Quantcast
Channel: Denhe Reruzivo – Kwayedza
Viewing all 921 articles
Browse latest View live

A -LEVEL — KUDA MUHONDO: Gwara rehondo

$
0
0

Munyaradzi Gunduza

TINOPFUURIRA mberi nematambudziko anosangana nevanhu munguva yehondo.

Kufenda — chikwata chaidzidziswa hondo kukamba 2 chiri pamwe chete naKuda tinoona chine vamwe vanhu vanofenda mushure mekunge vamhanyiswa vachitenderera kashanu. Vamwe vanofenda vachiri kutenderera kechitatu sezvakaitwa naBhodho. Josiah anove munin’ina waKuda anowanikwawo achifenda pakumhanya uku.

Kudzvanyirirana — Komuredhi Kadiki anoudza Kuda kuti aifanira kunyepa kuti akanga adzidza kusvika mugeredhi repasi nekuti vakuru vaitungamirira hondo pakamba apa vakazviziva vaizomutsikirira kuti aende kunorwa hondo asina hunyanzvi hwakakwana ourayiwa. Izvi vaizviita nekuti ivo vainge vasina kudzidza saka vaitya kutorerwa zvinzvimbo zvavo nevakadzidza.

Kudzidziswa hondo nenzira dzinorwadza – Kuda nevamwe vake tinoona vachidzidziswa hondo nenzira dzaiita kuti vange vachirwadziwa zvakanyanyisa. Tinonzwa achitaura ega kuti pamwe pacho vaikambaira nemumvura, nemuminzwa, kana kumhanya vachipinda nemumoto waibvira. Kurezvwa nezvinhu zvinokuvadza — tinonzwa zvichinzi, “Yaiva tsika yamabhunu kusiya chimwe chinhu chavaiziva kuti chinoita kuti vanhu vaungane vachitarisa. Vaiisa mabhomba imomo aiti kana munhu akachibata choputika. Mawairesi, fodya, magaba ebhifi, chitunha chemunhu, zvese izvi zvaisevenzeswa kuteya vanhu. Muzvinhu zvekudya vaiisa chepfu inouraya.” P.77. Zvinhu zvose izvi zvakanga zvauraya vanhu vakawanda chaizvo munguva yehondo.

Kukuvara muhondo — hondo inotsva pakamba 2 inosiya vanhu vashanu vakuvara zvakanyanyisa zvekuti kupona kwavo kwaisazivikanwa. Bhodho anokuvara muhondo iyi zvekuti akanga asingachakwanise zvakare kurwa. Kuda anokuvadzwa muhondo pagumbo ndokuzoribviswa achiiswa rechimuti.

Kufamba nzendo refu netsoka — povho inobva kuZimbabwe tinoiona ichipinda muMozambique netsoka. Magandanga anoenda kunopamba chikafu kuBurma Valley anoenda netsoka panove pakanga paine mufambo murefu zvikuru. Magandanga ese aienda kunorwa hondo ari munzvimbo yeBuhera anobva kuMozambique netsoka dakara asvika kuBuhera.

Kurohwa — masoja ane nguva yaaipinda mumisha yevanhu vachirova povho zvakaomarara.

Nzira dzinoshandiswa nevarwi vehondo yeChimurenga kuti vange vachikunda vachena:

Vatema vanotora nzira dzakasiyana-siyana kuti vange vachikurira vachena muhondo yavairwa. Dzimwe dzacho ndeidzi: Kupotera kunze kwenyika — tinoona povho ichibva muChipinge ichitungamirirwa naKomuredhi Pedzi kuenda kuMozambique uko vainopotera; ukuwo vamwe vachidzidziswa kurwa hondo.

Kusarudza vakomana vakasimba kuti vanodzidziswa kurwa hondo — vanaKuda, Bhodho, Josiah nevamwe vanosarudzwa kubva kukamba 1 kwavanosvikira kuti vaende kukamba 2 kwavainodzidziswa kurwa hondo.

Kushandisa masirogani kuti vazivane – makomuredzi pese paaisangana vaizivana kuburikidza nemasirogani. Izvi zvaiita kuti vazive aive neaisave muvengi wavo.

Kudzidziswa kurwa hondo nezvematongerwo enyika — vanhu vaienda kukamba 2 vachinodzidziswa kurwa hondo kuburikidza nenzira dzakaoma sezvinoitwa vanaKuda, Josiah, Bhodho nevamwewo. Panguva imwe chete iyi vaiiswawo mumapoka mavaizodzidziswa nezvegwara remusangano weZanu. Kutsvaga rubatsiro kubva kupovho – magandanga aitsvaga rubatsiro rwechikafu kubva kupovho kunove kwavaipihwa zvekudya vari kumabhesi kwavo. Tinoona kuti povho yaibatsirawo magandanga kutakura zvombo kubva kuMozambique kupinda nazvo muZimbabwe. Kutuma vanamujibha kuti vawane ruzivo rwemafambiro aiita masoja — vanamujibha vaitumwa navanamukoma kufamba vachitsvaga kwaive nemasoja, zvaaiita nezvaaironga. Ruzivo urwu rwaibatsira magandanga zvikuru pakurwisa masoja. Levi anotuma vanamujibha nemamwe magamba kuti vanosecha zvitunha zvemasoja pamwe chete nekuvatorera pfuti. P.131..


ziva

$
0
0

MHINDURO yemufananidzo wesvondo rapera ndeinoti kukuchidzira.

Hedzinoi dzimwe dzemhinduro dzakabva kuvamwe vaverengi:

Kukuchidzira – Lamion Chiuta, Chiko, Ushewekunze.

Kukuchidzira – 2in1 Alisha Alia Nyamukondiwa, Jaya Village, UMP.

Kukuchidzira – Mbuya Tadiwa, 2192, Egypt, Highfield.

Kukuchidzira – Tadiwa Mushaninga, 1317 Lusaka, Highfield.

Kukuchidzira – 0775 974 285.

Kukuchidzira – Innocent Mhandu, Harare.

Kukushidzira – 0783 208 105.

Kukuchidzira – Alishas Mangwiro, Grade 4, Mutasa Primary School.

Kukuchidzira – 0775 692 759.

Kukuchidzira – Gilbert, Murehwa.

Kukutidzira – Mashoko Chikuku, Chidyamakono School, Dhume Village, Chivi.

Kukuchidzira – G. Zimunya, Prospect, Waterfalls.

Kukuchidzira – Wilbert Katanda, Kuwadzana Banket.

Kukuchidzira – Getrude Nyandoro.

Kukuchidzira – A. Gadzikwa, Sunningdale 2, Hre.

Kukwichidzira – Barnabas Jonga, Siyaso, Magaba, Mbare.

Kuchidzira – Nyashadzamwari Kawere, Mutoko.

Kukuchidzira – Lloyd Mashoro, Budiriro 1, Harare.

Kukuchidzira – Stephen Vhiringa, Budiriro 4, Harare.

Kukuchidzira – Mai Dylan Bonifeso Mahozi, Mt Darwin.

Kukuchidzira – Larence Tom, Waterfalls, Mainway.

Kukuchidzira – S. Store, 17649 K/5, Hre.

Kukuchidzira – Kimberely Matibiri, Waterfalls.

Kukuchidzira – Chris Murombedzi, Chishoshe School, Mhondoro.

Kukwichidzira – Chief Muvengwa, Highfield, Harare.

Kukuhwidza/kukutidzira – 0775 204 807.

Kukuchidzira – Mumu Chimonyo, Nyanga.

Kukuchidzira – Tete Vee Magomo, Nhakiwa, UMP.

Kukuchidzira – Elisha Murwisa, Luxury Store, Box 121, Mt Darwin.

Kukushidzira – By Nathan Mvere, Dangamvura.

Kukwichidzira – Buju, Chitamba Farm paGan’a.

Kukuchidzira – Amos Musariyarwa, Maniresa Park.

Kukuchidza – Linsty Betah, Marondera.

Kukuchidzira – Shingirai Makombe, Salvation Army Primary School, Bindura.

Kukwichidzira – Kateboo Bandah, Stoneridge, Chireya.

Kukuchidzira – Babson Gomba, Harare.

Kukuchidzira/kukuchidza – Nyadawa Padenje, Uzumba.

Kukuchidzira – Leocardia Sakonda, Glen Norah B, Harare.

Kukuchidzira – Mbuya vaHanna, 1138 Retreat, Waterfalls.

Kukuchidzira – R. Humbasha Soko Wafawanaka, Unit M, Seke, Chitungwiza.

Kukuchidzira – Judith Mangezi, Zaka, Jerera.

Kukuchidzira – Ester Chigoya, Dombodzvuku Primary, Mrewa.

Kukuchidzira – Judith Mangezi, Zaka Jerera.

Kukuchidzira – Cecilia Masarirambi, Rusape.

Kukwidzira – David Utete, Epworth.

Kuchidzira – Panganai Tome, Mutoko.

