Quantcast
Channel: Denhe Reruzivo – Kwayedza
Viewing all 921 articles
Browse latest View live

Zvaiitwa mapatya

$
0
0

Munyaradzi Gunduza
NHOROONDO YEMUNYORI:
Nhoroondo yemunyori inokosha zvikuru pakunzwisisa chinyorwa chake. Izvi zvinodaro nokuti munyori anogona kuratidza zivo yake maererano nenzvimbo yaakambogara, zvakamboitika kwaari, zvaakanzwa munhoroondo yedzinza rake, makuriro ake, zvinhu zvaakasangana nazvo murwendo rweupenyu, nezvimwewo. Zvese izvi zvinobatsiridza munyori paanonyora bhuku kuti abude nenyaya inonakidza, kusuwisa, kuchemedza, kusekesa kana kudzora ndangariro.

Nokudaro tichaedza kutarisisa nhoroondo yemunyori webhuku ratakanangana naro rinonzi Manyambiri.

Bhuku ratave kuongorora iko zvino rakanyorwa naMacylin Mubuya akaberekwa musi wa12 Kukadzi 1987 muKadoma. Akadzidza primary yake kuBrompton Primary School, muKadoma makare, ndokuzopedzisa paChiveso Primary School, kuBindura.

Macylin akaita secondary yake kusvika A-Level paChipindura High School, muBindura, ndokuzoenda kwazvakarehwa kuUniversity of Zimbabwe uko akatora BA (Hons) Shona muna 2008. Pari zvino ari kudzidzisa Shona nechiRungu paLangham Girls’ High, kuMashonaland Central.

Anofarira kunyora nyaya dzeShona nechiRungu uye rino ibhuku rake rekutanga kutsikisa. Macylin akaroorwa uye ane vana vaviri.

Pfupiso:

Rungano rwuno rwakaitika panguva yepasichigare apo vanhu vakanga vachiri kurarama kusati kwave nezvakawanda sezvaveko muzuva ranhasi. Rungano urwu rwunotsetsenura tsika nemagariro aiita vanhu pasichigare.

Munyori anotipinza munyika yaShe Njeremavhu umo matinoona murume ainzi Rufuse nemudzimai wake vanonzi vakanetseka zvikuru kwemakore mazhinji vasati vawana mbereko vave nechipo chevana vaviri vanove mapatya echisikana. Vana ava vakatumidzwa mazita ekuti Paidamoyo naPaidokwairiramoyo.

Zvino panoita makakatanwa makuru munyika iyi sezvo mutemo wemadzibaba edu muchinyakare waisatendera kuti manyambiri achengetwe. Mumwe chete wemapatya aya aifanira kuuraiwa kunyanya uyo anogumisira kubuda pakuzvarwa kwavo.

Mambo Njeremavhu pavanoona runako rwevana ava rwakatyamadza kunyangwe zvazvo vaive vacheche, vanovimbiswa naRufuse aive baba vemapatya kuti aizovapa mumwe chete wevana vake kuti aite bango ravo.

Izvi hazvina kutora nguva refu kuti Mambo Njeremavhu vatende mazviri ndokubvuma zano raRufuse.

Mushure mekunge midzimu yemunyika yaShe Njeremavhu yabvunzirwa maererano nechiitiko ichi, inoramba kuti matakanaka akadai aitwe ndokutendera nevanji wamambo kuti azove iye achashara mumwe wemapatya aya kana achinge amafarira mukukura kwake.


Vosona mayunifomu kuGokwe

$
0
0

Kingstone Mapupu
VABEREKI vane vana vanodzidza kunzvimbo yeChireya, kuGokwe, vari kubatsirikana nekuwana mayunifomu echikoro pedyo zvichitevera bhindauko rekusona mbatya idzi riri kuitwa nemumwe muzvinhabhizimisi wechikadzi ikoko.

Vabereki vari kuwanira mayunifomu evana pedyo vasingaende kure kwakaita sekuHarare, kuKadoma kana kuGokwe Centre.

Mai Joyce Mangwiro (42) vanoitira basa ravo panzvimbo yemabhizimisi yeChireya.

Vanoti bhindauko rekusona iri vakaritanga makore gumi adarika mushure mekuita zvidzidzo zvekusona. Mudzimai uyu anoti akatanga achisona mbatya dzevana vechikoro chete ndokuzoonawo kuti vanhu vaichemera kusonerwa mbatya dzemicheno idzo akazotangawo kusona.

“Ndine nzvimbo duku yandinoshandira kuita basa rangu. Ndinosona mayunifomu kubva ekupuraimari kusvika kusekondari,” vanodaro.

Mai Mangwiro vanotenda vabereki vemuGokwe-Chireya nekuvatsigira kwavari kuita mubasa ravo kuburikidza nekutenga mayunifomu echikoro.

“Vabereki vane vana vanodzidza muzvikoro zvakakomberedza Chireya vanondisimudzira zvikuru. Vazhinji vavo vanotenga mayunifomu evana kwandiri, vamwe ndinovapa nechikwereti,” vanodaro.

“Nekuda kwekuti machira ndinotenga kuHarare, kuChegutu, kuKadoma kana kuBulawayo, zvakanaka kuti vabereki vaunze zvavanoda nguva iripo kuti pandinonohodha machira ndonotenga kamwe chete uye akawanda,” vanodaro Mai Mangwiro.

Vanoti zvimwe zvezvikoro zvine vana vavanosonera mayuniformu zvinosanganisira Chireya, Zviyo, Katamba, Hongoro, Marere, Kajirivanda, Sikwiti, Chemhondoro, Nyamatsito, Sawirangwanda neSimchembo.

Mai Mangwiro vanotizve vanosona mbatya dzemicheno nedzemichato.

Vanoti vari mubishi kuedza kutenga mumwe muchina wekusonesa sezvo vachida kuzopinza basa munhu anobatsirana navo mubhindauko ravo.

“Ndinodawo nzvimbo yekushandira kwete kuramba ndichirenda uyewo ndinoda kuti michina yangu yekusonesa iwande ndopinzawo vanhu vakawanda mabasa.”

— Zviwanikwa zveZimbabwe —

$
0
0

Juliet Sharon Tom
MUZIMBABWE mune mhando mbiri dzemapere — Brown hyena neSpotted hyena.

Bere rinonzi Spotted hyena ndiro rinonyanya kuonekwa.

Iri bere rinoita ruzha rwatingati kuchema kana kuti kusekerera — pamwe pacho rwusinganzwikwe nyore nevanhu.

Spotted hyena ibere rinokwanisa kuvhima richiuraya roga charinoda kudya semhuka asi dzimwe nguva rinodyawo mhuka dzarinowana dzakafa.

Bere iri rine shaya nemazino akasimba zvikuru zvekuti rinokwanisa kutsenga mapfupa emhuka pasina dambudziko.

Sekutaura kwaHans Kruuk, nyanzvi yezvemararamiro emhuka muAfrica, bere reSpotted hyena rinongovhima mhuka sezvinoita shumba.

Rinokwanisawo kubata hwema hwedzimwe mhuka, rinonzwa nekuona zvakanyanya.

Spotted hyena rakareba makumbo emberi pane ekumashure riine chipfuva chikuru uye rine musoro mukuru nemvere pfupi dzakamira kubva muhuro kusvika panotangira makumbo emberi.

Ruvara rwaro rwakada kutsvukuruka zvishoma (sandy yellow) riine madoo akasvibira nemuswe une mvere dzakaomarara.

Mapere anogara ari muzvikwata zvikwata asi rinogona kuonekwa riri roga.

Huwandu hwemapere hunofambirana nekuwanikwa kwechikafu munzvimbo.

Bere gadzi iguru pamuviri kudarika rume (mukono) uye ndiro rinotungamirira mamwe.

Mapere anogara mumaguru anenge akacherwa nedzimwe mhuka dzakaita senjiri, nhire kana makava kana kuti mumapako.

Bere rinoita mawuta kwemazuva 110 apo rinozobara handa mbiri, kazhinji kacho.

Asi mamwe anobereka handa nhatu.

Bere rinonzi Spotted hyena rinozivikanwa muZimbabwe nekusvika kumisha yevanhu.

Bere iri rinoonekwa seimwe yemhuka dzinonetsa (problem animals).

Pasi pemutemo weParks and Wildlife Act, kana vanhu vaingwa kana kuti vasangana nebere, vanokurudzirwa kuzivisa veParks and Wildlife vari pedyo navo.

MuZimbabwe, vamwe vanhu vanoti mapere anofambidzana nemabasa ehuroyi.

Zvisinei, mapere anoita basa rakakosha mukurarama uye hapana humboo hwati hwawanikwa nenyanzvi hunoti mhuka iyi inotaswa nevaroyi pakufamba husiku.

 

. Zvimwe zviri muchinyorwa chino:

Chris and Tilde Stuart-Field guide to the Larger Mammals of Africa

Clive Walker – Signs of the Wild.

