neshoko rerudo kana kumbopfimbwawo anonzi ane chitsinha.  Chitsinha ndicho chinzvi.

Kune chatinoridza nemuromo vanhu vachitamba chinonzi chipendani. Rimwe zita rechipendani ndichidandari.

Munhu akapfuma akatsvinda anonzi njonda kana kuti chigwiri.

Vabiki vedoro rendari vane maitiro avanoita nehwahwa hunenge hwasara pakunwiwa.  Vanozohusvinazve patsva kuti vaburitse humwe hwahwa uhwo hunenge hwati siyanei pakudhaka nekunaka pane hwekutanga.  Hwahwa ihoho hunonzi muchaiwa kana kuti chikahanwa.

Vana vaduku vanobatwa chirwere chenhova. Rimwe zita renhova rinonzi chikahara.

Mwana wekupedzisira mumhuri anonzi gotwe kana kuti chigumaura. Chifundi zvinoreva ziya kana kuti dikita.

Kuvanza chinhu kutaura usingaburitsi chokwadi. Rimwe izwi rinoreva kuvanza ndisvisa.

Kurunzira kufurira kana kunyengera.

Chififiro ndizvo zvimwe chete nekuti chihururu.

Dzimba dzekumusha dzinoiswa uriri hwemadhaka pasina simende nekudaro uriri hunoda kutsindirwa nechikuvauro ichozve chinodaidzwa kuti gwembe.

Duramazwi

$
0
0

GANYAMUTO – Iri zimbana rinopihwa munhu rakasimba chaizvo.

MHINDURO yemufananidzo wesvondo rapera ndeinoti mukonikoni.

Hedzinoi dzimwe dzemhinduro dzakabva kuvaverengi:

Kamukonikoni – Talent Matongera.

Mukonikoni – 0718 880 771

Kamukonikoni – Misheck Chakala, Harare.

Mukonikoni – Calisto Gwidzima, Mutare.

Umhutwu – 0735 431 291.

Mukoni mukoni – Kuzivakwashe, Grade 5 Dzivarasekwa.

Mukonimukoni. – Dianisa Tsuro.

Mukonikoni – Otis Moyo, Unit L Ext, Chi-town.

Kamukonikoni – T. Chiparangu, Wedza.

Mukonikoni – 0776 171 954.

Chikonikoni – Simba Jones, Chinhoyi.

Mukonikoni – Peter Jongwe, Mayambara, Chi-town.

Mukonikoni – Paul Simango, Jerusarem, Machipisa.

Kamukonikoni – 0778 535 462.

Mukonikoni – Leasenath Chasaya, Marimba.

Koni-koni/mukoni koni – 0772 708 849.

Gonikoni – Givemore Gurure, Mutoko.

Mukonikoni – Amai Farai Simango, Jerusarem, Highfield.

Mukoni mukoni – Oliver T. Siamtshaka, Kadoma.

Mukonikoni – Brenda Ncube, Mutoko.

Mukonikoni – Raviro, Buhera.

Mukonikoni – Antony Bango, Waterfalls.

Mukonikoni – 0772 780 551.

Mukonikoni – Nyamudahondo, Waterfalls.

Chimukonikoni – Priscilla Muguti, Stoneridge.

Mukonikoni – S. Store, Harare.

Chimukoni koni – Kule Dhollaz.

Mukonikoni – Bantu, Mbare, Harare.

Mukonikoni – Antony Bango, Waterfalls.

Mukonikoni – Munyaradzi Dumbu, Gutu.

Mokonikoni – Silvanos, Waterfalls, Harare.

Mukoni mukoni – Misheck Chibade, Budiriro 5B.

Mukonikoni – Peter Jongwe, Mayambara, Chi-town.

Mukonikoni – Marikebho Chimombo, Glen Norah B, Harare.

Mukonikoni – Oliver T. Siamthaka, Kadoma.

Chimukonikoni – Ostew Munhuwa, Chinhoyi.

Zingizi – Mvy, EastView.

Gonikoni – Katsvairo Power.

Chimukonikoni – Bonface Bango, Waterfalls.

Chigoni koni – P. Tome, Mutoko.

Mukoni-koni – Benson Kutadzaushe, Hatfield.

* * *

Kana zuva rave kupisisa zvikuru munguva yeChirimo, kunze kunooma zvekuti nyika yose inenge yochemera kunaya kwemvura. Pane kapembenene kakada kuita senhunzi ako kanorira zvine ruzha rwakanyanya chaizvo kari mumiti. Ndiko kari pamufananidzo uyu. Tiudze zita rako.

* * *

Onai mhinduro svondo rinouya.

. Tumira mhinduro panhare dzinoti 0714 200 007.

Matambudziko

$
0
0

Munyaradzi  Gunduza—

3. Tsanangura matambudziko manomwe anowira vatambi vari mumutambo Kereke Inofa. [25]Vatambi vari muna Kereke Inofa vanosangana nedambudziko rekutapurirwa chirwere cheshuramatongo. Izvi zvinobuda kuna Beauty naSusan pavanenge vari muchipatara cheWest End vasiri kuwirirana nezvechikomba chaBeauty chainzi Dance chaakanga atorerwa naSusan. Beauty anoudza Dance pafoni kuti aida kumusungisa nekuti akanga amuzadza chirwere cheshuramatongo. Susan anozoudzwa naBeauty kuti aive azadzwawo chirwere ichi naDance.

