Quantcast
Channel: Denhe Reruzivo – Kwayedza
Viewing all 921 articles
Browse latest View live

Vodzidzisa vechidiki mabasa emawoko

$
0
0

Daphne Machiri
SANGANO rakazvimirira reOrphan Guardian Angel riri kutsigira chirongwa cheNew Curriculum kuburikidza nekudzidzisa vana vechikoro vanoshaya mabasa emawoko sekusona, kuveza nekuvaka.

Muhurukuro neKwayedza, mutungamiri wesangano iri, Mai Mollin Munyaradzi Ziwira, vanoti donzvo ravo nderekusimudzira vana vane matarenda ezvemabasa emawoko asi vasingakwanise zvekunyora nekuverengwa kwemabhuku kuti vawane chouviri mune remangwana ravo.

“Donzvo resangano redu nderekusimudzira kunyanya vanasikana. Tichashanda nezvikoro takatarisana nevana vanosiira chikoro panzira nekuda kwezvikonzero zvakaita sekushaiwa mari kana kuti vanasikana vanokasika kuita zvedzimba vasati vayaruka.

“Vakomana zvakare tiri kuvasimudzira kubudikidza nezvidzidzo zvakaita sekuvaka, kuveza nekupfuya zvipfuyo,” vanodaro Mai Ziwira.

Vanoti vakavamba sangano iri neshungu dzekubatsira vana vanotambura zvichitevera mayarukiro avakaita ivo.

“Ini ndakaita mwana ndiri zera rechidiki zvinova zvakaita kuti ndisiire chikoro panzira. Zvakare kubhadharirwa mari yechikoro dzimwe nguva kwainetsa ndichimboishaiwa. Asi nekufamba kwenguva, semumnhu aiva neshungu nechikoro, ndakakwanisa kuenderera mberi ndikapasa ndave kushanda maricho kuti ndinyore O-Level,” vanodaro Mai Ziwira.

Vanoenderera mberi vachiti, “Upenyu hwandakararama ndaiona vanasikana nevakomana vachizviriritira. Naizvozvo donzvo redu nderekuti vechidiki vasimukire upenyu hwavo, vasaita mari yekupemha asi kuti vazvishandire.

“Zvakare, takatarisana neavo vechidiki vari kurarama neutachiona hweHIV, vanofanirwa kuti vakwanise kuwana mari yekuendawo kuzvipatara pamwe nekutenga mishonga,” vanodaro Mai Ziwira.

Vanoti pari zvino vari kudzidzisa vana vepaMabvuku High School, muHarare, mabasa emawoko sekusona newelding.

“Tiri kuda kubata mabasa emawoko sekubika chingwa nekuvaka takanyanya kutarisana nemazera ekubva pamakore 16 okuberekwa kusvika pamakore 22,” vanodaro Mai Ziwira. Vanoti rimwe donzvo rechirongwa chavo nderekuderedza kutorwa kwezvinodhaka nevechidiki pamwe nekupinda munyaya dzepabonde vasati vabva zera.

Zvakadai, mukuru wechikoro cheMabvuku High, VaJosiah Mbirimi, vanoti chirongwa cheNew Curriculum chakanaka zvikuru.

“New Curriculum inoda kutsigirwa nekuti iri kubatsira kana takatarisana nezvidzidzo zvemabasa emawoko izvo zvinobatsira vanenge vapedza chikoro sezvo vachizowana pekubata,” vanodaro VaMbirimi .


$800 000 yemayunivhesiti nemakoreji

$
0
0

Tandayi Motsi
HURUMENDE yakapa $800 000 kumayunivhesiti nemakoreji akasiyana emunyika muno kuti ange achiita tsvakurudzo pamwe nekuvaka mizinda (innovation hubs) yezvigadzirwa zvinosanganisira zvesainzi nedonzvo rekusimudzira chikamu chezvemichina.

Mashoko aya akataurwa nguva pfupi yadarika negurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kwemichina, Professor Amon Murwira, mudare reNational Assembly. Prof Murwira vaipindura mubvunzo wemumiriri weProportional Representation muHarare, Cde Jeniffer Nomsa Mhlanga.

Cde Mhlanga vaida kuziva kana mayunivhesiti nemakoreji emuno aine zvaari kugadzira zvinosimudzira budiriro yenyika kuburikidza nezvidzidzo zvesainzi.

“Nyika inoda kuziva kuti zvikoro zvedu zvepamusoro zvine magwaro here ezvinhu zvazvinenge zvatanga kugadzira (patents)? Kana zvichinge zvinazvo, vane zvipi?

Prof Murwira vanoti bazi ravo rine bandiko rinoona nezvekusimudzirwa kwezvidzidzo zvesainzi reScience and Technology.

“Bandiko iri riri kushanda siku nesikati mukusimudzira zvidzidzo zvesainzi. Takatanga chirongwa chekuvaka mizinda yezvigadzirwa kumayunivhesiti akasiyana nedonzvo rekusimbaradza chikamu chesainzi nekuvandudzwa kwemichina munyika,” vanodaro.

Prof Murwira vanoti vari kutanga kuita chirongwa ichi kumayunivhesiti nemakoreji ari kumativi mana enyika.

“Tiri kutanga nemizinda iyi yema’innovation hubs’ mitanhatu kuUniversity of Zimbabwe, National University of Science and Technology, Harare Institute of Technology, Midlands State University neChinhoyi University of Technology.

“Basa remizinda iri nderekuti vadzidzi vashandise hunyanzvi hwavanenge vadzidza mukugadzira zvakasiyana kuitira kusimudzira maindasitiri. Uku ndiko kunozoitwa basa rekuzivisa anenge atanga kugadzira chimwe chinhu (patenting). Takatopa mari inosvika $800 000 yekutangisa basa iri,” vanodaro Prof Murwira.

Zvakadai, mumiriri weZaka Central mudare iri, Cde Paradzai Chakona, vanoti vanoda kuziva zviri kuitwa nebazi iri mukuchengetedza basa rezvigadzirwa zvemayunivhesiti nemakoreji kuti ruzivo rwacho rwusabiwe.

“Kune mamwe mayunivhesiti ari kutogadzira zvakaita semafuta anozorwa nevanhu vanorarama nehusope ekutanda zuva. Chii chiri kuitwa kuitira kuti basa ravo ringe richichengetedzwa?”

Prof Murwira vanoti bazi ravo riri kukurudzira mayunivhesiti nemakoreji kuti ange achinyoresa zvigadzirwa zvavo zviri pamutemo.

“Tiri kukurudzira mayunivhesiti edu ose kuti anyorese zvigadzirwa zvavo. Tiri kuziva zvakawanda zvavakagadzira. Zvatiri kutaura ndezvekuti mizinda yezvigadzirwa iyi iripo uye pane gwara rinofanira kutevedzwa,” vanodaro.

 

‘Tinoda maticha eEcd 15 000’

$
0
0

Tandayi Motsi
GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima, vanoti Zimbabwe inoda varaidzi vanosvika 15 000 veEarly Childhood Development (ECD) kuitira kuti vakwanirane nehuwandu hwevana.

Vakataura mashoko aya nguva pfupi yadarika mudare reSenate apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weMasvingo, Senator Misheck Marava.

Sen Marava vaida kuziva matanho ari kutorwa neHurumende mukupinza mabasa varairidzi vakadzidzira basa vari kubva kumakoreji nemayunivhesiti.

“Mutemo unoti kudii maererano nekupinzwa basa kwevakapedza zvidzidzo zvehurairidzi kumakoreji nemayunivhesiti nekuti tiri kuona vakawanda vavo vachingombeya mumigwagwa?” vanodaro.

Prof Mavima vanoti varairidzi vari kunyanya kudiwa pari zvino ndeveECD.

“Ndinovimba bazi redu rakazivisa kuti tinoda varairidzi 15 000 veECD kuti tinge tichishanda zvakanaka. Tinodawo vashoma padanho repasi reGrade 3 kusvika 7 iro tine varairidzi vakati shomekei.

“Kuzvikoro zvesekondari, tinoda varairidzi vezvidzidzo zvakaita seScience, Physics, Mathematics uye Biology neChemistry zvine varairidzi vangangoringana.

“Asi kana pari panyaya yeEDC, munoziva kuti gurukota rehomwe yenyika pavakatura hurongwa hwebhajeti renyika regore rino vakati Hurumende haina mari pari zvino nekudaro hatikwanise kunge tichitora varairidzi vatsva. Pamusoro pezvo, hapanai vamwe vanhu vari kupinzwa basa muHurumende pari zvino,” vanodaro.

Prof Mavima vanoenderera mberi vachiti, “Patiri kukwanisa kutora varairidzi pari zvino ndeapo patinenge tichitsiva vanenge vasiya basa, vaenda pamudyandigere kana kuti pane anenge afa. Tinotorawo zvakare varairidzi vanenge vachidiwa zvakanyanya seveMathematics, Physics nevezvidzidzo zveSainzi.

“Ndinoda kuti dare rino rizive kuti isu tinongotaura huwandu hwematicha atinenge tichida asi bazi rehomwe yenyika ndiro rinozopa mvumo yekuti tichivatora uye kupinzwa kwavo basa kunoitwa nePublic Service Commission.”

Sen Marava vanobvunza zvakare kuti ko vamwe varairidzi vari kutsvaga basa vakaita seveEnglish vangaitawo sei sezvo vachida kurarama?

Prof Mavima vanoti iri idambudziko rakatarisana nenyika yose rekushaikwa kwemabasa.

“Aya ndiwo mamiriro ezvinhu, kune vadzidzi vakawanda vari kupedza fundo yavo vasiri kukwanisa kuwana mabasa. Senyika, tinofanira kutsigira zviri kuitwa nemutungamiriri wenyika President (Mnangagwa) mukuvandudza upfumi hwenyika kuitira kuti pakave neshanduko munyaya dzeupfumi, tinokwanisa kupinza varairidzi mabasa.

“Mamiriro ezvinhu aya ari kubatawo vakapedza zvidzidzo zvehukoti avo vasiri kukwanisa kupinzwa mabasa,” vanodaro Prof Mavima. Vanoti imwe nzira yekupedza dambudziko iri kutarisa zviri kuitwa nedzimwe nyika dzine vanhu vakawanda vakadzidzira mabasa seCuba.