Kukuchidzira – Maramba Chakuda, Arcadia Farm, Bindura.

Kukuchidzira – Abel Hamandishe, Hopley, Harare.

Kukuchidzira – A. Feruka, Chitsvatsva Village.

Kukwichidzira – 0778 203 489.

Kukuchidzira – Michael Muzembi, Masvingo.

Kukuchidza/kukuchidzira – Madzibaba Petros, Hauna.

Kukwichidzira – Kudzai Mambo, Epworth Primary School.

Kukuchidzira – 0778 198 109.

Kukuchidzira – 0776 127 436.

Kupisa mvere dzemhuka kana nyama setsuro, mbeva kana mazondo pamoto isati yazoparwa kunonzi kuita sei?

* * *

Onai mhinduro svondo rinouya.

. Tumira mhinduro panhare dzinoti 0714 200 007.

Tsumo nemadimikira namukanya

$
0
0

Mhinduro yesvondo rapera:

Nzou mutupo pana vanhu paseri ava machikichori.

Tsumo iyi inoreva vanhu vanoti havaite zvimwe, asi kana vave voga pasina ari kuvaona voita zvinhu zvacho.

Zvekuita:

Chii chinonzi machikichori?

 

Mhinduro: Machikichori kudya kunonaka kwazvo.

* * *

Svondo rino:

Chigere ibwe muti unowa.

Tsumo iyi inoreva kuti chinhu chisingabve pachakagara idombo, asi miti inobva.

Tsumo iyi inokurudzira kuti vanhu vasafunge kuti zvavari zvakaita serugare zvinoramba zvakadaro.

Zvekuita:

Tipe mamwe mazwi anoreva zvakafanana neaya: ibwe, kuwa

* * *

 

Mhinduro svondo rinouya.

. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

O-LEVEL — KUDA MUHONDO: Zvinodzidzwa murungano

$
0
0

Munyaradzi Gunduza

ZVIDZIDZO zviri maererano nehondo yeChimurenga.

Mumwe anokwanisa kuti akadzidza zvinhu zvakafanana nezvinotevera:

Ndakadzidza kuti vachena vaive nerusarura – vanhu vatema vaibatwa zvakasiyana nevamwe verudzi rwechichena. Vatema vainzi vagare munzvimbo dzaiwanikwa tsvina yakanyanyisa uye dzine vanhu vakawanda sezvaiitika muMbare neHighfields. Vanhu vatema vaifoiriswa chikoro nevachena vachinzi vaigara munzvimbo dzisina materevhizheni nemawairesi.

Ndakadzidza kuti mukuru wezvematongerwo enyika, VaChitepo vakauraiwa nebhomba rainge raiswa mumotokari yavo vachibva kunze kwenyika.

Vanhu vatema vaisabvumirwa kufamba vasina zvitupa — tinoona vakomana vanosangana naKuda muchitima mufourth class vachiburutswa nemapurisa nemasoja vakasungwa nekuti vainge vasina zvitupa.

Vachena vaisunga vanhu vatema zvisina tsarukano — tinonzwa kuti munhu mutema aiti akasungwa aibva angoendwa naye pasina aiziva kuti aendeswa kupi uye nyaya yacho yaisapinda mudare redzimhosva kuti itongwe.

Chidzidzo ndechekuti panguva yehupambepfumi vanhu vaisabvumirwa kuungana kana kutanga misangano yezvematongerwo enyika – vanaKuda nevamwe vaidzidza payunivhesiti vanoenda kunoratidzira kunzvimbo yeHighfields zvinove zvinoita kuti vazotanga kumhanyiswa nemasoja nemapurisa vachisairirwa imbwa. Vabereki vaKomuredhi Kadiki vainge vatanga zvematongerwo enyika ndokuzobva muZimbabwe varambidzwa izvi nevachena vachienda kuZambia.

Mapurisa aigarira vanhu munzira achivatorera chikafu – tinoona panoenda Kuda kuChipinge achibva kuchikoro vamwe vaaive navo mubhazi vanotorerwa chikafu chavainge vatenga nemapurisa zvichinzi vaida kunopa magamba ehondo. Ndakadzidza kuti masoja airova vanhu vasina mhosva nekuvapisira dzimba nematura — tinonzwa kuti masoja ane nguva yaaipinda mupovho achitanga kungorova vanhu. Tinoona masoja achipisa dzimba dzepamba pana Kuda kuChipinge pamwe chete nematura aiiswa zvekudya.

Ndakadzidza kuti Zanu yaifarirwa nekuti yaishandisa donzvo regutsaruzhinji — tinoona kuti vanhu vaidzidzira hondo yeChimurenga vaidzidziswawo zvematongerwo enyika zvaiita kuti vagarisane nepovho zvakanaka pamwe chete nekuidzidzisa gwara remusangano uyu. Izvi zvinoratidza kuti musangano weZanu wakanga wakategwa panheyo yekubatanidza vanhu (socialism).

Magamba aienda kunopotera kunze kwenyika kwavaidzidziswa zvehondo — vanaKuda vanoenda kunze kwenyika kuMozambique uko vanonodzidziswa kurwa hondo vari mukamba 2. Kuda nevamwe vake vanozoendawo kuTanzania kwavanonogara kwemwedzi mina vachiwedzera ruzivo rwavo rwehondo.

Muhondo yeChimurenga vanhu vaisimudzirwa zvichienderana nekugona kwavo — tinoona kuti Kuda anosarudzwa kuti ange ari mumwe wevanhu vaizoenda kuChina kunowedzera zivo yezvehondo nekuti akanga akunda vese vaibva muchikwata chake. Kuwanda kweruzivo rwaKuda kunoita kuti azoitwa Detachment Commander wemagamba aienda kuZimbabwe kunorwira muBuhera.

Vatengesi vaiurayiwa — tinonzwa kuti Samason akanga aurayiwa muhondo nemagandanga nekuda kwekutengesa hondo yeChimurenga kwaainge aita kuvachena.

Hondo yevatema yaihwanda mumakomo – tinoona kuti panobva Kuda kuMozambique achienda kuBuhera anosangana nemagamba munzvimbo dzakawanda kusanganisira muBocha. Magamba ese aive munzvimbo idzi ainge achishandisa mabhesi emakomo. VanaKuda pavanosvika kuBuhera vanokemba pabhesi raive nemakomo mana.

Tinopedzisa zvidzidzo zvinobva muna Kuda Muhondo svondo rinouya.Vamwe vanhu vanokara zvekuti sadza rinosara romonwa ivo vatopfunya chisero kare. Ndivo vaya vanotumidzwa kunzi vanaMushambarichakwata. Vamwe vane mbiri yekurova mupeta zvekuti vanoswera vachingotevedzana nadzo ndari mumaruwa. Pandari pavanoenda havabvi kana doro risina kupera. Vanobva vapiwa zita rekuti Musiyadzasukwa.

0-LEVEL — KEREKE INOFA: Tsekwende kuvatambi

$
0
0

naMunyaradzi Gunduza

TSANANGURA matambudziko mashanu anowira vatambi muna Kereke Inofa. [25]

Vatambi vanosangana nematambudziko ekutapurirwa chirwere cheshuramatongo. Izvi zvinobuda kuna Beauty naSusan pavanenge vari muchipatara cheWest End vasiri kuwirirana nezvechikomba chaBeauty chainzi Dance chaakanga atorerwa naSusan. Beauty anoudza Dance pafoni kuti aida kumusungisa nekuti akanga amuzadza chirwere cheshuramatongo. Susan anozoudzwa naBeauty kuti aive azadzwawo chirwere ichi naDance.

Mubhuku iri vatambi vanowirwa nematambudziko ekutukwa.

Tinozviona kuna Peter Chimumumu anonyombwa naRose vagere mumba maZebra kuGlen View 7, zuva ratongwa nyaya yaSarah yekupiwa mwana naPastor Mwenje kunze kwemusha. Rose anomubvunza kuti akanga ari ani aida kugadzirisa matare epamba paZebra, achibva anzi zvimumumu zvaitaurawo chii chaaida kuvabatsira panyaya iyi, anobva abudamo atsamwa asina kana nekuzooneka.

Vatambi vanowanikwa mubhuku Kereke Inofa vanowirwa nematambudziko ekuparadzirwa dzimba. Izvi zvinoonekwa kuna Mary naZebra pavanoona Sarah mudzimai waZebra apiwa mwana naPastor Mwenje murume waMary vari muchipatara cheWest End, muHarare. Zebra anobva abuda pachena kuti akanga asingachadi zvekuramba achigara naSarah saka aifanira kuenda kumba kwaPastor Mwenje vakanga vamupa mwana murudo rwechivande.

Mubhuku iri vatambi vanosangana nematambudziko ekufenda. Tinozviona kuna Zebra paanoenda kuchipatara cheWest End ndokuona Sarah ave nemwana waPastor Mwenje.