Muna Kereke Inofa vatambi vanowirwa nedambudziko rekutukwa. Tinozviona kuna Peter Chimumumu anonyombwa naRose vagere mumba maZebra kuGlen View 7, zuva ratongwa nyaya yaSarah yekupiwa mwana naPastor Mwenje kunze kwemusha. Rose anomubvunza kuti akanga ari ani aida kugadzirisa matare epamba paZebra, achibva anzi zvimumumu zvaitaurawo chii chaaida kuvabatsira panyaya iyi, anobva abudamo atsamwa asina kana nekuzooneka.

Vatambi vanowanikwa mubhuku Kereke Inofa vanosangana nedambudziko rekuparadzirwa dzimba. Izvi zvinoonekwa kuna Mary naZebra pavanoona Sarah mudzimai waZebra apiwa mwana naPastor Mwenje murume waMary vari muchipatara cheWest End muHarare. Zebra anobva abuda pachena kuti akanga asingachadi zvekuramba achigara naSarah saka aifanira kuenda kumba kwaPastor Mwenje vakanga vamupa mwana murudo rwechivande.

Mubhuku iri vatambi vanosangana nedambudziko rekufenda. Tinozviona kuna Zebra paanoenda kuchipatara cheWest End ndokuona Sarah ave nemwana waPastor Mwenje.

Anonzwa kupera simba ndokupedzisira ave kuita seapererwa nemweya wekufema angofizuka nezvaaive aona.

Anotora nguva refu akadaro opiwa mubhedha muchipatara chimwe chete ichi.

Vatambi vari mumutambo uyu vanosangana nedambudziko rekutorerwa chikomba.

Izvi tinozviona kuna Beauty anoshungurudzika zvikuru ari mumupanda wairara vasikana kumba kwaZebra kuGlen View 7, atorerwa chikomba chake, Dance namainini vake, Susan zvinoita kuti vazotanga kurwa.

Mumutambo Kereke Inofa vatambi vanowirwa nedambudziko rekushaya mbereko. Dambudziko iri rinowira Mary akanga achata naPastor Mwenje kwemakore asi kubva ipapo aive asina kumbobvira aita mwana.

Akaedza kumboenda kumaporofita navanachiremba asi hazvina kumubatsira kuti ave nembereko.

Izvi zvinomuchemedza paanofunga kuti zvinenge ndizvo zvakanga zvatuma murume wake, Pastor Mwenje kupa Sarah mwana nekuseri.

Kuurairwa midziyo nekudzimwa-dzimwa kwemagetsi idambudziko rinowira vatambi vanowanikwa muna Kereke Inofa. Izvi zvinoonekwa Sarah naZebra pavanoenda kuMufakose kumba kwasekuru wavo, Joram ndokuwana kusina magetsi.

Vanozonzwa Joram achinyunyuta achiti midziyo yavo inoshandisa magetsi yakanga yapera kufa nekuenda kwemagetsi.

 

Nhare: 0772 610 360

Email: munyagunduza@gmail.com

Vava kun’anga kwaMugandani

$
0
0

CHITSAUKO 5 (Ongororo):

Mukukurukura kunoitwa papeji 30 pane zvatinodzidza izvo zvinoti, kuratidza tsika nemaitiro evanhu (characterisation), kudimikira nedzokororo (repetition).Tinodzidza maererano naVaTigere, baba vaSimon. Murume uyu tinoudzwa kuti, “Vaida muroora wavo”, uyewo kuti, “vakanga vakachenjera kwazvo” (30).

Tambosangana namai vaSimon vachichema-chema maererano nekungoenda mahara kwemari yemwanakomana wavo. Iye zvino vava kudimikirazve inove dzokororo apo vanoti, “Pfuma haiendi pachena” (30).

Izvi zvinodzokororwa papeji imwe chete mundima yepiri kubva pasi apo zvinonzi, “Pfuma haingaendi pachena”.

Imwe dzokororo yatichazosangana nayo iri papeji 34 ne35. Dzokororo iyi iri kusimbaradza kuti Jane akabatiswa zvisipo naamai vaSimon. Tinotanga nekunzwa Mai Mashumba vachiti kuna Mai Zipfende, “Jane achakarobata pasi” (37). Tichiti yambukirei kupeji inotevera, tinonzwazve vava kudzokorora zvavataura vachiti, “Ndati Jane achakarobata pasi” (35). Vanodzokorora zvakare vachiti, “Jane abata pasi” (35).

Mukati mokudzokorora uku munoonekwa muchishandiswa mazwi akasimba chaizvo ekunyomba Jane, ayo anoonekwa nekushandiswa kwevara ‘r’ apo zvinonzi, “Rinenge richaputika. Rakauya tarisai muone kupavaira kwariri kuita zimwana iri!” (35).

Tinosanganazve nemunyori achimbosiya rongetedzo (plot) yenyaya yake achimbotora musambo uya wokudzidzisa (didactic tone). Dzimwe dzenguva munhu anoonekwa seasingazivi chinhu anogona kupa yambiro inobatsira izvo zvaanotaura apo anoti, “Zvamunoona, dzimwe nguva benzi rinorayirawo munhu zvinhu zvamazvirokwavo muubenzi ihwohwo” (34).

