Quantcast
Channel: Denhe Reruzivo – Kwayedza
Viewing all 921 articles
Browse latest View live

Vasikana vakakunda vakomana paA-Level

$
0
0

ZVAKANYORWA nevana pabvunzo dzeA-Level dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) gore rapera zvakabuda uye vadzidzi vakatotanga kutora magwaro ezvavakawana kutanga nemusi weMuvhuro svondo rino.

Gurukota rezvedzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vakazivisa nezvenyaya iyi pamusangano wekupemberera zvakabuda mubvunzo idzi uyo wakaitirwa kuUniversity of Zimbabwe muHarare svondo rino.

“Vadzidzi vakanyora bvunzo dzeA-Level vanofanira kuve nemufaro mukuru sezvo vakapasa zvikuru uye tiri kuita izvi apo tiri kufambisa chikamu chechipiri chechirongwa chekuvandudza dzidzo munyika, cheNew Curriculum, pachidanho cheEarly Childhood Development (A), Grade 1, Grade 3, Form 1, Form 3 neForm 5,” vanodaro.

Vana vakanyora bvunzo dzeA-Level mumwedzi waMbudzi 2016 vaive 41 549 kana zvichienzaniswa ne41 653 avo vakanyora mugore ra2015.

Muna 2015, huwandu hwevana vakabuda neGrade E kana zviri nani hwaive 38 873, izvo zvinopa chikamu che93.3% chehuwandu kana zvichienzaniswa ne38 924 chinove chikamu che93,7% chevakapasa gore rapera.

Zvakadai, huwandu hwevana vakanyora zvidzidzo zviviri kana kudarika muna 2016 hwaive pa33 139 kureva kuti hwakawedzera nechikamu che1,8% kubva pa32 550 vakanyora bvunzo dzimwe chete mugore ra2015.

Vadzidzi vakanyora bvunzo vakazvimiririra (private candidates) gore rapera vakapasa nechikamu che63,9% kana zvichienzaniswa ne63,7% muna 2015.

“Kuiswa kwemagiredhi ekupasa kwevadzidzi hakuna shanduko nekuti zvakangoramba zvakangofanana negore rapfuura takatarisa kupaswa kwezvidzidzo zvose zvakanyorwa,” vanodaro Professor Levi Nyagura, avo vanove sachigaro webhodi reZimsec.

Prof Nyagura vanoti vanasikana mubvunzo idzi vakapasa nechikamu che91,6% kudarika vanakomana, avo vakapasa nechikamu che86,4%.

Muna 2015, vasikana vakapasa zvakare nechikamu che90,5% vachikunda vakomana avo vaive pa85,4%.

Prof Nyagura vanoti vanasikana vakanyora bvunzo dzeA-Level dzegore rapera i14 610 apo vanakomana vaive 18 790.

Zvakadai, Dr Dokora vanoti vari kufara zvikuru kuti vadzidzi vakaremara mitezo nenzira dzakasiyana vakabudirira mubvunzo dzeA-Level.

“Sebazi, tinofara zvikuru kuti Zimsec yakakwanisa kunyoresa vana vakarema pabvunzo dzavo dzeA-Level zvikafamba zvakanaka, kusanganisira vanoshandisa braille neruvara rwakakura uye vadzidzi vemhando iyi vakapasa zvikuru pazvidzidzo zveDivinity.

“Zvakare, tinofara kuti bvunzo dzakanyorwa pasina nyaya dzekuburitswa kwemapepa ebvunzo nechikiribidi nguva yekunyorwa kwadzo isati yasvika. Saka tinozvitenda zvikuru nevana vakazvipira mubasa ravo,” vanodaro Dr Dokora. — The Saturday Herald.


CHISHONA CHAKANAKA

$
0
0

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: kwayedza@zimpapers.co.zw kana patrick.shamba@zimpapers.co.zw. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

* * *

MHINDURO DZESVONDO RAPERA:

1.         Kana chibage chatokonorwa zita rechinhu chichena chinosara panga pakabatira chibage chinonzi chii? – chiguri

2.         Kana ukadya bhonzo rine buri, mukati meburi munenge mune nyama yakapfava ine tufuta, inzonzi chii? – mongo

3.         Kana ukabva zino, panosara pave nei? – vende

4.         Kana musoro ukaguswa vhudzi rese unonzi chii? – baravara/muparavara/zuda

5.         Kana mhuka ikachekwa muswe yosara nechigwishu inonzi – chimhini

* * *

ZVAKABVA KUVANA:

Jessina Jarati, Form 4, Chiredzi Government School – Tsumo: 1. Apunyaira haashayi misodzi; 2. Chisi hachiyeri musi wacharimwa; 3. Chitsva chiri murutsoka; 4. Chinoziva ivhu kuti mwana wembeva

anorwara; 5. Kakara kununa hudya kamwe.

* * *

0775 888 546 – 1. kumuzukuru; 2. remhuru; 3. yedemhe; 4. wacharimwa; 5. mufambi wayo

* * *

Tatenda Bure, Manyame Park – 1. pamuzukuru; 2. remhuru; 3. yedemhe; 4. wacharimwa; 5. mufambi wayo

* * *

0785 643 249 – Tsumo: 1. Apunyaira haashayi misodzi; 2. Chisi hachiyeri musi wacharimwa; 3. Chitsva chiri murutsoka; 4. Chinoziva ivhu kuti mwana wembeva anorwara; 5. Kakara kununa hudya kamwe.

* * *

Shackman Ruka – 1. pamuzukuru; 2. remhuru; 3. yedemhe; 4. wacharimwa; 5. mufambi wayo.

* * *

Essybabes, Masvingo – 1. misodzi; 2. wacharimwa; 3. murutsoka; 4. anorwara; 5. kamwe

* * *

Tafara Masvaure, Grade 6, St Werburgh’s, Chigodora, Mutare – 1. nemuzukuru; 2. renyama; 3. yedemhe; 4. wacharimwa; 5. mufambi wayo

* * *

0774 274 335 – Mwana washe muranda kumwe.

* * *

0775 888 546 – 1. bungu/muguri; 2. mwongo; 4. vende; 4. baravara/zuda; 5. chimhini

* * *

0775 419 007 – 1. chigurinha; 2. mwongo; 3. vende; 4. muparavara; 5. chimhini

* * *

Sharon Phiri, Chegutu – 1. Chiguri; 2. mongo; 3. vende; 4. muparavara; 5. mhini

* * *

Shackman Ruka – 1. chiguri/bungu; 2. mongo; 3. vende; 4. zuda/baravara; 5. chimhini

* * *

ZVEKUITA SVONDO RINO:

Tipewo rimwe zita rezvinhu zvinotevera:

1.         Rwodzi –

2.         Nhava –

3.         Mbambaira –

4.         Gwere –

5.         Guti –

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Stanley asara musoro bedzi

$
0
0

Munyaradzi Gunduza—

SVONDO rino tinofambira mberi nekupedzisa mhenenguro yekupindirana kwemusoro webhuku nenyaya.

Eve anosangana nemavanga erudo paanobvisa pamuviri mushure mekunge apedza zvidzidzo zvake zveA-Level paGirls High. Muridzi wepamuviri anove Solo anomumanikidza kuti abvise pamuviri pakanga pakura zvekuti paigona kumuuraya.

Mavanga aya anorwadza Eve zvikuru, kunyanya patinoona achifunga nezvawo mushure mekunge azvirangarira achiudza Stanley paHoliday Inn, ndokutanga kupfikura kuchema.

Stanley anorohwa mbama padama naEve vari paHubert Court mushure mekunge aramba kurara naye achitya kubatira chirwere cheshuramatongo. Eve anotanga kupopotera Stanley achiti imbwa yemunhu nekuti aivenga zvaifarirwawo nevamwe varume. Anoenderera mberi nekurova Stanley nezvibhakera kumeso akamugara pamatunduru. Aya mavanga erudo rwakanga rwazvimba mumwoyo maEve asi Stanley achirwubata nezinyekenyeke. Madzvanga erudo akanga aita kuti Stanley apere muviri zvisingatsanangurike. Tinonzwa izvi Stanley paanotaura neshamwari yake Batsirai achibva kumba kwaEve achienda kuSearing Heights kwaaimhanyira kunoona Samson achiti akanga apera muviri nekuda kwekutsakatika kwaBeaula zvinove zvakaita kuti asare musoro chete.

Tinonzwa kuti Stanley akanga apera muviri sekutaurwa kwazvinoitwa naMoira paanoenda naBatsirai kunomuona kujeri reHarare Remand Prison achiti ainge apera kuita serutsanga chairwo. Eve anoonekwa akayangarara pamusoro pemvura yemutabhu akabaiwa nebanga kumusana uku mvura yacho riri ropa rega rega. Rufu rwaEve rwakakonzerwa nekuwirirana kwaakanga ave kuita naStanley. Zviri pachena kuti kufa kwaEve kwakakonzerwa nemavanga erudo aive pakati pake naSolo uye Stanley naBeaula.

Kupomerwa mhosva yekuponda Eve nekusungwa kunoitwa Stanley nemapurisa kunojekesa kurwadza kunoita mavanga erudo. Tinoona Stanley akakombwa nemapurisa ainge akawanda zvikuru ndokutakurwa achiendeswa kuCentral Police Station asati anomira pamberi pedare achitongerwa mhosva yekuponda. Izvi zvaikonzerwa nevanga rerudo raakanga asiirwa naBeaula uyo waaitsvaga paanosangana nematambudziko aya. Kusvibiswa kunoitwa zita raStanley nevemapepanhau pamwe chete neterevhizheni kunoburitsa pachena kuipa kwemavanga erudo akanga awira Stanley muzvinangwa zvake zvekutakanura Beaula muupambwa. Izvi zvinobuda Stanley paanopomerwa mhosva yekuponda Eve, nyaya yacho inonyorwa mumapepa nekuburitswa muterevhizheni uku zita rake richisvibiswa zvikuru nezvinhu zvaainge asina kuita.

Tinonzwa kuti Ropafadzo akanga aruma amainini vake chigumwe ndokuchisiya chave kuita sechichadambuka. Amainini vacho vakabva vatama pamba apa vachiti vaizodzoka kana Ropa ave munhu ane unhu hwakanaka. Aya aive mavanga erudo avakanga vasangana nawo.

Rudo rwaStanley naBeaula rwakasiya mavanga kuna Bhasopo uyo akapfurwa nepfuti pachipfuva ndokubva afa. Izvi zvakaitika mushure mekunge Bhasopo aonekwa achitaura nemuvengi, Stanley aive nechinangwa chekuronda mabasa ehutsotsi aiitwa nechikwata chaSolo naVheremu.

Stanley anoona nyeredzi paanokaviwa musoro naRobert vachirwa vari kuChriston Bank. Mushure mazvo Monya anokandira katabhuru kuna Stanley kachibva kanorovera kumadziro ndokutyoka. Aya akanga ari mavanga akasiiwa pana Stanley nekuda kwerudo. Monya anozosimudzwa makumbo ndokuwira pasi achinorovera nemuromo ndokutanga kurutsa doro nezvimwe zvaainge adya asati abhutsurwa neshangu padumbu. Kufunurwa kunoitwa ganda raStanley nepfuti yainge yaridzwa naVheremu kunomusiya ave nerimwe vanga rerudo. Vheremu anozorohwawo chibhakera chematsenganzungu naStanley ndokunowira pasi achibva akaviwa neshangu pakarepo ndokurutsa doro rakasangana neropa.

