Quantcast
Channel: Denhe Reruzivo – Kwayedza
Viewing all 921 articles
Browse latest View live

Maticha eSadc batanai: Dokora

$
0
0

GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti zvakakosha kusimbaradza mitemo inokurudzira mushandirapamwe pakati pevararidzi vemudunhu reSadc munyaya dzekusimudzira dzidzo.

Vachitaura pakuparurwa kwemusangano weSouthern Africa Regional Meeting on Teacher Policies and Standards muHarare pakupera kwegore radarika, Dr Dokora vanoti mushandirapamwe pakati pevadzidzisi vemudunhu iri unobatsira zvikuru pakuvandudza fundo.

“Kushanda kwevadzidzisi kunofanirwa kuve kuri padanho repamusoro, naizvozvo misangano yakaita seiyi inobatsira mukuvandudza dzidzo,” vanodaro Dr Dokora.

Vakatorawo mukana uyu kuzivisa nhengo dzaive pamusangano uyu – idzo dzakabva kunyika dzinosanganisira Namibia, Botswana, South Africa neMozambique – nezvegwaro idzva redzidzo remuZimbabwe rinodaidzwa kuti New Education Cirruculum.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, Sadc Secretariat Senior Programmes Officer for Education and Skills Development, Lomthandazo Mavimbela, vanoti musangano uyu une donzvo rekuvandudza nekusimbisa mitemo inofanirwa kutevedzwa nevarairidzi mukuita basa ravo.

VaClementine Garises, avo vaive vakamirira Namibia, vanoti misangano yakadai inovapa mukana wekudzidza zvakawanda pamusoro pekusimudzira dzidzo kunyika kwavo.

“Uyu mukana watawana uchatibatsira kuti tikwanisewo kuona matakasarira maererano nedzidzo,” vakadaro VaGarises.


Fambidzana neKwayedza

$
0
0

. . . kuti ubatsirikane

Munyaradzi Gunduza—

MABHUKU ese atichange tichiongorora muchikamu chino ndiwo achanyorwa mubvunzo dzeShona pepa 2 kupera kwegore rino. Mabhuku  aya ari mubvunzo dzinotanga Mbudzi 2017 kusvika Chikumi 2019 uye anosanganisira Mutakunanzva Wenhetembo, Museve Usingapotse, Pfuma Ndeyamaoko, Dare Retariro naKereke Inofa.

Mabhuku ese aya tichaaongorora tichishandisa mibvunzo nemhinduro.

Chikuru chinoita kuti chikamu chino chinyorwe ndechekuti mwana wechikoro akapedza kuverenga mabhuku enganonyorwa anofanira kuverengawo Kwayedza achiona mabvunzirwo anoitwa mibvunzo yeuvaranomwe yakasiyana-siyana nemapindurirwo ayo. Bepanhau rino rinokurudzira mwana wechikoro kuti afarire chidzidzo cheShona sezvo richimurerutsira pakuita ongororo yenhetembo nemabhuku enganonyorwa uye kumupa unyanzvi hwakadzama hunozomubatsira muzvidzidzo zvemberi.

Mapindurirwo emibvunzo yenhetembo:

Kana uchipindura mubvunzo wenhetembo, tanga wanzwisisa zvauri kuda usati waedza kupa mhinduro. Nzira ingangokuitira nyore kutanga nekutara mazwi aunoona sekunge ndiwo makuru anoumba mubvunzo usati waisa pfungwa dzako pasi. Wadaro, kokorodza zvese zvaunofunga kuti zvinowirirana nemubvunzo, zvinokubatsira kupa mhinduro yakanaka.

Wasvika padanho iri, ronga pfungwa idzi uchiona kuti imwe neimwe yawabura inowana tsigiro inobva mudetembo sezviri kukumbirwa nemubvunzo. Kana wagutsikana kuti wanzwisisa mubvunzo zvechokwadi, chitanga nekunyora nhanganyaya.

Nhanganyaya haipiwe zvibodzwa paShona yeO-Level, asi yakanakira kuti inoyanika zvauchanyora pachena. Nhanganyaya yenhetembo inoburitsa mazita enhetembo navananyanduri vadzo chete asi zvichienderana nezvinodiwa nemubvunzo.  Chekutanga pakuumba mhinduro dzemukati kuburitsa pfungwa iri kuenderana nezvikumbiro zvemubvunzo yopiwa tsigiro inobva mudetembo. Chinonzi tsigiro mienzaniso yepfungwa dzanyanduri dzinowanikwa mudetembo.

Zivai kuti tsigiro inogona kupiwa sezvairi mudetembo kana kuipfupikisa asi isingashanduri zvinorehwa nanyanduri. Tsananguro yaunopa yezvinhu zvinobuda mudetembo haifaniri kunyanyisa kudzokorora mashoko ari patsigiro.

Zvinotarisirwa kunhetembo:

Zita ranyanduri rinonyorwa nenzira inokurudzirwa sekudai; Alouis T. Sagota, Liveson Tatira zvichingodaro. Musoro wedetembo unonyorwa sezvawakaitwa nanyanduri sekuti; “Ndiko kunamata here?, Handifi ndiri roja!” Kwete kusiya vara guru, chikuwo kana chibvunzo chakashandiswa nanyanduri nekuti chine zvachinoreva pakuumbiridza pfungwa yake. Mazita enhetembo nemazita avananyanduri haafanire kupesaniswa nekuti ukadaro zvinokushaisa zvibodzwa. Nyanduri wenhetembo yauri kunyora ngaazivikanwe nezita rake sezvariri mubhuku rinonzi Mutakunanzva Wenhetembo.

Zvinonyanya kutadzwa kunhetembo:

Unogona kuona mudzidzi achiti; Mudetembo rinonzi Bhiipii, nyanduri anotirayira kuti tinofanira kugara tichiongororwa chirwere chebhiipii kuzvipatara. Kana adai anenge atopedza. Izvi zvinoita kuti akundikane pabvunzo nekuti haana kupa tsigiro yacho inobva mudetembo naizvozvo hapana chibodzwa chaanopiwa.

Mapindurirwo emibvunzo yemabhuku:

Pakupindura mibvunzo yemabhuku unofanira kuburitsa pfungwa inoenderana nezvinodiwa nemubvunzo pese paunotanga ndima itsva. Mimwe mitsara yese inotevera inenge ichitsigira pfungwa yapiwa zvinoonekwa nekutsanangura zvakadzama uye kupa umbowo. Mibvunzo yemabhuku inokuudza zvainoda zvingave zviito, zvinhu, matanho kana zvimwewo. Dzimwe nguva unokumbirwa kuti utsigire mhinduro yako nepfungwa shanu (5), nhanhatu (6), nomwe (7) kana sere (8).

Vamwe vanotadza kunzwisisa uwandu hwepfungwa dzinodiwa nemubvunzo zvinoita kuti vasazobudirira pabvunzo nekuti vanenge vapa pfungwa shoma kana zhinji zvinove zvinozovakanganisa kupedza bvunzo inonyorwa mumaawa maviri.

Pamubvunzo unoda musoro webhuku, unotanga watsanangura zvinorehwa nemusoro webhuku sekuunzwisisa kwako asi usingape mienzaniso, tsumo kana madimikira.

Pamubvunzo unoumbwa netsumo, unotanga watsanangura zvinoreva tsumo yacho sekuiziva kwaunoita asi usingashandise mienzaniso inobva mubhuku.

Pakudzidza mabhuku, haufanire kukanganwa nyaya dziri mumabhuku awakanzi uverenge, kupesanisa mazita evatambi varimo, kuakanganwa, kukanganwa zvavanoita, nzvimbo nezvinangwa zvavanozviitira, hurukuro dziri pakati pavo nezvimwewo.

Nekudaro tichatanga gore rino nekukudzidzisai nhetembo dziri muna Mutakunanzva Wenhetembo kubva svondo rinouya zvichienda mberi. Kumbirai vabereki venyu vapote vachikutengerai Kwayedza svondo rega rega.

 

Mayunifomu:Zvitoro zvoita mitengo miviri

$
0
0

IBESANWA muguta reHarare svondo rino apo vabereki vari kutenga zvinhu zvakasiyana zvevana vechikoro segadziriro yekuvhurwa kwetemu yekutanga musi wa10 Ndira.

Kunyangwe zvazvo vamwe vari kugunun’una nekusiyana kwemitengo pakati pevatengi vari kushandisa musvo wemari neavo vari kushandisa makadhi ekubhanga, gadziriro dziri kufambira mberi zvikoro zvisati zvavhurwa.

Kwayedza yakaita ongororo muguta iri ndokuona vabereki vari mushishi kutengera vana vavo zvakasiyana semayunifomu, matirangi, mabhuku nechikafu.

Zvisinei, vabereki vane chitsama vaichema-chema nekudhura kuri kuita zvimwe zvezvinodiwa kuchikoro, zvikuru paku

tenga munhu achishandisa makadhi ekubhanga (Point of Sale Machines).

Ongororo yeKwayedza inoratidza kuti muzvitoro zvakawanda, chinhu chimwe chete chine mitengo miviri — kana munhu achitenga nemusvo wemari chinenge chakaderera asi kana achishandisa kadhi rekubhanga kana dzimwe nzira dzeplastic money mutengo wacho unenge wakati kwirei.

Mutengo uyu unogona kutosiyana nemari inodarika US$5 kana munhu achitenga achishandisa kadhi rekubhanga.

Mai Sandra Makovere, avo vaitengera mwana wavo yunifomu mune chimwe chitoro vanoti: “Tinofara nekuti mitengo haina kunyanya kukwira zvekuti tiri kukwanisa kutengera vana mayunifomu pasina kuomerwa. Tinofara zvakare kuti pane mikana yekutenga nemari yemusvo kana makadhi ekubanga izvo zvinoita kuti vatengi vave nesarudzo.

“Mwana wangu anonzi Alicia Bwoni (9) uye ari kunoita Grade 3 paMarimba Primary School, kuMufakose.”

Mumwe mudzimai aitengera mwana wake yunifomu anonzi Nokutenda Muyanga (12), uyo ari kunoita Grade 7 paLouis Mountbatten School, muHarare, anogunun’una nemutengo wemayunifomu.