. Kuti muzive zvakawanda batai veZimparks Public Relations pa: 0772 620 178.

ziva

$
0
0

MHINDURO yemufananidzo wesvondo rapera ndeinoti ziso renyoka.

Hedzinoi dzimwe dzemhinduro dzakabva kuvamwe vaverengi:

Nyoka – Madzibaba Petros, Hauna.

Black mamber – Letwin Mlambo.

Rwaivhi – Tatenda Mtambalika, Beatrice High.

Nyoka – Tafadzwa/Artwell Nyahuma.

Nyoka – 0775 343 644.

Nyoka – Fungai Magura, Mabvengwa Primary School.

Nyoka – Caro pa11 Milles.

Nyoka – 0778 488 817.

Nyoka – Mercy Chirevo Mai Godknows, Tsvairai Village, Ndanga, Zaka.

Nyoka green mamba – Christopher Kachipanga.

Nyoka – Edmore Ali Epworth, Harare.

Nyoka – Mai Jayden, Hatfield.

Nyoka – Dzikamai Kapisa.

Nyoka green mamba – Rodrick Mambara Marn Rodza, Mkoba 13, Gweru.

Nyoka – Estos & Enkos, Mhondoro.

Nyoka – Smart Chanetsa, Firhill Estates, Trelawney.

Nyoka – Andrew Makaza, Highfield, Harare.

Nyoka – Prichard Siyayi, Mkoba 12, Gweru.

Nyoka – Tawananyasha Mukaka, Southlea Park.

Nyoka – Gordon Nanjito, Jamaa, Mutoko.

Nyoka – Thelma Nanjito, Chinzanga Primary, Mutoko.

Nyoka – Hilda Kembo, Jamaa, Mutoko.

Nyoka – Calisto Gwidzima, Mutare.

Rwaivhi – T. Majindwi, Harare.

Nyoka – Henry Kunhe, Harare.

Nyoka – Nyasha Kandoro, Dangarendove Primary School, Mhondoro.

Nyoka – Mai Tadiwa, Domboshava.

Nyoka – Benlodge Mushandu.

Nyoka – Yakope Mambo.

Nyoka – Raphael Madhanda, Magamba, Hwedza.

Nyoka – Barbra Mushamaenza, Mabvuku.

Nyoka – Anenyasha Chiteme, Tarisa Park, East View.

Nyoka – Comfort Chitrme, Tarisa Park.

Nyoka – Multi Mankind Buddha, Chi-town.

Nyoka – Chenai Maporisa Matches, Chi-town.

Nyoka – Chakanetsa Matches, Chi-town.

Nyoka – Gaineth, Zariro, Mkoba 5, Gweru.

Nyoka – Auxilia Chijakara, Checheche Growth Point.

Nyoka – Dickson Mapa, 0713 943 187, 313 Sakubva, Mutare.

Nyoka – Jairos Bingwani, Unity O, Seke, Chitungwiza.

Ngwena – 0782 550 359, Ngundu, Masvingo.

Nyoka – Maxwell Manatsa.

Datya – B. Mutsvanzva, Domboshava.

Nyoka – K.B. paChireya, Stoneridge Park.

Nyoka – Mai Linda, Lobengula Extension.

Rwavhi – Knocknage Mugana Mandeya

Nyoka – Kimberly Matibiri, Milestone Academy Waterfalls.

Nyoka – Esther Kamuriwo, Rushinga B/C.

Shato – Beauty Phiri, Mabvuku.

Inyoka – Martha Java, Kuwadzana 1.

Nyoka green mhamba – Jacob Mbwedza, Ziko, Seke.

Nyoka – George Gumborezenda, Magunje.

Nyoka – Gift Yakobe.

Nyoka – Samantha Teguru.

Green Mamba – Lamion Chiuta, Chiko, Ushewekunze.

Shato – Mike Mikairi Mickyman.

Nyoka – James Kaduku, Chitungwiza.

Nyoka green mamba – S. Store k/5, Harare.

Nyoka – 0. Chamboko, Rukunguhwe School, Murewa.

Nyoka – Tyllie Chamboko, Rukunguhwe School, Murewa.

Nyoka – Lazzie Chamboko, Rukunguhwe School, Murewa.

Nyoka – W. Mombe, Rukunguhwe School, Murewa.

Nyoka – Nolleen Chamboko.

Nyoka – Munyame Mashava Baba Prayers, Tsvairai Village, Ndanga, Zaka.

Nyoka – Steuwart Manyepo, 12016 Kuwadzana Extension, Harare.

Inyoka – ‘Chief’ Muvengwa, Highfield, Harare.

Nyoka – Franco, 3B Siyaso Magaba, Mbare.

Inyoka green mamba – Chrispen James, Avonlea, Harare.

Nyoka – Mai Saviour Tanatswa Mupariwa, Maseko, Epworth.

Nyoka – Mind Tafara Mupariwa, Maseko, Epworth.

Nyoka – Marvellous Mupariwa, Maseko, Epworth.

Nyoka – Cleopatra Mupariwa, Maseko, Epworth.

Nyoka – Judith Mangezi, Zaka.

Nyoka – Innocent Tuhwe, Mumbijo Primary School, Buhera.

Nyoka – Oackentrevor Kaswa, Centenary, Gatu, Hillside.

Nyoka green member – Wilfred Mabika, St Mary’s.

Nyoka – Mambondiani, 30 Miles, Mutare

Nyoka – K. Joni, 1994 Kiaora Phase 2, Banket.

Nyoka – Green Mamber, Brynzangaa.

Nyoka shato – Netsai Zvechivingwe.

Nyoka shato – Mai Rumbidzai, Zvikwende. Shamva, Bindura.

Bere – Nyamudahondo, Waterfalls.

Nyoka – Nyasha Maromo, Chiredzi.

Nyoka – Honest Kadareka, Mvurwi.

Nyoka green mamba – Munyaradzi Kushamba, Matsvitsi, Murombedzi, Zvimba.

Nyoka green mamba – Dumisani Matambo, Murombedzi, Zvimba.

Kamba – Panganai Tome, Mutoko.

Nyoka green mamba – Tatenda Mkoni, Chipinge.

Nyoka – Dzikamai Kapisa.

Nyoka – Susan Masvodza, Warren Park, Harare.

Nyoka green mamba – Rodrick Mambara Marn Rodza, Mkoba 13, Gweru.

Nyoka yegreen – 0775 888 546.

Datya – Tawana Mutero, Gazebo.

Nyoka – Precious Kamhoti, Glen View 8 Complex.

Nyoka – Leeroy Ziunze, Harare.

Green mamba – Sharon Chawasarira, Glen Norah C.

Nyoka – Nyadawa Padenje, Uzumba.

Nyoka – Emmanuel Munyangaru, Hopley.

Nyoka – Monalisah Ahiya, Muguta, Epworth.

Rwavhi – Petros Hodzi, Nyamuzuwe, Mutoko.

Rwaivhi – Moses Boss Zindi, Tombo Trading.

Nyoka – Greatdawn Chingaipe, Masvingo.

Nyoka – Admire, Harare South.

* * *

Tiudzei kuti ziso riri pamufananidzo ndere mhuka ipi?

* * *

Onai mhinduro svondo rinouya.

. Tumira mhinduro panhare dzinoti 0714 200 007.

Ziva

$
0
0

MHINDURO yemufananidzo wesvondo rapera ndeinoti ziso reshumba.

Hedzinoi dzimwe dzemhinduro dzakabva kuvamwe vaverengi:

Tsuro – Ashbel Bvunzawabaya, Hauna, Honde Valley.

Tsoko – Nolleen Chamboko, Rukunguhwe School, PO Box 19, Murewa.

Rembwa – 0775 888 546.

Mhara – Munyame Mashava Baba Anna, Tsvairai Village, Ndanga, Zaka.

Gava – Naison Khumalo, Bhobho Gazebo.

Nhoro – Andrew Makaza, Highfield, Harare.

Shumba – Nyasha Fuzani, Mt Hampden.

Mhembwe – Adelaide Madziro, paGatsi, Honde Valley.

Ingwe/cheetah – Sammantha Teguru.

Shumba – Moreblessing Teguru, Mahusekwa High.

Shumba – Caro pa11 Mililes.

Shumba – Enock Chirema Maseko, Epworth.

Gava – 0776 944 570.

Shumba – 0773 612 803.

Imbwa – Tadiwanashe Mukaka, Southlea Park.

Gava – Raphael Madhanda, Magamba, Hwedza.

Mbudzi – Rashiwe Mushayabasa, Mufakose.

Mbudzi – Fidelis Oiempe Chapeyama, Mufakose.

Mbudzi – Munex Chapeyama, Budiriro 2.

Mbudzi – Loveways Manyumwa, Southlands.

Mbudzi – Victoria Chimbwizhu, Southlands.

Mbudzi – Mufaro Chimbwizhu, Southlands.

Garwe – Abdul, Norton.

Tsuro – Elisha Murwisa, Luxury Store Box 121, Mt Darwin.