“Nyika idzi dzinotaura nevamwe pasi rose uko dzinokwanisa kuendesa vakadzidzira mabasa akasiyana avo vanenge vasina kukwanisa kuwana basa munyika mavo. Isu tiri kubatsirikana senyika kuburikidza nemachiremba anobva kuCuba, kana muchizvirangarira Cuba iri kutumira madhokotera ayo kunyika dziri pasi rose,” vanodaro Prof Mavima.

Mubairo weruchiva

$
0
0
  1. BURITSA kusawirirana kwakasiyana-siyana kunokonzerwa neruchiva kubva mumutambo Kereke Inofa. [25]

Ruchiva rwunokonzera bopoto riri pakati paMary naSarah. Tinozviona kuna Mary anenge achipopotera Sarah vari kuMarimba Park nekuti akanga adanana nemurume wake Pastor Mwenje zvichikonzerwa neruchiva rwakaita kuti vazotadza kuzvibata kubva pamazuva aaimusiya kumba kwake achiti agomubatsira basa repamba.

Ruchiva rwunokonzera kurwa kwaSusan naBeauty. Izvi zvinoonekwa pavanorwa zuva raipembererwa imba itsva yaZebra kuGlen View 7, vari mumupanda wavairara. Vairwira Dance chikomba chaBeauty chaakanga atorerwa namainini vake, Susan. Chakapa kudaro ndechekuti Susan akanga achiva mari zhinji yaiva naDance ndokutanga kudanana naye muchivande.

Ruchiva rwunoita kuti Pastor Mwenje vachemedzwe naMary aivavimbisa kuuraya kereke yavo. Izvi zvinojekeswa Mary paanoudza Pastor Mwenje kuti aida kunozivisa vepepanhau reH-Metro nereKwayedza kuti vashambadze nezvekusazvibata kwavo kwaikonzerwa neruchiva rwunoita kuti vazopa mwana kunhengo yemukereke mavo, Sarah.

Mufundisi Mwenje vanotanga kuchema vachiuchira kuna Mary nekumukumbira ruregerero vachiti asaita zvinhu izvi nekuti zvaizoputsa kereke yavo asi airamba kuvateerera.

Ruchiva rwunokonzera kusanzwanana kwaMary nachiremba Ayub Kanu nezvenyaya yenhumbu yaSarah. Tinozviona Pastor Mwenje pavanoronga zano nachiremba Kanu kuti vanyepere mudzimai wavo, Mary kuti Sarah akanga asina pamuviri. Izvi zvinoita kuti chiremba vatadze kuwirirana naMary pavanoti Sarah haana nhumbu asi achiiona nekuti yakanga yakura zvekutoda kuzvarwa.

Izvi zvakakonzerwa neruchiva rwaPastor Mwenje vakadanana naSarah nhengo yemukereke yavo ndokumupa nhumbu yavakanga voedza kuvanzira Mary.

Ruchiva rwunoita kuti Rose atadze kuwirirana nezvaiitwa naPeter Chimumumu aida kubatsira Zebra kutonga nyaya yaSarah akanga apiwa mwana wekunze kwemusha naPastor Mwenje. Zvinoonekwa zuva ratongwa nyaya yaSarah naPastor Mwenje vakanga vaita ruchiva ndokupanana mwana wekunze kwemusha. Peter aibatsira Zebra kutonga nyaya iyi anozoguma ave kutukwa naRose mukoma waSarah achinzi haaive nekodzero yekupindira paukama hwavo sezvo aive mutorwa. Izvi zvinoita kuti azoshatirwa nemashoko aRose ekuti zvimumumu zvava kutaurawo ndokubuda mumba maZebra asina kuoneka.

Ruchiva rwunokonzera kukikiritsana kwamukoti Lydia naZebra. Izvi zvinoonekwa Sarah paanenge ari muchipatara cheWest End abatsirwa nemwana waakanga apiwa naPastor Mwenje murudo rwechivande. Anokumbira mukoti Lydia kuti vadzivise vanhu vese vaida kupindamo vachimuona sezvo aive ava kutya kuti chokwadi chaizobuda pachena kumurume wake, Zebra naMary mudzimai waPastor Mwenje. Izvi zvinoita kuti Zebra paanosvika pachipatara ichi achida kuona Sarah aive muWadhi X1950 azotanga kurambidzwa namukoti Lydia vokikiritsana kusvika Zebra azopindamo zvechisimba.

Ruchiva rwunoita kuti Beauty asaremekedza amainini vake, Susan. Izvi tinozviona Beauty naSusan pavanenge vari muchipatara cheWest End vaenda kunoona Sarah. Vanenge vasiri kuwirirana nenyaya yekuti Susan akanga aita ruchiva nemari yaDance, chikomba chaBeauty, mwana wemukoma wake, Sarah. Beauty paanozozvibata kuti Susan naDance vakanga vachidanana muchivande, anopedzisira asingacharemekedzi Susan ave kumupopotera nekumushevedza nezita.

Mazita anotumidzwa vanhu nezvavanoita

$
0
0

Ticha Danga
MUKUUNDA kwatiri kuita gura redu, regai timbotsveyamisa gejo kuitira mabhan’a ayo atingasiya mukuedza kwedu kunamatidza mavhinga ese kuti zviti tsvete tsvete pagoshaya kana panosaririra.

Munda wakarimwa pachisiiwa mabhan’a sora haritani kukura kuti rigozodzipa goho redu.

KuchiShona chedu hakudi kuti tirambe takati takarasima nechinhu chimwe chete tichikanganwa zvimwe.

Tinofanirwa kubata mativi ose dzamara gandiwa redu rarimwa rose.

Tinoda kumbobata nyaya dzemazita anodaidzwa nawo vanhu kubudikidza nezvavari uye zvavanozivikanwa nazvo muupenyu.

Vanhu vanoita zvakasiyana muupenyu uye vanhu vakaumbwa zvakasiyana naMwari nekudaro mazita atinopiwa anosiyanawo zvichingoenderana nezvatiri.

Ndingatanga nemuenzaniso wemunhu anoita basa rekutaura mamiriro ekunze muzuva rinenge richitevera. Tinoona pazvivhitivhiti munhu achitaura mamiriro ekunze kumativi mana ese enyika. Munhu uyu anonzi chimhepo.

Kune vanhu vanotiza munyika mavo vachienda kunyika dzakasununguka nekuda kwehondo. Vanosvika vachipiwa pavanochengetedzwa vachidaidzwa kuti vapoteri. Kana akapambwa pahondo achibva kune imwe nyika anonzi nhapwa kana kuti chibochwa

Kunoitawo vamwe vakadzi vakasvinukisa vanoti vakaroorwa nemurume wavanogara naye ivo votizira kune umwezve murume vasina kugura muchato. Mukadzi iyeye anonzi tsvingu kana kuti tsvingudzi.

Vamwe vakadzi zvekare havagoni kumira negumbo rimwe chete zvekuti vanokonzeresa kuti varume vavarwire nekuti vanenge vasanganiswa pamutanda mumwe. Ivava vanodaidzwa kunzi mhesvamikono kana kuti rwise.

Musikana uya akurisa apfuura zera rake rekunge aroorwa anonzi tsikombi kana kuti chipingemusha. Varikowo varume vanokura kupfuura pazera rekunge varoora avo vanonzi tsvimborume.

Mwanakomana anotanga kuzvarwa mumba anonzi dangwe vamwe vachiti nevanji. Nevanji zvakare zvinoreva mwana wamambo.

Mukuwasha kana muroora anotanga kupinda mumusha anonzi nhangaruvanze. Murume asingabereki anonzi ngomwa, tsore kana han’a asi kana ari mukadzi anongonzi ngomwa.

Vanhu vanonemerwa mazita kubudikidza nemavakirwo avo. Rume rine zimhumhu guru uye riine simba rinodaidzwa kunzi mbuswe kana kuti hwitakwi.

Rinodaidzwa zvakare kunzi hamburamakaka kana kuti ngangara.

Kunowanikwawo mamwe mazirume akangoti vhuvhuva kuita mazirema chaiwo.  Ndivo vaya vanonzi zvituta kana shwete dzevarume. Vanonzi zvakare mbwatama, zvipukupuku kana kuti mbarara.Kunowanikwawo vaya vanongoda kutora zvisizvavo vasingaonekwi. Idzi imbavha chaidzo. Mbavha dzekuvhomora zvinhu muhomwe dzevanhu dzinonzi mvangamakomwe.

Vamwe vanonemerwa mazita nekuda kwemabasa avanoita sekuti munhu anobika doro anonzi mubvuwi. Munhu uya anobatsira n’anga mumabasa ayo ekurapa anonzi makumbi. N’anga yechikadzi inonzi nyahana.

Mukomana anonyengetedza musikana kuti amude anonzi dzvetsvi kana kuti mupfimbi. Anodaidzwa zvakare kunzi mukonzi kana mugadzi. Uya anenge apfimbwa nemukomana akamuda anonzi hwanzvo.

Munhu anogonesesa kurapa anonzi hombahomba kana kuti godobori. Kune vamwe vanhu vanosvikirwa nemhondoro avo vanodaidzwa kunzi svikiro kana kuti vanekane. Tine vana ambuya vakura vanobatsira vanhu kuzvara kana kusungunuka vana.

Vanonzi vana nyamukuta.

Kunyora mazita zvakanaka

$
0
0

Madham Chiks kuCHIVHU
MASVONDO apera takataura nezvekupatsanurwa kwezviito pakunyora kunoita vana, tichiti chiito chingava chakareba sei, hachipatsanurwi kuita mashoko maviri.

Nyaya yokupatsanura mazita inoshungurudza vana sezvainongoita vakuru.

Vanoshambadza vaya nerurimi rwedu, zvinenge zvakanaka kuti musati madhindisa zvinyorwa zvenyu mombotanga maongororawo manyorerwo anenge akaitwa mazita nezviito nekuti kune zvimwe zvinyorwa zvinotonyadzisa kuverenga.