Zvisinei, akarohwazve nechibhakera pamuromo ndokutanga kujuja ropa. Zvese izvi zvaikonzerwa nerudo rwaStanley naBeaula rwakanga rwaita ukasha hwekusiya mavanga muvanhu. Stanley anopepuka ari pamubhedha muchipatara cheAvenues Clinic achirwadziwa nemusana zvakaomarara. Aya mavanga akanga akonzerwa nekupiswa kwaakaitwa nemoto achiedza kutakanura musikana wake, Beaula murimi remoto kuChriston Bank sekuziviswa kwaanoitwa nachiremba. Aya akanga ari mavanga erudo aimurwadza.

Tsumo nemadimikira namukanya

$
0
0

Mhinduro dzesvondo rapera: Zadzisa tsumo idzi:
1. China manenji hachifambisi chinomirira . . . acho kuti aonekwe (mavara).
2. Chawawana idya nehama . . . ane hanganwa (mutorwa).
3. . . . kunoda kwaamai kwomwana kunodzima moto (Kugocha).
4. Charovedzera charovedzera . . . rakakwira mawere kwasviba (gudo).
5. Tsapata rukukwe hazvienzani nekurara . . . (pasi)
* * *
Svondo rino:
Pedzisa tsumo dzinotevera:
Chiri pamuchena chiri . . .
Murombo haarovi . . .
Zano ndega akasiya jira . . .
Matakadya kare haanyaradze . . .
Mandikurumidze akazvara . . .
* * *
Mhinduro svondo rinouya.
. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Duramazwi

$
0
0

Chimombedzoka – Uku kuroorerana pakati pemhuri mbiri kuti ava vachiroora kwavamwe ivowo vachiroora kwavakaroorerwa.

MHINDURO yemufananidzo wesvondo rapera ndeinoti dindindi kana kuti matindindi.
Hedzinoi dzimwe dzemhinduro dzakabva kuvaverengi:
Inhedzi – Con, Chitungwiza.
Dindindi – 0773 507 232
Huvhe – Dumisani Matambo
Idindindi – Evelyn Patula, Fairbridge, Mutare.
Dindindi – Kufakunesu, Bulawayo.
Dindindi – Nyadawa Padenje, Uzumba.
Nyamadindindi/ngomayetsuro – Albertina Mai 2, Harare
Dindindi – Courage Tivafire, Kuwadzana 5, Harare.
Chidindindi – Lucia, Eastview Park.
Dhindindi – Mberi Zimuto, Seke.
Dindindi – R, Simiyawo.
Dindindi – Jayne Mvere.
Dindindi – Tinashe Chaponda, Shurugwi.
Matindindi – Valentine Ali, Mkoba 9.
Dindindi/nzeveyambuya – 0784 861 422.
Dindindi – Obey, Borrowdale.
Dindindi – Darlington Machino, Mutoko.
Dindindi – Collen Shonhiwa, Chirundu.
Matindindi – Robert Nyamukusa
Guve – 0717 041 642
Idindindi – Shalom, Epworth.
Dindindi – Calisto Gwidzima, Mutare.
Dindindi – Phillip Makoto, Vainona, Harare.
Nzouchuru – Muchaneta Chakala, Msasa, Harare.
Dindindi – Welliey Mudzuto.
Dindindi – Chatikobo, Chinhoyi.
Dindindi – Afred Mavhudzi.
Dindindi – Elder Huni, Chikanga.
Dindindi – 0718 338 302.
Dindindi – Ba master, 35 Gilwell, Southerton.
Idindindi – Amai Max, Mutoko Medium Density.
Matindindi – 0779 758 429.
Dindindi – Kudzi, Hunter, Mabvuku.
Dindindi – Upenyu Hollyman Mabeza, Guinea Fowl, Gweru.
Dindindi – 0777 180 366.
Huvhekuvhe – 0778 259 350
Nhedzi – Sekuru ‘Kulez’ Madhora.
Dindindi – Takawira Chiyani, Chi-town.
Dindindi – Irene Risinamwana, Harare.
Churu – Mrs Siamtshaka, Kadoma.
Ndindindi/chinzou – Shoriwa (Jr), Borrowdale Brookeview.
Dindindi – Pabllo Mabvuramiti, Borrowdale Brookview.
Dare/vandashuro (unogona kusangana netsuro pasi pahwo yakahwanda) – Panyere Victor, Southlea Park.
Dare – Bantu, Mbare, Harare.
Dindindi – Tawanda Kasanhai, Waterfalls.
Dindindi – S. Store, Harare.
Dindindi – Simba Mutemeri, Epworth.
Dindindi – Jeable, Chi-town.
Dindindi – Panganai Tome, Mutoko.
Dindindi – Munyaradzi C. Muzanenhamo, Meyrick Park.
Dindindi – Samuel Baba 2 Muzanenhamo, Marlborough.
Dindindi – Antony Bango, Waterfalls.
Dindindi – Denver, Glen View 7.
Huvhe – G Kukanga, Templeton, Banket.
Huvekuvhe – Thomas Musila, 78 Crowhil, Borrowdale, Harare.
Huvhekuvhe – Jennifer Ireen Zenda, Chiedza Street, Mvurwi.
Dare – Tinto, Mvuma
Dindindi/matindindi – Mr T, Banket.
Dindindi/nhedzi – Mai Marvellous, Jacha.
Dindindi – Mheta, Mabvuku.
Dindindi – Emily Mpamombe Zinyaka, Chehonye.
Dindindi – Daniel Mudzengi, Plot 17, Kentucky Farm.
Huvhe – 0772 668 475.
Huvhe – Dadjoe Jambwa.
Dindindi – Chiwondo, Eastview.
Dindindi – Lloyd ‘Mr Freshman, Pop’ Purumera, Mutoko.
Huve – Makina Promise, Murehwa.
Dindindi – Tafara Mawarire, Chiredzi.
Dindindi – 0771 885 903.
Nhedzi – Mai Kiki, Borrowdale.
Matindindi – Jasie JB, Chi-town.
Huvhe – 0783 750 825.
Hohwa danda – Mai Noku, Chitungwiza.
Huvhe – Blessing Mufote, Dema.
Matindindi – Brighty Kagona, Guruve Primary School.
Huvhe – Mtoko kuNyanga.
Nhedzi/matindindi – Manu Bhosvo, Marondera.
Dindindi – Mai Mirriam, Goromonzi.
Nhedzi – Nyamudahondo, Waterfalls.
Chindindi – 0785 918 724.
Matindindi – Bernard Dzinoreva, Zengeza 4.
Matindindi – Valentine Ali, Mkoba 9, Gweru.
Dindindi – Hwihwo, Manyame.
Dindindi – Big Boniey 100%, Waterfalls.
Nhedzi – Ambrose Muchenje, Jakata, Rusape.
Dindindi – Trust Dzimba, Beitbdridge.
Dindindi – Elvis Kina, Chiredzi.
Nhedzi – Robert James, Ngazimbi Village, Goromonzi.
Dari – Kabungaize, Chipinge.
Dindindi – N.M, Domboshava.
Chindindi/ngoma tetsuro – Kuku, Mutoko Centre.
Matindindi – Lancy Zengeza.
Dindindi – Lytania Deleane Chiyangwa, Chi-town.
Dindindi – Trust Muchakadzi, Chivake School.
Dindindi – T. Farai Muchakazi, Wedgeon 5A, Chivake, Gutu.
Huvhe – Madisc, Epworth.
Dindindi – Bonnie, Mvuma.
Huvhe – Lynn Noku Sithole.
Dindindi – Elvis Kina, Chiredzi.
Dindindi – Natasha Mushandu, Makomo Primary, Epworth.
Nhedzi – Andrew Muyanga, 8866 Ruvimbo Phase 2, Chinhoyi.
Dindindi – Stephenson Mhindurwa, Murehwa.
* * *
Shiri iyi yakareba kwazvo, uye inouraya nekudya nyoka kana dzimwewo shiri. Inouraya nekudzitsikatsika nemakumbo ayo marefu. Inonzi chii? Vatatu vekutanga kugona zita reshiri iyi vachazviwanira mibayiro kubva kuKwayedza.
* * *
Onai mhinduro svondo rinouya.
. Tumira mhinduro panhare dzinoti 0714 200 007.

CHISHONA CHAKANAKA

$
0
0

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: kwayedza@zimpapers.co.zw kana patrick.shamba@zimpapers.co.zw. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.
* * *
MHINDURO DZESVONDO RAPERA:
Tipewo rimwe zita rezvinhu zvinotevera:
1. Rwodzi – gavi
2. Nhava – homwe
3. Mbambaira – bura
4. Gwere – chibage/barwe/chibahwe
5. Guti – gore
* * *
ZVAKABVA KUVANA:
Kachere, Mutoko – Mazwi anoreva zvakafanana: 1. rwodzi – gavi; 2. nhava – hombodo; 3. mbambaira – madimba; 4. gwere – shoroma; 5. guti – gore.
* * *
Knowledge Bell, Marondera – 1. gavi; 2. nhovo; 3. mabura; 4. chibage; 5. makore.
* * *
Obey, Borrowdale – 1. bote; 2. hombodo; 3. dima; 4. chibage; 5. gore
* * *
Priviledge Saravenga, Mufakose – 1. gavi; 2. bhegi; 3. mabura; 4. chibage; 5. gore
* * *
Lesley Chimombe, Southlea Park, Harare – 1. gavi; 2. hombodo; 3. mabura; 4. chibage; 5. kutibikira
* * *
Timothy Chigwizura – 1. rwodzi – bote kana gavi; 2. nhava – gudza; 3. mbambaira – madima kana mabura; 4. gwere – chibage; 5. guti – makore
* * *

Knoweldge Bell, Marondera – Tsumo nemadimikira: 1. Chinamanenji hachifambisi chinomirira mavara acho aonekwe; 2. Chawawana idya nehama mutorwa ane hanganwa; 3. Kugocha kunoda kwaamai kwomwana kunodzima moto; 4. Charovedzera charovedzera gudo rakakwira mawere kwasviba; 5. Tsapata rukwekwe hazvienzani nekurara mugota.
* * *
Mr Kachere, Mutoko – Tsumo nemadimikira: 1. mavara; 2. mutorwa; 3. kugocha; 4 gudo; 5. pasi.
Blessing Dube, Form 4, St Joseph Tongoona High School, Zaka, Masvingo – 1. mavara; 2. mutorwa; 3. kugocha; 4. gudo; 5. pasi
Samson Ngwarai, Grade 7, Chipezeze School, Jerera, Zaka – 1. mavara; 2. mutorwa; 3. kugocha; 4. gudo; 5. pasi
* * *
Lesley Chimombe, Southlea Park, Harare – 1. mavara; 2. mutorwa; 3. kugocha; 4. gudo; 5. pasi * * *
Manyara Falnando, Hatfield – 1. Chinamanenji hachifambisi chinomirira kuti mavara acho aonekwe; 2. Chawawana idya nehama mutorwa ane hanganwa; 3. Kugocha kunoda kwaamai kwomwana kunodzima moto; 4. Charovedzera charovedzera gudo rakakwira mawere kwasviba; 5. Tsapata rukukwe hazvienzani

Tinopa vana vose mukana – Dokora

$
0
0

GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti bazi ravo rine chirongwa chekuti vana vari kunzvimbo dzakagariswa vanhu patsva neHurumende vawane mukana wekudzidza zvisinei nehushoma hwavo.