Tinosangana nemaonero ezvinhu (attitude) maererano neupenyu. Maererano nababa vaSimon, mukuru uyu haana chivimbo navanachiremba vechiRungu ivo zvinoonekwa nekutaura kwavo apo anoti, “Zvino ivo vanachiremba venyu vechiRungu ava vanoziva here? Vangazvikwanise zvirwere zvedu vatema?” (32).

Kudimikira kunyangwe kumwe kwambodomwa pakutsanangura dzokororo, kunoshandiswa mune dzimwe nzvimbo munyaya. VaTigere apo vanopinda mumba kwava kutanga kutaura nemudzimai wavo, vanozviona kuti musi uyu twakakwidza mumusoro memudzimai wavo. Vanonzwika vachidimikira vachiti, ‘Nhasi ruzere rwizi rwuya” (30).

Pavanemge vachitamba zvavo, Vida naSimon mumba, panopinda nyaya yekuti anokunda kufarirwa nababa pakati pavo vaviri ndiani, Vida ndokuti Simon anongofarirwa ndizvozvo hazvo hazvimbofanani nekufurirwa kunoitwa Vida nababa saka achiti, “Nyama yeusinambwa” (35).

Apo Jane anobva kwavana Mai Mashumba naMai Zipfende, zvaanonzwa zvinotaurwa nemadzimai maviri aya zvinoita kuti atsamwe zvikuru izvo zvinodimikirwa zvichinzi, “Akasvika kumba muromo uri mumhuno” (36). Paanotaura naamai vake avo vanoona kuti pane chamutsamwisa, anoshoropodza amai vaSimon achiti vakavatamba imwe apo anoti, “Zvokutibata kumeso nhai?” (36) sezvo vainge vapa Vida imba asi vakambenge vataurira Jane kuti ndiye aive muroora wavo.

CHITSAUKO 6 (Nyaya yacho):

KwaMugandani, kun’anga kuye hakusi kure. Vapedza kukwazisana, vabvunzwa kuti vanochema nei, VaTigere vanopira dambudziko raSimon naVida rekushaya mbereko. VaMugandari vanotora bhodyera ravaishopera naro ndokurikuchukudza vachitaura zvavaida.

 

(Enderero mberi svondo rinouya.)

Mafambiro emhuka

$
0
0

Ticha Danga

KANA tonyoTra zvinyorwa zvedu tave kuzvikoro zvepamusoro tinofanirwa kuratidza kuti takawana hwaro hwakakwana pasi apo taidzidza zvakawanda. Tinofanirwa kuva neruzivo rwuzere pamusoro pemhuka kwete kungoziva vana nemazita adzo.Ngatimbotarisawo mafambiro anoita mhuka dzakasiyana-siyana kuitira kuti tikanzi tinyore rondedzero pamusoro pemhuka tinenge tava neruzivo rwakakwana pamusoro pemhuka idzodzo.

Kune mhuka dzinonyahwaira. Pakunyahwaira tiri kutaura mafambiro asina mutsindo. Aya mafambiro aya anonyanyoitwa nemhuka dziya dzinodya nekuvhima dzimwe mhuka. Tine mhuka dzakaita seshumba, dindingwe, nzunza kana mbada. Idzi mhuka hadzifanirwe kuvhundutsira dzadzinofanirwa kudya nekudaro dzinofamba dzichinyahwaira dzichiswedera pedyo nedzadzinenge dzichida kubata. Mubandiko iroro remhuka dzinonyahwaira munopindawo zvidembo, katsi, majerenyenje, majachacha nenhire. Kana shumba yakaguta inonzi inotanaira pakufamba kwayo asi kana yomhanya inoripitika.

Mhuka zhinji dzine mahwanda kana mazondo anotsemuka napaviri dzine mafambiro nemamhanyiro akada kungofanana. Mhuka idzodzo dzinotyakaira nekuripitika. Tinowana mhuka dzinoti mombe, ngwarati, ngongoni, nondo, mhofu, bimha, zvipembere kana nyati. Vafudzi vemombe pavanenge vachirimbinyutsa mombe vachienda kumatanga zuva rovira kana kuenda kudhibhi, mahwanda acho anonzwika kuti tyaka tyaka, ndiko kusaka dzakanzi dzinotyakaira. Mafambiro anoita makumbo adzo kana dzomhanya anoti ripiti ripiti, ndiko kusaka zvichinzi dzinoripitika pakumhanya.

Kune rimwe bandiko remhuka dzine mufambiro wekusvetuka svetuka. Mhuka idzi dzinonzi zvakare dzinochiruka chiruka, kuuruka uruka kana kutomuka tomuka. Ndimo matinowana makudo netsoko dzinova mhuka dzinogara dzichingodanha pamatombo nemumiti. Imomu zvakare munowanikwa magwee, mbira, mhunha, nhiriri netsindi. Kana toshandisa nyaudzosingwi muzvinyorwa zvedu tinoti dzinoti svetu-svetu.

Zvine manenji kunzwa kuti mhuka dziri (mumupanda) mubandiko iroro dzapunzika kana kuti dzadonha.

Gava, imbwa, mhumhi kana bere zvinoswetaira. Kuswetaira uku kunoitika kana mhuka idzi dzakaguta uye pasina chadziri kudzingirira. Kana dzodzingirira chinhu dzinokwaruka nekuti kuse.