Mutemo waunofanira kuzvipa semunyori wezvinyorwa zveShona zviri pamazera ese ndewekuti zita kunyange rirebe sei, haripatsanurwi. Vana vazhinji vane dambudziko rekuti akangoona sekuti zita rarebesa, anobva atanga kugura-gura zita riya. Mienzaniso yemazita akarebesesa ndeinotevera;

Pakuramunhumashokoanowanda,

Mupurwamupurwaanofambaegausikungaatetenwe, Mugadzirisavanodakuganhirazvisizvavongavafe.

Mazita ari pamusoro mazita atinosangana nawo nenguva dziri kure. Pane mazita anogara achivhiringa vana zvikuru avanosangana nawo nguva zhinji akaita seanotevera;

Mwanakomana kwete mwana komana

Munhukadzi kwete munhu kadzi

Tafirenyika kwete Tafire nyika

Chisodzimate kwete chisodzi mate

Mbwazukuru kwete mbwa zukuru

[Mienzaniso yese yandinoshandisa ndinoiwana mumabhuku evana vandinodzidzisa].

Pamazita ipapo pane zvimwe zvinoshungurudza vana zvakaita

  1. sezviwedzerwa zvezvirevamwene sekuti, yababa kwete ya baba
  2. Zviwedzerwa zvezvindori sekuti ndisekuru kwete ndi sekuru,
  3. Zviwedzerwa zvedudzirachiito sekuti nevana kwete ne vana.

Vana ngavazive kuti zviwedzerwa zvese izvi hazvinyorwi zvakasiyana nezita razvinofanira kubatana naro.

Chekupedzisira chinonetsa vana panyaya yamazita zvinhamatidzwa. Zvinhamatidzwa zvimavara zvatinosendekedza kana kunamira kokupedzisira kwemashoko kana mazita zvakaita sana -wo, -zve, -ba, -ko, -su.

Zvinamatidzwa zvinofanira kubatana nezita kana izwi rinenge razvitangira semuenzaniso; maivo\wo, babazve, handidiba, upiko.

Vana havafaniri kuparadzanisa chinhamatidzwa neshoko kana izwi sezvavanonyora vachiita sekuti handidi ba, amai vo, upi ko.

Tinopedzisira nyaya iyi tichiti hatina mukana wokufema kana tichitaura zita naizvozvo hatina mukana wokugura-gura zita kana tichirinyora. Vana zivai kuti matauriro atinoita ndiwo manyorero atinoita. Ukanzwa kuti wataura mashoko matatu ndiwo manyorero aunofanira kuita.

Basa rekuita:

  1. Vabereki danirai vana mazita vachinyora pasi kunyanya mazita akareba.
  2. Vana ngavanyore tundima twezvavanongoda vabereki muchitarisa kuti patsanuro nebatanidzo yakamira sei.

 

Chinyorwa chino chabva kumudzidzisi weShona pachimwe chikoro chiri kuChivhu. Varairidzi makasununguka kudzidzisa vana nekutumira zvidzidzo zvenyu paWhatsApp inoti 0775 218 248 kana email inoti patrick.shamba@zimpapers.co.zw

 

ziva

$
0
0

MHINDURO yemufananidzo wesvondo rapera ndeinoti ziso rezizi.

Hedzinoi dzimwe dzemhinduro dzakabva kuvamwe vaverengi:

Gondo – G. Tsandukwa.

Tsenzi – George Tapererwa, Karoi.

Zizi – Juliet Bernard, Zinyengere, Epworth.

Zizi – Blessing Musimudziwa, Kwekwe.

Zizi – Gaineth Zariro, Mkoba 5 Gweru.

Shumba – Kapisa, Highlands

Zizi – Kapisa, Highlands.

Gora – 0777 091 594.

Zizi – Rosey Sambani NK Baby, Chi-town.

Zizi – Prudence Mugorogodi, Southlea Primary.

Zizi – Divine Mugorogodi, Southlea Primary.

Zizi – Ray Mugorogodi, Southlea Primary.

Zizi – Enock Mahobho, Kariba.

Tsuro – 0772 776 165.

Chapungu – B. Mutsvanzva, Domboshava.

Tsuro – 0735 107 414, Mary Hlekiso, Lobengula, Byo.

Zizi – Innocent Tuhwe, Mumbijo Primary School, Buhera.

Ishumba – Tafireyi Gerry Tee, Dangamvura, Mutare.

Zizi – Bezel, Kuwadzana Phase 3.

Zizi – Treasure Snr Maurukira, Kariba.

Zizi – Sulu Rocks, Chi-town

Zizi – R. Sibanda, Mkoba, Gweru.

Zizi – Lonah Mushurwa, Epworth.

Zizi – Tongai, Smart Centre, Chi-town.

Zizi – Raphel Kavande, Karoi.

Zizi – Mugove Musengi, Harare.

Rukodzi – Tendai Jnr, St Philips Mbonje Primary.

Shumba – Wenyu Gogo, Glen Norah VK.

Zizi – Susan Masvodza, Warren Park, Harare.

Zizi – R. Sibanda, Mkoba, Gweru.

Zizi – Givemore Marecha, Mutoko.

Zizi – Edmore Ali, Epworth, Harare.

Zizi – Nyarai Rondozai, Mufakose.

Zizi – Ronald Wallace, Rukuma Sec School, Mhondoro-Mubaira

Zizi – Milca Maponde, Dangamvura, Mutare.

Zizi – Prichard Siyayi, Mkoba 12, Gweru.

Zizi – Simba Tapfuma, Byo.

Kondo – Blessing Makono, Glendale.

Zizi – R. Humbasha Mukanya, Unit M Seke, Chitungwiza.

Gwenhure – Nyadawa Padenje, Uzumba.

Zizi – Aaron Chimbo, Friday Chizungu, Epworth.

Tsuro – Nyasha Mabure, Epworth.

Gondo – Munyame Mashava Baba Petronella, Tsvairai Village, Ndanga Zaka.

Zizi – S. Store k/5, Harare.

Gondo – Steuwart Manyepo, 12016 Kuwadzana Extension, Harare

Zizi – 0775 692 759.

Zizi –Keith L. Muchabaiwa, G.V 8.

Zizi – Knowledge, Kafuridzo.

Zizi – Lister Nyahuku, Mtanda Primary School, Mutare.

Zizi – Soma, Epaton Park.

Zizi – Lamion Chauta, Ushewekunze.

Kodzi – Chief Muvengwa, Highfield, Harare.

Zizi – Tadiwanashe Mkaka, Southlea Park.

Rukodzi – Tichaona Sigauke, Watakai Primary School, Concession.

Zizi – Tatenda Nyamuswa, Nyatsime, Chi-town.

Gondo – Multi Mankind Buddha, Chi-town.

Gondo – Chenai Maporisa Matches, Chi-town.

Gondo – Chakachena Matches, Chi-town.

Zizi – Vongai Hillary Masuka, Zengeza 2 High School.

Izizi – Mutemera, Tafara.

Zizi – Mambondiani, 30 Milez.

Zizi – Brandon Munyikwa, Hopley.

Zizi – Lazarus Gombera, Kambuzuma.

Nzou – Phillimon Munouya, Rusike Phase 3, Marondera.

Owl – Mike Ngirazi, Domboshava Caves.

Zizi – Michael Madembo, Beatrice.

Zizi – ‘Chief’ Svosve, Epworth, Harare.

Gondo – Alex Chiswa, Munamba, Murewa.

Zizi – Panga pa11miles.

Zizi – Stephen Ngirazi, Mungate, Domboshava.

Zizi – James Kaduku, Chitungwiza.

Zizi – Jimy Sande, Firhill Farm, Trelawney.

Hungwe – K. Takaendesa, MK 6, Gweru.

Zizi – Delight Kanyongo, Tsoka.

Gwarimutondo – Diva Dasi Kabhachi, Gotora Village, Nyamweda, Mhondoro.

Gondo – Fortunate Takundwa, Kaguhwe Nyamweda, Mhondoro.

Zizi – Blaine Manatsa, Etina Sec School, Kadoma.

Zizi – Nokuthula wekuTasimukira.

Zizi – Joyce Kuchekenya, Glen View.

Zizi – Mudhara Gonyeti, Emerald West, Headlands.

Zizi – Gilford Nhokodi, Form 1, Chivi.

Shumba – Munyaradzi Kushamba Matsvitsi, Murombedzi, Zvimba.

Zizi – Kumbirai Tarutira, Glenlorne.

Chihuta – Mike Mikairi (Mickyman).

Zizi. – Elias Chipi ETC, 0778 641 219.

Zizi – Crispen Mukombero, Chi-town.

Chapungu – Talent Tembo, Chikambi Primary, Zvimba.

Gondo – Norman Makopa, Zvishavane.

Zizi – Mai Ruva, Mrewa.

Zizi – Mind Mupariwa, Maseko, Epworth.

Zizi – Marvellous Mupariwa, Maseko, Epworth.

Zizi – Cleopatra Mupariwa, Maseko, Epworth.

Zizi – Ruth Mawire, Maseko, Epworth.

Zizi – Mind Tafara Mupariwa, Maseko, Epworth.

Zizi – Mashoko Chikuku Chidyamakono, Dhumhe Village.

Zizi – K. Joni, Kuwadzana Primary, Banket.

Hurekure – Rodrick Mambara Marn Rodza, 23 Mkoba 13, Gweru.

Hurekure – Mai Monalisa, MK 13, Gweru.

Zizi – Mai Linda, Lobengula Extension.

Zizi – Gregory Katsidzira, Jindwi, Mutare.

Mombe – Yvonne Chimombe, Kuwadzana 4.

Zizi – Rumbidzai, Mutare apo.

Zizi – Veronica Roben, Karoi.

Zizi – Smart Chanetsa, Firhill Eastes, Trelawney.

Gondo – Nyashadzamwari, Kawere, Mutoko.

Zizi – Darlington Mupudzi, Kuwadza 3, Harare.

Mhovani – Mai Goro, Nyanga Mangondoza.

Zizi – Talent Chikonye, Greystone Park, Grade 6, Greystone Park School.