“Tiri kumutengera yunifomu kuti aende kuchikoro akachena asi mayunifomu acho ari kudhura. Yunifomu iyoyi iri kuita US$27 uye mutengo wacho uri kusiyana zvichienderana nekuti uri kutenga nemari yemusvo here kana kuti kadhi rekubhanga.

“Asi hapana zvekuzviita nekuti ndiyo nguva yacho, saka zvitoro zvizhinji zviri kukwidza mitengo,” vanodaro.

VaFredrick Madzivanyika nemudzimai wavo, Mai Judith Madzivanyika, vanotiwo vanofara kutengera dangwe ravo mbatya dzechikoro.

“Tinongonzwa kufara nekuti chiitiko ichi ndechekutanga muupenyu hwedu, ndiko kusaka tauya tose mudhorobha kuti tizomutengera yunifomu yakanaka. Dangwe redu, Ashely Madzivanyika (5), achange achinoita Zero Grade paGlen View 7 Primary School.

“Iyewo ari kufarira yunifomu yake nekuti zvitsva kwaari. Aisimboona vamwe vakadzipfeka saka nhasi ndezvakewo,” vanodaro VaMadzivanyika vachiratidza kufara.

Asi VaEvans Mangwiro vanove director of operations kuchitoro cheEnbee Stores – iyo inotengesa zvinhu zvechikoro zvinosanganisira mayunifomu – vanoti pane kamusiyano kadiki-diki pakati pevatengi vanoshandisa makadhi neavo vanoshandisa mari iri musvo.

“Zvakangofanana nekuti kana munhu achitenga neEcoCash anogona kubvisa US$0,90c pamudziyo waari kutenga pachinzvimbo cheUS$0,85c saka hapana kana mari huru yatiri kuchaja vabereki.  “Tine zvirongwa zvekusimudzira vatengi vedu mwaka uno, zvikuru avo vanotenga nemari inenge iri musvo nekuti takaona kuti vatengi vazhinji vari kushandisa makadhi ekubhanga.

“Tiri kufara nemafambiro ari kuita bhizimusi zvisinei nekuti harisati zvaro ranyatsokwirira kana tichienzanisa nemazuva ayo mari yakange isati yave kunetsa,” vanodaro.

Vanoti dambudziko revatengesi vepanze richiri kuvanetsa uye izvi zviri kudzorera bhizimisi ravo kumashure.

 

Yambiro kumaticha

$
0
0

‘Imhosva kupfimba mwana wechikoro’

GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti varairidzi havatenderwe zvachose kuti vapinde munyaya dzerudo nevana vechikoro uye vose vanobatwa nemhosva yakadai, vanorangwa zvakasimba.

Dr Dokora vakataura mashoko aya mudare reHouse of Assembly nguva pfupi yadarika apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weProportional Representation, Mai Priscilla Misihairabwi-Mushonga.

Mai Misihairabwi-Mushonga vaida kuziva matanho anotorwa nebazi iri kuvarairidzi vanodanana kana kuroorana nevana vechikoro.

Dr Dokora vanoti varairidzi vose havabvumirwe kudanana nevana vechikoro.

“Mutemo wenyika wakajeka. Kana murairidzi akadanana nemwana asati abva zera — zvisinei kuti ticha iyeye murume kana kuti mukadzi — kurangwa kwacho kwakangofanana. Mutemo weCriminal and Evidence Act ndiwo unoona nezvenyaya dzakadai,” vanodaro.

Dr Dokora vanoenderera mberi vachiti: “Tinonzwa dzimwe nyaya dzekunzi maticha anodanana nevana vechikoro. Sebazi, tinoongorora nyaya dzakadai.

“Tine vamwe zvakare vane pfungwa dzekuti hapana munhu anofanira kunzi ane mhosva kusvikira aenda kumatare edzimhosva. Kune vamwe varairidzi vanoongororwa nyaya dzavo nebazi rePublic Service Commission kuti chokwadi chaicho chenyaya dzavanenge vachipomerwa chibude pachena.”

Mai Misihairabwi-Mushonga

Mai Misihairabwi-Mushonga

Mai Misihairabwi-Mushonga vakabvunzazve kuti chii chinoitwa kuvarairidzi — zvikuru vechirume —vanodanana nevanasikana vechikoro vasati vabva zera vobva vazovaroora apo vabereki vavo vanotambira pfuma.

Vachipindura, Dr Dokora vanoti pasi pemutemo, mwana wose ari pasi pemakore 18 haafanirwe kupinda munyaya dzewanano, zvisinei nemamiriro anenge akaita zvinhu. “Semaonero edu, muZimbabwe hamuna nhengo dzedare reParamende, maticha kana vanamuzvinabhizimisi chete. Saka wose ari muZimbabwe anoroorana nemunhu asati abva zera anorangwa nemutemo uyu,” vanodaro Dr Dokora.

Mumwezve mumiriri weProportional Representation, Toffa Jasmine, vakabvunza kuti ndeapi matanho ari kutorwa nebazi redzidzo mukupa chenjedzo kuvana vechikoro pamusoro penyaya dzekupinda murudo nevarairidzi.

Dr Dokora vanoti zvakakosha kuziva kuti vana vechikoro vepuraimari nesekondari munyika yose vanosvika 4,2 miriyoni uye vose vanofanirwa kunge vachichengetedzwa.

“Pamusoro pezvo, pachikoro choga-choga pane mukuru wechikoro nemupangi wemazano anobatsira (counsellor) vana vechikoro pane zvinenge zvichivanetsa. Izvi zvinoitwa padivi nevanhu vanokwanisa kubata hana nekuti vamwe vana havana kusununguka kutaura zvinovanetsa kana vari pane vamwe semuchikoro.

“Kune vamwe vanhu vakatosungwa, vasiri varairidzi, mushure mekunge zvabuda pachena kuti vanenge vachishungurudza vana kudzimba,” vanodaro Dr Dokora.

Tsumo nemadimikira namukanya

$
0
0

Mhinduro dzesvondo rapera:
Padzisa tsumo idzi:
1. Apunyaira haashaye . . . (misodzi)
2. Chisi hachiyeri musi . . . (wacharimwa)
3. Chitsva chiri . . . (murutsoka)
4. Chinoziva ivhu kuti mwana wembeva . . . (anorwara)
5. Kakara kununa hudya . . . (kamwe)
* * *
Svondo rino:
Pedzisa tsumo idzi:
1. Kuwanda huuya museve wakapotera . . .
2. Chidyamatoo akazodzipwa neganda . . .
3. Totenda yavira shambakodzi . . .
4. Chisi hachiyere musi . . .
5. Muzivi wenzira yeparuware ndiye . . .
* * *
Mhinduro svondo rinouya.

CHISHONA CHAKANAKA

$
0
0

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: kwayedza@zimpapers.co.zw kana patrick.shamba@zimpapers.co.zw. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.
* * *
ZVAKABVA KUVANA:
0739 731 264 – Kuzadzisa tsumo: 1. Apunyaira haashayi misodzi; 2. Chisi hachiyeri musi wacharimwa; 3. Chitsva chiri murutsoka; 4. Chinoziva ivhu kuti mwana wembeva anorwara; 5. Kakara kununa hudya kamwe
* * *
0784 642 581 – 1. misodzi; 2. wacharimwa; 3. murutsoka; 4. anorwara; 5. kamwe
* * *
Evelyn Nematiyere, Form 1, Mufakose1 High – 1. musodzi; 2. wacharimwa; 3. murutsoka; 4. anorwara; 5. kamwe
* * *
Obey, Borrowdale – 1. Musodzi; 2. wacharimwa; 3. murutsoka; 4. anorwara; 5. kamwe
* * *
Winnet Nyataha, Tsinhirano Primary, Tafara, Harare – 1. misodzi; 2. wacharimwa; 3. murutsoka; 4. anorwara; 5. kamwe
* * *
Adeline Mutsanga, Grade 6, Gutaurare Primary School – 1. misodzi; 2. wacharimwa; 3. murutsoka; 4. kurwara; 5. hudyakamwe
* * *
Roben Bestara, Karoi – 1. misodzi; 2. wacharimwa; 3. murutsoka; 4. anorwara; 5. kamwe
* * *
Vimbai Muzavazi, Grade 6, Zuvarabuda Primary School, Glen Norah, Harare – 1. Apunyaira haashayi misodzi; 2. Chisi hachieri musi wacharimwa; 3. Chitsva chiri murutsoka; 4. Chinoziva ivhu kuti mwana wembeva anorwara; 5. Kakara kununa hudya kamwe.
* * *
Mazena Tinashe, Grade 3, Zengeza 7 Primary, Chitungwiza – 1, musodzi; 2. wacharimwa; 3. murutsoka; 4. anorwara; 5. kamwe
* * *
0734 451 618 – 1. Apunyaira haashayi misodzi; 2. Chisi hachiyeri musi wacharimwa; 3. Chitsva chiri murutsoka; 4. Chinoziva ivhu kuti mwana wembeva anorwara; 5. Kakara kununa hudya kamwe
* * *
Shackman Ruka – 1. musodzi; 2. wacharimwa; 3. muri tsoka; 4. anorwara; 5. hudya kamwe
* * *
Tonderai L. Chihombori, Kwekwe – 1. musodzi; 2. rimwa; 3. murutsoka; 4. anorwara; 5. kamwe
* * *
Lister Nyahuku, Grade 2, Mutanda Primary School – 1. musodzi; 2. wacharimwa; 3. mutsoka; 4. anorwara; 5. kamwe
* * *
0776 198 943 – 1. Musodzi; 2. wacha
Endai kuPeji 16

Shona inokosha

$
0
0

TINOTI makorokoto makuru tapinda muna2017. Tinoda kurumbidza Musiki nekutipa mumwezve mukana wekutanga rimwe gore nekutisimudzawo, hezvo pfacha mugwaro rechinomwe.

Tanga tiri mugwaro retanhatu umo mune zvamowo. Mugwaro rechinomwe mune zvemowo uye zvati korei muto kudarika zvegwaro retanhatu.

Bvunzo ratinozonyora kupera kwegore rakatosiyana zvikuru nebvunzo ratakanyora kupera kwegore rapfuura zvoreva kuti madzidziro acho akatosiyanawo. Chakakosha mugwaro rechinomwe kubuda zvakanaka muzvidzidzo zvese zviri zvina kuti ugozowana nzvimbo zvisina dambudziko muzvikoro zvepamusoro (secondary school).

