VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: kwayedza@zimpapers.co.zw kana patrick.shamba@zimpapers.co.zw. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.
* * *
MHINDURO DZESVONDO RAPERA:
Madimikira aya anorevei?
1. Kuva nemusoro – kuronga zvinobudidira
2. Kuva neruoko – kuba
3. Kuva nepamuromo – kudenha
4. Kuva nemukanwa – kuruta
* * *
ZVAKABVA KUVANA
0713 971 798 – Chave chigondora chave chimombe kutadza kuzvifurira hurema hwacho.
* * *
0773 476 546 – Murombo harovi chine nguwo.
* * *
Tanatswa Gondo – Murombo haarovi chine nguo.
* * *
0782 034 208 – Ane ganda ane nyama hazvienzane neasina.
* * *
Charity Bingwani, Jonas Primary School – 1. kurongeka; 2. kuba; 3. kutaurisa; 4. kuruta
* * *
Tatenda Huchu – “Murombo haarove chine nguwo”.
* * *
0774 723 079 – Mwana anozvarwa nguva yake isati yasvika anonzii? – (Anonzi gavamwedzi)
* * *
Tawanda Chitare, Dangamvura, Mutare – Murombo haarovi chine nguvo.
* * *
Chitando, Gutu – Kurauone mwanangu.
* * *
A.C.K – 1. kugona kuronga; 2. kuba; 3. kutukana nevamwe; 3. kuruta kana kukara
* * *
Moreblessing Teguru, Mahusekwa High – 1. kuva nepfungwa; 2. kuba; 3. kudenha; 4. kutaurisa
* * *
0772 892 327 – Murombo haarovi chine nguwo.
* * *
Tawanda Chitare, Dangamvura, Mutare – 1. kugona kuronga; 2. kuba; 3. kutaurisa; 4. kukara
* * *
Samantha Teguru, Mahusekwa High – 1. kuva nepfungwa; 2. kuba; 3. kudenha; 4. kutaurisa
* * *
0718 629 582 – Murombo haarovi chine nguvo.
* * *
0775 604 702 – Chave chigondora chava chimombe kusatunga upenzi hwacho.
* * *
ZVEKUITA SVONDO RINO:
Tsvaga izwi riri muchikwata “A” woribatanidza neriri muchikwata “B” kuti ugadzire izwi idzva.
“A”. gava, mashamba, pfunha, mhuka, mbuya, tsvimbo
“B”. mbuya, muderere, rume, huru, nzou, mwedzi
* * *
Mhinduro svondo rinouya.
. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007
CHISHONA CHAKANAKA
Delta yakabatsira vana vepaChiedza
Muchaneta Chimuka
KAMBANI inogadzira zvinwiwa, yeDelta Corporation Limited, svondo rapera yakapa rubatsiro rwemidziyo yekushandisa mune zvemitambo inokosha $5 000 kuChiedza Child Care Centre iri kuArdbennie, muHarare.
Midziyo iyi inosanganisira marimba, ngoma, hosho, matenesi, mayunifomu nezvimwe zvakawanda izvo zvichaona vadzidzi vepaChiedza vachibatsirikana mudzidzo yavo.
Chiedza Child Care inobatsira mukufundisa vana vanotambura, zvikuru avo vanobva kumhuri dziri kushungurudzwa neutachiona hweHIV neAIDS uye wakavambwa mugore ra2001.
Vana vanobatsirwa apa vanosanganisira nherera nevari pasi pemakore 18, zvikuru vanobva mumusha weMbare.
Vachitaura pakutambidza vadzidzi midziyo iyi, Mai Patricia Kudzai Murambinda, avo vanova corporate affairs executive kuDelta, vanoti aka hakasi kekutanga vachibatsira Chiedza.
“Mumakore akadarika, takabatsira madzimai akaremara kuti vange vachiita mabhindauko ekuchengeta huku, kugadzira kobhura, kutengesa nekuzvivambira mabhizimusi munzvimbo yeMbare. Tinoda kuramba tichishanda nenharaunda idzo tinodyidzana nadzo kuti tiwanikwe tichidzorera kwavari.
“Vana vari pano vanobva kumhuri dzinotambudzwa neutachiona hweHIV neAIDS nokudaro vanoda kutsigirwa mudzidzo yavo. Tavapa midziyo inokosha $5 000 kuitira kuti vabatsirikane mufundo yavo.
“Munguva yadarika, takacheresawo chibhorani pamwe nekuisa magetsi anobva muzuva kuitira kuti mabasa afambiswe zvakanaka,” vanodaro.
Mai Spiwe Chakawa, avo vanova executive director weChiedza Child Care Centre, vanotenda rubatsiro urwu vachiti rwuchasimudzira dzidzo yevana vavo.
“Vana ava vane upenyu hunorwadza zvekuti kazhinji kacho tikati dhirowai nezveupenyu hwenyu unotogona kushamisika vachidhirowa mabhokisi anovigiswa vafi kana munhu akaremara kureva kuti ndihwo upenyu hwavakakura vachiona apo vazhinji vavo vakarasikirwa nevabereki nekuda kwedenda reHIV.
‘‘Kuuya kwerubatsiro urwu kunounza nyevenutso mundangariro dzavo nekuti vanowana shamwari uye kutandadzwa apo vanopinda mumitambo yakasiyana,” vanodaro.
Usashore mhumhu
Munyaradzi Gunduza—
SVONDO rino tinopfurira mberi nekupedzisa mubvunzo watakatanga svondo rapfuura. Iyi imhinduro yemubvunzo unoti;
- Tsanangura zvidzidzo zvakasiyana-siyana zvinobuda mungano uchishandisa ngano shanu dziri mubhuku iri. [25]
Mune rumwe rungano runonzi, Chinyamapezi munobudawo chidzidzo chekuti vanhu havafanire kushora vamwe nokuda kwemhumhu yavo. Izvi zvinobuda Chinyamapezi aive munhu anoshoreka pachimiro, asi anokwanisa kuroora mwana washe kuburikidza nekushingirira kukwira mumuti une nyuchi dzairuma chose sezvakange zvataurwa namambo kuti murume anenge ashinga kukwira mumuti uyu akasvika pane mwana wake aibva amuroora. Mungano iyi munobuda zvakare chidzidzo chekuti kushingirira kunounza pundutso sezvo Chinyamapezi akashingirira kurumwa nenyuchi, asi pakupedzisira akazogara zvakanaka nerufaro mushure mekunge ave mukuwasha wamambo.
Mune rumwe rungano runonzi Murume aive mvangamakomwe munobudawo chidzidzo chekuti kunyengedzwa hakuna ndakura. Tinonzwa kuti Dambudzo, aive mukadzi wemunhu anonyengedzwa kuti adanane naGukura. Pakupedzisira Dambudzo anonyengedzwa zvakare otizwa naGukura zvinoita kuti asare musango achitambudzika mushure mekunge anzvengwa. Kubvuma kunyengedzwa kunoitwa Dambudzo kunobudisa pachena kuti kunyengerwa hakuna munhu mukuru.
Cherechedzo: Pamubvunzo unoda zvidzidzo zvinobva mungano zvakakosha kuti pangano imwe neimwe utsanangure chidzidzo chimwe chete, kwete kuzoda kuburitsa zvidzidzo zvizhinji kubva mungano imwe chete. Mhinduro yapihwa apa ine zvidzidzo zvakawanda kubva mungano imwe chete kuti muone zvimwewo zvidzidzo. Iwe paunopindura mubvunzo wakadai, sarudza chidzidzo chimwe chawakanyanya kufarira mungano.
Zvekuita:
Mubvunzo: Munguva yekare ngano dzaivepo kuvaraidza/kudzidzisa vana. Tsigira pfungwa iyi nengano shanu dziri mubhuku iri. [25]
Tsumo nengano namukanya
Mhinduro yesvondo rapera:
Tipe tsumo inoenderana nekarungano aka:
RIMWE gore Mhembwe akadanana naNjiri. Tsuro akati kuna Mhembwe, “Washaya mukomana kwaye here asina mazino akabuda panze?” Mhembwe akati, “Njiri ndinomuda akadaro Tsuro.” Nzou akati, “Njiri ane mhopo, zvakare anogara akasviba nguva zhinji.” Asi Mhembwe akati, “Imi, ndisiyei kani. Ndasarudza zvandinoda.”
. Tsumo dzacho:
Chidamwoyo hamba yakada makwati.
Mwoyo muti unomera paunoda.