Zizi – Tatenda Mabhande, Mount Darwin.

Zizi – Blessed Tsvimbo, Domboshawa. Grade 6, Sally Mugabe.

Zizi – Leon Tsvimbo, Sally Mugabe Heights,Grade 5 Greystone Park School.

Zizi – Yeukai Mabhande, Rushinga.

Zizi – Tafadzwa Manejo, Crowhill.

Zizi – Kimberly Murendo, Overspill.

Zizi – Elisha Murwisa, Luxury Store Box 121, Mt Darwin.

Zizi – Rumbidzai Mutingwende, Chitungwiza.

Nhunzi – Mcdonald Kays Gandary, Chigango Primary School, Mt Darwin.

Rukodzi – Madzibaba Petros, Hauna

* * *

 

Tiudzei kuti ziso riri pamufananidzo ndere mhuka ipi?

* * *

Onai mhinduro svondo rinouya.

. Tumira mhinduro panhare dzinoti 0714 200 007.

CHISHONA CHAKANAKA

$
0
0

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: kwayedza@zimpapers.co.zw kana patrick.shamba@zimpapers.co.zw. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

* * *

MHINDURO DZESVONDO RAPERA:

Zvinhu zvakanyorwa pazasi zvine rimwe zita razvinoshevedzwa naro. Tipewo rimwe zita racho.

  1. Garwe – ngwena
  2. Mbada – ingwe
  3. Bvupa – godo/bondo
  4. Dota – rota
  5. Chibage – barwe/chibahwe

* * *

ZVAKABVA KUVANA:

0775 364 633 – 1. garwe – ngwena; 2. mbada – ingwe; 3. bvupa – godo; 4. dota – maratya; 5. chibage – magwere.

* * *

Munana Musimudziwa, Grade 6 D, Chana Primary School, Kwekwe – 1. ngwena; 2. ingwe; 3. bhonzo; 4. rufuse; 5. magwere/mabarwe.

* * *

Itai, Chavazhinji Sec, Wedza – 1. garwe – ngwena; 2. bvupa – bonzo; 3. chibage – mangwere;

* * *

Lindsay Dhaus, Parirewa Primary, Domboshava – 1. ngwena; 2. dindingwe; 3.  bondo; 4. rota; 5. magwere/mabarwe.

* * *

0777 510 956 – Matakadya kare haanyaradzi mwana.

* * *

Makanaka Gwenengwe, Friendship High School, Hatcliffe Extension – 1. bveni; 2. mabura; 3. ibwe; 4. demo; 5. hamba.

* * *

Mary Hlekiso, Lobengula, Byo – 1. ngwena; 2. ingwe; 3. bhonzo; 4. rufuse; 5. magwere.

* * *

Talent Dhambuza TDB, Earlyhood Academy, Epworth – 1. ngwena; 2. ingwe; 3. bondo; 4.  rufuse; 5. magwere.

* * *

Jealous Mzhnk – 1. ngwena; 2. dindingwe; 3. bhonzo; 4. ruvhunze – rufuse; 5. gwere.

* * *

0733 698 550 – 1. ngwena; 2. ingwe; 3. bonzo; 4. hundi; 5. magwere.

* * *

Vongai Hilary Masuka, Form 4, Zengeza 2 High – Matakadya kare haanyaradze mwana.

* * *

Prince Rutsate, Mkoba 1 High School – 1. ngwena; 2. ingwe; 4. madota; 5. magwere; 3. bhonzo;

* * *

Tatenda Mtambalika, Beatrice High, Beatrice – 1. ngwena; 2. ingwe; 3. bonzo; 4. rufus; 5. magwere.

* * *

Tatenda Mtambalika, Beatrice High, Beatrice: Chitsva chiri murutsoka.

* * *

Tatenda Nyamuswa, Nyatsime, Chi-town – 1. ngwena; 2. ingwe; 3. ropa; 4. nhota; 5. magwere

* * *

Tawananyasha Mkaka, Southlea Park – 1. garwe – ngwena; 2. mbada – dindingwe/ingwe; 3. bvupa – bondo/godo; 4. dota – rota; 5. chibage – magwere.

* * *

Britney Manatsa, Lincolin Primary School, Kadoma – Tsapata rukukwe hazvienzani nokurara pasi.

* * *

Beloved Bozho, Lincolin Primary School, Kadoma – 1. ngwena; 2. ingwe; 3. pfupa; 4. rota; 5. magwere.

* * *

Tadiwanashe Mkaka, Southlea Park – Zingizi gonyera pamwe maruva enyika haaperi.

* * *

Desire Nyambudzi – 1. ngwena; 2. ingwe; 3. bondo; 4. ivhuremoto; 5. magwere.

* * *

Yvonne Munyikwa, Grade 7, Tariro Academy, Hopley – 1. ngena; 2. dindingwe; 3. bonzo; 4. rota; 5. magwere – mabarwe.

* * *

Nokuthula, Tasimukira – Kusatenda huroyi.

* * *

  1. Chauke – Zingizi gonyera pamwe maruva enyika haapere.

* * *

Mind Tafara Mupariwa, Maseko, Epworth – 1. garwe – ngwena; 2. mbada – ingwe; 3. bvupa – bondo; 4. dota – rota; 5. chibage – magwere.

* * *

Marvellous Mupariwa, Maseko, Epworth – 1. garwe – ngwena; 2. mbada – ingwe; 3. bvupa – bondo; 4. dota – rota; 5. chibage – magwere.

* * *

Cleopatra Mupariwa, Maseko, Epworth – 1. garwe – ngwena; 2. mbada – ingwe; 3. bvupa – bondo; 4. dota – rota; 5. chibage – magwere.

* * *

Mai Linda, Lobengula Extension – 1. ngwena; 2. ingwe; 3. bhonzo; 4. rufuse; 5. magwere.

* * *

Ruth Mawire, Maseko, Epworth – 1. garwe – ngwena; 2. mbada – ingwe; 3. bvupa – bondo; 4. dota – rota. 5. chibage – magwere.

* * *

Prosper Hwaire, Mushaviri Sec School, Gutu – 1. ngwena; 2. ingwe; 3. bhonzo; 4. dota; 5. mabarwe;

* * *

Clemency Mandengu, Stoneridge Park, Waterfalls – 1. bveni; 2. madima; 3. ibwe; 4. demo; 5. ingwe.

* * *

Kwazinkosi Zhou, Vubwe High, Mberengwa – 1. ngwena; 2. dindingwe; 3. bhonzo; 4. dota; 5. magwere.

* * *

Jealous Mzhnk – Matakadya kare haanyaradzi mwana.

* * *

Mike Mikairi (Mickyman) – Matakadya kare haanyaradze mwana.

ZVEKUITA SVONDO RINO:

Mhuka kana zvinhu zvakanyorwa pazasi zvine rimwe zita razvinoshevedzwa naro. Tipewo rimwe zita racho.

  1. nariti –
  2. gandiwa –
  3. dumbu –
  4. bendekete –
  5. dundundu –

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007


Tsumo nemadimikira namukanya

$
0
0

Mhinduro yesvondo rapera:

Tipe tsumo inoenderana nekarungano aka:

GUDO akaenda nemwana wake kuHarare. Vakafamba vachiona zvinhu zvakasiyana-siyana. Mushure mekufamba kwenguva refu, Gudo akatengera mwana wake huku nemachipisi. Mwana waGudo aguta, vakapinda muzvitoro zvehembe vakatenga hembe nebhutsu zvakanaka. Gudo akati kumwana wake, “Tatenga zvinhu zvatanga tichida. Ngatichidzokera kumba.” Mwana waGudo akati, “Asi ini ndiri kuda chidhori.” Gudo akati, “Inga wani ndakutengera chikafu, hembe nebhutsu?” Asi mwana waGudo akabva atanga kuchema zvekuti vanhu vakatanga kuungana. Gudo akadzidza kuti vana vanoramba vachida zvinhu zvakawanda nyangwe vambowana zvimwe.

 

. Tsumo yacho: Matakadya kare haanyaradze mwana.

* * *

Svondo rino:

Tipe tsumo inoenderana nekarungano aka:

GUDO akanga atambura nenhamo nekuti mhuri yake yakanga yakura kwazvo. Rimwe zuva akaona Tsuro achibva kuHarare akagukuchira mapasuru emhuri yake.

Gudo akakumbira kuti Tsuro agoendawo naye kuHarare. Mushure metumazuva, Tsuro akaenda naGudo kuHarare. KuHarare, Gudo akapinda basa rekusunda chingoro, achibva atakuriswa zvinhu zvakabiwa. Akabva asungwa. Gudo akanga ave kufunga mhuri yake kumusha achiti, dai ndakangogara zvangu kumusha. Ndizvo zvinonzi, “Kurumwa netsikidzi rambira mumba, . . .”

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Mungano zvinhu zvose zvinoitika

$
0
0

Munyaradzi Gunduza

  1. UCHITSIGIRA nengano shanu, jekesa kuti kunyange zvinhu zvinonzi hazviitiki muupenyu, mungano zvinoitika. [25]

Mungano yakanzi, Mwanansikana navabereki vake munobuda pfungwa yekuti kunyange zvinonzi hazviitiki mungano zvinoitika apo munobudiswa mukomana aikosa mukosi wake neruoko rumwe chete, rumwe ruchidya sadza paainge aenda kunotsvetsva musikana ainge asingabvumirwe kupfimbwa navabereki vake. Pfungwa iyi inozadziswa apo tinonzwa kuti mukomana akazowana musikana uyu aishanda neruoko rumwe chete zvinova zvisingakwanisiki muupenyu kuti munhu agone kukosa mukosi neruoko rumwe chete.

Mungano umu munobuda zvakare pfungwa yekusatendeseka kwengano apo vabereki vemusikana vakakwanisa kubvuma kuti mukomana uyu aikwanisa kutakura tsime pamwe nemunda waamai vake achishandisa tambo yaainge achikosa iyi.

Vasikana navakomana shumba ingano inobudisa pachena zvakare kuti mungano zvinhu zvinonzi hazviitiki zvinogoneka. Mungano iyi mune vasikana vana vanowanikwa navakomana vana vaipota vachishanduka kuita shumba.