Anonzwa kupera simba ndokupedzisira ave kuita seapererwa nemweya wekufema angofizuka nezvaaive aona. Anotora nguva refu akadaro opiwa mubhedha muchipatara chimwe chete ichi.

Vatambi vari mumutambo uyu vanosangana nematambudziko ekutorerwa chikomba.

Izvi tinozviona kuna Beauty anoshungurudzika zvikuru ari mumupanda wairara vasikana kumba kwaZebra kuGlen View 7, atorerwa chikomba chake Dance namainini vake Susan zvinoita kuti vazotanga kurwa.

CHISHONA CHAKANAKA

$
0
0

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: kwayedza@zimpapers.co.zw kana patrick.shamba@zimpapers.co.zw. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

* * *

MHINDURO DZESVONDO RAPERA:

Tipe rimwe zita rinoreva zvakafanana neiri:

  1. mwene – muridzi
  2. muriwo – usavi
  3. mushonga – muti
  4. svuta – puta
  5. gushe – munhenga

ZVAKABVA KUVAVERENGI:

Brenda Gumindoga, Chitungwiza, Harare – 1. ibwe – dombo; 2. kuwa – kudonha.

Barnabas Jonga, Mbare Magaba Siya So – 1. mwene – muridzi; 2. muriwo – usavi; 3. mushonga – mutombo; 4. svuta – bhema; 5. gushe – bvere

Barnabas Jonga, Mbare Magaba Siya So – 1. ibwe – dombo; 2. kuwa – kudonha

Maxwell Ngulube – 1. mwene – muridzi; 2. muriwo – usavi; 3. mushonga – mutombwe; 4. gushe – mvere.

Lawrence Tom, Waterfalls, Mainway – 1. ibwe – dombo; 2. kuwa – donha.

Daphia Gonankulawe, Highlands, Harare – 1. ibwe – dombo; 2. kuwa – kudonha/kupunzika.

Michael Muzembi, Masvingo – Aiva madziva ave mazambuko.

Lawrence Tom, Waterfalls Mainway – 1. mwene – muenzi; 2. muriwo – usavi; 3. mushonga – muchetura; 4. svuta – bhema; 5. gushe – manhenga

0773 202 397 – 1. muyenzi; 2. usavi; 3. muti; 4. kuputa; 5. munhenga

0778 026 412 – 1. ibwe – dombo; 2. kuwa – kudonha

Devine Saini, Mufakose 2 Secondary School, Mufakose, Harare – 1. ibwe – dombo; 2. kuwa – kudonha

0785 356 603 – 1. ibwe – dombo; 2. kuwa – kudonha

0783 920 087 – 1. ibwe – dombo; 2. kuwa – kudonha

Bridget Mutemachari, Grade 2 Yellow, Domboramwari Primary School – 1. mwene – muridzi; 2. muriwo – usavi; 3. mushonga – muti; 4. svuta – puta; 5. gushe – mvere

0777 099 541 – ibwe – dombo

David Utete – 1. ibwe – dombo; 2. kuwa – punzika

Panashe Gororo paEpworth – 1. ibwe – dombo; 2. kuwa – kudonha

Junior Tafadzwa Timuri, Unit O, Chi-town – Kare haagare ari kare.

Proud Masaemura, Southlands – 1. muridzi; 2. usavi; 3. bhema – puta; 4. dengera – nhenga

Emily Muzarawetu, Glenridge Primary School, Eastview – 1. muyenzi; 2. usavi; 3. muti; 4. kuputa; 5. mvere

Robbie Mapfumo, Dema, Seke – 1. muyenzi; 2. usavi; 3. muti; 4. kuputa; 5. munhenga

Panashe Gororo, Form 2, Oxford International College, Epworth – 1. muridzi; 2. usavi; 3. mugomboti; 4. inwa; 5. derere

Cleophas Kuselima – 1. Ibwe – dombo; 2. kuwa – kubva (kudonha);

Pfachapfacha, Karoi – 1. ibwe – dombo; 2. kuwa – kudonha

  1. Random, Norton – 1. dombo; 2. kudonha

0774 220 558 – dombo; kuwa – kudonha

* * *

Gabriel Karikoga – Tsumo inoti chawawana idya nehama mutorwa ane hanganwa inotidzidzisei isu vana vechikoro? (Vamwe vana vechikoro batsirai Gabriel)

* * *

ZVEKUITA SVONDO RINO:

Tipe rimwe zita rinoreva zvakafanana neiri:

  1. derere –
  2. hwanda –
  3. gudo –
  4. vise –
  5. mhondoro –

* * *

Onai mhinduro svondo rinouya.

. Tumira mhinduro panhare dzinoti 0714 200 007.

 

Mhinduro svondo rinouya.

. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Tsumo nemadimikira namukanya

$
0
0

Mhinduro yesvondo rapera:
Chigere ibwe muti unowa.
Tsumo iyi inoreva kuti chinhu chisingabve pachakagara idombo, asi miti inobva.
Tsumo iyi inokurudzira kuti vanhu vasafunge kuti zvavari zvakaita serugare zvinoramba zvakadaro.
Zvekuita:
Tipe mamwe mazwi anoreva zvakafanana neaya: ibwe, kuwa
Mhinduro: dombo, kudonha
* * *
Svondo rino:
Kunokanganwa mudyi wenyemba, muoreri wamateko haakanganwi.
Tsumo iyi yakafanana neiya inoti “Chinokanganwa idemo, asi muti wakatemwa haukanganwi.” Inoreva kuti munhu akaitirwa zvakaipa haazvikanganwe.
Zvekuita:
Tipe mamwe mazwi anoreva zvakafanana nerekuti mateko.
* * *

Mhinduro svondo rinouya.
. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

– zviwanikwa zvezimbabwe –

$
0
0

naJuliet Sharon Tom

Shona:  ROVAMBIRA, NZAYO, MUBOBOBO

Ndebele:             Ginyambila, mamba

English: Black Mamba

ROVAMBIRA inyoka inozivikanwa nemazita akawanda – vamwe vanoiti mubobobo, mhungu kana kuti nzayo.

Nyoka iyi inokwanisa kusimudza musoro nemutumbi wayo zvekusara yamira nemuswe.

Kunzi black mamba paChiRungu hazvireve kuti nyoka iyi inofanirwa kuva neruvara rwutema asi kuti zita iri rinobva pakuti ine mukanwa mutema makasviba kuti ndoo.

Panyoka dzine huturu (venom) hwakaipa muAfrica, rovambira ndiyo ine hwakaipisisa zvekuti kana munhu akasabatsirwa nekukasika kana achinge arumwa, anofa mukati memaminetsi 20 bedzi.

Nyoka iyi inomhanya zvikuru, uye inoreba zvekudarika mamita mana. Inokwanisa kurarama kwemakore gumi nerimwe.

Mhungu inogara muguru, mumhango dzemiti kana mumapako, mumatondo akapfita nemiti, muzvuru kana muzvikomo.

Rovambira inokandira mazai anosvika 12 kana kudarika muguru rinenge rakacherwa nemuchenje kana nemhuka apo anozochechenywa nzvenzvana (vana venyoka) mushure memazuva 80 kana 90.

Nyoka iyi inovhima masikati, manheru yodzokera kwainogara. Inodya tsindi (squirrels), mbeva nemakonzo, shiri kana vana vembira. Ikaruma chainoda kudya, inochimirira kuti chitange chafa nekuda kwehuturu hwayo. Haitsenge chainodya asi kuti inongochimedza chakadaro.

Kana ikagumburiswa, rovambira inosimudza musoro wayo nemutumbi apo inoshama ichiratidza mukanwa mayo makasviba kuti ndoo. Apa ndipo painokwanisa kuruma munhu pose-pose – kana kumeso chaiko.

Rovambira inokwanisa kukobora munhu kakawanda ichisiya huturu hwayo mumuviri wechayaruma.

Yangoita izvi bedzi, inobva yatiza kana kuhwanda.

Nyoka iyi ine chipo chekuzvidzivirira kubva kumuvengi, kana ikangoshita, munhu akadududza shure, haimurume.

Asi ikaruma munhu, huturu hwayo hunoda kukasika kurapwa sezvo akanonokerwa haapedze zuva ari mupenyu.

Zvisinei, rovambira inyoka inganzi inonyara sezvo ichiti kana ikasangana nemunhu, inoedza kutiza kana kuhwanda kunze kwekunge kana yashaiswa mukana ndipo painozozvidzivirira nekuruma.

Kana mukaona nyoka iyi iri mumba kana kuti pamusha, musamboedza kuibata asi kuti zivisai vebazi reZimparks vari pedyo nemi.

. Zvimwe zviri muchinyorwa chino:

Source: Field Guide to Snakes and Other Reptiles of Southern Africa – Bill Branch

Snakes of Rhodesia – G Broadley

 

. Kuti muzive zvakawanda batai veZimparks Public Relations pa: 0772 620 178.


Ziva

$
0
0

MHINDURO yemufananidzo wesvondo rapera ndeinoti kubvura.