Dr Dokora vakataura mashoko aya mudare reSenate nguva yadarika apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weMatabeleland South, Senator Tambudzani Mohadi, avo vaida kuziva zviri kuitwa neHurumende kuti vana vari kunzvimbo dzakagariswa vanhu patsva vawanewo mukana wekudzidza.

Sen Mohadi vanoti vamwe vanhu vakagadziriswa patsva vari kure nakure zvakanyanya izvo zvinoita kuti dzimwe nguva pave nechikoro chimwe chete.

Sen Mohadi

Sen Mohadi

“Regai ndipe muenzaniso wechikoro chiri kuBeitbridge chinonzi Chonzeni. Munzvimbo yakagariswa vanhu patsva iyi, ine mhuri 23 dzinogaramo. Vane chikoro chine vana 30 chete.

“Saka nekudaro, pane murairidzi mumwe chete anodzidzisa Grade 1 kusvika Grade 7. Mungatitsanangurirewo here kuti zvikoro zvakadai zvinoshanda sei?” vanodaro Sen Mohadi.

Dr Dokora vanoti Hurumende ine hurongwa hwekuti vana vose, kusanganisira vari kunzvimbo dzakagariswa vanhu patsva, vawane mukana wekudzidza.

“Kazhinji tinoziva dzidzo iyo vana vanoenda kuchikoro kunodzidza zvakazara (formal education). Asi kune imwe nzira zvakare yekuti vana vawane fundo muZimbabwe (non-formal education).

“Pasi penzira iyi, tinoona mudzidzisi mumwe chete kana vaviri vachifundisa magwaro akasiyana, kungava kupuraimari kana kusekondari. Kana kuri kupuraimari, mhando yedzidzo yakadai inosanganisira kufunda munhu ari kumba (correspondence),” vanodaro Dr Dokora.

Vanoenderera mberi vachiti: “Kudzidza nekoresipondenzi kana kuti Open Distance Learning (ODL) kunoitirwa mudzidzi anenge ari kwake oga. Nemamwe mashoko, tiri kuti hazviite kuti maticha mana kana mashanu ange achiendeswa kuti anodzidzisa vana 15 kana 30.

“Saka pakadai tinotumira murairidzi mumwe chete kana vaviri avo vanenge vachishanda sema‘centre co-ordinators’,” vanodaro Dr Dokora.

Vanoti varairidzi vakadai vanowana zvekushandisa kubva kubazi ravo.

“Tine chikamu chinoshanda zvikuru cheCurriculum Development and Technical Services Department. Saka varairidzi vakadai vanotora zvekushandisa kubva kwachiri vachidzidzisa vana vashoma vakaita sevari kunzvimbo dzakagariswa vanhu patsva neHurumende.

“Vana vakadai vanozokwanisa kunyora mazamanishoni pazvikoro zvakanyoreswa zviri pamutemo uye zviri pedyo navo,” vanodaro Dr Dokora.

Kutyorwa kunoitwa kodzero dzevanhu

$
0
0

Munyaradzi Gunduza —
SVONDO rino tinoenderera mberi nekupedzisa mamwe madingindira anowanikwa munyaya iyi.

Dzidzo:
Stanley ainge aita shungu dzekuti adzidze paakaenda kuPorta Farm kwaiendeswa vanhu vaigara munzira dzemumaguta ndokuzonoita zvidzidzo zvake zvepamusoro kuUZ. Anobudirira zvikuru muzvidzidzo zvake ndokutora madhigirii kusanganisira reMasters of Business Studies. Anotanga kurarama upenyu hwakanaka kupinda hwairaramwa neshamwari dzake dzaakakura nadzo vachigara munzira dzemumigwagwa yeHarare dzakaita savanaKuda naTinos, avo vainge varamba chikoro mushure mekutiza kuPorta Farm vachidzokera mumigwagwa.

Beaula ainge adzidza dhigirii reAccountancy iro rakamuwanisa basa rekuve odhita. Huodhita uhwu ndihwo hwakaita kuti azotapwa nematsotsi aiba mari paC and T Private Limited mushure mekunge kambani yaaishandira yashevedzwa ipapo kuti iite ongororo yezvemafambiro akaita mari yakashaikwa. Dzidzo inoburitswa ichiratidza kuti yakanaka sezvo yainge yashandura upenyu hwaStanley, Beaula, Batsirai naMoira avo vainge vaita zvidzidzo zvemadhigirii paUZ uye vave kugarawo upenyu hunoyemurika.

Vanhukadzi:

Dingindira revanhukadzi rinoburitswa nenzira dzakasiyana-siyana. Vanhukadzi vanoburitswa vachitapwa nekuda kwehunyanzvi hwavo hwekugona basa sezvakaitwa Beaula nechikwata chaVheremu naSolo. Vanhukadzi vanobuda vachiwirwa nematambudziko akaita sekurohwa nekupomerwa mhaka semukadzi anosangana naStanley pana Angwa Street achirohwa mbama nemurume pamwe chete nekurambirwa vana vake.

Vanhukadzi vanoburitswa vachiuraiwa nevanhurume kunyangwe zvazvo vanenge vasina mhaka sezvakaitwa Eve uyo anopondwa naMonya. Vanhukadzi vanoburitswa vachivengana sezvaiitwa naRopafadzo namainini vake vakanga varwisana kusvika Ropa ava kuda kubvisa mainini vake chigunwe.

Mudzimai waSolo anorohwa neshangu naEve ukuwo ndokuzokutsanirwa naSolo naEve. Izvi zvinoratidza kusabatana kunoita vanhukadzi dzimwe nguva.

Vanhukadzi vanoburitswa vachiratidzira senzira yekushoropodza mhirizhonga yemudzimba pamwe chete nekutyorwa kwekodzero dzavo. Izvi tinozviona zvichiitwa nevakadzi vanenge vari pana Angwa Street vanotanga kuratidzira mushure mekunge mumwe wavo arohwa nemunhurume kuburikidza nekusanzwanana kwavaiita mumba. PaHubert Court tinoona pakaungana vanhu pachivanzi chese vachiratidzira mushure mekunge mumwe wavo Eve afa ambobatwa chibharo uye kuzopondwa ndokusiya akabaiwa nebanga.

Kutyorwa kwekodzero dzevanhu:

Murungano urwu tinoona vanhu vakawanda vachishaiswa kodzero dzavo nekuda kwehutsinye hwevamwe vatambi. Kodzero dzaBeaula dzekugara zvakasununguka tinoona dzichityorwa nechikwata chaSolo naVheremu mushure mekunge atapwa ndokuiswa muhusungwa.

Kodzero dzemudzimai waVheremu dzinotyorwa naStanley paanopinda mumba mavo kuHighlands achimudzipa kusvikira ave kuda kufenda, kumurova mbama nekurova mwana wake chibhakera chepamuromo.

Monya nevamwe vake vanotyora kodzero dzevatambi vakawanda vakaita saSamson, aive gadhi wepaSearing Heights wavanosiya vauraya ari pabasa, Eve wavanouraya vosiya vamukanda mutabhu vakamubaya nebanga kumusana. Solo naEve vanotyora kodzero dzemudzimai waSolo kuburikidza nekumurova vari vaviri.

Stanley anotyora kodzero dzaBhasopo paanomudzvinya muromo ndokumushonyorora muviri wake achida kuti amuudze kwaive naBeaula waaitsvaga. Monya anotyora kodzero dzaBhasopo paanomupfura nepfuti. Murume anosangana naStanley achienda kuCentral Police Station pana Angwa Street anotyora kodzero dzemukadzi wake kuburikidza nekumurova mbama.


Kurunga mutauro

$
0
0

Ticha Danga —
PAYA patinenge tichironga kugadzira kubika husavi, tinotoda kutoziva kuti husavi hwatinoda kubika uhu chii chahunoda kuti hugozipa sezvahunofanirwa kuita. Kana riri derere, tinoziva kuti rinodiwa nekatoronga padivi kuti rinake.

Tinozivazve kuti muboora kana kuti mutikiti unoda mutyora kana soda kuti unyatsopfava.

Kana tikasatevedzera zvose izvi, zvinoreva kuti muriwo iwoyo hauzonaka sezvaunotarisirwa. Unenge usisina kudzana kana kukora sezvaunofanirwa nekudaro vaenzi vakaupiwa havazoufariri zvakare mune ramangwana.

Ndizvo zvimwe chete nemutauro wedu wechiShona. Tinofanirwawo kuziva zvinodiwa kuti mutauro uyu ugotapira nokuzipa sohuchi hwegonera.

Naizvozvo tinofanirwa kuurunga zvokuti vanotinzwa tichiusvisvina, chero vari vekunze kwenyika, vanonzwawo chidokwadokwa chekuti dai vangougonawo. Zvinotosvika pakuukoshesa mutauro iwoyo zvekuti haunyari kuutaura kana pakazara vanhu.

Zvino tingaita sei kutimutauro uyu ugotapira? Tinofanirwa kuunganidza twese twunogona kukoresa mutauro uyu tigotwusanganisa zvine mwero.

Kune twakawanda twunodiwa kuti mutauro upfume. Tinogona kupfumisa mutauro netsumo, madimikira, nyaudzosingwi, zvipauro, fananidzo nefananidzosiri.

Zvirungamutauro izvozvo ndiwo musimboti wekuvaka mutauro wakasimba uye wakadzama. Kana dziri tsumo, dzinopinda pakawanda apo dzinoshandiswa kuraira kana kutsiura. Tinodzishandisa muzvinyorwa zvedu kana mukungotaura hedu.

Tsumo dzinonyatsoshanda kana toda kuburitsa kukosha kwechinhu. Ukanzwa vakuru vachiti, “Vimba nechako chimwango chekukumbira hachina ndima”. Vanenge vachida kuti iwe unyinde nezvako kwete kuzvitutumadza nezvevamwe.

Kutaura kwakadai kunowanzoitwa nevakwegura vachiraira vachangobva zera kana vachangobuda mugota kana munhanga. Zvinotaurwa nemutoo wekuti iwe haukanuki asi kuti unotogutsurira.

Zvikomana nezvisikana zvichangoyaruka ndizvo zvoda kurovera musoro nguva nenguva nekuti nyika inenge ichakavadzvokora zvekuti kudzikama chaiko imwewo nyaya. Ndipo paunonzwa vakuru vachiti, “Ubatebate hunoparira”. Uku kuedza kuraira vana kuti vasangobatabata zvose zvavasangana nazvo nekuti vanogona kutatapurana nezvakati tende. Uku kudzidzisa vana kudzikama kana kutsigisa hana.