Kushanduka kunoita vakomana ava vachiita shumba pamwe nekudzoka kuita vanhu zvakare zvinobudisa pfungwa yokuti mungano chinhu chose chinogona kuitika.

Zvakare mungano imwe chete iyoyo munobudawo vasikana vekuroorwa navakomana vaipinduka ava vachizotakurwa munhava nekahanzvadzi kavo kadiki vave kudzokera kumusha vachitiza kudyiwa navakomana vavo vaipinduka kuita shumba.

Kupinduka kunoita vakomana ava vachiita shumba pamwe chete nekutakurwa kunoitwa vasikana ava munhava nekahanzvadzi kavo zvinobudisa pachena kuti mungano kunyange zvinhu zvinonzi hazviitiki zvinoitika.

Muteyi wemaduwo nomukadzi wake ingano inobudisa kuti chinhu chose chinogona kuitika. Mungano iyi mune mudzimai aive nemurume wake aibata hove nemaduwo, asi hove dzake aienda nadzo kumba dzadyiwa kwasara misoro chete.

Mukadzi akashupika nemurume aiuya nehove dzisina musoro akazokumbira murume kuti vaende vose kurwizi kunotsvaga chaidya hove dzavo chichisiya misoro.

Vakazoenda vose vakaona kuti igarwe raidya hove mukadzi akaudza garwe kuti rimudzosere hove dzemurume wake.

Garwe rinokwanisa kutaurirana nemunhu pamwe chete nekutakura mukadzi uye mumvura zvinova zvinhu zvisingaitike muupenyu, asi apa zvinoitika.

Tsuro anokwanisawo kutaura nemurume nemukadzi vaye pamwe nekuzopunyutsa mukadzi munjodzi yekudyiwa negarwe.

Izvi zvinobudisa kuti mungano chinhu chose chinogona kuitika.

Mungano Chinyamapezi munobuda zvakare pfungwa yekuti zvinhu zvose mungano zvinogona kuitika. Mungano iyi mune mukomana anonzi Chinyamapezi uyo aive nemuviri une mavanga emhezi anoshingirira kurumwa nenyuchi achikwira mumuti izvo zvinoita kuti akwanise kuroora mwana wamambo.

Chinyamapezi haanzwi marwadzo okurumwa nenyuchi, asi anoramba akashinga kusvikira akwanisa kusvika paive nemwana wamambo izvo zvakaita kuti agone kuroora mwana wamambo. Kutadza kunzwa marwadzo ekurumwa nenyuchi uku kunobudisa kuti mungano zvinhu zvose zvinogona kuitika sezvo muupenyu chaihwo munhu achinzwa kurwadziwa kana arumwa nenyuchi.

Cherechedzo: Mudzidzi akasununguka kusarudza chero dzimwe ngano kubva mubhuku iri dzinoita kuti agone kupindura mubvunzo uno zvakanaka sezvo iyi mhinduro ichingova munongedzo chete.

Rodza pfungwa

$
0
0

Munyaradzi Gunduza
MUBHUKU rinonzi Kereke Inofa wakadzidza zvakawanda maererano nezvemapindurirwo emibvunzo nemhinduro dzinotarisirwa. Zvino chipfuurirawo mberi nekupindura mibvunzo yakapihwa pazasi.

Cherechedzo; hurefu hwemhinduro hauna basa asi chinokosha kupa mhinduro inopindura mubvunzo wabvunzwa.

  1. Ndeapi matambudziko anosangana nevanhu vari kuenda mhiri kwemakungwa anoburitswa muna Kereke Inofa? Tsigira zvizere. [25]
  2. Gift Mwenje ndiye honzeri yematambudziko anowira vatambi vari muna Kereke Inofa. Tsigira pfungwa iyi nezvinhu zvishanu zvaanoita. [25]
  3. Kuenda kwaSarah naPastor Mwenje kuUK kunosundidzira sei rongetedzo yenyaya iri muna Kereke Inofa? Tsigira mhinduro yako zvizere. [25]
  4. Ndezvipi zvinoitika muna Kereke Inofa zvinoratidza kuti mutambo uyu wakanangana nezviri kuitika muupenyu hwemazuva ano? Tsigira zvizere. [25]
  5. Buritsa matambudziko anowira vanhukadzi muna Kereke Inofa. [25]
  6. Ndezvipi zviitiko zvisere zvaungati ndizvo zvinoita kuti mutambo uri muna Kereke Inofa ufambire mberi sezvawakaita? Tsigira zvizere. [25]
  7. Ndezvipi zvinhu zvisere zvinotendeseka mumutambo Kereke Inofa? Tsigira mhinduro yako zvizere. [25]

Tsumo nengano namukanya

$
0
0

Mhinduro yesvondo rapera:

Tipe tsumo inoenderana nekarungano aka:

GUDO akanga atambura nenhamo nekuti mhuri yake yakanga yakura kwazvo. Rimwe zuva akaona Tsuro achibva kuHarare akagukuchira mapasuru emhuri yake. Gudo akakumbira kuti Tsuro agoendawo naye kuHarare. Mushure metumazuva, Tsuro akaenda naGudo kuHarare. KuHarare, Gudo akapinda basa rekusunda chingoro, achibva atakuriswa zvinhu zvakabiwa.

Akabva asungwa. Gudo akanga ave kufunga mhuri yake kumusha achiti, dai ndakangogara zvangu kumusha. Ndizvo zvinonzi, “Kurumwa netsikidzi rambira mumba, . . .”

 

. Tsumo yacho: Kurumwa netsikidzi rambira mumba, chitete chinopinza mune chikobvu.

* * *

Svondo rino:

Tipe tsumo inoenderana nekarungano aka:

PANGUVA yesarudzo, Tsuro akaudza vanhu kuti, “Ndiri mwana wenyu. Ndiri kukumbirawo mavhoti enyu. Kana mukandivhotera, ndichakuitirai zvinhu zvizhinji kwazvo. Ndichapedza hurombo, ndichakuvakirai zvitoro zvine mabhawa nekukuisirai makombi mumigwagwa yenyu.

Ndichakuisirai WhatsApp nekupa madzimai ese wivhi.” Vamwe vakafara, asi vamwe vakati “Mufarirei zvenyu Tsuro uyu, asi isu tinomuziva, tinotenda azviita.”

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

ziva

$
0
0

MHINDURO yemufananidzo wesvondo rapera ndeinoti ziso regarwe.

Hedzinoi dzimwe dzemhinduro dzakabva kuvamwe vaverengi:

Rwaivhi – Mai Saviour Tanatswa Mupariwa, Maseko, Epworth.

Rwaivhi – Marvellous Mupariwa, Maseko, Epworth.

Rwaivhi – Cleopatra Mupariwa, Maseko, Epworth.

Rwaivhi – Know-by Ruvengo, Highfield, Harare.

Garwe – Fanuel Ngirishi, Chi-town.

Datya – Gaineth Zariro, Mkoba 5, Gweru.

Rwaivhi – Kingston Joni, Kuwadzana Primary, Banket.

Rwaivhi – Ronald Joni, 1994 Phase 2 Kiaora, Banket.

Rwaivhi – Mike Mikairi (Mickyman).

Garwe – Dickson Mapa.

Garwe – Trymore Kambanje, Gutu.

Rwaivhi – Mai Nicky, Hunters Road.

Dafi – Mashoko Chikuku Chidyamakono, Dhumhe Village, Chivi.

Gumukumu – George Gumborezenda, Magunje.

Garwe – 0785 608 369.

Garwe – W. Luthuli, Kwekwe.

Rwaivhi – Colleta Gondo, Hanters, Kwekwe.

Rwaivhi – Esther Kamuriwo, Rushinga B/C.

Rwaivhi – Mary Hlekiso, Lobengula, Byo.

Dindingwe – Nyashadzamwari Kawere, Mutoko.

Rwaivhi – Advance, Mufakose.

Rwaivhi – Mai Max Carlos, Mutoko.

Nyoka – Moreblessing Teguru, Chihota.

Nyoka – Samantha Teguru, Mahusekwa.

Chimupurwa – Godfrey M, Westgate.

Rwaivhi – Prichard Siyayi, Mkoba 12, Gweru.

Rwaivhi – Rodrick Mambara, Marn Rodza 23, MK 13, Gweru.

Garwe – Oliver Pearson, Rusape.

Rwaivhi – Colleta Gondo, Hanters, Kwekwe.

Katsi – Kramiyoji, Domboshava.

Garwe – 0773 979 071.

Rwaivhi – Benlodge Mushandu.

Rwaivhi – Eugine Mushandu.

Rwaivhi – Benlodge Mushandu.

Bere – Stephen Ngirazi, Domboshava.

Rwaivhi – Tinevimbo, Ngundu, Masvingo.

Rwaivhi – 0773 225 047.

Garwe – Calisto Gwidzima, Mutare.

Rwaivhi – Raphael Madhanda, Magamba, Hwedza.

Rwaivhi – Eddie mutengesi, Harare.

Rwaivhi – Emmanuel Davidison.

Rwaivhi – Smart Wale, Kajokoto, Mt Darwin.

Rwaivhi – Gilmore Mutero, Kuwadzana 4.

Rwaivhi – Evermore Chikerema, Kuwadzana 4.

Rwaivhi – Mai Evermore, Kuwadzana 3.

Katsi – B. Mutsvanzva, Domboshava.

Garwe – Ketiwina Longwane, Gweru.

Rwaivhi – T. Majindwi, Harare.

shato – Britney Manatsa, Lincolin Primary School, Kadoma.

Rwaivhi – Mai Linda, Lobengula Extension, Bulawayo.

Garwe – Ruth Mvere, Goromonzi.

Rwaivhi – Natasha Mushandu, Form 1, Domboramwari Secondary School, Epworth.

Seso – Taurai Chindondondo.

Garwe – Sulu Rocks, Speed, Chi-town.

Ngwena – T-one Snr, Chi-town.

Rwaivhi – R. Humbasha Mukanya, Unit M Seke, Chitungwiza.

Mupurwa – Mukanya R. H. 0773 910 025.

Nyoka – Godfrey Kapepa, Tynwald.