Bvunzo iroro rakanaka chose nekuti rinotsaura vana richivaisa muzvinzvimbo zvepamusoro. Kana uri uchaenda kuzvikoro zvemhando yepamusoro zvoreva kuti wotochama kuita dzokorodzo kuti ugowanikwa uriwo wemhodzi yepamusoro.

Wakaitawo zinyekenyeke unopinda muzvikoro zvavana dutavosechikuruimari. Hatisi pakutyisidzirana asi kuti tiri kubudirana pachena kuitira kuti uzviise pako chaipo nguva ichiripo.

Chinonetsa pagwaro irori ndechekuti kana watoideura watoideura uye kana watosara ndizvozvo, watosara.

Zvandatura pamusoro izvi zvinotsinhira kuti kudini? Zvinotsinhira kuti bvunzo ndiwo musimboti. Bvunzo rapfuura rakatiburitsira zvakasiyana-siyana. Zvirokwazvo vana vakarikita chikoro.

Zvikoro zvizhinji, zvemumadhorobha kunyanya, zvakaburitsa vana vakapfuura zvikamu makumi mashanu kubva muzana (50%). Mubvunzo dzose dzakanyorwa, zvakaratidza kuti zvidzidzo zvakadzikisira goho revana iShona neKondendi (General Paper). Kana chiri chiShona, vana vanoti pasirei kure zvekuti vaiwandira kubva pamatanhatu kana dziri svomhu (Mathematics) zvibodzwa (1) hazvitoverengeki nekuwanda. NechiRungu chakaburitsa zvakare zvibodzwa zvemhando yepamusoro.

Vana vazhinji vaidherera chiShona nekudaro havana kuchipa nguva zhinji kune zvimwe zvidzidzo. Izvozvo ndizvo zvakadzikisira goho ravo chose. Chokwadi waiona mwana aine (Maths – 1, English – 1, General paper – 1, Shona 5).

Hapano pakunotsvaga nzvimbo, zvikoro zvepamusoro zvobva zvaramba. Apa nyaya ndeyekuti vana havasi kukoshesa chiShona sezvavanofanira kuita.

Iwo mamiriro chaiwo anga akaita pepa racho, kunyanya pepa rekutanga (paper 1), vana havaifanira kuita dambudziko nekuti mupepa umu manga musina mutauro wakawanda. Changa chakabata basa iroro yaiva nzwisiso. Zvinoreva kuti vana vakarasika pakupindura mibvunzo yenzwisiso.

Zvakadaro zvinodzoka zvakare pakuti pakanga pasingakosheswi kuitwa kwenzwisiso panguva yedzokorodzo.

Kana iri misoro yenyaya yepepa repiri yakanga yakapfava chose uye mikana yekuwana zvekunyora yanga yakawanda zvakare. Dambudziko rinouya pakuti nguva inopihwa chiShona ishoma.

Nguva zhinji inopiwa kuzvimwe zvidzidzo kunyanya kuchiRungu nesvomhu. Zvinoonekwa chaizvo muzvikoro umu kuti nguva yeShona yozongotsvagirwa kanguva kekungonzi verengai peji yakati mopindura mibvunzo gumi inotevera. Mhosho dzevana dzavanoita dzinobuda mukutaura navo, zvino kana vachingoita vega pasina kutaura navo mhosho idzodzo dzinogadzirwa sei.

Rondedzero dzevana dzinoda kupihwa dzidziso yakakwana kuti vana vagone kunyora bhwasvisvi hunonyerekedza pfungwa dzemukwenyi webasa. Chinhu chese chikabatwa zinyekenyeke nemagumo acho chinongowawo zinyekenyeke.

Nokudaro kurudziro yangu ndeyekuti chiShona ngachipihwe nguwa yacho yakakwana kuitira kuti vana vasazopasira kure kure mukupera kwegore.

ZIVA

$
0
0

MHINDURO yemufananidzo wesvondo rapera ndeinoti nyamututa.
Hedzinoi dzimwe dzemhinduro dzakabva kuvaverengi:
Ngoko – Mai Muvengwa, Mushayavanhu, Gutu
Nyamututa/ngoko – Mai Bomba, Epworth.
Nyamututa – Jeable, Chi-town.
Nyamututa – Gilbert Kachidza, Mt Pleasant, Harare.
Nyamututa/ngoko – Honest, Gutu.
Nyamututa – 0735 196 531.
Nyamututa – Bonface Bango, Waterfalls.
Ngoko – Size, 0785 288 827.
Chimututa – Manu Bhosvo, Marondera.
Chingoko/nyamututa – Livingstone Manatsa, Eastview Park, Harare.
Nyamututa/ngoko – Andrew Mujaji, Harare.
Ngoko – Rutendo Mkomaula, Grade 5, St Bernard’s Primary, Buhera.
Nyamututa – Tinto
Nyamututa – Antony Bango, Waterfalls.
Ngoko – Vongai Zishiri, Form 3, Mushayavanhu High School, Gutu.
Nyamututa – Mai Farai Simango, Jerusarem, Highfield.
Nyamututa – Elder Fire, Mutare.
Nyamututa – Sir Garise, Mutoko.
Chituta/chitutamangoro – Gucha, St Mathias Tsonzo.
Ngoko – 0776 944 936.
Mututa ngoro – Mailolo Budiriro 5b.
Ngoko – Vimbiso Manyati, Unit G, Chi-town.
Chitutamangoro – Wercy P. Mupemhi, Chitungwiza.
Nyamututa – Dennis Jerera, Makoromokwa Farm, Darwendale.
Nyamututa – 0733 149 886.
Chitutangoko – Kenneth Gundo.
Ngoko – Bryn Gombera, Bindura.
Ngoko – Joseph Magarira.
Ngoko – Mai Bhobho, Matizha.
Nyamututa – 0737 287 932.
Nyamututa – Kochie Makaza, Hatcliffe, Alfa.
Chimukungurutse – Abraham Matanga, Chi-town.
Nyamututa – Nyamudahondo, Waterfalls.
Chimukungurutse – Abuza Matanga, Chigovanyika, Chi-town.
Nyamututa – Sekuru ‘Kulez’ Madhora.
Ngoko – Franco, 3B Siyaso, Magaba.
Mukungurutse – Baba Dee, Chinhoyi.
Ngoko – P Chikwira, Nyanga.
Ngoko – Calisto Gwidzima, Mutare.
Nyamututa – Give Gurure (Musombondiya), Mutoko.
Nyamututa – Daniel Mudzengi, Kentucky Farm, Darwendale.
Ngoko/dutamandove – Perculiar Ziyambe, Skyline.
Nyamututa – Misheck Chakala, Msasa, Harare.
Nyamututa – Mr Siamtshaka.
Chituta – S.Store, Harare.
Nyamututa – Baba Gabriel Musika, Zebra Downs Secondary School, Karoi.
Nyamututa – Panganai Tome, Mutoko.
Kamukungurutse – Mrs Siamtshaka, Kadoma.
Nyamututa – Stephen Rimbikani, Rufaro Farm, Raffingora.
Nyamututa – Kelvin Nyabango, Chisipite, Harare.
Ngoko/nyamututa – Mai Kiki, Harare.
Katuta ndove – Chriswell Tarwirei.
Ngoko – Tafara Mawire, Chiredzi.
Nyamututa – 0773 465 911.
Nyamutatu – Madzibaba E.U, Bindura.
Nyamututa mungoro – Natsha Mushandu, Makomo Primary School, Epworth.
Ngoko/nyamututa – Evelyn, Nematiyere 1 High.
Ngoko – G. Goronga, Harare.
Nyamututa – Kamula Donald, Mambo High, Gweru.
Nyamututa – Brain Marera, Zengeza 4, Chi-town.
Chimukungurutse/ngoko/chinyamututa – Consider Muyambo, Goromonzi.
Nyamututa/nyamukukura – Dajoe Jambwa, Matututu Primary School, Mrehwa.
Nyamututa – G, Kukanga, Banket.
Ngoko/nyamututa – Mudhara Gonyeti, Emerald West, Headlands.
Nyamututa – Antony Bango, Waterfalls.
Nyamututa – Khumbulani Rusenga, Grade 7, Mapfeni Primary School Private Bag 29, Goromonzi.
Shiri iri pamufananidzo iyi inonyanya kufamba husiku. Inoita seine nyanga, asi minhenga chete iri mumusoro mayo. Vamwe vanoti ishiri inoshandiswa nevaroyi. Inonzi chii?
* * *
Onai mhinduro svondo rinouya.
Tumira mhinduro panhare dzinoti 0714 200 007.


Dingindira rezvirwere

$
0
0

Munyaridzi  Gunduza—

1. Peter Marimi anofarira kudetemba pamusoro pedingindira rezvirwere zviri kushungurudza vanhu mazuva ano. Tsigira pfungwa iyi nenhetembo dzake shanu dziri muna Mutakunanzva Wenhetembo. [25]

Nhetembo dzake dzine pfungwa iyi dzinosanganisa; Kupedza taifoidhi hutsanana, Yakati yamubata asima, Usarara nemarariya, Chirwere cheshuga hachitapiri uye Chakati chandibata chirwere chekorera.

Mudetembo rinonzi Kupedza taifoidhi hutsanana, nyanduri anotidzidzisa kuti taifoidhi chirwere chinobatira mushure mekunge tsvina ine hosha yetaifodhi yapinda muchikafu sepaanoti, “Taifoidhi inobatika kana tsvina yavene taifoidhi yasangana nezvokudya.” Nyanduri anotiyambira kuti kwasara svondo rimwe chete tisati tashanya kunzvimbo dzinowanikwa chirwere chetaifoidhi tinofanira kubaiwa majekiseni ekuzvichengetedza sepaanoti, “Vhiki usati waenda kune taifoidhi baiwa mushonga unodzivirira.”

Tikatarisa mudetembo rinonzi Yakati yamubata asima, nyanduri ari kushungurudzika nechirwere cheasima nekuti chinouraya vanhu vemazera ese, vanoshaya nevanowana sepaanoti, “Vakuru navadiki, vapfumi navarombo, asima inotukutidza.” Nyanduri anotidzidzisa kuti dzimwe nguva asima chirwere chinoita zvekutapuriranwa kubva pakuzvarwa sepaanoti, “Mviromviro dzeasima kazhinji chipiwa chatinopiwa navabereki vedu vananyakubereka.”