* * *
Svondo rino:
Tipe tsumo inoenderana nekarungano aka:
TSURO aitaurisa zvekuti vamwe vake vakanga vave kuti vakamuona achiuya vaimutiza. Tsuro akanga ambotsiurwa naTsoko, asi hazvina kupera. Tsuro aiwanzotanga nyaya achiti, “Ndinozviziva kuti munoti ndinotaurisa, asi nhasi handisi kutaurisa. Ndiri kuda kungotaura zvandafambira chete.” Asi nyangwe adaro, Tsuro aizopedzisira osvota vamwe nepamuromo pake pasingamharwe nenhunzi. Vanhu vane dambudziko kana hunhu hunokanganisa vamwe kazhinji havazive kuti vane dambudziko.
* * *
Mhinduro svondo rinouya.
. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007
Kare midzimu yaikosheswa
Munyaradzi Gunduza—
ZVIDZIDZO zvinobuda murungano:
Zvinhu zvaunodzidza ndizvo zvaunobata mushure mekunge waverenga bhuku. Sekusiyana kwemaverengero edu, zvidzidzowo zvatinobura pamwe pacho zvinogona kusiyana.
Zvidzidzo zvinobuda mumabhuku enganonyorwa zvinowanikwa pamhando dzakasiyana-siyana. Kune zvidzidzo zveupenyu, zvidzidzo zvemhangwa, zvidzidzo zvemararamiro aiita vanhu pasichigare.
Zvino mugwaro rino tichatarisa zvidzidzo zvese izvi zvakangosangana pasina kuzvitsaura.
Ndakadzidza kuti ruchiva rwakaipa. Zvinobuda kuna Paida anochiva Nduramo uyo akanga achida kuroora Paido. Izvi zvinoguma zvaita kuti azofunge zano rekumuisira muchetura zvinove zvakazopotsa zvavadzingisa mudunhu mavaigara.
Ndakadzidza kuti pasichigare manyambiri aifanira kuuraiwa. Izvi zvinoonekwa panozvarwa Paida naPaido avo vaive mapatya zvichinzi paifanira kuuraiwa mumwe chete wavo, kunyanya akanga apedzisira kuzvarwa anove Paida.
Ndakadzidza kuti midzimu yaikosheswa zvikuru pasichigare. Ndakazviona munyika yaMambo Njeremavhu apo midzimu yaikosheswa muzvinhu zvose zvaibata upenyu hwevanhu.
Tinoona vanaMambo vachibvunzira kuna Mindya uyo aive svikiro revadzimu munyika mavo kuti vodii nezvenyaya yemanyambiri aRufuse.
Tinopedzisa zvimwe zvidzidzo zvinobva muna Manyambiri svondo rinouya.
Chikoro chodzidzisa vana mafambiro mumigwagwa
Freeman Razemba—
HURUMENDE yakavhura zviri pamutemo muzinda wekudzidzisa vana vechikoro pamusoro pemitemo inotarisirwa pakufamba kusina njodzi mumigwagwa pachikoro cheHurungwe Primary School, kwaMurehwa, senzira yekuti inge ichizadzikisa chinangwa cheUnited Nations chekuderedza huwandu hwevanhu vanofa mutsaona dzemumigwagwa nechikamu che50% panosvika gore ra2020.
Muzinda uyu – uyo wakavakwa nesangano reTraffic Safety Council of Zimbabwe (TSCZ) – wakavhurwa zviri pamutemo negurukota rezvekufambisa, Dr Joram Gumbo.
TSCZ yakapawo zvakare mabhasikoro 15 achashandiswa mukudzidzisa vana pamuzinda uyu.
Dr Gumbo vanorumbidza TSCZ nekuda kwechirongwa ichi.
“Hakuna nyika inoda kuzadzikisa chinangwa chepasi rose ichi isingakoshese avo vanenge vari panjodzi yekuwirwa netsaona dzemumigwagwa, kunyanya vane makore mana kusvika manomwe ekuberekwa sevari kuda kudzidziswa paHurungwe Primary School Traffic Training Centre,” vanodaro.
Dr Gumbo vanoti chirongwa ichi chakatangwa neGreat Zimbabwe University (GZU). Vanotizve kudyidzana kwakanaka pakati penharaunda nevadzidzi vezvikoro zvepamusoro kunofanira kusimbaradzwa, kwete neGZU chete asi nemakoreji pamwe nemayunivhesiti ose munyika.
“Muzinda wetraffic centre inzvimbo iyo vadzidzi vanokwanisa kufunda pamusoro pemafambirwo anotarisirwa mumigwagwa sezvazviri, kusanganisira masaini emumigwagwa nezvimwe zvose,” vanodaro Dr Gumbo.
“Vadzidzi vanofundiswa kuti masaini anenge ari mumugwagwa anorevei. Pamusoro pezvo, vana vanowaniswa zvakare mukana wekutasva mabhasikiro vachishandisa ruzivo rwavanenge vawana.”
Dr Gumbo vanoti vana vanenge vachidzidziswawo kufamba kusina njodzi mumigwagwa.
“Muzinda uno wakavakwa kumaruwa zvichienderana nehurongwa hweHurumende hwekuunza budiriro kunzvimbo dzakasaririra.
“Yakadarika nguva apo mizinda yakadai yaingowanikwa kuzvikoro zvakabudirira zvaizivikanwa semaGroup A Schools pamwe nenzvimbo dzemabhizinesi seBond Street Shopping Centre, kuMt Pleasant, muHarare.”
Dr Gumbo vanoti muzinda wakavakwa paHurungwe Primary School uchabatsira vana vezvimwe zvikoro zvakapoteredza.
Zvimwe zvezvikoro zvine vana vachabatsirika nemuzinda uyu zvinosanganisira Hurungwe Secondary, Kambarami Primary nesekondari yacho, Murehwa Mission, Murehwa Central Primary, St Clare’s Primary nesekondari yacho, Rukungwe Primary neMuchenje Secondary.
Bumbiro idzva redzidzo –
Vavariro yepiri yedzidzo itsva naChiremba
VAVARIRO yepiri yedzidzo itsva kuumba mudzidzi anozonyatsoti kwane kwane muupenyu hwemba uye muupenyu hwebasa kwose kwaari. Chinangwa ndechekuti mudzidzi abude muchikoro aine zvaanokwanisa kuita nepfungwa, nemoyo uye nemaoko ake.
Anofanirwa kubuda muchikoro ave kufarira kushanda, kwete kuswera akagara pazambuko kana pabhawa. Semunyika muno, dzidzo itsva inovavarira kuumba vana mutambanebadza-unyope-taramba wevadzidzi.
Paupenyu hwemba, ndipo pane yese, sekuti vazhinji vanopedzisira vapindamo. Mumba munoda kubatirapamwe kuti upenyu huendeke. Saizvozvo, kubatirapamwe kunotangira muzvikoro, vana vachiita mapurojekiti kana zvimwewo muzvikwata.
Vave vabereki, kubatirapamwe kunoenderera mberi vanhu vachironga michato, vachichema hama, vachipura zviyo, vachikandirana mari kana kukomba chikari.
Kugona kunyengerera humwe hunyanzvi hunodikanwa muupenyu uye hunodzidziswa mwana mudzidzo itsva iyi.
Muupenyu hapaziri pose panoda chamanikidza kuti zvinhu zviite — pakawanda panoda kugona kutaura nevamwe kana kutsvetera kuti zvinhu zvifambe. Semuenzaniso, rume risingagoni kutsvetera hariroori, asina gejo akatadza kunyengerera anaro haarimirwi, ane dhonza rimwe anotsvetera ane mhou kuti vabatanidze gejo ririme, ane fodya anotsvetera ane pepa kuti mudzanga utsve uye munyai anochemedzana natezvara kuti roora rireruke.
Apinda mumba, munhu anoda basa rekuzviriritira, ringave rekushandira mumwe kana rekuzvishandira.
Asi zvakadaro, mabasa mazhinji anoda mukomberanwa wandambotaura uya kuti chiri kuitwa chibudirire. Semuenzaniso, panotengeswa fodya panoda kubatira pamwe kwevanhu vakawanda.
Panoda anotakura mabhero, anoayera huremu, anoavhura, anoisa fodya muzvikwata, anotenga fodya, anonyora mavhocha nevamwe vanoitawo zvimwe. Pasina mukomberanwa uyu, fodya haingatengeswe.