Shumba – Francis Mukuni, 329b Chiredzi, 0773 928 354.

Rwaivhi – 0736 100 092.

Bere – Dereck, Kadoma.

Gava – Steuwart Manyepo, 12016 Kuwadzana Extension, Harare.

Gava – Michael Madembo, Beatrice.

Gava/fox – Susan Masvodza, Warren Park, Harare.

Shumba – Nyadawa Padenje, Uzumba.

Imbwa – Nigel Nechipote, Melfort.

Dindigwe – Dickson Mapa, Mutare.

Shumba – S. Store k/5, Harare.

Gava – Gordon Nanjito, Jamaa, Mutoko.

Gava – Hilda Kembo, Jamaa, Mutoko.

Gava – Tadananyasha Helma Nanjito, Kidznet School, Mutoko.

Gava – Thelma Nanjito, Chinzanga Primary, Mutoko.

Shumba – Madzibaba Petros, Hauna.

Imbwa – Kapisa.

Gava – KB Kateboo Bandah, Stoneridge, Chireya.

Mhembwe – Lamion Chiuta, Chiko, Ushewekunze.

Shumba – Pethedia Kapocho, Chi-town.

Mhara – Munyame Mashava Baba Anna, Tsvairai Village, Ndanga, Zaka.

Shumba – Gerald P. Sibanda, Dangamvura.

Tsenzi – Raphel Kavande, Karoi.

Shumba – R. Sibanda, Mkoba 9, Gweru.

Imbwa – Beauty Phiri, Mabvuku.

Mbudzi – N. Karikoga, Ushewekunze.

Gava – Naison Khumalo, Bhobho Gazebo.

Tsuro – R. Humbasha Mukanya, Unit M Seke, Chitungwiza.

Shumba – Smart Chanetsa, Firhill Estates, Trelawney.

Imbwa – Mind Tafara Mupariwa, Maseko, Epworth.

Imbwa – Marvellous Mupariwa, Maseko, Epworth.

Imbwa – Mai Saviour Tanatswa Mupariwa, Maseko, Epworth.

Imbwa – Cleopatra Mupariwa, Maseko, Epworth.

Mbeva – Desire Nyambudzi.

Shumba – Dumisani Matambo, Murombedzi, Zvimba.

Shumba – Munyaradzi Kushamba, Matsvitsi Murombedzi, Zvimba.

Gava – Baba Cleopatra Mupariwa, Maseko, Epworth.

Nyoka – Lilian Kadange, Mt Pleasant, Harare.

Bere – Emmanuel Munyangaru, St Noah College, Marange.

Mbada – Rita Machekanyanga, Chi-Town.

Rembwa – Blessmore Manatsa, Kadoma.

Dindingwe – Denzel Tshuma, Harare.

Mhembwe – Blantina Mandanda, Chi-town.

Mbudzi – Mai Mhaka, Murehwa.

Shumba – Azizi, DZ.

Mhara – PTM Helen, Ghee Primary.

Tsuro – Panganai Tome, Mutoko.

Tsuro – Patricia Mutashu, Chitungwiza.

Tsuro – Estos & Enkos, Dzumbunu, Mhondoro.

Imwembwe – Mai Dinara Mubvumbi, Kadoma.

Tsuro – Wayne Mukototsi, Rushinga Primary.

Mhembwe – Mudhara Gonyeti, Emerald West, Headlands.

Mhembwe – G. Gumbo, Karoi.

Mbudzi – Rashiwe Mushayabasa, Mufakose.

Mbudzi – Fidelis Oiempe Chapeyama, Mufakose.

Mbudzi – Munex Chapeyama, Budiriro 2.

Mbudzi – Loveways Manyumwa, Southlands.

Mbudzi – Victoria Chimbwizhu, Southlands.

Mbudzi – Mufaro Chimbwizhu, Southlands

Mbudzi – Winnie Gwese, Southlands..

Gava – Raphael Madhanda, Magamba, Wedza.

Gava – Naison Khumalo, Bhobho Gazebo.

Shumba – P. Mateko, Jerera.

Nhoro – Nyamudahondo, Waterfalls.

Gava – Decide Chidzedze, St Mary’s.

Zizi – TK Sekuru Shato.

Shumba – Darlington Trinity Mupudzi, Kuwadzana, Harare.

Imbwa – T One, Smart Centre Barbings, Chi-town.

Imbwa – Bryn Nzanga, Mutare.

Shumba – 0718 471 224.

Imbwa – Mind Tafara Mupariwa, Maseko, Epworth.

Imbwa – Marvellous Mupariwa, Maseko, Epworth.

Imbwa – Mai Saviour Tanatswa Mupariwa, Maseko, Epworth.

Imbwa – Cleopatra Mupariwa, Maseko, Epworth.

Rukato – Mai Saviour Tanatswa Mupariwa, Maseko, Epworth.

Gava – Baba Cleopatra Mupariwa, Maseko, Epworth.

Rembwa – Blessmore Manatsa, Kadoma.

* * *

Iri igumbo remombe iro rinotanga rabvurwa kuti ribve mvere risati rabikwa kuti ridyiwe. Gumbo remombe rinonzi chii?

* * *

Onai mhinduro svondo rinouya.

Tumira mhinduro panhare dzinoti 0714 200 007.

Pfupiso yaManyambiri

$
0
0

Munyaradzi Gunduza
TINOENDERERA mberi kubva patakasiira svondo rakapfuura.

Paida naPaido vanokura vari vana vakanga vakafanana zvikuru zvekuti aivaona aikwanisa chete kuvaziva kuburikidza nezvifumuro zvavakanga vakaiswa muhuro nemumakumbo izvo zvaiita kuti vanhu vazoziva kuti Paida kana Paido ndeupi.

Chinhu chimwe chete chaisiyanisa vana ava aive maitiro avo. Paida akanga ari musikana ane nungo dzaisemesa zvekuti chero amai vake vaigara vachigunun’una nezvake. Zvakare musikana akanga aine mwoyo wakaipa.

Paido akanga ari musikana aishanda nesimba, aive netsika dzaiyemurika kune veruzhinji. Izvi ndizvo zvakazoita kuti mwana waMambo Njeremavhu uyo ainzi, nduramo agone kusarudza Paido achisiya Paida.

Sarudzo yakaitwa nanduramo yaive yakaoma nekuti aifanira kusarudza musikana mumwe chete kubva pavaviri ava. Hazvaiita kuti atore vese.

Nokudaro izvi hazvina kufadza Paida sezvo achizoonekwa ave kuita shanje yokuda kuuraya mhuri youmambo kuburikidza nekuvaisira muchetura muchikafu.

Zvese zvaiitika murungano urwu zvinoratidza kuti munyori akarwubika achiziva kuti zvimwe zviitiko zviri murongetedzo yake zvinofanira kufambidzana nemazita aanopa vatambi. Pane mamwe mazita ekuti ukanyatsomatarisisa unoona kuti anoenderana zvikuru nenyaya kuti geje geje. Pamwe pacho zita remutambi rinenge richidudzirwa nezviito zvake, unhu hwake kana zviito zvevamwe vatambi. Mamwe emazita anoburitsa zvataurwa apa ndeaya; Ndakasemwa, Rufuse, Paidamoyo, Paidokwairiramoyo, Nduramo, Ngwaru, Nyadziso, Shayamano, Nhumwa nemamwewo. Ongororo yebhuku Manyambiri inoratidza kuti mune vatambi vadiki vakawanda sezvo tichiona vamwe vatambi vachingobuda kamwe chete kana kaviri vachibva vatsakatika. Vamwe vevatambi ava ndivanaBhavheya.

Rungano rwuno rwunosvika kumagumo zvinosiya muverengi achida kunzwisisa dzimwe nyaya dzakawanda-wanda asi dzinoita sekunge dzadimurirwa panzira apo tinoona Nduramo nemudzimai wake Paido vadzokerana asi tisina kuziva kuti Mambo Njerevavhu anozorarama kusvika papi.

Kufamba kwenyaya kunobva pakuti Njeremavhu anenge akwegura zvekuti anoshuvira kuona nevanji wake achiroora uye achiitawo mwanakomana zvinove zvaizomupa chivimbo chete dzinza rake kana kuti imba yake yeumambo hayaizoparara zvachose.

Ino ingori pfupiso chete yakanangana nekuti munge muchikwanisa kunzwisisa zvimwe zvinhu zviri mubhuku asi tichizvinyora nepadiki.

Tsumo nengano namukanya

$
0
0

Mhinduro yesvondo rapera:

Tipe tsumo inoenderana nekarungano aka:

PAAKAPEDZA chikoro, Chipembere akaenda kunotsvaga basa kuHarare. Basa rakanetsa kuwana, akatanga kugara neshamwari. Shamwari dzake dzakazomudzinga nekuti akanga asingatenge kana chingwa zvacho. Chipembere akanogara kwasekuru vake kuChitungwiza. Ikoko aiswera akagara zvake. Mushure memwedzi mitatu, akabva atizirwa nemusikana wake. Sekuru vake vakamuti, “Chipembere, handingarambe ndichikuchengeta iwe wakura kudai. Wava kufanirwa kuzvionera nekuti watokura. Chibva pano nemukadzi wako munozvionerawo mega.”