Hedzinoi dzimwe dzemhinduro dzakabva kuvamwe vaverengi:

Kubvura – Mashoko Chikuku Chidyamakono School, Dhumhe Village, Chivi.

Kubvura – Gift Chawasarira, 8325 New Tafara, Harare.

Kubvura – Mbuya Tadiwa, 2192 Egypt, Highfield.

Kubvura – Tadiwa Mushaninga, 1317 Lusaka, Highfield.

Kubvura – 2 in 1 Alia Alisha Nyamukondiwa, Jaya Village, UMP.

Kubvura – Anashe Magomo, Lusaka, Highfield.

Kubvura – Faith Magomo, Lusaka, Highfield.

Kubvura – Tete Vee Magomo, Nhakiwa, UMP.

Kubvura – Mumu Chimonyo, Nyanga.

Kubvura – Tinotenda Chimonyo, Nyanga.

Kubvura – Miranda Mayoyo, Kangara Village, UMP.

Kubvura – Shingirai Makombe, Salvation Army Primary School, Bindura.

Kubvura – Maxwell Ngulube.

Kubvura – Lawrence Tom, Waterfalls, Mainway.

Kubvura – Evans Mhembere, 8565 24th, Glen View 8.

Kubvura – Abuza Mtanga.

Kubvura – Chris Murombedzi, Chishoshe School, Mhondoro.

Kubvuura – Lamion Chiuta, Chiko, Ushewekunze, Hre.

Kubvura – Stephen Vhiringa, Budiriro 4, Harare.

Kubvura – Getrude Nyandoro.

Kubvura – R. Humbasha Mukanya, Unit M Seke, Chitungwiza.

Kubvura/kubvurudza – 0775 692 759.

Kubvura – Nyadawa Padenje, Uzumba.

Kubvura – Gilbert, Murewa.

Kubvurudza – Steuwart Mupfumbu, 12016 Kuwadzana Extension, Harare.

Kubvura – Chief Muvengwa, Highfield, Harare.

Kubvura – Ratidzo Ngarande, Highlands, Harare.

Kubvura – Mai Ronald Mutenga, Kachuta, Guruve.

Kubvura – Michael Muzembi, Masvingo.

Kubvura – Tapiwa Bhidhi, Waterfalls.

Kubvura – Nigel Huchu, Glen Norah A.

Kubvura – Amos Chando, Southlands Waterfalls, Harare.

Kubvura – G. Zimunya, Prospect, Waterfalls.

Kubvura – S.store 17649 K/5, Hre.

Kubvurudza – Gomba Babson, Harare.

Kubvura – Pfachapfacha, Karoi.

Kubvura – Chris Sikanda, Grade 2, Runyararo Primary School, Chivhu.

Kuvedzenga – P. Karombo, 0775 379 970.

Kubvura – David Nkhoma, Hse No 98/3, Gaths Mine, Mashava.

Kubvura/kupara – Kateboo Bandah, Stoneridge, Chireya.

Kubvura – Nyembesi, Waterfalls, Hre.

Kubvura – Mai Farai Simango, 2603 Jerusalem, Highfield, Machipisa, Harare.

Kubvura – Robbie Mapfumo, Dema kwaSeke.

Kubvura/kubvururudza – Evangelist W. Chinake paDamafalls.

Kubvura – 0784 544 872.

Kubvura – 0773 517 927.

Kubvura – Stanford Chada, Byo.

Kubvura – Takudzwa Matembana, Miles Academic College, Highfield.

Kubvura – Panganai Tome, Mutoko.

Kubvuridza – Elisha Murwisa, Luxury Store Box 121, Mt Darwin.

Kubvura – Devine Saini, Kambuzuma 4.

Kubvurudza – Buju, Chitamba Farm paGan’a.

Kundura/kubvura – Nyashadzamwari, Kawere, Mutoko.

Kubvura – Kimberely Matibiri, Waterfalls.

Kubvura – Mbuya Chiwanza, Chitowa 2, Murewa.

Kubvura – Cathrine Chitungwiza.

Kubvura – Antony Bango, Retreat Waterfalls.

Kubvura – 0778 184 626.

Kubvura – Itai Kapikinyu, 0775 007 567.

Kubvura – Madzimai Gracia.

Kubvura – Panashe Gororo, Epworth.

Kubvurudza – Juanita Frank, Chny.

Kubvura – Edmore Zenderani, Hopley.

Kubvuraudza – Edmore Ali, Epworth, Harare.

Kubvura – 0773 772 260.

Kubvura – Chihoro Special, Manhemba, Mutoko.

Kubvura – Jairos Bingwani, Unity O, Chitungwiza.

Zondo – Simba Tapfuma, Byo.

Kubvura – Elizabeth Bambile, Koala Park Abbatior, Seke Road.

Kubvura – Daniel Mhirizhonga, Murewa.

Kubvura – Alois kwaChiwundura, Maguma.

Kubvura – Natasha Mshandu, Form 1A, Domboramwari Sec School, Epworth.

Kubvura – Chris Sikanda, Grade 2, Runyararo Primary School, Chivhu.

Kupara/kubvura – Mbuya vaHanah, Retreat, Waterfalls.

Kubvura – F. Marimo, Chiweshe.

Kubvura – John Chapita, Marondera.

Kubvura – Roseline Changondolo, 5036 New Canaan, Highfield Harare.

Kubvura Cecilia Masarirambi, Rusape.

Kubvura – Kudzai Mutumba, Bindaura Phase 3.

Kubvura – Justice, Chitungwiza.

Kubvura – Mai Tanaka, Hob House, Mutare.

Kubvura – T. Ngwenya.

Kubvura – Eander Mandiyanike, Pafiwa Primary School.

Kubvura – Leander Mandiyanike, Pafiwa Mutasa Primary School.

Kubvura – Ruth Chiunya, Nyazura.

Kubvura – Tariro Mutero, Murombedzi.

Kubvura – Clive Kuselima.

Kubvura – Tecla Timuri kwaMusarara, Chiweshe.

Kubvura – Madondo Richard, 7685 Unit K, Chitungwiza.

Kubvura – Barnabas Jonga, Mbare Magaba Siya So.

* * *

Kubvisa makoko paganda rehove kunonzi kuita sei?

* * *

Onai mhinduro svondo rinouya.

. Tumira mhinduro panhare dzinoti 0714 200 007.

Grade7: Mazita ekutuka nekutsura

$
0
0

Ticha Danga

BVUNZO zvarakadai kunyorwa, hazvirevi kuti kudzidza kwapera. Tinotofanirwa kuramba tichiverenga kuti tiwedzere ruzivo.

Kune zvakawanda zvatinofanirwa kudzidza kubva mukurarama kwaiita vakuru vekare. Matunhu aiva namatongerwo awo zvokuti madzishe kana madzimambo vaive nenzira dzavo dzekupa mitongo kana vanhu vachinge vatadzirana.

Mumaruwa maisagarwa muchechetere nguva dzose. Zvakawanda zvaigona kuti vanhu vatadze kuwirirana. Vanhu vaigona kutosvorana nenyaya yemiganhu yeminda, vamwe vaipumhana huroyi kozotiwo vamwe vaizvondanirana upfumi.

Zvino zvaiti kana zvadai, hapachina kuwirirana asi kuti vanhu vaigara vakafutirana vachikurungwa mumwoyo neshungu. Shungu idzi vaidziburitsa kana pazvarwa mwana kana imbwa apo vaizotumidza mazita akanangana nedaka raivepo. Kana vanhu vakanetsana nenyaya yehuroyi ndipo paunonzwa mwana achitumidzwa kuti Matipedza, Matinyanya kana kuti Pedzai. Vanhu vanenge vachiedza kuti bundu riri mumwoyo rinyevenuke nekuti pese pachadanwa zita iroro, vanonge vachitotuka vaya vavanonetsana navo.

Hazvigumiri ipapa, nekuti vaya vanobva vaziva kuti vanyombwa kubudikidza nezita riri kudaidzwa nekudaro vakaitawo wavo mwana vanobva vadzorera nekutumidzawo zita rinotuka. Ndipo panobuda mazita anoti Mugondidini, Munondin’yei kana kuti Matimadii. Kana iri imbwa

inobva yanzi Muroyindishe kana kuti Tozvariremi.

Dzimwewo dzinongonzi vana Zvakwidza kana kuti Zvamuriimi. Ipapo shungu dzemunhu dzinobva dzatunhidzwa kunyanya panohukura imbwa iyoyo nekuti anobva adana zita iroro zvine mutsindo.

Ukanzwa paya panodanwa mazita akaita sana Sasanai kana kuti Tozivepi wobva watoziva kuti hapana chakanaka.

Kana dai mombe dzinotumidzwa kuti Wegejo kana kuti Abhigero kuri kutsvaga kutokonya vavakidzani.

