Quantcast
Channel: Denhe Reruzivo – Kwayedza
Viewing all articles
Browse latest Browse all 921

‘Vana ngavadzidze mabasa emawoko’

$
0
0

Daphne Machiri —
MUKURU wedzidzo kudunhu reMashonaland West, VaSylvester Mashayamombe, vanoti zvakakosha kuti vana vechikoro vapihwe mazano pamusoro pemabasa avanogona kuita kana vapedza fundo zvichienderana nezvipo zvavo.

Vakataura mashoko aya svondo rapera pachikoro cheMsengezi High School, kwaZvimba, pavaiparura zviri pamutemo chirongwa chekupa vana mazano emabasa avanogona kuita mune remangwana, cheCarrier Guidance Day.

“Tinokurudzira vechidiki kuti vadzidzire mabasa emawoko uye tichitsigira chirongwa cheZim-Asset nekuti mabasa aya anobatsira mukuvandudzwa kweupfumi hwenyika,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Vechidiki ndivo vatungamiri vemangwana naizvozvo zvakakosha kuti tivatsigire nekuvaumba.

“Donzvo reCarrier Guidance Day ndere kuvandudza mazano ayo anosimudzira vana vechikoro mune remangwana zvinova zvichavandudza upfumi hwenyika.”

Vanoti vana vanofanirwa kukurudzirwa zvakare kuita zvidzidzo zveScience Technology Engineering neMathematics (STEM). “Zvidzidzo zveSTEM zvinofanira kukurudzirwa nekuti zvinoenderana nemabasa emawoko. Donzvo redu nderekuti vana vechikoro vasawanikwa vachigara pavanopedza zvidzidzo,” vanodaro VaMashayamombe.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, mukuru wechikoro cheMsengezi High, VaGeorge Rambanapasi, vanoti zvidzidzo zvemabasa emawoko zvakakosha kuvana vechikoro.

“Vana vanofanirwa kuziva mabasa emawoko vachiri kuyaruka nekudaro vanofanirwa kusimudzirwa matarenda avo,” vanodaro VaRambanepasi.

Pachikoro apa panochengetwa zvipfuyo zvinosanganisira mombe uye vana vepo vanorima zvirimwa zvakaita sechibage nematomatisi, izvo zvinotengeswa mari yacho ichishandiswa mukuchisumudzira.


Viewing all articles
Browse latest Browse all 921

Trending Articles


Tsumo dzinoreva zvakafanana


PRONOCHOKANT


CHISHONA CHAKANAKA


Kudetemba nezvidavado


Dzimwe nzira dzekuroorana


PRONOCHOKANT


PRONOCHOKANT


PRONOCHOKANT


PRONOCHOKANT


CHISHONA CHAKANAKA


PRONOCHOKANT


CHISHONA CHAKANAKA


CHISHONA CHAKANAKA


Zviwanikwa zvezimbabwe


Vana vakadzidziswa mabasa


PRONOCHOKANT


PRONOCHOKANT


PRONOCHOKANT


Midziyo yemumba


CHISHONA CHAKANAKA