Nekune rimwe divi, vanoita mabasa akaita serandatsanangura iri vane nguva yavanoda kuita hurukuro dzemihoro neavo vanovabhadhara. Ipapa ndipo panodanwa vane mangoromera ekutaura nevanogona kutsvetera. Vanokura vachizvidzidza kuchikoro ndopavanodaidzwa vakadavira.
Unonzwa vodaidzira, “Huchi! Tipei tizvigadzirise.”
Panodzidziswa vadzidzi zvemba nezvemabasa izvi hazvina kuti musikana kana kuti mukomana, vose vanopakurirwa mugapu rimwe uye zvakaenzana. Kana chiri chidzidzo chekubika kana chekuvaka, panenge pasina kuti ichi nechevakomana kana kuti vasikana.
Kana tikaumba mubereki wemangwana ane zivo nechiremera chakadai . . . tozodeizve? Tinenge tatopinda, tave vanhu, zvave zvinhu!
Muchikamu chinotevera tichatarisa vavariro yedzidzo itsva yechitatu.
CHISHONA CHAKANAKA
VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: kwayedza@zimpapers.co.zw kana patrick.shamba@zimpapers.co.zw. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.
* * *
MHINDURO DZESVONDO RAPERA:
Nyora patsva mitsara inotevera, asi uchitanga nezwi rinoti “nezuro”.
Muenzaniso: Ndiri kuenda kuchechi. Nezuro ndakaenda kuchechi.
1. Chipo ari kuruka Chiedza musoro.
2. Sekuru vanokama mombe shanu.
3. Amai vanoyanika hembe pamutariro.
4. VaNdudzo vanotidzidzisa kutamba bhora.
5. Vanhu vese vaenda kudare kwamambo.
Mhinduro:
1. Nezuro Chipo akaruka Chiedza musoro.
2. Nezuro sekuru vakakama mombe shanu.
3. Nezuro amai vakayanika hembe pamutariro.
4. Nezuro VaNdudzo vakatidzidzisa kutamba bhora.
5. Nezuro vanhu vese vakaenda kudare kwamambo.
* * *
ZVAKABVA KUVANA
Mabhena Special, Dora Dombo, Mutare – Chidamwoyo hamba yakada makwati.
* * *
Chakanetsa, Chenai Maporisa Matches, Chi-town – 1. Nezuro Chipo airuka Chiedza musoro.
* * *
Luke Madhanda, Grade 3Red, Tafadzwa Primary School, Stoneridge Park – 1. Nezuro Chipo akaruka Chiedza musoro; 2. Nezuro sekuru vakakama mombe shanu.
* * *
Jaden Marume, Tafara 1 Primary Harare – 1. Nezuro chipo akaruka Chiedza musoro; 2. Nezuro sekuru vakakama mombe shanu; 3. Nezuro amai vakayanika hembe pamutariro; 4. Nezuro vaNdudzo vakatidzidzisa kutamba bhora; 5. Nezuro vanhu vese vakaenda kudare kwamambo.
* * *
Loretta Gomana, Grade 5, Sandara Primary, Gweru – 1. Nezuro Chipo akaruka Chiedza musoro; 2. Nezuro sekuru vakakama mombe shanu; 3. Nezuro amai vakayanika hembe pamutariro; 4. Nezuro VaNdudzo vakatidzidzisa kutamba bhora; 5. Nezuro vanhu vese vakaenda kudare kwamambo.
* * *
Tawanda Chitare – Moyo muti unomera paunoda.
* * *
0717 116 714 – 1. Nezuro chipo akuruka chiedza musoro; 2. Nezuro sekuru vakakama mombe shanu; 3. Nezuro amai vakayanika hembe pamutariro; 4. Nezuro vaNdudzo vakatidzidzisa kutamba bhora; 5. Nezuro vanhu vese vakaenda kudare kwamambo.
* * *
0717 116 714 – Chida moyo hamba yakada makwati.
* * *
Lister Nyahuku, Mutanda Primary School, Mutare – 1. Nezuro chipo akaruka chiedza musoro; 2. Nezuro sekuru vakakame mombe shanu; 3. Nezuro mai vakayanika hembe.
* * *
Tawanda Chitare, Dangamvura, Mutare – 1. Nezuro Chipo akaruka Chiedza musoro; 2. Nezuro sekuru vakakama mombe shanu; 3. Nezuro amai vakayanika hembe pamutariko; 4. Nezuro VaNdudzo vakatidzidzisa kutamba bhora; 5. Nezuro vanhu vose vakaenda kudare kwamambo.
* * *
0718 629 582 – Chida moyo hamba yakada makwati.
* * *
Leesandra Tarambwa, Mbizo High School, Kwekwe – 1. rovambira; 2. mubvamaropa;
3. manyautsamukanwa; 4. musikavanhu; 5. mbiradzakondo;
* * *
0776 815 806 – Mwana weNgwena anonzi chii? (Ngwena ndiro garwe. Mwana wacho anonzi ganyamatope)
* * *
ZVEKUITA SVONDO RINO:
Pedzisa mitsara iyi nezwi rakakodzera pamazwi aya:
dzvamu, mbumu, befu, bvaju, kwanyanu
1. Saga raTino rakati . . . zviyo zvikarasika.
2. Tendai akatura . . . anzi haana mhosva.
3. Shiri dzakati . . . dzaona zinyoka.
4. Imbwa yakati . . . yanzwa muridzo.
5. Takaziva kuti ifodya hutsi hwati . . .
* * *
Mhinduro svondo rinouya.
. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007
ziva
MHINDURO yemufananidzo wesvondo rapera ndeinoti mitutumitutu/matutumatutu kana kungoti mitutu/matutu. Kana kungoti duto. Vamwe vanoti zvitutu kana zvitutumitutu.
Hedzinoi dzimwe dzemhinduro dzakabva kuvamwe vaverengi:
Matutu matutu – Percy Chisaira, Highfield, Harare.
Chitutu – Fungai, 0772 948 042, Budiriro, Harare.
Zvitutu – R. Humbasha Mukanya, Unit M Seke, Chitungwiza.
Dutu – A.C.K, Harare.
Churu – Mashumba Christine, Unit O, Chitungwiza.
Dutu – Yvonne Chimombe, Kuwadzana 4, Harare.
Dutu – 0774 706 627.
Dutu – Struggle Gatsi, Old Tafara.
Matutu – Mowatts Madanha, Highfield, Harare.
Dutu – Mashoko Chikuku Chidyamakono School, Dhumhe Village, Chivi.
Duto – S. Store, 17649 k/5, Harare.
Dutu – Florence Chikodzore, Dangamvura, Mutare.
Dutu – Steuwart Manyepo, 12016 Kuwadzana Extension, Harare.
Dutu – Elvis Tshuma, Eastview Gazebo.
Dutu – Baba vaTariro, Gweru.
Dutu – Tariro Makwasha, Chi-town.
Dutu – Chief Muvengwa, Highfield, Harare.
Matutu – Dickson Mapa, Mutare, 0713 943 187.
Dutu – Mai Diouf/Chioniso Bongo, 0717 817 310 Ushewokunze.
Matutu matutu – Munyaradzi Kushamba Matsvitsi, Murombedzi, Zvimba.
Dutu – Gokoko, Norton.
Zvitutu – Leeroy Ziunze.
Dutu – Ba Tanaka Mgosvongwe, Honde Valley.
Mututu – Nigel Nechipote, Melfort.
Chitutu – Mambondiani, 30 Miles, Zimunya, Mutare.
Matutu – Gilbert, Murewa.
Chitutu – 0775 823 348.
Churu – Blenton Bvunzawabaya, Hauna, Honde Valley.
Dutu – J. Tsandukwa.
Churu – Norman Mara Murawu.
Dutu – Gringo, Norton.
Matuto – B. Mutsvanzva, Domboshava.
Churu – Chakanetsa Matches, Chi-town.
Dutu – Chenai Maporisa Matches, Chi-town.
Murwi/dutu – Zvikomborero Matimati, Mutare.
Dutu – Bb Luke, Stoneridge, Park, Hre.
Dutu – Takunda Mushaninga, Mubaira, Mhondoro.
Dutu – Edwin Mubaiwa, Kuwadzana 3.
Chitutu/dutu – Muso.
Rakafuswa – Malvern Kativhu, Bay 3A, Siyaso Magaba, Mbare.
Zvitutu – R. Humbasha Mukanya, Unit M Seke, Chitungwiza.
Dutu – Naomi Chinyadziro. New Ceney Park, Harare.