 

. Tsumo yacho: Chave chigondora chave chimombe kutadza kutunga hurema hwacho.

* * *

Svondo rino:

Tipe tsumo inoenderana nekarungano aka:

KARE vanhu vaipfeka nhembe. Nhembe idzi dzaigadzirwa nematehwe. Matehwe aipfekwa nevanhu aive emhuka. Matehwe aya aibva pamhuka dzavanenge vavhima. Saka murombo aiwanzoonekwa nekuda kwekushaya zvekupfeka zvakanaka. Ndiye uya aiti kana akaenda kunovhima haabate mhuka dzine matehwe ekuti agadzirise nhembe.

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

– BUMBIRO IDZVA REDZIDZO – Mviromviro dzekuwandudzwa kwedzidzo

$
0
0

naChiremba
DZIDZO inofanira kutarisana nechokwadi chemararamiro emuZimbabwe itsva. Nhamo yakanga yakandira mazai mudzimba, vanhu votyira kuti ikazososodza yaisazosiya mupenyu. Mabasa akaoneka, vazhinji vakasaziva murungu.

Varungu vatema kana vachena vaivepo vaiwanzopinza hama dzavo chete. Vazhinjizhinji vaisashanda vaifanirwa kutoita mabasa emawoko vachizviriritira. Izvi vakanga vasina kuzvijaira.

Pfungwa iyi yaifanirwa kudyarwa muvadiki kuchikoro. Mudzimba zhinji maive modyiwa kaviri chete pazuva, nguva dzegumi neimwe uye manheru. Kana chakanyatsobvondoka kwaidyiwa kamwe pazuva!

Zvembatya zvaive nani, mukoma Bhero vaigadzirisa. Ko mari dzechikoro, chigayo, mabhazi . . .? Zvakangodaro, zvaive pachena semhopo yepamhino kuti mabasa ndiwo anodiwa kuti nhamo isuduruke. Dzidzo yaifanirwa kuumba mudzidzi anokwanisa kushandira vamwe, kuzvishandira kana kushandirwawo nevamwe. Mabasa emawoko aya aifanirwa kusanganisira mabasa ekurima.

Kuburikidza nedzidzo itsva iyi, vadzidzi vaifanirwa kudzidza zvemakombiyuta muupenyu hwavo. Dzidzo itsva iyi yaifanirwazve kuburitsa zvipo zvakasiyana-siyana zviri muvadzidzi.

Zvipo zvinosanganisira kuimba, kutamba mitambo yakatsaukana, kudhirova, kuveza, kuumba . . . vachiita mari muupenyu.

Chimwewo chinangwa chehwaro hutsva hwedzidzo kuburitsa mudzidzi anoziva nekunzwisisa zvinhu zvanetsa pasi rino nhasi uye ane muono wekuti zvingagadziriswe sei. Izvi zvinosanganisira urombo hwatekeshera munyika zhinji, zvirwere zvakaita seHIV/AIDS, gomarara (cancer), kusadzidza kwevanhu vazhinji (asi tichinyanya kutarisa kusadzidza kwevanasikana nemadzimai), kuroorwa kwevana vadiki, kuwedzera kwekudziya kwemamiriro ekunze uye shandukuminya yemamiriro ekunze nenhamo dzawo.

Pedzisire, hwaro hutsva hwedzidzo uhu hunovavarira kuburitsa mudzidzi ane unhu hunodadisa, ane tsika dzinonwisa mvura uye anodada nenyika nenhaka yake. Mudzidzi anobudazve mudziva redzidzo iyi anofanirwa kunge achidada kuti munhu mutema uyezve nerurimi rwaamai vake.

. Muchikamu chinotevera tichatarisa chaipoipo pakatangira urongwa hwedzidzo itsva iyi.


Ngano dzaivepo kuchengetedza vanhu vaMwari

$
0
0

Munyaradzi Gunduza
4. NGANO dzaivepo kuchengetedza vanhu vaMwari, tsigira pfungwa iyi nengano shanu dzinobva mubhuku iri. [25]

Svondo rino tinopedzisa mubvunzo uyo watakatanga svondo rapera.

Mungano yakanzi Muteyi wemaduwo nomukadzi wake munoburitswa pfungwa yokuti ngano dzaivepo kuchengetedza vanhu vaMwari zvakare. Mungano iyi mune murume aiva nyanzvi mukubata hove nemaduwo, asi hove dzake dzaidyiwa kwosiiwa misoro chete.

Mukutsvaga kuti chii chaidya hove, mukadzi nemurume vakazoona kuti raive garwe. Mukadzi akapopotera garwe akati rimupe hove dzemurume wake. Garwe rakabvuma rikaudza mukadzi uyu kuti aritakure vaende rinomupa hove dziye, asi tsuro aive kunze kwemvura akaona kuti mukadzi uyu ainge ave kutoenda kunodyiwa negarwe.

Tsuro akadaidza garwe nemudzimai kuti vauye kunze kwaive nemurume wemukadzi uye achibva audza murume kuti abaye garwe. Garwe rakabaiwa rikafa kuburikidza nenjere dzaTsuro. Kubudirira kunoita Tsuro mukuponesa mukadzi uyu achishandisa pfungwa sekapuka kaduku kunojekesa kuti ngano dzaivepo kuchengetedza vanhu vaMwari. Tsuro anotorwa semunhu waMwari sezvo ari kamhuka kadiki kanokwanisa kufunga kupfuura vanhu vakuru izvo zvinobva zvaburitsa kuti ngano dzaichengetedza vanhu vaMwari.

Imwe ngano inoburitsa kuti ngano dzaivepo kuchengetedza vanhu vaMwari yakanzi Gore renzara. Murungano urwu mune murume nemukadzi vakasangana nedambudziko renzara. Murume akafunga zvokunotsvaga chikafu ndokuenda musango maakawana uchi.

Akauya nehushoma akasiya aviga humwe muhari, musango muye. Zvino murume akange asingachadyi chikafu kumba achidya uchi hwoga kusango, mhuri ichinetseka. Rimwe zuva kamwana kake kadiki kakazofunga zvokumutevera kuti kaone zvaaidya kusango kwaaienda. Kamwana kaya kakazoudza mai vacho kuti baba vaive neuchi hwavaidyira kusango. Mukadzi akazoenda nemwana vakanotora uchi hwacho murume asingazivi.

Mukadzi akabva aramba murume nokuti aive nehutsinye asina rudo nemhuri yake. Kubudirira kunoita kamwana kadiki mukubata chokwadi kuti baba vainodya uchi kusango kunoburitsa kuti ngano dzaivepo kuchengetedza vanhu vaMwari sezvo mwana mudiki ari iye akakwanisa kuita njere dzokutevera baba kusango kusvikira aona kuti vaidya uchi vari voga kusango.

Imwe ngano inoburitsa kuti ngano dzaivepo kuchengetedza vanhu vaMwari yakanzi Murume neshiri. Mungano iyi mune murume aive muvhimi akapinda musango kunovhima. Akauraya mbira mbiri akasangana nemhuka zhinji dzakafa dzoga dzaisanganisira nhoro pamwe nenyati, asi paaida kudzinhonga aiiudzwa neshiri kuti asiye sezvo zviuya zvaive mberi.

Akazofunga kutiza shiri iye achinohwanda mubako maive nemba hombe yakanaka iyo yaive yeshumba. Shumba yakazodzoka ikawana mumba mayo mapinda munhu ikamuudza kuti ape mbira kuimbwa dzake dzidye iye ozodya imbwa dzake, zvadaro iye ozodyiwa naShumba.

Shiri iye yainge yambotizwa nemurume uyu yakatuma Mbeva kunoudza Shumba kuti mbeva yaida kuzodyawo Shumba. Izvi zvakagumburisa Shumba ndokutandanisa Mbeva achisiya murume uye. Murume uya akasara achitiza. Akazofamba akaenda kunyika yaakasvika ine vakadzi chete nepfuma zhinji uko kwaakazogara zvakanaka mushure mekunge imbwa dzake dzauraya chichembere chainge chapedza vamwe varume vose munzvimbo iyi chichivauraya. Kuponeswa kunoitwa murume uyu neShiri kanova kapuka kadiki kunoratidza kuti ngano dzaivepo kuchengetedza vanhu vaMwari sezvo Shiri kari kapuka kadiki asi kakakwanisa kupa mazano akararamisa munhu.

Dzokorodzo inokosha pakugadzirira bvunzo

$
0
0

Ticha Danga
CHIKAMU chakapfuura ndanga ndakatsamirana nenyaya yeGeneral paper iro randakati rinoumbwa nekubatanidzA zvidzidzo zvisere. Zvidzidzo zvinovaka pepa iri ndezvinoti Religious and Moral Education, Music, Environmental Science, Art, Social Studies, Physical Education, Guidance and Counselling neHome Economics.