Nhaurwa yemazita haingoshanda pakutukana kana kutsiurana chete asi kuti inogona zvakare kubatsira pakutunhidza nekurumbidza mabasa akanaka anenge aitwa. Zvakafanana nekuti kana pakazvarwa mwana kunyanya mazuva ano vanhu vanoda kurumbidza nekutumidza zita rinotunhidza sokuti Ruvarashe, Mukudzeishe, Anotidaishe kana Makatendeka.

Vamwewo ndivo vanotumidza nekuti zvido zvavo zvazadziswa nokudaro panobuda mazita akaita saTanatswa, Rutendo, Takomborerwa kana Tafadzwa. Mamwewo mazita anobuda nekuti kwaitika chinhu chakaoma chinobata upenyu hwavanhu sekufirwa. Pakazvarwa mwana mushure mekunge vabereki vashaya anonzi Masiiwa kana kuti Munzvengwa. Dzimwe nguva vanhu vanogona kunetseka chaizvo nekuda kuita mwana mushure mekuroorana zvekuti vanotsvara kwese mukuedza kuita mwana zvekuti paanozouya vanomutumidza kuti Mutsvariwa.

Pane dzimwe nguva dzekuti vanhu vanoita twutsika twavanenge vava kutozivikanwa natwo nekudaro vanhu vanovanemera mazita.

Zvinogona kukubatsira

$
0
0

Munyaradzi Gunduza

SVONDO rino tinopedzisa nekukupai zvinoreva mazita emamwe magamba nemibvunzo inogona kukubatsirai kuita gadziriro dzenyu dzebvunzo takanangana nepepa ramunonyora reuvaranomwe.

Komuredhi Nyika — nyika inotakura zvose zviri pamusoro payo. Komuredhi Nyika igamba rakanga richiziva mamiriro ese enyika yeZimbabwe kubva kumakomo nemazita enzizi. Komuredhi ava vakanga vachiziva nzira dzese nemakomo ese aiwanikwa kubva kuMozambique kusvika kuZimbabwe.

Komuredhi Gidi – gidi zvinoreva pfuti. Ruzivo rwaive nakomuredhi ava rwunoratidza kuti rwunoenderana nezita ravo nekuti vaizivisisa pfuti zvakanyanya. Ndivo vaidzidzisa vanhu vaidzidzira hondo kushandisa pfuti pakamba 2. Vaiziva mazita epfuti dzose nemashandisirwo adzo.

Komuredhi Bhodho — bhodho ipoto inozivikanwa kuti inobikirwa chikafu. Iri izita rinoratidza kuti rinoenderana zvakanyanya nakomuredhi ava nekuti vaifarira kudya zvikuru uye vachiteta nzara. Zita iri anoritumidzwa naKomuredhi Gidi pavanoti, “Iwe mukomana wechikafu kubva nhasi wava kunzi Komuredhi Bhodho nekuti unoda sadza too much.” P.38. Kufenda kwaanoita pavanomhanya ari pakutenderera kechitatu kunoratidza kuti munhu ainyatsonzwisisa zvekudya. Bhodho anoudza makomuredzi aivatungamira zuva ravabva kunomhanya kuti dai vakambovapa nguva yekuzorora vasati vadya kuti chikafu chizonyatsopinda. P.53.

Komuredhi Wairesi – wairesi hainyarare kana ichinge isina kudzimwa. Ndizvo zvimwe chete nakomuredhi ava nekuti vakanga vachitaurisa chaizvo. Tinovaona pavanopindira nyaya yavakanga vasina kubvunzwa ndokubva vapihwa zita iri. p.54.

Mibvunzo

  1. Tsanangura kuti povho yaibatsira magamba kurwa hondo nenzira dzipi munyaya iyi.
  2. Rondedzera huchenjeri hunoshandiswa nevatema kuti vange vachikurira vachena muhondo yeChimurenga chepiri.
  3. Musoro webhuku iri unoenderana zvakadii nenyaya inowanikwa mariri? Tsigira mhinduro yako zvizere.
  4. Hondo yairwadza uye zvaisave nyore kusunungura nyika yeZimbabwe. Jekesa kuti ndezvipi zvinhu zvinobuda murungano urwu zvinoburitsa mashoko aya pachena.
  5. Mazita emagamba airwa hondo anopindirana zvakadii nedonzvo rehondo yavairwa?
  6. Tsanangura matanho ese anotorwa nevatema kuti vabudirire kusunungura nyika yeZimbabwe.
  7. Zazanura matambudziko ese anosangana nevanhu vatema pakurwisa vapambepfumi.
  8. Mazita evatambi akashandiswa mubhuku iri anobatsira sei kusundidzira nyaya mberi?
  9. Nyatsodonongodza zvidzidzo zviri kuburitswa nemunyori kuvaverengi pamusoro pehondo yeChimurenga?
  10. Tsanangura kugona kushandisa mazita amadunhurirwa kwakaitwa nemunyori webhuku iri.
  11. Ndezvipi zvakatuma vatema kuti vaende kuhondo yeChimurenga?

 

Aya ndiwo magumo emhenenguro yebhuku rino. Svondo rinouya tinotanga bhuku idzva. ari mwana akazvarwa akafa kana kuti gavamwedzi anonovigwa panzvimbo ine mahapa murwizi.

Ziva

$
0
0

MHINDURO yemufananidzo wesvondo rapera ndeinoti kupara.

Hedzinoi dzimwe dzemhinduro dzakabva kuvamwe vaverengi:

Kupara – Edmore Ali, Epworth, Harare.

Kupara – J. Chikambure, Chivi, Masvingo.

Kupara – Mai Farai Simango, 2603 Jerusarem, Highfield, Machipisa.

Kupara – Viola Serengeni, Glen Norah.

Kupara – Crispen Mungofa, Zengeza 5, Chitungwiza.

Kupara – Amos Musariyarwa, Maniresa Park, Harare.

Kupara – Tiyange Shereni Chimbizi, Mapunga, Bindura.

Kupara – Jairos Bingwani, Unit O, Chitungwiza.

Kupara – Tendai Jena, Plot N/0833, Gweru.

Kubvura – 6628 DZ Extension.

Kupara – Elisha Murwisa, Luxury Store, Mt Darwin.

Kupara – Calisto Gwidzima, Mutare.

Kupara – Gerry Tafie, SK2 High, Mutare.

Kupara – Tadiwa Mushaninga, Lusaka, Highfield.

Kupara – 2 in 1 Alisha Allia Nyamukondiwa, Jaya Village, UMP.

Kupara – Mumu Chimonyo, Nyanga.

Kupara – Tete Vee Magomo, Nhakiwa, UMP.

Kupara – Faith Magomo, Lusaka, Highfield.

Kupara – Anashe Magomo, Lusaka, Highfield.

Kupara – Ruvimbo Kagoro, Form 1 Highfield High 2, Highfield.

Kupara – Cecilia Chimonyo, Nyanga.

Kupara – Stephen Chimonyo, Nyanga, 0772 215 359.

Kupara – Rejoyce Magomo, Magunje Secondary School, UMP.

Kupara – Nalia Dzviti, Tamanikwa Village, UMP.

Kupara – Shingirai Makombe, Salvation Army, Bindura.

Kupara – Kimberely Magomo, Machekera Primary, UMP.

Kupara – Tanatswa Nyamukondiwa, Machekerera Primary School, UMP.

Kupara – F. Machisa, Kasuwo, Mbire.

Kupara – S. Store 17649 K/5. Hre.

Kupara – Chief Muvengwa, Highfield, Harare.

Kupara – Chris Murombedzi, Chishoshe School, Mhondoro.

Kupara – Amos Chando, Southlands, Waterfalls, Harare.

Kupara – R. Humbasha, Unit M, Chitungwiza.

Kupara – G. Zimunya, Prospect, Waterfalls.

Kupara – Dylan naBrenda Makono, Pachanza Primary, Mt Darwin.

Kubvura – Vimbai Zindonda, Kwekwe.

Kupara – Anenyasha Chiteme, Damofalls, Tarisa Park.

Kupara – Taurai Mataga, Munhira Village, Nenguwo, Mahusekwa.

Kupara – Nyadawa Padenje, Uzumba.

Kupara – Gilbert, Murewa.

Kubvura – 0779 488 137.

Kupara – Lawrence Tom, Waterfalls Mainway.

Kupara – Lucy Mabuto, Shamba Primary School, Shurugwi.

Kupara – Chris Sikanda, Grade 2 Runyararo Primary School, Chivhu.

Kupara – T. Madzegara, Jachasdale, Epworth.

Kupara – Comfort Chiteme, Tarisa Park.

Kupara – Anenyasha Chiteme Damofalls, Tarisa Park.

Kupara – John John, Marondera.

Kupara – 0735 067 498.

Kupara – Monica Chawafambira, New Tafara, Harare.

Kupara – Antony Bango, Retreat, Waterfalls.

Kupara – Pfachapfacha, Karoi, 0783 132 018.

Kupara – Mashoko Chikuku Chidyamakono School, Dhume Village, Chivi.