Vabereki vaya vanoda kuti vana vavo vagoita zvakanaka mubvunzo dzavo dzekupera kwegore havamirire kuti vazovaraira nekuvayambira nguva dzaenda, kana kuti bvunzo dzonokwana. Vanovaraira nguva ichipo vachivaudza kuti, “Mvura yembambavara tiza ichiri kure”. Uku kuyambira mwana kuti anzvengane nekukundikana nguva ichiripo. Panogona zvakare kunzi, “Akupa badza ati udye.” Anetenge akubaira zanhi.

Kana mwana achinge akaneta abva kuchikoro oda kuregedza kumbobata bhuku unonzwa vakuru vachiti, “Atswinya arwa mwanagu” vachiedza kukurudzira kuti chingobatabata zvishoma hazvo zvinokubatsira remangwana.

Kana zviri zvinyorwa tinoshandisa tsumo zvakare apo tinogona kutangisa nhanganyaya dzerondedzero. Tikatanga rondedzero netsumo tinenge tagona kukwezva mukwenyi kuti aise pfungwa dzake pabasa raakatarisana naro. Zvinoita kuti atapirirwe kuti goho rigodururwa.

Kutanga rondedzero netsumo kunodudza kuti munhu akarongeka uye anoziva zvaanoita. Tingatora muenzaniso wekuti, “Zviro kwazvo chakange chatorovedzera zvekurovedzera zviya zvekukwidza gudo mawere kwasviba.” Zvoreva kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka.

Ukati “Nayave ndakange ndaibopa nekumuswe” zvoreva kuti wakange waita zvinhu zvisiri izvo uye zvisati zvaonekwa.

Dingindira rehosha

$
0
0

Munyaradzi Gunduza —
9. RATIDZA maburitsirwo edingindira rezvirwere navananyanduri vashanu vari muna Mutakunanzva Wenhetembo. Ita izvi uchishandisa nhetembo imwe chete pana nyanduri wega wega wawasarudza. [25]

Nhetembo dzacho dzinosanganisa; Gomarara naLiveson Tatira, Ndadyiwa rutivi naNorlan Makwarimba, Ndokuudzai seiko? naTineyi Chipise, Imotai? naPrimrose Nyangoni uye Munondinakira ini Shuramatongo naDavid Major.

Mudetembo raLiveson Tatira rinonzi Gomarara, anoti mazuva ano chirwere chegomarara chave kubata vanhu vemazera akasiyana-siyana sepaanoti, “Nhasi uno gomarara harichina zera, robata pwere nendumure.” Nyanduri anoti chirwere chegomarara chiri kutambudzawo chero vana vadiki sepaanoti, “Ndumure dzichangobva kuyamwa, dzoyamwiwa naro gomarara.”

Detembo repiri rinobva kuna Norlan Makwarimba richinzi Ndadyiwa rutivi. Nyanduri anoti abatwa nechirwere cheshuramatongo sepaanoti, “Wanike chakapedzambudzi chandisiira rumborera.” Nyanduri anoti ari kurwara zvekuti ropa mumuviri make harichanyatsofambi zvakanaka sepaanoti, “Rangu ropa kurinzwa serakatogwamba zvaro kare.”

Nyanduri Tineyi Chipise kubva mudetembo rake rinonzi Ndokuudzai seiko?, anoti ave kushungurudzwa nechirwere chemukondombera sepaanoti, “Utano handichisina, hwakabvutwa nechakapedzambudzi.” Nyanduri uyu anoti akazvitsvagira ega chirwere cheshuramatongo nekuti aive neruchiva sepaanoti, “Mhedziso yacho ndiyoyo nekuti ndaisada kupfuurwa.”

Mudetembo rinonzi Imotai?, nyanduri Primrose Nyangoni anoti chirwere chegomarara chinoda kukasikirwa kuti chirapike sepaanoti, “Vanamazvikokota vakati rinoda richangotanga gomarara.” Nyanduri anoti chirwere chegomarara chikanyanya kukura chinouraya sepaanoti, “Parakazomera muurozvi rakava bongozozo romene, pasina nguva ndiye chisarai.”

Ndasarudza detembo rekugumisira kubva kuna David Major rinonzi Munondinakira ini Shuramatongo, anoburitsa chirwere cheshuramatongo chichiti chinouya nezvirwere zvakawanda kuzoparadza upenyu sepachinoti, “Ndakugarai zvangu madunduru, vanamanyoka, gosoro navanafuruwenza vandinotuma zvangu vozokupedzisai.”

Chirwere cheshuramatongo chinoti chinoparadza chero nevakaroorana vakachata sepaanoti, “Kana musvitsa chaimo ini ndinogugudza!”

10. Kubva munhetembo nhatu dziri muna Mutakunanzva Wenhetembo dzakanyorwa navananyanduri vakasiyana, tsanangura matambudziko mana anosangana nevanhu vari kuenda kunze kwenyika anoburitswa mudetembo rega rega. [25]

Nhetembo idzi dzinosanganisa; Handichakwanisi kudzoka naFrancis Matambirofa, Mafungireiko iwaya? naToyindepi M. Musiyiwa uye Ndiri kuno kunze kwenyika naLiveson Tatira.

Detembo rekutanga ndarisarudza kuna Francis Matambirofa, rinonzi Handichakwanisi kudzoka, anoti vanhu vanogara kunze kwenyika vari kusangana nedambudziko rekufirwa nevabereki vasipo sepaanoti, “. . . kareko ndakatambira rokuti vose, mai nababa kumusha hakuchisina.” Nyanduri anoti vanhu vari kunze kwenyika vanosangana nedambudziko rekurwarirwa vasipo sepaanoti, “Shoko ndakarinzwa rokurwara zvakaipisisa kwambuya VaChihwani.” Nyanduri anoti kunze kwenyika kunoshandwa zvakapfurikidza uye kuchitamburwa sepaanoti, “Kwaive kusaziva nokuti kuno ibasa chete, shamwari yenhamo.”

Detembo rechipiri tinoripiwa naToyindepi M. Musiyiwa richinzi Mafungireiko iwaya?, anoti vanhu vari kuenda kunze kwenyika vari kunoitiswa mabasa asina maturo sepaanoti, “Vanopoya kuenda mhiri kwavanonoita zvavo vanamatanyera.” Nyanduri anoti vanhu vanoenda kunze kwenyika vari kushandiswa zvakapfurikidza pasina zororo sepaanoti, “. . . asi zvino hope havachina, vovatiroshanda sevaroyi.” Nyanduri anoti vanhu vanoenda kune dzimwe nyika vari kupiwa mari shoma yekunze sepaanoti, “. . . vavariro iri iyo pondo yemaBritish.” Nyanduri anoti vanhu vanoenda kunze kwenyika vari kunoitiswa mabasa anosemesa sepaanoti, “Vachiyinamura yakaora hobho tsvina.”

Mudetembo rinonzi Ndiri kuno kunze kwenyika, nyanduri Liveson Tatira anoti ari kupedza simba achisimudzira nyika yevanhu vasingamude sepaanoti, “Dikita rangu roperera pasina ndichivaka nyika yavanondisema.” Nyanduri anoti haana zororo, anenge achingotsvaga upenyu sepaanoti, “Ndinongopambara siku nesikati kuti ndiwane pundutso.” Nyanduri ari kurwadziwa nekugara kunze kwenyika nekuti vana vake havasisina anoriritira sepaanoti, “Mapudzi andakasiya kumusha haachisina anodiridzira.”

Nyanduri anorwadziwa nekuti pfuma yaanotumira ari kunze kwenyika kuti iendese vana vake kuchikoro iri kushandiswa kudzidzisa vana venhume sepaanoti, “Kutuma mari yawo yechikoro yopinza vana vevakangwara.”

New Curriculum: ‘Totangira papi?’

$
0
0

— ‘Hatina mabhuku, makombiyuta’

— ‘Zvikoro zvekumaruwa zvoita sei’

 Muchaneta Chimuka —
MASANGANO anomirira varairidzi anoti hurongwa hwekufambiswa kwegwaro idzva redzidzo muzvikoro, reNew Curriculum, huri kusangana nezvimhingamipinyi zvakasiyana izvo zvinosanganisira kushomeka kwezvekushandisa zvevana nezvevarairidzi zvakaita semabhuku ekuverenga.

Kwayedza yakaita ongororo muzvikoro zvine chitsama zvemuHarare neChitungwiza ndokuita hurukuro nemasangano anomirira varairidzi pamwe chete nevana vechikoro nevarairidzi vacho avo vose vari kuchema-chema nekuda kwemafambisirwo ari kuitwa chirongwa ichi.

Munyori mukuru wesangano rinomiririra varairidzi, reProgressive Teachers Union (PTU), VaRaymond Majongwe, vanoti chirongwa ichi chiri kusangana nezvimhingamipinyi zvine chitsama.

“Chirongwa ichi chakaunzwa zvikoro zvisati zvagadzirira uye zvinorwadza kuti kana ivo vadzidzi nematicha vose havatozivi kuti zvii zvinodiwa kuti vafambise dzidzo yavo zvakanaka. Saka hatisi kuona chiedza nokudaro zvave kuda kuti tichigara pasi, tione kuti zvii zvingaitwe nekukasika mukugadzirisa dambudziko iri risati radzika midzi mudzidzo yevana veZimbabwe.

“Zvave kuda kuti tizviite nechimbichimbi sekuvhara denga mvura isati yanaya,” vanodaro VaMajongwe.

Mashoko avo anotsigirwa nachamangwiza wesangano reZimbabwe Teachers Association (Zimta), VaSifiso Ndlovu, vachiti zvikoro zvakawanda hazvina zvekushandisa pasi pechirongwa chitsva ichi.

“Zvimwe zvikoro zvedu zvakagara zvisina zvekushandisa semakombiyuta kana zvivakwa zvacho. Saka kuunzwa kwechirongwa chitsva chedzidzo watove mutoro pamusoro pemumwe mutoro wakagara uripo.

“Zvakare, zvichadhurira vabereki nekuti vachagumisira vave kunzi vatenge zvimwe zvinhu zvinodiwa. Saka tinokurudzira Hurumende kuti itsigire dzidzo kuti mwana wose ange achiiwana pasina kudhurirwa nekuti kunyangwe bumbiro remutemo wenyika rinoti mwana wese ane kodzero yekuwana dzidzo pasina rusarura,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Kana ivo varairidzi chaivo havasati vawaniswa sirabhasi yacho nekuti Hurumende yakaendesa ari ma‘soft copy’ paindaneti. Saka idambudziko kuvarairidzi vasina indaneti kana makombiyuta acho, zvikuru vekumaruwa nevamwe vari mumaguta.

“Zvave kuda kuti tigare pasi titaurirane kuitira kuti tione kuti zvine chiedza here nekuti zvinhu izvi zvinoda mari uye varairidzi vakawanda vanofanira kupinda muzvirongwa zvavanofundiswa nezvezvidzidzo zvitsva izvi.”