Mbudzi, mhembwe nemhene dzinoduwaira kana dzisina chadzinoshuvira. Mbudzi kana iine nzara, yanonoka kuburitswa muchiwaya, inoparapatika ichidambura zvokudya. Ndizvo zvimwe chete nemhembwe nemhene kana dziine nzara. Kana pava panjodzi, mhembwe nemhene zvinouruka kana kusvetuka zvikuru.

Mbeva dzakaita sedapi dzinotauka tauka. Dzinogona zvakare kutomuka tomuka kana kurazvuka.

Datya rinouruka kana kusvetuka svetuka. Kana paita njodzi, datya rinotatamuka nekudanha. Gakandye rinochewaira kana kunjewaira. Nyoka inozvongonyoka kana kuti inosvodoroka. Dahwa rinodauka dauka ukuwo dhadha kana sekwe rinotakashika. Chikwari kana hanga zvinototonha asi hangaiwa inodombaira. Hurekure inototovara zvimwe chete nefudzamombe.

Mbizi inodzedzema nekumata chero zvazvo ichikwanawo mukutyakaira. Kuna kamhuka kanonzi tyoni, kanonzi kanodukwaira.

kwayedza: nemo nemo

$
0
0

Munyaradzi Gunduza

l Vana vakaverenga kwayedza vakafara

HAPANA chinhu chinofadza pakunyora bvunzo sekusangana nezvimwe zvinhu zvaunenge wakambosangana nazvo mugadziriro yako yebvunzo idzodzo.Kubva gore richitanga, takanga tichibatsira vadzidzi veO-Level kuita ongororo yemabhuku enganonyorwa nenhetembo kuburikidza nemibvunzo nemhinduro izvo zvange zvichibuda imo muno muKwayedza.

Zvizhinji zvacho zvezvatakabata vana vakazviona zviri zvinhu zvakavabatsira pabvunzo dzavo dzeShona Pepa 2 dzakanyorwa nemusi weChitatu masvondo maviri adarika.

Muchinyorwa chino tichatarisa zvimwe zvinyorwa zvatakaburitsa muchikamu chino izvo zvakauya pabvunzo idzodzi. Tiri kungotarisa zvine chekuita nemabhuku enganonyorwa nenhetembo chete, kwete chikamu chemutauro nekuti takanga tisingatarise mamiriro nemadzidzirwo emutauro.

Gore richitanga takadzidzisa vana mapindurirwo emibvunzo yenhetembo nemabhuku enganonyorwa sezvinotarisirwa neveboka rinotungamira zvebvunzo, reZimsec. Mushure mechikamu ichi, takazoita ongororo yebhuku rinonzi Shoko Harivhikwi, rinove remuunganidzwa wenhetembo, kuchizotevera Tambaoga Mwanangu, Makunun’unu Maodzamwoyo, Ndinofa Ndaedza naNdiko Kusasana? Ongororo iyi yaiitwa tichishandisa mibvunzo nemhinduro. Patakapedza gadziriro dzebvunzo nevana takazovadzidzisa mamiriro ebvunzo nemashandisirwo enguva pakunyora. Mimwe yemibvunzo yatakaita yakadzoka pabvunzo dzakanyorwa masvondo maviri adarika isina kumbonyanya kushanduka. Heinoi mibvunzo yakabvunzwa:

Chikwata A:

5. Kubva muna Shoko Harivhikwi, sarudza nhetembo mbiri chete dzakakufadza. Zvino chiburitsa zvakakufadza zvacho munhetembo idzi wakanangana nezvadzinoreva uye mashandisirwo ezvidavado. [25]

6. Muna Shoko Harivhikwi mune nhetembo dzakanangana nevanhukadzi. Sarudza nhatu chete ugotsanangura zvinhu zvina zvinoburitswa nanyanduri padetembo roga roga. [25]

7. Solomon H. Munorevesa muna Shoko Harivhikwi anofarira kunyora pamusoro perayiro. Uchishandisa nhetembo dzake shanu, buritsa rayiro nhatu dzinopihwa padetembo rega rega rawasarudza. [25]

Yedu mibvunzo yegadziriro muKwayedza yakanga yakamira sekudai:

Solomon H. Munorevesa anofarira dingindira rerayiro mukudetemba kwake. Tsigira pfungwa iyi nenhetembo dzake shanu dziri muna Shoko Harivhikwi. [25] Mubvunzo uyu wakabuda muKwayedza remusi wa18 Kukadzi 2016 papeji 10 uye wakapihwa mhinduro yacho. Mukanyatsozvitarisa munoona kuti hauna kunyanya kusiyana nemubvunzo 7.

Sarudza nhetembo mbiri dzakanyorwa naAlex Chirumbwana dzinotaura nezverudo dziri muna Shoko Harivhikwi. Zvino chitsanangura zvadzinotaura pamusoro perudo nezvidavado zvakashandiswa mudetembo rega rega raunenge wasarudza. [25] Sarudza nhetembo mbiri dzakanyorwa navananyanduri vakasiyana kubva muna Shoko Harivhikwi ugotaridza mashandisiro avanoita zvidavado. [25] Sarudza nhetembo shanu dzakanyorwa nanyanduri mumwe chete kubva muna Shoko Harivhikwi ugotaridza mushandisiro waanoita zvidavado mudetembo rega rega. [25] Mibvunzo mitatu iyi yakabuda mazuva akasiyana muKwayedza asi mudzidzi akaiverenga akanyatsonzwisisa aikwanisa kupindura mubvunzo 5 webvunzo dzegore rino pasina dambudziko.