Rimwe detembo raPeter Marimi rinotaura pamusoro pezvirwere rinonzi Usarara nemarariya, umo anotidzidzisa kuti marariya chirwere chinokokwa neutunga hwechikadzi sepaanoti, “Marariya chirwere, chinokonzerwa noutunga hwechikadzi.” Nyanduri anoti chirwere chemarariya chinonyanya kuwanikwa munzvimbo dzinopisa sepaanoti, “Munzvimbo dzinopisa ndimo utunga hunowanzowanikwa.”

Mune rimwe detembo rake rinonzi Chirwere cheshuga hachitapiri, nyanduri anoti chirwere cheshuga kuwandisa kweshuga kana kudzikira kwayo mumuviri sepaanoti, “Chirwere cheshuga ishuga yawandisa kana kushomeka muropa.” Nyanduri anoti vanhu vazhinji vanonyanya kubatwa nechirwere cheshuga vanogara munyika dzakabudirira kune zveupfumi sepaanoti, “Chinobata mamiriyoni avanhu zvikuru kunyika dzakasimukira.”

Kubva muna Chakati chandibata chirwere chekorera, nyanduri anoti korera chirwere chemanyoka sepaanoti, “Ndakati ndatapurana nayo korera chino chirwere chamanyoka.” Nyanduri anoti chirwere chekorera chikasakasikirwa chinouraya sepaanoti, “Kuinonokera korera unorova pasi nenguva isipi.”

2. Sarudza nhetembo shanu dzaPeter Marimi dzine dingindira rerayiro kubva muna Mutakunanzva Wenhetembo. Zvino chitsanangura zvinhu zviri kurayirwa mudetembo rega rega rawasarudza. [25]

Ndasarudza nhetembo idzi; Tsveta mukombe unhonge bhuku, Vakadyiwa nechavaidya, Simbi inorohwa ichapisa, Gore randakagova nhaka yangu naIwe Gudzadungwe.

Mudetembo rakanzi Tsveta mukombe unhonge bhuku, nyanduri anorayira munin’ina wake kuti anyanye kuita zvechikoro asiyane nedoro nekuti harina zera naye sepaanoti, “Iwe dzidza nesimba usiire doro kuvakuru.” Nyanduri anorayira munin’ina wake kuti doro rinokanganisa mafungiro sepaanoti, “Mvura dzowoshapira idzi dzinokaka njere.” Nyanduri anorayira munin’ina wake kuti achine mukana wakakura wekugadzirisa upenyu sepaanoti, “Nguva uchinayo yokugadzirira ramangwana.”

Mune rimwe detembo rinonzi Vakadyiwa nechavaidya, nyanduri anotirayira kuti tisaite zvechipfambi sepaanoti, “Iwe zingizi zivogonyera pamwe munyika, nokuti haazomboperi iwo maruva enyika.” Nyanduri anotirayira kuti tisiye ruchiva nekuti rwunoitwa nevanhu vasingagoni kuzvibata sepaanoti,

Zvamesomeso ndezvavaya vasingazvidzori.

Iwe tsveta pasi gutsamhangwa dzaHandizvidzori.

Kubva muna Simbi inorohwa ichapisa, nyanduri anotidzidzisa kuti munhu anorayirwa achiri mudiki, kwete akura sepaanoti, “Asika kurayira kunoda pwere, mukuru ndimambo.”

Nyanduri anorayira vabereki vese kuti ngavarayire vana vavo vachiri vadiki, vasati vatanga kuita mabasa asakarurama sepaanoti, “Vabereki, ngoma ngaikakwe dehwe richiri nyoro.”

Mudetembo rake Gore randakagova nhaka yangu, anotidzidzisa kuti kuronga nhaka kuburikidza nekuinyora pasi kunoganhura kusawirirana sepaanoti, “Nhaka yorunyoro ndiyo chipedzamakakatanwa.” Nyanduri anotirayira kuti pakunyora nhaka tinokwanisa kutsvaga vafakazi vanotibatsira sepaanoti, “Kumbira anogona akunyorere, gweta ndiro chiororo.”

Rimwe detembo rake rine pfungwa yerayiro rinonzi Iwe Gudzadungwe. Nyanduri anorayira munhu anoshamwaridzana nevanhu vane mabasa akaipa achimuti asiyane nazvo nekukasika sepaanoti, “Pfira pasi chimbichimbi imbwa dzinhonge.”

Nyanduri anorayira munhu anotevedzera zviito zvisina kunaka zvinoitwa neshamwari achimuti ngaasaitawo zvinhu zvakashata sepaanoti, “Usatevedzera nzou kudya minzwa kwainoita.”

Kurudziro iripo ndeyekuti vandudzaiwo mhinduro idzi nezvamunoziva.

Kupambwa kwaBeaula

$
0
0

MUCHIKAMU chino tichange tichiita mhenenguro yemabhuku enganonyorwa ari kudzidzwa padanho reA-Level kupepa reuvaranomwe. Zvinhu zvizhinji kwazvo zvinotariswa pakudzidza uvaranomwe hweShona, kunyanyanyanya takanangana nemabhuku enganonyorwa.

Zvino muchikamu chino tichange tichiita mhenenguro yebhuku rimwe nerimwe takanangana nezvinhu zvinowanikwa padanho rino zvinove zvinosanganisira: kupindirana kwemusoro webhuku nenyaya, madingindira anowanikwa mumabhuku acho, makakatanwa, matambudziko anowira vatambi, zvinoreva mazita evatambi, rongetedzo dzenyaya, nzvimbo nenguva, kutendeseka nekusatendeseka kwenyaya, zvidavado zvinoshandiswa nevanyori pakuruka nyaya, shungu nevavariro dzevanyori pamwe chete nehukama hunenge huri pakati pevatambi.

Zvimwe zvinhu zvadomwa apa zvinogona kusiyana zvichienderana nebhuku rinenge richipenengurwa. Nekudaro tichatanga kuita mhenenguro yebhuku rinonzi Mavanga Orudo rakanyorwa naStephen Mushamba rikatsikiswa neveBooklove Publishers.

Mavanga Orudo inyaya iri pamusoro pemukomana anonzi Stanley Mafa akanga anyura murudo neimwe tsvarakadenga yainzi Beaula yaakasangana nayo panzvimbo yeUniversity of Zimbabwe apo vese vainge vachiita zvidzidzo zvavo zvepamusoro. Mwoyo yevaviri ava yakanamirana ndokuve chinhu chimwe chete kusvika vatenderana kuzotsaudzwa nerufu chete.

Rudo rwavo rwaisave rwekufungidzira asi rwemandorokwati. Beaula akada Stanely aive murombo ndokumubatsira zvikuru pane zvaaida kuti agadzirise hupenyu hwake kusvikira azowanawo rake basa pakambani huru inogadzira shangu muguta reGweru. Izvi zvinoburitsa pachena mutauro wekuti mwoyo muti unomera paunoda.

Rudo rwaStanley naBeaula rwuri pakati pekubvira moto saizvozvo muvengi anopindira pakati pavo ndokupamba Beaula, uyo akanga achishanda saodhita pane imwe kambani yakanga yakumbirwa kuti iongorore mafambiro aiita mari paC and T Private Limited.

Zvino matsotsi aiba mari yaishaikwa paT and C Private Limited paanoona kuti akanga ave kuzonyukurwa, anotora matanho akasiyana-siyana kuti aedze kukanganisa chikwata chemaodhita mukuita basa rawo kuburikidza nekutapawo Beaula aitungamira chikwata ichi. Kuita uku kunosiya Stanley ave nedzvanga rerudo rakanga rave kumudya mwoyo zvisina mukare akamboona.

Chiitiko chekutapwa kwaBeaula nematsotsi epaC and T Private Limited chinokonzera mavanga asingaperi kuvatambi vakatsaukana, ayo ainge akokwa nerudo.

Veduwe chitaurirwa hunyimwa mbare dzokumusana. Kutsanangura mafambiro enyaya iyi kunonetsa, zvinotoda uchizviverengera woga. Mushure mekutapwa kwaBeaula; mukomana wake Stanley anotora matanho akawanda achironda mhondi dzainge dzapamba mumwe wake.

Kune rimwe divi mhondi dzinotsvagawo mazano akasimba aiita kuti dzisazobatwa pane zvese zvadzaiita. Umhondi, huwori, ruchiva nekusavimbika kunokoka mapurisa, vematare edzimhosva, vemajeri, vanachiremba, vanamukoti nevamwewo.

Munyaya yekurondwa kwemhondi munove nekudeuka kweropa zhinji kwazvo reavo vakanga vasinawo mhaka. Zvinozadzisa kuti rudo rwaBeaula naStanley rwakasiya mavanga kwete kwavari chete asi kuvanhu vakawanda.

Stanley anoratidza kuti rudo rwunotora kese kaunako kuti usvike pamudzi warwo. Anorwa semurume dakara akwanisa kunotakanura musikana wake, Beaula uyo akanga apambwa ari munzvimbo yeChriston Bank.

Nzvimbo iyi yaive mumapurazi uye ndiyo yaishandiswa nemhondi kuronga mabasa ose ehuwori. Stanley anoshandisa umhare neushingi kudzimara asunungura musikana wake kubva muhunhapwa ndokudzokerana pamwe chete.

Muchidimbu, aya ndiwo mafambiro anoita nyaya iyi kubva kwekutanga kusvika kumagumo. Tinoenderera mberi svondo rinouya totarisa kupindirana kwemusoro webhuku nenyaya.

DETEMBA TINZWE

$
0
0

Nyorai nhetembo pfupi seriri pazasi motumira ku: Nhetembo, Kwayedza Box 396 Harare kana kutumira pa-Email inoti kwayedza@zimpapers.co.zw kana kuzosiya pamahofisi edu ari paHerald House, muHarare. Musakanganwe zita remunyori, chikoro negwaro rake uye kana zvichiita, titumirei nekamufananidzo (passport size) kemunyori.

Mwanangu

 naLangton Munyaradzi Chemhere

REGA ndikubaire zani mwanangu.

Ukandonyera zvitanda munzeve ndiwe.