Kupara – 0776 562 214.

Kupara – B. Mutsvanzva, Domboshava.

Kupara – Phinias Davanhanhava, Waterfalls Prospect.

Kupara – Michael Muzembi, Masvingo.

Kupara – Mbuya vaHanah, Retreat, Waterfalls.

Kupara – Sithabile Mkiza, New Adlyn, Westgate.

Kupara – Shapiro Gezani, Domboshava.

Kupara – Tendai Nherere, Southlea Park.

Makanda – Tendai Nherere, Southlea Park

Kupara – Malvin Mutinhima, Budiriro 5B, Harare.

Kupara – Dereck, Kadoma.

Kupara – Goddie, Ruwa.

Kupara – Beven Zinyengo, Tafara 5 Primary.

Kupara – Tadiwanashe Mutekede, Harare.

Kupara – 0774 158 190.

Kupara – Mike Kavhai, Mushonganzou Village, Mt Darwin.

 

Kupara – Kuwana G. Mbare National.

Kupara – Eustina Chibi, Mvurwi Country Club.

Kupara – Nyamudahondo, Waterfalls.

Kupara – Mabhena Special, Dora Dombo, Mutare.

Kupara – Patrick Karombo, Plot 4B, Bradfield Rd, Waterfalls, Harare.

Kupara – Nigel Machote, Melfort Park, Bromley.

Kuparara – 0777 879 661.

Kupara – Mudhara Gonyeti, 28 Emerald West, Headlands

Kupara – Mai Sambiri, Mutoko Centre.

Kupara – Simbarashe, kuMhondoro.

Kupara – 0773 401 865.

Kupara – Ndebele, kuLogan-Lee, Beatrice.

Kupara – Alois Gomiwa, 0771 306 867, Eastview Park.

Kupara – Daizy Gasa Choma.

Kupara – Valimore Mutondedza, Overspill, Epworth.

Kupara – Shayne Maibvise, Grade 2B, Ngangu Primary, Chimanimani.

Kupara – Lamion Chauta, Chiko, Ushewekunze, Harare.

Kupara – Nyembesi Kachungwe, Waterfalls, Harare.

Kupara – Challenge Nyamunganga, Nyamakuyo Primary School, Mudzi.

Kupara – Madzimai Gracia, Overspill, Epworth.

* * *

Kubvisa makoko pazai rakafashaidzwa kana pambambaira kunonzi kuita sei?

* * *

Onai mhinduro svondo rinouya.

. Tumira mhinduro panhare dzinoti 0714 200 007.

Grade 7: Zvakanangana nerufu

$
0
0

Ticha danga

NZVIMBO nenzvimbo dzinogona kuita zvakasiyana kana dziri nyaya dzerufu maererano netsika dzavanenge vachitevedzera. Tinoda kugara tajekesa kuti munhu akashaya, kana asati avigwa anenge achinzi chitunha kana mutumbi asi kana avigwa anenge onzi mushakabvu. 

Nyaya dzekuvigwa kwevafi dzine tsika dzinotevedzwa dzakasiyana zvichienderana nenzvimbo. Kazhinji tinoziva kuti munhu kana ashaya zvinongotora mazuva maviri kana matatu obva atovigwa kana kuraswa. Uyu anenge ari munhu nje hake asina chinzvimbo mudunhu.

Zvino kana ari mambo hazviite kuti aziviviswe kuruzhinji kuti ashaya zuva iroro. Shoko rerufu rwamambo rinogona kutora kana mwedzi risati raburitswa. Vatana vemufi nevamwe vemudzinde remba yehumambo vanenge vari mushishi yekutevedza tsika dzinosanganisira kuomeswa kwemutumbi.

Munguva iyoyi chero vana vadiki vemumba imomo havatomboziviswa. Ndiyo nguva zvekare inenge ichikumikidzwa mutumbi kumidzimu yake. Panguva iyoyi zvakare muninga maanenge achanovigwa munofanirwa kucheneswa nekushonongorwa kuti mufi agozogona kugara nevamwe vashakabvu zvakanaka.

Kana zvese izvi zvapera mhere yochiridzwa. Madzimambo anovigwa muninga kana kuti mugwindingwi.

Zvinotevera muchinyorwa chino zvinoitwa kwakawanda kune chero mufi hake. Mumaruwa tinopepa varwere vari muzvipatara kana mudzimba asi pane pamwe panokomba urwere zvekuti tinenge tangomirira zuva rekuti nyama nemweya zvichipesana. Murwere uyu anenge opeperwa panzvimbo yaanovakirwa unonzi musasa.  Kana zvino nyama nemweya zvapesana kune mari inobviswa kusuma vana atezvarwa nezvekufa kwemwana wavo iyo inoiswa pashizha inonzi mhere. Kana vanhu vanzwa shoko rerufu vanokotonoka nouwandu hwavo vachienda kunobata maoko. Kubata maoko itsika yedu vatema apo tinokumbura vawirwa nedambudziko tichivanyaradza nemashoko.

Kana tabata maoko tinobva tazadzisa nekubvisa mari yechema. Mufi anounganirwa nehama neshamwari nokudaro panodiwa husavi. Panobva pauraiwa mombe inonzi yenhevedzo. Kune dzimwe nzvimbo panhevedzo iyoyo panobviswa chinhengo chenyama chinopisirwa mufi utsi huchipfungaira mudenga iyo inodaidzwa kuti pfungdaidzo.

Munhu mukuru anovigwa muguva kana kuti murinda. Vamwe vanodaidza rinda kuti bwiro. Vana vadiki vanovigwa mujinga morukova, pasi pomukute kana mutsamvi. Kana

Mamiriro ebvunzo

$
0
0

naMunyaradzi Gunduza

KUNE avo vose vari kuita zvidzidzo zveChiShona neboka rinotungamira zvebvunzo reZimbabwe School Examinations Council (ZIMSEC) padanho rino panonyorwa mapepa maviri chete.

Kune pepa rekutanga (3159/1), rine zvikamu zvitatu chete rinonyorwa kwemaawa maviri. Chikamu chekutanga chinenge chiine mibvunzo yerondedzero mishanu apo munyori anofanira kusarudza mumwe chete kubva pane inenge yakapiwa inonyorwa muChiShona chamandorokwati iri rondedzero, hurukuro kana tsamba ina mapeji anokwana matatu uye mubvunzo mumwe nemumwe uri muchikamu ichi unotakura zvibodzwa makumi mashanu [50 marks].

Muchikamu cherondedzero munotarisirwa kuziva mazwi anobatanidzwa neanopatsanurwa, zviperengo, kugona kuronga nyaya, kushandisa mutauro weShona, kushandisa zvirungamutauro setsumo, madimikira, nyaudzosingwi kuitira kuti chinotaurwa chinyatsobuda pachena.

Zvakanaka kusarudza musoro werondedzero waunoona kuti unogona kuunyora zvakanaka kwete kuzofunga zvekushandura musoro werondedzero wave pakati pebvunzo.

Muchikamu chepiri mune zvirungamutauro zvine zvibodzwa makumi maviri, asi pamibvunzo inopiwa muchikamu chino zvakare unotenderwa kusarura yakakupfavira pane inenge yakapiwa. Chikamu chekupedzisira chinenge chine nzwisiso nepfupiso.

Mibvunzo yenzwisiso inopindurwazve neChiShona chakanaka, uye chikamu ichi chinopindurwa nemunyori wese webvunzo dzeShona padanho rino. Nzwisiso ine zvibodzwa makumi maviri, ukuwo pfupikiso ine gumi, zvese zvibodzwa zvechikamu ichi zvobva zvasvika makumi matatu.

Kupepa iri mibvunzo yese inofanira kupindurwa neChiShona chete. Pepa rese iri rine zvibodzwa zana [100 marks].

Kupepa rechipiri (3159/2) kune zvikamu zviviri, chemutauro necheuvaranomwe.

Vanyori vanosungirwa kupindura mibvunzo mishanu chete kubva pane inenge yakapiwa.

Muchikamu chemutauro munopindura mibvunzo miviri chete kubva paina inenge yakapiwa. Mubvunzo mumwe chete muchikamu ichi unotakura zvibodzwa gumi nezviviri nekachidimbu. Zvino, kana ichinge yakwana miviri inobva yasvika pazvibodzwa makumi maviri nemashanu [25 marks].

Nekudaro, zvese zvinosanganisa chikamu cheuvaranomwe, ndizvo zvamanga muchidzidziswa mugwaro rino kubva kwekutanga kusvika kuno kumagumo, saka harifaniri kuva dambudziko kutora zvibodzwa zvese zvekuuvaranomwe.