Zvinodzidzwa umu zvine misoro inopfuura gumi pachidzidzo chega-chega nekudaro kuti mwana akwanise kubata zvese izvi, anofanirwa kunge achiita dzokorodzo yamandorokwati zuva nezuva.

Kwavawo nechidzidzo chitsva chakatanga kunyorwa bvunzo repamusoro iri gore rapfuura. Chidzidzo ichi ndecheAgriculture icho chakawedzera huwandu hwezvidzidzo munguva imwe chete zvichi reva kuti kuverengawo nekuita dzokorodzo kwawedzera.

Ndiko kusaka ndakati tishandise mukana uno kupanana zvatingaite kuti dzokorodzo negadziriro yebvunzo ireruke uye igotipa goho ratiri kutsvaga. Ndinoziva kuti vanhu nevanhu vane mafungiro avo ari maererano nekugadzirira bvunzo nokudaro andichaisa muchirongwa muno ndeekungowedzerawo asi achigona kutibatsira.

Chekutanga ndechekuzviisa munzvimbo inokodzera kuverenga uri, uye pfungwa dzako dzoungana pakuverenga kwete kutamba. Hazvibatsire kuti ubate mabhuku uri panzvimbo pane zvinokwezva pfungwa sechivhivhiti kana runharembozha nekuti pfungwa dzako hadzigoni kuzvikamura kuti dzimwe dzonzwa zviri kuchivhivhiti dzimwe dzosara pabhuku.

Usada zvakare kuverenga uri padyo nepaunorara nekuti nenguva dikidiki unenge wotodzipfodora dzehumambo. Kana pamba paine mhwerepwere idzo dzinoda kutamba dzichiita ruzha, suduruka panguva yekuverenga. Zvijaidze kugara wakabata gwaro nguva zhinji.

Kana wazviisa mumwando wekuverenga pasina chinokukwezva, chibva wagara wagadzira nzira yekutevedzera (time table) woinamira kumadziro wozvipa mutemo wokuti unofanirwa kuitevedzera uye nenguva dzacho dzakatarwa.

Mukugadzira iyi nhevedzo, isa mupfungwa zvidzidzo zvausinganyatsobude zvakanaka wozvipa nguva yakareba. Wanzira simba redzokorodzo kuzvidzidzo zvinokutambudza asi usingazokanganwi zvimwe zvacho.

Chitanga nekuverenga wega uchitsvaga ruzivo nekushandisa mabhuku. Verenga chero neawakanyora uchiona pawaigona nekutadza. Zvinhu zvakaita serondedzero gara uchinyora nyora uchipa vanhu vepamba vachikugadzirisa kana wogona wochinopa murairidzi kuchikoro.

Bvisa kapfungwa kekupona nekutora zvavamwe usingaite zvako nekuti bvunzo rinoda zvako iwe. Ukaona wava neruzivo chitsvaga shamwari yepedyo yaunodzidza nayo imwe chete isingakufururi kutamba motanga kuita mese dzokorodzo asi muchitevedza nhevedzo yamakagadzira. Kakanai nharo zvikuru asi mozoshandisa mabhuku kuti mudzimure nharo idzodzo.

Pananai nguva yekunyora musingatarisi mhinduro dzakapiwa. Mega munoona kuti mava kugona mobva matsvaga vamwe vane pfungwa dzakarurama movaka boka redzokorodzo. Muchaona kuti muboka muchadzidza zvakawanda zvamanga musina kuita.

Boka redzokodrodzo harisangani mazuva ose asi kuti munopana zvekuita mazopanana mazuva ekusangana kuti muite dzokorodzo. Boka rinovhura njere apo muchisangana vane pfungwa dzinopinza zvakasiyana.

Apa pamatanga kusangana seboka manga muchishandisa mabhuku zvekuti kana manzwa nawo chipananai zviya zvekutsvaga mumhepo mava kushandisa makombiyuta iwo adai kuzara muzvikoro.

Kana ichinetsa kuwana munogona kushandisa nharembozha mowana ruzivo rwakadzama.

Mudzidzisi wenyu ndiyo nguva yekumutadzisa kana kudya chaiko kuchikoro nekubvunza mibvuno. Kana bvunzo raswedera, ndipo panodiwa mapepa akanyorwa nevamwe kare muchiita dzokorodzo mushure mekupedza zviri mubumbiro redzidzo.

Nguva yedzokorodzo negadziriro ndiyoyi.

CHISHONA CHAKANAKA

$
0
0

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: kwayedza@zimpapers.co.zw kana patrick.shamba@zimpapers.co.zw. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.
* * *
MHINDURO DZESVONDO RAPERA:
Mhingepinge/mhiyepiye/kupiyana
* * *
ZVAKABVA KUVANA
T-One Smart Centre Barbershop, Chi-town, 0783 311 727 – Chava chigondora chave chimombe kutadza kufura hurema hwacho.
* * *
Tadiwanashe Mukaka, Southlea Park – Aita twake ndihombarume.
* * *
0737 701 173 – Chava chigondora chava kuzvifurira.
* * *
Kutenda Teguru, St Nicholus Primary, Mahusekwa – Inonzi yakakosa.
* * *
Sammantha Teguru, Mahusekwa High – Chava chigondora chava chimombe kutadza kutunga hurema hwacho.
* * *
Moreblessing Teguru, Mahusekwa High – Chava chigondora chava chimombe kutadza kutunga hurema hwacho.
* * *
Baba Luke Stoneridge Park – Chava chigondora chava chimombe kutadza kufura hurema hwacho.
* * *
Desire Nyambudzi – Kurumwa netsikidzi rambira mumba unozosangana nemago chaiwo.
* * *
Leah Gweshe GK Form 3, Duli Trust High School, 0776 999 396 – 1. tsono; 2. gahwa; 3. nhumbu; 4. mapfudzi; 5. chipfuva
* * *
Desire Nyambudzi – chava chigondora chava chimombe kutadza kufura hurema hwacho.
* * *
Mai Saviour Tanatswa Mupariwa, Maseko, Epworth – Rukato.
* * *
Maxwell Manatsa, Umback, Kadoma – Chave chigondora chinozvitungira.
* * *
0714 062 991 – Chave chigondora chave chimombe kutadza kufura hurema hwacho.
* * *
0775 305 380 – Chave chigondora kutadza kufura urema hwacho.
* * *
0775 042 962 – Chisi chako masimba mashoma.
* * *
Mai Kingston, Umbaki, Kadoma – Miti yakapfekana kana kupiringana zvekuti hapapindike nyore panonzi pakapfenhera.
* * *
Maxwell Manatsa Umback, Kadoma – Chave chigondora chinozvitungira.
* * *
ZVEKUITA SVONDO RINO:
Madimikira aya anorevei?
1. Kuva nemusoro –
2. Kuva neruoko –
3. Kuva nepamuromo –
4. Kuva nemukanwa –
Mhinduro svondo rinouya.
Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Itai zvatakareva: Utete Masango

$
0
0

Abigail Mawonde
HURUMENDE svondo rapera yakasimbaradza mashoko ekuti chikamu chebvunzo chinobva mukuongorora zvimwe zvidzidzo zvinoitwa nevana veO- neA-Level (continuous assessment) icho chaifanirwa kutanga gore rino, chakambomiswa uye izvi zvinotevera mashoko anoti zvimwe zvikoro zviri kurambidza vadzidzi vakanyora mazamanishoni gore rapera vakafoira kuti vange vachinyora zvakare gore rino.

Gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima, vakange vazivisa danho iri kare pachikoro cheDunnolly Primary School, kwaSeke District, apo vaiparura zviri pamutemo chirongwa chekupihwa kwemabhuku ekuverenga eNew Curriculum kuzvikoro.

Muhurukuro nemunyori mukuru mubazi iri, Dr Sylvia Utete Masango, vanoti: “Takambomisa chirongwa checontinuous assessment kusvikira apo zvichazoziswa kuti zvofamba sei. Takataura mashoko aya kumapurovhinzi ose nguva yadarika.

“Zvisinei, kana vachida kuyeuchidzwa zvakare, bazi redu rinogona kuzvironga kuitira kuti nyaya iyi inge ichijekeswa,” vanodaro.

Dr Utete Masango vanoti zvikoro zvinofanira kutevedzera zvinenge zvataurwa nebazi ravo.

Vanoti vadzidzi vachanyora bvunzo gore rino mazamanishoni acho anenge asina chikamu checontinuous assessment saka hapana chikonzero chinoita kuti zvimwe zvikoro zvirambidze vakanyora bvunzo gore rapera vakafoira kuti vange vachinyora zvakare gore rino.

“Saka havafanire kutaura nyaya yecontinuous assessment. Zvinenge zviripo chete zvidzidzo zvemabasa emawoko izvo zvagara zvichiitwa sechikamu chebvunzo,” vanodaro Dr Utete Masango.