Zvawaida izvi watove chigondora.

Yachiti pfacha nguva yekuti uzvifurire.

Mwanangu chirega kuita gundamusaira kushamwari.

Iva munhu anotya Mwari.

Usaita meso meso pamari.

Kwaunobva ziva mwanangu.

Nehope chazuro usakanganwe.

 

Mwanangu, kwandiri wototeya nzev,

Zvishoma pasi chiti gada, chisero wopfunya.

Chigonyera pamwe enyika haaperi maruva.

Mudziva ukapinda nemwenje, uchiri mudiki unosiya nyemba.

Mwanangu yavanemazino nyika.

Zvityore seutyora, enyika mafaro haaperi.

Takazvarwa aripo nanhasi aripo,

Wakazvarwa aripo, uchamisa aripo.

Imwechete tsuro mhanyisa.

Mhanya nechikoro siya zvemarokwe,

Senyoka usadzokere shure nyangwe usekwe.

 

Vako baba ndavahari yefanzirofa.

Cheronguva ndinogona kuti tasa, zvikashaya basa.

Shanda nesimba usazove rovha.

Nyope mhedzisiro inova mbavha.

Pahuma nembonje akaonekwa ndambakuudzwa.

Yeruzivo ndakusiira pfuma.

Handina hangu sirivha nendarama,

Asi ndakupakurira rangu dama.

Pangu ndasakura ndazunza mwanangu.

NDATENDA!!!

Langton Munyaradzi Chemhere ari muForm 4 paGovera Secondary School, kuDomboshava.

MAONERO:

Ndinofara kana ndichigashira nhetembo dzekuraya kubva kune vechidiki nekuti ndinoziva zvavanokoshesa uye nepfungwa dzavo pamusoro pezvinhu zviri kuitika muhupenyu. Nhetembo yaLangton Munyaradzi Chemhere yakanaka – asi haisi kundisekenyedza kana kundiruma semhamhatsi zvekuti ndinosimuka pandakagara. Sei isiri kunditokonya? Sezvandinogarotaurira vanyori vachiri kusimukira, regai kunyora pamusoro pezvinhu zvakaita sekuraya nekuti vana havana kutanga kurayirwa nhasi. Kubva kare chaiko kanodarika kare kemungano, vanhu vairayirwa nekutsiurwa, saka kana iwe wouya nemashoko ekubayira mwana wako zanhi, ndezvipi zvitsva zvakasiyana nezvakataurwa nezvakanyorwa nevakaenda zvauchataura?

Huchenjeri hwechivanhu chedu huri mutsumo nemadimikira. Kana munhu achirayirwa vanoraya vanodzokera kuhuchenjeri ihwohwo kuti zvinyatsobuda pachena kuti nyaya iri kutaurwa haisi itsva. Ndiri kuona kuti nyanduri wedu akwanisa kushandisa madimikira akaita serekuti, “kuisa zvimiti munzeve,” “chave chigondora, chave chimombe,” “gundamusaira mbudzi iri muhwai,” “ziva kwaunobva,” “kukanganwa chazuro nehope.”

Izvi zvese zvinoratidza kunzwisisa tsika nemagariro, uye nehuchenjeri hwevakuru vedu kwanyanduri, asi kwandiri hapana chitsva. Ndinodawo kunzwa mamwe matauriro enyaya iyi, matauriro anoita kuti vechidiki varege kukurumidza kuti isu zvetsumo nemadimikira taneta nazvo.

Chandiri kutaura chii? Ndiri kuti mutauro ngaurege kuramba wakabatwa mumambure edandemutande kusvikira wave chimukuyu chine chakubvubvu, zvekuti vanonzwa havatirimuke. Mutauro ngaufambirane nenguva kuti utaure nevanhu.

Tiza zvirevo zvataneta kunzwa zvakaita sekuti: “Nyika yave nemazino,” “kuteya nzeve,” “kupinda nemwenje mudziva.”

Ichokwadi ndiwo unonzi mutauro wakapfuma, asi kana tikatora nhetembo dzekuraya dzanaHamutyinei, Musiiwa nevamwe vakanyora kare, tichangonzwa dziri panzvimbo imwe chete iyoyi.

Ndinopa muenzaniso wekushandiswa kunoitwa mutauro naShingirai Manyengavana. Dai ndaikwanisa kuwana nhetembo yake inonzi: “Bhazi renhetembo,” ndakunzwisa kushereketa kunofanira kuwanikwa munhetembo. Ndichabvunza mupepeti weKwayedza kana achikwanisa kutiwanira nhetembo iyoyi. Nhetembo ngadzishamise, ngadzisvike kure kure, uye kumberi-mberi kusati kwasvikwa. Semuenzaniso, dai ndirini iwe ndati:

Mwanangu,

Ichokwadi sasi dzangu dzinokudhinha

Asi ndiri kuisa pauri zvehupenyu zvidhinha

Kuti paunorembedza mabhurugwa,

Nehunhu hwako hurege kuti pfurugwada.

Chimwe ndechekuti kana tikatarisa ndima yako yekupedzisira, baba ava vari kuti vave hari yofanzirofa, uye chero nguva vanogona kuti tasa. Izvi ndizvo zvimwe zvinoshamisa kuti kubva kare, nhetembo zhinji dzekuraya dzaitaurwa nemunhu anenge ave kuda kufa. Ko sei asingaraye mwana asati ave kuda kufa? Hazviite here sekuti baba vakadai vanga vakangoyeva mwana achirasika, asi vozoti pakupera kwehupenyu bengenu?

Baba ava vanoti pangu ndasakura ndazunza, asi kune vanoziva vanoti mwana anoda kurovedzerwa, ndiko kuti anoda kuramba achirairwa nguva nenguva kuti agove mwana kwaye. Saka ini ndingade kuti umbozama zvakare kunyora nhetembo iyi, asi uipe hupenyu nemutauro unoita kuti Stunner, Ammara kana Roki vateerere. Ramba wakashinga uchinyora!

Vana vakadzokera kuchikoro

$
0
0

RAIVE besanwa muHarare neMuvhuro svondo rino apo vana vechikoro vekumabhondingi vaidzokera kuzvikoro uyewo vamwe vabereki vachitengera vana vavo zvinhu zvakasiyana zvekushandisa.

Izvi zvinotevera kuvamba kwetemu yekutanga kwegore nemusi weChipiri svondo rino.

Vamwe vana vanodzidza kumabhodhingi – avo vaiperekedzwa nevabereki vavo – vakanaiwa nemvura apo vaive vakamirira mabhazi anovatakura kuzviteshi zvakasiyana sepana Fourth Street nekuna Rotten Row.

Vakasangana nedambudziko rekunonotswa kuenda kuchikoro pamwe nekunaiwa nemvura vanosanganisira vana vepaLydia Chimoyo Girls High, kuChimanimani, avo vakamira pachiteshi chekuna Fouth Street kwemaawa anodarika gumi vasati vawana chaivatakura.

“Isu tauya pano kuma 6 mangwanani asi nanhasi hatisati taenda kuchikoro, tave kurwadziwa nemakumbo nekumira apa hapana ari kutiudza kuti zvii zviri kunetsa,” anodaro mumwe musikana anodzidza pachikoro ichi achiratidza kunetsekana.

Chipo Kasosera (15), uyo ari kuita Form 3 pachikoro chimwe chete ichi, akatsutsumwawo nekunonoka kuuya kwemabhazi.

“Hatisi kuziva kuti tichaendawo nguvai asi tasvika kuma 6 mangwanani pakauya rimwe bhazi repachikoro richibva ratakura vamwe vana vatoenda asi vange vachitora vakapedza kubhadhara fizi nemari dzebhazi. Fizi tinobhadhara US$490, mari yebhazi iri US$13.

“Isu tasara asi takabhadhara hedu imwe mari. Pari zvino vabereki, maticha nenhengo dzeSchool Development Commitee vari mubhazi reZupco ravahaya umo vari kutaurirana, hatizivi kuti tichabudirira kuenda here,” anodaro.

Mashoko ake anotsinhirwa naPanashe Macherenje (15) ari kuita Form 3 pachikoro ichi zvakare.

“Isu vemabhodhingi tinononoka kuvhara chikoro asi tichikasika kudzokera kuchikoro. Kudai tichingovhara nekuvhura nguva imwe chete nevadzidzi vanodzidza vachibva kudzimba,” anodaro.

Zvakadai, muzvitoro zvinotengesa midziyo yechikoro yakasiyana makange makazara nevatengi.

Nerimwe divi, vatengesi vepanze vaive mushishi kuhodha mabhuku, masokisi, zvinyoreso nezvimwe kuti vanotengesa kumisika yemikoto.

Kumabhanga akatsaukana, vamwe vabereki vaionekwa vari mumitsetse vachida kubhadhara mari dzechikoro.

Nekune rimwe divi, Hurumende iri kukurudzira zvikoro kuti zvitenge michina yemaPoint of Sale Machines kuti zvive nyore pakubhadhara mari dzechikoro. Bhanga guru reReserve Bank of Zimbabwe rinoti rine hurongwa hwekuti michina iyi inge yavemo muzvikoro munguva pfupi iri kutevera.

US$14m yechikafu chevana muzvikoro

$
0
0

NYIKA yeGerman yakapa mari inosvika US$14 miriyoni kubazi redzidzo yepuraimari nesekondari iyo ichabatsira mukutenga chikafu chichapihwa vana muzvikoro pamwe nekuti vawane mvura yakachena.

Mari iyi ichabatsira zvakare mukuvandudza zvekushandisa pakudzidzisa vana pamwe nevarairidzi zvichienderana nezviri kudiwa pasi pegwaro idzva redzidzo, reNew Cirriculum.

Mari iyi yapihwa panguva iyo apo boka reGlobal Partneship for Education (GPE) richangobva kupasisa kupihwa kwemari inokwana US$20,6 miriyoni kuchikamu chedzidzo ichi nevatsigiri vakasiyana.

Zimbabwe ndiyo iri pamusoro muAfrica pakuva nevanhu vanogona kuverenga nekunyora nechikamu che92%.