Dutu – Nyadawa Padenje, Uzumba.
Murwi – Christine Kaodza, Chitungwiza.
Dutu – Gokoko, Norton.
Dutu – Gringo, Norton.
* * *
Chirimwa chiri pamufananidzo chinorimwa kwakawanda uye chinoita zvakanaka kana dai kunonaya mvura shoma. Chinobikiswa doro kana sadza rinonaka zvikuru. Chinonzi chii?
* * *
Onai mhinduro svondo rinouya.
. Tumira mhinduro panhare dzinoti 0714 200 007.
Batsirai vana veSt Faith’s High
Sifelani Tsiko—
CHIKWATA chevana vanodzidza paSt Faith’s High School, kwaRusape, chiri kutsvaga rubatsiro kubva kune vemabhizinesi nevanhu vakazvimirira kuti chikwanise kuenda kumakwikwi epasi rose, eWorld Series Quiz Competition, ayo achaitwa kuSouth Africa munguva iri kutevera.
Gore rapera, St Faith’s yakapinda mumakwikwi ezvikoro 32 zvenyika dziri mudunhu reSadc ndokutora nhamba yechishanu. Makwikwi aya akaitirwa kuMidrand, kuSouth Africa zvakare. “Chikwata chedu cheSt Faith’s High School chakabudirira kupinda mumakwikwi eWorld Series nekudaro tiri kutsvaga rubatsiro kubva kuvanhu vakazvimirira zvose nemakambani,” vanodaro VaMatthews Chimba, avo vanova murairidzi wechikwata chekwizi pachikoro ichi.
“Tinoda mari inosvika $2 990 inosanganisira yekufambisa, yepekugara, yezvipfeko neyekudya. Tinoda kuti chikwata chedu chinokwikwidze mumakwikwi eWorld Series Schools Competitions achaitwa kuMidrand, kuSouth Africa, kubva musi waZvita 4 kusvika Zvita 13 gore rino.”
St Faith’s ndiyo yakakunda zvimwe zvikoro zvose zvemuZimbabwe mumakwikwi eZimbabwe National High School Quiz Competitions akaitirwa pachikoro chePrince Edward High School munaMbudzi wegore rapera.
Vanoda kubatsira chikwata chevana ichi vanokwanisa kuisa mari muakaundi yechikoro inoti, St Faith’s High School, CBZ Rusape Branch, Account Number 10223842060011 uye vachinyatsonyora kuti Quiz Donation.
‘Dzidzo inotanga neutano hwakanaka’
HURUMENDE neMuvhuro uno yakaparura chirongwa chekusimudzira nyaya dzezveutano muzvikoro icho chinodaidzwa kuti School Health Policy pachikoro cheBlackstone Primary School, muHarare.
Vachitaura pachiitiko ichi, gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima, vanoti Hurumende yakaona zvakakodzera kuti chirongwa ichi chiitwe nenzira yakafanana muzvikoro zvose zviri munyika.
“Chirongwa ichi chakatanga mugore ra1999 asi change chava kuita sechisiko nepamusaka pekuti chikoro chimwe nechimwe changa chichingoita mazvake-mazvake.
‘‘ Tava kuda kuti zvinhu zviitwe zvakafanana muzvikoro zviri munyika yose.
“Tinoda kuti chirongwa ichi chipinzwe mubhajeti renyika, kuti chiwane rutsigiro rwemari, ndiko kuti chifambe zvakanaka. Dzidzo yemhando yepamusoro inotanga neutano hwakanaka hwemudzidzi nemurairidzi,” vanodaro.

Primary and Secondary Education Minister Professor Paul Mavhima deliver his address during the official launch of the Zimbabwe school health policy at Blackstone primary school in Harare yesterday (Picture by Memory Mangombe)
Prof Mavima vanoti mune zvimwe zvikoro kune varapi vakamiririra kubatsira vana vanenge vawirwa nedambudziko reutano asi kune zvimwe hakuna zvirongwa zvakadai, nokudaro ndizvo zvimwe zvezvinhu zvichange zvichitariswa kuti pasava nemusiyano.
Vanoti chirongwa chekusimudzira utano muzvikoro chinofambirana negwaro idzva redzidzo, reNew Curriculum.
Vachitaurawo pachiitiko ichi, gurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr David Parirenyatwa, vanoti kana vana nevadzidzisi vakafundiswa nezveutano, Hurumende inorerukirwa apo inoita zvirongwa zvekudzivirira zvirwere muzvikoro.
“Munguva yadarika, taiva nezvirongwa zvekudzivirira zvirwere zvebilharzia kuvana, kuchecheudzwa nekudzivirira gomarara remuchibereko (Human Papillomavirus (HPV).
Zvinotanga nevana vechikoro zvichizoenda kuvabereki nekuti tichiri kusangana nematambudziko evamwe vabereki vari kuramba nevana vavo kuti vapinde muzvirongwa zvekudzivirirwa kwezvirwere muzvikoro nekuda kwezvikonzero zvakasiyana. Asi kana mudzidzi achinge ava kuziva maringe nenhau dzeutano anotosandura pfungwa dzevabereki vake kuti abatsirikane,” vanodaro.
Mukuru anoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere kubazi rezveutano nekurerwa kwevana (Director of Epidemiology & Disease Control), Dr Portia Manangazira, vanotenda Hurumende nekuwanisa vana chikafu muzvikoro vachiti izvi zvinobatsira mukuderedza zvirwere pamwe nekunyuka kwekwashi muvana.
Zvichakadai, chikoro cheBlackstone Primary School chinopembedzwa nekutsigira kwachinoita zvirongwa zveutano.Vana vepaBlackstone
Ziva
MHINDURO yemufananidzo wesvondo rapera ndeinoti zviyo kana kuti rukweza. Vamwe vanoti njera.
Hedzinoi dzimwe dzemhinduro dzakabva kuvamwe vaverengi:
Zviyo – Multi Mankind Buddha, Chi-town.
Zviyo – Ruru bby, Kuwadzana 5.
Zviyo – Lamion Chauta, kwaChiko, Ushewekunze.
Njera – Ba Tana Magosvongwe, Honde Valley.
Zviyo/rukweza – Munyaradzi Nhemachena, Plot 41 Rockbar, Mhondoro-Ngezi.
Zviyo/rukweza – Ruramayi Tiyayi, Kadoma.
Mapfunde – Daddy Vicky, Makonde Primary School P Bag 997, Gutu Mpandawana.
Rukweza/njera/zviyo – Madzibaba Petros, Hauna.
Rukweza/zviyo – Mai VK, Mutawatawa, UMP.
Mhunga – Ashbel Bvunzawabaya, Hauna, Honde Valley.
Rukweza/zviyo – 0718 112 463.
Zviyo – Bailey Chinyadziro, Grade 6A, Mutasa Primary School, Highfield, Harare.
Rukweza – 0776 941 805.
Rukweza – Reward Majindwi, Harare.
Zviyo – Multi Chakachena, Chi-town.
Zviyo – Chenai Maporisa Matches, Chi-town.
Njera – Zvikomborero Matimati, Mutare.
Zviyo/njera/rukweza – Mabhena Special, Dora Dombo, Mutare.
Rukweza – Christina Mushandu, Grade 6 Yellow, Makomo Primary School, Epworth.
Mapfunde – Caro, pa11 Milles.
Rukweza – Gladys Katsande, Mutoko.
Zviyo – A Gadzikwa, Sunningdale 2, Hre.
Rukweza/zviyo – Gumlent Special, Makoni.
Zviyo – Nyadawa Padenje, Uzumba.
Zviyo – Munyaradzi Kushamba, Matsvitsi Murombedzi, Zvimba.
Mapfunde – Victor Zinyama, Makonde Primary School Private Bag 997, Gutu, Mpandawana.
Zviyo – C. Chimuramba, Highwood, Concession.
Zviyo – Nyasha, Centenary.
Rukweza – Gaineth Zariro, Mkoba 5, Gweru.
Rukweza – Makanaka Zariro, Gweru.
Zviyo – Bailey Chinyadziro, Mutasa School, Highfield.
Zviyo/rukweza – Makumbe Benard, Mbare Musika.
Zviyo – Kimberly Matibiri, Waterfalls.
Zviyo – B. Mutsvanzva, Domboshava.
Zviyo/njera – Barbra Mushamaenza, Mabvuku.
Mapfunde – 0718 597 588.