Garwe – Nzwanai Jani, Harare.

Rwaivhi – Joyce Kuchekenya, Glen View.

Garwe – 0713 629 973.

Burwa – Innocent Tuhwe, Mumbijo Primary School, Buhera.

Zizi – Madalitso Chingaipe, Masvingo.

Rwaivhe – 0712 595 594.

Garwe – Lamion Chiuta, Takaz, Ushewekunze.

Dindingwe – Nyashadzamwari, Kawere, Mutoko.

Rwaivi – Prichard Siyayi, Mkoba 12, Gweru.

Rwaivhi – Rodrick Mambara Marn Rodza, 23 MK 13, Gweru.

Garwe – S. Store k/5.

Garwe – 0772 604 290.

Rwaivhi – Shayne T. Renard, Unit O, Chitungwiza.

Rwaivhi – Shallon Ropafadzo Renard, Unit O, Chitungwiza.

Rwaivhi – Wellington Renard, Unit O, Chitungwiza.

Rwaivhi – Alice Chivhere, Unit O, Chitungwiza.

Rwaivhi – Faith Pipiro Muyambo, Unit N, Zvido Zvevanhu, Chi-town.

Rwaivhi – Panashe Kwezeya, Kuhudzai Primary School, Dora Pindo, Mutare.

Rwaivhi – Anotidaishe Muyambo, Unit N, Chi-town.

Datya – Simba Tapfuma, Byo.

Irwaibvi – Chief Muvengwa, Highfield, Harare.

Rwaivhi – Ronald Wallace, Rukuma Sec School, Mhondoro-Mubaira.

Dzetse – Baba Brend Pal, Chi-town.

Garwe – Steuwart Manyepo, 12016 Kuwadzana Extension, Harare.

Rwaivhi – Tawananyasha Sekani, Norton 2 Primary, Norton.

Rwaivhi – Franco 3B, Siyaso Magaba, Mbare.

Rwaivhi – Rui Culambandeo, Chi-town.

Rwaivhi – James Kaduku, Chitungwiza.

Zizi – O. Chamboko, Rukunguhwe School, Murewa.

Garwe – Kudzai Mutingwende, Chitungwiza.

Garwe – Crispen Mukombero, Chi-town.

Garwe – Nyasha Fuzani, Harare.

Garwe – T. M Mpofu, Gokwe.

Garwe – 0779 679 780.

Garwe – Simbarashe Chapunga, Kariba.

Rwaivhi – Andrew Makaza, Highfield, Harare.

Bere – Nyamudahondo, Waterfalls.

Dafi – Mashoko Chikuku Chidyamakono, Dhumhe Village, Chivi.

Datya – Tinashe Chinomwe.

Rwaivhi – Caro pa11mills.

Rwaivhi – Steven Chamusingarevi, St Noah College, Marange.

Rwaivhi – Tatenda Mtambalika, Beatrice.

Rwaivhi – Andrew Ndoro, Zengeza Chitungwiza.

Rwaivhi – Mukwawaya Matida, SK, Mutare.

Garwe – 0778 766 714.

Rwaivhi – Tadiwa Mapiye, Kadoma

Nyoka – Licious Zivikwa, Village 11 Tokwane, Ngundu.

Garwe/ngwena – Mbuya Kunashe, Rusike, Marondera.

Datya – Talent Chikonye, Crowhill.

Datya – Tafadzwa Manejo, Crowhill.

Datya – Tatenda Mabhande, Mt Darwin.

Datya – Yeukai Mabhande, Mt Darwin.

Datya – Munashe Mabhande, Greystone Park.

Zizi – Gilbert Chitiyo, Budiriro 5 B

Rwaivhi – Smart Chanetsa, Firhill Estates, Tralawley.

Rwavhi – Owen Sande.

Mbada – Desire Nyambudzi.

Rwavhi – Allian Mugana Mandeya.

Mbada – Foreman Mahlaulo, Marungu Township, Gokwe.

Rwaihvi – From Mai Maushe.

Garwe – George Gumbo, Magunje.

Garwe – 0783 238 927.

Nyoka – Rumbidzai Ruzariro, Pakame High School.

Garwe – Leeroy Ziunze, Harare.

Rwaivhi – Colleta Gondo, Hanters Kwekwe.

* * *

Tiudzei kuti ziso riri pamufananidzo ndere chipuka chipi?

* * *

Onai mhinduro svondo rinouya.

. Tumira mhinduro panhare dzinoti 0714 200 007.

Ngano netsika dzaVaShona

$
0
0

Munyaradzi  Gunduza

  1. NGANO dzaivepo kuchengetedza tsika dzaVaShona, tsigira pfungwa iyi nengano shanu dzinobva mubhuku iri. [25]

Pasichigare ngano dzaivepo kuchengetedza tsika dzaVaShona, izvi zvinobuda mungano inonzi, Vasikana navakomana shumba. Mungano iyi munobuda tsika yekuroorana vamatongo. Vanasikana vana vari mungano iyi vakatadza kutevedzera tsika yekuroorana nevematongo zvikazoita kuti vade kudyiwa neshumba dzainge dzavaroora sezvo vainge varoorwa navanhu vavasingazive.

Mungano imwe chete iyi munobuda tsika yaVaShona yekupira midzimu. Izvi zvinobuda pavanasikana vakange vatiziswa nevakomana vakazopinduka kuita shumba. Vakazodzoka kumusha mushure mekunge vabereki vavo vapira midzimu kuratidza kuti VaShona vaikoshesa midzimu yavo sezvo iri iyo yaivatungamirira. Saka kupira midzimu itsika yaVaShona inoburitswa mungano iyi pasichigare.

Mungano inonzi Murume aive mvangamakomwe munobuda tsika yeVaShona yekukoshesa madzimai avamwe vanhu. VaShona vane tsumo inoti mukadzi wemumwe ndiambuya, kureva kuti haafanire kutambwa naye zvakanyanya.

Murungano urwu mune murume ainzi Gukura ainge asingakoshesi madzimai avamwe, nokudaro akazotizisa, Dambudzo mudzimai wemunhu. Akaona kuti apara mhosva ndokutiza munzvimbo iyi achisiya, Dambudzo.

Vabereki vaGukura vanozoripiswa mhou nemwana wayo nokuda kwekukanganisa kwakange kwaitwa nemwana wavo.

Kuripiswa mushure mekutora mukadzi wemunhu kunoburitsa kuti VaShona vaive netsika yekukoshesa madzimai evanhu.

Mungano imwe chete iyi munobudawo tsika yekutonga mhosva padare yaiitwa naVaShona.

Nyaya yekutora mukadzi wemunhu yainge yaitwa naGukura inotongerwa padare apo vabereki vaGukura vanobvuma mhosva yavo vobva varipiswa. Apa panobudawo tsika yaVaShona yekuripana kana munhu achinge akanganisira mumwe wake sezvo Gukura achiripiswa mhosva yekutora mukadzi wemunhu.

Mungano, Vakomana vakapfudzana pamusikana munobuda tsika yaVashona yekushandira vatezvara kunoitwa nemukuwasha. Murungano urwu, Chiwareware anonoswera achiita basa mumunda watezvara vake izvo zvinova zvaitarisirwa pachivanhu kuti mukuwasha aifanira kushandira tezvara, ndosaka VaShona vaine tsumo inoti mukuwasha muonde hauperi kudyiwa kureva kuti rubatsiro rwemukuwasha kwatezvara vake rwakange rwusina magumo.

Imwe ngano inoburitsa tsika dzaVaShona yakanzi, Mwanasikana navabereki vake. Mungano iyi munobuda tsika yekuroorana.

Mukomana aikosa mukosi neruoko rumwe ndiye akazokwanisa kuroora mwanasikana aichengerwa navabereki vake zvichiburitsa tsika yekuroorana uko kwaikosheswa zvikuru naVaShona. Mukomana wekukosa mukosi anodzokera kumba kwake kunotora sadombo namapadza okuti akwanise kurooresa mudzimai wake.

Mungano, Chikava chaipinduka chichiva munhu munobuda tsika yaVaShona yekupotera kumukuru kana munhu achinge aita mhosva.

Murungano urwu mwana, Musarurwa anowanikwa nemukomana aipinduka kuve chikava vabereki vake vasingazvizive. Paanozotiza kuchikava chiye anonopotera kwaambuya vake vaanotsanangurira zvainge zvaitika.

Ambuya ndivo vanozonozivisa vabereki vaMusarurwa vachibva vazobvuma zvavo kutambira mwana wavo kunyange ainge avakanganisira achienda nemunhu waasingazive.

Kupotera kunoita Musarurwa kunobva kwaburitsa tsika yaVaShona yekupotera kana munhu achinge aita mhosva kuitira kuti awane mumwe anomusvitsira mashoko kuvakuru.

Zvombo nemidziyo uye mabasa azvo

$
0
0

Ticha Danga
HUTSANZI hwekugadzira zvombo zvekushandisa mumabasa kuti areruke hune nhoroondo inobvira kutangwa kwakaitwa kusika moto nekuzoziva kupfura simbi kuti dzigogadzira zvombo zvakasimba kupfuura zvaigadzirwa nemiti nematombo. Izvozvo zvombo zvaigadzirwa nemiti nematombo zvaigadzirwa nehunyanzvi hwekuti zvaigona kuzoshandiswa kuita basa razvainge zvagadzirirwa.

Tingada nekutanga kuona kukosha kwetsvimbo chaiyo, iyo yaisiiwa iine musoro wekupondesa mhuka pakuvhima. Yaigadzirwa nehunyanzvi hwekuti yaisanetsa kubata nekupotsera.

Nekuda kwehunyanzvi hwaiva muvanhu vekare, vakagadzira chine musungo nekawaya chichinzi chibatiswe hove vachibva vachitumidza zita rekuti chirauro kana kuti chiredzo. Kuti chiredzo chiratidze kuti pane zviri kuitika mumvura, vakabva vagadzira inonzi nheme iyo inova kamuti kane buri rinopfuura nekashinda kakasungirirwa chiredzo. Nheme iyi inokwanisa kuny’ura chete kana chirauro chadhonzwa zvine simba zvichiratidza kuti pane chabatwa.