Gurukota rebazi redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vakazivisa nezvemari yakapihwa neGerman iyi. “Ndinotora mukana uno kuzivisa kuti Hurumende yeGermany yakapa bazi redu mari inosvika US$14 miriyoni. Imwe yemari iyi ichashandiswa muchirongwa chekupa vana zvekudya muzvikoro, kuti vawane mvura yakachena yekushandisa pamwe nekuona kuti pave nezvekushandisa zvevana neavo vachange vachiona nezvechirongwa chegwaro idzva redzidzo (facilitators) reNew Cirriculum,” vanodaro Dr Dokora.

Vanoti budiriro iyi munyaya yedzidzo inofanira kurumbidzwa.

Zimbabwe yakave nhengo yeboka reGPE mugore ra2013 apo yakapihwa mari inosvika US$23,6 miriyoni yekutsigira hurongwa hwekuvandudzwa kwedzidzo kubva mugore ra2013 kusvika 2016. Dr Dokora vanoti rubatsiro rwakapihwa Zimbabwe nguva yadarika neboka iri rwakayamurawo mukudzidzisa varairidzi 23 000 pamusoro pezvinoshandiswa nevana pavanotanga kuverenga pamwe nemamwe maticha anodarika 28 000 anobatsira vana vanonoka kubata zvidzidzo pasi pechirongwa chePerformance Lag Address Programme. — The Herald.

Duramazwi

$
0
0

Babamunembeva – Urwu rudzi rwebhachi rinodziya, rinopfekerwa mucheno.

ziva

MHINDURO yemufananidzo wesvondo rapera ndeinoti zizi.

Hedzinoi dzimwe dzemhinduro dzakabva kuvaverengi:

Zizi – Tinotenda, Chi-town.

Zizi – Ellen, Hatcliffe.

Zizi – Mai Gwata, Musana.

Zizi – Shoriwa jr, Borrowdale Brook View.

Zizi – Busybee, Domboshava.

Zizi – 0776 047 365.

Zizi – Tsitsi Chibanda, Overspill.

Zizi – Patience Phiri, Grade 6 Yellow, Hartely Primary School, Chengutu.

Zizi – Bright Phiri, C533, Chegutu.

Zizi – Hwihwo, Manyame.

Zizi – Mtoko, Nyanga.

Zizi – Dhewa Erin, Juliasdale.

Zizi – Adelaide Chiwetu, Nyakuwe, Rusape.

Zizi – G, Goronga, Guzha Township, Gutu.

Zizi – Josphine Mukwindidza, Dangamvura, Mutare.

Izizi – Mai Max, Mutoko Medium Density.

Zizi – Mugogo K.E, Zaka.

Zizi – Clive Mwandiambira, Waterfalls.

Zizi – Vongai Maranyanga.

Zizi – M. Matyenyika, Triangle.

Zizi – Rudairo Mapiye, Kadoma.

Zizi – Bambo, East View.

Zizi – Saneliso, Mvurwi.

Zizi – Courage Tivafire, Kuwadzana 5, Harare.

Zizi – G. Kukanga, Templeton, Banket.

Zizi – Lindah T. Ndlovu, Domboshava.

Izizi – Taps, Hatfield.

Zizi – Dickson Zabron, Mufakose.

Izizi –Tawanda Chawira.

Zizi – Brighety Kagona, Guruve Primary School.

Zizi – Morgen Zambezi, Chiredzi.

Zizi – Bonface ‘Big Boniey 100%’ Bango, Waterfalls.

Zizi – Emily Zinyaka, Chehonye Shops, Kenzamba.

Zizi – Mai Kiki, Chimanimani.

Zizi – Daniel Mudzengi, Kentucky Farm, Darwendale.

Izizi – Tafadzwa Masvaure, Chigodora, Mutare.

Zizi – 0773 372 566.

Zizi – Collen Mafa, Kariba.

Zizi – David Amisi, Mufakose.

Zizi – Kochie Makaza, Alfa, Hacliffe.

Zizi – Gift Chawasarira, Tafara, Harare.

Zizi – Jonias Zenda, Chinhere School, Mujinga, Tengwe.

Zizi – Chris Phiri, Kariba.

Zizi – Simba Mutemeri, Epworth.

Zizi – Antony Bango, Waterfalls.

Zizi – Antonetah Zongororo, Bango, Murehwa.

Zizi – Mai Madora.

Izizi – P, Chikwira, Epworth.

Zizi – Munyaradzi Muzanenhamo, Harare.

Zizi – Blessing Saidi, Karoi.

Zizi – Takawira Chinyani, Chi-town.

Zizi – Munetsi Shoriwa, Nyamaruro Primary School, Madziva.

Izizi – Mai Sasa, Epworth.

Zizi – Richard Maponda, Ruwa.

Zizi – Albertina Mai 2, Harare.

Zizi – Tadiwanashe Magaisa, Natview Park, Mutare.

Zizi – Chamu, Whitecliff.

Zizi – Gerald Chapinduka, Nyanzou, UMP, Murehwa.

Zizi – George Muchena, Mvuma.

Zizi – 0784 413 946.

Izizi – Ronald Simiyawo, Glen Norah B.

Izizi – Jayne Mvere, Glen Norah B.

Zizi – Sharon, Hatfield.

Izizi – 0774 533 364.

Zizi – Munyaradzi Machenga, Budiriro 1.

Zizi – Panganayi Tome, Mutoko.

Izizi – Simba Tapfuma, Bulawayo.

Zizi – Misheck Chakala, Msasa, Harare.

Zizi – Fadzai Majoni, Epworth.

Zizi – Brian Nyaka, Riverside Park, Chi-town.

Zizi – Livingstone Manatsa, East View Park, Harare.

Zizi – Mai Sumani, Dzivarasekwa.

Zizi – F. Machisi, Newlands.

Zizi – Honest Chikepe, Grade 4, Domboramwari Primary.

Izizi – Mrs Siamtshaka.

Azizi sazita wangu – Azizi, DZ.

Zizi – S Muchereti, Eastview Park, Harare.

Zizi – Stephen Rimbikani, Rufaro Farm, Raffingora.

Zizi – Baba Shydon, Mukoba 16, Gweru.

Zizi – S. Store, Harare.

Zizi – Sekuru ‘Kulez’ Madhora.

Zizi – 0718 608 076.

Zizi – Jeable, Chi-town.

Zizi – Mahachi.

Zizi – Yemurai, Chihota.

Zizi – Sir Garise, Mutoko.

Zizi – Tatenda P Dade, Mvurwi.

Zizi – Mai Vagoni Vebasa, Karoi.

Zizi – Mrs Gonde, Battlefields, Kadoma.

Zizi – Dumisani Matambo, Murombedzi.

Zizi – 0776 963 848.

Zizi – Gift Hlabiso, Beatrice.

Zizi – Nyamudahondo, Waterfalls.

Zizi – Belindah, Waterfalls.

Izizi – Chikuvire T.K, Masvingo.

Zizi – Baba Mid, Chivhu.

* * *

Hohwa huri pamufananidzo ndihwo humwe hwehohwa hwakakurisisa hunomera mumasango muZimbabwe. Hunogona kukura zvekuenzana nekarusero. Tipe zita rahwo.

* * *

Onai mhinduro svondo rinouya.

. Tumira mhinduro panhare dzinoti 0714 200 007.

Iwe rongeka

$
0
0

Ticha Danga—

CHIKAMU chapera ndaiedza kugadzira hwaro hwekuti chiShona chipihwe nguva yacho yakaringana kuitira kuti chigobuda zvakanaka pabvunzo. Ndaida kudzinga pfungwa yekuti chiShona chakapata nekudaro tinongonyunyurudza kana tochibata.Ndinoda kuti tidzidzisane kuti vana godobori vezvedzidzo vakaita tsvagurudzo vakaona zvakakodzera kuti chiShona ichochi chipihwe nguva yakafanana nechiRungu pakudzidzwa. Ndiko kusaka muchiona chakapihwa mikana mipfumbamwe pasvondo (time table).

Ndizvo zvimwe chete nechiRungu. Kana dziri svomhu nezvimwe zvese, izvi mikana yazvo mishoma chaizvo pasvondo. Saka ndati ngatipei chiShona nguva yacho yakakodzera kwete kuitora toita ndiyo nguva yekuita zvimwe zvidzidzo zvatinofungidzira kuti zvakakosha.

Ndichapa musoro wechirongwa dingindira rinoti rigamhe richabva Hwedza. Zvinodudza izvo kuti paya patiri kuroverana musoro, chibva wangobata ipapo kwete kuzoda kuita gadaidzo nguva isisaite.

Tandara wawaridza.

Mukana uno gore richitanga tiri kubva tangorikanda rwezvinodiwa muchiShona chedu dakara tipinde mubvunzo. Ndipo pandiri kuti batisisa richakandwa kudai.

Zvinhu zvinozivikanwa chose kuti bvunzo redu rine mapepa maviri. Mapepa aya anobata nzwisiso nemutauro mune rimwe. Kozobatwa zvakare nzwisiso nerondedzero mune rimwe racho. Nokudaro zvinoda kurongeka kuti ugokunda mumapepa maviri aya.

Mukuda kurongeka ikoko chekutanga kuva nepfungwa dzakaringana uye dzinotendeseka (positive mind) kuti zvirokwazvo chiShona chakakosha. Unofanirwa zvakare kuchinja mafungiro (mindset) ekuti chiShona chakapfava nekudaro handingatambise nguva yezvimwe zvidzidzo ndichiswero tataritsana nayo.

Ipapo ndipo panotangira kurongeka. Munhu akada kutaura chiRungu anoda kuona kuti chakatwasuka here. Kana chiri chiShona haana hanya nazvo, uye zvinoita sezvinoshamisira kuti haanyatsogona Shona.

ChiRungu anobva ada kuchitaura nerurimi rwemurungu achitaurira mumhuno. Zvino ndinoti izvozvi ibva watoshandura mafungiro iwayo richabva hwedza.

Danho rekutanga nderekuedza nepaunogonera kusataura chiShona chamasanganiswa. ChiShona chiri kupfukutwa neinonzi (slang) apo vana vanotevedzera kutaura kwakamonyoroka pedzesere voita saizvozvo muzvinyorwa zvavo.

Mazwi akaita sana “kubhohwa, sisi, mhomzi” neakadaro ava kutonyorwa murondedzero.