Zviyo – Matanga Abraham, Chi-town.
Zviyo – Sylvia Kamera, Epaton Park.
Rukweza – Regina Mupezeni, Epworth.
Rukweza – G. Tafireyi, SK2 High, Mutare.
Izviyo – Lonah Mushurwa Rori, Epworth, Hre.
Zviyo – Tawanda Chitare, Dangamvura.
Mapfunde – Mambondiana 30 Miles, Zimunya, Mutare.
Mapfunde – 0775 487 430, Baba vaTariro, Gweru.
Zviyo – R. Humbasha Mukanya, Unit M Seke, Chitungwiza.
Rukweza – Kupakwashe S. Humbasha, Mukanya Unit M, Seke, Chitungwiza.
Zviyo – Paul Gonde, Eastlea, Harare.
Rukweza – Robson Masona, 32483 Unit O, Chitungwiza.
Zviyo – Nobert Chikaponya, Alex Park, Harare.
Zviyo/njera – Brenda Nyatsika, Hatcliffe, Borrowdale.
Rukweza – N. Z, Sisk, Masvingo.
Zviyo – Struggle Gatsi, Old Tafara, Harare.
Rukweza/zviyo – Mashoko Chikuku, Chidyamakono School, Dhumhe Village, Chivi.
Rukweza – J. Chikambure, Chibi, Masvingo.
Mhunga – Polite Mushunje, Mbare Majubheki.
Njera – Blessed Mushunje, Harare.
Rukweza – Malvern Kativhu, Bay 3a, Magaba, Mbare.
Rukweza – Trymore Muzvaba, Mbare Magaba.
Rukweza – Faith Norivo, Overspill, Epworth.
Izviyo – ‘Chief’ Muvengwa, Highfield, Harare.
Rukweza – Lister Nyahuku, Mutanda Primary School, Mutare.
Zviyo – Dickson Mapa, 0713 943 187, Mutare.
Rukweza/zviyo – Steuwart Manyepo, 12016 Kuwadzana Extension, Harare.
Zviyo – M. Konde, Darwin.
Mhunga – A. Samuel, Hatcliffe.
Zviyo/njera – S.store 17649 k/5, Hre.
Zviyo – Gilbert, Murewa.
Rukweza – Baba Kupa, Chitungwiza.
Mapfunde – Baba vaShero Gringo, Norton.
Rukweza/zviyo – 0777 086 417.
Zviyo – Calisto Gwidzima, Mutare.
Mapfunde – Saviour Tanatswa Mupariwa, Maseko, Epworth.
Mapfunde – Mind Tafara Mupariwa, Domboramwari Primary, Epworth.
Mapfunde – Marvellous Mupariwa, Grade 7 Yellow, Makomo Primary, Epworth.
Mapfunde – Cleopatra Mupariwa, Maseko, Epworth.
Zviyo – Andrew Makaza, Bhunu, Murewa.
Rukweza – Mr Rusanza Hwenga, Mtemachani.
Njera/zviyo – 0778 518 425.
Rukweza – Dillani Chokudya, Temeraire Secondary School, PO Box 180, Mashava.
Rukweza/zviyo – Mudhara Gonyeti, Emerald West, Headlands.
Rukweza/zviyo – 0785 127 396.
Rukweza/zviyo – Memory Matara, Ruwa.
Zviyo – Rhyne Marume, Old Tafara, Harare.
Irukweza – Noleen Nyakachiranje, Chitungwiza.
Zviyo – 0778 055 771.
Zviyo/rukweza/mapfunde/mhunga – Jairos Bingwani, Unity O, Seke, Chitungwiza.
Zviyo/rukweza – Machona, Kadoma.
Zviyo – Basilisa Matemavi, Mhondoro-Ngezi.
Zviyo – 0773 827 602.
Mapfunde – Victor Zinyama, Makonde Primary School Bag 997, Gutu Mpandawana.
Izviyo – Lonah Mushurwa Rori, Epworth, Harare.
Rukweza – T. Chidzana, Pixie Combi, Kadoma.
Rukweza/zviyo – Ackim Mabhumu, Chivi.
Zviyo – TM, 0784 413 946.
Mapfunde – Nigel Machote, Melfort Park, Bromley.
Zviyo – Naloice, West View, Karoi.
Zviyo/rukweza – Silvanos Sakubani, Kadoma.
Rukweza – Gurdmore Zivengwa, Manatsa paBingura.
Rukweza/zviyo – Edith Madade, Bembezaan Primary School, Kwekwe, 0774 609 380.
Zviyo – 0784 092 468.
Zviyo – Prisca Mahachi, Bocha, Marange.
Rukweza – Nyasha Maromo.
Zviyo – Tadiwa Mukaka.
Mapfunde – Amos Musariyarwa, Maniresa Park.
Rukweza – Kay One, Chinhoyi.
Rukweza – Peter Ndapwadza, Nyanyadzi, Manicaland.
Zviyo/rukweza – M. Matyenyika, Triangle.
Rukweza – Beloved Manatsa, Lincolin Primary School, Kadoma.
Izviyo – Baba Luke, Stoneridge Park, Harare.
Zviyo – Noel Matsiya, Mutare.
Rukweza – Emmaculate Matengarufu, Gumunyu Primary School, Nyika.
Zviyo/rukweza – Kativhu Nyamanyora, Mudzi.
Rukweza – 0776 434 326.
Zviyo – 0733 887 182.
Mapfunde – Mai Linda, Lobengula Extension, Bulawayo.
Zviyo – 0772 776 165.
Rukweza – Mupositori Sambiri, D6 Chimina, Mutoko Centre, paMushikashika.
Zviyo – T. Ngawagare, Sally Mugabe.
Mapfunde – Uncle Whibbozzy, Harare.
Zviyo/rukweza – Praise Nyataha, Tafara 5 Primary School, Harare.
Rukweza/zviyo – Mugoza Shy Muumbe, Chipinge.
Zviyo/rukweza – Fungai Magura, Bocha.
Zviyo – Goronga, Mt Darwin.
* * *
Chinhu chiri pamufananidzo chinoshandiswa pakuveza. Chinosevenzeswa kudimbura kana kugadzira midziyo yemiti. Chinonzi chii?
* * *
Onai mhinduro svondo rinouya.
. Tumira mhinduro panhare dzinoti 0714 200 007.
Tsumo nengano namukanya
Mhinduro yesvondo rapera:
Tipe tsumo inoenderana nekarungano aka:
TSURO aitaurisa zvekuti vamwe vake vakanga vave kuti vakamuona achiuya vaimutiza. Tsuro akanga ambotsiurwa naTsoko, asi hazvina kupera. Tsuro aiwanzotanga nyaya achiti, “Ndinozviziva kuti munoti ndinotaurisa, asi nhasi handisi kutaurisa. Ndiri kuda kungotaura zvandafambira chete.” Asi nyangwe adaro, Tsuro aizopedzisira osvota vamwe nepamuromo pake pasingamharwe nenhunzi. Vanhu vane dambudziko kana hunhu hunokanganisa vamwe kazhinji havazive kuti vane dambudziko.
. Tsumo yacho: Chidembo hachinzwi kunhuhwa kwacho.
Svondo rino:
Tipe tsumo inoenderana nekatsanangudzo iyi:
Gava rinofarira kudya tsubvu zvikuru. Saka kana richienda kunzvimbo yarinoziva kuti rinonowana tsubvu, kunhu ikoko hakuriitire kure. Kana tsumo iyi yave kushandiswa muvanhu inoreva kuti vanhu havamanikidzwe kana kuomerwa nekuita chinhu chinozovawanisa chinhu chavanodisisa.
* * *
Mhinduro svondo rinouya.
. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007
Kuti unzi wanyora zvinonwisa mvura
Ticha Danga—
KUBHINDAUKA kwose kwatiri kuita kunoshaya maturo kana hwaro hwedu husina kusimba kana kumira zvakanaka. Ndiri kutaura ndakanangana nebasa guru ratiri kuita rekuedza kugadzirisa chiShona chedu maringe nebvunzo richanyorwa munaGumiguru.
Tingapanana zvirungamutauro zvemhando yepamusoro-soro asi kana tisingagoni kuzonyora zvakanaka, mano iwayo anoshaya basa. Tinofanirwa kuziva manyorerwo akanaka asingatitapudzire goho redu pakupera kwegore.