Zvakadai vamwe varairidzi vakaita hurukuro neKwayedza — avo vakakumbira kuti mazita avo asaburitswe nekuda kwemutemo webasa — vanoti havasi kuziva kuti votangira papi nechirongwa ichi.“Kutaura kudai tiri kutoshaiwa kuti vana vechikoro totangira papi kuti tivadzidzise nezveNew Educational Curriculum nekuti mabhuku acho hatina, kana midziyo yekuti tinge tichivafundisa mabasa emaoko. Pamusoro pezvose, hatisati tawaniswa sirabhasi yacho nekuti hatisati tava nemakombuyuta asi bazi rezvedzidzo rinoti rakaisa padandemutande reindaneti.

“Saka tiri kuomerwa sevarairidzi kunyangwe vadzidzi vave kutotyirawo kuti temu inogona kupera pasina chavadzidza zvisinei nekuti vakazarura chikoro vaine mufaro wekuti vagodzidza zvitsva,” anodaro mumwe murairidzi wepane chimwe chikoro chiri kwaSeke.

Vamwe vana ndivo vari kuchema-chema kuti havana magetsi muzvikoro zvavo zvisinei nekuti makombiyuta acho ariko.

“Isu pachikoro pedu tine makombiyuta akawanda kuti titangise zvidzidzo zvesainzi. Asi magetsi ndiwo asati aiswa saka idambudziko guru,” anodaro mumwe mudzidzi wepane chimwe chekuChitungwiza.

Mukuru wechikoro cheB and P Study Centre High School, kuChitungwiza, VaEmmanuel Thilli, vanoti pachikoro pavo vari kufara kuti vakakwanisa kutenga zvose zvinodiwa, kusanganisira makombiyuta anokwanirana nevana. Vadzidzisi vavo zvakare vakafundira zviri kudiwa pasi pechirongwa chitsva ichi.

“Danho rakatorwa neHurumende rekuti vana vafundiswe zvitsva zvinova zvinovabatsira muraramo yavo yemangwana isu pano takaritambira nemawoko maviri. Takatotanga kufundisa vana zvidzidzo zvegwaro idzva nekuti takaona zvichifambirana nechirongwa cheHurumende cheZim-Asset,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Tatova pamberi nekuti tine library ine mabhuku ese anodiwa uye makombiyuta nenzvimbo dzekufundira mabasa emawoko. Mabasa akaita sekusona, kuvaka, kurima anobatsira vadzidzi kuti vana vazokwanisa kuzvishandira pavanopedza chikoro.”

Dingindira rehuori

$
0
0

Munyaradzi Gunduza —-
11. SARUDZA vananyanduri vana vari muna Mutakunanzva Wenhetembo vanonyora nezvedingindira rehuori. Zvino chitsanangura zvinotaurwa maererano nehuori mudetembo rega rega rawasarudza. [25]

Ndasarudza nhetembo dzinoti; Kumaruva kwedu naAlouis T. Sagota, Mutsvene ndiani? naToyindepi M. Musiyiwa, Kuvachairi vemakombi naNyevero Maruzani uye Chiremera chakatiremera kubva kuna Francis Matambirofa.

Mudetembo raAlouis T. Sagota rinonzi Kumaruva kwedu, anoti vamiririri venharaunda yavo vari kuita huori kuburikidza nekutsvaga mari nemazita everuzhinji vanotambudzika sepaanoti, “Vationa mifananidzo yedu ketye votora kuti vagonopemha kuwedzera pfuma yavo nehwedu urombo.” Nyanduri anoti rubatsiro rwavanopiwa sevanhu venharaunda harwusi kusvika mumaoko avo sepaanoti, “. . . netsitsi vobudisa dzisingasviki mangwana pasuro.” Nyanduri anoti zvinhu zvenharaunda zviri kudyiwa nevamiririri venzvimbo chete sepaanoti, “Pasuro dzinoenda kwasabhuku, kwadzinogoverwa nekuperera.”

Mudetembo rechipiri rinobva kuna Toyindepi M. Musiyiwa rinonzi Mutsvene ndiani?, anoti vana vechikoro vave kuita mhirizhonga pamusoro pehuori huri kuitwa nevatungamiri venyika sepaanoti, “Vadzidzi havo bongozozo mumasitiriti nekuti vatungamiri venyika voparadza nyika nehuori.” Nyanduri anoti vanhu vakawanda havachadi huori huri kuitwa nevatungamiri venyika sepaanoti, “Maticha, magweta, marekichara, mapoka endudzi nendudzi vatomisa michinjikwa kuti varoverere vatungamiri.” Nyanduri anoti huori chirwere chinoparadza nyika sepaanoti, “Chokwadi iri idenda rinoodza musha.”

Kubva muna Kuvachairi vemakombi, Nyevero Maruzani anoti vanhu vemutemo vari kupiwa vharamuromo mumigwagwa sepaanoti, “. . . nechiokomuhomwe chenyu yenyu miromo yavharwa.” Nyanduri anoti huori huri kuita kuti mhosva dzevanhu vanofamba nemakombi dzitsikwe-tsikwe sepaanoti, “Mhosva yomutyairi yavharwa nemari yefufuro?” Nyanduri anoti huori huri kukonzera kuti vanhu varasikirwe neupenyu mumigwagwa sepaanoti, “Vanhu vose vari mukombi vofira mari yefufuro?”

Francis Matambirofa mudetembo Chiremera chakatiremera, anoti vemutemo vava kusiya vanhu vane mhosva nekuti vanenge vachipiwa mari sepaanoti, “Mapurisa, haiwa, ane mari nyangoikoromora, mugonyei?” Nyanduri anoti mukuferefetwa kwedzimhosva mave nehuori sepaanoti, “Nhasi vafeyi nevafeyewi unovawana vachiravana mikombe mumabhawa.” Nyanduri anoti nhasi uno mabasa echiokomuhomwe aishoreka kare awandisa uye zvava kunetsa kuti abve muvanhu sepaanoti, “. . . uori nokuparara kwerudzi zvapfunya chisero.”

12. Vananyanduri vari muna Mutakunanzva Wenhetembo vanofarira kunyora vachinyunyuta.

Sarudza nhetembo shanu dzakanyorwa navananyanduri vakasiyana ugotsanangura kuti vanonyunyuta nezvei munhetembo yega yega. [25]

Ndawana nhetembo idzi; Ndakushayai amai naBetty Mpofu, Tinoda ruyamuro Mwari naNorlan Makwarimba, Ndinongonzi nyarara naAbel Mauchi, Mwana wanhasi naTineyi Chipise uye Ndiri chiiko mwanasikana? naPeter Marimi.

Mudetembo raBetty Mpofu rinonzi Ndakushayai amai, anonyunyuta kuti amai vake vave kukoshesa kutsvaga mari vachitadza kumupawo rudo rwaanoda sepaanoti, “Iyo mari chaiyo ingaita amai vangu here?”

Nyanduri anonyunyuta kuti asuwa rudo rwamai vake sepaanoti, “Ndinoshuvira kubata rwaamai vangu ruoko.”

Kubva mudetembo raNorlan Makwarimba rinonzi Tinoda ruyamuro Mwari, anonyunyuta achiti chipfambi chanyanyisa sepaanoti, “Takomberedzwa neruzhowa rweupombwe.” Nyanduri ari kutsutsumwa kuna Mwari achiti vanhu vava kupfeka mbatya dzinosiya miviri pachena sepaanoti, “Zvipfeko zvopfekwa kwave kushambadza zvakavanzika.”

Detembo retatu nderaAbel Mauchi rinonzi Ndinongonzi nyarara, anotsutsumwa nekuti kushaya dzidzo kwake kwava kuita kuti asave nechiremera sepaanoti, “Kusadzidza kwandiparira, handina rukudzo rwandinopiwa panyika.” Nyanduri anonyunyuta kuti ari kushanda zvakapfurikidza sepaanoti, “Nhasi basa hariperi kwandiri masikati nousiku, ndichatsvukira.”

Mudetembo rinonzi Mwana wanhasi, Tineyi Chipise anonyunyuta pamusoro petsika dzemazuva ano dziri kuita kuti vanhu vasaremekedzane paukama sepaanoti, “Vatezvara voitwa zvavo babamudiki.”

Nyanduri anonyunyuta nekuti mazuva ano pwere dzava kutsvagawo bonde sepaanoti, “Bonde nhasi rozibwa nechana chine mukaka pamhuno.”

Ndinopedzisira nedetembo raPeter Marimi rinonzi Ndiri chiiko mwanasikana? Nyanduri anonyunyuta nekusawaniswa mukana wakakura wekuti aende mberi nechikoro sepaanoti, “Chomwanasikana chikoro chinoguma ndisina chitupa.”

Nyanduri anonyunyuta nekugarwa nhaka nemunhu akura zvakanyanyisa kumudarika sepaanoti, “Kana yauya nhaka, chigaramapfihwa, ndinopiwa dana rine zera nababa vokubereka.”

Chii chinonzi bvuri?

$
0
0

MUBVUNZO:

Sekuru chinonzi bvuri chii? Uye rinosundidzirwa pamunhu zvinenge zvafamba sei?

Rinokonzeresei pamunhu uye zvinoitwa sei kuti bvuri iroro ribve pamunhu?

MHINDURO:

Bvuri mweya wakaipa unounzwa kubudikidza negodo neshanje kana hutsinye. Ishavi rinoparadza zvakanaka zvevanhu. Uku kushandiswa kwesimba remufi uyo anenge atorerwe simba rake.

Mweya wemufi unogona kutorwa, wopidigurwa nemishonga usati waturikwa pauri, wako mweya mutsvene wochishandiswa.

Simba rako raunenge watorerwa ndiro rinenge roshandiswa nevanhu vanoita zvakaipa seSatanism kuita upfumi kana mamwe masimba avanoda.

Pavanosundidzira bvuri iri, ivo vanenge watotora simba remweya wako saka iwe wotizwa nezvose zvakanaka seupfumi.

Vamwe vanoberekeswa bvuri havaroore kana kuroorwa, havaite upfumi kana kugara murunyararo nezvose zvine chekuita nebudiriro muupenyu hwavo.

Saka bvuri mweya wakaipa waunenge wapfekedzwa nemuvengi kuti usabudirire. Shungu ndedzekuti uite rombe. Kana iwe uchifungidzira kuti ndizvo zvauri, famba muchivanhu kana kune vemachechi vasiri vemanyepo utsvage kubatsirwa.

Ziva kuti bvuri haripedzwe kuchipatara asi kuti zvinoda chivanhu.

Kana usingagone kufamba wega, udza vechikuru mumhuri menyu vafambe newe uye zvikaitwa nemazvo zvinopera.

 

Bvunza Kwayedza pa: 0714 200 007 kana 0775 421 949 kana 0715 942 183.

CHISHONA CHAKANAKA

$
0
0

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: kwayedza@zimpapers.co.zw kana patrick.shamba@zimpapers.co.zw. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.* * *

MHINDURO DZESVONDO RAPERA:

Tipe zita rakakodzera rinozadzisa makashama.