Zvirokwazvo unonyatsoziva kuti chiShona chako chakamonyoroka iye zvino zvawava mudanho rechinomwe kudai. Izvi zvinobudikidza nezvinyorwa zvawaita mumagwaro epasi nekuti zvaikwenywa uchipihwa goho.

Chibva watotanga kuzvirapa nguva ichiripo. Tora zvinyorwa kana mabhuku eShona (Shona novels) ubva watoti sikasika nawo. Mabhuku iwayo mushonga mukururu chose nekuti ane zvose zvinodiwa mukuvaka mutauro. Mumabhuku iwayo mune chiShona chamandorokwati chisina masanganiswa.

Unodzidza zvakare kubva imomo mavakirwo emutauro. Ndimo zvakare mune mashandisirwo ezvirungamutauro akaringana. Munodzidzwa sungawirirano kana manyorerwo chaiwo ezvirevo zvizere.

ChiShona chepepa repiri chinoda vana vaya vane hunyanzvi hwekurudunura chinyorwa kubva kunhanganyaya kusvika kumhedziso. Tinoda kuziva chose kuti kana tichida kuti chinyorwa chitevedzerwe zvakanyanya chinofanirwawo kunakidza.

Nokudaro mutwumabhuku Hunyanzvi hwakakomba hwakashandiswa kuti vanoverenga vagonzwa chidakadaka chekuramba vachida kuverenga kubudikidza nemanyorerwo acho zvoreva kuti uya anoverenga aya mabhuku anozovawo nehunyanzvi hwakadarowo.

Chimwe chinobatsira kuverenga chero mumapepa nhau akafanana neKwayedza. Ipapowo mukana wekusangana netsumo nemadimikira kana nyaudzosingwi dzakanangana nebvunzo wakakura. Unodzidza zvakare manyorerwo erondedzero ye“report”.

Mhando iyi inonyanyobuda kudivi rezvemutambo. Ukaita izvi izvozvi gore richatanga unenge watorigamha richabva Hwedza.


Tsumo nemadimikira namukanya

$
0
0

Mhinduro dzesvondo rapera:

Pedzisa tsumo idzi:

1. Kuwanda huuya museve wakapotera . . . (pamuzukuru)

2. Chidyamatoo akazodzipwa neganda . . . (remhuru)

3. Totenda yavira shambakodzi . . . (yedemhe)

4. Chisi hachiyere musi . . . (wacharimwa)

5. Muzivi wenzira yeparuware ndiye . . . (mufambi wayo)

* * *

Svondo rino:

Zadzisa tsumo idzi:

1.         China manenji hachifambisi chinomirira . . . acho kuti aonekwe.

2.         Chawawana idya nehama . . . ane hanganwa.

3.         . . . kunoda kwaamai kwomwana kunodzima moto.

4.         Charovedzera charovedzera . . . rakakwira mawere kwasviba.

5.         Tsapata rukukwe hazvienzani nekurara . . .

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

O-LEVEL

$
0
0

Matambudziko emukadzi

3. Peter Marimi anoshungurudzika nematambudziko anowira vanhukadzi. Tsigira pfungwa iyi uchishandisa nhetembo dzake ina dziri muna Mutakunanzva Wenhetembo. [25]

Nhetembo dzacho dzinoti; Ndiri chiiko mwanasikana?, Nyarai baba vomwana, Chii chineni munhukadzi naPfuma yenhaka inoparadza.

Mudetembo rekutanga Ndiri chiiko mwanasikana?, nyanduri anoburitsa mwanasikana achishungurudzika nekusawaniswa mukana wakakura wekuti aende mberi nechikoro sepaanoti, “Chomwanasikana chikoro chinoguma ndisina chitupa.” Nyanduri anoti mwanasikana anoshungurudzika nekugarwa nhaka nemunhu akura zvakanyanyisa kumudarika sepaanoti, “Kana yauya nhaka, chigaramapfihwa, ndinopiwa dana rine zera nababa vokubereka.” Nyanduri anoburitsa mwanasikana achitsutsumwa nekuti ari kuitwa mupiro wemhosva sepaanoti, “Paita mhosva, mwanasikana ndinoitwa muripo sechipfuwo.”

Mudetembo rinonzi Nyarai baba vomwana, nyanduri ari kuburitsa mudzimai achishungurudzika nekuti murume wake ari kukanganisa vana vevamwe kufunda sepaanoti, “Vodzidza sei vana vachingozemberwa-zemberwa neharahwa?”

Nyanduri anotiratidza mudzimai achinyunyuta maererano nemapfekero ave kuita vasikana vemazuva ano ekusiya muviri yavo iri panze sepaanoti, “Naitwowo twunazvo twana twazvino, kupfekai kunosiiwa zvipfuva namakuvhu zviri pachena?” Nyanduri anoburitsa mudzimai achishungurudzika nemurume wake ari kufambidzana nevana vadiki sepaanoti, “Nhai baba vaRumbi murume wangu, zvomoita chiname norusvavarwo, zvambouya seiko?”

Mune rimwe detembo rinonzi Chii chineni munhukadzi, nyanduri anoti munhukadzi anoshungurudzwa nekuonekwa seasina basa sepaanoti, “Ndive musikana, ndinoonekwa sendisipo.” Nyanduri anoti madzimai anorwadziwa nekuti anozotanga kushungurudzwa nevarume mushure mewanano sepaanoti, “Ndive munhukadzi, rakawana riya rinenge rosimudza musoro.” Nyanduri anoti munhukadzi anoshungurudzika nekuti mumishando anongoramba achinzi ari pasi pemunhurume sepaanoti, “Ndikave mushandikadzi ndinoiswa shure kwomushandirume.”

Mudetembo rake Pfuma yenhaka inoparadza ukama, anoti madzimai anongodiwa chete nehama dzemurume kana murume achiri mupenyu sepaanoti, “Wangu mudzimai maimuda ndichiri kurarama . . .” Nyanduri anoti shirikadzi dzinosangana nedambudziko rekutandaniswa mudzimba neveukama sepaanoti, “Asi nhasi ndava chitunha mosara momudzinga sembwa.” Anoti mushure mekufirwa nevarume, madzimai anosara achiudzwa mashoko anorwadza nekutambudzwa nehama sepaanoti, “Izwi romudzimai wangu rakasvika munzeve richinzwikwa kushungurudzika namaodzamwoyo.”

4. Francis Matambirofa anofarira kudetemba achishoropodza zvinhu zviri maererano neupenyu hwemazuva ano. Tsigira pfungwa iyi nenhetembo dzake shanu dziri muna Mutakunanzva Wenhetembo. [25] Ndichatsigira nenhetembo idzi; Hanzi ikodzero, Rudzi rwamangwana, Zvinomboreveiko?, Chiremera chakatiremera naZvinongosisanduka.

Kubva muna Rudzi rwamangwana, nyanduri anoshoropodza vana vanhasi uno nekuti havachagoni mutauro wedu sepaanoti, “Rudzi rwatinoombera nemufaro kana rwuchinge rwatadza chiShona.” Nyanduri anoshoropodza vana vemazuva ano nekuti havachaziva kukoshesa ukama sepaanoti, “Rwunoti mukoma wadhedhi vangu anondibhowa.” Nyanduri anoti pwere dzanhasi uno hadzichadi kusiyana nemafaro sepaanoti, “Rudzi rwanhasi rwakaroverwa hoko mumafaro.”

Mudetembo rinonzi Zvinomboreveiko?, anoti muzvikoro mabhuku asakara nekuverengwa asi vana vazhinji vari kukundikana pabvunzo sepaanoti, “Mabhuku haachatarisiki kusakara nokugaropenengurwa, asi mhomho yacho iri kufoira kuwanda samasvosve.” Nyanduri anoti mazuva ano vanhu vazhinji vari kuchata zvekuti vabatanidzi vanozoguma vasisina chekurayira asi michato yacho iri kukasika kuparara sepaanoti, “Vose vanoraya vanosvikira pakupererwa namashoko asi michato iri kugarogurwa seminda yamakombo.”

Mune rimwe detembo rake Chiremera chakatiremera, nyanduri anoti mazuva ano mapurisa haachaite basa nemazvo ave kukoshesa mari sepaanoti, “Mapurisa, haiwa, ane mari nyangoikoromora, mugonyei?” Nyanduri anoti mazuvano vakuru vedzisvondo vave kuitawo mabasa asina kururama sepaanoti, “Vafundisi vave vadisi vezvapasi, denga ravanonokera.” Muna Hanzi ikodzero, nyanduri anoti nhasi uno kodzero dzakupiwa kuzvinhu zvisingakodzeri sezvipuka nemiti sepaanoti, “Nemhuka nemiti zvose hanzi zvine kodzerowo.” Nyanduri anoshoropodza kodzero nekuti dzave kushandiswa zvisirizvo pazvinhu zvisina kukodzera sepaanoti, “Chero pawatsika pane kodzero, mirwi namakomo adzo.”

Kubva mune rimwe detembo rake rinonzi Zvinongosisanduka, anoti mazuva ano mimhanzi yakutambwa zvisina hanya sepaanoti, “Kutamba kwanhasi kungoti hamenowo zvazvo mberi ikweyo.” Nyanduri anoti mazuva ano kwave kugadzirwa mbatya dzakabvaruka sepaanoti, “Zvimwe zvipfeko zvitsva zvinosonwa zvakatobvaruka kare.”

DETEMBA TINZWE

$
0
0

Nyorai nhetembo pfupi seriri pazasi motumira ku: Nhetembo, Kwayedza Box 396 Harare kana kutumira pa-Email inoti kwayedza@zimpapers.co.zw kana kuzosiya pamahofisi edu ari paHerald House, muHarare. Musakanganwe zita remunyori, chikoro negwaro rake uye kana zvichiita, titumirei nekamufananidzo (passport size) kemunyori.

NGATIGARISANE naNatasha Gwiriri

Hero demo mudenga.

Iyazve, chava chii zvakare!

Ndiko kuti mukoma nomunin’ina kwacho here?

Aiwaka vakomana hazvinzwaro!

Zvinoda kugarisana mukurarama.

 

Musi uya wakafa baba

Makabvisana mazino nokuda kwekapfuma.

Hewo manyada, changova chirimi choga choga.

Ko vanhu vakagara pasi havanganzwisisani here,

Aiwaka vakomana hazvinzwaro!

Zvinoda kugarisana mukurarama.