Chikwata B:

8. Tsanangura matambudziko mashanu anosangana naRevai muna Ndinofa Ndaedza uchiburitsa kukunda kwaanoita pane rimwe nerimwe rawo. [25]

9. Sarudza zviitiko zvishanu kubva pane zvinotevera, ugozvitsanangura uchiburitsa kuti zvinofambisira rungano mberi nenzira dzipi muna Ndinofa Ndaedza.

(i) Kudzingwa kwaRevai naVaMhake

(ii) Kusangana kwakaita Revai naTafirei otanga rwendo rwake

(iii) Hutsinye hwaDendera

(iv) Kurangana kutiza kwaChandafira naRevai

(v) Kurohwa kwaChigange netsvimbo

(vi) Kutimba doro rakaoma

(vii) Hushamwari hwaRevai, Pondai naChigange

Yedu mibvunzo yegadziriro muKwayedza yakanga yakamira seizvi:

Tsanangura zvimhingamupinyi zvinosangana naRevai murwendo rwake kuenda kwaMutenure uchiratidza kukunda kwaanoita chibingamupinyi chega chega muna Ndinofa Ndaedza. [25] Mubvunzo uyu hauna kunyanya kusiyana newechi8 waiva pabvunzo dzeZimsec dzegore rino idzo dzichangobva kunyorwa. Wakabuda muKuwayedza uine mhinduro dzacho dzizere pataiita gadziriro.

Kubva murungano Ndinofa Ndaedza tsanangura zvinoitwa nevatambi vanotevera zvinosusukidza rungano: (a) Chigange (b) Tafirei (c) Chandafira (d) Ishe Machingauta (e) Ishe Dendera. [25] Sarudza vatambi vashanu muna Ndinofa Ndaedza ugotsanangura zvinhu zviviri zvinoitwa nemumwe nemumwe wavo zvinofambisira rungano mberi. [25] Mibvunzo iyi haina kusiyana nemubvunzo 9 pamapindurirwo ayo; yakanga iine mhinduro dzacho dzizere patakaiburitisa muKwayedza uye takabva tadzidzisa vana mapindurirwo ayo sezvo ichibva parongetedzo yenyaya. Chakanakira mubvunzo 9 ndechekuti watopa vadzidzi zviitiko zvacho saka chavo kwangova kudoma zvazvinokonzera kuti rungano rwupfuurire mberi.

10. Tsanangura zvinhu zvisere zvinoitwa naTambaoga muna Tambaoga Mwanangu zvinoratidza kuti ndiye mutambi mukuru. [25]

11. Ndezvipi zvinoratidza kuti Tambaoga Mwanangu rungano rwakaitika pasichigare munyika muno? Tsigira mhinduro yako nezvinhu zvishanu. [25]

Mubvunzo 10 wakangodzoka wakafanana newatakaburitsa mubepanhau rino waiti: Ndezvipi zvinoitwa naTambaoga muna Tambaoga Mwanangu zvinoita kuti timuti mutambi mukuru? Tsigira mhinduro yako zvizere. [25] Mubvunzo 11 wakadzokazve wakafanana nemubvunzo watakabatsira vadzidzi waiti: Ndezvipi zvinhu zvisere zvinoitika murungano Tambaoga Mwanangu zvinoratidza mararamiro echinyakare? Tsigira zvizere. [25] Mibvunzo yese iyi yakanga yakapihwa mhinduro dzaienderana nezvaidiwa.


Oceanwaves inovaka vana

$
0
0

. . . nekuvadzidzisa mabasa emawoko

Malven Mugadzikwa

CHIKORO cheOceanwaves Junior Private School, icho chiri kuRydle Ridge Park, muHarare, chiri kusimudzira zvidzidzo zvemabasa emawoko akaita sekurima nedonzvo rekuti vana vakwanise kuzoita mabhindauko anovapa raramo mune remangwana.Mukuru wechikoro ichi, Mai Lilian Mandeya, vanoti chishuwo chavo ndechekuumba vana vanozozvitira mabasa avo mune remangwana uye kubura nyanzvi dzinogona kushandisa michina yechimanje-manje.

“Mukudzidzisa vana vedu, takanyanya kunangana nekuda kuumba hwaro hwakanaka hwekuti mune ramangwana vakwanise kuzviitira mabasa avo kwete kuti vatambure nekutsvaga mabasa. Vanofanira kuva ivo vanopa vamwe mabasa.

“Nyika yedu yeZimbabwe ine upfumi hwakanyanya munyaya dzekurima uye ndipo pane hwaro hwayo. Nekuda kweizvi, tinoda kudzidzisa vana vedu kuti kubata badza hakusi kudzvanyirirwa asi kuti kugadzira upfumi hwenyika neramangwana,” vanodaro.

Mai Mandeya vanoti chikoro chavo vari kuchivandudza nemutowo wechizvino-zvino, izvo zvinoita kuti vana vadzidzire pakanaka.

“Chikoro chedu chine vadzidzisi vakadzidziswa basa zvakakwana uye tinotenda muchitendero chechiKiristu. Zvakare, tine mitauro yatinodzidzisa pano inosanganisira Shona, Ndebele neFrench. Mutauro weFrench tinoitira kuti vana vakazoenda kunoshandira kunyika dzinotaurwa mutauro uyu,” vanodaro.