1. Munda wenzungu unonzi . . . (tseu)

2. Munda mutsva unonzi . . . (gombo)

3. Munda wachembera unonzi . . . (gura)

4. Munda unorimwa mupunga . . . (doro)

5. Munda wamambo unorimwa nevanhu vese . . . (zunde)* * *

ZVAKABVA KUVANA:

Robson T. Nyamhunga, Mucheri Secondary School, Zvimba – Tsumo: 1. Mviro-mviro dzemhanza mapfeka; 2. Zvikoni zvikoni mimba haibvi negosoro; 3. Varume kutsva kwendebvu vanodzimurana; 4. Charovedzera charovedzera goda rakakwira mawere kwasviba; 5. Mbudzi kuzvarira pavanhu hunzi nditandirwe imbwa.* * *

Nomatter Nyamhondoro, Bethel Christian College, Karoi – Tsumo: 1. Mviro-mviro dzemhanza mapfeka; 2. Zvikozvikoni mimba haibve negosoro; 3. Varume kutsva kwendebvu tinodzimurana; 4. Charovedzera charovedzera gudo rakakwira mawere . . .* * *

Chriselda Pamire, Grade 7, Kawara Primary School, Mhondoro-Mubaira – 1. gandiwa; 2. gombo; 3. gura; 4. doro; 5. zunde * * *

Patience Mafuwu, Form 4, Ruwa – 1. Mapfeka; 2. negosorwa; 3. vanodzimurana; 4. gudo; 5. imbwa. * * *

Reuben Deme, Harare – 1. mapfeka; 2. negosorwa; 3. vanodzimurana; 4. gudo; 5. imbwa * * *

Learnmore Gundani, Grade 7, Beatrice – 1. mapfeka; 2. negosoro; 3. tinodzimurana; 4. gudo; 5. imbwa. * * *

Wellington Sitonya, Chitungwiza – 1. Mapfeka; 2. negosorwa; 3. dzinodzimurana. * * *

Mapurisa 10 – 1. mapfeka; 2. negosoro; 3. vanodzimurana; 4. gudo; 5. imbwa. * * *

Lynia Makumbe, Form 1 – 1. Mviro-mviro yemhanza mapfeka; 2. Zvikoni zvikoni mimba haibviswi negosorwa; 3. Varume kutsva kwendebvu vanodzimurana; 4. Charovedzera charovedzera gudo rakwakwira mawere kwasviba; 5. Mbudzi kuzvarira pavanhu zvanzi nditandirwe imbwa. * * *

Magumbo, 0777 464 899 – 1. Mviro –mviro yemhanza mapfeka; 2. Zvikoni zvikoni mimba haibvi negosoro; 3. Varume kutsva kwendebvu vanodzimurana; 4. Charovedzera charovedzera gudo rakakwira mawere kwasviba; 5. Mbudzi kuzvarira pavanhu hunzi nditandirwe imbwa. * * *

Mai Christamenta Marenga, Mubaira, Mhondoro – 1. mapfeka; 2. gosoro; 3. vanodzimurana; 4. bveni; 5. imbwa * * *

Obey, Borrowdale – 1. Mapfeka; 2. nechikosoro; 3. vanodzimurana; 4. gudo; 5. imbwa * * *

Anyway Phiri, Ruwa – 1. mapfeka; 2. negosoro; 3. vanodzimurana; 4. gudo; 5. imbwa * * *

Joyce Mapuranga, Greendale – 1. mapfeka; 2. gosoro; 3. vanodzimurana; 4. gudo; 5. imbwa * * *

Never Makata, Mtetete High, Chirumhanzu, Midlands – 1. mapfeka; 2. negosoro; 3. vanodzimurana; 4. gudo; 5. imbwa * * *

Lincon Usayi, Kandeya Village, Mt Darwin – 1. mapfeka; 2. negosora; 3. kunodzimurana; 4. gudo; 5. imbwa * * *

Pelostage Gatsi, Grade 6 Orange, Rushinga Primary School – 1. mapfeka; 2. negosoro; 3. vanodzimurana; 4. gudo; 5. imbwa. * * *

0738 106 170 – Varume kutsva kwendebvu vanodzimurana. * * *

Anelle Muchena, Glen View 1 – 1. mapfeka; 2. negosoro; 3. vanodzimurana; 4. gudo; 5. imbwa * * *

0773 011 381 – 1. mapfeka; 2. negosoro; 3. vanodzimurana; 4. gudo; 5. imbwa * * *

Macyline Muyanga, Chikonohono Primary School, Chinhoyi – 1. mapfeka; 2. negosoro; 3. tinodzimurana; 4. gudo; 5. bere * * *

Shalom Mahobe, Shurugwi – 1. mapfeka; 2. negosoro; 3. vanodzimurana; 4. gudo; 5. nhunzi * * *

0779 235 533 – 1. Mviro-mviro dzemhanza mapfeka; 2. Zvikoni zvikoni mimba haibvi negosoro; 3. Varume kutsva kwendebvu vanodzimurana; 4. Charovedzera charovedzera gudo rakakwira mawere kwasviba; 5. Mbudzi kuzvarira pavanhu zvanzi nditandirwe imbwa. * * *

Precious Chirange, Kuwadzana 5 – 1. mapfeka; 2. negosoro; 3. vanodzimurana; 4. gudo; 5. imbwa. * * *

0776 117 291 – 1. Mapfeka; 2. negosoro; 3. vanodzimurana; 4. gudo; 5. imbwa * * *

0773 232 122 – 1. Mapfeka; 2. negozoro; 3. tinodzimurana; 4. gudo; 5. imbwa * * *

0715 796 300 – 1. mavende; 2. negosorwa; 3. vanodzimurana; 4. gudo; 5. imbwa * * *

Norest Nyamayaro, Highfield – 1. mapfeka; 2. negosoro; 3. vanodzimurana; 4. gudo; 5. imbwa * * *

Infinite Mazaru, Gwinya Government Primary School, Mbare, Harare – 1. mapfeka; 2. negosoro; 3. tinodzimurana; 4. chando chakwidza hamba mumuti; 5. gudo; 6. imbwa * * *

0774 401 256 – Tsumo: 1. Mviro-mviro yemhanza mapfeka; 2. Zvikoni zvikoni mimba haibvi negosorwa; 3. Varume kutsva kwendebvu vanodzimurana; 4. Charovedzera charovedzera gudo rakakwira mawere kwasibva; 5. Mbudzi kuzvarira pavanhu zvanzi nditandirwe imbwa. * * *

Magumbo, 0777 464 899 – 1. Munda wenzungu unonzi tseu; 2. Munda mutsva unonzi gombo; 4. Munda unorimwa mupunga unonzi doro; 5. Munda unorimwa nemunhu wose wamambo unonzi zunde. * * *

Stella, kuRenco Mine – 1. Munda wenzungu unonzi tseu; 2. Munda mutsva unonzi gombo * * *

Felicia Mundanda, Garanje Primary School, Bikita – 1. tseu; 2. gombo; 3. gura; 4. doro; 5. zunde * * *

0776 117 291 – 1. tseu; 2. gombo; 3. gura; 4. doro/dimbwa; 5. zunde ramambo * * *

Faith Chipfere, Jerera, Zaka – 1. Tseu; 2. gura; 3. gombo; 4. doro; 5. zunde * * *

Christamenta Marenga, Nyangweni Primary School, kwaMubaira kuMhondoro – 1. gandiwa; 2. gombo; 3. saruka; 4. doro; 5. zunde * * *

Tariro Dauka, Glen View 3 Primary – 1. tseu; 2. gombo; 3. gura; 4. doro; 5. zunde * * *

Shalom Mahobe, Shurugwi – 1. tseu; 2. gombo; 3. gura; 4. doro; 5. zunde * * *

Never Makata, Mtetete High, Chirumhanzu, Midlands – 1. Tseu; 2. gombo; 3. gura; 4. doro; 5. zunde * * *

Anelle Muchena, Glen View 1 – 1. Munda wenzungu unonzi tseu; 2. munda mutsva unonzi gombo; 3. munda wachembera unonzi gura; 4. munda unorimwa mupunga unonzi doro; 5. Munda wamambo unorimwa nevanhu vose unonzi zunde. * * *

Precious Chirange, Kuwadzana 5 – 1. tseu; 2. gombo; 3. gura; 4. doro; 5. zunde * * *

Tasiiwa Mwarwisa, Cashel Valley – 1. Apunyaira haashaye misodzi; 2. Chisi hachieri musi wacharimwa; 3. Chitsva chiri mutsoka; 4. Chinoziva ivhu kuti mwana wembeva ari kurwara; 5. Kakara kununa hudya kamwe * * *

0772 324579 – Hari yedoro inonwiwa panhimbe inonzi chii? * * *

Angelberta Maraso, Highfield – 2. Mwana wedatya anonzi buruuru; 3. Mwana wekatsi anonzi chidharimbo; 4. Mwana wenguruve anonzi chigwi; 5. Mwana wembeva anonzi uhwerere * * *

Takudzwa Marevangepo, St Columbas Primary, Mutasa – Mwana wekamba anonzi chii? * * *

ZVEKUITA SVONDO RINO:

Isa mazita aya muzvizhinji:

1. Gombo –

2. Huni –

3. Gura –

4. Doro (remunda) –

5. Huswa –

6. Dovi –

7. Ngano –

8. Rukova –

9. Tsvimborume –

10. Bepa –

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Mbavha dzozama kuviga mhosva

$
0
0

Munyaradzi Gunduza —
MATANHO anotorwa nembavha kuti dzisabatwe kuti dzainge dzaba mari paC and T Private Limited nezvikoniso zvacho. Vakuru veboka rinotungamirira zvemari paC and T Private Limited vakanga vave kunetsa maodhita aiona nezvekufambiswa kwakanga kwaitwa mari pakambani iyi vachingobvunza kuti mave papi, mave papi. Vaida kuvhiringidza vanaBeaula vaiita ongororo yemashandisirwo emari pakambani iyi kuti vawane kamukana kekutiza.

Danho iri rinokona nekuti chikwata chemaodhita chinorambira vakuru vezvemari vepaC and T Private Limited kuvaudza pavakanga vave.

Vheremu anotuma mumwe mushandi aive pasi pake kuti afonere mukuru wemaodhita aiongorora mafambiro emari yepaC and T Private Limited anove Beaula. Nyakufona uyu akanga achida kuziva kuti ripoti yezvemafambiro emari paC and T yakanga yave kupera kunyorwa here. Zano iri rinotadziswa kubudirira nekuramba kunoita Beaula kutaurira munhu uyu nyaya dzebasa dzavakanga vachiongorora.

Mbavha dzainge dzaba mari paC and T Private Limited dzinokonzera tsaona inouraya shamwari dzaBeaula mbiri dzaibva kubasa kuMasasa paC and T Private Limited idzo dzaaishanda nadzo mukuongorora mari yakabiwa pakambani iyi. Tinonzwa kuti motokari yakaroverana neyavo haina kuzoonekwa kuti yakanga yafamba sei sezvo isina kumira. Patsona iyi pakatsakatikawo mamwe mapepa ebasa aishandiswa nemaodhita aya kuongorora mafambiro emari kuC and T.

Zano iri rinotadza kubudirira nekuti maodhita aya akanga asina mapepa ese aishandiswa pakuongorora nyaya yekutsakatika kwemari paC and T Private Limited.