Mashoko avo anotevera kugunun’una kuri kuitwa nevamwe vabereki vane vana vakanyora bvunzo gore rapera avo vari kurambidzwa kunyora zvakare gore rino.

Pasi pechirongwa checontinuous assessment, vadzidzi veO- neA-Level vaitarisirwa kuti zvavanozobura mubvunzo zvinenge zvabva muongororo yezvidzidzo zvanoita pamwe nebvunzo yavanozonyora mukupera kwegore sezviri muNew Curriculum. Vana vanenge vafoira muzamanishoni, vaitarisirwa kuti vanozonyora zvakare kwapera makore maviri apo vamwe vainzi vanofanira kudzokera kuchikoro zvakare kana varamba vachifoira.

‘Susukidzai mitauro yemuno’

$
0
0

Tandayi Motsi
DARE reSenate riri kukurudzira kukosheswa kwemitauro yemuno kuburikidza nekunyorwa kwemabhuku ari pamusoro pemitauro iyi.

Mashoko aya akataurwa nemumiriri weRushinga muSenate, Senator Damian Mumvuri, svondo rapera apo vaipa pfungwa dzavo muhurukuro yaive pamusoro pekusimudzirwa kwetsika nemagariro evanhu.

Sen Mumvuri vanoti zvakakosha kusimudzira mitauro yemuno.

“Ndinowirirana nepfungwa yekuti tinofanira kusimudzira mitauro yemuno uye Hurumende iri kuedza nepose painokwanisa kutsigira danho iri. Nyaya iripo chete ndeyekuti hapana zvekushandisa, vanhu havazi kunyora mabhuku ari pamusoro pemitauro yavo. Vanotaura chiTonga havasi kuda kunyora, vanotaura chiKorekore hatisi kuda kunyora mabhuku,” vanodaro Sen Mumvuri.

Vanoenderera mberi vachiti, “Vanhu vanofanira kukurudzirwa kuti vanyore mabhuku aya. Kusimudzirwa kwemitauro kunofanira kukosheswa. Tose tinofanira kushingairira kudzidza mitauro yose. Vachipawo pfungwa dzavo muhurukuro iyi, mumiriri weMashonaland East, Sen Jane Chifamba, vanoti zvakakosha kuti vanhu vadzidze mitauro yemunharaunda dzavanenge vachishandira.

“Zvatiri kutaura ndezvekuti kana uri munharaunda yaunoshandira, dzidza mutauro wenzvimbo iyoyo. Regai ndipe muenzaniso wakanaka, ukaenda kune imwe nzvimbo uri mukoti, varwere vanouya vokuudza matambudziko avo asi nekuda kwekuti unenge usingabve munharaunda iyoyo, hauzive tsika dzavo, haufe wakaziva kuti ungataure navo sei vanhu ivava,” vanodaro.

Vanoti kune vamwe vashandi vakadai semaVillage Development Community Officers (VIDCO) avo vasingazive tsika nemitauro emunharaunda dzavanenge vachishandira, zvinoita kuti vasakoshese nzvimbo dzinonzi dzinoera nekuda kwekusaziva chivanhu chemunharaunda.

“Ndiri kuramba ndichisimbisisa kuti zvakakosha kudzidza mitauro netsika dzinotevedzwa munharaunda yaunenge uchishandira kuti zvinhu zviendeke,” vanodaro Sen Chifamba.

Bumbiro remutemo reZimbabwe rinocherechedza pamwe nekukoshesa mitauro 16 yemuno inoti Shona, Chewa, Chibarwe, English, Kalanga, Koisan, Nambya, Ndau, Ndebele, Shangani, Sign language, Sotho, Tonga, Tswana, Venda neXhosa.

Pasi pebumbiro remutemo wenyika iri, Hurumende inosungirwa kutora matanho ekuona kuti mitauro iyi yasimudzirwa.

STEM yovandudzwa . . . Maticha 300 oita zvidzidzo

$
0
0

HURUMENDE iri kutora matanho akasimba ekuvandudza chirongwa cheScience, Technology, Engineering and Mathematics (STEM) kuburikidza nekufundisa varairidzi vanosvika 300 zvidzidzo zvesainzi kumakoreji ari kumativi mana enyika.

Mashoko aya akataurwa negurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kweruzivo rwemichina, Professor Amon Murwira, mudare reSenate nguva pfupi yadarika.

Prof Murwira vaipindura mubvunzo wemumiriri wemadzishe kuMashonaland East mudare iri, Senator Enos Musarurwa.

Sen Musarurwa vaida kuziva mamiriro akaita chirongwa cheSTEM zvichitevera mamwe mashoko anoti Hurumende yakamisa kuitwa kwechirongwa ichi.

“Ndinoda kubvunza gurukota pamusoro penyaya yeSTEM. SeHurumende, tinoziva kuti STEM iri kubatsira vana padanho resekondari asi tinonzwa kuti yakabviswa. Ndehupi hurongwa hwamunahwo seHurumende kuitira kuti vana vakange vapinda muchirongwa ichi varambe vachienderera mberi nefundo yavo?” vanodaro.

Prof Murwira vanoti chirongwa ichi hachina kubviswa asi kuti chiri kuvandudzwa.

“Chirongwa chisingakwanise kubviswa. Chicharamba chiripo, chikamu chinoona nezvesainzi. Pane bandiko remabhezari eSTEM iro vazhinji vanoridaidza kuti STEM asi STEM zvinoreva kuti Science, Technology, Engineering and Mathematics.

“Chatakamisa mabhezari eSTEM epaA- Level. Ndinoda kujekesa kuti hatina kubva tamisa chirongwa ichi zvachose, asi kuti vadzidzi vakange vatanga kare vacharamba vachienderera mberi nefundo yavo kusvika vapedza,” vanodaro.

Prof Murwira vanoti bazi ravo riri kusimbaradza chirongwa cheSTEM nekudzidzisa varairidzi veSainzi kumakoreji ari kumativi mana enyika.

“Tiri kuti ngatidzidzisei varairidzi nekuti mudzidzisi mumwe chete anokwanisa kufundisa vana vanodarika 20 000 apo anozosvitsa makore 65 okuberekwa paanotarisirwa kuenda pamudyandigere. Saka tichatora varairidzi vanosvika 300 kutanga mwedzi waChivabvu gore rino kuitira kuti vanofundira zvidzidzo zveSainzi,” vanodaro Prof Murwira.

Vanoti vadzidzisi ava vachanoita zvidzidzo izvi kumakoreji anosanganisira Mkoba Teachers’ College, kuGweru, Joshua Mqabuko Nkomo, kuGwanda neMasvingo Teachers’ College.

“Tinovimba kuti kana tikashandisa nzira iyi, tinosvika kuvana vakawanda uye tinokwanisa kuendesa mberi zvinangwa zveZimbabwe zvechirongwa cheSTEM nenzira iri nyore,” vanodaro.

Prof Murwira vanoti bazi ravo rakatangawo zvakare chirongwa cheApprenticeship icho chakange chamiswa makore mana adarika.

“Saka tiri kuenderera mberi neSTEM tichishandisa nzira iyi. Kekutanga mumakore mana adarika, takatanga chirongwa cheApprenticeship gore rino apo vadzidzi 200 papurovhinzi yoga-yoga vachatorwa kuti vaite makosi eEngineering saka tinoda vanhu vanoshandisa mawoko avo,” vanodaro.

Vanoti bazi ravo rakaisawo padivi mari inosvika $500 000 yekusimudzira zvidzidzo zveSainzi muzvikoro kuburikidza nekuvaka pamwe nekuvandudzwa kwemalibrary.

“Tiri kuzama kusvika kuvadzidzi vakawanda sezvatinokwanisa. Zvatiri kuedza kutaura ndezvekuti semuenzaniso, kana tavandudza nekupa zvekushandisa kuchikoro, tinenge tasimudzira zvizvarwa zvemangwana nezvichazouya,” vanodaro.

 

Tsumo nengano namukanya

$
0
0

Mhinduro yesvondo rapera:

Tipe tsumo inoenderana nekarungano aka:

KARE vanhu vaipfeka nhembe. Nhembe idzi dzaigadzirwa nematehwe.

Matehwe aipfekwa nevanhu aive emhuka.

Matehwe aya aibva pamhuka dzavanenge vavhima. Saka murombo aiwanzoonekwa nekuda kwekushaya zvekupfeka zvakanaka.

Ndiye uya aiti kana akaenda kunovhima haabate mhuka dzine matehwe ekuti agadzirise nhembe.

Tsumo yacho: Murombo haarove chine nguwo.

* * * *

Svondo rino:

Tipe tsumo inoenderana nekarungano aka:

TSURO akaperekedza Gudo kunoreva chikwereti chake kwaShumba.

Vasvika kwaShumba, Gudo akawatsura Shumba mbama achiti, “Dzidza kudzosera zvikwereti iwe.” Tsuro akashamiswa nekuita kwaGudo.