CHISHONA CHAKANAKA

$
0
0

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: kwayedza@zimpapers.co.zw kana patrick.shamba@zimpapers.co.zw. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

* * *

MHINDURO DZESVONDO RAPERA:

Tipe rimwe zita rinoreva zvakafanana neiri:

  1. derere – gusha
  2. hwanda – vanda
  3. gudo – bveni/diro/mutiro/dede
  4. vise – nwiwa
  5. mhondoro – shumba/svikiro

ZVAKABVA KUVAVERENGI:

Chris Sikanda, Grade 2 Runyararo Primary, Chivhu – 1. derere – gusha; 2. hwanda – makushe; 3. gudo – bveni; 4. vise – nwiwa; 5. mhondoro – svikiro

Lawrence Tom, Mainway – mateko – matemo

Arther Fashu, Makumbe Primary School – 1. dombo; 2. kudonha

Antony Bango, Retreat Waterfalls – 1. ibwe – dombo; 2. kuwa – punzika

  1. Hlungwani, Masvingo – 1. ibwe – dombo; 2. kuwa – kudonha

0771 279 458 – Nyoka yakaungana inonzi yakaita hata.

0774 578 983 – Ibwe kusuduruka hupushwa, roga harifambi.

Princess Bonafide Mandiyanike, Pafiwa Mutasa Primary School – 1. muridzi; 2. usavi; 3. mutombo; 4. kweva; 5. mvere

Excellent Benevolence Mandiyanike, Pafiwa Mutasa Primary School, Mutasa – 1. ibwe – dombo/buwe; 2. kuwa – kupunzika/kudonha

0737 820 014 – Ko sadza risina muriwo rinonzii? – (Rinonzi nhemurwa. Ndipo pakabva zita rekuti kutemura.)

Emily Muzaruwetu – 1. gusha; 2 ?; 3. bveni; 4. nwiwa; 5. svikiro

Tendai Nherere, Southlea Park – 1. gusha; 2. gumbo; 3. mveni; 4. nwiwa; 5. svikiro

Veronica Madhindi, Mainway, Waterfalls, Harare – mateko/makanda.

0778 452 797 – Izwi rakafanana nekuti mateko ndimakanda.

Eustina Chibi, Mvurwi Country Club – makoko – makanda

Linda Malunga, 1023 Edward Mundondo St, Mucheke, Masvingo – Mateko anoreva makanda.

Antony Bango, Retreat, Waterfalls – 1. ibwe – dombo; 2. kuwa – kupunzika

Stacy Maibvise, Ngangu Primary School, Chimanimani – 1. derere – gusha; 2. hwanda – matsimba; 3. gudo – bveni/dede; 4. vise – nwiwa; 5. mhondoro – shumba

ZVEKUITA SVONDO RINO:

Mavara kana ruvara rwezvinhu rwunoshevedzwa zvichienderana nechiri kutaurwa. Semuenzaniso mbudzi nhema, dombo dema. Tipe mazita eChiShona emavara (colours) akanyorwa mururimi rweChiRungu.

  1. brown –
  2. grey –
  3. white –
  4. black –
  5. red –

Onai mhinduro svondo rinouya.

. Tumira mhinduro panhare dzinoti 0714 200 007.


A-LEVEL — KUDA MUHONDO: Kuti vatema vakunde

$
0
0

Munyaradzi Gunduza

TINOENDERERA mberi nekupedzisa nzira dzinoshandiswa nevatema kuti vakunde vachena muhondo yeChimurenga.

Kudzidziswa kubata pfuti — magandanga aidzidziswa kuridza pfuti dzemando dzese, kuziva pfuti nemazita adzo pamwe chete nenzvimbo dzadzaishandiswa. Kugeza nekushandisa pfuti zvimwe zvavaidzidziswa. Kupata makamba vachinohwanda — panorwiwa hondo pakamba 2 magandanga akanga atuta zvinhu achinohwanda mumwena yaive kunze kwekamba. Masoja paanouya kuzovabhomba anosvika achishaya vanhu ndokutanga kurwiswa vachiri mubishi rekutsvaga kwainge kune vanhu.

Kutumira vamwe varwi kuti vanoita zvidzidzo zvemberi kune dzimwe nyika – Kuda nevamwe gumi vaida kuendeswa kuChina kunodzidziswa hondo. Izvi hazvina hazvo kubudirira asi tinozoona achienda kuTanzania uko anonoita mwedzi mina achidzidziswa zvehondo. Kusashandisa mazita ari pazvitupa — magandanga ese aive nemazita ekuhondo ayo aizoita kuti vasateverwe vachiurairwa hama dzavo kumamisha kwavaibva nemasoja. Mazita aya aiitawo kuti magandanga abatanidzwe nedonzvo rimwe chete rekusunungura Zimbabwe. Kudakwashe Zaranyika tinoona achishandura zita rake iri paanoenda kuhondo achitora rekuti Kuda Hondo. Kupamba vanhu vachitsvaga chikafu – tinoona magandanga achibva kukamba 2 achienda kuBurma Valley kunotsvaga chikafu mushure mekunge zvekudya zvavaive nazvo zvaparadzwa nemasoja.  Kubatsira povho – magandanga akaba mari kuVaRungu aitarisirwa kuti apewo imwe kupovho sezvo yaimbovabatsirawo. Izvi zvinojekesa pfungwa yekuti paisazove nehugandanga kana povho isina kuvapa tsigiro. Magandanga aisatenderwa kuita hupombwe nepovho nekuti zvaisurudza hondo yeChimurenga. Varwi vehondo vaizofanira kurapa povho dzainge dzarwara. Izvi zvaiita kuti povho ifarire magandanga.

Kufundisa povho zvematongerwo enyika — tinonzwa kuti Political Commissar aive nebasa guru rekudzidzisa povho zvakanangana nemusangano nekunaka kwemushandirapamwe (socialism).  Kuuraya magamba ainge ane pfungwa dzekuzvipira kuvavengi — tinonzwa Komuredhi Nhamo Mutema vachiudza Kuda kuti auraye vose vaizopanduka vachiita pfungwa dzekutengesa hondo kuvachena. Kushevedza povho ichiona zvitunha zvemasoja — vanaLevi pavanouraya masoja vanotuma vanamujibha kuti vanoshevedza povho kuti ione zvitunha zvevachena. Izvi zvaiita kuti povho isateerere manyepo aitaurwa muwairesi. Kuchinjanisa magamba munzvimbo dzavaigara — iyi inzira yekuti Detachment Commander aiudza vanhu kuti vashandire munzvimbo dzakasiyana-siyana misi nenguva kuitira kuti vazive  nzvimbo dzose. Izvi zvaibatsirawo kuti rimwe gamba rikafa vanhu vepovho vaingoti rakaenda kune imwe nzvimbo zvoita kuti varambe vachiziva kuti magandanga eZanu aisafa uye aisakurirwa. Izvi zvinoonekwa panosvika Kuda muBuhera, vanochinjana kudya vamwe vachisara vakachengetedza pabhesi.

CHISHONA CHAKANAKA

$
0
0

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: kwayedza@zimpapers.co.zw kana patrick.shamba@zimpapers.co.zw. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

* * *

MHINDURO DZESVONDO RAPERA:

Mavara kana ruvara rwezvinhu rwunoshevedzwa zvichienderana nechiri kutaurwa. Semuenzaniso mbudzi nhema, dombo dema. Tipe mazita eChiShona emavara (colours) akanyorwa mururimi rweChiRungu.

  1. brown – shava
  2. grey – pfumbu
  3. white – chena
  4. black – dema
  5. red – tsvuku

* * *

ZVAKABVA KUVAVERENGI:

Mathias Tereka, Mudzi, Mutoko – 1. brown – brown; 2. grey – pfumbu; 3. white – chichena; 4. black – chisvipa; 5. red – chistvuku

* * *

Mildred Tanyaradzwa Charwadza Dube, Form 1 at Terence Cicil Hardy High – 1. katsvukuruka; 2. dota; 3. chena; 4. yakasviba; 5. tsvuku

* * *

Nyaradzo Maburuse, Chingombe 1 Sec School, Gutu – 1. svundu; 2. pfumbu; 3. chena;4. tema; 5. tsvuku.

* * *

Trymore Chinongoza, Chingombe 1 Sec School, Gutu – 1. svundu; 2. pfumbu; 3. chena; 4. tema; 5. tsvuku.

* * *

Perceival Chinongoza, Chingombe Primary School, Gutu – 1. svundu; 2. pfumbu; 3. chena; 4. tema; 5. tsvuku.

* * *

Munashe Chinongodza, Chingombe Primary School, Gutu – 1. svundu; 2. pfumbu; 3. chena;4. tema; 5. tsvuku.

* * *

Phantom Chinongoza, Chingombe Primary School, Gutu – 1. svundu; 2. pfumbu; 3. chena; 4. tema; 5. tsvuku.

* * *

Brenda Nyatsika Success College, Hatcliffe, Borrowdale 1. kofi; 2. pfumbupfumbu; 3. chena; 4. dema; 5. tsvuku.

* * *

Tinashe Violet Nyamhindu, Grade 5D, Pafiwa Mutasa Primary School – 1. shava; 2. pfumbu; 3. chena; 4. svipa; 5.tsvuku.