Mbavha dzinotora rimwe danho rekutapa Beaula anove aitungamira chikwata chemaodhita aiita basa paC and T Private Limited. Tinozviona Stanley paanoedza kufonera musikana wake Beaula, asi nhare yake ichiramba kupinda. Apa Beaula ainge apambwa nechikwata chavanaSolo naVheremu ndokuendeswa kuChriston Bank. VanaVheremu vanotadza kubudirira nekuti Stanley anotanga kutsvaga vanhu vainge vapamba musikana wake, ndokuwana nhamba dzekumba kwaVheremu kunove kwaakazonzwa zvakawanda zvaizomubatsira kutakanura Beaula. Mbavha dzinobhadhara Samson mari kuti adzitendere kupinda mumba maStanley munofungidzirwa kuti ndimo maive naBeaula pamwe chete nemapepa aaishandisa kubasa. Zvinoita kuti dzitenderwe kupinda mumba maStanley pasina dambudziko dzichitsvaga zvadzaida. Zano iri rinotadza kubudirira nekuti Samson akazotyisidzirwa naStanley ndokutaura zvakanga zvaitika kuti mbavha dzipinde mumba make.

Monya anozotevera Samson aive gadhi wepaSearing Heights ndokumuponda sezvo akanga avatengesa kumapurisa. Apa vaiedza kuti nyaya yavo yekupinda paSearing Heights muchivande vachipamba Beaula nekutora mamwe mapepa ake ebasa itsakatike nokuti Samson aisazowanikwa kuti ape humbowo pamberi pedare.

Danho iri rinotadza kubudirira nekuti Samson akanga azivisa Stanley zvese zvainge zvaitika uye Monya anoonekwa nevana vechikoro vakaita saRopafadzo achiponda Samson. Mbavha dzinoshandura ruvara rwemotokari yaBeaula. Tinozviona Stanley paanoona motokari yaBeau iri mugaraji kuChriston Bank asi yakashandurwa ruvara. Zano iri rinotadza kubudirira sezvo Stanley akaziva motokari iyi nekuti Beaula aimbokweshera nayo pagonhi rekuruboshwe kuSearing Heights achiri kudzidzira zvekutyaira motokari.

Mbavha dzinoedza kupomera Stanley mhosva yekuponda Eve kuti dzisabatwe. Tinozviona panopondwa Eve naMonya ndokusiya ateya Stanley achiitira kuti paanoenda kumba kwaEve omhanya kunoshevedza mapurisa. Pakarepo Stanley anobva asvika achisungwa nemapurisa achipomerwa mhosva yekuponda.

Izvi zvinotadza kubudirira nekuti Stanley anobva apihwa bhero kudare redzimhosva ndokubuda kunze kwaanoenderera mberi nekutsvaga Beaula ainge apambwa.

Tsvagaiwo mamwe matanho amunoona anogona kunyururwa mubhuku iri asina kutsanangurwa muchikamu chino.


Kukodza mutauro

$
0
0

Ticha Danga —
KURUNGA kwese kunoitwa nemutoo une mwero uye wakafanira. Chikonzero chekurunga ndechekuti zvabikwa zvigoendeka.

Kana huri husavi, panobva paita kuti sadza ridzike zvakanaka. Kana uri mutauro, zvinoita kuti vateereri vakakatirwe pfungwa dzavo kuchirongwa chinenge chichiitika.

Chikamu chapfuura ndakati batei tsumo seimwe yenzira dzekurunga mutauro ndichiti dzinokwezva muverengi nemukwenyi, uye kuti dzinoratidza kurongeka kwemunhu.

Ukanzi, “Unapo panokwana gonzo muswe uchipata” zvinoreva kuti uri nyanzvi yekukakavara uye unovavarira kuita zvinhu zvisingaite.

Vamwewo ndevaya vanoda kungosusumhira nepavasingakwani kana kuda kudya nekutamba neshoroma ivo vari venhoko dzezvironda. Pakadai vagoni vanoti, “Musazvisusukidze senyama yemusoro”.

Hadzisi tsumo dzega dzinorunga mutauro sekutaura kwandakamboita. Mutauro unorungwa zvakare nemadimikira kunova kutaura kuya kwakavanzika kwekuti asina ruzivo rwakadzama haagone kubata zvataurwa.

Mubvunzo dzedu tinogona kusangana nemubvunzo unoda kutsanangudza madimikira. Tinogona zvakare kurunga zvinyorwa zvedu nemadimikira. Kana chiri chinyorwa chakaita serondedzero, madimikira ane mwero anochinakisa.

Kana ukanzwa vanhu voti, “Pakanga pakasungwa neutare” zvinoreva kuti pakange pakaoma, pasingapindike kana kupfuurika.

“Kusona rwainge” zvinoreva kuti hapana kana chekubata. Pakatoomesesa zvekuti kuedza kubatanidza chino nechecho zvichiramba. Kana zvakare zvonzi, “Akasoneswa rwanga zvoreva kuti akatambudzwa zvakaomarara uye achiitiswa zvinhu zvisingaite.

Kune vanhu vanonzi vane mutyutyu, vaya vanongoita zvese zvese vasina kudzikama. Vanhu ivavo ndivo vanogona kukurongerai tsvingo nedzinoera. Paya patinenge tichida kutaura pamusoro paamai vaingozvara vakomana chete, tinoti, “Nyoka yaamai yakatadza kuroodza”. Kana vanhu vachinzi makara asionani zvinoreva kuti vanhu ivavo vanenge vakavengana zvekuti havagone kugarisana.

Madimikira zvakare anogona kunzi azadzise mitsara zvakakodzera. Zvoreva kuti unofanirwa kunge uchiziva zvaanoreva kuti zvigodyidzana nechirevo. Zvipauro zvinoshandiswa zvakare kukodza mutauro. Zvipauro zviripo kuratidza mamiriro chaiwo ezvinhu. Kana tichinyora rondedzero pamusoro pemunhu kana chinhu, tinoshandisa zvipauro kuti tiburitse zvazviri. Muenzaniso watingapa unoti, “Chikomana chipfupi chakaroora kakadzi katema”. “Zigadzi zidema rakatema zimuti ziguru.”

Tinogona zvakare kukodzeka mutauro nenyaudzosingwi. Idzi dzinodiwa pakuzadziswa zvirevo kana kuburitsa maitikiro chaiwo ezvinhu.

Sekuti, muto wose wakaoma kuti “gwaa” Denga rese rakati “dhumha” nemakore. Akanzi mbama “watsu” ndiye mhere “kwetsu” kana “povo”.

Nyaudzosingwi dzinoita kuti vanhu vanakidzwe nemutauro.

Fananidzo dzinotibatsira zvakare paya patinenge tichida kutsanangudza zvinhu. Kazhinji tikazvifananidza nechimwe chinhu chinozivikanwa chinobva chagara mumusoro. Tinoti anokara sebere, anorwa semvumba, akachena sengirozi chaiyo, anodya senguruve. Anoverenga anobva aita mufananidzo chaiwo wechinhu chiri kutaurwa muchinyorwa.

Muzvikamu zvinotevera tinoda kutarisawo zvakaita sefananidzo kuti zvinyorwa zvedu zvigonakidza.

Zim yakahwinha makwikwi eAu

$
0
0

Muchaneta Chimuka —
MUKOMANA wechidiki wemuZimbabwe akasimudza mureza wenyika nguva pfupi yadarika zvichitevera kuhwinha kwaakaita mubairo mukuru weAfrica Union Logo Contest apo akaratidza hunyanzvi hwake muzvinyorwa zvegraphic designing.

Quentine Nyoni (22) akahwinha mubairo uyu mushure mekuonekwa kuti logo yaakadhirohwa yaifambirana nedingindira regore rino remusangano weAfrican Union iro rinoti “Harnessing the Demographic Dividend through Investiments in Youth.”

Muchiitiko ichi – icho chakave chekutanga muAU – vechidiki vari kuita zvidzidzo zvegraphic design vakawaniswa mikana yekuratidza hunyanzvi hwavo.

Nyoni akawana mubairo we$1 000 uye akasarudzwa kuti apinde musangano mukuru weAU wevatungamiriri venyika neHurumende we28th Ordinary Session Summit wakaitirwa kuAddis Ababa, kuEthiopia, uyo wakaitwa kutanga musi wa30 kusvika 31 Ndira 2017.

Vamwe vakapinda musangano uyu vanosanganisira munyori mukuru weUnited Nations, VaAntónio Guterres.

Chirongwa cheAfrican Union Logo Design Contest chakaparurwa naDr Martial De-Paul Ikounga avo vanova African Union Commissioner of Human Resources, Science and Technology.

Nyoni akakwanisa kuenda kumusangano mukuru weAU uyu kuburikidza nerutsigiro rwakabva kusangano reUnited Nations Population Fund (UNFPA).

“Ndakange ndakamirira vechidiki apo ndakanotsanangura nezvemureza weAfrican Union pamwe nelogo yangu kuvatungamiriri venyika neHurumende. Ndinofara zvikuru nekuwaniswa mukana uyu uye ndicharamba ndichienderera mberi nedzidzo ine chekuita nekusimudzirwa kwenyika dzakasiyana,” anodaro Nyoni.

Anoti ari kutarisira kuzotanga kambani yake inoona nezvekufambiswa kwemashoko kuburikidza neruzivo rwechizvino-zvino yeMultimedia, iyo kana ikabudirira, ichaita kuti azokwanisa kufundisa vechidiki vemuZimbabwe kuti varatidze zvipo zvavo pachena.

“Ndichada kuvafundisa kuti vazive kuti graphic design ibhizimusi riri kuitwa nevanhu vashoma munyika muno nokudaro ndinoda kufundisa vechidiki kuti vashandure upenyu hwavo sezvandakaita ini,” anodaro.

Nyoni ari kutarisira zvakare kuramba achivandudza fundo yake sezvo anoti kana apedza zvidzidzo zvake zvegraphic design anoda kuenderera mberi nezveInternational Development Studies.

“Pandakaenda kuAddis Ababa, ndakadzidza zvinhu zvakawanda izvo zvakandipa shungu dzekuti ndinge ndichiramba ndichisimudzira dzidzo yangu,” anodaro.

Mumiriri weUNFPA muZimbabwe – VaCheikh Tidiane Cisse – vanoti vanotenda zvikuru AU mukutsigira zvipo zvevechidiki.

Vakarova chikoro paO-level

$
0
0

Muchaneta Chimuka —
VANA vemuzvikoro zvakasiyana avo vakanyora bvunzo dzeO-Level dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) dzegore rapera vakabudirira zvikuru.

Mufakose 1 High School yemuHarare chimwe chezvikoro zvine vana vakarova chikoro zvinonwisa mvura. Mutevedzeri wemukuru wechikoro ichi, VaKesias Kondo, vanoti vana vavo vakapasa zvinonwisa mvura pabvunzo dzeO-Level.

“Pano vana vakapasa vakati wandei uye tichiri kuita ongororo yekuti vakabudirira nechikamu chipi. Asi gore rapera paA-Level taive nevadzidzi 23 vakabuda nemapoinzi 15 kana kudarika uye pakati pavo taive nevasikana 8,” vanodaro.