Shumba akaviruka nehasha ndokusvetukira Gudo, asi Gudo akabva akwira mumuti. Shumba akabva ati tsvoma naTsuro.

Tsuro akazosangana naGudo mushure mezvizuva, Gudo akati, “Tsuro uri kuda kuenda kumabiko here?”

* * * *

Mhinduro svondo rinouya.

. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007


Kudya kunowanikwa musango

$
0
0

Ticha Danga
REGAI timboti nzvee zvishoma timboona kuti vakuru vedu vaimborarama sei takatarisana nekudya nekuti vaigara vakagwinya uye vasingazive misiwo yezvipatara. Masango nemapani ndizvo zvaipa vanhu ava raramo uye zvaida hunyanzvi hwekuziva chaipo pekunanga napo.

Nhaurwa chaiyo yemitupo yakatanga yakarerekera mukukudza vanhurume kunyanya pakuvatenda sevanhu vaipinda mumasango kunoshava zvekudya. Zvaipa vashavi masimba nemanyemwe okuramba vachishavira mhuri.

Chainyanyoshaviwa apa husavi hwekudyisa nahwo. Madzimaiwo aimiramirawo nekwavo mukutsvagawo zvaisesedzana nenyama mugapu. Vaivawo nemhando dzemiriwo dzavaiziva kunotemha musango vachibikira mhuri. Vaienda musango vonotemha chirevereve, furanondo kana mowa.

Vaiva namabikiro avaiita kuti muriwo iwoyo ugonaka kana dai wabikwa jovochovo kana kuti munjonjo. Munjonjo kana kuti jovochovo muriwo usina mafuta.

Vaitemha zvakare mujakari, nyevhe nerune vachibikira mhuri.

Vanhukadzi ivavo vainononga nekutemha howa hwakasiyana siyana. Nyaya yehohwa inoda vanhu vanoziva hohwa hunodyiwa nehusingadyiwi nekuti humwe hwacho hunouraya.

Nokuda kwekuti hohwa hunogona kutora upenyu hwemunhu, tinoda kuti titarise mazita ehohwa hunodyiwa zvisina dambudziko. Kune kahohwa kanonzi tsvuketsvuke kanoti mvura ichingonaya kobva katsvukisa masango kari muzasi memiti. Rimwe zita racho kanonzi kafirifiti.

Pane hohwa hunonzi uzutwe kana kuti uzukweuzukwe hunomera pachuru. Uzutwe hwakasiyana nehuvhe iyo inowanikwa zvakare pazvuru kana pose pose. Huvhe hohwa hukuru hunoita guvhu uye mudzi wakareba. Huvhe inoonekwa paya panonaya mvura zhinji yeZhizha.

Chihombiro nechitsoka hohwa hupfupi hunozivikanwa nekunaka. Kunowanikwawo hohwa hunonzi nhedzi hunova hohwa hunotsvedzerera uye huchibuda pachuru. Nhedzi inonaka zvikuru.

Nzeveyambuya hohwa hunenge tunzeve twembwa. Kune kamwe kahohwa kasingadyiwi kari kanyoro. Kanotongoda chete kakafusha. Kahohwa ikaka kanonzi nyakasheshe. Kanoda kufanana nekahohwa kamwe kanouraya kana kakadyiwa kari kanyoro kanonzi kumudzihakunamakuva.

Mhindupindu dzekutsvaga chekudya kana kusevesa dzakadzidzisa vanhu kudya madora. Madora anozivikanwa nenyaya yekupa utano nekuvaka muviri. Madora haana kufanana sezvatinofungira.

Kune madora anonzi chiwizi. Aya madora anowanikwa mumuti wemukute kana kuti mubonda. Tine mashonja ayo akati chenurukei anowanikwa mumunhondo, mupani kana musasa. Manhemeteme anowanikwa mumusasa.

Masinini anowanikwa mumubonda, munhondo kana musasa. Harati dzinowanikwa mumukarati kuchiti nhongotokowa dzichiwanikwawo mumutowa. Husavi hwaiwedzerwa zvakare nembeva. Kune zvinotaurwa zvakawanda pamusoro pembeva navanhu zvekuti vanhu vakazviteerera vanorasika vakapotsana nekudya tsuro ndisunge yenyama inobva mumbeva. Mbeva idzodzi dziri pakawanda. Kunowanikwa mbeva inonzi danhazvuru iyo inotambira pamwena nemakuru epazvuru. Kunowanikwawo dapi rinova zimbeva rinotambira makanyorova kunyanya mumatimbwa. Shanje imbeva ine mitsetse mitema pamusana. Inonyanyowanikwa mumadhunduru ane huswa hwakawanda.

Shana imbeva ine mafuta inowanzobatwa zvakanyanya munguva yekukohwa. Nhika dzinowanikwa zvakare mubandiko rembeva uko dzinowanzobatwa nekuchera. Mbende zimbeva ziguruwo zvakafanira rine mbiri yekumhanya nekunzvenga vanodzichera vachipondana mipimbiri nemapadza nekuripotsa.

Huchi, makurwe nehove ndizvo zvimwe zvaiwedzera mhando dzeusavi. Pahuchi tinowana mhando shanu dzinoti hwomukoko, mbadzi, chifoka, dendende nemonga. Kumakurwe kunowanikwa nyaruzanda nechinyamunjwiriri.

Hove dzinonyanyozivikanwa makwaya, miramba, majenya, hunga nechibayangwena.

Godo remapatya

$
0
0

Munyaradzi Gunduza
SVONDO rino tinopedzisa kupindirana kwemusoro webhuku nerungano.

Musoro webhuku wekuti Manyambiri unoenderana nekupihwa mukana wekurarama kunoitwa Paida naPaido. Ishe Njeremavhu nemakurukota avo vanotendera Rufuse kuti ange achichengeta vanasikana vake mapatya ainzi Paida naPaido kuti vararame kunyangwe zvazvo mutemo wepasi wakanga usingazvitenderi.

Zvaizivikanwa ndezvekuti mapatya kana achinge azvarwa paifanira kuuraiwa mumwe chete wavo aizopedzisira kuzvarwa asi hazvina kufamba nenzira iyoyo munyika yaShe Njeremavhu.

Kuitirana godo kunoita Paida naPaido kunojekesa musoro webhuku. Tinoona kuti kubva Paida naPaido pavanoziva kuti mumwe chete wavo aizoroorwa kuimba youmambo achibva azivikanwa kuti aive Paido, panotanga kuve neshanje pakati pemapatya aya sezvo Paida akanga asingafari nazvo zvinoonekwa nekuisira Mambo Njeremavhu naNduramo muchetura muchikafu.

Kutadza kuzivikanwa kwaPaida naPaido nababa vavo kunoenderana nemusoro webhuku. Tinozviona Paido paanobva kumba kwemurume wake, Nduramo achidzokera kumusha kwavo pamusana pekushaiwa mbereko. Anotumira Paida kumurume wake kuti anomuzvarira vana naNduramo iye osara pamusha achiita saPaida.

Izvi zvoga baba vavo Rufuse vanotadza kuzviona zvinoratidza kuti zano iri haraigoneka dai vaisave manyambiri.

Kuiswa zvifumuro kunoitwa Paida naPaido kunofambirana nemusoro werungano. Tinonzwa kuti zuva razvarwa mapatya aya akaiswa zvifumuro kuitira kuti azozivikanwa zviri nyore.

Paido aive nechifumuro chaive muhuro uye Paida aive nechifumuro chaigara chakaiswa mugumbo. Izvi zvifumuro zvinoratidza kuti vasikana ava vaive manyambiri.

Vandudzo yedzidzo yakare

$
0
0

naChiremba
ZVABUDA pachena kuti hwaro hwedzidzo hwanga hwoda shanduko, vaive President, VaR. G. Mugabe vakaumba dare raizoongorora dzidzo yedu. Dare iri raifanirwa kukomekedza shanduko yaidikanwa mudzidzo itsva yeZimbabwe.

Dare iri rakamiswa mugore ra1998 richitungamirwa namuzvinafundo VaC. Nziramasanga.

Muna 1999 dare iri rakazobuda nezvarakawana muongororo yarakaita (ripoti) izvo zvakaturwa kune aive mutungamiri wenyika nedare remakurukota eHurumende. Ripoti yakati paive neshanduko zhinji dzaidikanwa mudzidzo.

Shanduko idzi dzaisanganisira kusandurwa kwekosi yechikoro chevana vepuraimari kubva kumakore manonwe kusvika mapfumbamwe. Izvi zvaireva kuwedzera makore maviri.

Pamakore maviri aya mwana anozodzidza danho re ECD (Early Childhood Development) A gore rekutanga, ozodzidza ECD B gore rechipiri.

Nokudaro hapana mwana aizodzidza giredhi 1 asati adzidza ECD A neECD B.

Makore edzidzo yesekondari haana kusandurwa. Akaramba angori matanhatu, fomu yekutanga kusvika yetanhatu.

Gwaro raVaNziramasanga nedare ravo rakatambirwa neHurumende.