* * *

Mandiyanike Norman, Grade 4C, Pafiwa Mutasa Primary School – 1. shava; 2. pfumbu; 3. chena; 4. svipa; 5. tsvuku.

* * *

ZVEKUITA SVONDO RINO:

Tipe sungawirirano inoenderana nezita riri kutsanangurwa nechipauro.

  1. gudo – tsvuku
  2. nyoka – dema
  3. ivhu – kobvu
  4. huni – kobvu
  5. jira – chena

* * *

Onai mhinduro svondo rinouya.

. Tumira mhinduro panhare dzinoti 0714 200 007.

* * *

 

Mhinduro svondo rinouya.

. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

O-LEVEL : Gara wagadzirira

$
0
0

Munyaradzi Gunduza

ZVAKAKOSHA kuti uite gadziriro yakasimba yekunyora bvunzo dzeuvaranomwe (nhetembo nenganonyorwa) — dzingave dzepakati pegore kana dzekupera kwaro.

Iva nechokwadi chekuti wakaverenga ukanzwisisa mabhuku ese enhetembo neenganonyorwa awakanzi uverenge, usati wanonyora bvunzo. Bvunzo dzinogadzirirwa nenzira dzakasiyana-siyana. Unokwanisa kuverenga mabhuku enganonyorwa kusvika waona kuti wanyatsonzwisisa.  Angave manyepo kuti titaure tichiti mabhuku enganonyorwa anoverengwa kangani usati wanonyora bvunzo. Nekuti dzimwe nguva, kunzwisisa kunosiyana zvichienderana nebhuku ramuri kuverenga, nzvimbo yamuri kuverengera nemaverengero amunoita.

Zvakanaka kuti uverenge bhuku ringave renganonyorwa kana renhetembo wakagara panzvimbo ine runyararo, usingamhanye-mhanye uye wakanyatsodekara. Bhuku ngariverengwe katatu zvichienda mberi.

Izvi zvinoita kuti unyatsonzwisisa zvinotaurwa munhetembo, mashandisirwo ezvidavado, zvinofarirwa navananyanduri vakasiyana, madingindira, nezvimwewo; uye mafambiro enyaya, kubata mazita evatambi, zvavanoita, zvidzidzo, matambudziko anowira vatambi, kupindirana kwemusoro webhuku nenyaya, nezvimwewo.

Wave kunonyora bvunzo ona kuti watakura chinyoreso chinonyora zvakatsetseka uye zvese zvonodiwa. Unofanira kubata nguva dzinenge dzichinyorwa bvunzo. Kasika kusvika panzvimbo yauri kunyorera kuitira kuti uzive hurongwa. Ukanonoka kusvika unogona kuzovhiringika kuti unenge uchifanira kunyorera mukamuri ipi. Izvi zvinoita kuti uzotanga bvunzo pfungwa dzako dzisisiri pamwe chete.

Kana wapinda munonyorerwa bvunzo, unenge usisabvumirwe kutaudzana neshamwari kunze kwekumirira bvunzo kuti ichitanga. Une nguva yaunopiwa nevanotarisa mafambiro ebvunzo yekuverenga mitemo yese yekuchengetedza neyekupindura bvunzo inowanikwa pashizha rekutanga. Mitemo iyi iripo pakukubatsira kuti unge uchiita zvinodiwa nevarindiri vebvunzo nevakwenyi vadzo. Unofanira kuverenga mitemo yese yakanyorwa pashizha rekutanga woinzwisisa usati watanga kunyora bvunzo.

Panoridzwa pembe yekuti bvunzo yatanga, verenga mibvunzo yese iri mupepa uchitsvaga yakakurerukira. Bvunzo dzeuvaranomwe dzinowanikwa kupepa rechipiri. Dzinobatanidzwa nemutauro.

Zvino chikamu chekutanga chinenge chiine mibvunzo yemutauro inokwana kuita mina. Iwe unosungirwa kupindura miviri chete. Mubvunzo wega wega unowanikwa muchikamu ichi unenge une zvibodzwa (12½). Izvi zvinoreva kuti ukapindura iri miviri zvibodzwa zvacho zvinenge zvave 25.  Chikamu chepiri ndecheuvaranomwe chinodimburwa chichiiswa muzvikwata zvitatu. Chikwata chekutanga ndechenhetembo. Chinenge chiine mibvunzo mitatu. Unosungirwa kupindura mubvunzo mumwe chete pairi yese.  Chikwata chepiri ndechemabhuku maviri enganonyorwa dzepasichigare, chine mibvunzo mitatu kana mina zvichienderana nemabhuku amakanzi muverenge. Unosungirwa kupindura mubvunzo mumwe chete.

Chikwata chetatu ndechemabhuku maviri enganonyorwa dzemazuva ano. Chine mibvunzo mitatu kana mina, asi zvinofambidzana nemabhuku amunenge muchidzidza. Muchikamu chino unofanira kupindura mubvunzo mumwe chete. Mibvunzo yese yaunopindura kuuvaranomwe mitatu uye ine zvibodzwa zvinosvika 75; zvikabatanidzwa nezvibodzwa 25 zvinobva kumibvunzo miviri yemutauro zvinobva zvakwana 100.

Zvakanaka kuona kuti washandisa nguva yako zvine ungwaru pakunyora bvunzo. Chinonzi bvunzo inzira inoshandiswa nevadzidzisi kupima ruzivo rwemudzidzi rwaakanga achipihwa kwemakore aanenge apedza ari kusekondari. Naizvozvo vanopima zivo iyi vachishandisa nguva. Izvi zvinoreva kuti bvunzo dzinoenderana nekugona kushandiswa kwenguva.

Ukatadza kushandisa nguva nemazvo zvinoreva kuti uchakundikana kupedza bvunzo dzako wotadzawo kubudirira zvinogutsa kubva mubvunzo idzodzo.

Grade 7: Yava nguva yekugadzirira

$
0
0

Ticha Danga

NGUVA yatiri ino takamirira kuuya kwegoho ratakapedza gore rose tichigadzirira. Hapana ari kuziva zvichabuda mubvunzo idzi sezvo vanamazvikokota vachiri mushishi kumaka mapepa asi tinotarisira kuti panonoperera mwedzi waZvita, tinenge toziva zvatakakohwa.

Izvi hazvirevi kuti tava kungogara asi kuti ndiyo nguva yekufanogadzirira kuzoenda kuchikoro chepamusoro. Gadziriro iyi haisi yekutenga zvipfeko zvekuchikoro nekuti hatisati toziva kuchazowira tsvimbo kana dohwe asi kuti tine twumwe twunhu twatinogona kufanoita.

Chekutanga ndechekuti tinofanirwa kunge tiine zvikoro zvatinoshuvira kuzoenda kana goho rauya.

Mazuva ano nzvimbo dzechikoro hadzichaitwa zvekutsvagwa netsamba dzekunyora asi kuti zvava kuitwa padandemutande nekudaro munhu anofanirwa kunge aiine ruzivo rwakakwana rwechikoro chaanoda. Ruzivo urwu rwunoda munhu anoita tsvagurudzo nezvechikoro ichocho kuti uwane kero yacho nenhamba dzekushandisa kupinda mudandemutande ravo.

Pasina ruzivo irworwu zvinonetsa kuti ukwanise kutsvaga nzvimbo kuchikoro chaunoda. Izvi zvinoda kuitwa nguva iripo nekuti nzvimbo dzinoshaikwa zvachose wozopedzisira waenda pachikoro chausingade.

Tinosanganiswa kana kupesaniswa nezvitendero zvatinotevedzera nokudaro mwana nemubereki vanofanirwa kugara vatsvaga ruzivo pamusoro pechitendero chinodiwa pachikoro chavari kuda. Zvimwe zvikoro zvinongoda vana vanopinda muzvitendero zvinoitwa pachikoro ipapo.

Pane zvinodiwa kuti mwana agoratidza kuti anodavira kuchitendero ichocho nokudaro kana mapepa iwayo asina kumira zvakanaka, ino ndiyo nguva yacho

Tsumo nemadimikira namukanya

$
0
0

Mhinduro yesvondo rapera:
Chaikanya chototsa, chaitotsa chokanyawo.
Tsumo iyi yakafanana neinoti, “Chaitemura chave kuseva”. Inoreva kuti zvinhu zvinoshanduka, hazvirambe zvakangodaro.
Zvekuita:
Mumutauro wechiManyika, kutotsa zvinorevei? Sepavanoti, “Huku yatotsera mundiro.”

Mhinduro: kukandira
* * *
Svondo rino:
Sango rinopa waneta.
Unogona kuzowana chinhu chauri kutsvaga wave pedyo nekurega kuchitsvaga.
Zvekuita:
Chii chinonzi sango?
* * *

Mhinduro svondo rinouya.
. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Viewing all 921 articles
Browse latest View live


<script src="https://jsc.adskeeper.com/r/s/rssing.com.1596347.js" async> </script>