Hevanoi vamwe vevana vepachikoro ichi vakapasa zvinodadisa:

Mazita ezvipfuyo

$
0
0

Ticha Danga —
REGAI timbosandura musambo rwendo rwuno timbobatawo zvimwe zvakasiyana nezvirungamutauro. Tinoda kukandira mambure edu kwese kwese tione chatinobuda nacho pabvunzo.

Bvunzo rakangofanana nemimba dzakare, mimba dzakare dzakange dzisina zvivhitivhiti zvotoona nhasi uno zvinogona kutaura kuti mwanai achazvarwa. Kare kare zvaizonzwika zuva rekuzvarwa nekudaro gadziriro yacho yaingoitwa yezvinhu zvese zvese nekuti hapana ainziva kuti mwanai achazvarwa.

Ndizvo zvakaita bvunzo, hapana anonyatsoziva kuti richauya sei nekudaro tinongobata kwese kwese tichiita dzokororo.

Tinoda kutarisa mazita ezvipfuyo zvepamusha. Mazita aya anogona kushanduka nekuda kwemitauro inosiyana nzvimbo nenzvimbo asi ndichaedza kudura ese andinoziva.

Tinochengeta huku pamusha apo tinotarisira kuwana mazai nenyama. Huku tseketsa ndiyo inokandira mazai ichizochochonya twunhiyo kana twuhukwana ndokunge yaararira. Kana twunhiyo twati sasamukeyi, twomera mapesu nekuda kubuda muchochororo twunenge twonzi twumhupupu. Kungobva muumhupupu huku dzinopatsanurana kuti hadzi dzisati dzokandira mazai dzonzi sheshe twuya twabuda michororo twonzi twumachongwe.

Huku iya yakandira mazai ikachochonya vana vainenge yofamba navo kusvika yavarumura inenge yava nhunzvi. Pamusha ipapa panoita jongwe guru rinenge rava nezvimbi munzondora. Jongwe iroro rinonzi gukurume.

Mombe dzinotipa mukaka, mupfudze, nyama nesimba rekudhonza magejo. Mombe idzodzo dzine mazita adzo zvichienderana nezera. Tsiru imombe isati yabereka. Ikazoti kurei yobva yabereka inenge yonzi mhou. Kana iri hono inotanga iri chimhuru choita chigondora kana chisisayamwe mukaka. Kana chakura chisina kuchekwa chinobva chanzi handira kana chakachekwa chisati chorima chinodaidzwa kunzi jon’osi. Kana yava kusungwa kana kubopwa inenge yonzi ngavi kana dhonza.

Mombe isina nyanga inonzi nzuma kana kuti junju. Kana yava mombe iya yakurisa inonzi mugudhu kana kuti dore. Kazhinji dore rinenge rasara musana chete mbabvu dzichitoverengeka. Mombe isingabereki inonzi ramba, mhanje kana kuti tsotse. Kana mombe iri itsva mudanga inonzi njeni.

Mbudzi isati yabereka inonzi sheshe. Kune dzimwe nzvimbo inhunzvi. Kana iri mbudzi hono isina kuchekwa inonzi chigotora kana kuti gotokoto. Mwana wembudzi anonzi nyenye kana kuti mbudzana. Mbocho imbudzi hono isina kuchekwa.

Hwai nembudzi zvinoda kufanana asi kuti chihwai chikono chisina kuchekwa chinonzi chihondohwe. Mwana wehwai achinzi hwaya kana kuti nyenye.

Dhongi rinodirwa kushanda pamusha uye kusateta nzara. Munguva yenzara mombe dzinopera kuti tsvai asi madhongi achingofamba nekushanda. Mwana wedhongi anonzi kamubhemhe kana kuti dhongwana.

Katsi yakanakira pakubata makonzo nekurwisa zvipuka zvakaita senyoka. Mwana wekatsi anonzi chidharimbo.

Vamwewo vanopfuya hangaiwa pamusha idzo dzinonzi kirimba nevamwe. Mwana wacho anonzi marunga.

Imbwa dzinochengeta misha uye dzinobatsira pakuvhima. Imbwa hadzi yakazvara ine vana inonzi nzvere. Mwana wembwa anonzi handa kana mbwanana.

Nyunyuto nerayiro

$
0
0

Munyaradzi Gunduza —
13. NHETEMBO dzaTawanda Mushimbo dziri muna Mutakunanzva Wenhetembo dzinotevera dzine dingindira renyunyuto.

(i) Nyarai vanasikana!

(ii) Yambiro kunemi vachiri kukura

(iii) Mudzimai andishungurudza

(iv) Ndini Watsiapu muchandiona

Tsanangura zvinhu zvitatu zvinoburitswa mune imwe neimwe yadzo zviri maererano nedingindira iri. [25]

Kubva muna Nyarai vanasikana!, anonyunyuta pamusoro pevanasikana nekuti vari kufamba vakaisa nhengo dzemuviri yavo dzakavanzika pachena sepaanoti, “Munofamba mazamu ari panze, mava mombe here?” Nyanduri ari kunyunyuta maererano nekuzvishongedza kwevanasikana nekuti hakuna chimiro chakanaka sepaanoti, “Mapfekero enyu anonyadzisa.” Nyanduri anonyunyuta nekuti vanasikana vava kuita kuti vanhu vashaye pekupinda nekuvanyarira nemapfekero avo sepaanoti, “Munoda kuti tifambe takatarisa kupiko?”

Mudetembo rinonzi Yambiro kunemi vachiri kukura, anonyunyuta nekuti panguva yavaisunungura nyika vaishaya aivabatsira sepaanoti, “Tichirwira nyika taishaya chekubata nayo nyota hapana aitikanda ziso.”

Nyanduri ari kunyunyuta nekuti vechidiki vanoshuva kupandukira nyika sepaanoti, “Vemukaka pamhino munoda kutengesa ivhu nemhaka yei?” Nyanduri ari kunyunyuta kuti vechidiki vanoshuva kuvapinzazve mumarwadzo avakambobuda sepaanoti, “Munoda kutidzosera mushashiko nokuda kwei?”

Mudetembo retatu rinonzi Mudzimai andishungurudza, anonyunyuta nekuti haasisina rugare nemudzimai waakazvitsvagira sepaanoti, “Ndakaroora asi handina mufaro.” Nyanduri ari kunyunyuta nekuti anogarorohwa nemukadzi sepaanoti, “Mudzimai anondizvindikita siku nesikati.” Nyanduri anonyunyuta nekuti akasaita basa repamusha mukadzi wake haamupe chekudya sepaanoti, “Kurega kutsvaira mumba ndonyimwa tsvutugadzike.”

Mudetembo rinonzi Ndini Watsiapu muchandiona, anonyunyuta nekuti ari kupomerwa huparadzi sepaanoti, “Vanhu vanonditi ndiri mharadzi, asi ini ndinongove mutumwa chete.”

Nyanduri anotsutsumwa nekuti ari kushandiswa kufambisa mashoko ekupesanisa vanhu sepaanoti, “Ndinoshandiswa kutumira manzwi ekurwisanisa.” Nyanduri anotsutsumwa nekuti haana simba rekuranga vanhu vanomushandisa kuputsa dzimba dzevamwe sepaanoti, “Dai ndiine masimba acho, ndairanga vanoparadza misha yevamwe.”

14. Kubva muna Mutakunanzva Wenhetembo, sarudza nhetembo shanu dzerayiro dzakanyorwa navananyanduri vakasiyana. Zvino chitsanangura rayiro nhatu dzinoburitswa mudetembo rega rega rawasarudza. [25]

Ndasarudza nhetembo idzi; Hokoyo nekorera! naTawanda Mushimbo, Zvakapera zvokungochema naNyevero Maruzani, Chimandamanda chaMuchareva naAbel Mauchi, Murimi wanhasi naTineyi Chipise uye Yambiro yangu kuna Chiedza naIgnatius C. Musonza.

Detembo rekutanga nderaTawanda Mushimbo rinonzi Hokoyo nekorera!, anotirayira kuti tikatora matanho ekupedza chirwere chekorera taganhura kufa kwevanhu sepaanoti, “Mukadzinga korera madzingawo rufu.” Nyanduri ari kutirayira kuti tikatenga zvekudya tinofanira kutanga tazvishambidza tisati tadya, zvinotibatsira kupedza chirwere chekorera nendufu sepaanoti, “Pawatenga michero igeze usati wadya, ukadaro wadzinga korera nerufu.” Nyanduri anotirayira kuti tikashambidza zvimbuzi taganhura kupararira kwechirwere chekorera sepaanoti, “Mukachenesa chimbuzi madzinga korera.”

Mudetembo raNyevero Maruzani rinonzi Zvakapera zvokungochema, anotirayira kuti tinokwanisa kuvambawo mabhizimusi edu uye hazvinei nezera sepaanoti, “Newewo unogona kutangawo mhindu yako, zera harina basa.” Nyanduri anotirayira kuti tikazvitangira mabhizimusi tinenge tichikwidziridza budiriro yenyika sepaanoti, “Pinda mumhindu usimudzire nyika yako!”

Nyanduri anotirayira kuti tive nepfungwa dzakarodza, tiitewo mabasa emaoko sepaanoti, “Shandisa njere upinde mumhindu.”

Detembo retatu ndariwana kuna Abel Mauchi rinonzi Mari ingwarirei, anotirayira kuti mari inofanira kusevenzerwa nenzira dzakanaka dzisiri dzeutsotsi sepaanoti, “Inoda kutsvagwa negwara, kwete zvechitsaudzira.” Nyanduri anotirayira kuti tikatsvaga mari nenzira dzakaipa tinopinda muusungwa sepaanoti, “Jere unoriravira ukaitsvaga usingazivi.” Nyanduri anotirayira kuti mari inoda kungwarirwa nekuti inoputsa dzimba sepaanoti, “Munorambana kana mukasaziva mari muitiro wayo.”

Mudetembo rinonzi Murimi wanhasi, nyanduri Tineyi Chipise anorayira murimi kuti arime chikafu chinozadza dura sepaanoti “. . . rima chinhu chinopa maguta.” Nyanduri anorayira murimi kuti ashinge kurima nekuti ndiko kwakatsigira raramo yake sepaanoti, “Upenyu hwako hwakabatwa nako kurima.” Nyanduri anorayira murimi kuti ashinge kurima agopa vanhu vakawanda maguta sepaanoti, “Shanda nesimba ugutse ruzhinji rweZimbabwe nevamwe vekunze.”

Mudetembo rekugumisira raIgnatius C. Musonza rinonzi Yambiro yangu kuna Chiedza, anorayira mwanasikana kuti ngaazvichengetedze pese paari sepaanoti, “Iko kuzvibata ngakugare uri musimboti wazvose zvauri.”

Nyanduri anorayira mwanasikana kuti ngaateramire uye agone kutaura nevamwe zvakanaka sepaanoti, “Zvininipise, nyorovesa mashoko.” Nyanduri anorayira mwanasikana kuti kuba kwakaipa uye kunopinza mujere sepaanoti, “Kuita ruoko hachisi chipo kana unyanzvi, asi kutokota tirongo kuti rikupfigire!”

Viewing all 921 articles
Browse latest View live


<script src="https://jsc.adskeeper.com/r/s/rssing.com.1596347.js" async> </script>