Nemhaka yekuziva kuti kudya kwaibva mukuvhima nekuunganidza michero, zvombo zvizhinji zvavakagadzira zvaive zvakanangana nekuvhima. Vakagadzira chetsanga chakarukwa nemiti chinobatiswa hove huru uye dzakawanda chinonzi duwo. Ruzivo rwakaramba rwuchikura kusvika vanhu vafunga kugadzira mapfumo nemiseve izvo vaizokanda kubaya mhuka dzainge dzotiza. Vakabudirira mukugadzira mapfumo ayo aibaiswa mitumba yemhuka dzakaita senhoro nedzimwe.

Mhuka dzimwe diki dzakagadzirirwawo zvombo zvadzo zvokubaiswa nazvo izvo zvakatumidzwa kunzi mhayo kana kuti kandye. Mhayo kana kuti kandye zvaishandiswa kubaya nhindiri nesema.

Dzimwe mhuka dzainetsa kudzingirira dzamara varuka zano rekugadzira musungo kana dhibhura. Dhibhura raigadzirwa nemisungo yaisungirirwa mugwara rinofamba nemhuka.

Mushure mekuona kuti dzimwe mhuka dzaive nesimba rekudambura musungo kana dhibhura, vakabva vagadzira chinonzi chizarira. Chizarira chaivakwa namapango apo mhuka dzaivharirwa imomo kana dzapinda dzamara vavhimi vasvika kuzodziuraira imomo.

Havana kupererwa nemazano zvakare apo vakabva vagadzira hunza. Hunza inocherwa pasi, poiswa twumiti netwuuswa twushoma pamusoro zvekuti mhuka dzikatsika dzinowira dzobva dzatadza kubuda kusvika vavhimi vauya namapfumo kuzouraya dzawira dziya.

Nyaya yekuvhima yakaramba ichipfungaaira mumisoro yevanhu kusvika pakugadzira gidi kana kuti chibhamu panova ndipo pakazobva kugadzirwa kwepfuti dzotoona mazuva ano.

Shiriwo dzakagadzirirwa ugombe uyo waiva musungo wekudziteyesa nawo. Nemhaka yekuda kuzocheka nyama nezvimwe zvakadaro, vanhu vakagadzira mapanga airodzwa namatombo. Mapanga aisanyatsocheka dzamara vakazogadzira mhesvi idzo dzaipinzisisa kupfuura mapanga.

Nyaya yekugadzira chekupfeka yakaita kuti matehwe ade kubatanidzwa nekusonanidzwa nekudaro vakagadzira chekusonesa nacho matehwe chinonzi mutsunda. Nanhasi vanosona butsu vanoshandisa mitsunda.

Mushure megoho ruzivo rwamasaga namatura rwakauisa kagadzirwa kwedumbo iro rinoshandiswa kusona masaga anenge azadzwa negoho. Dumbo rakatanga richigadzirwa memiti asi iye zvino rava kugadzirwa nesimbi.

Kubva mukugadzira dumbo ndimo makauya pfungwa yekugadzira tsingano kana kuti tsono. Tsono, tsingano kana kuti nariti zvakatanga kusoneswa hembe uye nanhasi tiri kungodzishandisa.

Ruzivo rwakaramba rwuchikura dzamara vanhu vazosangana nenhavhaya kana kuti chisvo izvo vaishandisa kutemesa nyora.  Ndidzo reza dzangoti tekeshe pasi rose.

Hazvina kugumira ipapo kusvika pakuti pakagadzirwa svumbunuro dzekuvharisa dzimba idzo dzototi kiyi mazuva ano.


‘Varairidzi zivai makombiyuta’

$
0
0

Daphne Machiri
VARAIRIDZI vanokurudzirwa kuti vafambirane nenguva kuburikidza nekuvandudza mabasa avo neruzivo rwechizvino-zvino rwakadai sekushandiswa kwemakombiyuta.

Kurudziro iyi yakaitwa nemukuru wedzidzo kuManicaland, VaEdward Shumba, vachiti zvakosha kuti varairidzi vave neruzivo rwakadzama rwemakombiyuta.

Vanoti murairidzi wose anofanira kunge aine gwaro raanotevedza paanenge achidzidzisa vana reScheme Cum Plan.

“Tinokurudzira kuti varairidzi vashandisewo makombiyuta mukunyora maScheme Cum Plan avo inova nzira yekusimudzira kushandiswa kwemakombiyuta takanangana neruzivo rwechimanje manje,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Mudzidzisi wese anofanirwa kudzidzisa achitevedza gwaro iri uye Scheme Cum Plan inofanirwa kufambirana nenguva, kunyanya takatarisana nechirongwa cheNew Curriculum.

“Hatitarisire kuti vadzidzisi vashandise gwaro reScheme Cum Plan remakore ekare kare kana ekune dzimwe nyika ekutora padandemutande.”

VaShumba vanoti panoshanyira maDistrict Schools Inspector muzvikoro, vanenge vachida kuona kuti varairidzi vari kudzidzisa vana vachitevedzera zvavanenge vakanyora mumaScheme Cum Plan avo here.

“Kana tave kutumira maDistrict Schools Inspector (DSI) muzvikoro kuti vanoongorora mashandiro anenge achiita varairidzi, mumwe nemumwe anofanirwa kunge akarongeka achitevedza zviri muScheme Cum Plan yake,” vanodaro.

Zvichakadai, kune vamwe varairidzi vari kuchema-chema vachiti vakuru vezvikoro zvavo vari kuvati vanofanira kunyora maScheme Cum Plan avo mumabhuku vachishandisa mawoko.

Mumwe murairidzi wepane chimwe chikoro chiri kuChipinge anoti mukuru wepachikoro chavo akavaudza kuti haadi maScheme Cum Plan anenge akataipwa nekombiyuta asi akanyorwa neruwoko.

“Chokwadi munguva ino yeruzivo rwechino-zvino ndipo powonzwa mumwe mukuru wechikoro achiti anoda maScheme Cum Plan akanyorwa nemawoko? Hakusi kuda kutidzosera kumashure here uku kunguva yeStone Age vanhu vachiri kupfeka nhembe?

“Chakakosha ndechekuti zvauri kudzidzisa vana zviri kuenderana here nezviri muScheme Plan yako kwete kuti hanzi inyore nemawoko,” anodaro mudzidzisi uyu.

— Zviwanikwa zveZimbabwe —

$
0
0

Juliet Sharon Tom

SHATO

(Inhlato/Python)

SHATO inowanikwa muZimbabwe — iyo inodaidzwa kuti “African Rock Python” — ndiyo nyoka yakakurisa muAfrica uye imwe yenyoka huru pasi rose. Nyoka iyi haina uturu hunouraya kana ikakuruma.

Kana yakura, shato iyi inoreba mamita 3 kusvika 3,5 asi kune dzimwe dzinodarika zvekusvika pamamita 4. University of Michigan inoti shato yakarebesesa ndeyakaonekwa kuIvory Coast iyo yaiva mamita 7,5m.

Shato huru inorema pakati pe40 kusvika 55kgs zvisinei nekuti dzinoita duku kana dzakawanda panzvimbo.

Shato inogona kurarama kwemakore 15.

Kana muri muZimbabwe, nyoka iyi inofarira kugara munzvimbo dzine hunyoro kana pedyo nemvura.

Shato ine muviri wakaomarara uyo une ganda rine tumakwati twemavara anoti brown, olive, chestnut neyellow kumusana nemumativi asi yochenuruka pasi.

Musoro weshato unoda kunoita sezvakaita musoro wepfumo.

Shato inokandira mazai ari pakati pe30 kusvika 100 kamwe chete ayo ane goko rakaomarara. Nyoka iyi inochengetedza mazai ayo yakaita zvekuamonera dakara achechenya mushure memazuva 90.

Pavanochengenywa, vana veshato (nzenzana) vanenge vakareba 45 kusvika 60cm uye vanochengetwa naamai vacho kwemasvondo maviri vachidya zvakaita sembeva kana shiri diki.

Asi kana shato yakura, inodya mhuka dzakaita semhara, shiri kana tsoko nemakudo.

Shato inouraya chainoda kudya nekuchimoneredza uye apo mhuka yasungwa inenge ichitambura kufema, iyo inobva yatonyanya kuisunga kusvikira yafa.

Kana dai zvazvo shato iine mazino, nyoka iyi haitsenge chainodya asi kuti inongomedza chose nekukura kwacho izvo zvinoita kuti igare panzvimbo payadyira kusvikira chayadya chazeyewa mudumbu mayo.

Shato dzinozivikanwa nekusvika mumisha nechikonzero chekuti dzinenge dzichida kubata zvipfuyo zviduku sembudzi kana huku.

MuZimbabwe, shato inyoka yakachengetedzwa nemutemo zvekuti haitenderwe kuuraiwa. Asi nechikonzero chekuti shato hadzina uturu sedzimwe nyoka, vanhu vanowanikwa vachidzibata kuti vadzishandise mune zvakasiyana semishonga yechivanhu.

Zvisinei, nyoka idzi hadzina masimba sezvinofungwa nevanhu nokudaro hadzifanirwe kubviswa munzvimbo dzadzinogara. Vanhu vanokurudzirwa kugarisana zvakanaka nezviwanikwa izvi.

Kana ukaona shato pamusha pako, usaedza kuibata kana kuirwisa asi kuti zivisa veParks and Wildlife kana mapurisa vari pedyo.

 

. Kuti muzive zvakawanda batai veZimparks Public Relations pa: 0772620178.

CHISHONA CHAKANAKA

$
0
0

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: kwayedza@zimpapers.co.zw kana patrick.shamba@zimpapers.co.zw. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

* * *

MHINDURO DZESVONDO RAPERA:

Mhuka kana zvinhu zvakanyorwa pazasi zvine rimwe zita razvinoshevedzwa naro. Tipewo rimwe zita racho.

