Quantcast
Channel: Denhe Reruzivo – Kwayedza
Viewing all articles
Browse latest Browse all 921

Speciss College: Shasha pazvidzidzo zvemawoko

$
0
0

Muchaneta Chimuka —
SPECISS College iri kusimukira zvikuru munyaya dzefundo kuburikidza nezvidzidzo zvemabasa emawoko izvo zvinofambirana nechirongwa cheHurumende chekuvandudza upfumi, cheZim-Asset.

Kwayedza nguva pfupi yadarika yakakurukura naVaJohn Chinzvende vanova director of studies – business – pakoreji iyi avo vanoti chinangwa chavo ndechekupa vadzidzi fundo inovawanisa pundutso mune ramangwana.

“KuTechnical School tine zvidzidzo zvakadai sezvekugadzira mota, kugadzira mafiriji, magetsi, zvekufambiswa kwemashoko, kuveza, kukanya zvidhinha, kuweredha, kupenda nekuchengetedzwa kwemidziyo,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Tine zvakare mimwe mibato yemawoko apo tinofundisa mabasa ekusona mbatya dzakasiyana sedzemichato, mabiko, kugadzirisa nyaya dzerunako uye kugadzira nzvimbo dzinoitirwa mitambo kuti dzinge dzichiyevedza.”

VaChinzvende vanoti makoreji eSpeciss akatekeshera nenyika yose.

“Tinofundisa zvakare nyaya dzekufambiswa kwakanaka kwemabhizimusi, nyaya dzekushanya nekushambadza, mitauro yakasiyana, kuchengetedza mari nezvimwe zvakawanda.

“Pamusoro peizvi, tine zvidzidzo zveO- neA-Level apo vadzidzi vanouya kuchikoro masikati uye tine mamwe makirasi emanheru neenguva dzepazororo nekuti kudzidza hakuperi.

“Tinofundisa zvidzidzo zvinofambirana nechirongwa cheHurumende cheSTEM apo vadzidzi vanotsvunha masvomhu, sainzi nechiRungu zvisina tsvete,” vanodaro.


Viewing all articles
Browse latest Browse all 921

Trending Articles


CHISHONA CHAKANAKA


PRONOCHOKANT


CHISHONA CHAKANAKA


Kudetemba nezvidavado


Dzimwe nzira dzekuroorana


PRONOCHOKANT


PRONOCHOKANT


PRONOCHOKANT


PRONOCHOKANT


CHISHONA CHAKANAKA


Tsumo dzinoreva zvakafanana


PRONOCHOKANT


CHISHONA CHAKANAKA


Zviwanikwa zvezimbabwe


Vana vakadzidziswa mabasa


PRONOCHOKANT


PRONOCHOKANT


PRONOCHOKANT


Midziyo yemumba


CHISHONA CHAKANAKA



<script src="https://jsc.adskeeper.com/r/s/rssing.com.1596347.js" async> </script>