Ndokusaka ndati tichiri kure kudai regedzai tigare tagadzirisa ndima iyoyo zvigotifambira zvakanaka. Tinoda kuti muzvikamu zvitatu zvinotevera tigadzirise nyaya yekunyora kwakanaka kuitira kuti kana tozokanda zvirungamutauro zvedu pazvinyorwa zvakaringana, zvogova muchechetere unokwezva goho rinodadisa kupera kwegore.
Tinoda kuti muzvikamu zvitatu izvozvi tidzidzisane nzira dzose dzinotevedzwa mukunyora zvinyorwa zvakanaka mungava mukupindura mibvunzo kana mukunyora rondedzero. Vana ngavazive zvinotarisirwa nguva iripo kuti vasazopingaidzwa kana bvunzo razosvika.
Vana vazhinji vanosvika pakukundikana kukohwa pakuru nekuda kwekusatevedzera mitemo chaiyo inofanira kutevedzerwa pakunyora ndima dzavo. Mitemo yekunyora inobata zvakawanda kusanganisira shongedzo kana kuti pfekedzo (punctuation), patsanuro nebatanidzo yemazwi kouya kushandiswa kwamavara makuru.
Regai titange nemashandisirwo emavara makuru (capital letters). Tinoshandisa vara guru pakati wandei muzvinyorwa zvedu. Tinorishandisa pose patinotanga kunyora chirevo chitsva.
Vara guru rinodiwa zvakare pakunyora mazita. Ringava zita remunhu kana renzvimbo kana nyika sekuti; Ruvimbo, Zimbabwe, Chikerema kana Save.
Zvinoreva kuti kana munyori akashandisa mavara madiki panzvimbo dzandataura, anodonhedza zvibodzwa kana vakwenyi vebasa voita basa ravo. Mavara makuru anoshandiswa zvakare paya panonyorwa mazwi chaiwo anyakutaura ndokunge tichiisa nyora dzinoratidza mazwi chaiwo anyakutaura (direct speech).
Tinofanirwa kuziva zvakare kuti pose patinyora zvinhu sekunge munhu, tinofanirwa kushandisa vara guru sekuti; Vana Tsuro naGudo vaigadzira zviuni zvehuni. Vara guru rinoshandiswa zvakare pose patinonyora chivakashure chokuremekedza sokuti: VaNyamunyamu kana kuti Sahomwe.
Chimwe chakakosha kuziva kuti vara guru rinoshandiswa zvakare pose panonyorwa mazita aMwari sokuti Nyadenga, Samasimba kana Samatenga.
Kana tave nyazvi dzekushandisa mavara makuru panokodzera, tochiongorora zvine chekuita nepfekedzo (punctuation). Kana tatanga
Endai kuPeji 12
CHISHONA CHAKANAKA
VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: kwayedza@zimpapers.co.zwkana patrick.shamba@zimpapers.co.zw. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.
* * *
MHINDURO DZESVONDO RAPERA:
Pedzisa mitsara iyi nezwi rakakodzera pamazwi aya:
dzvamu, mbumu, befu, bvaju, kwanyanu
1. Saga raTino rakati . . . zviyo zvikarasika. (bvaju)
2. Tendai akatura . . . anzi haana mhosva. (befu)
3. Shiri dzakati . . . dzaona zinyoka. (dzvamu)
4. Imbwa yakati . . . yanzwa muridzo. (kwanyanu)
5. Takaziva kuti ifodya hutsi hwati . . . (mbumu)
ZVAKABVA KUVANA:
Blessing Fero, Goromonzi – 1. bvaju; 2. befu; 3. dzvamu; 4. kwanyanu; 5. mbumu
Mai Linda, Lobengula Extension, Bulawayo – 1. bvaju; 2. befu; 3. dzvamu; 4. kwanyanu; 5. mbumu
Winnet Nyataha, 5 Blue, Tsinhirano Primary School, Tafara, Harare – 1. Saga raTino rakati bvaju zviyo zvikarasika; 2. Tendai akatura befu anzi haana mhosva; 3. Shiri dzakati dzvamu dzaona zinyoka; 4. Imbwa yakati kwanyanu yanzwa muridzo; 5. Takaziva kuti ifodya hutsi hwati mbumu.
Tinotenda Mtambika, Beatrice High – 1. bvaju; 2. befu; 3. dzvamu; 4. kwanyanu; 5. mbumu
0777 533 782 – 4. Imbwa yakati kwanyanu yanzwa muridzo; 5. Takaziva kuti ifodya hutsi hwati mbumu.
Bailey Chinyadziro, Grade 6A, Mutasa Primary School, Highfield, Harare – 1. bvaju; 2. befu; 3. dzvamu; 4. kwanyanu; 5. mbumu
Peter Mahachi, Ruwa – 1. Saga raTino rakati bvaju zviyo zvikarasika; 2. Tendai akatura befu anzi haana mhosva; 3. Shiri dzakati dzvamu dzaona zinyoka; 4. Imbwa yakati kwanyanu yazwa muridzo; 5. Takaziva kuti ifodya hutsi hwati mbumu.
Lamion Chiuta, Ushewekunze, Harare – 1. bvaju; 2. befu; 3. dzvamu; 4. kwanyanu; 5. mbumu
Mai Shallome, Domboshava – Moyo muti unomera paunoda.
Polette Nyamazha, Grade 7C Sakubva Primary School, Mutare – 1. Saga raTino rakati bvaju zviyo zvikarasika; 2. Tendai akatura befu anzi haana mhosva.
Blessed Nyamambishi, Masvingo – Chida moyo hamba yakada makwati.
Jadel Marume, Tafara 1 Primary, Harare – 1. Saga raTino rakati bvaju zviyo zvikarasika; 2. Tendai akatura befu anzi haana mhosva; 3. Shiri dzakati dzvamu dzaona zinyoka; 4. Imbwa yakati kwanyanu yanzwa muridzo; 5.Takaziva kuti ifodya hutsi hwatimbumu.
0779 221 400 – Moyo muti unomera paunoda.
T. One Chitare, paBoka – 1. bvaju; 2. befu; 3. dzvamu; 4. kwanyanu; 5. mbumu
* * *
Talent Dhambuza, Grade 6A, Earlyhood Academy, Epworth, Harare – 1. bvaju; 2. befu; 3. dzvamu; 4. kwanyamu; 5. mbumu
* * *
Bailey Chinyadziro, Grade 6A, Mutasa Primary School, Highfield, Harare – 1. bvaju; 2. befu; 3. dzvamu; 4. kwanyanu; 5. mbumu
* * *
0773 476 546 – Ane pamuromo pasingamarwi nenhunzi.
* * *
Charity Bingwani, Jonas Primary School, Chitungwiza – 1. bvaju; 2. befu; 3. dzvamu; 4. kwanyanu; 5. mbumu.
* * *
Tawanda Chitare, Dangamvura,
0774 706 627 – Shiri ine muririro wayo hairegi.
* * *
Kuku Hwenga paMutemachani – 1. bvaju; 2. befu; 3. dzvamu; 4. kwanyanu; 5. mbumu.
* * *
Cleopatra Mupariwa, Maseko, Epworth – 1. bvaju; 2. befu; 3. dzvamu; 4. kwanyanu; 5. mbumu.
* * *
Marvellous Mupariwa, Grade 7 Yellow, Makomo Primary, Epworth. – 1. bvaju; 2. befu; 3. dzvamu; 4. kwanyanu; 5. mbumu.
* * *
Mind Tafara Mupariwa, Domboramwari Primary, Epworth – 1. bvaju; 2. befu; 3. dzvamu; 4. kwanyanu; 5. mbumu
* * *
Saviour Tanatswa Mupariwa, Maseko, Epworth – 1. bvaju; 2. befu; 3. dzvamu; 4. kwanyanu; 5. mbumu
* * *
Talent Dhambuza, Grade 6A, Earlyhood Academy, Epworth, Harare – 1. bvaju; 2. befu; 3. dzvamu; 4. kwanyamu; 5. mbumu
* * *
Luke Madhanda, Grade 3 Red, Tafadzwa Primary School, Stoneridge Park – 1. bvaju; 2. befu; 3. dzvamu; 4. kwanyanu; 5. mbumu
* * *
Rutendo Banda, Harare – 1. bvaju; 2. befu; 3. dzvamu; 4. kwanyanu; 5. mbumu
* * *
0777 953 251 – Moyo muti unomera paunoda.
* * *
Blaine Manatsa, Etina Sec School, Kadoma – 1. bvaju; 2. befu; 3. dzvamu; 4. kwanyanu; 5. mbumu.