Mai Mandeya vanotizve makombiyuta epachikoro chavo anodzidzwa nevana ndeemhando yepamusoro, erudzi rweApple, kuitira kuti vafambirane nenguva.

“Zvikoro zvishomanene kana makambani makuru chaiwo anoshandisa rudzi rwemakombiyuta urwu. Izvi tiri kuitira kuti vana vafambirane nenguva. Chikoro chedu chinokoshesawo mitambo yose,” vanodaro Mai Mandeya.

Oceanwaves Private Junior School yakavhurwa muna Ndira gore rino.

Mbizi Govt Sec yavhurwa

$
0
0

Muchaneta Chimuka

CHIKORO cheMbizi Government Secondary School, chiri kuHighfield, muHarare, icho chakavakwa senzira yekuremekedza mutungamiri wenyika President Mugabe, chakaparurwa zviri pamutemo nomusi weChipiri svondo rino. Chikoro ichi chiri kutarisirwa kuzotora vana veForm 1 mumwedzi waNdira 2017.Vakafanobata chigaro chemukuru wechikoro ichi, VaGardiner Chipo Chikoore, vanoti chikoro ichi chichatanga nevazidzi 120 veForm 1 gore rinouya.

“Tichatanga nevana 120 veForm 1 uye dzimwe dzimba dzichafundirwa zvidzidzo zvemabasa emawoko,” vanodaro.

Pachikoro cheMbizi Primary School ndipo pakadzidza President Mugabe kare.

Vachitaura pachiitiko ichi, gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari Dr Lazarus Dokora, avo vainge vakamiririrwa nemutevedzeri wavo, Professor Paul Mavima, vanoti vanotenda zvikuru mabasa makuru ari kuitwa neHurumende mukusimudzira dzidzo. “Chikoro ichi chave chechi13 mudunhu reHighglen, saka tinozvitenda. Mbizi Secondary School yakavakwa nemari yemitero iyo yakaunganidzwa neHurumende (Public Sector Investiment Project) zvinova zvinoita kuti chive nemusiyano nezvimwe zvikoro izvo tinowanza kuvakirwa nevatsigiri vekunze.

“Rutsigiro rwekunze rwakanaka asi handi nguva dzose dzatinofanira kungomirira kupihwa nekuti pamwe pacho tinofanira kushava pachedu tichizvivakirawo senzira yekusimudzira dzidzo,” vanodaro Dr Dokora.

Vanoti kana zvekushandisa zvikawanikwa, Hurumende ine tarisiro yekuvaka zvimwe zvikoro gumi nezvinomwe munzvimbo dzakasiyana, kusanganisira idzo dzakagariswa vanhu patsva.

“Tinoda kuti varairidzi vave vanhu vakafunda pamwe nekuva nehunyanzvi hwekufundisa muzvidzidzo zvakaita sesainzi, mabasa emawoko sekuveza, kubika nekusona. Varairidzi vanofanira kuitiswa misangano yavanodzidziswa hunyanzvi uhwu uye marabhoritari emuzvikoro anofanira kuva nezvekushandisa zvakakwana.

“Kana vana vakafundira mabasa emawoko zvinovabatsira mune ramangwana ravo,” vanodaro.

Cde Dokora vanoti panguva iyo vana vachaenda pazororo, vanofanira kuwana mukana wekuzorodza pfungwa kwete kuti vangoramba vachingodzidza pasina zororo.

“Chikoro chino chichiri kuda ruzhowa nedzimwe dzimba dzekudzidzira. Mugore ra2017 bazi redu richaparura gwaro idzva redzidzo richatangira paForm 1, 3 ne5 muzvikoro zvose zvesekondari.

“Kupuraimari, tichatanga neECD A, Grade 1, Grade 3 neGrade 5. Varairidzi vemagwaro aya vakatotangisa kudzidziswa pamusoro pegwaro idzva redzidzo iri uye vakatogadzirira. Gwaro idzva iri rakananga kufundisa vana zvetsika nekuva nehunhu (Unhu/Ubuntu) asi richibatwa nembariro shanu dzinoti nyaya dzemitemo yenyika, kufundiswa kwevarairidzi kuti vave nemadigirii, kusimudzirwa kwevarairidzi mubasa, zvinotarisirwa kuitwa nevarairidzi, kusimudzirwa munyaya dzezvivakwa uye nyaya dzetsvakurudzo nebudiriro,” vanodaro.

Kutokonya pfungwa

$
0
0

Ticha Danga—

BVUNZO rakauya tikarinyora rikapfuura. Zvatakakohwa tava kuzviziva. Chatamirira kuwana nzvimbo muzvikoro zvepamusoro zvatinoda kuburikidza nekukohwa kwatakaita.Kumusoro uko kune nhoroondo inotangira kwatakabva. Zuro redu ndiro rinovaka nhasi redu uye nhasi redu ndiro rinovaka remangwana redu. Remangwana redu kuti ritinakire zvinoreva kuti kwatabva kwakarurama uye patiri nhasi pakaswatuka zvakare.