Ratambirwa kudaro, zvakareva kuti chakanga chatoputika, hwaro hwedzidzo (Curriculum Framework) hwaifanira kutoumbwa, poitwa gadziriro dzekuzazanura hurongwa uhu nekuzopedzisira hworudunurwa muzvikoro.

Chakatanga kunzwa pfungwa dzevanhu maererano nebindurazvinhu mudzidzo yevana. Zvakaitika mukupera kwegore ra2013 apo vanhu vanosvika 961 000 vakapa pfungwa dzavo kudare iri.

Nhapapfungwa iyi ndiyo yakave hemeni mukudzumbunurwa kwehwaro hwedzidzo hutsva.

Kubva ipapa mabumbiro ezvidzidzwa zvakatsaukana akaumbwa nenyanzvi dzakatorwa mumapazi anoita nezvedzidzo. Mabumbiro emaedzwa aya aitwa, pakave nezvikoro zvakasarurwa kuti hwaro hutsva nemabumbiro matsva zviyedzwe.

Zvikoro izvi zvaiti zvemumaruva, zvemumaguta — zvepuraimari nezvesekondari.

Zvakabuda zvakave pachena semwedzi wechirimo. Mabumbiro akanga akanaka, uye achishandika nawo. Paivewo netubingamupinyi twakaonekwa mukuyedzwa kwemabumbiro uku asi zvakanaka zvaidarika zvakaipa.

Zvadai, bazi rezvedzidzo rakakavira bhora mberi, dzidzo itsva ikapinda muzvikoro mugore ra2017.

Chakava chipatapata kukavira bhora iri mberi muna Ndira. Dzidzo itsva yatangisa muzvikoro mumagwaro anoti ECD A, giredhi 1 negiredhi 3 kupuraimari uye fomu 1, fomu 3 nefomu 5 kusekendari.

Muchikamu chinotevera totarisa nheyo dzehwaro hwedzidzo itsva.

Mabasa enziyo mungano

$
0
0

Munyaradzi Gunduza
5. TSANANGURA zvinogutsa kuti nziyo dzaiita basa rei mungano uchishandisa ngano dziri mubhuku iri. [25]

Mungano Mudzimai akadyiswa muko munobuda nziyo dzichishandiswa senzira yekufambisa mashoko pakati pevanhu vakasiyana vari mungano umu. Mungano iyi muna vahosi navakadzin’ina vavo avo vaitaurirana mashoko kuburikidza nokuimba nziyo apo vainge vachiita basa. Vahosi vanoratidza kugunun’una nenyaya yekuputsirwa hari yavo nehuku yanyachide apo vaiimba vachikuya pavaimuudza kuti huku dzake dzine utsinye, uye dzinobatsira vatenzi vadzo kurwa godo repabarika.

Vahosi vanoimba vachitukirira mukadzin’ina vachiti:

“Ihe ihe vakafa hapana chavakaona,

Varume havana mugoni,

Nyachideyo ane meso akatsvetsvereka, . . .”

Pazuva rinotevera vakadzin’ina vanoendawo paguyo voimba vachituka vahosi pamusoro peshanje yavo.

Mashoko anofambiswa kuchishandiswa nziyo. Izvi zvinoburitsa kuti nziyo dzaive nebasa rekufambisa mashoko pakati pevatambi kuti vazive zviri kufungwa nemumwe wavo.

Nziyo dzaivewo nebasa rekudzidzisa vateereri kushaura sezvo patsika namagariro aVaShona vanhu vaigara vachishaura pazviitiko zvakaita semapira nepakuita mabasa akasiyana-siyana.

Mungano inonzi Mukadzi neshumba – munhu mune kuimba kunoitwa apo mushauri anoimba rwiyo rwekuti, “Chikuhuhu nyarara . . .”

Mungano iyi munobuda pfungwa yekuti nziyo dzaive nebasa guru rekudzidzisa vana kuimba izvo zvaiita kuti vazove tsuri dzamangwana muupenyu.

Tinopedzisa mubvunzo uyu svondo rinotevera.

Ziva

$
0
0

MHINDURO yemufananidzo wesvondo rapera ndeinoti zondo.

Hedzinoi dzimwe dzemhinduro dzakabva kuvamwe vaverengi:

Zondo – Kudzie Jion, Marondera.

Zondo – Petronella Mashava, Chitonhora High, Ndanga, Zaka.

Zondo – Talent Mwakona, Overspill, Epworth.

Izondo – Michael Tavengwa, Waterfalls.

Zondo – George Gumborezenda, Magunje.

Tsuro – Tino, Crowbrough.

Zondo – Francis Gweshe, Budiriro 5A.

Zondo – Jairos Bingwani, Unity O, Seke, Chitungwiza.

Zondo – Tendayi Kaseke, Zengeza 2.

Izondo – Blessed.

Zondo – Struggle Gatsi, Tafara.

Zondo – Gracious Marekano, ndine makore 14.

Zondo – Raphael Madhanda, Magamba Sec School, Hwedza.

Zondo – Lindsay Dhausi, Parirewa, Domboshava.

Zondo – Nyasha Fuzani, Mt Hampden.

Zondo – Mai Tsanyawu, Chi-town.

Zondo – E. Chirema, Epworth.

Zondo – Amos Musariyamwa, Maniresa Park, Harare.

Zondo – B. Matemavo, Ngezi Turf.

Zondo – Tafadzwa Muya, Zimbiru, Domboshava.

Zondo – Mambo Obie, Mushayazano, Domboshava.

Zondo – Zita Elizabeth Marovhu, Chi-town.

Zondo – Godfrey Kapepa, Tynwald.

Renguruve – Basilisa Matemavi, Ngezi Turf.

Zondo – 0776 341 896.

Zondo – Struggle Gatsi, Tafara.

Zondo – Leeroy P. Matikinyikidze.

Zondo – 0777 929 375.

Zondo – Elisha Murwisa, Luxury Store, Mt Darwin.

Zondo – Richard Mutsvetwa, Mutare.

Zondo – Aurther Bright Kamuti, Nyahuku, Mudzi.

Zondo – 0770 210 872, R. Kapinga, Hatcliffe.

Zondo – 0775 404 654.

Zondo – A.C, Sisk, Masvingo.

Zondo – Kutenda ‘Kukunda’ Teguru, St Nicholus Primary School.

Zondo – Moreblessing Teguru, St Nicholus Primary School.

Zondo – Samantha Teguru, Mahusekwa High.

Zondo – Mcdeey Kawocha, Chigango Primary School, Choma, Mt Darwin.

Zondo – Locadia Makwindi, Kambuzuma Section 5.

Zondo – Daniel Kazani, Chimukoko, Mudzi.

Zondo – Zidyauswa, Highfield.

Zondo – Baba Tanaka Magosvongwe, Honde Valley.

Zondo – Alec Nyagomo, Chegutu.

Zondo – Peter Njembwa, Ruwa.

Zondo – Caro, pa11 Miles.

Izondo – Alex T. Matikinyidze.

Izondo – Gerry Tafireyi, Sakubva 2 High.

Zondo – Mashoko Chikuku Chidyamakono, Dhumhe Village, Chivi.

Zondo – Mudhara Gonyeti, Emerald West, Headlands.

Zondo – 0713 344 543.

Zondo – Beauty Phiri, Old Tafara.

Zondo – S. Store k/5, Harare.

Zondo – Naison Khumalo, Bhobho Gazebo.

Zondo – Tariro Makwasha, Chi-town.

Zondo – Talent Chikomo.

Zondo – T. Kapisa.

Izondo – Talent Chikonye, Crowhill Primary School, Borrowdale.

Zondo – Gilbert, Murewa.

Izondo – Dickson Mapa, Mutare.

Zondo – Robson Murumbi, TSF, Harare.

Zondo – Mr Manatsa, Umback Village, Kadoma.

Zondo – Robert Matsikidze, Houghton Park.

Izondo – Ndinyaupe, Harare.

Zondo – Felix Chiwa, Churu Farm, Harare.

Zondo – Steuwart Manyepo, Kuwadzana Extension, Harare.

Zondo – Luckson Bwanya.

Zondo – Rachel TP Shoko, V8, Mberengwa.

Zondo – Mai Melinda, Kutama, Zvimba.

Zondo – Nigel Machote, Melfort, Bromley.

Zondo – Nyadawa Padenje, Uzumba.

Zondo – Tawanda Chitare, Dangamvura, Mutare.

Zondo – Nyasha Mabure, Epworth.

Tsuro – Fungai Magura, Zvikomborero, 0775 762 406.

Izondo – 0719 980 675.

* * *

Kana nyoka yakaungana uye yakazvimonerera kuita kadutu inonzi yakaita chii?

* * *

Onai mhinduro svondo rinouya. Tumira mhinduro panhare dzinoti 0714 200 007.

Viewing all 921 articles
Browse latest View live


<script src="https://jsc.adskeeper.com/r/s/rssing.com.1596347.js" async> </script>