* * *
Amos Musariyarwa – 1. bvaju; 2. befu; 3. dzvamu; 4. kwanyanu; 5. mbumu
* * *
Tawananyasha Mukaka, Grade 4 Yellow, Glen View 8 Primary School – 1. bvaju; 2. befu; 3. dzvamu; 4. kwanyanu; 5. mbumu
* * *
0713 099 269 – 1. Saga raTino rakati bvaju zviyo zvikarasika; 2. Tendai akatura befu anzi haana mhosva; 3. Shiri dzakati dzvamu dzaona zinyoka; 4. Imbwa yakati kwanyanu yanzwa muridzo; 5. Takaziva kuti ifodya hutsi hwati mbumu.
* * *
Bailey Chinyadziro, Grade 6A, Mutasa Primary School, Highfield, Harare – 1. bvaju; 2. befu; 3. dzvamu; 4. kwanyanu; 5. mbumu
* * *
Munashe Tocky Chinogwenya, Mutasa Primary School, Highfield – 1. Nezuro Chipo akaruka Chiedza musoro; 2. Nezuro sekuru vakakama mombe; 3. Nezuro amai vakayanika hembe pamutariro; 4. Nezuro VaNdudzo vakatidzidzisa kutamba bhora; 5. Nezuro vanhu vese vakaenda kudare kwamambo.
* * *
0775 947 518 – Ndamba kuudzwa akaonekwa nembonje pahuma.
* * *
ZVEKUITA SVONDO RINO:
Tipe izwi rinopesana neriri mumavara akakomberedzwa. Semuenzaniso; imbwa (diki) – imbwa (hombe).
1. Nyoka (refu) – nyoka . . .
2. Mbudzi (nhema) – mbudzi . . .
3. Banga (rakapinza) – banga . . .
4. Muchero (unotapira) – muchero . . .
5. Rwizi rutete – rwizi . . .
* * *
Mhinduro svondo rinouya.
. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007
– Bumbiro idzva redzidzo –
Vavariro yetatu yedzidzo itsva
naChiremba
VAVARIRO yedzidzo itsva yetatu ndeye kusima chidokwadokwa chekuti mudzidzi azoramba achida kuenderera mberi nedzidzo kana dai apedza chikoro chevadiki.
Dzidzo itsva iyi inotenda kuti upenyu hwevanhu hunoramba huchisanduka zuva nezuva. Zvatinodya zvinosanduka, zvekupfeka zvinochinja, ruzivo runowedzera, nyangwe tsika dzedu inongove shandukuminya.
Nokudaro zviri pachena semburwa yapamhino kuti muupenyu hwanhasi munhu akasaramba achidzidza anosara shure segotsi.
Ari kuchikoro, mudzidzi anodzidziswa kufunda oga pasina mudzidzisi kana kuti mudzidzisi achibatsira pano nepapo. Panopedza mudzidzi dzidzo itsva iyi, anofanirwa kunge oziva zvekuita kuti awane ruzivo ari oga kana dai pasina mudzidzisi.
Mudzidzi anokwanisa kutsvaga ruzivo paindaneti achishandisa foni kana kombiyuta yake. Apa hapadi mudzidzisi, panongoda kuti mwana agone kushandisa foni kana kombiyuta kutsvaga zvaanoda paindaneti. Paindaneti panowanikwa gungwa rezivo yezvinhu zvakasiyana siyana zvingadiwe nemunhu muupenyu.
Dzidzo itsva yakambambashirawo e-learning. Ichi chirongwa cheita-woga-ndima-yako. Apa zvidzidzo zvakagadzirwa nenyanzvi zvinenge zvakaiswa pamadisk kana mukombiyuta zviine mibvunzo yenzwisiso nemhinduro dzinotarisirwa zvekuti mudzidzi anofunda oga nenguva yaanoda pasina fofafofa yekasika-kupedza-tiende inoitwa muzvikoro.
Mudzidzi anozvimakira basa raanenge anzi aite, uye kana akatadza anodzokorora paanodira nekutarisa mhinduro dzaanotarisirwa kupa. Akanga ave neruzivo rwekudzidza oga, mudzidzi anogona kudzidza madhigirii online ave kumba kwake nguva dzemanheru asi masikati achiswera achiita zvake zvekuzviriritira.
Chinangwa chatiri kutaura nezvacho chinobatsira kuumba mudzidzi anofunga zvakakwana, zvakajeka, zvakadzika uye anokwanisa kugadzirisa zvinonetsa muupenyu kana kugadzira zvinhu zvinobatsira muupenyu hwedu. Semazuva ano, tave kunzwa kuti vana vokwanisa kugadzira marobhoti mumayunivhesiti edu, chinhu chaisafungirwa kugadzirwa neverudzi rwedu.
Kana dzidzo ikaburitsa vana vazhinji vane unyanzvi hwakadai, chaipa chii?
Nyika inenge yotosimukaka! Tinenge tatove kumberi!
Muchikamu chinotevera tichatarisa vavariro yedzidzo itsva yechina.
Anglican Church yovaka chikoro
CHECHI yeAnglican Diocese of Harare (CPCA) iri kuvaka chikoro chepuraimari mumusha weCaledonia, muHarare, nedonzvo rekusimudzira dzidzo munyika.
Muhurukuro neKwayedza, mutungamiriri wechechi iyi, Rt. Reverend Dr Chad Gandiya, vanoti chechi yavo yakazvipira kusimudzira vechidiki muZimbabwe kuburikidza nedzidzo.
“Chirongwa chekuvaka chikoro ichi chiri kutungamirwa nebandiko redu reMothers’ Union Anglican Diocese of Harare iro rine donzvo rekuvandudza raramo yevechidiki kubudikidza nedzidzo,” vanodaro Rt. Rev Dr Gandiya.
Vanoti vakauya nepfungwa yekuvaka chikoro kuCaledonia mushure mekuona kuti nzvimbo iyi haina zvikoro zvakakwana.
“Caledonia inzvimbo isina zvikoro zvakatsarukana, zvakare zviriko zvacho hazvina kunyoreswa zviri pamutemo. Saka isu takaona zvakakodzera kuti tivake chikoro ichi ikoko.
“Zvakare, takanzwawo zvinyunyuto zvevagari venzvimbo iyi vachiti vana vavo vari kufamba nzendo refu kuenda nekudzoka kuzvikoro zviri kune mamwe marukisheni akaita seMabvuku neTafara,” vanodaro.
Rt. Rev Dr Gandiya vanoenderera mberi vachiti: “Vana vakaita seveECD vanofamba chinhambwe chinosvika makiromita mana kana kudarika, saka mwana anosvika kuchikoro aneta. Anotokotsira muchikoro nekuneta uye munguva dzakaita semwaka yekunaya nekutonhora, vana ava vanokanganisika fundo yavo.”
Vanoti vane tarisiro yekuti zvidzidzo zveEDC, Grade 1 ne2 zvitange pachikoro chavari kuvaka ichi munaNdira wegore rinouya.
“Chikoro ichi chichatanga neECD, Grade 1 neGrade 2. Chinofanirwa kutanga mwedzi waNdira gore rinouya apo mamwe makamuri ekudzidzira anenge apera. Nekufamba kwenguva tichazowedzera dzimwe dzimba dzekudzidzira,” vanodaro.
Chechi iyi ine zvimwe zvikoro zvakatekeshera nenyika.
– Bumbiro idzva redzidzo –
Vavariro yechina yedzidzo itsva
naChiremba
DZIDZO itsva inovavarira kugadzirira mudzidzi hwaro hwekurarama senhengo yenyika yakazara, kurarama murunyararo uye kususukidza budiriro yeupenyu. Izvi zvinobuda chete kuburikidza nenzira shanu dzandichatsanangura.
Panotanga mwana kudzidza zvine chekuita nevavariro iyi, vadzidzi vanotanga nekudzidza kodzero dzavo, mabasa avanosungirwa kuita muupenyu, kuremekedzana nekunzwanana, uye kuchengetedza zviwanikwa zvavo. Zvose izvi zvinotanga kudzidzwa kubva pane zvagara zvirimo mutsika namagariro evanhu vemuZimbabwe.
Pashure, vana vanozodzidzawo zvinoitwa nemamwe marudzi uye dzimwewo nyika kuti kugarisana mupasi rino kuve nyore. Vakuru vedu vaiti zano moto, rinogokwa kune vamwe, asiwo zano unopangwa uine rako.