Tinoda kutarisa kubva tichizvarwa kusvika patave iye zvino, kuti tairarama sei mupfgungwa dzedu. Kuti tiburitse kukura kwataita makare mupfungwa dzedu tinoda kutora pfungwa dzakaburitswa mutsvagiridzo dzebasa guru rakaitwa nemurume ainzi Piaget. Piaget murume akadzidza zvikuru zvidzidzo zvakanangana nepfungwa dzevanhu uye muyarukiro wadzo.

Piaget uyu akarwara kare mugore ra1896 achizoshaya mugore ra1980. Chinondinakidza ndechekuti nhoroondo yemurume uyu inotanga pakarwiswa vachena kokutanga navatema muno dakara patakazotora kuzvitonga kuzere muna 1980.

Nyaya yatinayo inyaya inoburitsa pachena zvinoitika mukuyaruka kwedu izvo zvinokonzera kuti titange tiri pamagwaro epasi tichikwira. Piaget anoti pfungwa dzemunhu dzinoyaruka dzichipfuura nemumapoka mana kana kuti zvidanho zvina. Akaburitsa pfungwa yakakosha yekuti mwana ane zvaanoita padanho rega rega zvichienderana nezera. Mwana wese anopfuura nematanho aya zvakafanana.

Danho rekutanga rekukura kwepfungwa ndere vana vane makore anobvira pakuzvarwa kusvika pamakore maviri (0-2yrs). Vana vanenge vari pachidanho chinonzi pachirungu (sensorimotor stage).

Padanho iri zvinhu zvese zvitsva kumwana. Haana munhu anomudzidzisa kuti achiyamwa. Padanho iri mitezo inofamba kwete nekuti azvifunga asi kuti zvinongoitika zvega. Chinonyanyoshanda apa ipfungwa shanu dzatakapihwa naMwari kuti tibate, tinzwe, tione, tinzwe nerurimi uye kunzwa asi tisingatange tafunga nezvazvo. Achizvarwa, mwana anenge asina ruzivo nemusoro asi kuti anongoerekana aisa chigunwe mukanwa rambei ongojaira.

Zvimwe zvinoitwa nevana pazera iri zvinodzokorodzwa nekuti zvanakidza sekurovera komichi pasi. Mwana anonakidzwa neruzha rwabuda obva atya. Kudzokorodza chiitiko ichochi, kwete kuti anga achiziva kuti ndizvo zvanga zvichifanirwa, hazvirevi kuti mwana iyeye akangwara asi kuti zvaitika zvega.

Panopera danho iri rekubva pakuzvarwa kusvika pamakore maviri, mwana anotarisirwa kushanda nezvakamukomberedza. Anotarisirwa kugona kubva pane imwe nzvimbo achienda pane imwe. Anotarisirwazve kunge ogona kubata zvinhu nemaoko ake ese kana kuti kuteedzera vamwe. Ipapo anotarisirwa kutaura nekuita zvinhu zvapinda mumusoro make.

Piaget anoti danho repiri nderevana vezera remakore maviri kusvika pamakore manomwe (2-7 years). MuchiRungu inonzi (pre-operational stage). Iri danho ndiro revana vaya vasati vagona kubatanidza kufunga kwakaswatuka neumboo huripo. Kungwara kwemwana kunobuda mumutauro.

Vana vanenge vachitora zvinhu zvakavakomberedza kana mifananidzo yavanoona sezvinhu zvechokwadi (semiotic function). Mwana akaona chiumbwa chemota (toy car) anofunga kuti imota chaiyo. Akabata chidhori anotoona kunge akabata munhu chaiye.

Pazera irori vana vanenge vaine chidakadaka chekuda kunzwisisa nekudaro vanobvunzurudza netwumwe tusina maturo. Danho irori rinokoshesa huraramo hune mhuka mukati huchinge ndiwo chaiwo. Vana vanotofunga kuti mhuka dzinotaura. Vana vanototaura nyaya dzana tsuro nagudo kunge dzechokwadi nekunzwa zvadzainzi dzinotaura uye nekuita. Danho iri rinoenderera mberi muchikamu chinoteera.

CHISHONA CHAKANAKA

$
0
0

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: kwayedza@zimpapers.co.zw kana patrick.shamba@zimpapers.co.zw. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.* * *
MHINDURO DZESVONDO RAPERA:
Sungawirirano:
Zadzisa nezwi rakakodzera.
1. Mago (akamuruma)
2. Miti (yakaoma)
3. Huni (hobvu)
4. Hondo (huru)
5. Jira (dema)
* * *
ZVAKABVA KUVANA:
Richard Gunanga, Birchenough Bridge anopindura tsumo — 1. zingizi gonyera pamwe maruwa enyika haaperi; 2. yatsika dope yanwa; 3. wakurumidza kumedza kutsenga uchada; 4. totenda maruva tadya chakata; 5. rega zvipore akabva mukutsva
* * *
0774 615 795 — Tsumo: 1. haaperi; 2. yamwa; 3. kuchada; 4. chakata; 5. murutsva
* * *
Lucia Madzivire, Bindura — 1. akuruma; 2. yakaoma; 3. hobvu; 4. huru; 5. dema
* * *
0716 605 735 — nhamba 5 mhinduro inoti mukutsa.
* * *
0775 181 801 — 1. Akuruma nzeve ndewako; 2. chinomhara; 3. vakutye; 4. kamwe; 5. mutsubvu
* * *
Tafara Masvaure, Grade 5, St Werburguh’s — 1. haaperi; 2. yanwa; 3. uchada; 4. chakata/shakata; 5. mukutsva
* * *
Dorothy Manake, Form 2, Kutama Secondary School, Zvimba — 1. haaperi; 2. yanwa; 3. uchada; 4. chakata; 5. mukutsva
* * *
Tatenda, Manyame Park — 1. haapere; 2. yanwa; 3. uchada; 4 chakata; 5. mukutsva
* * *
0779 447 157 — 1. haperi; 2. yanwa; 3. uchada; 4. chakata; 5. mukutsva
* * *
Kuda Mugogo — 1. Haaperi; 2. yanwa; 3. kuchada; 4. chakata; 5. mukutsva
* * *
Anesu Jackson, Bindura — 1. haapere; 2. yanwa; 3. uchada; 4. chakata; 5. mukutsva
* * *
Sasha Fundira — 1. haapere; 2. yanwa; 3. kuchada; 4. chakata; 5. mukutsva
* * *
Trinity Banda, Grade 2 Reda, Rainham Primary, Dzivarasekwa Extension, Harare — 1. akakuruma; 2 yakaoma; 3. hobvu;
◆ Endai kuPeji 16