 

Zuro ndizurozve,

Makange muchapisirana dzimba.

Hanzi adanana nomukadzi wangu,

Chokwadi chokwadi here?

Saka hapana achapfuura nepamana pomumwe?

Ko kunzwisisana panyaya yacho zvaramba here?

Aiwaka vakomana hazvinzwaro!

Zvinoda kugarisana mukurarama.

 

. Natasha Gwiriri ari muForm 4 paMutambara High School, kuChimanimani.

 

MAONERO:

Kuti unzi uri nyanduri hazvireve kungomuka uchiti ndave kumbonyora nhetembo, kwete! Kuti uve nyanduri, unofanira kunge uri munhu anoverenga mabhuku evamwe vanyori kuti uonewo kuti vamwe vari kutaura sei zvinhu zvauri kuda kunyora nezvazvo.

Chinangwa ndechekuona maitiro ari kuita vamwe, kwete kuti uzokopa kana kuba. Kana uri nyanduri unofanira kuve nemaziso anoona zviri kuseri kwezviri kuonekwa nevazhinji. Nzeve dzako dzinonzwa zvisinganzwikwe nevamwe, uye kana mhuno yako inonhuhwidza ichibata hwema sembwa inovhima.

Nyanduri ane basa guru muhupenyu hwevanhu. Nyanduri anopembedza zvakanaka achituka nekuseka hupenzi. Nyanduri anosetsawo vanhu nekuvavaraidza.

Zvakarewo ane basa rekudzora nekusadzora tsvimbo nekuti gudo rabata kumeso! Nyanduri haasikize kana kunyenyeredza, asi anoti dyoo kubaya dede nemukanwa.

Nyanduri haatyiswe kana kutyisidzirwa. Anotamba nemutauro saKhama Billiat ari kutamba bhora.

Uye kufanana nemutambi webhora, nyanduri ane vavariro yekunwisa zvibodzwa zvedzidziso nemazano!

Natasha Gwiriri anonyora nechinangwa chakanaka, chekutsiura, kudzora nekudzidzisa.

Chipo chake chiri mukugona kunyatsopinda muzviitiko zvekuti muverengi anonyatsogutsikana kuti pari kunzi pane bope, panenge pane hondo chaiyo.

Izvi zviri kubuda mukukanuka kwaari kuita kunobva kwayanika hupenyu hwabata vakomana vaari kutsiura nekudzidzisa. Mazwi anoratidza kukosha kwedzidziso yanyanduri anobuda muzviito zvekuitirana zvakaita seizvi: kugarisana, kunzwisisana.

Anoshandisa mazwi aanoramba achidzokorora pakupera kwendima yega yega. Kudzokorora uku kunoratidza kuti ichi ndicho chinhu chiri kusimbiswa nanyanduri:

Aiwaka vakomana hazvinzwaro!

Zvinoda kugarisana mukurarama.

Aya mazwi anoratidza kuti ari kutaurwa nemuyananisi uye ari kutaura nerudo netsitsi zvekuti makakatanwa evakomana ava anopera chete kana vakange vari vanhu vanoteerera uye vanodzidzisika.

Chiri kukosheswa nanyanduri kugarisana, kutaurirana nekunzwanana.

Nyanduri wedu ari kuona zvinhu zviri kumberi kudarika zviri kuonekwa nevakomana vaviri ava.

Ari kuona kuparara kwehukama. Kana hukama hukaparara zvinoreva kuti vana ava vanenge vakundikana muhupenyu.

Saka ndinotenda zvikuru naNatasha, aratidza kuti ane njere nemaziso anoona zvinhu zvakadzama uye ane shungu dzekuvaka kwete kuparadza. Kwandiri, ndiko kuti nyanduri. Zvezvidavado nezvimwe zvinozouya zvazvo kuti zvibatsiridze pfungwa huru dzanyanduri.

 

. ignatiusmabasa@gmail.com

 

A-LEVEL — mavanga orudo

$
0
0

Mavanga chii?

Munyaradzi Gunduza—

VANGA imbonje inosara mushure mekunge munhu akuvara. Mavanga mucherechedzo unoratidza kukuvara kwemunhu kana zvimwewo zvinhu zvisiri vanhu. Mushure mekunge ronda rinenge richirwadza zvikuru rapora panosara vanga, zvisinei nekuti vanga racho rinenge richioneka nemaziso here kana kuti rinenge riri mumwoyo wanyakukuvara.

Rudo kunzwanana nekutaurirana. Naizvozvo rudo rwuri kuburitswa nemusoro webhuku nderwemukomana nemusikana vanenge vachiratidza kunzwanana muchisungo chekudanana kwavo. Musoro wekuti Mavanga Orudo unojekesa kushungurudzika nekutambudzika kunoita vatambi vari munyaya iyi nekuda kwerudo.

Kutapwa kwaBeaula nechikwata chaSolo naVheremu kwakakonzera mavanga erudo mumwoyo waStanley zvinove zvinoita kuti azombomira kuenda kubasa ave kutsvaga mudiwa wake. Kupambwa kwaBeaula kunoita kuti Stanley amusuwe uye kutora matanho akawanda akazoguma amupinza mumatambudziko mazhinji.

Musoro webhuku wekuti Mavanga Orudo unoenderana nekukuvadzwa kunoitwa mudzimai waVheremu naStanley zuva raanopinda pamba pavo achitsvaga Vheremu. Zvinobuda panoenda Stanley kuHighlands achinotsvaga Vheremu; anosvika achipinda mumba maive murere mudzimai waVheremu ndokumudzipa pahuro kusvika ave kugwinha-gwinha, anomurova zvakare mbama achinowira pamubhedha.

Mudzimai waVheremu anorova simbi dzemubhedha paaida kuzamurira kurova Stanley negumbo ndokudonhera pasi akabata tsoka. Ese aya mavanga anosiiwa pamusana perudo rwaive pakati paStanley naBeaula.

Mukomana wechidiki anobuda mune imwe imba pamba paVheremu achibvunza Stanley kuti ndiwe ani, anosangana nemavanga erudo mushure mekunge arohwa chibhakera chepamuromo chaipo naStanley uchibva watsemuka. Anobva anowira pasi achiridza mhere.

Mavanga anopihwa mukomana uyu anokonzerwa nerudo rwaive pakati paStanley naBeaula.

Stanley paanoda kuti abude mumba maVheremu achitiza anotemwa nebhodhoro remafuta mumusoro ndokubva awira pasi. Anotanga kutemwa nemamwe mabhodhoro emafuta akarara pasi kudaro.

Zvese izvi zvaikonzerwa nekutsakatika kwemudiwa wake Beaula uyo akanga amusiira vanga rerudo mumwoyo make.

Stanley anonzwa kurwadziwa nemavanga ekukuvara kwaakanga aita ari kumba kwaVheremu kuHighlands ndokufunga zvekuenda kuchipatara kuti anorapwa sezvo musoro, makumbo nemusana zvaimurwadza. Akanga ave kufamba nedivi nekuti ainzwa marwadzo akanyanyisa. Aya aive mavanga akauya mushure mekunge anyura nemhandara Beaula iyo yakanga yangotsakatika.

Zuva remusi weSvondo tinoona Stanley akagara kumba kwake mushure mekunge adzoka kuchipatara achiedza kuverenga pepanhau reThe Times asi pasina chaainzwa nekuti aifunga musikana wake Beaula akanga anyangarika zvaasina kunzwisisa uye aisaziva kwaainge aendeswa. Panguva yaainofunga mudiwa wake kudaro, mwoyo wake wakabva wasviba zvekusakwanisa kuita chimwe chinhu.

Vanga rekusuwa Beaula nekumushaya raizonyanya kurwadza Stanley apo aiona Beaula achimuvinga kuhope asi achitaura zvaaisanzwa. Pakarepo Stanley aibva atanga kuchema.

Stanley paanoenda kumapurisa kuCentral Police Station anosangana nemukadzi nemurume vainetsana pamusoro perudo. Vaviri ava vakanga vachiri kugara zvavo vese asi rudo rwakanga rwapera karekare.

Mudzimai ari kupopota apa ane vanga rekuti murume ari kuti mwana wekutanga haasi wake uye nhumbu haisi yake zvakare. Mudzimai uyu anosanganazve nerimwe vanga rerudo paanorohwa mbama nemurume pamberi pemhomho yevanhu ropa richibva ratanga kubuda.

Pakarepo, murume uyu anobva asungwa nemapurisa ndokuendeswa kuCentral Police Station. Ese aya akanga ari mavanga erudo aiwira vatambi ava.

Mudzimai waSolo akaenda kufurati raigara Eve uyo aidanana naSolo muchihwande ndokubva varwa zvekusvika pakukuvadzwa neshangu naEve.

Mudzimai waSolo akanyara pamwe nekurwadziwa chose paakaona ave kurohwawo nemurume wake uyo akanga ava kubatsira Eve. Apa rudo rwakanga rwasiya mavanga kumudzimai waSolo.

Solo naEve vanenge vave kutambudzwa nemudzimai waSolo uyo akanga ave kuvatumira mapepa aibva kumagweta. Izvi zvinoita kuti Solo naEve vambomira kudanana.

Tinopedzisa kupindirana kwemusoro webhuku nenyaya svondo rinouya.

Tsumo nemadimikira namukanya

$
0
0

Mhinduro dzesvondo rapera:

Pedzisa tsumo idzi:

1. Kuwanda huuya museve wakapotera . . . (pamuzukuru)

2. Chidyamatoo akazodzipwa neganda . . . (remhuru)

3. Totenda yavira shambakodzi . . . (yedemhe)

4. Chisi hachiyere musi . . . (wacharimwa)

5. Muzivi wenzira yeparuware ndiye . . . (mufambi wayo)

* * *

Svondo rino:

Zadzisa tsumo idzi:

1.         China manenji hachifambisi chinomirira . . . acho kuti aonekwe.

2.         Chawawana idya nehama . . . ane hanganwa.

3.         . . . kunoda kwaamai kwomwana kunodzima moto.

4.         Charovedzera charovedzera . . . rakakwira mawere kwasviba.

5.         Tsapata rukukwe hazvienzani nekurara . . .

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Viewing all 921 articles
Browse latest View live


<script src="https://jsc.adskeeper.com/r/s/rssing.com.1596347.js" async> </script>