  1. nariti – tsono
  2. gandiwa – dhunduru
  3. dumbu – mimba
  4. bendekete – bipito
  5. dundundu – chipfuva

* * *

ZVAKABVA KUVANA

Cleopatra Mupariwa, Maseko, Epworth – 1. nariti – tsono; 2. gandiwa – munda; 3. dumbu – nhumbu; 4. bendekete – mafudzi; 5. dundundu – chipfuva;

* * *

0778 198 109 – 1. tsono; 2. ganda; 3. nhumbu; 4. mapfupa; 5. chipfuva.

* * *

Mavhunga, Waterfalls – 1. bveni; 2. mabura; 3. ibwe; 4. demo; 5. chura;

* * *

Tatenda Mtambalika, Beatrice High, Beatrice – 1. tsono; 2. dhunduru/munda; 3. mimba; 4. mufudze; 5. chipfuva;

* * *

Lindsay Dhaus, Parirewa Primary, Domboshava – 1. nariti – tsono; 2. gandiwa – dhunduru; 3. dumbu – mimba; 4. bendekete – fudzi; 5. dundundu – chipfuva;

* * *

0773 476 546 – Gudo minhi rambira mubako chemudzimu chikuwane urimo.

* * *

Yvone Munyika, Tariro Academy, Hopley – 1. tsono; 2. ndima; 3. ura; 4. mafudzi; 5. chipfuva.

* * *

Evermore Chikerema, Kuwadzana 4 – Dai ndakaziva haaitungamira.

* * *

Raphael Chademwoyo, Chibwe, kuStoneridge Park – 1. nariti – tsono; 2. gandiwa – munda; 3. dumbu – ndani; 4. bendekete – mafudzi; 5. dundundu – chipfuva;

* * *

Faith Moyo Zulu (4yrs), Connemara Hanters – 1. tsono; 2. bindu; 3. ura; 4. fudzi; 5. Chifuva.

* * *

0718 513 624 – Wadziya moto wembavha.

* * *

0776 183 860 – 1. nariti – tsono; 2. gandiwa – dhunduru; 3. dumbu – mimba; 4. bendekete – fudzi; 5. dundundu – chipfuva.

* * *

Beloved Manatsa, Umback Vil, Kadoma – Dai ndakaziva haitungamire.

* * *

Sulu Rocks, Chi-town – Chinodakufa chinovingira.

* * *

0713 629 973 – Gonzo mhini gara mumhango mudzimu ukuwaniremo.

* * *

Beloved Manatsa, Lincoln Primary School, Kadoma – 1. tsono; 2. bindu; 3. ura; 4. fudzi; 5. chipfuva.

* * *

Netsai Chapita Marondera – 1. tsono; 2. kondiwa; 3. munhumbu; 4. mafudzi; 5. chipfuva;

* * *

Gift Yakobe – 1. tsono; 2. gandiwa; 3. nhumbu; 4. fudzi; 5. chifuwa.

* * *

Happy Garasha – Mudzimu wakupa chironda wati nhunzi dzikudye.

* * *

Happy Garasha – 1. tsono; 2. munda; 3. munhumbu; 4. pafudzi; 5. chipfuva;

* * *

Mary Hlekiso, Lobengula, Byo – 1. tsono 2. mugero; 3. ura; 4. pfudzi; 5. chipfuva;

* * *

ZVEKUITA SVONDO RINO:

Madimikira aya anorevei?

  1. Kumera zenze –
  2. Kuseura gotsi –
  3. Kuita tsika nditsikewo –
  4. Kugura mabvi –
  5. Kuisa maoko –

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

CHISHONA CHAKANAKA

$
0
0

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: kwayedza@zimpapers.co.zw kana patrick.shamba@zimpapers.co.zw. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

* * *

MHINDURO DZESVONDO RAPERA:

Madimikira aya anorevei?

  1. Kumera zenze – kuita manyemwe
  2. Kuseura gotsi – kunyeya munhu
  3. Kuita tsika nditsikewo – kuwirirana zvikuru
  4. Kugura mabvi – kupedza simba/kunetesa
  5. Kuisa maoko – kuombera/kukwazisa

* * *

ZVAKABVA KUVANA

Lindy – 1. kumera zenze – kuita manyawi; 2. kuseura gotsi – kureva/kunyeya; 3. kuita tsika nditsikeo – kuwirirana; 4. kugura mabvi – kupedza simba; 5. kuisa maoko – kuombera

* * *

Mike Mikairi Mickyman – Totenda maruva tadya chakata.

* * *

Providence Garufu – Murombo haarove chine nguo.

* * *

Tadsan, Gazaland – Totenda yavira hari yedemhe.

* * *

Mai Linda Lobengula Extension, Bulawayo – 1. manyenwe; 2. kunyeya; 3. kunzwanana; 4. kupererwa; 5. kubatsira.

* * *

Maxwell Manatsa, Umback Kadoma – 1. kuonererwa; 2. kunyeya; 3. kuwirirana; 4. kushamisika; 5. kumhorosa.

* * *

Beloved Manatsa – Totenda dzamwa dzaswera nebenzi.

* * *

Tendai Mukute, Grade 7, New Vision Academy, Budiriro 5B – 1. kufarisa; 2. kunyeya; 3. kuwirirana; 4. kunzwa chinhu chinokupedza simba; 5. kuombera/kuuchira

* * *

Tadiwanashe Mkaka, Southlea Park – 1. kufarisa; 2. kureva; 3. kusasiyana; 4. kuneteswa; 5. kukwazisa

* * *

  1. Chakaduka – Tinotenda yavira shambakodzi yedemhe.

* * *

Mai Saviour Tanatswa Mupariwa, Maseko, Epworth – Tinotenda maruva tadya chakata.

* * *

Netsai Chapita, Marondera – 1. kufarisa; 2. kunyeya; 3. kusasiyana; 4. kupedza simba; 5. kutenda

* * *

Yvonne Munyikwa, Tariro Academy, Hopley – 1. kufarisa; 2. kurehwa; 3. kuwirirana zvakanyanya; 4. kufambisa; 5. kuombera

* * *

Leeroy Ziunze, Warren Park High – 1. kufarisa; 2. kunyeya; 3. kufambidzana; 4. kupererwa; 5. kuombera

* * *

Susan Masvodza – Totenda maruva tadya shakata.

* * *

Masvutu Lameck, Mutoko – 1. gwara; 2. matsi; 3. dunhu; 4. dofo; 5. muroyi

* * *

Tatenda Mtambalika, Beatrice High – 1. kuva nemanyawi; 2. kunyeya; 3. kuwirirana zvakanyanya; 4. kupera simba nekushamiswa zvakanyanya; 5. kuombera.

* * *

Tatenda Mtambalika, Beatrice High – Totenda maruva tadya chakata.

* * *

ZVEKUITA SVONDO RINO:

Kana miti yakapfekana kana kupiringana zvekuti hapapindike nyore sezviri pamufananidzo inonzi yakaita sei?

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Dzinga ‘dhimoni’ rekusaziva

$
0
0

naChiremba
KUSAZIVA kwakafanana nekufa, anodaro muimbi. Nekuda kwekusaziva, kune vazhinji vari kungopopota vachigunun’una negwaro idzva redzidzo yemunyika medu vachiti rakaipa. Mushure memasvondo akati kuti chinyorwa chino chichange chadzinga madhimoni ose ekusaziva chichisiya vaverengi vagarwa nemweya wekunzwisisa, kufarira nekutoyemura dzidzo itsva iyi.

  1. NHANGANYAYA:

Pasi rose mabumbiro edzidzo anogara pahwaro hwegwara rezvematongerwo enyika uye mafungiro emapato anotonga munyika idzodzo. Nyika zhinji dzekumadokero dzine mabumbiro edzidzo akaumbwa pamusoro pemafungiro echindinindini uye gutsavashoma uyewo kumabvazuva, dzidzo yavo iri pamusoro pepfungwa yegutsaruzhinji.

Zvakadaro, kwave nenyika zhinjiwo dzave nedzidzo iri pamusoro pemusanganiswa wemakwara maviri aya.

MuRhodesia dzidzo yaive yegutsavashoma neumbimbindoga uye yaive paviri; dzidzo yevatema nedzidzo yevachena. Dzidzo yevatema yaivavarira kuumba muranda aizoshandira vachena asinganyunyuti. Mudzidzi uyu aifanirwa kubuda muchikoro asina unyanzvi hwakanyanya asi aine gangaibveibve reunyanzvi hwaingoita kuti akwanise kushandira muchena.

Nerimwewo divi, dzidzo yevachena yaive yakazara – iri dzidzo yekutonga, yemushandirwi uye yaiita kuti muchena arambe ari pamusoro pemutema.

Pairwiwa Chimurenga chepiri, vanhu vakafunga kubvisa joki reuranda uhu. Vatema vazokurira muchena, Hurumende yevatema yakaona zvakakodzera kusandura hwaro hwedzidzo kubva kuumbimbindoga hwegutsavashoma kuenda kugutsaruzhinji.

Sekuti binduramifungo riri nyore kuriita kuburikidza nezvikoro zvakaonekwa kuti dzidzo yegutsaruzhinji ndiyo yaizosunungura vana vevhu. Zvikoro zvakavakwa zvakawanda kubvira zvepuraimari, zvesekondari, zvemabasa emawoko uye mayunivhesiti – vanhu vazhinji vakakwanisa kudzidza. Dzidzo zhinji yaive yeruzivo rwemumusoro, rwemawoko rwuri rushoma.

Nekutekaira kwenguva Zimbabwe yasungunuka, dzidzo yaivepo yakaonekwa kusanyatsokwana kwayo. Nekuda kwemabopoto ezvematongerwo enyika, bishi mukubata matomhu eupfumi hwenyika, hondo yeminda nezvimwewo, mabasa akatanga kushomeka zvikuru, vanotanga mabhizimusi vakatanga kuita vashoma zvikuru. Nyika yakati dhuma nezvibingamupinyi zvimbishi.

Ndipo pakazoonekwa kuti dzidzo yedu inofanirwa kuwandudzwa. Muchikamu chinotevera ndichabata pamusoro pemviromviro dzekuvandudzwa kwedzidzo yekare.

Viewing all 921 articles
Browse latest View live


<script src="https://jsc.adskeeper.com/r/s/rssing.com.1596347.js" async> </script>