O-LEVEL — KEREKE INOFA :Zvidzidzo zvirimo

$
0
0

Munyaradzi Gunduza—

7. Nyora zvidzidzo zvisere zveupenyu zvawakawana mumutambo Kereke Inofa uchitsigira nezvinoitika mumutambo uyu. [25]

Chidzidzo chekutanga chandakawana muna Kereke Inofa ndechekuti rina manyanga hariputirwe mumushunje.

Izvi zvinojekeswa naPastor Mwenje vakanga vachiedza kuvanza pamuviri pavakapa Sarah nekuenda naye kuUK asi zvinozobuda pachena kuna Zebra murume waSarah naMary mudzimai wavo, pavanoonekwa vari muchipatara cheWest End naSarah abatsirwa nemwana.

Muna Kereke Inofa ndakadzidza kuti n’anga haizvirape. Izvi ndakazviwana kuna Pastor Mwenje vakanga vachinamatira vamwe vanhu vaida mbereko vachidziwana asi vaitadza kunamatira mudzimai wavo Mary kuti abatewo pamuviri sezvo ainetseka nekushaya mbereko.

Chimwe chidzidzo chandakawana mubhuku Kereke Inofa ndechekuti ukarera imbwa nemukaka mangwana inofuma yokuruma.

Chidzidzo ichi chinozadziswa naSarah akanga achisiiwa naMary pamba pake achimubatsira basa repamusha ozopihwawo mari.

Kumagumo azvo Mary anozorwadziwa aputsirwa imba naSarah akanga apihwa mwana nemurume wake, Pastor Mwenje.

Imwe dzidzo yandakawana muna Kereke Inofa ndeyekuti pafesibhuku hapadi kuitwa shamwari dzakawanda. Dzidzo iyi inoburitswa naBeauty paanenge achirayira hanzvadzi yake, Charles kuti fesibhuku inonyanya kuda kungwarirwa nekusaita shamwari dzakawanda nekuti dzimwe dzacho dzinozopedzisira dzamufurira.

Nyaya iri mubhuku Kereke Inofa yakandidzidzisa kuti ruchiva rwakaipa. Izvi ndakazvidzidza kuna Susan akaita ruchiva rwemari yechikomba chaBeauty chainzi Dance.

Anotanga kudanana naDance muchivande asi mhedziso yacho anozoguma atapurirwa chirwere cheshuramatongo.

Muna Kereke Inofa ndakadzidza zvakare kuti handifanire kudzingirira tsuro mbiri panguva imwe chete. Chidzidzo ichi chinozadziswa naBeauty akanga achiita zvechikoro kuUZ asi achiitazve zvekudanana nevarume vevanhu sezvaaiita naDance.

Izvi zvinoita kuti azoguma atapurirwa chirwere cheshuramatongo.

Mumutambo unonzi Kereke Inofa ndakawana chidzidzo chekuti chinamato chinoda mwoyo murefu.

Izvi zvinojekeswa kuburikidza naZebra akanga asina kutsungirira pakunamata kwaaiita kuchechi yeRevelations zvinoita kuti paanogumburwa naPastor Mwenje vapa mudzimai wake Sarah mwana, anobva apanduka ndokutanga kunwa doro zvekuraradza.

Kubva mubhuku rinonzi Kereke Inofa ndakadzidza kuti handifanire kutambira shamwari dzandisingazive pafesibhuku.

Izvi ndakazvidzidza kuna Beauty paanenge achidzidzisa hanzvadzi yake Charles, kuti arege kutambira shamwari dzaasingazive pafesibhuku nekuti dzinozoguma dzamupinza muzvikwata zvisina kururama zvakafanana nezvehusatani.

NB: Donongodza zvidzidzo zvekupanga mazano zvatinowana mumutambo Kereke Inofa.

* Mubvunzo uyu wakafanana neuri pamusoro (7) asi changosiyana chete mazwi ashandiswa pakubvunza zvidzidzo zvinowanikwa mubhuku.

 

Nhare: 0772 610 360 Email: munyagunduza@gmail.com

 

Viewing all 921 articles
Browse latest View live


<script src="https://jsc.adskeeper.com/r/s/rssing.com.1596347.js" async> </script>