Kutanga mwana anofanirwa kudzidza, kuziva uye kurarama nekodzero dzake. Mudzidzi anofanirwa kuziva kodzero dzake dzakaita sekurarama ari mutano, kodzero yekuzorora, kodzero yekudzidza uye rimwe fashafasha rekodzero dzandasiya.
Kunze kwekodzero idzi, mudzidzi anofanirwa kukura achizivavo zvimwe zvinhu zvinofanirwa kuitwa naiye semunhu muupenyu. Semunzaniso, munhu anofanirwa kudzidza kuwarura magumbeze paanenge arara, kubvisa ndiro paadyira nekudzisuka, kusuka chimbuzi chaanoshandisa nezvimwewo.
Kepiri, dzidzo iyi inovavarira kuumba mudzidzi anozoti kana apedza dzidzo yemuzvikoro iyi akwanise kurarama aine moyo murefu uye akwanise kugamuchira nekuremekedza munhu anenge aine maitiro kana mafungiro akasiyana neake. Kana dai pakaita bongozozo kana kusawirirana kuburikidza nekusiyana kwemafungiro, maonero kana zvitendero zvevanhu, mudzidzi anofanirwa kunge okwanisa kutambira nekugadzirisa izvi. Akange ave neunhu nemafungiro akadai, mudzidzi agadzirirwa hwaro hwekurarama nevamwe zvakanaka muupenyu hwake.
Chekupedzisira, vavariro yechina iyi inoedza kuumba munhu anokwanisa kuchengetedza nharaunda yake uye zvinhu zvose zvinowanikwamo. Izvi zvinosanganisa ivhu, miti neuswa, zvipuka, mhepo, mvura, migwagwa uye zvivakwa zvinobatsira jekerere revanhu zvakaita sezvikoro, zvipatara, zvibhorani, madhamu, madhibhi emombe kana mazambuko. Kana zvadaika, ndipo panonzi dzidzo yabatsira kwete zvatanga tichiona – vana nevakuru vachingopisa masango nekuda tsuro, vachishudha mawindo ezvikoro nerekeni, vachikwatura nekuba marata pamadhibha nepanokwirirwa mabhazi uye kunyora-nyora tusina maturo muzvimbuzi zveruzhinji.
Muchikamu chinotevera tichatarisa vavariro yedzidzo itsva yekupedzisira.
Tsumo nengano namukanya
Mhinduro yesvondo rapera:
Tipe tsumo inoenderana nekatsanangudzo iyi:
Gava rinofarira kudya tsubvu zvikuru.
Saka kana richienda kunzvimbo yarinoziva kuti rinonowana tsubvu, kunhu ikoko hakuriitire kure.
Kana tsumo iyi yave kushandiswa muvanhu inoreva kuti vanhu havamanikidzwe kana kuomerwa nekuita chinhu chinozovawanisa chinhu chavanodisisa.
* * *
. Tsumo yacho: Kure kwegava ndekusina mutsubvu.
* * *
Svondo rino:
Ateya mariva murutsva haatyi kusviba magaro.
Kana munhu achinge aiita chimwe chinhu, anofanira kugamuchira zvinhu zvinokonzerwa nekuda kwechinhu ichocho. Kufanana nemunhu ari kuda kubudirira muhupenyu, anotozvipira kuti averenge mabhuku.
“Murutsva” inzvimbo yakaita sei?
Mhinduro svondo rinouya.
. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007
Kushandisa pfekedzo muzvinyorwa
Ticha Danga—
TINOISIMUDZIRA ndima yedu tichienda mberi apo tinoda kumutsiridza nyaya yepfekedzo. Ndakabata zvishoma muvhiki rakapfuura apo taiona kukosha kwekupfekedza zvirevo zvedu nevara guru.
Takaonesana zvakare kukosha kwakaita chindaguma muzvinyorwa zvedu. Kungava kupindura mibvunzo yenzwisiso kana kunyora rondedzero, mitemo iyi ikasatevedzerwa panoita kurasika kwezvibodzwa kwakati kuti. Vanokwenya basa revana pabvunzo ndizvo zvinhu zvavanokanda ziso pazviri.
Zvinoda kuti tigare tagadzirira nguva iripo kuti tigosekerera mangwana. Zvakawanda zvinodiwa pakunyora kwakanaka uye kunotarisirwa zvekuti tinotoda nguva yakareba kuti tidonongodze zvose. Ndiko kusaka tada kushandisa mukana uno kusvika tabatazve chimwe chikamu chechitatu chiri maringe nekunyora kwakanaka.
Mitemo yandiri kuburitsa muzvirongwa zvino haisi mitemo iya yemumusoro mangu asi kuti yakatonyorwa pasi mumagwaro ane chekuita nekudzidza kwevana kusvika pazvidzidzo zvepamusoro.
Chikamu chakapfuura ndakabata nyaya yemhando dzepfekedzo dzandakati tichadzirudunura muchikamu chino. Tine mhando yepfekedzo yechibvunzo (question mark). Chibvunzo chinoshandiswa pese patinonyora chirevo chemubvunzo sekuti, Uri mugwaro rechingani? Vana vazhinji vanorasika pakuzoda kupfekera chibvunzo pamubvunzosiri.
Mubvunzosiri haudi chibvunzo pekupedzisira asi kuti panotopinda chindaguma. Mukuita kwedu pfekedzo muzvirevo nezvinyorwa, tinoshandisa chinonzi chikuwo (exclamation mark).
Chikuwo tinochishamdisa pese patinonyora zvirevo kana mazwi anoratidza kushamisika. Chinoshandiswa zvakare panenge panyorwa mazwi anotaridza kuvhunduka kana kudeedzera. Mazwi kana zvirevo zvine chekuita nekukanuka zvinoisirwa chikuwo kumberi.
Mukutaura tinogona kuburitsa mazwi chaiwo akataurwa nemunhu kana kuti tinogona kuzotaurawo napapfupi nemamwe mazwi asi zvisingauraye dingindira renyaya yakataurwa. Paya patinoburitsa mazwi chaiwo anyakutaura, tinofanirwa kuakomberedza nezviratidzamutauri (quotation marks kana kuti inverted commas).
Ngatitorei semuenzaniso, Chidyamatehwe akati, “Ndisvitse pfumo rangu nemiseve ndipinde musango.” Zviratidzamutauri zvinokomberedza mazwi chaiwo akataurwa semataurirwo aakaitwa. Kana toda kuratidza zvinhu zviri kuda kudomwa, tinoshandisa zvidonhwe (colon) (:).
Zvidonhwe zvinoshandiswa zvakare kana mazwi achatevera achada kuzonyorwa. Hounoi muenzaniso watingatora kuratidza mafambiro anoita zvidonwe muzvirevo kana zvinyorwa zvedu. Ratidzai akaona mhuka dzinoti: tsoko, nhoro, ngwarati nemakudo.
Kubva muzvidonhwe zvepfekedzo, tinowana zvidonhwegasva (;) (semi-colon). Chidonhwegasva chinoshanda panzvimbo mbiri muzvinyorwa. Tinochishandisa paya panonyorwa pfungwa mbiri dzinoenderana sekuti, Sekuru vakasvikoti zete mumumvuri; ambuya ndokuvaigira komichi yemvura.
Tinopfekera zvakare chidonhwegasva pese panonyorwa pfungwa dzichitevedzana muzvirevo zvirefu zvine zviturabefu mukati mazvo.
Zvatabata muchikamu chino nechakapfuura ndizvo zvinogona kuvaka kana kupunza goho redu kana takatarisana nebvunzo regwaro rechinomwe. Vakwenyi havangoerekana vakanda goho pachinyorwa asi kuti pane ongororo inotanga yaitwa pachipiwa mwero wegoho unoringana nechinyorwa nemanyorerwo. Chinyorwa chega chega chinotungamirirwa nemunyori wacho, nokudaro mutungamiri ngaave neruzivo rwakakwana kubvira kumapatsanurirwo emazwi nemabatanidzirwo awo. Zvinoda zvakare kuziva mutauro wacho chaiwo kuti sungawirirano igonyatsobuda uye mutauro ugorungwa nezvirungamutauro zvakaringana.
Chikamu chinotevera tinoda kubata zviri maererano nekubatanidza nekupatsanura mazwi. Vavariro ndeyekuti kana tonyora basa, mhosho dzigoita shoma uye tisvitse mukwenyi webasa mukukutura dengu regoho pazvinyorwa zvedu.